Tanic✨ Novels
May 15, 2025 at 12:36 PM
```Tanic✨ Novels```
*_A thousand secrets_*
Story Written By Tanic✨
*0714 557 929*
*NB: Season 2 will be on sale!!*
*Chapter 42*
*Mr Dube*
Ndaiita ndichienda kupraz kwangu hangu apa ndaive ndoenda frequently manje. Ndainge ndaka promiswa mukadzi nambuya Magwezvero, kamwana chaiko. Ndakambotanga ndichitsenga mukanwa ndikazobvuma kuti ndaida kukaona first. Saka apa pese pandaienda kupraz kwaive kunotaimira futi kuti musikana wacho pamwe ndaizomuona. Zvaizoitika after izvozvo ndaingoti hameno ikoko. Handiti Mai Ralph nhumbu yavaiva nayo ndaiziva kuti yaisava yangu. Hameno kwavainge vakaipiwa kwavaita zvekugadzira vana, neni tainge tisingate ndosaka ndaizoenda hangu kunopedza shungu pachembere Mai Magwezvero. Zvino ndainge ndangomirira musikana chaiye ende vekumusha ava ndaitoda new life naye. Vana vaya vekumusha vanenge vachiziva zvavanoita hehede regayi ndinyarare. Ndaida munhu akadzikama kwete zvamai Ralph apa worse nemimba vaisvota zvisiko aah vaimbowa ndati.
Trevor mface wangu aive akunyatsoona bhoo bhoo and I was happy. The sad part manje basa rainge rakapera. Huh aitorarama bhoo bhoo mface wangu achitsvaga zvimwe zvekuita. Ralph ainge ogara achiti aida phone hee so umwe musi akaita kumukirira kutaura zvephone ndikamudzikamisa.Trevor akatouya hake kumba apa pane work yangu yandaiita pa laptop so ndakangosiya ndisina kana Ku saver. Kondaigotyeyi pamba painge pasina pwere vana vangu Ralph na Ralphoncyn vainge vatokura ava, kunze kweka nhunzi kainge kakatakurwa naamai vacho. Ndakaenda kunogara naTrevor uya tichitotandara nekuhurova hwahwa.
Takazonzwa Ralph oseka mumba make ari 1 kunge mupengo chaiye ndaifunga achanyarara but eeh akaramba achingoseka. Ndakabva ndasimuka ndokuenda ku spare kwake. Pandakapinda muya akaita kuzvambarara pa floor achiumburuka nekuseka chete. Ndakabva ndaona laptop yangu iri pabed pake ndiyo yaive nezvaisekwa zvacho chete. Ndakabhoikana aive aipihwa nani ndaida kumurova ndega aifarisa Ralph kungobata bata. Munhu wepi kusagona kugarawo akadzikama koinga aive aka disciplinwa wani Ku police. Ralphoncyn ndaitoziva aiva mu spare make achiverenga iri bharanzi richiita kunge imbwa. Ndakaenda pa laptop paya ndokuisimudza yoh!
Ndakaona Mai Magwezvero aahh imi, ndokuona inini Dube apa raitove video. Dikita rakaita kuyerera apa ndichitarisa ku door kudayi ndakaona Mai Ralph vachipindawo. Ndakakurumidza kubaya power button kudzima laptop iya. Paida kuto actor fast chaibvondoka ipapo ipapo, apa l couldn't stand the embarrassment paive na Trevor futi. Mai Ralph vakabva vatouya ndobva vatobatawo laptop iya,
"Chiiko nhai baba Ralph?, tioneiwo....
"Heee,
"Ndipei laptop yacho ndizvionere aah nhayi zvinganetse here."
Vaitodaro vachitora laptop yacho, password zvese vaizviziva. Ndakaita kupererwa, kana hwahwa hwandainge ndanwa hwakaita kuti hwa ndikaita sober ipapo ipapo. Iye Ralph drama aisapererwa akamhanya ndokubvutira Mai vake laptop iya,
"Eyy Mummy, whats your problem now?"
"Huh iwe Ralph, ndirikuda kungoona zvawanga uchiseka zvee."
Umwe aive akabata side iri umwe akabatawo side iri vakabatirana laptop mai nemwana.
