Tanic✨ Novels
May 18, 2025 at 08:54 AM
```Tanic✨ Novels``` *_A thousand secrets_* Story Written By Tanic✨ *0714 557 929* *NB: Season 2 will be on sale!!* *Chapter 44* *Mr Dube* Muchipatara muya hapana aindipindura kana 1. Mmm vaive vakakuvara havo Mai ava. Manje ndaishaiwa kuti vaive vakakuvara kupi. Kana kuri kurohwa kwacho vainge vakarohwa kupi nani mmm hameno. Apa Huh Mai Dube taitotarisira zvese chitunha kana munhu chaiye hameno woo. Ndakazoenda kumba hangu, mangwana makuseni acho ndobva ndaenda kunoudzawo Trevor kumba kwake, akagadzirira tichibva tatoenda tese kuchipatara. Akashamisikawo nezvaakaona Trevor. Munhu aive akakuvara kani ...but better vaitotaura musi uyi asi kwete sterek. Vainge vasisiri mu ICU havo, Doctor akauya and Trevor akati kuna Doctor vapedza kutaura, "How about the baby?" "The baby is okay." Ndakashamisika kuti Mai Ralph vaitofumuka zvekudaro kuudza Trevor nhumbu ine mwedzi chete. Mmmmm apa ndipo pandainge ndatobvuma kupusa kaapa. Ndakazvinyarara hangu since taive muchipatara. Iko kamwana kacho kaitova nenharo nhayi kakatadza kungoitawo miscarriage here? Ndanyarara right, mungazonditi.... Takavaona ndobva tazobuda ndokuenda. Inini ndaitoda kuenda kupraz same day iroro saka ndakagadzirira bhoo bhoo ndobva ndatoenda kupraz kwangu yaitova Saturday......ndakaita breakdown muroad ndichibva ndatotadza kuenderera mberi nerwendo apa ndaienda kunotaimira kuti pamwe babe randaisoterwa naMai Magwezvero zvainge zvaita but zvakabva zvadhakwa. Kuzogadzirisa mota nekudii dii ndakabva ndatadza kuenda kupraz kwangu, ndokuzodzokera kumba. Huh ndakabhoikana mhani but mangwana acho ndaitomanikidzira kuenda chete. _Gara zviya, kure ndekuna amai kune mukadzi ndaizosva ndasvika._ *Laura,* Ndakagara kumba nenhumbu yangu. Ichinetsa nyaya kuti nhumbu nhumbu but zvakaita kunge step mum vakazonzwisisawo ndobva yati ziii nyaya iya. Dad vaiti haafani kuita kana stress Laura chii chii. Ndichitengerwa zvandaida apa yai selecter chikafu nhumbu yacho yaisada zvese zvese but Dad vainditengera. Pamwe pacho ndaitonyara kutaura but vaiti kana ndikasadya manje vaibva vaizviziva votondinyengerera kubvunza kuti ndaida chii then ndaizonotengerwa hangu ndichidya. Ndaitofunga kuudza Ralph but paphone yamhamha vake manje zvaisaita saka ndakambozvisiya ndichimirirawo kuti kana akazonditanga ndaibva ndamuudza. Zvakafambawo bhoo umwe musi ndobva ndanyatsoona number dzake chaidzo dzichipopper aaah ndakafara yeah it was Ralph. Akandiudza kuti ainge ava nephone manje and that day takaita kurara tichitaura tese. Ndakanyara kana kumuudza ndaizomuudza hangu mangwana acho. Mangwana akakwana ndobva ndamuudza kuti, "Ralph shaa ndine nhumbu." Akaita kuvhunduka akati "Nhumbu tinoidii nhaiwe Laura? We're still young ndiudze kuti nhumbu tinoiisa kupi?" "Babe ndizvo zvitoripo, hapana reverse apa." "Huh hoo rega zvakadaro ndichaita plan then." Takazotaura dzimwe yenhumbu ndobva taiisa pa side hedu. Ko ndaigotyei inini ndaichengetwa hangu nema parents angu. Kumuudza kwaingova kuitira kuti azivewo zvataiva takaita. Ndakaudzwa kuti saka chikoro ndainge ndombomira ndaitanga ndasununguka then ndozoita carry on... that was my Dad. Vakadzokera kubasa kwavo Dad ndikasara nastep mum vangu. Vaisandiitira hutsinye havo but she