Tanic✨ Novels
May 13, 2025 at 04:58 PM
```Tanic✨ Novels``` *_A thousand secrets_* Story Written By Tanic✨ *0714 557 929* *Chapter 40* *Mai Dube* Huh ndakarohwa neboys dziya kunyatsorohwa size chaiyo chaiyo. Ndakarohwa kusvika ndavekusamborwadziwa muviri wese nyama dzaiita kuibva. Vakazondisiya havo vanhu vaya but ndainge ndapera. Ndakashaiwa nyangwe zvikaitaseyi, kuti mamonya akadaro kupedzera simba rawo pamukadzi anenge ininiwo shuwa. Huh vakandigona apa ndisingatombozive nemhosva yangu. Mukadzi uya wekutanga kutaura neni ndiye akazosara neni boys dzake dza disappear. Akatanga kutaura, "Mai mwana kana muchirikuda zvekurarama mosiyana nemurume wangu, inini am very dangerous zvamaitwa apa zvishoma am capable of doing zvinodarika ipapo manzwa kaa. Therefore, you better change your ways achiri mangwanani." Ndaisakwanisa kana kudaira ko murume wake waaitaura ndiani ipapo. So aiva Ronnie, koinga Ronnie wacho ainge asina kana kundiudzawo zvemukadzi wake. Haya ainge andigona hake. "Urikuramba wakanyarara handiti, ehe ziva kuti Ronnie waunongoti Ronny ndibaba vevana 4 ende vane mukadzi. The next time yauri ku textera murume wangu uchiti " _babe_ ." huh I don't know kuti zvichadii, I just don't know. I have warned you saka the choice is yours kana uchirikuda hovio yeah lets go tinozvigona." Ndaitya kudaira mai ivava huh ndainge ndodedera kutya chaiko chaiko ndaitya kutourayiwa so ndaisadaira ndichinyatsoitwa chituta. "Ndinenge ndapedza newe shaa, iwewe wozongoona kuti wadiiwo nezvandataura zvese izvi. I have a lot to do ndichibva pano." Vakauya nechigaba chaiva nespray so inenge spray ndokutanga kundisprayer the whole body handina kana kudii vakatonditi _ita kudayi oooh tione, I wanna make sure kuti body yako yese yaendwa nethis fluid._ Ndakaita kuchinja maside ndichisprayiwa kudaro. Huh mai vaindiita ndakanyatsopusa ava chokwadiwo I appeared foolish. Then she asked for my phone, ndaifunga vaiitorera zviripo ini kuti vaende nayo vakangoikanda mumvura yaiva padhuze nepataiva. Ndobva vabuditsa yavaiva nayo ndokubvisa line nekuritsenga tsenga tsenga. Vakanditambidza phone iya futi ndobva vanditi ndiibate vachiisprayer futi. "Thanks for your understanding, you're such a darling. Phone munoshandisa iyoyo yenyu yatonwirira mvura and yatofa. So iyoyo munongotsvaga line chete inoshanda. Musare bhoo, I wish you a speedy recovery muzoite a perfect date naRonnie." Akafamba achienda ndakazoona kuti ainge aka Parker mota yake kure zvishoma. I couldn't read the number plates so yakatoenda mota ndakatarisa. Apa pandaiva pacho paiva pa quiet place chaipo chaipo. Kwakahwanda hakuna kana aiuyako ko tainge taenda tichiti taienda ku date zve. Kusina vanhu. I managed kufamba ndikapinda mumota yangu ndokutanga kudriver ndaingotsvaga the nearest hospital ndobva ndaenda ku Rusape General Hospital kwacho, ndofunga ndaive nechiveve coz pandaka parker mota yangu ndichida kuburuka kudayi ndakanzwa pain chaiyo mudumbu umu and ndainge ndopera simba zvishoma nezvishoma ndobva ndakwanisa kubuda nekukiya mota yangu after izvozvo, ndakadonha then ndakaramba ndiri ipapo maybe after some minutes ndipo pandakazoona kwouya chingoro chemuchipatara chiya and ndakavhunduka then I became unconscious...... *Ralph* Kuchikoro kwaifaya yaah ndichidanana naLaura wangu bhoo bhoo. Takazovhara zvakanaka and I was going to miss my love zveshuwa. Kumba kwaiva bhoo pa holiday ndichitoswera na Ralphoncyn hangu, Aunty ndaiva avoider ahh ndaisada hangu madrama navo. One chinhu chandainge ndonetseka nacho, I needed a phone ndaida phone yekutaura nababe wangu. Kuti nditenge ndega zvaisaita ndaizonzi komari waiwanepi so paitoda kungwara