Amai Mimie (K.Khums)
February 18, 2025 at 05:07 AM
https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK
Ichi chiri kupisa kana uri fan ramai Mimie pinda muchannel usarasikirwe nemamwe machapters👇
https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j
MABHAWU
Written by Amai Mimie(K.khums)
0782 818 892
0716 622 299
Chapter 5
Mabhawu
Simba chairo rekuchema ndakarishaya.Zvakabva zvandidzosera kumashure panguva yandakadanana naShain uyo akandisiya ndiine vanga pamoyo.Shain ndivo baba vemwana wangu,paakangoziva kuti nhumbu yaiva yabata akabva angofuratira akaenda kunze kwenyika kana chiso chemwana wake haachizive.Hama dzangu dzakamira neni.Havana kundisiya,Kana varisamai vangu vaionekwa kurwadziwa pamoyo pavo.Bp yavo yakakwira vakapotsa vafa.Ndakatsidza kuti handaizofa ndakavarwadzisa zvakare.Handina kuziva kuti satan chichandibata neimwe angle.Ugoona ndaiva ndakutofunga kumuramba Mouse wacho nokuda kwehasha dzake dzaaiva andiratidza.Ndaitozviudza kuti pandaibatira phone yangu ndaibva ndamutumira message yekumuramba ndogara hangu ndichiziva kuti hapana chaindipa stress.Ko ndaizivei kuti aiva atondirongera parefu chaipo.
Chainyanya kundirwadza vanhu vandaivimba navo vandakabva navo kure kwazvo ndivo vaiva vandipinza munyatwa iyi.Ndaisavafungira vana Leo naTamai.Ndaiva ndakutovatora sehanzvadzi dzangu chaidzo.Pamoyo ndipo pandaiva ndavagadzika chaiko ndichivapa chinzvimbo chavo.Handina kuziva kuti vangandiitira hutsinye hwakadero.Ko vakandipinzireiko munyaya dzakarema kudaro kana vaiziva kuti Mouse wacho aingoda kunditambisa?Ugoona hanzvadzi dzangu dzaigara dzakanditsiura nenhau yana Leo asi ndaiisa zvitanda munzeve.Regai zvinzi ndamba kuudzwa akaonekwa nembonje pahuma.Nhasi mbonje iya ndava nayo ndiani wandichaudza kana kuchemera.Yes,l am a strong girl asi apa zvakundiremera.Ko nhumbu ikabata ndoenda nayo kumba kwani?Ko akaramba kuti haasi muridzi?Ko iko ndinenge ndambomuona kupi iye awana zvaanga achida?
Kana simba chairo ndakarishaya,chandakagona kungokwira pakasingle bed ndokutanga kufunga zvese izvi ndakarara nemanhede.Ndainzwa kuzvishora zvese nekuzvituka.Inga ndaiva ndamboudzwa wani kuti ndisiyane nezvimhandara asi ndakaisa zvimiti munzeve.Kana ivo mai vangu vakaziva kuti ndizvo zvaitika vanonzwa sei?Dzakaguma dzangobata hope ndiri mudziva remifungo.Ndakazomutswa kuseni naGarry achiti,"Hanzi namhamha muka umhannye kugarden kochera mbambaira."
"Ndiri kuenda."Ndakapindura ndakatofizuka achibva ati,"Wati urikuenda Mabhawu?"
"Ehe,usina kumbopopota bho here hanzvadzi yangu?Ndiwe here urikutaura kana kuti ndeumwewo munhu?"
Ndainzwa misodzi kutsvinya kumaziso angu asi ndakazvishingisa kuti asaone kusuwa kwangu.Ndakabva ndati,"Ndiri musikana mumwe chete pano,ndicharoorwa ndobva pano.Saka zvimwe zvacho handifanirwi kubvunza kuti sei?Ndofanirwa kuita ndakanyarara handisi kudzokera mudumbu."
"Woow,apa wataura mashoko ane hudzamu chaiko.Dai wangoramba wakadaro kuti zvifambe zvakanaka."
Ndakanyemwerera ndichibva ndabuda ndokutora badza.Ndakabva ndatobuda ndakananga kugarden.Pfungwa dzangu dzaiva dzisina kugadzikana zvachose.Ndaipota ndichimbochema chaiko zvekuti musoro wakaguma wave kurwadza.Panguva iyi ndaida kuita zvinhu zvangu nemazvo ndaisaziva kuti Mwari vanga vandigadzirira chiiko mberi kwangu.Chandainyatsonzwisisa pandiri marwadzo aiva pamoyo chete.Kana kuri kufunga chaiko pfungwa dzangu dzaiva dzakamira panzvimbo imwe chete.
Mamissed calls nemamessages aMouse ndaimaona asi mhinduro chaiyo ndaiva ndisina.Aimboedza kufona asi handina kubvira ndazviisa pamoyo kwandiri anga atova muvengi wangu chaiye nyaya naye ndaiva ndisina zvachose.Dzaitova kure chaiko pfungwa dzangu pandakanzwa voice rakati,,,"Mabhawu?"Ndakacheuka ndokuona ari Leo na Tamai avo vakabva vandimhanyira ndokundimbundira.Handina kutora action ndakaramba ndakangoti tumbi.Ko maida ndiitewo sei hangu?"
