Berlin's Writings
March 1, 2025 at 12:32 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F
*Midnight storm*
written by Berlin
0712025728
*Chapter 11*
Ndakaridza tsamwa ndikasuduruka padhuze naye Wessy ndichiti "Unopenga Wessy" zvikanzi,"I am telling you ka Rugare asi hauzvizive?"
"Haiwa ukwane apa!"
Akaseka-seka kwakuzoti "Hii it was just a joke I just wanted to see hangu how you would react."
"Unopenga!" I repeated ndisisiri comfortable kuva padhuze naye and iye anenge akakasikawo kubva azviona kuti aive atondivhiringa nekuti akabva akasika kutooneka achiti,"Shaa rega ndibaye ndine ziku assignment randiinaro" ini kwakungoti,"Bhoo."
Ndakasara ndichirovanidza maoko ndichiita kunzwa kupererwa nezvaive zvataurwa naWessy.Ndaizviudza kuti it was just a joke but here and again I would find myself rewinding those words.
"Zvakaoma!"ndakazongodaro tiri pakati pekudya sadza ndikanzi naCharmaine,"Ko chii?"ndikangoti,"hapana hangu."
Pandakazobata phone ndaiti ndichaona paine a message from Wessy sezvataive tangojaira kuita but paive pasitorina.Ndakamboda kumutanga then quickly went against it ndikabva ndatongosiyana naye.
Ndaive ndakuzvitongesa ndichiti pamwe ndaive ndareacter-wo zvisirizvo ndaisafanira kunge ndazonyanya kubva ndamuita kunge bhinya kudaro.
Ndakazongopedzira ndati "hamenowo ikoko!"
Mama vaive vazotiudza kuti vaizoenda kuSouth Africa nevarungu vavo pafestive season and isu taibva taendawo kumusha kwaChihota kwaive kwakaendawo Elijah.Vaive vakatotikomekedza kuti tisatomboudza vanhu nezve rwendo rwavo.
Kungoziva kuti amai vedu vaive vachazokwira ndege kwaiita kuti tiite kufara zvekufara zviye.Kuchikoro kusina vanhu vataiziva ndiko kwataive takungopedzera shungu dzekuparidza shoko iri.
Kwedu kuchikoro kwakatanga kudzingwa vanhu mazuva ekunyora maexams mama vachibva vatonditi ndichingomire hangu ndozodzokorodza form 2 yacho gore raizotevera racho pane chimwe chikoro.
Ndizvo zvaiita vanhu vazhinji zvekungotiza chikwereti vachitransfeya vachienda pane chimwe chikoro.Ende nekuwanda kwaive kwaita tuma colleges twaingonyuka-nyuka nzvimbo waisambofa wakaishaya.
Charmaine ndiye akaramba achienda kwake kuchikoro uko kwaive kusingadhure mari yaibhadharwa paterm yacho yaive shoma-shoma ende kwaisadzingwa.Chakwaingorwadzira inyaya yekuti kwaive kuri kure,mwana aitombokanganwa kuti ari kuenda kuchikoro.Kaive ka government school kakati siyanei nemamwe magovernment schools asi kaitodzidzwa vana vachitopassa.
Wessy aive angozoti zii ini ndikambotsvaga kuti pane chandaive ndakanyanya kumutadzira here ndikachishaya kwakutongomusiya akadaro.
Ndakatozobvunza Munya mumwe musi atopfuura nepamba pedu achibva kumusika ndichiti "Ko babamunini vako vakaendepi?" zvikanzi,"Varipo ava vanenge vari kuchikoro ka."
"Hoo, vakazosvinwa chigunwe?"
"Vakasvinwa nadaddy vangu pachakazoibva so,chachaita kuchena nehurwa vakasvinwa,iwee hauna kuvanzwa vachiita kubowa?"
Matauriro aiita acho akaita kuti ndiseke at the same time feeling relieved kuti chaive chakazosvinwa.
"Handina kuzvinzwa ini" ndakapindura zvikanzi,"Vakasvinwa apa chave kungofunuka hacho so mai Jerasi!"
Ndakamutema nekadombo ndichiti "Pfutseki wako Munya" and he laughed achienda kumba kwavo achidzokorodza kuti,"Mai Jerry!"
