Tanic✨ Novels
May 14, 2025 at 05:29 PM
```Tanic✨ Novels```
*_A thousand secrets_*
Story Written By Tanic✨
*0714 557 929*
*NB: Season 2 will be on sale!!*
*Chapter 41*
*Makanaka*
KwaMai Blessing kwainakidza veduwee. Ndaiita kunge ndiripamba pedu and ndaiti ndikafunga kwedu chaiko kwaitoita kunge ndiko kwaiva kubasa. Pamba pandaishanda painge pasina kana basa rakawanda sterek ndaitoswera naMac vana Mai Bee nemurume wavo varikubasa. Taingoperekedza Blessing ku creche kwake inini naMacDonald. Tozonomutora futi coz airamba kuenda nemota naDad vake.
Then apa ainge ave paholiday hake. NaBlessing tainge takaclicker zvisingaite. Ndofunga ndiyo reason yandaibatirwa zvakanaka nema parents ake.
Ndakafarira kuti naTinashe tainge toonana every Sunday. Ndaipiwa day rese off wena saka ndipo pandainoswera naTinashe. Mamwe ma days ndaitoenda na Blessing. Then MacDonald aisara, aisanetsa kana ani hake. Those days Mac aive avekutotaura, anga ava paya paya pekuti mwana anenge achinakidza saka vese Mai nababa Blessing vaimufarira.
Mumwe musi vese mhamha na Daddy vaBlessing vakazonditi vaida kuti ndiende kuchikoro, kutangira pandaive ndakasiira ndipedzise. Ndakavhunduka ndaisatombofunga kuti ndichaenderera mberi nechikoro ndaifunga kuti zvaiive zvakatongovharanawo, asi kana Mwari vavekuda kuita zvinhu zvavo so rega ndinyarare. Ndakavaudza kuti ndaive ne O level yangu so ndaida kunyora A level vakangoti yaisava problem. Vaida kutonditsvagira nzvimbo pane imwe High School but ndakazovati ndaida kungoverenga ndiri pamba ndaizononyora chete. Ndainge ndichiri kuzivawo zvimwe sezvo ndaisava dofo hangu. Vakataura zvema Online lessons tikabvumirana kuti ndizvo zvandaizoita. Rimwe day takatoenda tese mutown vachinonditengera stationary zvese zvandaida kuzoshandisa the likes of books and pens etc.
Ndakatotanga kuverenga ende time ndaive nayo sterek. Then zvakazoitika manje mwedzi wava kutopera yaive Sunday ndatoenda kunoona Tinashe. He was very happy ndikatoshaya kuti seyi. Then akazondiudza kuti ainge aona advert ye nursing. Akandiudza kuti zvaisamunetsa ndaito applyer ndichiziva kuti ndaizotorwa. Ndakamuudza zve plan yekuti ndainge ndanzi ndiite A level akanditi better uende Ku nursing. Ndakambotsenga mukanwa ndaisada kuita kunge ndaive ne confusion kuna Baba naMai Blessing ndaishaya kuti ndaizonovaudza seyi kuti A level no, nursing pwetere. Paakazondiudza zvema CALA huh ndakatoona nursing iribhoo. So ndaizonotaura kumba kuti ndakuda kuenda ku nursing.
"So babe wotoenda kunursing kaa,
"Yaah rega nditoite izvozvo."
"Saka wanga wakauya nema documents ako kaa, I mean chitupa, birth certificate, O'level certificate."
Huh ndipo pandakaona kuti ndaive ndisina kunyatsongwara. Ndainge ndakasiya zvese kumba. Asi mhamha ndofunga ndivo vaive vakazvirongedza nekuti pandairongedza handina kumbozviona. Dayi ndaive ndakasangana nazvo dayi ndaive ndakatozvitakura.
"Tinashe handina kana kuuya nechitupa babe."
"Urikurevesa here babe?"
"Ehe handina kuuya nazvo ini.
"Don't worry hunnie, unonotora hanty?"
"Aaah kudzokera kuya manje, aah ndanga ndisati ndavakuda kudzokera ini babe."
