Berlin's Writings
February 28, 2025 at 04:27 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F *MIDNIGHT STORM * *Midnight storm* Written by Berlin 0712025728 *Chapter 8* *Petronella* Ndakapfeka hembe dzandaive ndapihwa namai Honor dzikanyatsokwana wena ndichibva ndambozvitarisa kumashure pamirror ndokusekerera ndichiti "Ndatosimba zvekukwana hembe dzamai Honor?" Ivo vaive vandipa vachiti dzave diki hadzo but kungoziva kuti ndave kukwana hembe dzaimbove dzavo kwakaita ndione kuti ndaive ndawedzera weight zveshuwa. Ndakaenda kulounge wearing rimwe long dress ravaive vandipa so ndikasvikoti "Rakwana wena" ndikanzi,"Tendeukai tione" and I did ,vakatanga kuita ma"Wow" namai Rhodha vachiti ndaive ndakafitwa. "Machena mai Rugare!" "Sure here?" "Ehee machena maoko ayo haazokwidzwa hayo mudenga manje sezvamaita izvo" Mai Honor vakaraira vakagara pasofa pavaive vakazvipeta ndichibva ndazvitarisa maoko airehwa acho ndikashaya paive nedambudziko. "Mai Rhodha gadzirisai mwana masleeves that's an offshoulder" Mai Honor vakazodaro kuna Mai Rhodha avo vakabva vadzikisa masleeves aya kusara mapendekete angu ari panze aya ndikati,"Yuwii zvandashama!" "Ndizvo zvariri dress iroro hamusi chembere imi,unonzi Petronella don't treat yourself otherwise!" "Ndichitofamba ndakadai?" "Kwazvo!Wakachena Mai Rugare, ko ma jeggins acho ngaachipfekwe tione!" "Tumi trouse tuya?" Ndakabvunza ndichiseka zvangu zvikanzi,"Ehee." "Yuwii ndanga ndakutoti ndonopa zvangu Rugare tumwe ndoisa mukati mema skirt kana kwatonhora." "Tibvireipo tumi trouse kudii,endai munopfeka apa!" Ndakaseka zvangu ndichienda kuroom kwangu uko kwandakasvikopfeka one of the jeggins ndikaona kachiita kubata kunzwa sendisina kusimira ndikabuda ndichiita kunyara. Ndakatambirwa nema "wow"from Mai Honor and Mai Rhodha ndikati,"Vanhu imi ka, ndiri kuona sendakashama!" "Kushama kwei,iko kuchena uku!" "Asikana tarisaiwo zvakaita shure yangu, inondinyadzisa mufunge kuita kunge chikafu chese chinenge chichingoenda ikoko chete.Kumusoro hakusimbe ndinotongosimba kupasi ikoku chete kana ndimiwo!" "Zvakanaka your body is perfect mai Rugare iwee, unongondibhowa pakusapfeka braa chete.Yes une tuma small boobies hako but wear-wo something mukati umo pirizi!" Tese takabva tamboseka Mai Rhodha vakati "Wakachena iwee,wochitoenda kumba wakadai!" "Hii ndigodenhwa zvangu nehwana mutaundi umu!" "Hazvina kana basa ndozvauri ka,saka wongoti bvuu bvuu ndaa une gar*!" Mai Honor who seemed to be in a jovial mood that day said ndikati,"Mai Honor ka!" zvikanzi,"For a change chimboendai makadaro, kana muchinyara munozotengawo zvima kimono robe zviye mokanda pamusoro but zvaizvezvi matochena makadai." Ndakatura zibefu feeling defeated ndokuzoti "Ko bhutsu" zvikanzi,"Mapums it's a big no, pfekai tuma sandals twenyu tuya!" "Vanhu imi muri kundifurira!" "Kana, tiri kutokuudzai zvakanaka,saka mungati nekukura kwedu uku tingakufurirei zvakashata?kutokufurirai kuti mufambe makashamira vanhu shuwa?" Ndakavatarisa