Amai Mimie (K.Khums)
February 18, 2025 at 05:07 AM
https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK
Ichi chiri kupisa kana uri fan ramai Mimie pinda muchannel usarasikirwe nemamwe machapters👇
https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j
MABHAWU
Written by Amai Mimie(K.khums)
0782 818 892
0716 622 299
Chapter 4
Mouse
Aitaura zvaanonzwa kuda Khethiwe ndega ndakatozvishaya kuti aiva munhu rudzii asina kana matyira.Mashoko ake aingopotsera aiva asinei nekuti anosvikawo sei pamunhu.Aiva andidzikisira kusvika pekugumisira chaipo.Handisi type iyoyo manje.Kana vekumba kwavo vaiva vamutadza hazvirevi kuti kana neni ndaimukoniwa.Aitoda kupinzwa mugwara chaiko Khethiwe.Ivo vanomupa mbiri yekuchukucha chiuno ndivo vanomutunhidza zvisina basa.Kungoti kana une zvaunenge uchida pamunhu wotokwinya nguwo.Pana Khethiwe ndaitozomuhwinha chete pasina kukundika.Aiva aratidza hugamba hwake kana neni ndaidawo kumuratidza hwangu.Ndakatoona kuti muswe wake waitoda kugurwa chaiko ndokuti azive kuti ndiri murume.
Chero in future aitozondinetsa chaiko nokuda kwehunhu hwake husina basa.Munhu anopindura wanted ndaifanirwa kumugadzirisa asati aenderera zvake.Sezvineiwo ndakapedzera shungu dzose pana Leo naTamai ndikati,"Leo ndakakuudza kare kuti tarisa Khethiwe izvozvo chete ndizvo zvaungatadza here?Basa kundikorovhera mari yangu pasina chisvinu chaunoita.Wakandivimbisa kuti uchava mufudzi wake asi zvino uri kuita sei?Hamubatsire chinhu vapfana imi mxii."
"Mabhawu anonetsa uyo khule anozvitonga handitomugonewo sekumutadza kwamaita."
"Saka urikutaura kuti ini nezera rangu rino ndingatadza Mabhawu wako iyeye.Unoti kana achikuremerai vapfana neniwo nhai?Chanana kwandiri icho."
"Saka sorovhai nyaya dzenyu khule musada kutipinza pakati.Isu pedu takapedza takakuratidzai musikana kwaye anorooreka.Kana akasakuteerai hwatova hutera hwenyu semurume."
"Aikaka zvawave kutondifamba muzaya."
"Shuwa ka nhai khule ndicho chokwadi."
Ndakamboti zii ndichiedza kufunga kuti ndoita sei?Ndakapinza ruoko muhomwe ndikabata mari ndipo pandakaburitsa ma20us maviri ndikapa umwe neumwe yake ndikati,"Ndiri kuda Mabhawu wenyu pano kuti muchazviita sei handizivi."
"Aaah nhai khule?"Akadero Leo ndichibva ndati ,"Kana usingagoni dzosa mari yangu."
"Okay khule toita zvamuri kuda zvacho."
"But how Leo?Mabhawu unomuziva iwe haade majokose.Zvavatombomarana kudai kuuya kwake kunonetsa."
"Hande Tamai kwete kungoita hugwara husina basa."Akadero Leo ndichibva ndakwenya mhino nekasiyamwa chaiko.Aida kuzviidza akangwara manje ndaitoda kumupedzera.Vakatora nguva refu vapfana ava zvekuti ini wacho hope dzaiva dzakutobata ndipo pandinonzwa kuvhurwa kwedoor remota yangu.Akabva angokandidzirwa Khethiwe uya ndikazhinya murima imomo.Ndaida kuvapprover vakomana ava kuti ndini mukuru mbiri yavaipa Khethiwe yaisava yake vaifanirwa kuipa ini.Munhu wacho aiva nesimba ndakatoona kuti ndikaita zinyeke nyeke ndaipa vana Leo basa ndarohwa ndikabva mazino.Ndakaita wekusunga maoko chaiko ndikatanga kumuita hwebhinya chaiho.Ndakazotura befu ndapedza.
Ndakafunga kuti achataura sekamuitiro kake asi kana zvake akangobuda akanyarara zvinova zvinhu zvandaisatarisira zvachose.Stress chaiyo yakandibata dai aiva angotaurawo word rimwe chete zvaiva nani.Ndakaridza tsamwa kasingaperi.Ndaifunga kuti ndagona handina kuziva kuti ndadhakwisa zvinhu zvose.Ndichifunga kudaro ndakazongoona ndadhonzerwa panze ndisati ndataura kana shoko rimwe zvaro chakandigara chematsenga nzungu.Pandinoti ndinzvenge chakauya chimwe vakandifamba vakomana pavakazondisiya vaiva vaneta nekundikandidzana.
"Murimbwa sekuru manzwa.Handina kuziva kuti mungaite hunhu hwenyoka inoruma chaisingadyi manzwa.I trusted you,ndichifunga kuti muri munhu kwaye handina kuziva kuti makafumuka kudaro.Munomboziva here zvakaitika mulife make Mabhawu wamabata huyanga kudaro?Takabva naye kure Mabhawu since childhood handina kuziva kuti mungafumuka zvekusvika palevel rakapusa kudaro.Dai ndaziva kuti ndizvo zvamuri kuda kuita ndisina kupinda mumadeals enyu.Achationa sevanhu vakaita sei?Zviri pachena kuti ationa kungoti tanga takamuvhara
zvekuti atadza kutaura.Asi kutiziva kuti tisu aziva zvake.Kamari kenyu ako idyai mega mari yenyu."Akadero achipupa furo mumukanwa kuratidza kuti hasha dzaiva dzakamuwandira.Akaguma ochema Leo kana ari Tamai aiva angobata shaya kutatidza kuregreter zvaiva zvaitika.Vanotanga kufamba vachindisiya ndega ndakaedza kuvamisa asi zvakashaya basa.Ndakadeedza asi vakaisa zvimiti munzeve.
