Amai Mimie (K.Khums)
February 18, 2025 at 02:44 PM
https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK Ichi chiri kupisa kana uri fan ramai Mimie pinda muchannel usarasikirwe nemamwe machapters👇 https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j MABHAWU Written by Amai Mimie (K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 8 Mabhawu Ndaisaziva kuti vakomana vanotsamwana kusvika kuthat level.Kana arisa Garry aiita kupupira nehasha.Dzingie aiva zii zvake kuita seaisaona zvaiitika.Ndakadzingwa sembwa zvinova zvandaiva ndisina kutarisira zvachose.Ndaiva ndisina kuita nekuda l was raped.Hapana akandipawo mukana wekutaura side rangu.Kungotaura kwakaita amai vangu zvavaiva vanzwa ndichitaura ndiko kwakaita kuti matwins andidzinge sembwa.Ndaifunga kuti amai vangu vachataura asi vakaramba vari zii kana kusimudza chiso havana izvozvo zvega zvakandiudza kuti vaiva vakatsamwana kwazvo.Ndakapinda mumota yaMouse asi ndainzwa kudumbirwa kwakanyanya kwazvo.Zvekutaura panguva iyi ndaisada zvangu ndakangovatarisa mota ichisimuka ndikanzwa moyo wangu kurwadza.Dai vangondipawo mukana ndadurura zviri pamoyo pangu. Tangoti fambei ndipo pandinonzwa Mouse achiti,"Urikufara ka nezvaiitika izvi?Waiva wagara uchingoda kuzvikandidzira pandiri ukati mukomana weHarare,,,dai wakadaira macalls angu pasina zvese izvi.Chiona ndakumanikidzwa kuenda newe ndisingadi."Akadero ndikati,"Tichiri padhuze Mouse ndidzosere kumba kwedu." "Unoda kuti ndipondwe ka hautorina shungu neni Mabhawu.Ndiwe wakaudza hanzvadzi dzako kuti ndiri baba vaMoira." "Handina zvandakataura ini,kupusa kwako ndiko kwaita kuti ubatanidzirwewo.Dai usina kusvika pamba pedu usina kurohwa zvawakaita.Mazvokuda mavanaga enyora aya." "Urikutotaura zvaunoda ini ndichirwadziwa kudai?Wanga wagara waudza hama dzako zvisina basa wakupa ini mhosva" "Ndini ndakakutuma kuti undirepe here?Pawairara neni waisaziva kuti mukadzi anobata nhumbu here?Wakandimbunyikidza wakutotaura zvaunoda zvako." "Iko ka1 katakaita kanoita kuti munhu abate nhumbu here?" "Urikuedza kuti chii apa?Kuti nhumbu haizi yako ndizvo ka?Waigomerera pamusoro pangu waifunga kuti ndiri chitsiga here?Nhasi yava nhumbu wava kuti haisi yako.Usadero Mouse handidi nemashoko angu." "Ndambodaro here kana kuti ndiwe urikutoisa mashoko mumuromo wangu."Ndakaseka zvaiva nemarwadzo mukati ndikati,"Rugare rwako rwuri kure newe Mouse nokuti une moyo wakasviba sedivi redoto.Unofunga kuti zvawandiitira izvi ndiri kufara nazvo here?Wakanganisa life yangu,kana waiziva kuti haundide wakararirei neni?Kutaura chokwadi wakaita hutsinye Mouse chimboita hako nokuti ndiyo nzira yeupenyu yawandisarudzira."Ndakadero ndichitodzika mumota make sezvo taiva tasvika pamba pana Leo.Ndakamufonera kuti abude panze asi haana kudaira.Ndakazoziva kuti aiva asipo panguva yatakapinda mumba.Ndakasiiwa ndakagara Mouse achibva abuda namai vaLeo.Ndakagara kwenguva refu netuvanin'ina twa Leo utwo twaiva twatorara zvatwo.Ndakaguma ndotsumwairawo mumba muya.Ndakazovhundutswa namai vaLeo vakapinda vachiti,"Sorry hako mwanangu ndanga ndichambokurukura nemukomana nguva ndiyo yazoreba."Handina kudaira ndakaramba ndiri zii.Vakatanga kubika ndikavasiya zvangu.Vaingotaura ndichipindura one word answer pamwe ndichinyarara kusvika vapedza kubika vachibva vati,"Chidya mwanangu uwane kurara nguva dzafamba idzi." "Ndakaguta."Ndakadero