vese and shook my head zvikanzi namai Rugare "Tiri kutozoda babamunini pamberi apo you are still young zvekuti.Babamunini hamufe mavawana musati mazvionawo imi,first chimbozvidai imi mega ndokuti muzodiwawo nemumwe munhu.Mukazviita junk musingazvide who are you expecting to love you?Who do you expect to treat you good?" She breathed for a while then answered herself saying "No one!" "True!"Mai Rodha agreed. "Rega ndichinopfeka masandals aye" ndakadaro ndichitendeuka, ndakaisa maoko kumashure trying so hard kuti ndivhare mabums angu ndikatanga kufamba going to my room vakasara vachiseka zvavo imomo. Ndakaenda ndikanopfeka masandals angu kwave kunozvitarisa pamirror.Man'a andaive ndamboita aive apera, tsoka yanyatsonaka nekugara kuchirungu kwataigeza kaviri-kaviri. I looked at myself in the full mirror ndikazviudza kuti ndave kuda kumbozvida,sezvandaive ndanzwa zvichitaurwa namai Honor. Ndakagadzirisa jersey randaive ndangopihwa ndikaridzikisa-dzikisa kwave kuzobuda ndichipickerwo kastep kasiri kekuzeza sekandaive ndambotanga ndichifamba. Ndaive ndapihwa grocery namai Honor, raive risina kuwanda haro maingove nema basics chete, 10kg mealie meal, 2kg rice,2l cooking oil,salt nebar resipo. Zvaive zviri zvishoma hazvo but ndakazvitenda nekuti zvaizondibatsira. "Ndave kuenda" ndakaoneka zvikanzi namai Honor,"Mufambe bhoo mouya nepassport iya." Vaive vandibvunza nezve passport vachiti vaida munhu wekuzoenda naye kuSA pafestive season achivabatsira nevana.Kwese kwavaisimboenda vakati vaisimboenda namai Rhodha manje passport yamai Rhodha yacho yaive yazongo expire vakavarairwa vachingoti ichiri right. Ini passport ndaive ndiinayo hangu yandaive ndakangotorawo a few years back zvinhu zvichiri kubatana asi yaive isati yambodhindwa zvayo. Ndakabuda ndave kunanga ku-off ndichiita kunzwa kufarira kuenda kumba kunotaura nyaya yekuSA kuvana vangu.Ivo vana vangu vacho ndaida kuzoti vachingovhara zvikoro ndovaendesa kuholiday kwaChihota. Ndakabuda gate ndikatanga kunanaira going kwaikwirirwa macombi.Ndisati ndatombosvika ndakabva ndamirirwa neimwe mota yandisina kutoziva kuti yainzi chii.Yaive yakanaka zvekuti ndakatomboti zvimwe pane zvaive zvamirirwa hazvo kwakuzototirimuka ndaona muridzi wayo achivhura window nekudedzera kuti "Town here?" Ndakatanga ndambocheuka ndichiti zvimwe pane airehwa ndokuzoti "Ehee"pandakaona ndingorini ndega muroad. Ndakanovhura door rekumashure kwave kupinda nezvinhu zvangu. Muridzi wemota aive murume uyo akabva agadzirisa mirror rake, smiled at me ndokuti "Zviri sei?" ndikati,"Ndiri right" achibva atodzorera maziso kumberi kwave kumutsa mota.Ndakatozoona kuti aive atori nephone call yaaive atomboisa pahold paakazoenderera mberi nekutaurapo. Ende akataura paphone ipapo kusvika tisvike kutown ndikatoshamisikawo nazvo. Akamisa mota tasvika mutown ndichibva ndatobuditsa dollar randaive ndiinaro padhuze kwave kunenekedza ruoko ndichimutambidza. Iye semunhu aive achiri paphone aive asina