Tanic✨ Novels
May 27, 2025 at 01:32 PM
```Tanic✨ Novels```
*_A thousand secrets_*
Story Written By Tanic✨
*0714 557 929*
*NB: Season 2 will be on sale!!*
*Chapter 49*
*VaMagwezvero*
Hupenyu hunorwadza, kutaura chokwadi ini ndakarwadziwa nahwo kusvika pabhonzo. Ku Moza ehe ndainge ndichiriko ndichishandawo chokwadi, sezvamunongoziva hakuna kunoshaikwa ndururani kungava kuvacheche vanoyamwa vaya. Kungava kuharahwa, kungava kuvasikana kana vakomana ndururani dzinenge dzitongoripo. Saka kwandaishanda uku vamwe vaiita vachiita zvavanoda but inini would make sure kuti ndaita zvandanzi ndiite ende ndichiita nemazvo. Ndakavarairwa ndakazo simudzwa na *Latent The Great* wacho umwe musi. Ndakadedera ndichishaiwa kuti ndaidaidzirweyi. Ndakambofunga kuti ndainge ndozonouraiwa manje. Vakanditora vakaenda neni ndobva ndatanga kusaver ndiri kuma *Senior Latents*. Uku basa raivashoma ende raisarwadza zvekutodaro. So ndakatotanga kuchinjanawo kupenyerera. Then Mwari vakatanga havo minana yavo. Paka selectwa team yaifana ku realiswa ipapo ndakangoselectwa, ndakashaiwa kana kuti ndotenda here. Nekuti inini ndaitoona guva rangu muMoza imomo. Obvious vavengi will always be there. Uite chakanaka kana chakaipa, nyangwe uri musvuuganda chaiwo hautadze kuvengwa nevamwe nekuti unotambura. Umwe murume ndakashaiwa kana chaairwa, akaita kuda kutorwisa hanzi kadhara ako kakauya manje manje apa saka kanobuditswa seyi. Chaive chokwadi hama dzangu ndakanzwa mudumbu. Asikaa tererayi munzwe dzimwe hondo hadzisi dzako. Hondo ndedza Mwari, vane marwiriro avanoita, iwewe ingogara murumbidzo dzavo uone zvinoitika. Chokwadi inini ipapo hapana ma defendero andaikwanisa kuzviita, asi kana Mwari vada havo. Boss wacho akabva aita kunyararidza murume uyu ka1. Takazoendeswa kwatakandeswa, ndobva tatonopiwa mazi mari. Hanzi,
"These are just tokens of appreciation. You worked very hard so you may leave now."
Takazotakurwa husiku kubva musango muya. KO tese taiva ma ZIMBA kaa. Takazonosiiwa Ku Beira......nyangwe taisava nema passport takabuda zvisina noise. Hamenowo seyi. Ndakazonopinda muZim, kwaMutare uko. Ma Mutare ndakanobhadhara kugeza ndikagezawo zvakanaka naka. Ndokuenda kunonyatsogerwawo musoro zvakanaka. Ndakanotengawo hembe dzakanaka ndokutochinja, angu mamvemve eku Moza ndakabva ndaarasa aindifungisa zvakawanda. Huh apa ndakabva ndabudawo kuita kajaya chaiko. Semunhu aive nemari yake ndakatengawo tengawo tunhu twekusvika ndakabatawo kumba, zvizvinji ndaiti ndaizodzokera wemwanasikana wangu maRusape kunotenga. Ndokuzotanga kutsvaga transport kuenda Rusape then Headlands kwandainge ndakasiya mhuri. Moyo waifara kuti ndainge ndonoonana nemwanasikana wangu Makanaka. Ndaida kunomuona zvekurevesa chaizvo, ndaive ndakamusiya asingagoni kana kudii nekurohwa namai vake. Ndaitofunga kunomuitira zvihombe nemari yandaiva nayo even zvekuchikoro ndaiti mari yangu yainoshanda izvozvo kuti ramangwana raMaka rigojeka.
Zvekunorohwa naMai vacho, huh rwendo rwuno masamba ainge achinja ndaida kunopedzerana navo!
