Amai Mimie (K.Khums)
February 18, 2025 at 05:07 AM
https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK Ichi chiri kupisa kana uri fan ramai Mimie pinda muchannel usarasikirwe nemamwe machapters👇 https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j MABHAWU Written by Amai Mimie (K.Khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 7 MOUSE "Ngatitize Mouse."Akadero shamwari yangu Allan wandaiva ndaenda naye kwana Mabhawu.Aiva abatanidzirwawo tichibva tarakashwa tese kuita kunge nyoka yapinda mumba.Ko ndaimboziva kuti vakomana vanotsamwa here ava.Takarohwa kumeso uku kwaiva kusisatarisike zvachose.Ndotongote da Mabhawu akadaidzira ari panze.Vakomana vachibva vavhura door ndiko kubuda kwatakaita munyatwa iyi.Dzakambondibata zveshuwa pfungwa dzekutiza asi ndakatoona kuti ndinenge ndasiira Mabhawu mutoro unorema zvekuti aizotadza kuutura.Ndakazozvinzwisisa manje panguva yaakada kuenda nesu kuMission achibva audzwa mashoko anoenderana naye ndokungosara akati tumbi.Ndaisaziva kuti vakomana vanotsamwa ava pandaiona vanaLeo vachisvikapo madiro ndaiti inyore izvo kwani vaisajairika vakomana vacho. Takakuenda kuMission uko kwandaisava nejourney nako.Tiri munzira vaingon'un'una zvekuti ndega ndakanyatsoona kuti ndaiva ndanyangira yaona.Vakatorwa vopindwa navo mukati panguva dzatakasvika ndipo pandakawana mukana wekutaura naLeo ndikati,"Ndazviwisira mumukanwa mamupere Leo.Ndaisaziva kuti hanzvadzi dzaMabhawu dzinotsamwa kudaro.Kutaura chokwadi ndabikwa ndikaibva.Vandigadzirira size inokwana mabhuradha ,kutaura kudai muviri wangu uri kubvira moto chaiko."Ndakabva ndasender kuapp ndokuzvitora maphotos ndichibva ndakanda zvakare.Akazopindura patova paya zvikanzi,"Ko imi manga muchitsvakei kumba kwavo?But sekuru zvimwe zvacho hamutange mafunga imi.Hindava muchingoda kukonzeresa maproblems kuna Mabhawu imi.Makasiya mavhura hombe,now mavhura imwe zvakare apa ava nenhumbu manga muchizviziva here?" "Wattii?" "Ndiri kutaura chokwadi ndizvo zvakonzeresa amai vake kuti vaende kuchipatara.Varwadziwa nekuziva kuti mwana wavo ane nhumbu yechipiri isina baba zvakare." "Urikunyepa Leo?" "Panguva yacho ndanha ndichitaura naye paphone ndidzo nguva dzasvika mai vake.Handizivi hangu kuti muchazviita sei?Asi chandiri kukumbira ndechekuti tangai mafunga musati maporonga zvose.Mabhawu munhu ari bho kana mamusiya henyu moziva kuti maporonga hupenyu hwake." Ndakambonyarara ndakatarisa message yake ndaiedza kufunga nekubatanidza nyaya yaiva mudariro.Ndega ndakatoona kuti kubva panzvimbo iyi ndiko kwega kwaindibatsira chete.Huvepo hwangu hwairamba huchikonzeresa maproblems chete.Ndakaisa phone yangu muhomwe ndokudaidza Allan uyo aiva akagara pamabhenji emuchipatara ndikati,"Handei Allan."Asati apindura ndakanzwa voice rakati,"Kuenda kupi manje?"Vaiva tsano vangu Garry vaitaura vachiuya pamota pandaiva.Ava manje vairatidza kuti ndivo vaiva vakaoma musoro.Vamwe vacho Dzingie vaiva nani vaingozoita nekuti umwe wavo ndizvo zvaari kuda chete.Hana yangu yakarova ndaiva ndisina kuzvitarisira kuti vangabuda panguva iyi.Ndaiva ndatofunga kudzokera kumba chaiko ndonoona Mabhawu toronga way forward asi zvakashaya basa.Kutaura chokwadi ndaisaziva zvandaida panguva iyi.Kana iye Mabhawu wacho kuti aida zvipi ndaisaziva.Uvaidawo ndambotaura naye ndoziva paamire asi mukana chaiwo paiva pasina.Kufona kwacho aisadaira kusaziva manje kuti aida ndiitewo sei? Zvisinei,mhinduro ndakaishaya paya ndichibva ndati,"Thought basa tapedza pano saka ndanga ndati tonorara zvedu,,,"Handina kutenderwa kupedzisa vakabva vati,"Wafunga kuenda kumba kwangu wonosimbisa mwana wako mumba mangu apo hauna kana cent zvaro rawakabvisa zviri fair here?" Ndakashama muromo ndoshaya kuti vaiva vapinda kupfungwa dzangu here kana kuti?"Umm,hanzi chii?Mukagoshama muromo segatahwe mati ndidiiwo zvangu.Ndiri kubvunza kuti ndizvo zvamafunga here vakuru?Ko ndimi ka murikurema muno muNdarire.Kuita zvivindi