kutombozviona hake kuti ndiri kumupa mari, akatozocheuka achiti "Uri kusara kupi?"achiratidza kutonetseka kuti sei ndaive ndichiri ndakangogara mota yamira. He chuckled paakaona kadollar kangu ndokungosimudza ruoko zviye zvekuti "musaunze henyu!" kwakutoenderera mberi with his call ndisati ndatomboita,"Maita basa." Handina kurega hangu kuzoita maita basa yacho,ndakangodedzera ari pacall ipapo kwakutoburuka. Ndakananaira ndikaenda panaPark paikwirirwa macombi ekwedu kwakutosvika pane yaive yakusimuka. Ndakatomira kudaro ndakanzwa kurohwa bendekete ndichibva ndacheuka ndokusanganidzana maziso natete ,hanzvadzi yababa Rugare. Vainzi mai Felicia asi vaingodedzwa vachinzi Mai Ferrisa nenyaya yekusagona kudaidza mazita echirungu-rungu aya. Vaigara kumusha chaiko kuMtDarwin.Raitovewo return Souljah raive rakabva kumurume, rakutonetsawo vabereki pamba richichengeterwa vana. "Aaaa ndimai Rugare here ava?" vakadaro vachiseka-seka zviye zvekushamisika ndikati,"Ndini hangu muri sei atete?" "Ndiri bhoo ini, muri kubva kupiko apa?" "Kubasa." Vakaseka vachirovanidza maoko ndokuzoti "Eeeh inga zvakaoma ndimi makupfeka kamutirauzi kudai!" Apa vaive nevoice riye riri padenga zvekuti vanhu vese vaive vatongovatarisa.Zvaibva zvanakidzawo nekamutauriro kavaizoita, voti ivowo pachezvavo vaitongonakidza kungotarisa. Vaive nemazino aye ekuti waigona kufungira kuti zvimwe akaora iyo asina.Aive ari ebrown ese zvawo and varidzi vaiti they had been stained nemvura yemuna Mazowe yavainwa. Ende vaiti vakarovanidza maoko avo aive akaomarara nekutsvaga goridhe aiita zithunder clap chairo. Ndakatozopona pakatanga kuloader combi mumwe nemumwe akapinda nechitsapo chake. Ivo vaive nezitsaga iro ravaida kutoisa pamakumbo vachibva vazonzi varibhadhare ritsvagirwe pekugara. Mari yacho vaive vasitorina I ended up paying for the luggage. Tave mucombi ndaive ndangove busy nephone yangu iyo yaive isisaite whatsApp since ndaive ndabva kuWifi. Zvekuisa mabundles ndaive ndisisatozvigone nekuda kwekugara pane wifi. Ndakatanga kuscroller scroller mamessages zviye zvekutoshaya zvekuita kwave kuerekana ndasvika pachat ramai Thembi apo paive nemessage yaive yakanzi "Mukati rega tiendese mwana kumusha ndaa Mai Thembi vanotaurisa?"iyo yandaive ndisina kutopindura. Ndaive ndazongozviti ndaizovaona kumba kwavo kuti nyaya yacho ipere ,paphone yaisatopera. Vaive vazongotsamwira nyaya yekuti ndaive ndisina kuenda kunovaona pandakaenda kumba ku-off.Nguva yacho ndaive ndisitorina sezvo vaigara kwakaita kure mbijana uye semunhu wandaingotaura naye apo neapo paphone handina kuona sepaive nenyaya yakakura. Takazosvika kumaraini Tete vatorara ndikatozoita wekumutsa. Takaburuka tikananga kumba ndave kutoudzwa zvinhu zvaive mutsaga ravaive vakatakura ende handina kumbozvifarira nekuti ndaiziva kuti zvaizosviko govaniswa zvimwe zvoendeswa kwaPlaxcedes zvichingonzi nekuti ndokunogara baba Rugare. Tave kuda kusvika kumba ndakaona mota yababa Rugare parked necheku road chaiko