vachibva vashama muromo wavo zvikanzi,"Ko wadiii kutaura ndisina kuzvinetsa nekubika ndichibva ndavati,"Hamuna kutaura kuti murikubikira ini." "Inga zvakaoma."Vakataura vachiratidza kusvotwa kwazvo.Ndichibva ndangosiyana nazvo.Ndakabuda panze ndokuona mota yaMouse pasisina ndikat,"Aenda kupi Mouse?"Vakavhunduka vachibva vatanga kukakama ndichibva ndavati,"Ndizvo zvamanga muchironga panze kuti anditize Mouse right?Dai ndiri mwanasikana wenyu ndichiitwa kudai mainzwa sei?Hapana chamunonzwa nokuti pain yekumitisirwa mwana hamuizive nokuti hamuna mwanasikana wacho.Dai munaye maigona kundinzwirawo tsitsi mukataura naye Mouse kuti aite zvinhu kwazvo asi aiwa matomusimbisa kuti aende achindisiya pano."Ndakaombera maoko angu panguva iyoyo ndipo pakasvika Leo hameno kuti aiva arara kupi chaiko.Ndakaita wekumbundira ndichibva ndatanga kuchema kunge kandumure.Ndiye ega Leo aigona kundinzwisisa chete. "Zvakwana Mabhawu unoguma warwara tell me what happened?" "Ndakadzingwa kumba uko because of Mouse.Ndokuuya naye pano achibva atiza only your mother knows where,how and when paachadzoka she deceived me."Ndakataura ndiine bundu pamoyo chairo.Ndakaona achipa amai vake ziso achibva ati,"Munodarireiko amai?Dai ari mwana wenyu arikunzwai mainzwa sei?Makandibvunza musi uya tarwa naMouse muchiti yaiva nhau yei chiregai ndikuudzei nhasi.Mogona kufunga kuti Mabhawu akaita nhumbu nekuda asi haisi mhosva yake hama yenyu yakarepa mwana wevaridzi.Zvekuti akada hake kudziya musoro Mabhawu uyu wekwenyu ndiye anoorera mujere nokuti maeye witness tiripo ini naTamai ndosaka takamurova." Vakaramba vari zii pava paya vachibva vati,"Handina kumbozviziva ini." "Asi mamutendera kuenda achisiya Mabhawu pano.Imi ndimi muchagona kuchengeta Mabhawu ane nhumbu manje muchitadza kuchengeta venyu vana chaivo zviriko here mhamha?"Mumba mana Leo vaiva vakazvarwa vakawanda kwazvo vari 11 vakomana chete.Vakomana vakuru vaiva vabuda mumaoko evabereki vakuzviitira zvavo.Asi havasi vose vanorangarira vabereki.Apo amai vaLeo yaivawo chirikadzi samai vangu.First born mukomana mukuru aiva apikira kuita father vekuRoma saka hapa cent raibva kwaari.Vamwewo vaingongwavhawo zvichiramba kubatana.Leo ndiye aiva mukuru pane vamwe ava vaiva vasara pamba.Zvisinei hazvo amai vaLeo vaiva vakuita kunge munhu airegreter decision yavo asi havana zvavakataura zvavo. Ndakagara pamba pana Leo life wasn't easy at all zvairema ndicho chokwadi.Dumbu rangu raiva rakuonekwa paiva pasisina kuviga kana kuvanza.Shoko rakafamba muraini rekuti ndaiva ndatizira Leo ndainyepedzera hushamwari.Handina kuita basa nazvo zvagara munhu anongotaura chero pasina chawatadza chaiko.Ndaiva ndisisina tarisiro nehupenyu hwangu.Ndanga ndatoita imwe nhumbu isina baba zvakare makora airamba achiwanda kumba kwedu.Kufona kuna Mouse aisadaira zvachose.Ndakabva ndatoziva kuti zvavharana apa. Chimuko panga pasina.Leo ndiye aipinda busy rekundiperekedza kumission kuchipatara bp yaigara yakakwira. "Chiedza hapachina apa Leo ndakanyengedzwa zvakare."Ndakadero kuna Leo tichibva kuMission rimwe zuva achibva anditi,"Dai ndaiziva paanogara chaipo ndaikubatsira Mabhawu l'm responsible for this." "Aaah zvakatopfuura dear waisazivawo kuti ndizvo zvaaiva andirongera usazvipa mhosva ko ndini ndatanga nazvo here?Dumbu rangu ratokura iri 5 months ndaenda.Asi ndiudzewo chokwadi Leo hausi kumbotaurawo