Mazuva akatanga kutongofamba kusvika tave kutoda kuenda kuChristmas.
Wessy aive asina kuzomboti bufu uye iniwo ndakangoona sezvisinganyatsoita kuzotanga munhu ndichibva ndatongomusiyawo akadaro.
It was a day before day rekuti tiende kumusha pandakaenda kwevamwe Mai vaigara muline rana Mai Munya iroro kunorukwa.
Ndaive ndasiirwa mari namama ndanzi ndirukwe twist yekuzotambisa Xmas.
Charmaine kuchikoro kwavo vaigerwa so tubvudzi twake twaive tuchiri tudiki akangonogerwa ka nice cut zvake zvichibva zvatoendeka.
"Mumuruke zvakanaka mwana wangu mai Mufaro" Mai Munya vakaita zvekudaidzira ndichibva ndatosimudzawo musoro kuda kuvaona kwakutoona vaina Wessy vachitoratidza kuti vari kumbovhakacha.
"Aiwa ndinomuruka" Mai Natasha vaye vakadaidzirawo ini ndichibva ndanzi ,"Bye bye Rugare tiri kumbosvika pachirungu apa."
Ndakapeura mabraids aive andivhara kumeso kwakupindura ndichiti "Bye bye" apa ndatoyeverwa navo ndikazoita kunzi namai Natasha vaindiruka,"Iwe une pfurukuti tarisa uku tione."
Ndakashinyira ndichitarisa kwavaireva kwacho ndichibva ndanzi "Unoteta nekurukwa uku ukati unozvara iwe?" ndikati,"Zviri kurwadza Mai Natty."
"Ndiwo mucheno wacho asikana wee, Christmas idzi dzinoda kuchena kwete zvako izvi ipapa wasimuka kanokwana kuita ka10 uchingoti toilet."
"Zviri kurwadza" ndakadaro ndichiseka sezvo ndaive ndasimuka kaive kotokwana ka10 kacho ,vachibva vambosekawo ndokuzoti,"Wakati muri kuenda kupi zviye?"ndikati,"KwaChihota."
"Hookey aiwa muchanakidzwa."
Amai vacho ivavo vairatidza kuti nyaya vanodzida nekuti ndakazovanzwa vachinja vave kuti "Mukomana anogara pana Mai Munya uyo kuzvida!" ndikaseka ndichifarira kunzwa nyaya yaWessy ndokuti,"Anozvida?"zvikanzi,"Iii anozvikakata ndati,panoratidza kuti pane basa."
Vachingopedza kutaura nezvake ndakanzwa phone yangu yapinda message ndikakasika kuitarisa ndichitofungira kuti zvimwe ndimama kana tumwe tumashamwari twangu twekuchikoro kwakushamisika kutoona ari Wessy.
Aive angosenda kuti "Hesi" chete but ndakaita kufara kunge hameno zvaive zvatosendwa ipapo kwakuzoti,"Hesi uri bhoo here Wessy?"
"Ndiri bhoo wandimaka ka?" Akapindurawo nekukasika ndikati,"Handina kumbokumaka ini ndiwe wanga watondimaka."
"Hii handidaro ndaitozeza kukutanga ipapa ndakatoti zvimwe waive uchiri wakatsamwa nechi joke chiye?"
"Kana ndanga ndisina kumbotsamwa ini."
"Saka waidii kunditanga?"
"Ndaingoverengera hangu."
"Hoo I heard muri kuenda kumusha?"
"Yes tiri kuenda mangwana chaiye."
"Whoa inga ma1 angu chaiyo, so can I see you ndabva kutonaz .It's been a while?"
Ndakaita kuzhinya ndikati "Ehee unouya" zvikanzi,"Iri bhoo uri kuda kuunzirwei?"
"Chero" I replied ndatopererwa kushaya chekuti andiunzire chaicho ndikazovhundutswa ndanzwa Mai Natty vachiti,"Une makore manganiko iwewe?" ndikati,"15."
"Aiwa uchiri mwana Rugare body yako iyi inoita kunge munhu mukuru wakatoodza aniko mai vako havana kudai?"
"Ndakasimba here ini?"
"Uri munhu ane muviri Rugare hauna hako kufutunuka."
"Aaa ndakatoodza mama ini,mama vangu vanosimba vaye."
