Amai Mimie (K.Khums)
February 18, 2025 at 05:07 AM
https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK
Ichi chiri kupisa kana uri fan ramai Mimie pinda muchannel usarasikirwe nemamwe machapters👇
https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j
MABHAWU
Written by Amai Mimie (K.khums)
0782 818 892
0716 622 299
Chapter 6
Mabhawu
Ndaitobva kuchurch pandakarohwa nehana ndichiona mota yaMouse iri pagedhe repamba pedu.Ndakakanda tsoka chaiko uku hana ichiita kubika manhanga.Leo naTamai ndaiva navo kuchurch kureva kuti Mouse aiva auya ega pamba pedu.Nakadongorera mumota muya yaiva netint isingaoneke zvaiva mukati.Ndakapinda pagedhe ndokunzwa vanhu vaitaura kukitchen hombe kwataitandarira.Ndakanyahwaira ndichienda kuya zveshuwa raiva voice raMouse nehanzvadzi dzangu Garry naDzingie.Ndakaramba ndakaisa nzeve yangu ndikanzwa Garry achiti,"Ndiko kudherera chaiko uku.Ukati haana baba mongoita zvamunoda hantie?"
"Haa kana ,kungoti ndabva kure kuHarare apo phone yake haisi kuita.Ndasara ndisina imwe option than kungosvika ndati handingadzokere ndisina kumuona."
"Makazivirana kupi as far as l know Mabhawu haasati amboenda kuHarare."
"Mukufamba imomu."
"Dzingie tsano ava vanenge varikutoda zvekutamba nesu hausi kuzvionawo here?"
"You are right ipapo varikutiona sevanhu vakadzungaira maningi hantie?Anofunga kuti takadya mupuso wena.Munhu uyu arikuda kutamba nepfungwa dzedu.Hameno kana uchiona zvandiri kuonawo twin?"
"Ndiri kuzviona hangu kuti ndivo baba vaMoira ava asi varikuda kuhwanda nemunwe chete."
"Handina mwana ini,,"Ndakamunzwa achidaro Mouse zvikanzi,"Saka Moira akadonha mumuti here?Kungosiya wamitisa hanzvadzi yedu nhasi wakudzoka nekamota kako pano unoda kutityisa here kana kutivhundutsa?Zvino hativhundukire zvenhema tsano.Makarwadzisa hanzvadzi yedu zvino nhasi mauya mega ndiko kunaka kwazvo."
"Ndiri kutaura chokwadi ndatouyawo kuti nditaure nhau dzangu naMabhawu ndigowana kuita zvinhu zvangu negwara rakanaka nokuti ndomuda."
"Gwara ripi manje apa zvivakomana zvamazuvano munofunga kuti zvose zvinongoita sekuda kwenyu right?Manje kana wanga wadzoka kuzomitisa hanzvadzi yedu zvakare wanyangira yaona."
"Wait a minute Dzingie l think munhu uyu ndiye ariku distuber sister yedu.Arikumufonera achimutuka achimubira mufaro wake nokuda kwenhau dzaMoira.Mabhawu mazuvano arikugara angori zii arikuratidza kurwadziwa kwazvo l think he is the reason nokuti Mabhawu munhu anofara asi mazuvano arikungochema nguva dzose.Kana kudzikira chaiko pabody yake ndiye munhu uyu ndakuzvibatanidza manje."