*Nomsa*
Ndakadzokera hangu kumba ehe ndichibva kunasekuru vaya. Ndakatanga kufunga manje kuti shuwa nezera rangu ndinoti nasekuru vaya chokwadi. Iiih zvaisaita ndakazvionawo. Vamwene vangu nyangwe mood musi iwoyo yainge yatochinja ndakavaona hangu. Painge poda kutokwikwidza zvisati zvashata. Nekuti kurikuzonzi kuvengwa navo vese mai nemwana wavo. Mmm ndaisaona ndichizorarama. Saka ndakazorara ndazviudza kuti ndainozvipira hangu kuna sekuru vaya so long assuarance iripo pakuti na Tinashe we would make a family. Makuseni ndakamuka ndikaita zvese ndobva ndabika ndichibva ndaoneka hangu vamwene vangu ndokuteremuka ndakananga kwaigara sekuru vaya. Ndakasvika variko and vakangoti,
"Wadzoka muzukuru wasekuru?"
"Hongu sekuru...
"Wakawana here mubhadharo/muripo wasekuru?"
"Handina sekuru."
"Saka wadzoka kuti tiite zviya?"
Muromo wairema kusimuka asi ndakazoti,
"Hongu sekuru."
"Tevera hako sekuru kwavari kuenda muzukuru."
Vakasimuka sekuru vaya ndokunopinda mune umwe mupanda inini ndichiteverawo kumashure. Maive mutori netsvina hamo. Sekuru vakatanga kuita kunge vaiita zvemushonga wavo ndokuzoti,
"Muzukuru chiripa hako sekuru vako."
You know the rest of the story. Takaita zvatakaita nasekuru vaya. Mmm it was hell itself, sekuru ava I can't even explain kuti zvakafamba seyi. Zvaisava nyore kaa but it was painful and disgusting. Apa sekuru vainhuwa havo ivavo. Takazoenda hedu muroom iya yekutanga chaiyo mavaiitira zvinhu zvavo,
"Muzukuru wasekuru,"
"Sekuru,
"Sununguka hako. Zvako zvatoita. Munhu wauri kuda uyu achachinja zvekuti uchadzoka kuzoudza sekuru."
Ndakanyemwerera nyangwe ndainzwa kuremerwa kukuru. Yakabva yaita serious harahwa."
"Asi,
Pandakanzwa kuti _asi_ I was heartbroken. Zvedzinenge mhiko mhiko mmm ndaigara ndichiudzwa kuti ukaona wazonzi unodayi dayi *asi* yaah _asi_ uyo ziva kuti zvaipa vese vanonorombeswa vaya wapedza wonzi *asi* _mai vako vasadye mari yacho kana cent_ ~*apa ndipo paucharega kupa Mai vako mari yako here. Obvious vanotoidya ende ndipo panotanga ma1 ese waita zvawanzi "asi," vanhu ndipo pavanotanga kubowa zvava ku backfire. So beware of these witchdoctors!*~
Vakaenderera mberi sekuru vaya,
"Wakateerera handiti muzukuru wasekuru."
"...........hongu sekuru"
"Ndati asi usageza baa nhasi urare wakadaro, ndokuti zvataita zvishande."
"Zvakanakai sekuru."
"Enda hako muzukuru wasekuru, achakuda munhu iyeye zvekuti anenge avakuda kurara newe zvisingaite."
"Maita henyu sekuru."
Ndakazorwa zvandakazorwa ndichibva ndabuda muya. Mmmm pandakaudzwa zvekuti anenge avakuda kurara newe zvakanyanya ndakafara. Zvaireva zvee kuti ainge avekuzonditakura zvee kubasa kwake ikoko. Hiii ndobva ndatobva kumapraz uku. Huh ndakanonokerwa nekuona zvavekushanda. Ndaive nehope tariro chaiyo kuti zvainge zvavekuzoita manje. Huh nemoto wandakaona kurariswa nezisekuru riya zvozotadza kushanda manje mmmm zvaizoshanda chete.
Ndakazomhanya kumba ndokusvika hangu kuina Tinaye...... agotanga hake mashura chaiwo. Pakakangondiona kakaita kubata mhino. Ndobva kaswedera kure. Kakamboramba kari zii, ndokuzoti,
"Nhaiwe Nomsa,
Nxaa kaisagona kana kunditi maiguru manje hameno hako kaizondinamata chete ndavekudanana naTinashe zvekurevesa ndave kugara naye, kachiuya kuzondikumbira mari. Ndakabva ndaka ignore ndokutotanga kubata bata zvepamba. Kakataura futi,
"Iwe Nomsa kaa, smell irikubva pauri kaa huh it's so unbearable."
"Tete Tinaye musade zvemiyedzo neni manzwa."
"Hapana muyedzo apa shaa urikunhuwa."
