Berlin's Writings
February 21, 2025 at 01:07 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F
*SWEETHEARTS*
Chapter 3
Yvonne (mai Ella)
Ndainge ndakamboroorwa naGabriel Jonas but takatadza kunzwanana tikazosiyana.
It all started patakanetsana kusvika pakubvumirana kuti ngatirambanei pasina wataudza.
Taitogara tese vanhu vachiti tinodanana asi tega tisu taiziva kuti hapana zviripo. Takabva tapanana mukana wekuti tisazvisungirire pafake marriage iyi.
Saka takabvumirana kuti tese tikwanise kutsvagawo vamwe. It was not my idea at all,ini changu kwaive kungobvumira chete.Takatora nguva tichinyepera ndikamboti zvimwe tichazodzokera pakuwirirana asi hazvina kudaro.
Nekufambawo kwainge kwoita nguva ndakasarudza kuendererera mberi nehupenyu hwangu.
It was so easy since Gabriel aimboita achinoshandira kunze kwenyika zvake.
Paanga asipo kudaro ndakabva ndawanawo mumwe ainzi Anesu uyo akanzwisisa nyaya yangu akabvuma kumira neni kusvika ndapedzerana naGabriel.
Gabriel wacho paakadzoka akadzoka ave neimwe pfungwa yekuti tigarisane.
Ndakarwadziwa nemabatirwo andaiitwa ekuitwa kunge puppet kuti every time ndotevedza zvaaingotaura iye chete.
Ndakaita confusion ndikatadza kutoziva zvandaida zvacho panguva iyoyo.On the other hand Anesu ainge akuisawo pressure yekuti ndisiyane naGabriel.Ndainge ndazvipira mukubva pakunyepera vanhu kwataiita naGabriel uku ndorarama hupenyu hwangu zviri free but everything went wrong .
Ndiri muconfusion iyoyo nyaya yekuti ndave nemumwe yakabva yabatwa naGabriel.
Kuva nemumwe uku kwaive wrong yes, tichitarisa kudivi rekuti ndainge ndichiri pasi pemumwe murume.Hapana kana hama iri close yaiziva nezvekumborambana kwatainge taita saka kuzvitsanangura kwacho kwaitonetsa.
Gabriel akatsamwa zvekusvika pakutorovana naAnesu zvekuti nyaya yakatosvika kumapurisa pamwe nekuhama dzedu tese.
Hapana akasarudza kutererawo nyaya yangu.
Ndini ndainge ndakungonzi ndakaita chikomba yet vanhu vaisatoziva zvatainge takataurirana naGabriel kusvika pakuti ndizodaro.
Kuside kwaGabriel kwaisave neblame yakanyanya nekuti aive murume.
Kunyangwe dzimwe hama dzangu dzaitomudairira dzichinakurira nyaya yese kwandiri.
Ndakasarudza kusiyana nezvevarume nekuti ndakaona sekunge zvainge zvatoramba.
Ndakatama ndikatanga kugara nemwana wangu kuHatcliffe cause kugara kumba kwedu nehanzvadzi yangu kwainetsa.
Painzi pama _sisters_ pandakawana imba yekugara nenyaya yekuti paive pakavakwa nevanhu veRoman catholic.
Dzimba dzacho dzaive
kwadzo dzega uye dzainge dzakangofanana.
Ndaingoshandisa 3rooms chete ,then dzimwe two dzaigarawo mastudents aidzidza paUZ avo vaitove hama dzemuridzi wemba.
Road yataishandisa from town yaive Alpes road and pese pandaienda kutown ndaigaropfuura neroad yeUniversity of Zimbabwe ndichiona mastudents epo pamwe nekushuvirawo kuzoitawo zvakanaka.
Vazhinji vaingove mazera angu zvisinei nekuti ini ndainge ndatove mai.
Ndaizvishandira ndiine Pre-school yangu asi ndaive ndisina kana kupassa chikoro.
I decided kuitawo zvimwe zvisiri teaching chete.
Ndakatsvaga teacher ndikatangawo kuitawo maextra lessons ndiri pamba.
It was tough ,maths kuzodziita wave nemwana uri mai dzinokakata.
Dzimwe nguva ndaigona kusekwa netumwe tudiki twandaidzidza natwo zvekuti ndakamboda kuzviramwa.
