Amai Mimie (K.Khums)
February 18, 2025 at 05:05 AM
https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK
Ichi chiri kupisa kana uri fan ramai Mimie pinda muchannel usarasikirwe nemamwe machapters👇
https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j
MABHAWU
Written by Amai Mimie(K.khums)
0782 818 892
0716 622 299
Chapter 2
Mabhawu
Ndakatora zvitini zvekudhiridzisa ndokutemha muriwo nehanyanisi ndichibva ndabuda ndoenda kumba.On my way home handina munhu wandakaona achidzoka ndikangoti zvimwe aisava ake makeys acho Mouse.Handina kuita basa nazvo asi ndainzwa kamwe kakurwadziwa pamoyo kandaisanzwisisa kuti ndekei."Kwakanaka kudzoka nguva dzino,wapedza kudiridza garden iwe?"Vakadero amai vangu ndichibva ndangoseka hangu ndikati,"Ndapedza mhamha munogona kuenda kunoona zvenyu.Basa rabatwa."
Vakangonditarisa vachibva vati,"Nhasi mapoto ndeako ubike nekukasisa muzukuru wangu asati arara."
"Ehoyi mhamha asi muzukuru wenyu agara anongokasika kurara uyu ini ndini ndongozofira mhosva dzake."
"Ndati ukasike kubika chete."
Vakadaro vachitobva pandaiva ndakasara ndopinda munhanga mangu ndichibva ndambotseyama ndaiva ndichiri nehope dzekuchimhandara dzaiva dzisina kumbopera zvachose.Pandaida kunyatsorara paya ndipo pakabva pasvika Leo naTamai handina kurara mushe.Hadzina kunonoka kubata ndakazopepuka ndichinzwa kuzungunutswa,"mhamha muka."Kaiva kaAngel kamwana kangu."Urikudei Angel."Ndakadero achibva ati,"Mukudiwa panze."Ndakavhura maziso kunodai kwaiva kwakutodoka.Ndakakwakuka ndikati,"Ko wadii kumutsa mhamha mwanangu ndararisa."Ndakangonanga kukitchen kovesa moto nekutoisa poto yesadza.Leo ndakamunzwa achideedza zita rangu asi handina kuzviteererera.Ndakazobuda ndapedza kucheka maveg ndikati,"What again ukudei this time?"
"Mouse arasa makeys emota haunawo kumaona here?Please Mabhawu usambofunga zvako kundinyepera l know you very well.Arikupi makeys emota."
"Tora pauri kumaona shaa,ambouya nemota here munhu wako?Tomboti auya nayo ini ndinokwana papi?Ngaauye ega munhu wako iyeye andiudze kuti ndini ndatora makeys ake emota.Unondiziva mushe Leo ini zvekuchinjiswa mood ndanga ndichizvifarira handidi hangu.Ataura zvaanoda achindishora nekundituka ini.Kundiudza humvana ini kuita sekuti ndini ndatanga nazvo.Apa akudei kwandiri manje.Humvana huya hwaenda kupi?Unondiziva iwe since childhood.Hauudzirwe nezvangu Leo iwe unondiziva mushe dai ndanga ndichida kumudzikisira pamberi penyu wainyatsoziva zvandaimuita.Ndatomupima ndikatoona kuti simba hapana paya.Ndanyara imi shamwari dzangu mauya naye pasina izvozvo ndaimurovera shoko rake rekunditi mvana iroro."
"Izvozvo ndazvinzwa chomie,chindipawo makeys ndiende ndakatomirirwa kumashops uko."
"Handina makeys ini bye rega ndibikire mwana wangu ini mvana."Ndakadero ndichitobva paaiva akamira ndokupinda mumba ndichibva ndapedzisa kubika.Ndakatarisa nepawindow ndikaona achakangomira handina kuita basa nazvo aizoenda zvake kana aneta.Ndakadongorera futi ndikaona pasisina munhu ndikaziva kuti ndaiva ndahwinha apa.Huarrogant hwaMouse ndaitoda kuhupedza chete.Panguva dzandakapedza kubika ndipo pakabva pasvika Garry naDzingie ndikati,"My brothers maswerasei?"
"Hesi Ketty wabikeiwo mupfana wabhudhi."Akadero achiuya kumapoto angu ndikati,"Mirai ipapo tsano musasvika kumapoto kwangu."