"Murikuda kusekawo?"
"Eheeka."
"Manje hapana kuseka kwamuri kuzoita. Please may you leave my spare bedroom now"
Ndainge ndiri zii Ralph achipedzerana naamai vake.
"Haiwawo Ralph so urikutondidzinga muno here?"
"Yes budayi mhamha now, ndakurambidzwa kuseka here ini. Budayi ndisare na Dad its a boys talk tisiyei inini naDad."
Damn kaironga kamwana aka ndakabva ndatotanga kuitawo simba ndokupindira,
"Mai Ralph budayi kani we need our space sababa nemwanakomana, you're disturbing us."
"Hezvo disturbing you chii chacho ipapa?"
"Mhamha murikunonoka chiendayi."
"Ralph usade kundingwarira wanzwa."
Mai Ralph vaitoda kunetsa manje ndaive ndaona kuti Ralph aida kutondi saver. Ndakabva ndaita kubvuta laptop iya.
"Imi mai Ralph, Ralphoncyn ariko ku room kwake endaiwozvee, isusu hatimbopindire nyaya dzenyu. Ko saka kuno ndakutadziswa kutaura naRalph here?"
"Nhaimi baba Ralph handiti mapinda muno muchipopota nyaya yelaptop iyoyi."
"Ehe,
"Saka yanga yatopera?"
"Musasavadaire avo Dad vachabuda chete."
Achingopedza kudaro Mai vake vakarovanisa maoko ndokuti,
"Inga zvaazvinhu!"
Ndobva vabuda havo mu spare muya. Dikita rimwe rakayerera futi kuti saka Ralph apa aive serious here kuti aizozvivhara kuna amai vake. Mmm asi aizvivhara kusvika riini. Ndakanzwa ndavekurohwaa bendekete,
"Dad, garayi henyu pabed pangu ipapa hatidi zvekusheedzeresa."
Ndakamutarisa ndaida kumupwanya pwanya asi soaka vamwe vana i shit chaiyo. Ndaive ndotoshaiswa rugare nerwusvava irworwo Ralph sure.
"Dad saka phone yangu munonditengera riini?"
Akadaro achiita kusekerera hake. Nyaya yemakuseni saka ainge asina kunzwa here zvandaive ndamupindura makuseni. Ndisati ndadaira aive obatidza futi laptop iya. Damn ndakaramba ndakasticker hangu. Ndobva atoenda futi kuvideo riya. Aaah saka zvaitova mulaptop mangu, kosaka inini seyi ndaisazviziva ndaisambozviona ndega kaini. Zvaive zvaiswa riini? Zvakatorwa riini? Aah I felt like crying aah. ....asi sababa haizobude misodzi yacho.
"Dad ndati ndirikuda phone!"
"Urikuda yakaitaseyi Ralph?"
Ndakaona kuti ndikaita zvekuoma musoro munhu wacho aitove benzi hake, aigona kutonoratidza mai vake ipapo ipapo ndikapinda ma1 makuseni iwayo.
"Tinoenda tese Dad kunotenga ndinyatsosarudza yandinoda."
Ndaitoziva kuti kwaive kutoti ndazovabata baba ava endewo zveshuwa ainge andigona. Aiziva kuti hapana kumurambira kwandaizoita.
"Nhaiwe Ralph video iroro waritora kupi?"
"Don't worry Dad ndinaro, neamwe akawanda andinongochengeta ma videos enyu muri out."
Chaitotaura chisingambotyi kana, chimwana ichi chaive chikwambo chete aah chainge chondishungurudza ipapa.
"Unawo hobho?"
"Ehe Dad, huh don't worry. I'll keep them to myself asi zvinhu zvikoma ndinobuditsa seapa changa chaoma iphone yangu. I need it."
"Okay but promise me hauzoratidze mhamha vako whatever that you have. "
"Mukangonditengera phone zvese bhoo manje. Munenge matopedza ma sports acho."
"Okay Ralph."
"Yeah huh, hanty pese apa ndanga ndakangoachengeta ndega."
"Ehe, saka deal kaa."
"Reyi Dad?"
"Mhamha vako havasi kuzozviona hanty?"