Handikanganwe pandakasekwa ndatadza _standard form_ ndikambofunga kuzvisiya ndokuzokurudzirwa nevaindidzidzisa vacho kuti ndishinge.
Kubva ipapo ndakabva ndatanga kuspenda nguva yangu zhinji on my books .
Kuverenga kwaisanyanya kunetsa saka nguva zhinji ndaiita zvangu Maths.
It was on a Saturday pandakabuda zvangu ndikanogara paverandah ndokubuda nebook rangu remaths ndikatanga kureviser .
My 4 year old daughter ,Ella was sleeping saka ndipo paitove nemukana wekumboita zvemabook.
Pese pataiwana mukana wekuve tese naElla especially on weekends sezvizvi ,taipedzisira tave kuita zvakutamba.
Paverandah pandakanogara pacho paitove nenoise and sometimes ndaimbobatwa nemweya wekuda kutarisa zviri kuroad.
Semu ghetto inenge ingori noise chete munhu wese achiita zvake.
Noise yega yega inenge iri so tempting kuti ungonzwe kuda kuona kuti zviyi zviri kuitika.
Sezvo imba yangu yaive kudhuze nemain road ndakakasika kuona mota yamaiguru vangu mai Jaysen ichitouyawo kumba kwangu.
I quickly got up ndokuvhura my gate door ndichinomirawo panze.
Mai Jaysen vaive mukadzi wemukoma waGabriel and we got along pretty well despite kusiyana kwandainge ndaita nababamunini vavo.
Ndakatanga kuvafarira vasati vatomisa mota yacho .
I noticed that she was with her friend mai Princess netuvana kuback seat.
"Titambire vasikana" ndakadaro pavakavhurwa madoors, vachibva vatoita noise yekufara and we group hugged.
"Umm mainini matoita ka ghetto queen chaiko"
Vakadaro mai Princess vachiseka vakatarisa doek randainge ndichikasunga musoro ndikati "imii zvinoita zvega"
Ndakamhanyira kunoburutsa maiguru's baby Charlotte who was just a year old kwakutanga kutamba naye iye achingoseka.
Tisati tapinda mumba maiguru vakatoseka zvavo vachiona mabook angu andainge ndamwararidza pasi vachiti "Nazvo zvidzidzo?" ndikati "Maiguru ndakaura"
"But zviri kuita hazvo?" She asked ndikati "mbijana, ndiri kufanira kunyora November saka ndofanira kutopusha"
"I know haa you will manage "
I sighed loudly ndikazoti "Pindai" kwakubva vapinda vese.
Ella nekungonzwa ruzha takazongoona atomuka .
Kakauya kwakutotanga kuitawo noise nekuona Charlotte aive mumaoko mangu.
Ella aida vana zvakapfurikidza zvekuti
Charlotte wacho akabva atobviswa pamakumbo pangu kwakutanga kutotambiswa mahumbwe. Munhu wacho aitozvidawo zvekutambiswa izvozvo saka aingoseka achiitwa yese yese.
Takatandara tichiita catch up nevamwe vangu.
Maiguru told me that her husband nababa Ella vainge vaenda kuKadoma uko kwaigara mai vavo kwavainge vadedzwa for a meeting nehanzvadzi dzaamai vacho.
Ndakaseka zvangu ndikati "kwaitikei" and she shrugged vachiti "hameno, ndiko ka kwatakurwa boys dzangu"
"Asi varibhoo zvavo here mbuya Jay?" ndakabvunza vachibva vatanga vapindurudza maziso ndokuzoti "Varibhoo havo"..
Amai vaGabriel ndainge ndapedzisira kuvaona before ndasiyana nemwana wavo.
Kutovaona kwacho ndaisatoda nekuziva mhosva yandaizoramba ndichinenerwa yekuita chikomba iyi.
Ndakazo vhundutswa from my thoughts namai Jaysen vainge voti "Are you coming kuparty?"
Vhundukiro yacho yakaita sekunge ndainge ndisina kubvira ndazvinzwa zvekuparty izvi.
Ndainge ndichitozviziva asi ndakatoshamisika nekuvhundukawo kwandakaita.
