Amai Mimie (K.Khums)
February 18, 2025 at 05:04 AM
https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK
Ichi chiri kupisa kana uri fan ramai Mimie pinda muchannel usarasikirwe nemamwe machapters👇
https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j
MABHAWU
Written by Amai Mimie (K.Khums)
0782 818 892
0716 622 299
Chapter 1
"Chero ndimi mhamha mungazvidawo here zvakadai?Tarisai social media yose ingori Mabhawu,Mabhawu achakura rini mwana wenyu iyeyu?Muchanyara zvenyu naye mwana wenyu uyu anoita kunge dzisimo.Haatooni kuti akura asi kuzvimhandara haabvire."
Ndaitobva kunogeza pandakanzwa hanzvadzi yangu Garry achitaura namhamha.Ndakapinda mumba ndichiti,"Ko ndaita sei?"Akabva afamba achiuya pandaiva ndakamira chibva ati,"Urikuda kumbodzikamiswa iwe nokuti urikuenderera chaiko.Zera rako irori uswero chukucha chiuno kuita kunge uchatyoka musana uchiita zvinhu zvisina basa izvozvo.Zvokupei mulife mako?Handina kukuudza here kuti handidi kukuona uchienda kuchimhandara."
"Handina kumboenda ini,hindava uchitaura zvekunyepa."Ndakazongonzwa rava gwati iro rakatsemura muromo wangu.Ndokutanga kubuda ropa."Urikuita seiko iwe Garry aita seiko mwana wauri kurova iyeye?"Akapinda achidero Dzingie hanzvadzi yangu zvakare aiva mapatya pakuzvarwa kwavo.Ini ndini gotwe mumba medu takangozvarwa tiri vatatu chete.Ndakakwenya mhino nekasiyamwa nokuti ndaiziva kuti pavaviri ava hapana aida kuona ndichirohwa neumwe vaitonetsana chete.Ndakawedzera kuchema zvino apo ropa riya richiti do_do ndikaona Dzingie achiita hasha."Urikuona here kuti wakuvadza mwana."Akadero achikanda chibhakera kune umwe wake tsiva ichibva yatotanga.Kana zvadai hapana aitenderwa kubata vaisada izvozvo zvachose.Kungopinda pakati pavo nyaya yacho yaisarira iwe.Ndaipota ndichizhinya zvangu ndipo pandakanzwa mhamha vachiti,"Unonzwa kufara chose kana vana vangu vachirwa ndizvo ka Khethiwe."
"Ko ndaita sei nhai mhamha?"Ndakadero ndakatarisa pasi vachibva vati,"Uchakura rini,asi unofunga kuti urikudzokera mudumbu here?Hauna kuudzwa here nehanzvadzi dzako kuti hatidi kukuona uchienda kuzvimhandara?Ko unoendera chii?Chii chaunenge uchida kuona chinoshamisira ikoko.Iko kutamba Mabhawu uchiombererwa maoko nevanhu ukati kudiwa izvo ndiwe unenge uchitofumuka kusaziva kwako fuza remunhu."Vakadaro vachiratidza kutsanwa kwazvo ndikati,"Handina kumboenda ini mhamha this time.Ndakaguma kare paya pandakarohwa nevana venyu vachindikandidzana."
"Vhara hako gaba rako handidi nemashoko angu.Haunzwe hameno kuti wakaita sei chaizvo?Ukaramba uchindiitira musara kudai uchaona hako zvandichakuita hanzvadzi dzako dziri kukurova hembe."
Ndakaramba ndiri zii vachibva vaenderera mberi nekupopota ukuwo matwins aingokandana zvibhakera chete.Ndakabva ndangoti verere ndokuenda kunhanga kwangu uko kwandakasvikozvikanda pakasingle bed kangu.Kana kuri kuchimhandara kwaisaregedzeka zvachose ndiko kwandaifarira ikoko.Ndaifara kwazvo pandainzwa kuti mwana wekwanhingi aroora.Ndini ndaiita wekutanga kusvika pachimhandara kuita kunge ndini tete vemunhu.Kwaifaya uye kwainakidza chose.Chimhandara kamutambo kanoitwa kana mukomana aroora mukadzi wake.Tinoungana tichipemberera nekubvisa mari,pachiridzwa marecords vanhu vachitamba.Kana kuri kutambisa chiuno ndiko kwaitovawo kubasa kwangu,handina kunyanya kusimba zvangu asi kutamba ndiko kubasa ndoita kunge ndichatyoka chiuno.Kumba kwedu ndivo vega vaitondidaidza nezita rangu rekuberekwa naro Khethiwe.Vamwe vose vekunze yaingova Mabhawu ini wacho ndaiva ndatojaira ndakudairawo pandaidaidzwa.Yaiti ikatanga kuridzwa Mabhawu haunyare ndaibva ndapengereka chaiko.Ropa rangu raiita kumhanya chaiko zvekuti kudaidzwa ndiri pastage hapana chandainzwa.