"We are sorry Mabhawu handina kuziva kuti khule vangu was capable of ,,,,"
Asati apedza kutaura ndakabva ndati,"It's okay."Vakaramba vakanditarisa vachiratidza kushamisika kwazvo nemashoko angu asi ndaitorevesa hangu ndaisada zvekutaura izvi."Arikupi Mouse?"Ndakabvunza Leo achibva ati,"Vakadzokera musi iwouya paiva pasisina kuwirirana zvachose.Handina kuziva kuti ndizvo zvavaida kuita.Ndakarwadziwa Mabhawu ,ndini ndakakuudza kuti vaiva good munhu ukabvuma kudanana navo asi zvakazoitika kumberi ndanga ndisina ruzivo hangu thought vaingoda kutaura newe chete kwete the other way around."
"Zvakatopfuura Leo zvamaida zvakaita.Ndongogara ndiri munhu asinganzwi chete kumba kwedu.Hope moyo yenyu iri kufara chaizvo.Asi musakanganwawo ka kuti kudzimba dzenyu kwakazvarwawo vanasikana.Nerimwe zuva zvichava kwenyu."
"Ndazviziva kuti hauna kundiregerera but believe me ndiri kutaura zviri kubva pamoyo chaipo.I'm sorry."Ndakangotakura chisaga changu chaiva nembambaira ndokutanga kufamba.Akauya mberi kwangu Leo achibva ati,"Ndozviziva ndakutadzira Mabhawu asi ndiri kukuvimbisa kuti l will fix everything asi handigoni kuzviita ndega kana usiri kudaira phone yako unoziva sei zvaari kufunga Mouse wacho.Please hear him out mutaure nyaya iyi ipere."
Handina kumupindura ndakafamba ndoenda kumba shungu dzakandibata ndokutanga kuchema apa ndipo pandakaona kuti ndaiva weak zveshuwa.Mazuva akafamba ndaiva ndatozviudza kuti jambwa ndiro randaiva naro chete.Kutambiswa vana vevamwe vachiroorwa ini ndaingova wekumitiswa chete .Ndakatanga kuona machanges pabody yangu.Kana kutaura kwanga kwatova kushoma zvakapfurikidza zvekuti zvakaisa mibvunzo kumhuri yekwangu.Ndakazonzwa rimwe zuva Garry achiti kuna mhamha,"Mukati Mabhawu wenyu haasi kurwara here mhamha?Zii yacho yakutyisa."
"Kana neni zviri kutondinetsawo haadero ave neimwe nhumbu here veduwe?Ndizvo zvaaiita mazuva aya.Ndigonyarira pai nhai veduwe."
Vakadero vakutochema ndikanzwa hana yangu kurova zvimwe yaiva yatobata nhumbu yacho.Zveshuwa mazuva aya ndaiva ndava nenungo dzekutaura."Haaa kana mhamha mazuva apfuura aya aifara chaizvo zviri zvenhumbu hapana asi heartbreak pamwe."
"Heartbreak saka urikuti akarwadziswa here?"
"Ndoona sekudaro hangu panhumbu handifunge akatonzwa pamakamutsiura paya.Munoti anga dzokorodza same mistake here?"
Aivimba neni hanzvadzi yangu asi ini ndaiva ndavanyadzisa chaiko.Ndakatanga kunyepedzera kufara nhema asi pamoyo pairwadza.Ndaiedza chose kuti hama dzangu dzisanyanya kufungira zvakanyanya.
MOUSE
Ndega ndakatoona kuti ndikada kuita zvekutamba Mabhawu ndaisamuhwinha zvachose.Hongu ndaiva ndangobva pasina kuwirirana asi ndakazviudza kuti uyu ndiye aiva wangu ndaisabvuma izvozvo.Silent treatment yaaindipa yaiva yakanyanya ndaiva ndamboedza kumufonera kuisa mamessages asi zvose zvakaramba.Ndakatanga kunyengerera Leo asi akaramba zvakare.Ndega ndakatoona kuti ndogona kurasikirwa nemunhu wandaida zvikashaya basa.
Dai aiva angopindura kamwe chete ndaigona kuziva mafungiro ake manje aiva angoti zii zvake kutotadza kuziva kuti aifungei chaiko.Ndakaguma ndapererwa chaiko zvekusvika pakufonera amai vaLeo ndikati,"Tete ndakasiya ndaporonga mwana wevaridzi kumusha ikoko ndiri kukumbirawo help yenyu."Ndakavatsanangurira zvaiva zvaitika ndikati ndadenha mago.Vakavava ndikasiya vakadero.Patova paya vachibva vazoti,"Saka wanga wafunga kuita sei ipapa?"
"Handina option tete kutoroora ndiko kwandave kutoita .Ndikasadero naLeo hatife takaonana nokuti ishamwari yake,please itai plan ndiwane kutaura nehama dzake iye haasi kudaira call yangu.
"Ndinosvika ndichiti chii?Hunhu rudzii hwawakaratidza?Kana uchimuda chaiko sekureva kwako huya utambe nyaya dzako wega."
Ndaiti varikutamba asi vaitova serious zvavo.Ndakaedza kunyengerera asi vakaramba.Ndega ndakabva ndapererwa.Ndakamboedza kufunga ndikasara ndisina option than kunosvika pamba pavo.Handina zvimwe zvandaikwanisa kuita.Ndakabva ndatotaura neshamwari yangu Allan uyo akabva andiperekedza.Takasvika kuseni chaiko.Ndokumira nechekure hoping kuona Mabhawu achifamba famba asi hatina kumuona.Ndakafona kuguma phone yangu yacho isisapinde.
"Hapana hapana shaa handei tinosvika."Ndakarova mota ndikamira ndave pagedhe pavo ndichibva ndaburuka ndakananga pamba pavo.
End of chapter 5
More comments,more fire 🔥
❤️
😮
👍
😂
🙏
😢
15