"Ehee vanooneka kuti pane zvemunhu aiwa apa vapicker chaizvo ndanga ndatovashaya pavakauya vachiti uri kuda kurukwa."
"Vasimba ka?"
"Ehee, iwewe haikona kuzozvifurira nemuviri uyu uchiri mwana wanzwa?"
"Ehee."
Ndakatozopera kurukwa ndanonokerwa nekuti ndiende kumba Wessy azouya.
Vakandisunga twist iye into a messy bun ndikanzi "Wachena Rugare" ndikati,"Maita basa" kwakutobva paye ndichifara kumba ndikasvikonzi naCharmaine ndaive ndachena zvekare.
Ndaive ndakatotarisa pamirror pandakanzwa kamunhu kave kuputika kuseka kachiti "Amai Ferrisa vaiswa malashes" ndikati,"Yuwii!" zvikanzi,"Ehee vambouya vachizvida-zvida pano hanzi ndachenesiwa!"
Aidaro achitedzera matauriro avo chaiyo ndikati "Hoo zvakatovafita?"
"Kwani vanga vachiita kunge kachidhori hanzi ndichadzoka mangwana ini kwakungoti eho, nechemumoyo ndichiziva kuti vachawana taenda."
Ndakaedza kupicture face yavo yaiswa malashes picture racho rikatorambisisa kubuda ndikaguma ndave kuseka zvangu ndega ndave kutokungura kuti dai ndavaonawo ndambowana chekuseka.
Mama vakazofona vachida kunzwa kuti ndaive ndapedzwa here ndikavati "Ehee ndapera" vachibva vatotanga kundiudza mafambiro andaizoita mangwana acho.Ndakangonzi "Unosimuka ikoko na10 ,ukasiiwa pana Park paye wongomira ipapaye pachiservice station wanzwa ka?"
"Ehee" ndakapindura ndichigutsurira nekugutsurira sekunge ndaionekwa zvikanzi,"Ini ndiri kumukira kuita zvehembe dzenyu ndiri kuda kuzviita ndega tozoonana ndatotenga."
"Inini handisi kuda skirt mama" ndakavaraira ndichidaro zvikanzi,"Yuwii trouse nekuvadzidzi kwamuri kuenda uko nhaiwe Rugare? Unovaziva Nyamuzihwa havatodi zvese izvozvo."
Chaive chokwadi sekuru baba vavo vaisatoda zvetumitodo izvozvo and he was very strict about it waitoti ukaripfeka mainetsana.
Ndakazongoti "Horaiti mutenge zvakanaka kwacho" conversation ichibva yazopera.
Takakasika kubika tikadya naCharmaine wangu mufaro uri muhuro nekungoziva kuti tiri kuenda kumusha.
Wessy akazosenda message dzatove kuma past 7 achiti "Ndadzoka ndouya?" ndikati,"Huya."
Sezvo Charmaine aive achiri akasvinura ndakaona kuti kumuudza ndokwaive kwakatonaka ndichibva ndamuti "Charmy" sezvandaingoita kana ndichida kunyengerera something zvikanzi,"hee" ndikati,"Wessy ari panze apa."
"Saka?" Kakadaira kachiita kunyenama ndikati,"Ari kuda kundiona ndokumbirawo kunomuona usazoudze mama."
"Enda apa asi ukasike kudzoka" zvakataurwa zvichiita sezve kuramwira but zvichinzwika kuti mumoyo aitofara.
Ndakabuda panze ndikaona Wessy atozembera durawall yavo ari kuyard kwedu achibaya baya phone.
Paakanzwa kusvika kwangu ndipo paakazoisa phone iye muhomwe kwakuti "Hesi" achindipa ruoko rwake ndikarugwinha ndichiti,"Ndiri bhoo."
Phone yakabuditswa muhomwe mayaive yamboiswa achibva andibveneka mumusoro achiti "Ende wachena" ndikati,"Waita basa."
Takambotora nguva achindibvunza tumibvunzo tusina basa achibva azoti pave paye "Ndokumbirawo kukuudza zvandiri kuda kukuudza usati waenda kumusha" ndikati,"Aaa zvei?" Zvikanzi,"Ndikuudze?"
"Taura hako ndakaterera."