"Kana ndangova nephone kaa. Ndikarara ndisina kutengerwa phone yacho ndogona kutovaratidza."
Mwana aive nenharo uyu.
"Ralph handeyi kunotenga phone yacho, but please let it be a secret between us okay."
"Its okay Dad, deal bhoo wani."
"Are you ready tibve tatoenda kunotenga phone yacho?"
"Yes Dad handeyi."
Ndakabva ndato chinja password ye laptop iya. Ndaiziva mai Ralph vaigona kuzosara vachitsvaga chaisekwa. Ndakanotora mari tichibva tatotungamidzana naRalph. Trevor aive mu dinning ndobva tatomuti,
"Ngatimbopinde mutown kaa,
Haana kumbopikisa akabva atosimukawo.
"Mai Ralph takumbobuda."
Havana kumbobvunza kana kuti taiendepi. Vakangoti bhoo. Takapinda mutown Ralph achinetsa hanzi
_aah yakadayi handiiede ndotoda yakadayi mmmm Dad aah iyi futi huh kana koiyi manje mmm ehe huh but dai tamboenda kwakati_
Kusvika tazotenga yaaida chaiyo. So takabva tazongonanga kumba kwa Trevor. Takatoswera ikoko hedu, manheru ndokuzodzokera kumba. Mai Ralph vaisavako. Kwakaramba kuchitodoka kana sign yemunhu. Kutobvunza Aunty na Ralphoncyn hanzi havana kumbooneka. Hezvo vaiva vaenda kupiko. Kuedza kufona foni yavo kudayi, yaitoti not reachable. Mmm asi vainge vasara vakatsamwa kani uku kwaiva kutoramwa saka. Damn chii chandaiitirwa naRalph ichi? A aaah inini hangu inini inini aaah Ralph ainge uchandiuraya chete. Kuti ndifonere Trevor ndakangoti aah munhu wandanga ndiinaye ndokubva ndazvi ignore. Kuma 10pm ndakaona ndafonerwa ne munhu wandainge ndaka saver kuti broilers.
"Hello,..
"Hello ndiVaDube handiti."
"Ehe ndini,
"Its okay ndini customer yenyu yema broiler zvekupraz zviya."
Nxaaa ndaida kutokata munhu kutondiudza zvekuti pwastomer husiku ihwohwo ugoona ainge akapedzisira ku order huku dzacho kare. Ndaive ndiripanguva yekufunga kuti Mai Ralph varipi munhu achirotomoka kudaro.
"Hoo zvakanaka."
"Boss, ndafona kuti ndikuudzeyi kuti Mudzimai wenyu a admittwa makuseni pa Rusape General Hospital. Kutaura kuno arimu ICU and hapana ambouya kuzomuona."
Ndakanzwa mabonzo ese achiita kunge aisunungurwa body ichisara yava loose so.
"Mati Mai Dube vari muchipatara?".
"Ehe, mukasvika varimu Intensive Care Unit."
"Ko chii chaitika?"
Ndaive ndotodzungaira ndichingobvunza mibvunzo yenhando.
"Handitoziviwo, it's good mumbovadongorerewo."
"Saka ivo varikuti kudii?"
"Huyai muvaone kani. Thanks Sir Byee."
Pu pu pu
"Hello hello hello
Munhu ainge atokata, ndakazvidhonza manje ndokugadzirira ndokutobuda nekuenda. Ndakasvika kuma 11 kuya. Ndokunanga kwandainge ndaudzwa imi vanhu handina kunonoka kuwana help ndobva ndatonoona Mai Dube. Vari pa mute havo, vasingataure kana thi
Munhu ainge akaita kubairirwa tsono hobho hobho ari zii apa musoro wainge waka bandagwa bandagwa kudai vachiratidza kuzvimba so, she was in a serious condition. Vamwe nurse vakauya,
"Don't worry she's breathing vanoita bhoo."
"Ko vaitaseyi, vauya seyi kuno?"
"Mmm tangoona kuti she has been involved in a fight vanga vaine ma bruises."
"Fight? With who? And ho........
*End of chapter 42*
_May The Grace Of God Be With You!!_
❤️
😂
😮
20