Kwaisvika pakuedza vanhu vachindibhejera ndichitamba chete,kungozoti mari yaizongova yemuroora mutsva chete kwete yangu.Ndaizviziva kuti ndizvo zvandaidirwa pazvimhandara izvozvo.Ndaisarara kusvika kwati ngwee iyo yaiva garo ziva.Zvino zvemusi uyu handina kunge ndaziva kuti pane munhu aitora mavedio ayo akazosvika kumba zvinova zvanga zvandipinza muhot soup.Ndaiva ndakasotsiurwa kare nhau yangu yekujaivha muzvimhandara asi manje zvanga zvapinda muropa zvave kunetsa kusiya.Ndaitopabuda chete ndakanangako kuno pemberera muroora mutsva.
Dzakazongondibata hope ndikapepuka ndichinzi namhamha ,"Urikudiwa panze apo."Vakadero vachindizungunutsa ndikati,"Ndianiko mhamha ndine hope ini?"Vakandiitira zvehasha zviya zvikanzi,"Muka uko shamwari dzako dziri kuda kukuona."
"Shamwari dzipi mhamha please ndoda kurara ini."
"Ndivana Leo vako muka uko."Pandakanzwa kuti Leo,hope dzose dzakabva dzapera ndichibva ndakwakuka pabed pandaiva ndokuti,"Anani Leo mhamha?"Vakadzungudza musoro wavo vachibva vabuda zvavo.Ndakasara ndichipukuta kumeso ndichibva ndabuda.Vaiva vakagara zvavo pamadziro emba yedu yataibikira vari vatatu ,umwe wacho handina kumuziva,umwe aiva Tamai.Ava vaiva vangu vandaiva ndagara ndichitamba navo zvangu.Shamwari dzangu dzepamoyo dzaiva dzechikomana kana hanzvadzi dzangu was okay about it.Vakatanga vachipopota kusvika vazongodzikamawo zvavo vatoona kuti ndivo vanhu vandaida mulife mangu.Kubvira ndiri kuchikoro kusvika patakazonyora hedu "o"level yedu ndidzo dzaiva shamwari dzangu.Hwanga hwaramba kuputsika hushamwari uhu.Pandakamitiswa ndiri form 2 ndaiti zvichapera asi hazvina ndipo pandakaona kuti kupesana kwedu kwaitonetsa chaiko.Ndakasununguka mwana wangu,ava ne6months ndichibva ndadzokera kuchikoro.
"Ndeipi team,team."Ndakadero ndichisvikogara pedyo naLeo.Vakadaira vose ndikati,"Kwakanaka here kuuya kuseni kuno?Wait a minute mamborarawo here vakomana imi."
"Aaaah iwe siyana nazvo mhani,timbosvika pamagirosa apa."
"Iwe Tamai kwana shaa handina kwandiri kuenda nemi ini,muchembere wangu akatsamwa zvisingaiti.Kana vari mabhuradha amai vangu handichatauri ka vanga vachirwa nekuda kwangu.Saka kubuda chaiko kungava kugarira marasha anopisa."
"Usadero kani Mabhawu."
"Ini manje mabhawu kwana Leo handisi kuenda nemi not today shaa ndine basa saka hazvibude."
"Rei tokubatsira hedu asi chatiri kuda huvepo hwako chete."
"Umm kwakanaka here?Zvekuramba ndichifurirwa nemi guys handidi manzwa."
"Serious tokubatsira iwe siya zvose mumaoko angu."
Panguva iyoyo ndakaona Garry naDzingie vabata zvitini kuti vanange kugarden kodiridza.Ko vanhu vacho vaikonana kwenguva diki vakutowirirana vaisatora nguva refu vakatsamwidzana.
"Hey my brothers ndipei zvitini izvozvo kuno team rangu rati riri kundibatsira nhasi kudiridza."
Vakanditarisa vese Garry ndiye akazoti,"Kana wapedza kudiridza kugarden mobva maenda kupi neshamwari dzako?"
"Hapana bro,,,trust me.I know ndakakanganisa kuenda kuchimhandara l want to rectify my mistakes."
"But how,,,"
"Ndodiridza garden rose neteam rangu ndodzoka ndichibika in time,l'm sorry handizvipamhe futi."Ndakadero ndadzikamira zvikanzi,"Anokuona anoti paita zvemunhu kwaye izvo kwani musoro uzere mvura."
"Sorry brother."Ndakazvininipisa nokuti neniwo wacho ndaitoda kunzwawo nyaya dzaiva dzaita kuti Leo naTamai vauye kumba kwedu kuseni kwakadai.Nekwavaigara ndotoshaya kuti vaiva vabatana nguvai.Kungoti team racho roita kunge rakatemerwa dzvatsvatsva mumakumbo.
"Mhamha ndakumbonobatsirwa kudiridza naLeo naTamai ndokasika kudzoka."