Ndakanyatsofunga kuti ndaive ndakaita zvekutiza kaini so kwaizodzokereka here zvekumhanya huh ndainge ndapisira. Mai vaya vaizondirega ndichipunyuka here hiiii aiva ma horror chaiwo.
"Urikutofana kudzokera mwedzi uno uchingopera we have to apply pachine time kaa."
"Yaah sure but mmmm."
"Usatye Makanaka wanzwa babe wangu, Mwari vanesu. taura zita remukomana wako tinzwe."
"TINASHE"
"Saka zvinoreyi izvozvo?"
Ndakaseka aah Tinashe so
"Zvinoreva kuti Tina-She......we have God!"
"Exactly babe wangu, and if God is for us then who can be against us?"
"Tinashe aah takutoita bible study here?"
"Yes sweetie, enda kuna Isiah unoiona verse iyoyo."
"It's okay babe ndichaenda."
"Ehe plus futi Mwari vakaitaseyi?"
"Panyaya yei?"
"Panyaya yemusikana wangu....ndiudze vakaitaseyi?"
"Aah Tinashe aah....
"Taura kaa, ndiudzewo kuti musikana wangu anonzi ani?"
"MAKANAKA."
"Akanaka wacho ndiani?"
"Ndi Mwari."
"Very good sweetie wangu. Saka wazvinzwa kaa since tii NASHE and futi Ishe vacho Va KANAKA....tinokunda chete wanzwa here babe wangu?"
"Yeah thanks so much my love, saka ndinoenda kumusha monthend kunotora zvinhu zvangu."
"Yaah bhoo."
Takazotandara nedzimwe nyaya kusvika tazoparadzana hedu. Ndakaenda kumba hangu ndaidakuudza vana Mai Blessing the new developments. As usual ndichitamba Na Blessing na MacDonald wangu baba Blessing vakabva vauya havo,
"Bee uchatadzisa Maka kuverenga iwee noise yako iyi anoverengawo nguvayi?"
Ndakabva ndatoti rega ndivaudze. Ndakavatsanangurira zvekuenda ku nursing kuya vakambofunga then vakati vaida kutanga vaudza Mai Bee. Pakauya Mai Bee vakaita kubvumira mudenga hanzi nursing inonyatsoita manje, Makanaka ngaatoite izvozvo. So vakabva vabvuma vese handizivi kuti pabasa zvaizofamba seyi asi huh Tinashe aisashaya plan plus ku nursing kwagara hakuna fees yaizodiwa ndakatoona zviri zvinhu zvaive zvakanaka.
"Huh Makanaka itoita zve nursing zviribhoo sterek."
"Ehoyi maitabasa, ko basa manje pano?"
"Don't worry tinenge tichizoona plus munin'ina wangu aimboti anoda kuuya aah saka patime yacho munenge muchizobatsirana."
Ndakatoshaiwa kuti koseyi vanhu ava vaiva nemoyo wakanaka kudaro mmm ndaitoda kuchema chaiko.
"Mai Bee, manje inini apa ndainge ndakauya ndisina ma documents angu ndinoda kunoatora kumba."
"Hokay, huh unoenda weekend."
"Maitabasa,"
Takazopedzisa zvataiita kusvika vanhu vaenda kunorara. Ndaiita kufara vanhu ava vaingobvuma zvese vainge vasina kana mitemo yakaoma. So weekend ndiko kwaiva kupera kwe Mwedzi ndaizoenda. Ndakanorara paya but aah ndakazobatwa nemadzikirira chaiwo chaiwo mmm ndakatambura Ku hope ikoko ndobva ndamuka ndikanamata. Hope dzakazondibata futi but husiku hwemusi uyu hwakandirebera. Ndakatanga kurota zvinotyisa kutyisa chaiko.
