Makoni Radio News
Makoni Radio News
February 27, 2025 at 05:52 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VanVnIXEFeXfwdYlHD43*Forward to others* *Mudzimai arikita ‘maid’ achiti anodanana nemurume wake* Advertise with us WhatsApp +263 *776819571* Ngatibatane pa WhatsApp Channel 👇🏾 *View and Follow and Share this channel* https://whatsapp.com/channel/0029VanVnIXEFeXfwdYlHD43/826 MUDZIMAI ane makore 31 okuberekwa wekuMbizo, kuKwekwe akazvakatsa musikana webasa remumba nezvibhakera pamwechete netambo yemagetsi achimupomera kudanana nemurume wake. Muchinyorwa, National Prosecuting Authority of Zimbabwe (NPAZ) inoti Hazvinei Tswangira akamiswa mudare reKwekwe Magistrates’ Court nemhosva yekurova munhu. “Nemusi wa26 Ndira 2025, Hazvinei Tswangira akarova zvakaipisisa musikana wake webasa remumba kumeso nepabendekete rekudivi rekurudyi achishandisa zvibhakera netambo dzemagetsi. Nyaya iyi yakazomhan’arwa zvakaita kuti Tswangira asungwe,” inodaro NPAZ. Tswangira akatemerwa chirango chekubhadhara faindi yeUS$250 uye kukundikana kwake kubvisa mari iyi achagara mujeri kwemazuva 60. Pamusoro pezvo, akatemerwa kugara mujeri kwemwedzi mitatu iyo yakazosendekwa yose parutivi.

Comments