"Wakudaro mwana wamai vako Ketty?"
"Ndati No."Pandaidzivisa Garry,,Dzingie aitochachura.Pandinoti kuna Dzingie ,Garry akasara achichachurawo vakabva vabuda vese panze vachitiza ndikasara ndichidzungudza musoro wangu.Aingova mazai zvawo andaiva ndabika akawanda kwazvo sevanhu vaichengeta hanga.Ndakazopakura hangu tichibva tadya semhuri tichitaura nyaya tichiseka.Baba vangu vaiva vakasoenda kwamupfiga nebwe ndiine 6years chaidzo asi zvose izvozvo hazvina kutadzisa amai vedu kuti chengeta.Hapana chataishaya vaivavarira chero hazvo taigara kumusha.Hanzvadzi dzangu dzaiva dzasiira chikoro munzira mushure mekunge zvamborema kuna amai vangu asi pavakaona ndakwanisawo kunyora vakabva vadzokera pabhenji form 3 chaiyo vese vachibva vanyora ndokubuda zvakanaka asi mari yekuenda mberi yakanetsa.Havana kuda kupa amai vedu stress vakatanga kungoitawo tumabasa kumusha ikoko,,,building, thetching vachiita mafloors tichitoraramawo hedu zvakadero.Chero hangu ndaiva ndapasa handina kuda kupa amai vangu stress nekuenderera mberi nechikoro ndakangoti,"Zvakwana mhamha."Ndakavatenda chaizvo nekundipa umwe mukana zvakare semunhu anga amboita musikanzwa ndikazvariswa mwana ndiri mwanawo zvake.Ndakaona kuti kuramba ndovapa stress zvaisabuda Angel aidawo kudzidza wanga wavawo wake mukana uyu.
Ndaiswera ndichiruka zvangu vanhu pasi pemuti kumba kwedu ndichipihwa mapondo nemadollar ndiyo yandaizobatsiridzawo pamba kuti tisadya zvinovava.Vanhu vaiuya ndaigona kuruka vanhu vatatu kana vashanu hunge ndisina kurara kuchimhandara hangu.Sezvineiwo ndakabata phone yangu makuseni zuva raiva ratokwira panguva dzandaiva ndapedza kubika kudya kwemakuseni pakaringer phone yangu ndakatarisa ndokuona ari Leo.Ndakadaira ndichiti,"Chomiza."
"Ketty usadero hako,ndanga ndisina kuzvitarisira kuti ungandinyadzisa kudaro."
"Ko ndaita sei nhai Leo ukuratidza kuti wakatsamwa kwazvo."
"Unomboziva kuti sekuru vangu vanga vachifanirwa kudzokera kuHarare nhasi asi waporonga zvese uri munhu akaita sei Ketty asingatendi?"
"Nyaya yako yapindana pindana Leo handisi kana kutomboibata zvachose.Ndopinda papi ini pana sekuru vako.Ko kusatemda kwangu kuri papi inga unondiziva wani nhasi kwauyei kwawave kuita sekuti watanga kundiona nhasi?Mhosva yangu irikubva kupi ichienda kupi?"
"Sekuru vangu Mouse vanokuda Ketty asi iwe haudike zvachose.Ndanga ndati seumwe wangu upindewo muhupfu,ukweshe mazino nemukaka asi zvose izvozvo hauna basa nazvo.Unoda kugara murugwesha kusvika rini Ketty.Mouse arikutokuda zvekutochata newe chaiko asi handizivi kuti iwe wakaita sei chaizvo.Une kamwe kahutsinye kaunako Ketty ndotoshaya kuti makeys emota wakamabirei ini kuita sekuti unogona kudriver kwacho."
"Zvakwana Leo usandipomera zvinhu zvandisina kuita wanzwa.Bvunza chisekuru chako ichicho kuti chinondida zveshuwa here?Kana chichindida chaifanirwa kugamuchira zvose zvandiri manje kungonzwa kuti ndine mwana wangu munhu akutotiza imhosva yangu here kuti ndakamitiswa ndiri mwana mudiki.Kundiudza humvana ini ndizvo zvinoita munhu anoda munhu here izvozvo.Muudze akwane Mouse wako iyeye handina nhamo yevarume ini zvekuti ndingatomunyengerera kuita sekuti ndiye akabata mweya wangu wekufema.Chero hana yangu yanga yarova ibva watomuudza kuti mvana iya yati haikude wanzwa."