Ndainge ndakapedzisira kurota hope dzakashata ndichirota Baba vangu. Musi uyu zvaitova serious. _Ndakarota vari Mai vangu vainge vakagara mumba vari vega vachiratidza kufunga sterek then ndakazovaona vaita sevachinja vainge vakapfunya chisero vakagara nemunhu aive akapfeka zveblack all black chaiyo. Vainge vakaita kudzikama chaiko vachipiwa zvavaipiwa nemunhu uya. Akapedza kuvatambidza zvinhu zviya ndobva atanga kuseka. Ivo vakazobva paya ndokutanga kufamba vachidzokera kumba vakatakura zvinhu zvavaiva vapiwa. Vakasvika kumba ndokutanga kudaidza kuti Makanaka zvairatidza kuti vaindidaidza vakaita kuti Makanaka ka 3 ndokuzotanga kuchema._ Inini ndipo pandakapepuka zvekuita kuvhunduka chaizvo. Mmmm zvaityisa izvi ndakatya kana kuenda kumba kwacho ini.
Ndakamuka husiku ihwohwo ndokugara nekutanga kuchema. Ndakatadza kana kunamata, ndakazviona kuti mai vangu vainge vachitonditsvaga nemaziso matsvuku kumba. Ndakatanga kunyatsotya kuti saka ndiende here. Mmmm ndaitoda kuudza Tinashe apa. Saka kwakazoedza ndobva ndatoita mabasa angu ese. Ndikabva ndaudza baba Bee kuti ndaida kunoona Tinashe. Vakanditi taizobuda tese. Vakuenda kubasa takaenda tese, Blessing naMacDonald takavasiya vega pamba. Ndobva vazoenda vachinondisiyawo kubasa kwaTinashe huh zve munhu ainge asina phone kwaingova kudzungaira kwega kwega. Lucky enough munhu wandakazotanga kutaura naye akanditi aiva friend ya Tinashe so akanondisiya kuna Tinashe chaiko.
Tinashe akafara hanzi surprise visit. Dayi aitoziva kuti aive ma horror ainge aita ndimushanyire akamira izvozvo. Takazoenda paside kumwe kwaiva kusina vanhu....and I narrated my horrible dream kwaari. Ndainge ndotochema ini. Akandisiya kusvika ndapedza ndobva apukuta misodzi yangu, ndokundipa hug achitaura,
"Makanaka usatye Mwari Vanesu."
Ndakabva ndaita kunzwa simba and kutya kwese kwakabva kwatopera. My guy was just all I needed. Akandishingisa chaizvo chaizvo.
"Saka ndiende kumusha?"
"Tinoronga tichienda mberi Makanaka, zvatakatoronga ndizvozvo. Saka urikutoenda weekend, inini ndinozokuona wadzoka."
"Horaiti Tinashe."
"Makanaka ngatiiteyi 3 days fasting and praying about kuenda kumusha hanty."
"Babe....
"Yeah ngatiiteyi 3days idzodzo ende I'm sure uchaenda tisina kuonana futi. ....but am always with you in prayers."
"Thanks hunnie, ndakuenda kumba."
Takaonekana ndokubva ndatodzokera kumba, ndakasvika Mac akatorara hake ndobva ndangoti bhoo. Kaisanetsa kamunhu kacho kaiziva situation shame, Ko kaigodii mai raiva benzi sorry, I didn't say that my mom raiva benzi. Ndakatotanga ma prayers angu ipapo ndaiziva kuti Tinashe ainge achitoitawo. 3days dzakadarika and then Saturday yasvika makuseni acho Mai Bee vakandipa mari ye transport neimwe yavakati unonopa mhamha. Ndakavatenda ndobva vatonotisiya mutown naMac taizodzoka mangwana acho, kureva Sunday.
Takasvika kumba mhamha vatoripo ende vakaita kusekerera kusvika kunzeve. Vakasimuka ndokutopinda havo mumba kana kutitambira. Vakabuda futi vachiita kurova ka danzi hanzi,
"Ndini Mai Nhingi ......ini wangu anodzoka chete, hehede usadheerere. Handiitirwe mahumbwe ndombonzi ani koini?"
_Dai vaiziva kuti taitodarikawo dayi vakadzikama havo._
Takasvika mu yard zvikanzi mirai ikoko, mirai ikoko hamupinde zve muchivanzi changu kunge murikupinda mu toilet. Ndoda kumbokuvhetayi moda kundijairira sterek hamudi kana kusekererwa vana vamazuvano munoto........
*End of chapter 41*
_May The Grace Of God Be With You!!_
❤️
😢
👍
😂
🙏
😮
26