Akabva atotanga kuhetsura Tinaye uya. Maiwee apa Mai vake vaisavapo better kondaizodii ini. Handiti ndainge ndanzi ndisageze here that day. Ndaka ignore Tinaye ndobva Mai Tinashe vazosvika, saka ndaitova mu kitchen ivo ndobva vasati vambopinda muya vachiri panze,
"Nhaiwe Tinaye? Chii chirikunhuwa muno?"
Hii saka vaive vatonzwa bad smell vasati vasvika pandaive hezvo nhai sekuru vaya vainge vandiitaseyiko.
"Mhamha imi ndazvinzwawo ndiNomsa adzoka achinhuwa."
"Iti maiguru iwe seyi uine mumuromo makaipa iwee? Koiwe Nomsa makhoti endaka unogeza ungatadze kunhuwa iwee wambofamba nekupisa kwakuri kuita uku, dziisa hako mvura yako unyatsogeze."
Maiwee vaive voti ndigeze chokwadi maiweee. Ndakatanga kuchema ndakangogara ndisingadaire, ndisingaise mvura yacho yekugeza. Apa vamwene vakanga vakabatawo mhino,
"Yoweee yowee, imimba here isingadi kugeza iyi? Kutanga riini manje. Handiti ndiwe wakatosvika ukachinja mutemo pano. Muroora wangu wandinoziva anoda kugeza. Handiti ndiwe unomukira kutiisira mvura dzekugeza rungwanani tisati tambodii. Saka apa kugeza ndiko kwazochemedza nhasi. Dziisa mvura ugeze hako makhoti."
Ndokubva vatozobuda havo muya. Ndakasara misodzi ichingoyerera, Kugeza? Inini ndaive ndanzi ndisageze kani, maiweee.
Team yainge yatobatana kuti hanzi Nomsa ngaageze, ndifunge zvandainge ndaita nasekuru vaya. Zviendere pasina chokwadi here. Aaah misodzi ndiyo yaive yongoita zvayaiita. ..........
*Mai Magwezvero*
Yaah ndainge ndapusa manje, shuwa kutizwa futi naMakanaka mmmm ainge andigona hake. Rwendo rwuno ndakanzwa kupererwa chaiko, kushaiwa kana imwe plan. Ndakafunga kumbonotsvaga chikomana chiya James kuti ndichibvunze kuti chaive chaona Makanaka kupi. Ndakasimuka kuti ndiende kuya asi ndakaishaiwa nzira. Ndakatadza kana kudzokera kubasa maiwee apa kwainge kwava ne chikwereti, mari yandaive ndapiwa ndaudzwa kuti muuye naMakanaka maiweee. Ndaifana kumutsvaga chete Makanaka pana Dube paive nemari zvee. Chimadzimai chiya ndicho chaisabatsira manje apa ndainge ndasiya chikwereti futi ikoko, huh kwaisadzokereka zvekumhanya. Saka ndaive ndatoita zvikwereti zuva rimwechetero randainge ndabata mari. Humwe hwaiva hurombe chete. Ndakafunga kuti yaah Makanaka ndaifana kumuwana ndimuroodze chete ndaida kudya yese neye matekenyandebvu. Handiti Magwezvero ainge atiza musha. Makambomuonepi murume anosiya mhuri? Manje aizodzoka achiona ndadya roora rese raiye mwanasikana wake mumwechete.
Ndichifunga Magwezvero kudaro. Ndakangosimudza musoro hezvo ndokumuona achisvika pamba Magwezvero, aaah zvaaisataurwa zvee. Apa ainge akaita kuchena maiwee ndicho chaiva chipoko chete. Ndakawisa pasi chizambiya chandainge ndakamonera ndokuti rutsoka ndibereke. Ndakarova bara ndichitiza chainge chadzoka chipoko chaVaMagwezvero. Ndakanzwa kuteverwa munhu achitomhanyawo zvekurevesa chaizvo, ndakacheuka kudayi yaaah zvinhu zvavainge vakabata vainge vatoisa pasi vachimhanyawo zveshuwa. Kokuita jaya kwainge kwaita baba Maka?
"Iwe Miriam, mira ipapo!"
Huh pandakanzwa ndodaidzwa nezita ndakabva ndaziva kuti vaive ivo chaivo vandaiziva. Zvekuti Miriam ndainge ndakapedzisira kuzviitwa tichiri vadiki kana vatsamwa havo. Ende ndainge ndovanzwa mugotsi chaimo vakanditsoma, maiweee hangu ini.......
*End of chapter 49*
_May The Grace Of God Be With You!!_
❤️
😂
👍
🙏
😢
21