Tanic✨ Novels
May 16, 2025 at 02:19 PM
```Tanic✨ Novels```
*_A thousand secrets_*
Story Written By Tanic✨
*0714 557 929*
*NB: Season 2 will be on sale!!*
*Chapter 43*
*Tinashe*
Damn ndakazozvifunga Makanaka aenda kuti nyaya yaNomsa yaigona kuzokonzeresa futi. Nekuti Nomsa aive kumba kwedu achiti aive akatizira hii saka ndainge ndotya kuti Makanaka aizozvitambiraseyi. Apa haya nenyaya yekuti kwainzi nhumbu futi mmmm Maka agonzwa kuti ndaive ndakatomborara naNomsa hayaas hameno zvaizopera mushe here. Weekend yainge yaenda Makanaka kumba ndiyo yandakaendawo kwedu ndikasvika zvee Nomsa ariko ndikazomutinha kumudzosera kumba kwavo.
Sezvo ndaiva kumba kwedu ndakanyatsosununguka kuti ndaive ndadzinga bharanzi rainzi Nomsa ndakanyatsononoka kumuka mangwana acho hangu ndiriflat muroom mangu kodzainyatsotapira zvee ndichiti minus 1 problem. Izvo ndaitozvinyepera nhayi. Hama dzangu kudzinga munhu arikuti ane nhumbu yako hakusi nyore kana ka1. Zvinonetsa zvinhu zviya. Munhu anorambirira paitoda kurwa semvumba chaiyo. Nomsa ndaisazoneta hangu kumudzinga aindimara big time. Makuseni pandakazomuka hangu, hanty bathroom dzekumusha inenge iri uko isirimumba ndakabuda hangu ndichienda ikoko. Ndichingobuda ndakaona munhu akapfugama neka bucket,
"Ndakuigirayi mvura yekugeza."
Nxaa mwana ainge akapusa uyu nhayi aifunga murume anowanikwa nyore nyore nhayi worse asingakude. Apa kuzoshingirira manje kunge kumba kwavo kwainge kwakaendawo 50cents.
Ndakakasimudza ka bucket kaive kakazara mvura makuseni iwayo ndokubabatidza munhu wangu. Maybe aitendeukawo akaziva kuti aisadiwa neni. Ndakamudira mumusoro akapfugama zvekuti muviri wese wakadziirirwa makuseni iwayo coz mvura yacho yaitopfungaira tuhutsi.
Ndakamusiya aripaya ndokuenda kunomukisa mhamha.
"Aah Mhofu manga matogeza here mvura yamaendeserwa?"
"Kuendeserwa nani, handisikuida ini."
Aah saka mhamha ndivo vaive vatomuti enda unope Tinashe mvura hameno hake aizoroorwa namhamha ivava inini ndaisazochinja kana ka 1. Ndakabva ndatofamba ndokudzokera ku room kwangu ndikanogara hangu. Ndichinetseka kuti asi ndaive ndanyanya kunonoka kuroora saka ndizvo zvaiita Mai vangu vade njapisi inenge Nomsa manje. Ndichifunga kudaro chikafu chakauya naNomsa. Aaah mwana aindishura chete uyu handina kuchitambira ndobva azochisiya pasi akaenda hake. Ndakazodaidza Tinaye time time ndobva andibikira hake takadya tiri 2 naTinaye tichitaura nyaya tichinakidzwa mmm. Mhamha vakazouya ndofunga vaifunga ndainge ndadya marara aNomsa ndokutanga kupopota, hanzi _chikafu chisina kudyiwa mu room mako zvirikuitirweyi hee?_
Aah vakazonyarara havo ndobva ndatombobuda naTinaye tikaenda. Ayaas patakadzoka takaona Nomsa achitobatwa kubatwa muyard medu neumwe mukomana and ndiwo marara andaitarisirwa kuti hanzi tora uite mukadzi huh maya zvaisazoshanda izvozvo.
*Nomsa*
Tinashe ainge akaoma mmm paakauya ndaiti ndaizomuitira madanha zvee kusvika andidawo. Ndakazoenda kuroom kwake time dzafamba ndichitoti ainondiguta musi iwoyo pane paaizoregerera mukadzi aiita kuuya kuzozvipira here? Ende kamwana kacho kainetsa eeh kaitoda baba vako zveshure but manje huh baba vacho vaisabatika zvekumhanya zvekuti dai ndaive ndichiri kumba kwedu ndaimbokatsvagira James kuti asimbise. Tinashe akatodzikamira hake kana kudii kana kuswedera kwandaiva apa ndaive ndakato dresser wo zvacho zvemu bedroom but huh iyaa aiva ma horror. After ndofunga an hour or so. Munhu akazotanga kutaura hanzi budai muno imi ndakambofunga kuti kwaiva kutamba but rume raitorevesa pandakaona oita zvebelt ndakabva ndamuka kuti ndiite take cover. Pandakazonozviisa paari ndichiti pamwe akanzwa kunhuwirira kwangu aizochinja moyo ndakapiwa gwati ndikadziona nyenyedzi mumba imomo. Ndakanyatsonzwisisa kuti ndaisadiwa apa. Ndokutobuda paya, iye akatevera ndokunondisiya kumba kwedu chaiko. Ndakagara hangu panze ndokubva mhamha vazobuda mmm vaitoratidza kundinzwira tsitsi. Vana Mai moyo wekubereka ndiwo unozovabata chete. Dad pavakazobuda huh imi Handichadi kuzvidzokorora kutaura zvavakaita ndinozochema just know that vakandidzinga. Ndikadzokera husiku ihwohwo kwaana Tinashe ndofunga ndaitofamba nezvigorototo coz hwaive husiku chaihwo. Zvekuti ndofunga varoyi vandaisangana navo vaitondinzwirawo tsitsi. Ndakanoparara panze paana Tinashe ndichinjiwa hangu nemosquito, ende kana zvakadaro hakuedzi I'm telling you. Ndakapinda mu kitchen since ndaiziva paigara ma keys. Ndakatozokuhwidza moto coz chando chacho chaindiita yese yese.