ndikaridza tsamwa ndatonzwa kusvotwa. Ndakabva ndatongoziva kuti vaive vachiziva nezve kuuya kwehanzvadzi yavo or probably ndivo vaive vatoikoka. Ndakatozoona tave padhuze kuti vaive vatorimo mumota mavo imomo vakatogara zvavo muchitonzwika kurira masong avo avaifarira.Handina kuda kumirapo ndakangopfuurira kuenda mumba ndichisiya sisi nabhudhi vave kufarirana. Ndakasvikorohwa nehana ndasvika Rugare akarara mufloor achizvongonyoka. Ndakaita zvekukanda zvinhu zvandaive ndakatakura pasi ndikati "Rue" achibva adaira nekakugomera kakaita ndimhanye paari. Ndakasvikopfugama beside her ndikati "Chi mwanangu" zvikanzi,"Period pain mama" Moyo wangu ndakaunzwa kuenda mudenga ndikashaya pekuti ndibate chaipo kuti mwana wangu apore. "Muri kurwadza mudumbu mama"akadaro maziso ave kutobuda misodzi ndikamusimbisa ndichiti,"Ndauya wanzwa mwanangu?"though plan chaiyo ndaive ndisitorina. She forced a smile asi pain ichioneka kuti iripo ndichibva ndati "Aripi Charmaine?" zvikanzi,"Anenge achitamba mahumbwe nana Jessy." "Mune zvinonaka here umu?" ndakanzwa voice ratete richidaro padoor patozara mumvuri wavo ndikadaira ndisina kumbocheuka kuti,"Hamuna zvinoshamisira umo." Vakabva vapinda mumba vachiti "Hanziiko naRugare" ndikati,"Jeko." "Yuwii ariwanepi isu kwedu hakuna!" "Kana kwedu hakuna zvine kuti kutoredzera here zviye?" Ndakabva ndatosimuka ndikadhumana nababa Rugare padoor avo vaitopinda vakatakura chitsaga chaive chauya nehanzvadzi yavo.Ndakasuduruka kuti vapinde, vapinda ndichibva ndabuda ndichienda kuseri kwemba kwaive nechimwe chimuruva so chairapa mudumbu.Chairapa mese mudumbu mekungosvotawo muye,mekuchaya neimo mekunguva umu. Ndakasvikonodzura ndikaenda nacho mumba umo mandakasvikira baba Rugare vachiudza hanzvadzi yavo kuti "Inoyi haichaoneke kuti ibhedhuru here kana kwete,vana vanongotambiramo munoitwa mahumbwe muno" and because ndaida kumboita zvemwana wangu handina kuvadaira. Ndakaenda kukitchen ndikanoisa mvura mucup kwave kutsonda-tsonda chimuruva chiye ndokuzodzokera kubedroom kuti ndinopa Rugare. Baba Rugare chuckled pandakadarika nepadhuze pavo and I knew it was because of my dressing but handina kumbovacheuka ndakanopfugama pamwana wangu ndikati "Rugare." "Hmm" akadaira Rugare wacho ndikati, "Ooh inwa mushonga tione." Ndakamubatsira kuti aite zvekugara ndichibva ndamutambidza cup iye.Ave kuda kutonwa Tete vacho vakabva vati "Mushonga wechibhoyi?" ndikati,"Ehee" ndisina kuvatarisa zvikanzi,"Amaguru Jeko rakamborapiwa kupi?" Handina kudaira ndakatoti kuna Rugare uyo aive angobata cup asinganwe azara neconfusion "Inwa iwee." "Amaguru musikana harapiwe Jeko ndiri kukuudzaitu,anoita musikanzwa akabata nhumbu mwana uyu Jeko harirapiririwe!" "Saka ndomusiya achirwadziwa nhaai Tete?" "Ndiko kuve mukadzi kwacho ka!" Ndakapindurudza maziso ndikavaignowa ndichiti kuna Rugare"Inwa iwee Rugare!" "Musazoti ama Ferrisa haana kutaura,ini zii!" Ndakanzwa baba Rugare vave kuridza tsamwa vachibva vatsigira hanzvadzi yavo