"Ndazvinzwa asi ko makeys emota unomupira kupi?Kutaura kwandiri kuita ndatomhanya kuMission naMouse arwara tarara panze takarinda mota yake zvino arumwa nemosquito kuita butcher kumeso uku muviri wake hausi kutarisika zvachose."
"Whatt!"
"Enda kuwhatsapp utarise kana uchiti ndiri kunyepa."
Ndakamhanyira kuapp kuye hana yangu ikati bhamu ndichiona mapics ake.Vamwe vanhu vane ropa rakashata veduwe.Dzazonyanya kumuruma zvekusvika papi chaiko.
"Urikunyepa Leo."Ndakadero akati,"Okay let me show you another proof."Haana kutora nguva refu akabva akanda mamwe mapics achiratidza kuti aitova kuhospital.Apa ndipo pandakawedzera kutya manje ndakabva ndati,"Saka murikupi ndiuye."
"Ini ndiri pamagirosa ndakarinda mota,Mouse ana Tamai kuhospital."
"Okay coming."
Ndakangopinda mumba ndichibva ndachinja kana kugeza handina.Ndakabuda ndichimhanya ndikanzwa voice ramhamha richiti,"Ketty,Khethiwe iwe Mabhawu!"Asi handina kucheuka ndaizovaona ndadzoka.Ndichisvika paroad ndakabva ndaona mota yaienda kumission ndichibva ndakumbira vakabvuma.Takadarika nepamagirosa paiva naLeo uyo akabva ati aiva awana munhu wekusiira mota saka taiva takuenda tese.Akapinda in no time taiva tasvika paMission apo paiva nechipatara."Arimupi?"Ndakadero ndisina kugadzikana achibva ati,"Handei mukati."Takapinda hedu asi ndainzwa kutya.Ndichingomuti baa ndakabva ndatadza kuzvidzora ndakamumbundira to my surprise akandimbundira back ndikanzwa achifambisa
ruoko rwake kumusana kwangu.Panguva yandakazvibvisa paari ndakabva ndati,"Une dzungu Mouse who gave you the right yekundiudza humvana hwangu,,,ndiwe here waka,,,"Ndisati ndapedza kutaura akabva ati,"I'm sorry babe l,,"Haana kupedzisa ndakabva ndamuti,"Ndiani babe wako?Wakandituka iwe apo mhosva yacho ndaisaiziva."
"I'm sorry kungoti ndakarwadziwa pawakandiudza kuti une mwana nokuti moyo wangu wakatomera pauri Mabhawu."Akadero achiseka ndikati,"Ndiro rangu chairo iroro."Akabva ati,"But ita serious iwe,inga rako rawkapihwa nevabereki vako rakanaka wani?"
"Ndakutodawo Mabhawu ini ndiro rakutondiitira,saka wanzi chii?"
"Allegy hangu ndiyo yakandizvimbisa kudai asi zvakutochinja hazvo."
"Ko imi makatadza nei kunorara kumba kwana Leo?"
"Ko mota yangu,waida ibiwe here?Ab5yway chindipawo kaa makeys angu nhai babie ndakabhaiza paya nemashoko andakataura."Ndakapinza ruoko muhandbag ndikati,"Sorry l didn't mean to,,,"
"Me too sorry babie ndakabhaiza paya."
We hugged ndikanzwa kamoyo kangu kuti tibvu tibvu hameno zvandaiva ndakunzwa mandiri.Akabva ati,"Saka takudanana here nhai Mabhawu?"
Ndakatarisa Leo naTamai avo vakabva vabuda vachiseka ndichibva ndasara ndichiti,,,,"Ehe takudanana Mouse."Ndakadero kahana kachirova ndaisaziva kuti aizondiona semunhu akaita sei?Ko hantie hanzi musikana unomborambawo nhema here?Kwandiri ndanga ndakutotya kuti aigona kudzokera Harare ndisina kumuudza kuti ndomudawo.
End of chapter 2
More comments more fire
❤️
😂
😢
👍
😮
👏
🔥
16