Berlin's Writings
February 27, 2025 at 02:42 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F
*SWEETHEARTS*
https://chat.whatsapp.com/IjGEVfBCJtnCsyhf3z1Tto
*Midnight storm*
Written by Berlin
0712025728
Chapter 4
*Rugare*
Takaswera tiri paassembly point on Monday tichirohwa nezizuva raiveko musi iwowo nenyaya yekusabhadhara school fees.Pachikoro pandaidzidza paive pari paprivate school apo paibhadharwa mari yechikoro yacho monthly. Yaisave mari yakawanda sezvo maive muri muhigh density area,yaive ingori $20 chete but ndaive nditori nechikwereti chaisatarisika.
Fees ndaive ndakapedzesera kuibhadharirwa the first 2 months ndichangotanga form 1 kwakuzongoti zii kubva ipapo mari yakusatobatika.Zvekudzingwa izvi ndaive ndatozvijaira,report rangu chairo ndaisatoriziva nenyaya yekusabhadhara iyi.
Pachikoro pandaidzidza pacho paive nemutemo wekuti hapana mwana anobuda gate rechikoro saka taitongoti nyangwe tikadzingwa muclass tonogara hedu paassembly point.
Nyaya dziye dzatinoda pane padzinosvika pakubhowa ,wotopererwa kushaya kuti ndochitaura ipi manje.Ndizvo zvandakaita musi uyu dzakapedzisira dzapera kuti hwaa ndikapedzisira ndaita zvekupfunya chisero ndokurara ndakaita zvekutsamira bag.
Ndakabatwa nehope kwenguva pfupi ipapo semunhu aive akazorara machongwe ave kukukuridza nepamusana pekutya husiku hwaive hwapfuura.
Hope dzaive dzakandinetsa kuti dzibate ndichiziva kuti ndini mukuru, apa nenoise yaiitikawo mumba medu macho yemakonzo aimhanya-mhanya ndaibva ndatoita kuwedzera kutya.
Ndaive ndakazongobatwa nehope ndakapfuga musoro asi handina kurara zvinoenda kure futi nekuda kwekuti kwaive kwatochena ndakuda kuenda kuchikoro.
Ndakazomutswa pandaive ndakotsira apa nenoise yevanhu vaive vapedza havo kudzidza ndichibva ndatongosimukawo paye kwave kutobatawo kabag nekutonanga kugate kunge munhu arikubva mukudzidzawo.
Ndichangoti budei gate ndakabva ndasangana nemumwe musikana wataidzidza naye akatanga hake kundiudza zvese zvavaive vadzidza.
Ndave kuda kutoonekana naye ndakazwa mai vaironga musika wavo wemasweets nazappy pagate vachindidaidza.Vaive vave kuziva zita rangu nenyaya yekumbokwereta hangu tunonaka kwandaiita.
Ndakadzokera kumashure mbijana zvikanzi "Usavhare macustomer Rugare huya kunoku kwandiri uku"ndikamboda kuvatiza hangu since vaitove busy kuserver vana vechikoro ndichibva ndazongozvidzora.
Ndakatenderera kwavaive vari ndikasvikomira kumashure kwavo ndakabata muchiuno ndichitononokerwa nekuti vapedze kuserver vanhu.Vakambotora nguva vachingotengesa ndokuzotofema pakazotopera mafreezits avo vachibva vanditarisa ndokuti "Hesi Rugare" ndikati, "Maswera sei mai Nelson?"
"Mushe ,fara hako apa hauna chikwereti!"
"Ko ndakambotsamwa here ini ndatononokerwawo nekuenda kumba kumaraini kwedu kure mhoti!"
"Wakati unogara kuConsortium?"
"Ehee,tiri padhuze nepa Alpha paye but ndoda kuzoenda kuma 600uko kunotora kamwana kedu."
"Hoo,chigara apa ndikuudze."
"Aaa amai Nero ka ndakadyiwa netime" ndakadaro ndakuda kutoenda vachibva vaita zvekundibata mupimbiri ndokuti,"Chichonjomara apa ndikuudze" and I rolled my eyes ndichibva ndazochonjomara paye zvikanzi, "Wazviona kuti waspoila?"
"Kuspoila?" I repeated just after her ziso ndaita kurivhurisa with shock zvikanzi,"Asi wabva kumba usiri kutoziva kuti watanga?"
Ndakangozogutsurira musoro kwakutadza kutovabudira pachena kuti ndiyo yaive itori first time yangu kudaro.
"Chisunga juzi muchiuno umhanye" she said ndikati,"Thanks" kwakubva ndatosungawo juzi riye nekutomhanya kumba ndichiita kufara kuti ndaive ndakuendawo kuperiod.
Ndakasvikira kutoilet kwakuwona zveshuwa ndatoenda kuma periods pant rakaita kutoti piriviri neropa ndikawedzera kunzwa kufara nazvo ndave kutononokerwa nekuzoudza kashamwari kangu kainzi Munashe ako kaidzidzawo pane chimwewo chikoro chaivewo mu area medu imomo.
