Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
February 28, 2025 at 07:31 PM
https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK Ichi chiri kupisa kana uri fan ramai Mimie pinda muchannel usarasikirwe nemamwe machapters👇 https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j MABHAWU Written by Amai Mimie (K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 16 Mabhawu Ndakabuda gedhe ndichiedza kutarisa kuti mota yaiva yaenda nekupi chaiko.Hana yangu yaitova mbakumba chaiyo kutadza kugadzika.Hura hwangu hwaiita kusunga chaiko.Ndainzwa kutya nokuti ndaisaziva kwaiva kwanangiswa mwana wangu.Mouse was capable of doing anything ndainzwa kutya nekuvhunduka at the same time.Ndakasimuka ndokuenda paiva pakagara Simple ndikati,"Iye anga akuudza kuti upe boss vako mwana wangu usina kundiudza ndiani?"Akada kutaura ndikamunyararidza aiva akapusa chaiko kuda kutomirisana neni ari iye anditadzira futi.Ndakanzwa kumerera simba tikatanga kupera mumuviri wangu.Ndakaedza kufonera Mouse phone yangu wanike haina network.Ndakatenderera ndichitsvaka network payakangoita ndakaona message yaSabina achiti,"Sorted."Ndakabva ndaziva kuti aiva aronga maths dzake kuti asangane naMouse. "Kana benzi iroro rasvika kwauri please ukaona mwana wangu ndiudzewo l'm worried."Ndatopera chido zvese netariro ndipo pandakaona pic raMoira raiteverwa message yakanzi,"Worryless she is safe."Ndakatura befu kutya kose kuchibva kwangotama.Ndikatanga kufunga manje kuti seiko Mouse aishandisa fake identity.Ndakaramba ndakamira ipapo ndichiedza kufunga zvakadzama kuti ingava nyaya yei yaiita kuti achinje zita.Sekuudzwa kwandaiva ndaitwa naSabina rake chairo Ainzi Andrea. Inga raitovawo zita rakanaka kwazvo wani ko kuzoribvisa mulife make ndiko kuita sei?Ndakaona pari ipo pane nyaya yose yandaitsvaka.Ndakabva ndatumira Sabina message ndikati,"Kudhara Mouse aigara kupi?"Akatora nguva asina kupindura zvinova zvinhu zvaiva zvakundityisa ko ndiye kaa aiva nemwana wangu.Pave paya akabva ati,"KuSA babe girl why asking?" "Since when?"Ndakabvunza ndichida kunyatsobatanidza nyaya."Umm , can't remember but I think ava ne5years adzoka.Why so many questions?" "Pane zvandiri kuedza kubatanidza darling ndichaibata hangu tsoro yacho."Ndakanyatsotarisa,ndikatsvaka chikonzero chaiita kuti Mouse asada kuzivikanwa real name yake ndikaishaya.Zvaitoda Sabina mukati izvi nokuti ndiye aiziva zvakawanda.Zvisinei hazvo mudzi wenyaya yangu ndaizoudzura chete.Ndakanopinda mubedroom matairara ndimo maiva mambondipa clue kureva kuti zvandaida ndaigona kuzviwana.Ndakamborara nemanhede ndofunga pekutangira chaipo ndikapashaya.Ndakatarisa mudenga kudaro maziso angu akananga paiva nechisumbu chemakeys.Ndakamatora ndichibva ndafamba marooms ese ndichiedza kuvhura,wanike aitovhura zvawo kureva kuti aiva maspare keys.Hameno chakangonditi ndivhure mustoreroom umo mandakaerekana ndangomira zvino ndakatarisana nedust raivamo.Maiva nekabag pedyo nekudoor ako kandakabva ndangovhura ndikarohwa nehana ndichiona muine pfuti mbiri. Ndakakwakuka ndokunomira kudoor.Ndakaramba ndakatarisa chibag chiya ndikanzwa kupindwa nechando.Ndakamboramba ndiri zii ndichiedza kubatanidza Mouse nepfuti dzake ndikaona kuti papfuti apa ndipo paiva nenyaya hombe chaiyo.Kureva kuti Mouse yaiva mbavha here?Ndidzo pfungwa dzakatanga kuuya mupfungwa dzangu.Ko kana ari mbavha mwana wangu arikumudii chaizvo.Akaparei mwana wangu chaita atariswe neziso dzvuku?Ndakazvibvunza mibvunzo yakawandisa asi mhinduro ndakaishaya.Ndakadzosera chibag chiya ndokuedza kutsvaka imwe clue muroom umu asi ndakaishaya.Ndakatozobuda pandakanzwa kutinhira kwemota.Ndakadongorera nepawindow ndokuona Moira wangu ndikanzwa Hana kunyevenuka.Ndakavasiya vopinda zvavo havo kubedroom kwangu naSabina wake.Handina kana kunzwa moyo kurwadza aibuda zvishoma nezvishoma Mouse wacho.Chida nenyaya dzaanga atanga dzekuda kutamba nemhuri yangu.Ndaiva ndatomumaka sebhora chairo.Kana tsitsi naye ndanga ndisina. "How