Amai Mimie (K.Khums)
February 27, 2025 at 10:03 AM
https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK Ichi chiri kupisa kana uri fan ramai Mimie pinda muchannel usarasikirwe nemamwe machapters👇 https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j MABHAWU Written by Amai Mimie (K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 15 Mouse Kuwirirana kwedu naMabhawu kwaiva kure chaiko.Anouta kunge munhu ane zvaainyumwa pandiri.Kuti ndanga ndazoinyanya here pace yacho yandaifamba nayo.Inga ndaiita stage by stage wani.Iko kuzoda kuona ona uku anga akuwana kupi chaizvo?Ndakatanga kuona Mabhawu neimwe angle chaiyo.Aindiziva in and out kureva kuti akada chaizvo kutsvaka nyaya dzangu aidzinhonga pachena chaiko.Ndakatombopusa chaiko.Ndaisada munhu anondiendera pamberi ini.Zvaaifunga chaizvo waitadza kuzviziva.Paakandibata kuti l was just pretending kumuda ndipo pakandipedza simba.Zverudo izvo yaitovawo imwe nyaya kwandiri.Ndaiva ndaneta kuitisa vana vevanhu, ndipo pandakaona kuti vakadzi vakangosiyana kuface chete asi pakati pemakumbo apa zvimwe chete.Hapana chegoridhe.Mabhawu is just a pawn kwandiri kunze kwaMoira handina zvimwe zvandinoda kwaari. Pandakaona Moira achitamba ndakatora mukana iwoyo kumbobuda naye zvangu ndakananga mutown.Ndakapinda mumota yangu tichibva tarova pasi.Ndaimuudza zvinyaya zvekunyepa zvega zvega .Ko ini zvagara vana handina kubvira ndaita rudo navo.Pamwe inhau yekuti ndakazvarwa ndingori ndega.Kana vana vabamnini taisapindirana zvachose munhu wandaiwirirana naye vaiva ivo bamnini pachezvavo.Pazviri taiva vamwe chete ndizvo zvakaita kuti tiwadzane.Nguva yangu zhinji ndiko kwandaitandarira ikoko ndanga ndisina mafriends mulife mangu kubva zvakafa friend yangu handina kuzoita imwe friend muife mangu.Ndaiva ndakatokwana ndakadero ndaisada umwe munhu ndaitamba ndega.Nokuti zvandaida mulife ndini ndaizviziva. Zvisinei,taitodya zvedu ice cream naMoira wangu ,Akatanga akasungikana kuva neni pasina mai vake asi ndakazoona oita kakufara ndikatenda Mwari ndizvo zvandaida chaizvo.Call yakapinda l was shocked kuona ari Sabina aimbova musikana wangu kare.Takambodanana zveshuwa zvebhandi nebhurugwa chairo.Ndakambosiya ichirira ndoshaya kuti aidei chaizvo munhu wandaiva ndaramba zvinosemesa kudaro.Aiva nekatsika kekungoita nhumbu tisina kuwirirana zvake.Ndofuga aiti ndizvo zvaizoita kuti ndimude chaizvo.Chaasina kuziva ndechekuti chinangwa chekuroora mulife mangu ndanga ndisina zvachose.Ndakamubvisisa nhumbu dzakawanda kwazvo kusvika pakubviswa chibereko akasara asina.Apedza izvozvo ndichibva ndamuramba ndikati,"Ndichazodawo vana kumberi uko saka unoda kuti ndigare nemunhu asina production kuti zvidii?"Ndakamusvipira kumeso chaiko.Chandaisaziva manje ndechekuti anga akudei mulife mangu manje isu takapedzerana. Ndakadaira call iya wanike munhu ari kuchema ndakaita zvehasha chaizvo ndikati,"Urikudei taura nyaya yako."Akapfikura achibva ati,"Ndakarohwa zvakaipisisa nematsotsi ndiri muhospital kuParirenyatwa so