Amai Mimie (K.Khums)
February 26, 2025 at 07:03 AM
https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK Ichi chiri kupisa kana uri fan ramai Mimie pinda muchannel usarasikirwe nemamwe machapters👇 https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j MABHAWU Written by Amai Mimie (K.Khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 14 Mabhawu Aifunga kuti ndakapusa Mouse.Ndaiva ndatomudzidza ndikamuverenga sebook.Iye aifunga kuti ndakadzungaira kusaziva kuti ndaitova ahead aisafa akandibata zvachose.Hama dzangu dzanga dzamuswededza pedyo kumuita mukwasha chaiye vachiona tumafavours twavaitirwa vakati zvese machena kusaziva kuti Mouse yaiva nyoka chaiyo inoruma chaisingadyi.Kwakandirwadza kuita kwake Mouse.Aingoti chero zvaafunga ave kutoita kuita sekuti ini ndaingova mudziyo chete mumba make.Hazvina kundishamisa nokuti hunhu hwake ndaiva ndahudzidza musi waakandibata chibharo.Ndakatomborwadziwa nekurasikirwa kwandakaita nemwana wangu asi ndakatozoona kuti everything happens for a reason.Kana iye wacho handina kumuchenesa zvimwe anogona ari iye zvake aiva ashanda namai vaLeo kuti ndibviswe nhumbu nokuti aiva andibudira pachena kuti mwana aisamuda.Ndakatozoona kuti aiva right ipapo nokuti hubaba chaiho aisahugona zvachose. Ndakabata phone yangu ndichibva ndafonera mhamha panguva yakabuda Mouse.Mhamha ndivo vandakatozopedzera hasha dzose ndichiti,"Sei mhamha makandinyepera?Kwandiri munoita kunge muri kurwadziwa nezviri kuitika yet murikufara zvenyu kuti Moira arikuuya kuzogara kuno.Why muchidaro mhamha?Munosara nani pamba paya mabhuradha enyu makatobvuma kare kuti aende handina zvandichakwanisa kuita kuti ndivadzivise.Why musiri kundibudira pachena.Dzimwe nyaya dzose dziri kuitika ikoko murikungobvumirana nazvo.Sei muchidaro mhamha.Kubva mavhunduka mari kuita kunge musina kubvira maona mari mhamha chii asi?Ini ndini hana yenyu kwete Mouse.Ndinodaro nokuti ndini ndigere nemunhu uyu ndinoziva zvaari." "Ko ndaita sei nhai Khethiwe mwanangu?Ndipo pandicharambira mukwasha here?Iwe ndiwe unotogona kutaura naye uchiramba.Zvimwe zvacho zvinobva zvaita sekuti tinoda kungomudya chete.Ndakatozongonzwawo yave nyaya naDzingie naGarry unongozivawo vanenge vaneta nawo magarden vanotoona kunge vawana mukana.Saka handinawo zvandaikwanisa kuita ini.Ini ndini ndakagona kuzvimiririra ndikaramba kusiya musha wangu mushure nekunge mukwasha ati anditengera imba kuKwekwe.Chandakaita kungonoonawo pairi asi ndakaramba kugarako ndikati vaise zvavo malona ini ndichangova wekutambira mari ." "Matiii mhamha?" "Chokwadi ndakatengerwa imba yaiva surprise zvakatadzikwa nevanakomana vangu wakuzadzisa iwe mwanangu?Chokwadi Mwari vanoropafadza pakazvidzika.Ndaiti zvawamitiswa ndiani achakuroorawo zvake iyeye?Asi Mwari vakapukuta misodzi yangu nhasi ndiri kufara kuti wakadadisa mwanangu.Mombe yehumai irimo mudanga umo kungobereka kaviri chete ndobva ndakudeedza toidya nyama.Ndiri kufara.Zvasiyana nemazuva ekutanga ndaiti zvimwe mukwasha akaromba nemari yaaingoburitsa buritsa zvino ndakatozoona kuti mufungo wangu wakaipa chose.Kana Moira ndanga ndisingadi kuti ugare naye zvino ndikamutora ndinenge ndatova mbuya benzi chaivo.Imhanza yakanaka chose kuti adzidze kuchirungu.Tarisa arikuchengetwa nababa vasiri vake asi vanomuda tenda Mwari mwanangu.Ubve waitirawo mukwasha wangu wake mwana zvibve zvabalancer.Zvinozoda here kuti arambe ongochengeta wako bedzi.Hazvidi mwanangu.Unoziva abva auya kuzotisunungura mulife medu kuropafadza pakazvidzika chaiko.Seipapa ndiri kunzwa kufara zvakanyanyisa ndakutongotyira hangu varoyi vemuno muGokwe kuti ndogona kufa ndikazvisiya.Mukwasha akazendemura matanga maviri ehuku dzemabroiler nedzemazai.Rega ndigokutumira pikicha ugoona kukura kwakaita matanga acho.Huku dzemabroiker i500 dzemazai i100 ndofa nemari rwendo rwuno.Kufa kuti fii chaiko.One munhu ane mukwasha akarongeka muno muNdarire mose." Ndakabva ndangokata call yacho.Ndanga ndatova bho nemashoko avo.Kuti nditaurewo vaiva vasina kundipa mukana zvachose ivo ndivo vaingowawata chete vachitaura zvisina basa.Chavaisaziva ndechekuti wavaiti mukwasha kwandiri yaitova enemy of progress chaiyo.Ndakatutira nehasha ndikanzwa pamoyo pangu kurwadza chaiko.Ndakagara pabed ndofunga way forward asi ndakashaya.Ndakasimuka ndokutanga kutenderera mumba muya asi hapana chakauya