Ndakabva ndatongogeza ndokutanga kutsvaga zvimucheka zvekushandisa semapads ndikazvishaya kwakuzopedzisira ndanobvarura chimwe chit-shirt chadaddy che-party yavaifarira kwakuchipfeka.
Ndakatopfeka neskirt chaiyo kwakubva ndasunga chizambia chamhamha pamusoro.
Ndakaenda kwandaive ndasiya Elijah ndikasvika mai Thembi vachitoti vaive vave kutoda kutobudawo.Vaive nekahukama kemuHarare kavaive nako namama vangu kandaishaya kuti kakabva kupi,vachingoitana mbuya nemuzukuru. Ndivo vaitaitokumbidzana navo zvinhu,uye nyaya dzese dzamhamha dzaitotanga kuudzwa ivo.
"Mwana wenyu Rugare sandi kunetsa ikoko!" vakadaro mai Thembi vachirovanidza maoko ndikati, "Hanziiko?"
"Mumwe wake Tawana azoenda kucreche ka tikasara tave two pano kumuti gara uonewo TV hanzi handidi baa kwakubva atoiti mhere kwetsu!"
"Kuchema?"
"Ehee zvake!"
"Saka azodii?"
"Ndamusiya hake ka achibuda panze paaswera achidriver hake zvidhinha mwana waWashington DC achitaura hake ega."
Vaitoseka havo but ini handina kutoona chaisekesa chacho ndakazovanzwa vave kuenderera vachiti,"Mama vako wakambozotaura navo?"ndikati,"Ahiwa" zvikanzi, "Ini handisi paApp hangu,phone yangu iri kutonetsawo hayo ndichazotaura navo."
Ndakangogutsurira musoro zvikanzi "Enda unotarisa hanzvadzi yako kuseri uko tichingobude tese ndoda kuenda kuAlpha," handina kuzoita zvekunonoka ndakatenderera kuseri kuya ndikamuona achitotamba hake achidriver chidhinha mwana wamai vangu.Yaingove "4th,Copacabana,market" ungati zvisvinu manje neserious yaive yakarohwa ipapo.
Ndakazunza musoro zvekupererwa ndikati "Elijah" achibva asiya chidhinha chiye ndokumhanya kwandiri.
Akasvikondimbundira ndichibva ndangomusidza neshena yaaive ainayo iyo yaitooneka nemumusoro mese."Kutambisa tsvina Elijah" ndakadaro ndichimuisa kumusana zvikanzi, "Kwanga kune mhepo nhasi,mama vauya?"
Ndakatadza kumupindura kwakungotura mafemo ndichienda kwandaive ndasiya mai Thembi avo vandakaona vave kutokiya madoors avo tichibva tatongobuda tese.
Vaifamba road yese vachiita vachimbomira-mira vachitaura nevanhu ndikambotanga ndichangoti pavamirira ipapo,neniwo ndamirawo kwakuzoona kuti ndingatozosvike kumba manheru ndichibva ndatozovaoneka kwakuvasiya vega.
Ndakasvikawo kumba ndikawana Charmaine achitowacha uniform yake akagaririrwa namai Munya.
"Manga manotora bhudhi" vakatanga nekundidaro mai Munya vaye ndikati,"Eheee maswera sei?" ndichiburutsa Elijah vakati, "Ndaswera zvangu kwanga kuri sei kuchikoro?"
"Kwanga kuri bhoo hako."
Ndakapinda mumba ndikavasiya vave kumhoresana naElijah ndikabuda ndakabata poto yema spaghetti yandaive ndamukira kubika makuseni-seni iyo yaive yapurwa yese naCharmaine.
Ndakamira padoor paye hasha dziri muhuro ndikati "Charmaine Ko wadya maspagetti ese?" zvikanzi, "Ndanga ndine nzara ndafunga kuti wadya ini."
"Ndadya nguvai?"
"Pawauya ka handiti ndangoona bag ndikati wadya?"
Hasha dzandakanzwa ipapo dzakaita kuti ndide kunomubinhimidza zimbama kumusana akakotama kudaro kwakubva zvakasika kuonekwa namai Munya avo vakabva vanditi,"Haikona kudaro Rugare,mira ndizononokupa mabuns andabika kumba uku."
Ndakafemeruka neshungu vachibva vazodzidzikisa voice vave kuti "Rega ndifonere mai vako vati vanoda kutaura newe," ende ndakabva ndatoswedera mudhuze mavo chaimo nekungonzwa yekufonera mai vangu iyi.She started diailing my mom's number nemaoko avo aive akaiswa maartificial nails andaigara ndichi admire pese pandaivaona.