"You are right twin manje nhasi wazvipinza munwena wenyoka wega zvichaitika muno uchanoudza vamwe."Pandakanzwa vachidaro ndakabva ndatoziva kuti zvaipa.Team racho ndairiziva hangu kana vakabata munhu vaisiya ava bho.Ndakada kumhanya mumba muya door richibva ranzi dwa.Ndakabva ndaziva kuti zvaipa manje.Handina kuda kudeedzera ndakatoona zviri right moyo wangu wakatonyevenuka apa.Ndaingonzwa kuti mukati umu hamuna kumira zvakanaka.Handina kuita basa nazvo.Ndakasiya achibhurwa mumba imomo ndaimaziva mabhuradha ekumba kwedu dziri nhau dzekurova chete vaimupedzera.Kutaura chokwadi ndakafara vanga vandigonera zvakanyanyisa munhu wepi asina matyira oti kujairira ini zvose nehanzvadzi dzangu futi.Dai vakamubvisa zino ari kutsvakei pano benzi remunhu.Kamufaro kandaiva nako kakaita kuti nditore phone yangu ndichibva ndati kuna Leo,"Mwari ndiMwari vane tsitsi nengoni aiti andigona Mouse wenyu nhasi zvaiwana ngwarati hameno kuti zvivindi zvekuuya pamba pedu azviwana kupi zvino awana mabhuradha akacharger chaiko aiwa door rakavharwa arikushandwa mumba imomo."Haina kunonoka kupindurwa akabva aita kufona chaiko ndichibva ndamhanya kuseri kwemba ndokudaira akabva ati,"Inyaya yei?Ndikati,"Handizivi mhosva yaapara Mouse ndasvika ndichibva kuchurch ndikawana mota yake iri pagedhe ndazongonzwa kurohwa kwemunhu mumba."
"Are you sure kuti ndiye?"
"Yes ndiye ndanzwa voice rake mumba varikumusota kwete zvenhema."
"Haa urikunyepa iwe dai wamununura hantie unomuda here?"
"Regai amborohwa pamwe marwadzo angu angaserera."
"Asi unomuda hako kaa."
"Chero ndikamuda iye asingandidi zvobatsirei?Ndakatozvitambira Leo kuti ini ndiri wekumitiswa chete asi vana vevamwe ndivo vanobvisirwa pfuma."
"Usadero Mabhawu uchaona zvako anokuroora mukomana iyeye."
"Hapana apa Leo,zvitori nani dai vakamubvisa mazino votyora makumbo iwayo chero akaenda haafi akakanganwa hanzvadzi dzangu hazviite."
"Inzwawo tsitsi iwe,kana kuti urikutamba zvako.Hakuna munhu angarohwa wakamira ipapo."
"Rega ndiswedere padhuze uzvinzwire.Wazvinzwa kaa varikuita kumukutsirana."Ndakadero mushure mekuisa phone pawangwaridzo.Haana kupindura akaramba ari zii Leo pava paya akabva ati,"Vanokuvadza munhu vanhu avo Mabhawu please do something."
"Something yechii ini ndichifara nezviri kuitika."
"Usadero munhu anokuvadzwa please enda unomubatsira otherwise nyaya ichasarira iwe."
"Ndosaka ndisiri kuda kuenda hanzvadzi dzangu ndodziziva ini ndini ndozopedzerwa shungu.Ngavapedzerane ikoko.Next time achafunga kaviri asati atambisa vana vevanhu."
"Please Mabhawu,,"Akademba pahone ipapo ndikati,"Dai uchiziva marwadzo andinawo hawaitaura zvakadero ngaarohwe shamwari ini handisi kuendako."
"Ko mhamha vako varipi?"
"Vasara kunzanga kwavo yambuya Anna havadzoke manje."
"Dai vangosvika havo vamubatsira."
"Marwadzo aripamoyo pangu haunei nawo Leo.Unebasa nehama yako chete.Makore mangani Leo ndakazvichengeta after kuzvarwa kwaMoira.Munhu ongouya zvake ondirepa unoziva here kuti ndogona kukusungisai mese zvenyu.Izvozvi amai vangu vakazviziva kuti ndine nhumbu kufunga kwako vanonzwa sei?"