vachiti "Mai Ferrisa uyu haanzwe uyu, hapana chaunomuudza akanzwa ipapa apa siyana naye zvako hausi kuona kuti atopanduka!" End of chapter *Midnight storm* Written by Berlin 0712025728 *Chapter 9* *Petronella* Handina kumbopindura zvaitaurwa naWashington since ndaive ndatongoona kuti zvaive zvekuda kungonditsvaga. Zvandaingoita Rugare achiri mucheche ndizvo zvandakatanga kutonzwa kuda kuita ipapa.Pese paairwara ndaibva ndanzwa misodzi yangu kuvavira maziso kuda kutobuda chaiko ndichishuvira kuti dai ndangotora pain yaainzwa iyoyo yoita zvayo yangu. Akaunwa mushonga wese Rugare despite kuvava kwaunenge uchiita akaupedza wese. Akazotanga kuda kutorutsa apedza ndichibva ndamubatsira kusimuka tikananaidzana kuenda panze apo paakanorutsira mushonga iwowo chete.Kuzourutsa kwaive kusisina basa ,chaidiwa kupinda kwawaive watomboita mudumbu ikoko. Ndakakwidzira madzihwa kuri kudzora misodzi ndikati kuna Rugare "Zvaita?" and she nodded ndichibva ndanomucherera mvura yekusuka mukanwa ndikamupa. Pataive takuda kudzoka mumba ndipo pakabva pasvikawo Charmaine achimhanya.Akasvikondimbundira achiti "Mhamha" ndikati,"Unenge umbori kupi sisi vachirwara nhaiwe?" zvikanzi,"Ndanga ndambonotamba." "Mumwe achirwara?" Kakabwaira-bwaira kakati"Sorry"ndichibva ndazoti,"Hebo,ndakakuudzai kuti munofanira kuchengetana pano" zvikanzi,"Horaiti mama ende makachena!" "Wafara ka!" "Ehee makaita kufitwa." "Ehoo,chihandei unomhoresa Tete vako mumba umu." "Vapi?" "Mai Ferrisa." "Vauya nemawuyu?"she asked excitedly ndikati,"Hameno." Takadungamidzana kudzokera mumba ndikasvikotora zambia kwave kusungawo semunhu aive akuda kumbobika. Pese pandaingopinda mumba ndaingosvika ndirini ndiri kutaurwa asi handina kuda kupindura ndaingoita sepasina chandanzwa. Ndakanobatidza moto ndikaisa rice rikaibva kwakutanga nekupakurira Rugare uyo airatidza kuti aive asina kana kudya. Vamwe vese ndakazovapakurira after, tichibva tatanga hedu kudya. Baba Rugare ndaifunga kuti vacharamba asi to my surprise havana .Vakarikwapura rice rese,ndiro ikasara isina kana grain rimwe chete zvaro.Tapedza kudya ndakabva ndasuka ndikaona Charmaine ave kutumwa kunotenga mazitye nemadomasi zvemanheru nababa vake. Ndakangovapa ziso kwakuvasiya vakadaro ende handina kuwana nguva yekutodongorera Mai Munya nekuda kwevanhu vaive varipo ava. Ndakaisira Rugare mvura yekuti ageze, akanogeza ndikasara ndichikuchidzira moto kwakutofanoisa mvura yesadza ndakamirira kuuya kwemazitye. Paakazodzoka kubva kunogeza aive akutoratidzika zvakanaka mwana wangu ndikamuti anozorora imomo mumba maive muine vamwe. Ndiri pakati pekukuchidzira mvura ndakaona Tete vatevera panze paye vachibva vambotanga kutaura nyaya dzemamiriro ekunze ndokuzoti "Maiguru ko munosiya vana vachirara pamubhedha wenyu?Handiti munochoriwa misana?" "Ini nani?" "Imi nababa Rugare ka asi hamuzvizive? Mwana ave kuenda kuperiod shuwa orara kuti deka chaiko pamubhedha wababa namai!" "Hapana basa apo ko uchiri mubhedha here musade kundinzwa