Vakaseka zvavo mai Jay namai Pee ndichibva ndati "imii ka"
"Dzokai pano mainini ,your mind is somewhere else"
Mai Pee said laughing
Ndakatura mafemo ndokumbovhara maziso ndikazoti "rini zviye?" Kwakuzvipindura ndega futi ndichiti"ooh iyo Saturday yatatarisana nayo iyi"
"Eheee" mai Jay vakapindura ndikati "umm hamuone kunge ndozoita sekunge ndiri kuda kutymira Gabriel here?"
They all shook their heads zvikanzi "No" ndikati "handisi kuda kuuya ini, apa kusangana nasekuru vaJay nezvese zvakaitika I don't think I can"
"Vovoe zvakapera nenguva yazvo, you are still part of the family because of Ella"
Mai Jay vakadaro vachiedza kuda kuti ndinzwisise ndikati "umm " ndichizunza musoro.
"Unozvinetsa Yvonne. Maybe Gabriel anenge atori nemusikana wake uko ,apa iwe uri kutozvinetsa nezvisina basa"
Zvavakataura zvakarovesa hana yangu kwakubva ndatii "musikana?"
Zvikanzi "yes handina kukuudza kungoti baba Jaysen vaindivigira.
Akatozondiudza akavarairwa musi uno" vakadaro vachitarisana namai Princess ndikaona mai Princess vokasika kuzunza musoro kuri kuda kuedza kumisa mumwe wavo kuti asataure.
I faked a smile ndikati "hoo" ndokupukuta kumeso nekuti ndainzwa sekunge ndatodikitira.
Ndakaona vese vakanditarisa ndichibva ndati "ndewepi musikana wacho?"
Mai Jaysen vacho vanenge vasina kutoona signal yavainge vapihwa nekuti vakatopindura confidently vachiti
"Unoziva ms Dickens?"
Zita racho raisave ritsva zvaro but ndakatadza kuziva so I ended up shaking my head zvikanzi "Iwee vaye vaye vanowirirana nasekuru vaJay? That white lady"
Ndakavatadza ndikaramba ndongodzungudza musoro kusvika mai Jay vazoti "Ndivo vane mwana ari kudanana nababamunini.
Kwanzi she was in France"
"Murungu?"
ndakabvunza ndakavhurisa maziso zvikanzi ..
" Eheee kamurungu, I haven't met her.Akangondibuda nenyaya yekumbozvivigisirwa iyi ,plus I like you more saka kutanga kujairana nemumwe handisi kutokugona"
"Well you have to" ndakadaro ndichiseka zvikanzi "Zviri kutoramba"
"Usafurire mwana Noku ,Gabriel akabhaiza paye"
Mai Pee vakadaro vachibva vapindurwa kunzi "handisi kumufurira Flo iwee..Tese pano tinoziva kuti Gabhu akatadza "
Vainge vave kutonditaura sekunge ndisimo kusvika ndazovati "hey guys" tese tichibva taseka.
"Kuparty kwacho ndichatobhowekana ka,mese munenge muine vanhu venyu, you, Stacey, mai Princess"
"Aaa zvine basa rei?"
Mai Pee vakadaro ndikati "I will see ndichatanga ndanzwa mai maTwins" ndakadaro ndichireva Stacey uyo aive mwana watete wamai Jaysen .Tainge tave kuwirirana saka ndaida kutanga ndanzwa kubva kwaari kuti ndoenda here or ndorega.Ndiye munhu wandaitaura naye zvakawanda and zvekubatsira vamwe izvi aizvigona .
"Haa hameno akauya handiti haako kumba kwake"
Mai Jaysen vakadaro ndikati "Akaendepi?"
"KuRuwa, pane zvaakaitana nemurume wake chete. Didn't she tell you?"
"Haana kutaura uyu"
"Hameno zvavakaitwa mai matwins nekuti kwatete aitoveko manje manje futi apa adzokera"
Mai Princess vakaseka ndokubva vazoti "Achazokura zvake, ndaimbozviita mazuva ekutanga"
Ndaitombomunzwira tsitsi Stacey nekuda kwevana vake vainge vakangoda kuenzana.Dzimwe nguva aisatofamba zvake kuri kuzeza kunetseka navo pakufamba.Saka ndini ndaitowanza ma visits angu kumba kwake.