Vakangonditarisa ndichibva ndatobuda neteam rangu.Ndainzwa ndakakwana nezvose kana ndinaTamiai naLeo zvekuti kumusha kunobhohwa yaitovawo imwe nyaya iya.Isu kwedu kumusha kunofaya kwete zvenhema.Ndakakwenya Tamai ndikati,"Ndevapi ava?"Akabva aita dzungu ndokudaidzira kuti azvinzwe achiti,"Ketty arikuda kuziva kuti ndimi vapi?"Ndakanyara chose ndikati,"Wakudaro hama yako shuwa."Akaseka Tamai akati,"Kumhanya sandi kusvika bestie wangu."Takafamba kusvika tave kugarden kuya.Leo naTamai vakangotora zvitini ndokutanga kudiridza.Ndakatevera kuya zvikanzi naLeo,"Ukudei kuno Ketty dzokera uko mhani?"
"Aaa iwe muchindisiya nemunhu wandisingazivi."
"Ita semunhu mukuru mhani Ketty,munhu iyeye avinga iwe."
"Kuti tozivana here?"
"Ketty behave kani,kana uchityira garden todiridza kusvika tapedza don't worry."
"Leo please,,,"
"Ketty kani hindava uchikava lucky nepatapata iwe."
Ndakaseka achibva aita kuuya pedyo neni ndokundiisa pacorner chaipo.Ndakaguma ndangozoenda hangu asi ndaisava comfortable zvachose."Mouse ndiro zita rangu."Akadero ndikati,"Mouse?"Achibva ati,"Ehe."Akarova serious ndikati,"Mabhawu ndiro zita rangu ,ndafara kuzivana newe."Ndakadero ndichitambanudza ruoko rwangu ndikaona munhu achitadza kugadzikana chaiko nekuseka zvekuti ndakaguma ndangomutarisa achibva ati,"Mabhawu ndiko kuti chii manje?"Aitaura achingoseka chete ndikati,"Asi hauna kufarira zita rangu?"Akabva ati,"Leo naTamai sandiro ravakandiudza."
"Wakaudzwa rekuti chii?"
"Khethiwe a nice name kwete Mabhawu ndokuita sei?"Still aingoseka chete ndikati,"Ndiro randozivikanwa naro muno ukauya uchiti ndiri kutsvaka Khethiwe haundiwane."
"But why nhaiwe musikana akaita sewe anofarira mazita akadero."
"Handisi musikana ini ndine mwana wangu."
"Whaaat!"
"Ko urikushamisikei asi wanga wati wawana musikana here?"
Akaramba akanyarara ndikati,"Ko zvabva zvatoipa?"
"Ko sei Leo naTamai vasina kundiudza kuti uri mvana?"
"Vabvunze hantie urikuvaona here?Ko iko zvehumvana hwangu unei naho,hunokubata pakai chaipo?"
"It matters because l love you.Pandakangokuona ndakabva ndatoziva kuti uriwangu.Moyo wangu wakabva watomerera pauri.Handina kunge ndaziva kuti uri mvana ine mwana wayo."
"Saka kuva nemwana kwangu ndiko kwakuchinjisa mufungo here?Unoda ini asi uri kunyara nehumvana hwangu why?"
"Ndanga ndisina kuzvitarisira thought uri musikana akakwana.Rega ndimbonofunga nezvazvo.Kanganwa kuti ndambokuudza kuti ndokuda parizvino musoro wangu wazara confusion handichaziva zvandinoda chaizvo."
Akadero achifamba kubva pandiri ndokubva adaidzira kuna Leo naTamai zvikanzi,"Lets go guys ndafambira dhongi rakaora pano."Akadero achiratidza kusvotwa chaizvo.Kana ini wacho ndakabva ndangopererwa for the first time in my life kushaira munhu mhinduro.Vakanditarisa vana Leo lucky vaiva vapedza kudiridza havo garden racho.Vakatoshamisika kuti kwauyei.Leo zvakamurambira kungoenda achibva auya pandaiva zvikanzi,"Kana waramba muface uyo wabhaiza Mabhawu he is a good guy hako.Kufunga kwako unoti tingakuwisira muminzwa here?Uri shamwari yedu since childwood kusvika nhasi wabhaiza wangu."
Akabva amhanya otevera vamwe vake.Ndakagara hangu pasi ndaitadza kunzwisisa kuti zvaifamba sei ndipo pandinoona makeys pasi.Ndakamanan'anidza kunodai aiva emota zvawo ndakabva ndabatanidza ndikaona kuti aigona ari aMouse ndakabva ndangomatyorera muhomwe.Apa ndipo paaizoona kuti Mabhawu uya haana kupusa.
End of chapter 1
SERENITY rave pamusika huyai mutenge 1us chete musarwadziwa mafans huyai nehuhwandu hwenyu titandare.
❤️
😂
👍
🙏
12