Tete.Hanzvadzi yenyu yakasoenda kare kwamai Ju, hembe ndakapedzisira ndamuti ko kuchingodzitakura hako?" "Mungadaro henyu asi munoziva kuti mukadzi mukuru ndimi imi maiguru, kumusha uku tinoziva imi!" "Munoziva ini ka ndakabvisirwa tsvagiraikuno chete, ko Placky akarorwa uyo?" "Kwatiri ipfambi iyo mukadzi wamukoma ndimi, munofanira kungomira muri pano nekuti pano pamba penyu!" "Ehee pano pamba pangu uyu mukoma wenyu ndiye akatama akanogara kuchirungu, kunodyiwa zvirungu zvese achitisiya pano tichidya nhoko dzezvironda pano! Ane hutsinye hanzvadzi yenyu iyi Tete." Vakaita sevasiririswa chaizvo vakarereka musoro vakati "Zvakaoma maiguru imi, apa ndambotaura navo hangu mukoma varatidza kunzwisisa chaizvo saka vati vachaedza kuenzanisa kwese ,vakamboti kwama Placky votiwo kuno!" Ndakaseka kachikwee ndikati "Iiii akazvitadza kare and ndaive ndichakazvidawo kare pacho manje iye zvino handichada ndave kuda kungoriritira vana vangu chete.Pano hapana chandichakumbira kubva kwaari since akatotadza hake kare!" "Maiguru musadaro imi!" "Ndiri kukuudzai Tete,hauchasi mukore wekudaro uno ngaandisiye hangu ndishandire ana Rugare ava kwete kuda kutsvaga kundivhiringira." Charmaine akabva adzokawo nemazitye aye akamapa tete vake avo vakabva vamagadzira kwakuzomudzinga vachiti aende kunotamba tikasara tichingokurukura nyaya yehanzvadzi yavo iyoyo.Ende vanenge vaive vatotaurirana kuti vagondinyengetedza nehanzvadzi yavo yacho kuti ndisiye basa nekuti vaive voita kundinyengerera zvakasimba chaizvo but ndakazviramba izvozvo kupedzisira vachiti zii. "Rega ndimbopinda mumba maSibanda wee!" vakadaro vachisimuka ndikangoti,"Ehoi!" Charmaine paakaonawo Tete vapinda mumba akabva atobuda ndikatanga kuudzwa nyaya dzaiitika ndisipo. Ndakatomuti "Ko mbuya Mai Thembi wakambovaona?" zvikanzi, "Ehee ndakavaona Friday vachienda kumasowe vaine gemenzi nyowani repink so" ndikati,"Hoo havana zvavakataura?" "Vaive nemumwe mukadzi ndikatovati mhoroi vakadaira vachimhanya-mhanya vasina kutombonditarisa ava." "Ndichanovaona mangwana." Takazoenda mumba pakaibva sadza tikanopakana mukabedroom ikako tese kwave kudya. Tapedza kudya ndaitoda zvekugeza sezvandaive ndajaira manje nekabathroom kedu kaingovharwa nejira ndakatya kuzopindirwa zvangu naWashington saka ndakangoti ndaizogeza hangu mangwana acho. Vanhu vakatomboti tandarei tandarei ndikazonzwa Washington uya ave kuti "Ini ndakuenda" asingatonyare zvake ndikaramba ndiri zii. "Mai Rugare" akaita zvekundidaidzisa ndikati,"Hee" zvikanzi,"Huya tinzwe." Haana kumirira mhinduro akabva atobuda ndikasara ndichinzi natete "Endai kani" kwakunyara kuvarambira ndichibva ndangobuda. Ndakawana hanzvadzi yavo yatove mumota ndikasvikomira panze ndakapetanisa maoko. Akavhura door akati "Ko pinda ka" ndikati,"Handisi kupinda ini ,watii?" "Pinda kani mai Rugare chiiko?" "Ndiri kuda kuendwa neni kupiko?" "Huya titaure hindava uchiwanza dzungu dzungu so,ndozvinozoita kuti ndiende kwaPlaxedes manje izvozvi zvedzungu