"Rugare ndiri kuda kuti uite musikana wangu." Zvakangotaurwa faster faster achibva atonyarara achimirira mhinduro.Aona ndaramba ndakanyarara ndipo paakazoti "Unoda?" ndikati,"Aaa" ndatoshaya zvekupindura chaizvo zvikanzi,"Haudi?"
Kuti nditi handidi kana kuti ndinoda zvese zvakagozha ndichibva ndaramba ndiri zii ndave kungotambisa tambisa zvigunwe.
Ndakamunzwa ave kuseka mbijana achibva azoti "Horaiti unozondipindura hako paphone wave kwaChihota, ndiri serious Rugare handisi kumborara ndichikufunga unoziva?Ipapa ndakatomboedza kuzviignowa asi zvakaramba."
I swallowed after hearing those words kwakushaya nemhinduro ndichibva ndangoti zii."Wazvinzwa?" He asked ndikati,"Ehee" zvikanzi,"Saka wakumbofunga ka ndokupa tuma days?"
I nodded murima apa ndakatarisa pasi and I guess haana kuzviona nekuti ndakazongomunzwa ave kuti "Hee" achitarisa face yangu yandaive ndatsikitsira ndikati,"Ehee."
"Saka bhoo ndave kuenda ini, handiti watadza kundiudza kuti uri kuda kudyei?Ooh uzozvitengera wega mangwana mutown."
Ndakamutarisa ndikaona achinditambidza mari ndikamboda kuiramba kwave kuzofunga kaviri ndichibva ndaitambira ndichiti "Thanks" zvikanzi,"Iri bhoo rega ndiende."
Paakaenda ndakasara ndave kubveneka mari iye ndikaona itori $10 ndikaita kuzvikwidibira muromo nekushamisika.
Ndakaiisa mubuster mari iye ndave kutoronga madyiro andaizoiita tiri paMhizha kumashops paChristmas.
End of chapter 11
*Midnight storm*
written by Berlin
0712025728
*Chapter 12*
*Petronella*
Ndakaita kumukira mutown makuseni-seni semunhu aida kuzosvikirwa nevana ndapedza kutenga hembe.Ndakatobuda nababa Honor avo vakanondisiya mutown chaimo mamwe mashop asati atovhura.
Ndaida kupinda tuma shop twakachipa tweku Gulf complex kwaitengeka itwo twakazovhurwa dzatove kuma past 8.
Aya mashop ekudhura aitongodzinga ega,waiti ukatarisa hembe dzemo kunyangwe nepa window chaipo usina kutopinda mukati waitongoona sekunge dzinenge dzichitoimba dzichiti"Ndisiye ndisiye kani"dzichikusairira kure zvekuti wega hautobvunze kana price chaiyo
Pakazovhurwa tuma shop twekuGulf ndakatanga kutwupinda one by one ndichitsvaga hembe dzevana dzaienderana nemari yandaive ndiinayo.Ndaive ndatambiriswa iri $100 but still yatongoita kunge shoma.
I took my time ndichimbeya ndikazotenga zvaElijah izvo zvakadhura kutodarika zvevasikana, vasikana ndakangovatengera tuma purplum dresses twaive twanetsa netuma sandals twacho twaimatcher ndichibva ndatopedza navo.
Kuti zvisanetse ndakatongotenga zvakafanana kwakuzosiyanisa macolors nesize chete.
Ndichitobuda mune shop yandaive ndatenga madresses iyoyo ndakanzwa ndave kunzi "Muroora" ndikacheuka ndaita kakuziva voice remunhu aive andidedza iroro kwave kutoona atori mumwe mukadzi wekumaraini kwedu wataitongoitana Tete nemuroora naye nepamusana pekuti aibvawo kuMt Darwin kumaraini kwaibva baba Rugare chaiko.
Aive akagara pamasaga aiita seane mabhero achitodya hake sadza nemakusemi iyayo zvakaita kuti nditongoziva kuti aive asouya kare.
"Hevoi Tete" I greeted her vachibva vandimhoresa nekuseri kweruoko sezvo mukati merwoko maive makazara sadza ravaidya iroro vachiti,"Mushe uri sei muroora?"
"Ndiri bhoo ko mauya nguvai kuno imi,kana kuti kune kwamuri kutobva henyu?"