naye here Mouse?" Akambonyarara Leo achibva azoti,"Ndakaguma kutaura naye paya pandakamutuka seems ndaka blokwa haichapindi." "Haana kugara andida Mouse we trusted the wrong person,kana neni ndakatodyira ndichiti zvimwe apenyerwa asi ndaizvinyepera."Ndakatomboseka nhamo serugare achibva ati,"Ndiani angatadza kupenyerwa newe Mabhawu wakangozvinakira hako.Kungoti moyo muti unomera paunoda.Unenge wadawo munhu nemoyo wese kusaziva kuti uri kunyengedzwa sorry hako bestie."Akadero akasuwa kana ini l felt so emotional ndichibva ndamumbundira ndokutanga kuchema kusvika ndapedza shungu.Ndiye ega Leo aindinzwisisa.Aitoona kuti pese patauyira kuKana Mission ainditengera zvandaida only Godknows kuti aiiwana kupi mari yacho.Namai vake Leo aiva asisataure mashoko akawanda ndaiva ndamutsiura akanzwa hake.Kutaura vese kwaiva kushoma aiva achakagumbuka.Rimwe zuva ndakazonzwa kukakavadzana mumba ndichibva ndaendako ndikanzwa achiti,"Mava papi hamusi kana kusimudza musoro mhamha murikufara muchiona mwana wavaridzi achitambudzika kudai." "Saka unoti ndiri kufara here Leo wakanditsamwira kudai.Ndakataura naye Mouse akanzwisisa handina kukuudzai zvangu asi ndakatosvitsa shoko kumba kwana Mabhawu list takapihwa." "Whaaaat!"Ndakapinda mumba ndichidaro vakati,"Ndanga ndisingadi kuzvitaura hangu asi ndichaita sei ndizvo zviripo."Moyo wangu wakatombonyevenuka zvishoma kungoziva kuti zvinhu zvangu zvanga zvakuzofamba zvakanaka kwakandifadza chose.Mazuva akafamba kwaiva kwasara mazuva matatu kuti tiende kumba kwedu.Aironga zvinhu zvake namai vaLeo ini aiva asina kumbotaurawo neni akanzwawo zvandaidawo.Vaingoronga ndotozonzwa naLeo kuti zvaiva zvava papi.Zvaindidya moyo zvekuti ndaizvibvunza kuti kumba kwacho yaizova imba yakaita sei chaizvo?Kana munhu airatidza kusarongeka kwake tisati tapinda mumba kudai.Zvakandidya moyo zvakanyanya zvekuti ndakatanga kungonzwa kusagadzikana mudumbu mangu.Ndaingoti ndichaita bho handina kuziva kuti zvaitowedzera.Makandishungurudza mudumbu zvakanyanya kwazvo.Ndaiita kunge munhu ane jeko pasi peguvhu pairwadza ndakamboedza kizvishingisa asi zavakaramba.Ndakadeedza Leo uyo akabva auya kuroom kwandairara achinditi baa akabva abata muromo wake ndokuti,"Ropa riri kuyerera Mabhawu ko waita sei?"I was shocked too zvekuti ndakati ,"Ropa!"Achibva ati,"Mira ndinosunga mombe timhanye kuhospital Mabhawu."Paakada kumhanya ndakabva ndati,"Plaease Leo ndakufa help me."Akashaya pekubata Leo ndikati,"Please!"Akauya pandaiva ndokuedza kundisimudza asi ini wacho ndairwadziwa zvakanyanya ndakazongonzwa kuti huuu ndichibva ndapfugama pasi.Ndakagomera ndikanzwa zvimwe chetezvo.Zvakatora nguva zvichiitika ndokuzomira pava paya.Ndega ndakabva ndangoziva kuti zvaendwa.Misodzi yekupererwa chete ndiyo yaiva yakungoyerera.Akauya pedyo neni Leo ndikati,"Changa chichitibatanidza naMouse chaenda Leo handifunge akauya kuzoroora ini." "Chirega kudaro Mabhawu dai ndaziva ndisina kumuudza kuti warwara.Ndabhaiza." "Hazvina mhosva Leo wanga wapererwawo haisi mhosva yako." Panguva iyoyo amai vake vakabva vasvika ndokupinda mumba mandairara raiva ropa rega rega vakaratidza kushamisika kwazvo vachibva vati,"Ko chii?" "Mabhawu abva nhumbu mamha." "Adiii?Inga zvakaoma regai nditofonera Mouse ko achauyirei hake icho changa chichivabatanidza chabva." End of chapter 8 More comments,more fire
❤️ 👍 😢 🙏 😮 😂 💔 👏 😌 😨 269

Comments