mudzoro.Ndakaburitsa hembe dzaiva muwardrobe ndikatanga kurongedza kusanganisira nedzake dzacho.Ndichirongedza kudaro ndakabva ndaona kapaper ndakavhura bepa riye wanike yaiva tsamba yerudo yaiva netuma love hearts twakawandisa kwazvo.Yairatidza kuti yaiva yakare asi vanhu vaiwirirana panguva yacho.Lucky randakaita apa nderekuti paiva nenumber dzefoni pazasi dzakanyorwa kuti Sabina. Ndakasekerera pane zvandaiva ndafunga panguva iyi.Chaiva chaita kuti vasiyane ndaisachiziva obvious paiva nehistory chete.Once ndawana clue ndipo pandaizoziva chaidiwa naMouse kwandiri.Ndakaenderera mberi nekurongedza hembe dzangu.Ndapedza ndakabva ndabuda muroom umu ndokunanga kuguest room uko kwandakakiya door nemukati,ndichibva ndafona.Ndakasekerera payakaringer ndakabva achingodaira chete ndakabva ndati,"Sabina urisei hako?"Ndaitarisira kupindurwa nevoice rechidiki zvino ndakanzwa amai vechikuru vachiti,"Ruregerero mwanangu Sabina ambobuda kuenda kubasa kwake ndiwe ani?" "Ndiri shamwari yake takadzidza tete mhamha ndichazofona manheru adzoka." "Unenge wagona ipapo mwanangu." Ndakafara kwazvo.Zveshuwa akandiisira call back ndichibva ndafona.Ndakabva ndamuti,"Hesi Sabina." "Ndiri kutaura nani hamuna number dzenyu muphone mangu." "Promise me haundikatire phone Sabie because l need your help." Akambonyarara achibva ati,"Shoot." "Ndiri mukadzi waMouse."Ndaifunga kuti achabva amuziva,akaramba akanyarara pave paya zvikanzi,"Who is Mouse?"Ndakabva ndangopererwa kana kurondedzera nyaya yangu ndakabva ndashaiwa pekutangira ndichibva ndangokata.Ndaiedza kufunga kuti ndaiva ndaita mistake here kana kuti?Zvakandirambira mhani nokuti vanhu vairatidza kuti vaiva murudo ava.Ndakabuda ndichibva ndananga kuCottage kuna simple uyo aiva aenda nemwana wangu.Ndakakumbira phone yake achibva andipa ndakabva ndatumira maphotos aMouse maviri ndichibva ndasevha number dzaSabina ndokumutumira.Ndikati,"Ndiye munhu wandiri kutaura uyu?"Akabva atofona ndokutanga kuseka hake paphone paya zvikanzi,"Ndiwe mukadzi wacho?"Ndikati,"Yes ndini ndakabva kuroorwa manje manje handina mwedzi mitatu."Achibva ati,"Wakutotsvaka kuti munhu akaita sei manga matofinhihwa here nerudo."Ndakaona kuti munhu uyu aiva atobatwa negodo ndikati,"I know nyaya dzenyu hadzina kupera mushe une bitterness mumoyo mako.Tiri vakadzi tese togona kubatsirana please my sister save a life here."Ndaiva ndangotaurawo semunhu aiva nezvaaida ,semunhu aiziva kuti kazhinji panorambana vanhu havangobudi mazviri vasina kumarana. "You are right dea handifariri kufunga nezvazvo nokuti hapana chofadza pazviri.Munhu wauri kutaura nezvake uyu haana kujeka zvachose.Zveshuwa unogona kunyudzwa chaiko.Ko iwe waizoroorwa nemunhu usati wamudzidza kuti zvidii?First of all Mouse is a fake name sandiro zita rake wakanyeperwa."Ndakamboti zii ndichirangarira ndiri kumusha ane rimwe zita raaidaidzwa naro asi handina kuzviisa mumusoro ini ndaiva ndakangobatira pana Mouse ipapo."What are you saying?" "The truth darling zvinoda takagara pasi ndokuvhurira mafaera ose kana uchida information yandinayo unoziva zvekuita chaizvo kuti uiwane." "Urikudei?" "Money of cause hapana pandingashandira mahara.But second of all tell me unonyatsomuda here munhu wako?" "Izvo hazvina basa Sabina ini ndini ndichaziva zvandichaita neinfomation yaunenge wandipa." "My question remains the same uchiri kumuda here nokuti kana neni futi l want my revenge chibereko changu hachingaendere mahara.Handina achandida nokuti handizvare.Aindibvisisa nhumbu pedzezvo aona kuti zvadhakwa kuside kwangu akundisvipa handina kufara nazvo aifanirwa kundiroora munhu uyu asi zvakaramba nokuda kwekuti haana moyo ndichiri kurwadziwa nanhasi." Moyo wangu wakarwadza ndichinzwa mashoko akadai.Kana neni ndakagutsikana kuti ndiye munhu wandaida uyu kuti nditambe tsoro dzangu.Bitterbess yaaiva nayo yaigona kundibatsira zvakanyanya.Ndakasekerera ndichibva ndabuda ndokutambidza Simple phone uyo aiva akatokotsira zvake.Ndakamhanyisa maziso asi Moira handina kumuona."Where is Moira?"Manga muri paphone ndatadza kukuudzai abuda nemota naBOSS MOUSE."Simba rakabva rapera mutsoka dzangu.Ndakaita tsoka dzekukweva chaiko asi hazvina kudzosa Moira wangu. Hekani waro!! Kuti mwana aenda here nhaimi nhaimi? End of .chapter 14 More comments,more fire
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 👏 💞 😭 152

Comments