"Ndauya kare iwee kutevera mabhero iyaya anoda kutomukirwa."
"Hoo mave kuita zvmabhero amai Dadi?"ndakabvunza zvikanzi,
"Murume wangu anoshandira muChinese ane mashop hobho pano saka ndiye anobuditsa mabhero iyaya."
"Hoo anohodheka hayo?"
"Kupiko handihodhe ini, muchaina anongotipa mabhero otaura kuti ndiri kuda mari yakati isu totengesa mari yake kana yakwana tobva tamupa then bhero rinenge rasara riya totengesa hedu."
"Zvinotobhadhara here?" I asked her vakati,"Kwazvo, last time ndaive nere mapant nemabraa ndikamaita madollar dollar haa rakabhadhara zvekuti kwakutosara ndiine ka2 waya kangu paside."
"Iii saka zvinotoita ka, havadi vamwe here?"
"Wakudawo muroora wangu?" She asked vave kuseka ndikati,"Ehee" zvikanzi,"Unouya kumba totaura sewe unenge uchienda kubasa unongotora waita off paye wotengesa paAlpha paya zvinopera chop chop zvasara zviye wosiira vana vanosara vachingonhongerwa varipo pamba.Chakakosha kubata mari yemuchaina."
Phone yavo yakabva yatanga kurira ndisati ndavadaira, vakaidaira vachiudza munhu wawaive vafonera madirections epavaive vari.
Munhu wacho aive asiri kure hake nekuti pasina nguva akabva atosviko parker kaVitz kake mberi kwedu Mai Dadi vachibva vatosimuka paye vachiti kune mukadzi aive auya kuzovatora uya "Huya titakure kani mai Jonathan shamwari ende watoita hako" ndichibva ndatongooneka paye ndichivasiya vave kubatsirana kuisa zvinhu mumota.
Ndakaenda pana Park Street paiparker macombi ekwedu ndikasvikowana vana vangu varipo vakatogara havo pama satchels avo.
Pavakandiona vakabva vatosimuka kwave kundimhanyira vachiratidza kufara.
"Inga makachena" ndakadaro vese ,Rugare kwakudaira achiti,"Handina kurara mama zvanga zvichiita kurwadza izvi."
"Ndiwo mucheno mwanangu masiya manyatsokiya madoors?"
"Ehee makeys tikapa Mai Munya."
"Aiwa magona,regai ndifonere sekuru baba Keisha ndinzwe kana vave kudzoka kuno ndapedzisira kutaura navo vachiti vatotakura imwe trip kuenda kumusha."
"Okay."
Ndakasuduruka paye ndikanofonera hanzvadzi yangu ikandiudza kuti yaive yatove munzira kudzoka.
Ndakabva ndangoudza vana vangu kuti tifane kufamba tichienda kuCharge office kwaisvikira mota yasekuru vavo.
Takanomira kuCharge office kuye ndikavatengerawo machips nema russian sausage zvaitengeka ,ini semunhu aimbodyawo tunonaka kwamai Honor handina kuda kudya hangu ndakangoitira vana.
Takamirira baba Keisha kudaro ndipo pandakazongoona ndayeverwa naRugare.Yainge yatove mhandara yaiita kukura and I wondered kuti sei pese apa ndaive ndisiri kuzviona.
I found myself silently praying asking God to protect her.
Kunze uku kwaive nemakava and I didn't want them to ruin my daughter's life sekukanganisirwa kwandaive ndakaita.
I snapped out of my thoughts pandakazonzwa Rugare ave kuti
"Mama makanditarisa" ndikamanikidza kuseka ndokuti,"Ehee ndakakutarisa, I am admiring you."
She gave me her best smile kwakuti "Hoo" ndikati,"Ehee, be good kumusha ikoko handiti?"
"Yes mama."
Charmaine ndiye akazoti "Muri kuenda rini?" ndikati,"Mangwana apa ndiri ndega mukadzi wandinoshanda naye akatoenda kuholiday busy yacho ipapa ma1.Nezuro ndakanonoka kurara apa nhasi ndinenge ndichatononoka futi nekuti tinenge tichipacker ."
Baba Keisha vaye vakazouya ndave kutoudzwa nyaya dzamai Ferrisa avo vainzi vaive vaisiswa malashes.Nemataurirwo azvaiitwa naCharmaine uyo aive akavaona ndakaita kuseka zvekuseka zviye.