Apa ndipo pandakatanga kuzvipa mhosva manje ndakapinda mumota mangu ndokuvatevera ndasvika pavari ndakaedza kutaura zvikanzi,"Ko akaita nhumbu muchaita sei nazvo?Hamuna mhinduro ka?Kungonakidzwa nekutambisa vana vevanhu muri munhu akaita sei?Kutaura chokwadi murisekuru vangu asi apa mandibhohwa zvenyu."
"I know kuti ndabhaiza asi waidawo kuti ndiite sei Leo?Kufunga kwako Mabhawu itype inoenderwa mberi here?Ndanga ndichida kuita zvinhu zvangu negwara kwaro asi iye andiratidza kuti haade izvozvo anotoda zvembabvu.Ndiyo yega way yekuti abvume kuroorwa neni osiyana nezvimhandara zvake.Ndomuda ini it's not like ndiri kungoda kutamba naye ka.Ndomuroora chero akada nhasi chaiye."
"Hukama hwedu huchadzokedzana mushure mekunge mabvisa pfuma kumba kwavo kana musati chete ini nemi hatizivani."Ndakamboedza kunyengerera asi zvakashaya basa.Ndakambofunga kungonanga kuHarare hangu,ndichibva ndazorangarira kuti vakomana vaiva vandishanda kwete zvekufungidzira.Zvandaiva zvacho zvaisaita kuti ndifambe ndakadero paitoda kugeza zvese nekutoviwa first.Apa ndipo pandakaona kuti bond yaiva pakati pavo yaiva yakakura kwazvo.Ndaiva ndisina kumbozvifunga zvese izvozvo.Airatidza kutsanwa chaiko Leo zvekusadzoreka zvachose.Ndakamunzwisisa hangu Leo nokuti zvandaiva ndaita ini wacho ndaiva ndisina kutanga ndafunga.
Ndakaedza kufonera Khethiwe kasingapei ndikaguma ndasender mamessages asi haana hake kupindura.Ndakabva ndaziva kuti ndaiva ndamurwadzisa zveshuwa.Ndakatanga kufumga ndega kuti zveshuwa aiva nemwana here Mabhawu uyu kana kuti raingova statement zvaro.Kakubatana kacho down there kaisamboita sekemunhu aiva akazvara zvachose.Moyo wangu wakatomboda kudyira ndikazvidzora ndofunga hangu kuti aiva akangwarisa musikana uyu nematambiro ake iwaya ndipo paaizoramba akaumbana kudaro.Ko izvo zvidhara nezvikomana zvemuraini mukati zvaisapindawo here?Mukati hakuzi kudya mishonga here ikoku.Handimuoni mushe hangu.Ndakasvika kumba kwana Leo atosvika kare ndakanzwa mai vake vachiti,"Ko sekuru vako wavasiya kupi?"
"Varikutevera hameno kwavasara uko."Akadero ndofunga vaiva vasina kunzwa kusvika kwangu nokuda kwezvibage zvaiva zvakura nokuda kwezhizha.Ndakapinda hangu asi ndikanzwa vachiti,"Vabva vasvika."Vakadero vachitouya kwandaiva kuzondochingura vachingonditi ba vakabva vati,"Hezvo!Ko maitwa sei?Kwamabva kwakanaka here?"Vakabvunza vachiratidza kutya kukuru ndikati,"Kwakanaka kwandabva misatya zvenyu."
"Ko mavanga ose amunawo?Iwe Leo isa mvura pamoto nditove sekuru vako vanoenda kupi vakazvimba kudai?"
"Vasiyei vaende mhamha zvavanga vachida vazviwana.Tavakutsirana naTamai."
"Wadii?"
"Vabvunzei ka sekuru vacho kuti chii changa chaitika mhamha?Kwete kubvunza ini."
Vanoratidza kupererwa tete vangu ndichibva ndangoti,"Pangoita kusanzwisisana chete."
"Zvekuti masvika pakukuvadzana kudai?"
"Zvishoma zvandavaita izvi next time ndovatyora musana iwoyo usina matyira kungogomerera pasipo."
"Leo please,,,?"Ndakadero with begging eyes asi haana kuda kuzviteerera.Akabva ati,"Mhamha mutsiure hama yenyu ini hangu zvekuti tikonane handidi.Garai mataurirana Mabhawu ndakabva naye kure ini.Izvozvi anochema neni achifunga kuti ndini ndavafurira sekuru ava asi kuri kungotadza kuzvidzora kwavo."
Akadero ndaizoona Leo uya.Zvakandipedza simba kana kugeza ndaizoona zvekuita ndaveko.
Kuti haana kutoenda zvachose here Mouse uyu?
Kuti nhumbu haina kutobata here kuna Mabhawu?Agova mwana wechingani nhaimi?"
Pakaipa apa panoda vakuru vanofamba naJesu.
End of chapter 4
More comments,more fire.
❤️
😢
🙏
😮
😂
13