Dzimwe
Nyaya dzese dzainge dzave kutaurwa ipapo dzaingopinda neimwe nzeve dzobudawo neimwe yacho.
Hameno kuti chii but I was nolonger settled nenyaya yaGabriel yandainge ndanzwa iyi .
Vana mai Jaysen vakazooneka kwatove kumazuva rovira vachiti vave kuda kubuda.
Ndakavatemhera muriwo wandainge ndakasimawo mugarden zvese nema onions acho ndokuva rongedzera.
Ella ndiye akanotanga kutopinda mumota mavo ndichibva ndakasika kumuti "buruka buruka iwe,Monday kuchikoro"
Munhu wandaiudza wacho akatokwidzira tumapendekete pamwe nekufutisa matama. Ndihwo hwaive hunhu hwake mwana waGabriel kana achinge angoona mota.
Ndakakurumidza kutsvaga kashamu ndokumunongedza nako ndichiti "buruka imomo". Yakatengwa namai Jaysen vachiti "Musiyei anouya kani"
"Kupi maiguru anojairira uyu"
"Kujairira kwamai vake here? Leave her "
Ndakatarisa kamunhu kacho ndokutoona katogara zvekuratidza kuda zvekutoenda.
Ndakapedzisira ndangomusiya akadaro.
I didn't worry about nyaya dzehembe nekuti maiguru vaingoti aizopfeka dzehanzvadzi dzake mberi ikoko.
I watched them leave kwave kuzotura mafemo ndave ndega ndokupinda mumba.
I don't know why but ndakabva ndangobuda mumood yandaive ndokutonzwa kupera simba.
Kana nezvaiitika paTv ndakabva ndatoshaya chido nazvo ,kupedzisira ndatoidzima TV yacho.
The next day ndakamukira kuita basa rese ndokudzokera kunorara semunhu aive ega.
Mercy musikana wangu webasa had gone kumba kwavo for weekend saka zuva racho raitobhowa.
Ndakambofonera mai Jaysen ndichida kunzwa kuti varisei but she hung me up kwakusenda message vachiti "Tichiri muchurch"..
Handina kuzoita shungu dzekufona futi. Ndivo vakatozofona zvavo vachindiudza zvekuti team ravo riri bhoo.
Vakatoti vana baba Jaysen naGabriel vainge vasina kuzodzoka saka vaingove naElla naCharlotte chete.
Ndakasenderawo Stacey message ndichinyeperawo kunge ndisiri kuziva kuti haako kumba kwake.
Haana zvaakataura zvakawanda akangotaura kuti aive kuRuwa ,akati aizondiudza paanenge adzoka kumba.
Monday ndakangoenda kubasa zvechirango thinking mai Jay would bring Ella but she didn't.
Ndakaita zvema schemes of work for that week ndichibva ndavimbisa kuti ndaizodzoka the following week.
Ndadzokera kumba ndikangoita busy nechikoro changu as usual.My teacher would come kumba dzimwe nguva asi most times ndaitodzika kunoitira kumba kwevasikana vekumbondiseka vaye.
Nzvimbo yacho yaive nevanhu vazhinji zvekuti
kufamba chaiko ndaive ndisina kutosununguka .
I would use road yetara ndotiza zvangu kupinda nemudzimba dzevanhu.
Ndakasarudza kuzvidzikamira hangu ndichipfekawo hembe dzinonyatsondiita semunhu mukuru chaiye.
Ndaisada zvekujairirwa nekuti panguva pfupi iyoyi vamwe vainge vave kutondikandira maCv.
I made sure kuti munhu wese wandatosangana naye , ndazvizivisa ndichiti ndinonzi mai Ella.
It was on a Thursday pandaibva zvangu kuchikoro ndikasvikirana nemota yaGabriel.
Ndakatanga kuita makumbo ekukweva pandakango rangarira zvandainge ndaudzwa namai Jaysen.
Ndakasunga chiso pandakasvika padhuze nemota yacho iye achibva avhurawo door ndokubuda.
Akadzikisa mashades ake slowly ndokuti "ndeip" ndikatiwo "ndiri bhoo"
Ndakabva ndananga kudoor rekumashure ndokuvhurirawo Ella uyo ainge anzwa nekunonokerwa kuti abude.