rako." Ndakaseka kachikwee ndikati "Enda hako baba Rugare, enda iwe ndiwe wandisisina kana basa naye!" Moyo wangu waive uchiri kurwadza zvekuti ndaive ndisisina basa naye izvi kwaive kutonyepa chaiko, kaitovepo kabasa naye nekakumurwadzirira. Kungoti zvekupusiswa izvi ndizvo zvandaive ndisisade chete. Ndakabva ndatanga kutofamba ndichidzokera kumba ndaona pasina chisvinu chiri kubuda ndikazonzwa door remota ravhurwa shasha yave kutevera. Akasvikondibata ruoko ndikacheuka tichibva tatarisana ndikamboedza kubvisa ruoko rwake pane rwangu asi zvakaramba aive akaita kunditi dzvii nesimba rake rese. "Chiiko nhaai?"ndakabvunza achibva adaira nevoice rekutsvetera riye achiti,"Chilla mhani!" Akaedza kurereka musoro wake kuda kuti andikisse ndichibva ndanzvengesa face yangu ndichiti "Kwana Washington!" but haana kana kuzvinzwa. Akatoenderera zvake ndikazongonzwa rimwe ruoko rwake rwave kunondibata bum rangu ndichibva ndamuzamurira mbama nekuseri kweruoko rwaaive asina kubata. Ndakamurova neleft raive risina simba but mbama yakarwadza iyoyo ndakazongoona murume mukuru ave kushinyira.Akandisiya ruoko rwangu nekukasika ndichibva ndakasikawo kusuduruka paari ndikapinda mumba ndichimhanya. "Yuwii hanziiko?" Tete vakabvunza vachisekenyeka pandakapinda mumba ndikati,"Hapana zvangu" ndichitonogara pamubhedha. Ndaive ndakuda kutovawaridzira pasi pandakazonzwa Washington ave kuti "Mai Ferry hatisi kuenda uku here?" zvikanzi,"Toenda nhasi?" "Ehee imomo mune magumbeze here mauri kuda kurara, hande unorara kwamai Junono uku!" "Manje ndanga ndisina kubvisa ka zvinhu zvenyu naJunono zvacho zvamatumiriwa naamai?" "Handisi kumhanya hangu rongedza hako!" Ndakanzwa mazihasha nekurwadziwa nerough yaWashington ndikati "Tete takurai zvenyu zvese zvamauya nazvo moendesa ikoko kwamai Junono venyu pano zvatinazvo zvakatokwana zvakadaro!" "Yowee handiti amai ndivo varongedzera mese? Handiti vanyatsoita sikweya,haiwa makunetsawo mai Rugare chiiko imimi, kubasa here kwamave kuenda?" "Ndanetsa ndaita sei? Ndiri kukuudzai zvakakurerukirai endai netsapo yenyu muendese kwemuroora wenyu ikoko!" Baba Rugare vakabva vasunda door negumbo ndokuti kuna sisi vavo "Basa reiko rabva ratoshamisira,ihwo hu house gero ihwohwo.Placky is an accountant anoshanda muoffice but haaite zvakuitwa namai Rugare izvi." Vakambofemeruka zviye zvekutarisira kuti ndichapindura ndokuzoenderera vachiti " Aiwa handei Mai Ferrisa iwee, hanzi haasi kuzvida zvinhu zvacho musiye hauna kuona ane tunhu twaabva natwo kumayard uko ndotwaari kufarisa natwo, anoda kuzviita murume stereki!" Ndaive nezvakawanda zvekutaura zvaigona kutomufendesa Washington but because of vana vaivemo ndakazvinyarara. Hanzvadzi yacho haina kudaira kana kutsigira yakangonditarisa kwave kunditi "Toonana patomorrow maguru ndaida kurara but hanzi hapana magumbeze isu tiri veasima ka!" kwave kutonyamura chitsaga chavo vachibva vatobuda nacho ndikasarawo ndichilocker door. End of chapter
❤️ 👍 😂 🙏 😢 😮 154

Comments