Tanic✨ Novels
May 22, 2025 at 09:47 AM
```Tanic✨ Novels```
*_A thousand secrets_*
Story Written By Tanic✨
*0714 557 929*
*NB: Season 2 will be on sale!!*
*Chapter 46*
*Mai Dube*
Ndakamuka hangu ndiri mandaisaziva. Ndakatarisa tarisa ndichishaiwa kuti kochii chaitora nzvimbo. Ndakada kusimuka kudayi muviri ukati unonyepa. Ndakanzwa muviri wese hapana pandainyatsoti apa wese zvawo aiva mabayo chete so ndakabva ndadzosera musoro pabed. Apa wairemawoseyi musoro wacho. Ndipo pandakatanga kurangarira zvese kuzvambaradzwa kwandaive ndakaitwa 2 minutes neboys dzaMai vaya. Mmmm ndaive ndakakuvara. Doctor vakazouya vakatanga kutaura neni. Vaitaura zvekuti vaive vakango attender kwandiri nekuti ndaive in a serious condition but vakati munhu akaita sezvandaive ndakaita aisangorapwa pasina report yeku police. Vakatanga kundibvunza zvaive zvakaitika asi vakazoona kuti kutaura kwacho kwaitondinetsa saka vaizotaura neni ndavenani. Pakauya vaDube naTrevor ndaingotaura zvishoma ndaisada kuzoporonga zvinhu nekutaura zvimwe zvinhu. Trevor akabvunza zveka baby, aah zvikanzi kaive karibhoo. Mmmm kurwisa kunoita tunhu turikunze kwemitemo so ayaas zvakaoma. Kanhu kutorarama pakaoma kudaro, ini Mai ndakuvara zvembiri.
Ndakagaramo muchipatara ma days achifamba. Ndayiita bhoo hangu maronda ndaive ndisina kana, ndaive ndakaiswa 1 mark kuface. Kurwadziwa ndairwadzirwa mukati chaimo. Pakaitwa ma X- ray ndikanzi zvese zvaiva bhoo. Ndakazotanga kunyatsotaura and muchipatara yaidiwa information yekuti chii chaive chakaitika. Huh ndakanyatsoruka nhema hangu. Aaah zvingataurike kuti ndakarohwa nemukadzi wemunhu huh that was going to be my secret zvee.
Ndakataura kuti _ndainge nda robbwa. Ndakavaudza kuti mota yangu yakateverwa makuseni ndichienda kwandaienda ndobva kwazouya mamonya akaimisa ndikati ndakamirawo zvechokwadi and vakabva vanditi vaida mari but inini ndaive ndisina mari so vakandirova vachifunga kuti ndaizobuditsa mari vachibva vatotakura phone yangu futi._
Huh ndakava believisa zvesure Doc ivavo. Mapurisa akapindirawo 2 minutes. Baba Ralph vakatozouya vachindiratidza newspaper raive nenyaya yangu yekunyepa iyoyo. Zvichitonzi family iyi iripakaoma yakabva kupindirwa mumba nembavha apa hadzina kubatwa now mbavha dzacho dzaida ku robber mukadzi.
Aaah imi ndihwo hupenyu hwacho, zvimwe totongonyepa tichiita move on. Ndiudzeyi kuti dayi Baba Ralph vakanzwa kuti ndakaroverwa kudanana nemurume wemunhu paigarika here. Ndiudzeyi kuti kana Trevor wacho ainditora here pakadaro. Zvaitoita ma1 chaiwo apa ndiine nhumbu yaTrevor yekuoma musoro iyi. Huh kamwana ikako ndofunga ndiko kaizopa testimony kana kabuda hameno. Handiti ndiko kaiziva chokwadi kuti Trevor ndiye baba, kuti hatina ku robbwa taitoenda kunotengerwa ice cream ndobva tanopiwa ma blows.
Trevor akazombouya kuzondiona ari 1 hake umwe musi. Ende baba Ralph vainge vasina kumbouyawo that day ndakangoti eeh hameno. Aiti ainge andisuwa and stuff. Aida kutengesa zvimwe zvinhu zvake ndikamuti ambomire. Ndaida kuzonodya mari yake big time kana avekungotengesa chete zvinhu zvake.
*Mr Dube*
Ndakaita make sure kuti Sunday mota yainge yasotwa bhoo bhoo. Ndobva ndaita kumukira kupraz zimbuya Magwezvero raiita kufara hanzi musikana wenyu aveko. Aaaah kana neni ndakafara zvee. Ndobva ndaita kudusa mari kuti vanouye naye. Ndaida ku impressor zvee se first day.