Kwakazoedza ndobva ndatotanga kutsvaira ruvanzi kuita zvese kudii kudii. Vamwene pavakamuka ndakavaisira mvurawo yekugeza vakafarawo seyi. Wandainge ndakavinga akazomuka ndikamuteverawo nemvura iya ndikaidirwa yese makuseni iwayo huh imi kaa. Kana usingadiwe haudiwe _usazode kumanikidzira rudo_ airevesa Killer T.
Apa ndaisadiwa hangu asi vamwene vaindipa hope plus the love I had for Tinashe yaindipa kushingirira zvakadaro, plus kumba kwaisadzokereka kaa Dad vangu mmm kana demo vaisimudza. Tinashe haana kana kudya food yandaive nda prepare nemoyo wese ndichiti iiih munhu wangu anozofara chete. Ndaibika kani but aisada kana ku taster hake munhu wacho. Vakazobika ne sister yake yakundivengawoseyi... ndobva vadya havo. Vakabva vabuda ndikasara navamwene.
Dzimwe mhepo zvadzinoita so. Ndakasara ndokutanga kuita washen hangu kuseri kwemba ndobva James auya. Akasvika ndokuita kundi hugger from behind apa ndakakotama, ndokuzevezera hake,
"Urikunditiza kaa mazuvano nezvinhu zvangu."
Pandakasimuka kudayi ndichibvisa maoko ake mu waist mangu ndakaona Tinashe na Tinaye vakatosticker havo vakatitarisa. Ndikazoti,
"Iwe James mhani urikuitaseyi ndisiye,
Zvaingova zvekuvhara vhara zviya iye achibva aita kubata my butt Tinashe achiona aaah ndakanyara. Ndofunga iye James aisavaona coz aingobata paada. Ndakazoita wekuti zi mbama kumeso ndokubva angoribata achitoti _ndirove imwe kani, I miss you_
Ipapo ndipo paakaona Tinashe na Tinaye ndobva ati,
"Aah mukoma Tinashe muriseyi?"
Kana nyadzi aive asina mukomana iyeye. Mhamha VaTinashe vakabva vauyawo kuseri kuya ndobva atovati,
"Mhamha makadii henyu, ndanga ndauya kuna Nomsa ndamushaya kumba kwavo ane zvinhu zvangu zvandirikuda."
Imimi ndaita kunge ndisina kana hembe munhu wese akanditarisa ndaiita kunyara benzi iri James achirotomoka hake mwana wembwa. Mhamha vakangoti,
"Ndinofara hangu."
Tinashe haana chaakataura kana 1. Imi vanhu inini ndainge ndonyarawo ndega aah zvinhu zvacho hameno zvaida ndinyatsodii chaizvo. Rakaoneka zimbwa riya hanzi,
"Regayi ndiende maitabasa, Nomsa uchengete zvinhu zvangu uzouye nazvo kuya kuya handikaa."
Munhu wese achinzwa, mmmm ndaive ndisisiri munhu ndikati rega ndizvivhare,
"Aah James arikuda mabooks ake andiinawo."
Katete Tinaye kakabva kaita kuseka "ehehehdeeee _mabook mabook mabook musango_ rega ndinyarare ini." Kakabva kamhanya kunopinda mumba. Ndaiziva aka kaigona kungotaura zvekiss iya. Mhamha vavo ndivo vakabva vati, "
"Hokay une ma book ake."
Tinashe didn't say anything akangodarika ndokupindawo mumba. Ndakaenderera mberi newashen yangu hangu ndobva Mai Tinashe vapindawo mumba. Ndakazonzwa yava noise mumba imomo ndakangoti ndaisazvipindira ini.
Vakazoita kubuda panze, Tinashe achiti,
"Mhamha iri ndiro hure ende handidi hangu zvisina basa,
"Haudi zvisina basa ko pawaimbopa hure racho nhumbu waifungeyi?"
"Hapana nhumbu yangu apa mhamha."
"Tinashe garisanayi naNomsa. Zvinhu zvenyu zvitotange kufamba matokura so mutoite zvine musoro muri pamwechete."
Vaitaura kani ndaivafarira ini mai ava manje mwana wavo ainge akaita kuoma moyo chaiko.
"Garisanayi henyu naNomsa wenyu mhamha, inini am out of it handizive kuti makamutambira seyi pano. Handizive, handizive ende inini handizive izvozvo."
"Tinashe ndirikuda utonobvise tsavakirayikuno usati wadzokera."
"Hoo, muchanoibvisa imimi. Mhamha inini hangu zvekupindurana nemi handikwanisi. Ndakuenda hangu kubasa kwangu. Izvi handizvikwanise, Nomsa mmm handidi hangu mweya yetsvina. Handidi hangu mhamha inini ndakuenda."
Vakazoramba votaura Mai Tinashe asi iye ainge otogadzirira kubuda. Akabuda zvesure akaperekedzwa naTinaye wake Hameno aiudzweyi ikoko neka sister kake. Takachisara zvino tiri 2 navamwene takati tuzu tuzu tuziso itwotwo.
*End of chapter 43*
_May The Grace Of God Be With You!!_
❤️
😂
👍
😢
😮
🙏
24