zvekuuya pamba pangu uchinyatsoziva kuti wakamitisa mwana wangu.Hakuna zvakadero munhu unoitawo matyira kwete kuita seunobva kusina vanhu." Handisati ndakamboona zvakadai ini ndairema zveshuwa kuHarare kwandaibva. Handina kuziva kuti ndingadzikisirwa kusvika pakadai.Vanga vazondiwana zveshuwa kuita zvavanoda neni ndiko kwaiva kwakuitika apa.Ndega ndakatoona kuti nyaya iyi yaiva yakakora muto chaiko.Paitoda huchenjeri chaiho kuti ndipabude nokuti ndaiva ndakabatwa nechikirimbani chaicho kubuda kwangu kwainetsa. "Handina kuzorora ndiri kuda kumbozorodza nyama chete.Pamunondida munondifonera ndouya."Ndakadero ndichiti zvimwe ndabaya dede nomumboni ko ndaizivei kuti ndiri kutokutidzira moto."Manga mafunga kubuda nemota here?" "Igaroziva hapana pandichafamba netsoka ini ndine mota." "Okay then let's go together,tonorara kwamuri kuda kurara ikoko kuseni todzoka kuzotora amai vangu wonovasiya kumba then wotorana nemhuri yako worova pasi." "Mhuri yangu ipi yamuri kutaura?" "Asi imwe ipi?Kana mairohwa hembe tsano kuno tinobata nyama chaiyo.Mabhawu is my only sister hakuna mumwe.Pekutanga wakamitisa hanzvadzi yangu ukatiza ukaenda joni now wakuda kumutiza zvakare hakuna zvakadero.Ini handizvitenderi zvachose." "But ,handisi baba vemwana waMabhawu weku,,," "Enough!"Vakakwamatata zvekuti ndega ndakatya.Baba vaitsamwa zvavo ava,asi chavaitadza kubata ndechekuti vaindiisa pasiri pangu.Kana baba vaMoira wacho ndaisavaziva ini ndanga ndakungofirawo mhosva dzisiri dzangu.Ndaiva ndakungo batanidzirwa hangu panyaya yandaisaziva.Takaparara paMission varimu mota mangu vachidzipfodora zvavo kuita kunge mota yavo.Ndaipota ndichitarisa Allan taiva tatova vasungwa sekutamba sekuseka.Team racho raiva rakangwara chaiko any silly mistake wainyura.Ndakazongoona message yaAllan yapinda ichiti,"What next?" "No idea."Ndakamupindura achibva ati,"Ini zvepano handichada shamwari urikusara wega uchitamba nyaya dzako ini ndiri kudzokera.Nyama dzangu dziri kurwadza nekurohwa ndodzokera zvangu nemabhazi sara zvako wega kuno." "Ko ndikasara ndikapondwa nhaiwe usadero.Ndiwe hama yangu yandinayo todzokera tose shaa." "Umm,ini ndazvitadza dai wakagara wandiudza kuti une nyaya dzako ndisina kumbouya.Chiona zvino muviri wangu angova mavanga because of you.Ndiri kuenda ini sara wega shamwari." Zveshuwa kwakati kwave kuma3 kunze koedza akabva atobuda mumota ndokurova pasi.Ndakasara ndega zvino ndongoti boi boi maziso sechidhori pasina chisvinu chabuda.Vaiva varara vachi monitwa amai vaMabhawu pavakanzi bp yavo yava stable vakabva vangoburitswa .Ndini zvakare nyakutakura vanhu kuenda navo kumba uko kwakanomuka chimoto zvakare Mabhawu akarongedzeswa hembe ndakatarisa.Ndaifunga kuti vachanzwa tsitsi asi zvakedero hazvina kuitika.Akaita zvekusundirwa mumota yangu vachibva vavhara madoors ivo.Apa ndipo pandakapererwa manje.Yes ndaimuda Mabhawu asi izvi ndaiva ndisina kuzvitarisira.Kuita kunge ndairamwirwa mwana wavo kudaro zvakandipedza simba. Ndakacheuka kumashure kwaaiva akagara ndikaona achipukuta misodzi.Mashoko ekureva ndaiva ndisina chandakagona kungomutsa mota ndokunanga kumba kwana Leo.Vakashamisikawo vachiona ndichisvika nemunhu.Ndakavaudzawo nyaya yaivapo vakangogumbata maoko avo kuratidza kupererwa.Ndakabva ndavati,"Ini ndakumbodzokera kuHarare ndonogadzirisa nyaya dzangu chikumbiro changu ndechekuti mumbosarawo naMabhawu ndichauya ndomutora."Vakamboda kuramba ndichibva ndavanyengerera ndokubvuma sezvo ndaiva ndavavimbisa kuzodzoka nemari ndoroora.Lucky randakaita Leo aisavepo ndosaka zvakafamba zvakanaka.Mabhawu handina kumuoneka ndakangobuda hameno vaisara vachionawo zvekuita naye ndaenda ini ndaidawo nzvimbo yangu ndega yekufunga kuti ndoenderera mberi here kana kuti? Anoikunda here Mouse yaatanga iyi? Ko Mabhawu achaita sei?Hakusi kwatova kusiiwa here uku?Shame. End of chapter 7 More comments more fire
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 🎉 🤣 70

Comments