Ndakafara kuona baba Keisha vauya naElijah.Ndakaita kumubuditsa mumota and hugged him as tight as I could ndichimufarira."Uri sei boy boy?" ndakadaro ndichimukissa padama zvikanzi,"Ndiri bhoo."
"Isu hatichatoonekwe" said baba Keisha vakabata vazukuru vavo maoko Rugare naCharmaine ndikati ,"Iii mukuwasha pedzai zvemadzimai enyu muzotimhoresa tirerukirwe."
Vakaseka kwave kumbotanga kuwanzirana nana Rugare sezvavaingogara vachiita.
Rugare vaigara vachimuti "Kufanana kwauri kuita namudhara vako chenjera kuti ndichazokurova ndadhakwa ndichiti pamwe ndivo" Rugare wacho kwakuti,"Sekuru ka!"
"Aka ndiko kandinoda kablack beauty kakafanana nehanzvadzi yangu" vakaramba vachidenha baba Keisha vaye Rugare akati,"Haiwawo nechemumoyo muri kutoziva kuti munoda inini yellow borne apa!"
Ndakazoparadzana navo ndatotengera Elijah ice-cream ndichibva ndadzokera hangu kubasa uko kwandakasvikopinda busy tave kurongedza zvinhu.
Ndakazorerukirwa Mai Honor pavakati taizoendawo nemunin'ina wavo kuti azondibatsira nevana.
Pakasvika ana Rugare kumusha ndakaita kutoudzwa kwakutotaura navo vese paphone ipapo vachiratidza kuti vari kufara.Kana namai vangu ndakataura navo kwakutotendwa paye negrocerry rekwamai Honor randaive ndatumidzira iro raive razowedzerwa haro nema treats sezvo yaive yava festive season.
"Musatende kani mhamha" ndakadaro vapedza kudetemba mutupo wangu zvikanzi,"Aiwa magona Masivanda,mufambe zvakanaka Joni kwamuri kuenda ikoko."
"Ehoi mama."
"Aiwa izvezvi ndiri kutodadawo zvee unovaziva asahwira vangu vakatanga zvavo zvemwana wavo havanyarare hee amai Chloe azodai,akadai ezvi hanzi akaenda kuVic falls ini ndikatiwo wangu ari kuenda Joni."
"Haa zvamai Shumi here!" ndakadaro ndichiseka ndatoziva asahwira vavo vacho vairehwa zvikanzi,"Aiwa this time havana kana kazukuru kavakauya kuzosiirwawo kuholiday ,vari kungokweshana nemukadzi waCourage wenungo uya, izvezvi ndatoneta nekudemberwa kunzi dai murume wangu aripo zvake."
"Zvakaoma!"
Takataura tataura zvee kusvika tazoneta tichibva tazoonekana kuti tichirara.Kuti nditi ndakarara ndinganyepe, I didn't even sleep a wink ndichitadza kugadzikana nenyaya yekuenda kuSouth Africa iyi.The fact that ndaikuenda nendege zvaiita kuti ndisagadzikane.
Kwakayedza tikatanga kugadzirira kwave kuzonosiwa kuairport nadriver tikambotanga tatorwa maphotos tiri paAirport ayo andakabva ndangopostawo pawhatsApp status ipapo ndisati ndakwira ndege.
Ndaive ndakachena semunhu aikwirawo ndege ,zvaive zvakuita zvichijairika zvekutopfekawo mitodo izvi.Ndaive ndakanyatsozvipomba musoro wakagerwa nice cut ndichinyatsonzwa kuti apa ndakachena.
Ndakatozoona status iye yavhurwa nevanhu vakawanda including Washington and his sister's tatosvika kuSouthAfrica.Hapana akataura nezvazvo kwaingove kuvhura nekusiya zvakadaro asi pandakazoisa photo ndiri kubeach ndakatopfekawo zvaienderana neku beach ndipo pandakazoona pazosendwa message nasisi vababa Rugare vahombe vacho vachiti "Mapfekero emukadzi wemunhu here ayo nhaai Mai Rugare?Mapindwa neiko?"
End of chapter
❤️
😂
👍
🙏
😮
😢
61