ndanzi ndibude but bill manje handina kana cent ndakatorerwa zvose zvandaiva nazvo.For the sake yekuti takambodanana please help me.Handina zvakawanda zvandinoda hangu rubatsiro rwako chete Andrea Suleka." "Mouse ndiro zita rangu Sabina handidi kuramba ndichikuyeuchidza." "Okay Mouse please help me." "Ndosvika ikoko pavisit ya1 hantie kwangosara kuclear chete wobva watobuda." "Yes." "Okay." Ndakamboti dhuu ndiri ndega ndichiedza kubatanidza ndikatoona kuti Sabina aiva achiri kufunga nezvangu kureva kuti aiva achiri kundida.Ndakaona ari perfect zvakare kuti arwadzise Mabhawu hantie rudo aisada kundipa kureva kuti ndaiva ndisina basa kwaari.Chero zvangu ndaisava nefeeling naye Mabhawu wacho kuva mukadzi wangu zvaitoreva kuti ndinenge ndichitarisira kodzero dzangu semurume.Manje iye aisatoda zvake.Ndakabva ndatoona iri maths yakanaka kwazvo zvekuti ndakabva ndatarisa nguva ndokuona dziri past 12 ndakabva ndatsvaka mafruits angu kuti zvityise ndokubva ndananga kuhospital.Moira ndakamusiya mumota panguva dzakakwana nguva.Ndakasiya ndaloka madoors ese ndokufonera Sabina ndobvunza ward yaaiva achibva andiudza.Ndakafamba ndoenda kuya uko kwandakawana akarara akatarisa mudenga. "Hie ."Ndakadero ndakamutarisa kumeso uko kwaiva nemadzvanga.Maoko ake aiva akachekeka kasi kwete zvakanyanya.Aiva akazorwa mushonga izvo zvaiita kuti asaoneka zvakanyanya."Havana kukurepa havo."Ndakadero achibva anditarisa kumeso ndokubva ati,"Ndakapona nepaburi retsono thanks for caring." "Welcome."Ndakadero panguva iyoyo pakabva papinda nurse uyo akabva abvunza Sabina kuti aiva azoita sei?Akanditarisa ndichibva ndabvunza kwaibhadharwa mari yacho ndokuenda ndichizodzoka nemareceipts ayo akaita kuti tibve tabuda tese naSabina uya."Togona kunanga kumba kwangu wombonozorodza pfungwa." Akanditarisa ndichibva ndavhura door remota achibva apinda ndokugara mberi."Unoda kuenda nemurwere kumba kwako." "Ndokuti ukasike kupora ka Sabina." "Hauneti kundishandisa ka nhaiwe Andrea?" "Kuwirirana chaiko kwete kushandisana." "Okay handei hedu sezvo mhamha vangu vakadzokera kumusha nezuro handina hangu chekumhanyira kumba kwacho." "Don't tel me kuti kubva zvatasiyana urikutadza kuita move on Andrea." "Ini here?Ndakaita move on kare kungoti zviri kunetsa kukukangana Sabina bond between us is unbreakable. Haubve mupfungwa dzangu.Ndakuita sewakandiroya.Ndinaye mukadzi asi pandorara naye mupfungwa dzangu ndiwe chete.Ko kuzodaidza zita rako panguva yebonde.Ndinonzwa kuzvinyarira chaiko.Hameno zvinoita Mwari ndanga ndichitoda kukufonera nhasi chaiye." "Wakunyepa manje chingotaura chokwadi kuti wakuda kundikorovhera chete." "Hapana kukorovhera apa asi kuti ndotokuda Sabina you are my everything." Akazhinya zvinova zvakandipa confidence ndega ndakatoona kuti ndaiva ndabata shiri yangu ndisina kana kuburitsa ziya.Takasvika kumba ndokubva ndaita kumutakura bridal style chaiyo.Ndakafamba naye ndokupinda mumba umo mandakadarikira ndakananga kubedroom chaimo ndikati,"Relax babie muno