wouldn't tolerate zvekuti nhasi handisikuda chingwa ndirikuda mbambaira waidya zviripo badzi. *Ralph* Phone ndakatoita plan ndikaiwana chete. Kondaida kutaura na Laura zvee. Phone ndakamhanyisa mdhara kusvika vaitenga chete. Ko ndaimboziva zvandaimhanyira ipapo hayaas aive ma 1. Laura ndakatanga kutaura naye and she was pregnant. Mmmm zvimwe tingaite, imwe misikanzwa yese ndaiita but ndaka imaginer ndichinoudza mdhara Dube kuti pwetere ndakamitisa. Huh aya ndiwo masports aisava easy kana ka1 zvako, izvi ainge asiri ma funnies. Ndakatanga kufunga manje ende pamba ndainge ndadzikama. Ndaiedza kunoverenga but aaah zvaisavamo. Ndaiti ndikafunga kuti shuwa ndinzi baba inini ndoti, huh maya I still have a long way to go kwete kuita kababa inini huh maya. Apa Laura wacho ndiye ainge akaita kuti tirare tese ozongonditi nhumbu mmm aiwa aiwa ndaisada ini aaah. Nhumbu chii chacho aah ndaisaida ini. Plus ndaiita kuedza ku picture Laura mumaziso angu avane chidumbu mmmm kana ndaida kababe kangu kangori bhoo. Apa Laura wacho ainge agara ane zibody obva ati nhumbu mmm ndaibva ndaona chimai. Aaah boys dzaizondiseka zvee. Apa zvekusekwa ndaisada hangu. Laura akaramba achichengeta chidumbu chake ichocho huh ndaimuramba ini but nhumbu so zvaitoreva kuti kuti aaah. Huh ndaisazoperwewa ndaizoenda kunotsvaga ka slender kanonyatsoita kuita kababe. Hameno taizoona zvekuita pamberi apo. Inini hangu ndaisada zvekunonokera zvinhu ndaida kuita zvinhu zvichipera. Apa zvikoro zvainge zvoda kuvhurwa futi apa Laura aiti haachauyi aaah. Musikana wangu ndaida auye kuschool tidanane hedu isu. *Trevor* Pamba ndainge ndakangogara pasina kana sign yekuti ndaigona kuzowana basa. Ende mari yema savings yaitopera zvishoma nezvishoma ndaitoona kuti ndaigona kutozosvika pakuti ndava pa $00.00 Mmmm zvaindidya moyo izvozvo. Ndaida kubvunzawo Mai Dube zvekuita kuti ndiite mari. Ndaifunga kutengesa amwe ma properties ndobva ndatanga business but ndaisanyatsoziva business rekuita. Ndakazofunga mface wekundinhonga uya hanty ndaive ne address yake ndakagadzirira karwendo kangu, ndokumuudza kuti ndaida kuenda kunomuona. Huh he was very free, akanditi huya hako shaa. Ndakaenda kuya and he was happy kuti ndainge ndakazopora. Chinhu one manje Chandakazovhunduka. Ndakanyatsovhura ziso ndokuona kuti mmmm anenge aiva mface waTrish madays ayaa tiriku MSU. Ahh ndaitoona chaizvo yaah that was him ainge atikureyi now but aaah aiva iye chete. Face yawakamboona unotoiziva ndakabva ndafunga day raaiva akauya kumba ndichiri kwa Dube paya yaaah vakazivana na Mai Dube saka aiva iye. Ndakati aah kondaiveneyi nazvo ndainge ndakavaparadzanisa kare saka chekutya painge pasina. Takataura ende zvevarume so, hatina kana kumbononoka kunzwanana tainge tototaura nyaya tichiseka. Ndakazodzokera hangu and it was promising kuti taigona kuzoita ma very good friends so apa tainge totaura hedu pa phone frequently. Ndainge ndakutoda kumuudzawo anditsvagire basa coz ndaiona nhamo yadongorera ende ndaiteta kutambura kwacho mmm, komwana wangu ainge anzi achiriko na Doctor? Ayaas koipo pandakabvunza Doc kuti how about the baby? Ziso randakapiwa naDube so aaah ndezvake nekupusa kwake! *End of chapter 44* _May The Grace Of God Be With You!!_
❤️ 😂 👍 😢 😮 🙏 25

Comments