Yakaenda chembere hanzi kunotora kaa musikana. Ingadzoke naye, kwakuzodzoka ichiti auya here? Mamuona here? Aizve yaitoda kundipusira nhayi. Ndakafunga kuti aah maybe aiuya zvee musikana wangu. Hakuna munhu akauya ende ivo Mai Magwezvero havana kudzoka day rese munhu haana kana kudzoka kubasa kwake. Ndipo pakauya dzangu hasha manje, munhu shuwa kuda kutamba nepfungwa dzangu. Ndakabhoikana sterek kwakadoka kusina kana musikana akauya huh imi zvakaoma shuwa. Apa ndainge ndaenda ndakagadzirira kuti ndichingomuratidzwa chete ndibve ndatorova basa. Ndaida agare aziva hake zvaaitorerwa. I had a family already and zvekuita tuvana futi ndainge ndisisadi. Dayi mbuya Magwezvero vakadzoka ndivo vandaipedzera shungu dzacho coz aaah apa Mai Ralph vaive muchipatara ende vakakuvara kaa.
Hameno ndakati pamwe izouya musikana wacho kwati zvaa asi haana kuuya. Ndakambofunga kuenda kumba kwavo Mai Magwezvero but eeh ndakanyara kubva chimiro munharaunda vanhu ndizvo zvavakangwairira kaa. Ndaifana kudzokera kumba but huh ndakatadza saka ndakarara kupraz ikoko. Hiii apa mudzimai ari muchipatara. Aaah ndaingoti huh ndinodzokera chete mangwana acho.
Mangwana akakwana chokwadi kwakaedzawo zvakanaka naka. Ndichibva ndatogezawo ndichigadzirira mwenga kaa, asi time dzakafamba kusina kana sign ye mwenga wacho. Sezvo time dzainge dzafamba ndakabva ndapinda muroad kudzokera kumba ndaive nemurwere kaini.
*Ralph*
Yaah ndainge ndapfidza manje ndaigara ndichifunga nyaya yenhumbu yaLaura. Aaa aaah I wasn't ready to be a father ini. So ndakaenda online ndokutanga kuita research ye abortion. Ndakawana paive nema abortion pills paive ne syrup futi ye abortion. Ndaida kutsvaga something chiri strong zvekutodaro coz I wanted to do away with that baby ainzi ndewangu na Laura. Ndakatsvaga tsvaga ndokuona ma pills ndobva ndaronga kutenga iwayo. Huh it was gonna be my secret. Laura ndaisambomuudza kuti ngatibvise nhumbu huh ndaiziva aigona kuramba coz girls kaa dzinenge dzinoda vana idzi. Plus iye agara aiti Dad vake vaimu supporter nhumbu yacho manje inini nyangwe aiwana support kumba kwavo. Kwedu kwainge kusati kwava kudiwa ka Dube kamwe mmm aiwa kana. Mhamha vangu vanzi gogo manje, huh ndainge ndoda kuzvivharisa manje. Sunday Daddy vakamukira kubuda and inini after breakfast hapana wandakaoneka ndakabva ndabuda hangu ndokupinda mu street. Ndaida kunotenga piritsi racho. Ndakati ndiende Ku pharmacy ndikati mmmm ndaigona kuzodzoka maoko achena ne chain. So paitoda strategy. Ndakaona dzimwe boys dzairatidza kuti ndedze mbanje.....so ndakabva ndatofungawo mbanje dziya tiina Nigga. huh ndaive ndagarisa ndisina kumbonzwa kuti dzinoitaseyi. Ndakabva ndangoti rega ndimboende ndinonzwawo mbanje plus kubvisa stress.
Ndakaenda paya ndokubva, ndatosvika ndichitoitawo zve sando dzacho huh kuya kunobatwa vanhu bhoo. Vanhu vanoita bring and share inotodarika yeku church. Huh vane love vanhu vaya. Pavakangoona kuti ndaidawo zvekubhemha vakabva vatondipawo ndakatoita time ndiripaya tichibhemha hedu. Ndakazoona ndave kutobvunza zvekubvisa nhumbu. Huh ipapo ipapo ndakatonzi,
"Aaah mfana hazvinetsi izvozvo one day unorara kasvotoka kanhumbu kacho. Kana uchitouda mira ndikuratidze."
Handina kana kuwana time yekupindura, mface uya akasimuka akaenda ndobva adzoka atori nemapills 3, zvikanzi,
"One pill mudrink apa rinokonzera confusion mu uterus, ukaswera wanzwa good news."
Ndakamuti ndipe shaa ndichibva ndatomupa 10 mari. Huh akati wasparker wangu. Ndakagara kungotandarawo but zvandaida ndainge ndatozviwana ndakazooneka ndikatopihwawo mubhasera wembanje. Ndakafara kuti game yacho ndainge ndaitamba zviri smart pasina kana kuonekwa neanondiziva. Ndakabva ndadzokera kumba hangu ende mdhara aisavako. Ralphoncyn aiona TV hake. Inini ndakangonogeza ndokurongedza twunhu twanga ndakamirira next step kuti ndaizosvitsa kuna Laura seyi.
*End of chapter 46*
_May The Grace Of God Be With You!!_
❤️
😂
😮
🙏
👍
18