"Nhumbu futi here Khethiwe mwanangu!"Vakadero vachibva vangodonha pasi."Mhamha,mhamha!"Ndakadero ndichivazungunutsa asi vakaramba vangori zii.Ndakaedza zvakare asi zvakakona n'anga murapwa achida.Ndakangovabvisa pamakumbo pangu ndikamhanya kukitchen kuya ndikasvika ndichirova door."Garry,Dzingie vhuramrai door mhamha vangodonha vachibva vati zii."Havana kunonoka kuvhura vakauya vachimhanya kwaiva namhamha kuya avo vairatidza kufemera kure kwazvo.
"Chii chaitika Mabhawu?"Akadero Garry ndichibva ndanyepa ndichiti,"Vangodonha handizivi kuti vaita sei?Pamwe ibp."
"Iwe mukwasha Mboko mutsa mota yako tione."Ndakacheuka ndokuona ari Mouse neumwe mukomana avo vaiva vakazvimba kumeso waisavatarisa kaviri zvachose.Akada kutaura Mouse zvikanzi,"Ndati mutsa mota yako."Aiva akutonga nedemo Garry ,kana zvivindi zvacho ndotoshaya kuti aiva azvitora kupi chaiko.Akamhanya zveshuwa akamutsa mota.Uyu Garry aiva kumashure akatakura mhamha akasvika achivaisa mumota.Panguva iyoyo ndakabva ndavhara madoor ndomumhanyawo ndoti ndipinde mumota muya Garry achibva ati,"Sara pamba ndiwe nemboko iyi maita kuti mai vedu vadonhe.Wotonamata zvako kuti zvifambe zvakanaka.Zvikasadaro munondiona."
"Ko ini ndini ndaita sei?"
"Enough!Gara wati zii zvako une nyaya dzako nemunhu wako ndiri kudzoka uchandiona.Nguva yareba tichikusekerera Mabhawu."Akadero Garry achipupa nehasha."Rova mota tione."Akadero ndikaona Mouse achisimudza mota zvemufirimu chaizvo.Ndakasara ndofunga zvino kuti zvaizofamba sei kumberi ikoko?How l wish kuti dai ndaendawo manje munhu wacho anga atomedza bhonzo chairo.Kana simba rekubika ndakarishaya chandakakwanisa kupinda mumba ndichibva ndangogara ndakabata shaya.Ndakazovhundutswa necall yaLeo uyo akabva ati,"Chii chaitika Mabhawu?"
"Ndanzwikwa namhamha ndichitaura nyaya yenhumbu vachibva vangodonha.Vamhanyiswa kuhospital naMouse asi hapana kuwirirana hameno kuti zvichafamba sei kumberi?"
"Inga pakaipa
"Ndiri pama1, Mouse andimutsira zvanga zvakarara.Zvino nenhumbu yanzwikwa namhamha pavanomuka chete vanobva vangoudza hanzvadzo dzangu handifunge kuti rinodyiwa rinopisa pano."Hope dzakazondibata kwakuchena chaiko ndikazopepuka zuva ratokwira nzara yaiva yakundikurunga mudumbu.Ndakatanga kuita basa panguva yandakaisa poto pamoto ndipo pandakaona mota ichibudikira nechekuzasi kwekumba kwedu.Hana yakatanga kubika manhanga ndaisaziva condition yamai vangu hapana munhu aiva andifonerawo.Yakangoti ichimira ndikanzwa Garrry achiti,"Handidi nemashoko angu Mabhawu rongedza hembe dzako dzose uende kumuridzi wenhumbu pano handichengete magora maviri hazviite.Pana Moira takati wakaita mistake ko iye zvino toti chii?Kuzviitisa kaa?"
Ndakashaya kana neremuromo ndakaramba ndakangoti tumbi tuzu simba ndakarishaya.Ndikaita kuvhurumuswa chaiko handina kuona kuti ndakapinda sei munhanga mangu."Basa kungovhurira munhu wese makumbo hausemi hameno kuti wakaita sei?Uchafa nechirwere mark my words."Akadero ndikanzwa kubaiwa pamoyo chaiko.
End of chapter 6
More comments more fire
❤️
👍
😢
😂
🙏
21