sterek ipapo. Ndakavaudza Dad kuti ndaida phone and huh vakati imbogara wakadaro mwanangu apa handina mari. Nxaa mari yekutenga phone manje ndiyo yavaiti havana. Huh ndaiziva kuti kwaiva kunyepa chaiko vaisada kunditengera chete. Ndakambodzikama ndichifunga kuti vaizonzwisisa vonditengera but time yaitofamba vasingaite kana action aaah munhu wepi iyeye. Ndakazofunga kuvapindira neimwe nyaya aah vaisada kunzwisisa kaava. Ndakanyatsomukira makuseni ndokuvabvunza, "Dad phone munonditengera riini?" "Ralph usade kundinetsa zvisina basa urikuzvinzwa here iwee." "Dad ndirikukumbirawo kutengerwa phone." "Hapana phone yandirikukutengera Ralph wanzwa kaa. Yawaiva nayo yakaendepi? Ndini here ndakairasa?" "Hamusi imimi Dad, "Saka usandinetse wanzwa." "It's okay Dad." Ndakabva ndatofunga size yavo chaiyo yavaizokwana sure sure varambe kunditengera phone inini. Bhoo vaizoitenga chete cuz ndaitoda kutaura naLaura. Ralphoncyn airambisisa nephone yake, inyaya yekuti aitovengawo Laura wacho. Aitoti kana uchida kutaura chero naani umwe asiri Laura ndinokupa manje, I only needed to chat na Laura zve. Ralphoncyn ainge akamuvenga zvekurevesa, Huh zvaisanditadzisa kuda kababe kangu izvozvo. Ndaimbopota ndichiba yamhamha phone ndichimuisira ma message ndichimuti unodaira kana ndakuti daira. Inini ndaizodzima hangu but huh hwaisava hupenyu ihwohwo aah kuita kutamburira kutaura neari pamoyo. Plus phone yamhamha yacho ndaisaipiwa everyday vaingondipa apo neapo after ndanzi verenga ndoti ndapedza then after vaita make sure kuti ndambobata book ndipo pandaipiwa phone yacho ndovati ndinenge ndichitamba magame apa futi dzimwe nguva vainge varikubasa. So zvaitomara big time. Yeah plan yangu bhoo ndakafunga, handiti mdhara aida kuzviita mugoni sterek. Ndakarangarira ma pics avo nechembere yavo kupraz ne video yacho yaah. Huh ndakati izvi zvaizoshanda chete. Yes phone ndainge ndakatengesa but back up ndaive nayo isu tiri boys dzekungwara dziya. Ndaive ndakaisa mu SD card rangu and ndaive naro. Ndakavhura drawer raigara SD card riya ndokutora hangu uku smile irikunzeve. Ralphoncyn aive ne T-flash ndobva ndamukumbira akandipa ndakabva ndaisa card rangu mu flash muya. Ndaive ndabata flash now. Chainge chodiwa i laptop manje. Ndakaenda Ku study room ndokutora laptop ya dad yaitova ON vainge vatoisiya iri ON vachienda ku dining Trevor had visited ..... Ndakatora laptop iya ndokuenda nayo kuspare kwangu ndakaisa flash rangu ndokuto navigator kusvika ndasvika pama pics nevideo ramudhara nechembere yavo. Ndakaisa video riya ndokutanga kuseka ndichiita noise yaizara imba yese ndakaisa hangu laptop pamubhedha wangu. Ndaiita kuseka zviya zvekunge ndaimhanya bani. Ndakasaver those pics nevideo mu laptop iya ndokubvisa flash ndokuriviga. 2 minutes ndichiseka chete door rangu rakabva ravhurwa it was Dad. Ndakaita kuwira pa floor ndokuzvambarara ipapo ndichiseka ndichiita kugwesha ndiripo ndichiseka chete. "Noise iwee, Ralph noise!" Ndaka ignore hangu ndaida vazvionerewo vega. "Haisi laptop yangu here iyi Ralph, wapiwa nani and ndanga ndichiishandisa ndanga ndisina kana ku saver work yangu. Ralph nhasi ndinokuuraya haunzwe iwewe. Watora laptop ndichiishandisa." Ndakaramba ndichingoseka chete hangu. Mhamha vakabva vapindawo muroom mangu. Dad vachibva vati, "Chiiko chacho chanyatsosekesa mulaptop iyoyi nhasi?" Mhamha vanga vachiri padoor. Dad ndokubva vaenda pa laptop iya vachingotarisa kudayi ndakaona voyerera dikita 2seconds idzodzo ndichingoseka chete ndakabva ndaita worse. Dad vakatendeuka kudayi ndokuona mhamha vachingobva kupindawo........... *End of chapter 40* _May The Grace Of God Be With You!!_
❤️ 😂 👍 😮 🙏 24

Comments