far?"Ndakadero panguva yandakaona Mouse ari mukitchen ndikaziva kuti Sabina aiva asara ega. "Adyira mukomana unoziva ndanga ndityitya kuti anogona kujamuka asi zvese bho darling don't worry.But babes why are you digging all this information kana waiwana unoda kuzodii manje nayo?" "I want to protect my family from him nothing more." "What about love?Asi hauchamude?" "Why so many questions?Asi urikufunga kaviri here nhai Sabina?Kana usisadi kundibatsira gara wataura ndizive handidi kutamba nemunhu anondinyudza mberi?" "Sandipo pane nyaya yangu Mabhawu,ndiri kutokutyira nokuti ndakamboona pfuti mumota yaMouse tichiri kudanana.Ndamboedzawo kufunga kuti arikuda kuita sei chaizvo nefamily yako answer handisati ndaiwana.Unofunga ndingasiira basa randanga ndichiita to betray you here nhai Mabhawu l want to help you kuti pasawane umwe zvee anopinda mumarriage yakaita seyako." "Thanks."Ndakadero asi ndakatoona kuti Sabina aiva achiri nekasoft sport naMouse aiva achiri kumuda saka ndaifanirwa kutamba maths dzangu nekukasika asati achinja mufungo.Ndakafunga zvangu kumbomutester Mouse wacho ndichibva ndamuvinga kukitchen uko kwandakaita drama.Ndakamukiya kwete zvenhema ndaida kuziva kuti anesimba rakadii chaizvo kana kuti aingotemba hake nepfuti.Ndakaseka nechemumoyo hapana kana chaizivikanwa.Ndakazomira nguva yakapinda Moira.Ndiye akava mwari wake ndaida kumutsika size chaiyo. Pandakabuda akandipa ziso handina kuita hanya naye.Chandaida kuziva tsoro dzake chete.Kana ari Sabina part yake aitamba zvakanaka, mari ndaiva ndamupa yandaiva nayo shoma akakwanisa kubhadhara rent .Akazondibudira pachena kuti aisada zvakawanda kwandiri zvose zvaaida aitora kuna Mouse.Ndakatanga kumutenda hangu semunhu aiva amira nemi chaizvo zvinova zvandaitsvaka pose apa.Kana aifunga kuti ndiri ndega muHarare aiva azvinyepera.Ndakaona ndichiihwinha nyaya iyi zvaiva pachena chaipo,asi paida kutanga ndaziva zvakawanda.Sezvineiwo tumaclue ndaituwana hangu.Seipapa waiti ukataura nyaya yekufa aivira nehasha Mouse uya.Ndakashaya kuti sei achidaro?Ndakadzokera kupfuti kuya ndikawana answer anenge aiva nemunhu waakauraya chete.Ndakabata shaya ndoedza kusimbisa pfungwa yangu ndikava nechokwadi chekuti Mouse anogona aine munhu waakauraya chete.Ipapo paiva pandijekera asi chikonzero chaiurayirwa munhu wacho ndicho chandakashaya. Ndakapinda mustoreroom ndokutanga kusecha zvakare apa ndaiva ndisisatye manje.Ndakaona trunk iyo yaiva yakavharwa nedust nezvimasaga zvakare.Ndakabva ndamira ,moyo wangu waiva watorwa netrunk yandaiva ndakatarisana nayo.Ndakada kuivhura wanike yakalockwa apa ndipo pandakagutsikana kuti maigona muine hukosha hwaivamo chete.Ndakava nechivimbo kuti ndaizobuda nesomething chete muroom umu.Semunhu aiva aramwa bedroom nokuda kwaSabina mwana wangu aiva akarara zvake ini ndichitsvaka chinhu chaisungirira family yangu kuti ive panjodzi kudaro.Ndakatsvaka kasando ndokurova key iya yaiva yakasimba veduwe ndakamboedza asi zvakakona n'anga murapwa achida.Ndakabata phone yangu kuti ndifonere Sabina ndimuudze zvandaifungira hana yangu yakabva yariva ndikaona zvisingandiitire.Ndakavhara door ndokuenda kunorara dzakanonoka kubata hope dzacho nokuda kwekuedza kubatanidza nyaya. Ndaitofamba ndakabata Moira ruoko.Ndakatanga kunzwa mavoice evanhu vaiita sevaitsvaka Moira.Vaidaidza zita rake mativi akasiyana kwazvo.Ndakaedza kutarisa vanhu vaya uku ndakaviga mwana wangu asi hapana wandakaziva.Shain akangoerekama abudikira ndokutanga kunongedzera kuvanhu vaya.Haana zvaakataura asi airatidza kuva neshungu dzakanynya kwazvo.Ndakaedza kutaura naye asi aingonongedzera chete uku achieredza misodzi.Ndatopera tariro akabva angoti ,"Dzinza rake rinomushuwa."Ndakabva ndapepuka ziya richiti teu teu. Yava ipiko futi iyi?Shain akudeiko kuhope dzaMabhawu?Ko misodzi ndeyeiko?Kuti Shain mupenyu here kana kuti akafa?Zvinhu zvacho. End of chapter 16 More comments,,, more fire 🔥
❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 🔥 152

Comments