Ndakamusimudza ndikati "hesi kani" kachibva katanga kusekenyeka.
Ainge akapfekedzwa kunge mukomana izvo zvakaita kuti ndiseke ndichiti "mama vako so ka".
Baba vacho vainge vamirawo staring at us ndikazoita kuvhunduka when I remembered kuti varipo.
Ndakashaya zvekutaura kwakubva ndangoti"thanks" zvikanzi "pleasure".
Vakadzosera musoro mumota ndokubuda vakabata a barbie doll. He handed it to Ella vachinditi "Mwana wako ainetsa hanzi ndasiya mwana wangu"
Ndakaseka ndikati "serious? Anonetsa uyu "
"We had to buy mumwe mwana"
I faintly smiled pandakanzwa zvekuti 'we' izvi.
Zvakaita kuti ndingozvizivira mumwe munhu ainge anotengwa naye mudhori uyu.
Ndakazozvimanikidza ndokubva ndazongoti "Makagona"
Ndaifunga kuti munhu wacho achabva atooneka kwakuona ave kutotungamira ndiye kupinda mumba mangu.
We got in akasvikonogara musofa zvake.
Ndakamboisa mabooks angu mu room mangu ndikazodzoka ndichiti zvimwe ndinowana munhu ave kubuda asi kwete.
Hameno zvainge zvakuratidzwa Ella muphone achiita kugegedzera.
Zvekugara navo musame room ndaisatoda saka ndakangoraira Mercy kuti avaisire juice ini kwakubuda panze.
Ndakatanga kutarisa garden rangu ndikazofunga kuenda pamba pandainge ndambodedzwa kunzi nditore masakasi.
Paive pamba pevamwe mother vainzi mai Munashe avo vainge vangondisunungikira from day one.
Pese apa ndaimbozeza kunovaona asi apa ndakazvipira ndikasvika.
Takaita zvemasakasi ndikatombowanza nyaya asi pandakangodzokera kwangu kumba ndakangosvika Gabriel achiriko zvake.
Ainge azobuda panze with Ella on his shoulders achitoratidza kuti ainditsvaga.
Paakandiona akabva aita zvekutoti "Yaah" achitura mafemo.
"Unofambisa" he said laughing ndikati "Ndatoti maenda"
"Ndatozosvitswa kuchibhorami naElla ,hanzi unogona uri ikoko"
Ndakatarisa Ella wacho ndikamuti "Unofarisa"
Kuchibhorani kwacho ndaisatokuenda nekuti Mercy ndiye aingoita zvemvura.
Besides mvura yacho yaimbouya zvayo patape so kuchibhorani kwaingoendwa apo neapo.
"Kuri dangerous kubhorani kwenyu ,you should not take Ella ikoko..ndaona kuine zigomba"
Akadaro Gabriel ndikamuti "handiti waona paine gate?Panotokiiwa! Hapatodiwe vana ,iyeyu ndichamurova nekungotaura kwaasina kuswera"
"Hapana apa usatyise mwana"
"Ehoo" ndakadaro ndichikanda zvinhu zvangu mugarden ndikadzokorodzwa kuudzwa kunzi "Unofambisa"
"Wanga uchida kuti ndiite sei ? Chakutadzisa kuenda chii ?handiti mwana waingomusiira Mercy, plus futi haatonetsi uyu waingomuisa paTv"
"Ndaida kuwoneka iwewe"
Ndakarovanisa maoko ndikamutarisa ndokuzozunza musoro ndichiti "Aahyaa"
"Saka wauya ndave kuenda" akadaro achidzikisa Ella kubva pamafudzi ndikangoti "Ehoo".
Ndakada kutopinda mumba achibva andidhonza ruoko ndichibva ndamutarisa kwakuzorega kutaura zvandaida kutaura zvacho ndaona Ella akatitarisa.
I sighed loudly and it did say zvandaida zvacho nekuti akabva atonanga pane zvaainge andibatira ndokuti "Are you coming kuparty"
I shook my head ndikati "No" zvikanzi "you have to"
"I will see"ndakadaro ndichibvisa ruoko rwake slowly kubva pane rangu.
End of chapter 3
❤️
👍
😂
🙏
😢
😮
243