Vairukwa zvakanaka mai Munya voti manails iwayo apa ivowo vacho vaive vakazvarwa Mwari achida, she was beautiful.Zvaisaperera ipapo chete Mwari wacho it seemed like he had favoured nekuti vaive nezvese kunaka voti hupenyu hwakanaka.
They were the first ones kudhonzesa magetsi muraini medu, imba yavo yaitove mudurawall zvekuti vaiti kana vachida kuuya kwedu votoita zvekutenderera chaizvo.Chandaivadira was that vaisavhaira, vaisazviratidza kuti munhu ane mari dzake vaitowiriranawo zvisingaite namama vangu.
Vakatofona ini ndiri busy kuvatarisa ndikazovanzwa vave kuti "Eeeh auya Rugare," paphone paye ndokuzongonditambidza phone vachiti,"Taura."
"Maswera sei mama?" ndakatanga nekudaro zvikanzi, "Hesi Rugare wakasara sei,uri bhoo,Elijah arisei" vakabvunza mubvunzo yakaturikidzana ndofunga vaitya kuti varidzi vephone vaigona kuzongoitora tisati tapedza kutaura.
"Ndiri bhoo,takasara bhoo isu ikoko kuri sei ?"
"Kuri bhoo ndati Elijah ari bhoo here?"
"Ehee Charmaine ndiye andidyira maspagetti kupedza poto yese apa tanga taisiya tichiti tikazodzoka kubva kuchikoro todya."
"Sorry kani Rugare ,I hope hauna kumurova ikoko!"she said ndikati,"Ndaida kukakwatura" zvikanzi, "Munin'ina wako wanzwa?Hamurovane!"
Ndakatarisa Charmaine uyo aive anditarisawo ndichibva ndazoti "Ehoi" ndokuzotanga kubvunzwa tunhu twakawanda-wanda ini ndichivaudzawo zvese kwakuzopedzisira nekuvaudza zveschool fees vachibva vati "Ndichaona yekutamba," sezvavaingogara vachitaura pese pandaidzingwa nenyaya yefees.
Vakazotaurawo naCharmaine vakapedzisira naElijah ini ndaive ndakutononokerwa nekuti vapedze nephone yevaridzi ndichinopihwa hangu mabuns andaive ndavimbiswa.
Manje vapedza nephone iye ndakabva ndanzi namai Munya ndimbotange ndagezesa mwana ndochizotevera hangu kumba kwavo ndichinotora nabuns.Nekuda kudya uku ndakatanga ndagezesa mwana airehwa ndokuchizotevera kumabuns.
As she had promised, ndakasvikopihwa 6mabuns kumba ndikazoenda ndichiita kufara.
Daddy vakazouya zvekare manheru emusi uyu tave kuda kutorara vakangosvika kutidongorera ndokungosiya pack rema candles ravaive vauya naro kwakuzoenda kumba kwavo.
Mangwana acho makuseni ndakamuka ndakaita kuspoila mattress neblood ndichibva ndatongoipindurudza ndichiisa side raive riine ropa pasi.
Ndaida kutorovha kuchikoro kwakuzotadziswa neimwe shamwari yangu iyo yakauya ichitaura zvekuti vanhu vaive vasiri kumbodzingwa musi uyu.
Semunhu aisatonzwawo zvekuda kuenda kuchikoro ndakabva ndatokasika kuti"Iii handisi kuenda ini ndakatanga kuenda kuuyuyu apa handina mapads."
"Hiii wakanditangira Rugare!" She exclaimed ndikati,"Ehee pamwe uchazotangawo next year handiti vamwe hanzi vanogona kuzotanga achingopedza form 4."
"Hanzi zvoenderana nemusana wamai vako"she said and I nodded in agreement zvikanzi, "Handei kani kuchikoro."
"Handina mapads unondipa here ndikada kuenda?"
"Mira ndiende naCharmaine uyu ndinokubira mapads asisi vangu,vanayo hobho."
Akaenda naCharmaine uya ndikasara ndave kugezawo zvekuti mapads aye akazouya ndatopedza zvese ndachingomirira iyo chete.Ndakasvikotambidzwa plastic bag reblack naCharmaine achiti "Hanzi kasika"ndikati," Ehoo" ndichibvuta plastic bag riye.
Ndakaenda mutoilet kunoti ndipfeke kwakuvhura plastic riye expecting to see mapads edu atakajaira ayo andaimboona mama vachishandisa kwakushamisika kuona muine akatosiyana neandaiziva.
Aive ari ejira rakaita kunge fleece ese ari ema bright colors baby pink,sky blue and white apa achitoratidza kuti akatomboshanda ,akatotindivara uchinyatsoona kuti ane mastains eropa.
"Rugare kasika ndiri kuda kupindawo imomo" Charmaine akadaidzira akamira padoor paye and I shrugged zviye zvekupererwa ndichibva ndatongosarudza one pad raive riri nani pakutindivira ndokupfeka.
End of chapter
❤️
👍
😂
🙏
😢
😮
99