ndimbokutsvakira something to eat." Ndakananga kukitchen uko kwandakasvikovhura firiji ndisati ndatombotora juice randaida ndakadhonzwa pandinocheuka kudai ndakasangana nacho chematsenga nzungu.Ndakada kutaura ndichibva ndanzi chimwe.Ndakada kuzvidefender asi mukana handina kuupihwa zvakaramba zvonaya zvibhakera kana ndega ndakanyatsonzwa parere moyo.Akatozomira aona ropa richidonha mumhino ndikanzwa achiti,"Where is my child?Ndati mwana wangu aripi?Zvimwe ungaita Mouse kwete kutora mwana wangu nechisimba."Aiva akutoda kundipamha zvakare ndipo pandinonzwa voice raMoira achiti,"Mhama,mhamha."Kaimhanya kachiuya kwataiva akacheuka Mabhawu ngokumhanyira mwana wake uyo waakambundira zviya zvekuratidza kutya kutorerwa mwana wake.Kana ndega ndakashaya kuti sei aiva nepfungwa idzodzo.Asi aifunga kuti ndaida kumubira mwana wake.Akanditarisa neziso raitaura chairo haana zvaakareva.Akabva abuda. "Kuita seane mangoromera kudaro nhaimi?Zviriko here izvo?"Ndakazvibvunza ndega.Zuva riya ndaiva ndabudirira ndikatiza mumba macho.Zvino nhasi andibatikidza ndakarivara aaah musha uyu unenge unengozi chete hindava vese zvavo vachiita sevakatemerwa nyora dzemangoromera.Nemukadziwo Mabhawu here veduwe.Nerunako rwaanarwo haungambomufungiri kuti angaita zvakadai?Ndakatora maice ndokutanga kuzvitova nawo.Saka kureva kuti pose pandaimurova paya aindiverengera achiziva hake kuti achandibata chete.Regai anzi Mabhawu izita hwai iroro chero akanzi ifan rake muimbi wacho ndizvo zvazvinoitwa here nekuvanhu kadzi.Ndakagara pachair ndatopererwa chaiko ndakatarisa maoko angu ndikazvibvunza kuti ,"Saka ndatadza kudzosera nhaimi?Ndakatuka huborn free hwandaiva ndakaita makore ose aya.Ndakaona iri disadvantage kwandiri zvimwe dai ndakakurira kumusha saMabhawu ndaigona kuzvidefender zvino chandaigona kutyisidzira vanhu nepfuti chete.Regai nditi everything around me is fake handina pandinogona kuzvimirira ndega semurume.Ndiri weak kungoti handidi kuinvolver vamwe vanhu mumadeals angu chete otherwise dai ndichitova navo vanorwa ini ndakapeta maoko. Ndakati dhuu kufunga ndakabata shaya ndikazvibvunza kuti kuunza umwe mukadzi kwandaiva ndaita pamba apa zvaipera mushe here?Ko ndikarohwa futi nhaimi mberi kwake ndiani wandaiudza.Ndakatoona ndisina kubudirira.Sezvineiwo ndakasimuka ndoenda kubdroom kwedu ndokuwana Sabina atobatwa nehope.Ndakamumutsa nekukasika ndikati,"Sabina ndokufonera muka ue,,,"Ndisati ndapedza kutaura Mabhawu akabva apinda uyu Sabina achitozamura zvake arimumagumbeze angu.Akanditarisa zvikanzi,"Who is she?"Ndakakakama Sabina achibva ati,"Babie udza munhu chokwadi kuti ndiri chii chako." Akaenderera mberi achiti,"Handisi kutaura newe saka nyarara Mouse ndiani mukadzi uyu?Don't tell me kuti watonditsvakira replacement already?Anyway l need to talk to you huya tione handina nguva." Akabva abuda ini ndokutevera mashure handizivi kuti aiva afungei Mabhawu.Hope hazvisi zvibhakera zvakare. End of chapter 15 More comments more fire
❤️ 😂 👍 🙏 😢 😮 🎊 👏 💔 💗 317

Comments