Tanic✨ Novels
May 28, 2025 at 04:32 PM
```Tanic✨ Novels``` *_A thousand secrets_* Story Written By Tanic✨ *0714 557 929* *NB: Season 2 will be on sale!!* *Chapter 50* *Mr Dube* Vana vainge vodzekera kuschool. Ralph akabva andikumbira pocket money asi vese tainge tavapa. Ndakada kupopota asi akandikumbira Mai vake vari apa iye ariapa inini apa. Ainge achitorova kamwe kasmile kake so apa akanditarisa neziso riya rekuti ramba uone zvandinokuita. Ndakaziva kuti aitodenha kuti ndikaramba chete aigona kutanga zvimwe. Mai vacho ndivo vaizovaendesa havo and Trevor had decided to escort them. Inini handinawo kuita pressure nazvo. Akangoti aida kubatsira Mai Ralph kudriver since vaive vasati vanyatso recover. Inini ndaitodawo hangu kuenda kupraz kwangu. So inini ndini ndakatotanga kubuda kuenda kupraz makuseni seni. Ivo ndokuzosara voendesa vana kuschool. Ndaida kunoona Mai Magwezvero zvino ndakasvika vasiko ndakazoudzwa kuti 2days dzese idzi vaisauya kubasa. Ndakaita kuvanzwira hasha munhu wepi. Vaive vakandinyepera kaa amai ava. Ko musikana wavaiva vakandi promiser aive kupi? Komari yangu yandainge ndakavapa? Manje huh vainyepa zvee, yangu mari yaisaenda ichichema ini. Huh kana nyangwe zvikadii ndaive ndisina inongodyiwa nemunhu asina zvaakaita. Saka ndakatozvishingisa kuti ndaizoenda kumba kwavo chaiko. ...asi aah ndakazovatumira munhu kuti vanosheedzwa. *Ralph* Ndaifara nekutya zvese, ndaifarira kuenda kuschool, kuonana naLaura, kubvisa nhumbu yake then ndaitya iko kuibvisa nhumbu yacho kuti zvaizobuda here. Saka tainge takaronga kuti iye ayiuyawo musi watainosiiwa kuschool wacho iwowo. Isusu takaperekedzwa naTrevor namhamha. Huh vakaita kunotisiya makuseni seni vaidawo kuzokurumidza kudzokera so kuside kwangu zvese zvaitofamba bhoo. Dad ndainge ndazovakumbira imwe mari ndaiziva kuti vaisambondinyima vachida kuchengeterwa secret, saka homwe yangu yaiva yakasimba kotainosangana nabae zvee. Laura akasvikawo shortly after tasvikawo. Akabva andiudza inini ndainge ndatoita Check In kaa. Ku hostel zvinhu zvangu zvatoenda. Saka pressure ndainge ndisisina ndobva taenda hedu Ku spot redu rekuma labs kuya. Takatanga tanyatsotenga zvinhu zvedu pa canteen paya, zvaaida zvacho and her favorite drink. Then inini ndaive ndakatora juice mufridge kumba ndikamuigira. Ndainge ndakatomuudza kuti mhamha vangu vane juice ravanoda so unoridawo here ndikuigire akati ehe so she was looking forward to it. Apa inini ndainge ndakatorara ndakarivhura ndikaisa abortion pill riya. Ndaida rinyatso dissolver paine time. Takanogara kumalabs kuya tichiita nyaya hedu, taking pics, listening to our favourite music, eating and everything that is entitled to people inlove. Juice riya manje ndaida kuita make sure kuti arinwa and futi ndaida kuti asaone kuti rainge rakavhurwa. So had to act sweet and cool. Ndakamuti babe, "Hee, "Nhasi ndoda ku feeder mwana wangu arimudumbu." "Really? How manje?" "Aaah iwewe ingodzikama uone chete. I wanna bond with my unborn baby. That's all." "That's fine sweetie." Ndakabudisa juice riya Laura achibva andibvutira. "Ralph so this is the juice yawaitaura, hmmm thanks so much." Ndakabva ndada kumutorera iye achibva akanda uko, ndobva asimuka aitoda zvekumhanyisana. Akanorinhonga ndobva amhanya naro. Ndakatanga kumutevera zvekurevesa chaizvo iye achinzvenga achiseka hayaas she was enjoying hake apa inini I had a mission. Takatenderedzana ndichitadza kumutorera chete juice riya. Rakazodonha ndobva ravhurika and damn juice riya ndokutanga kurasika. Huh apa ndakatoita action she had to take that drink chete. Iye akabva atomira hake juice richipera akabata muromo. Ndakapotsa ndamudzipa ini but I controlled myself. Ndakazononhonga inini raive ratova mu ³/4 .... "Nhaiwe Ralph juice racho ranga richitorasika nhayi?" "Nhai hako, kuda kuti mwanawangu asanakirwe." "Mmmm Ralph asi wanga wakamborivhura?" Laura ainge oda kuona sterek mmm. Huh ndainge ndasangana neakangwarawo. "Huh Laura papi pacho pandaizodaro?" "Was just pulling your leg eyy." Ndakazongosekawo zvekuvhara vhara. Then Laura paakazogarawo ndobva ndatanga kumunwisa. "Ndirikuda mwana angonwe ini, not iwewe." "Aaah ndoriramba iri tione unomupa seyi." Aisagarisika Laura wacho kana ka 1. "Ralph ndinozopedzisa kani ndavabhoo ini." Apa aive asina kumbonwa sterek aah inini hangu ini. Ndakambovhara hangu ndobva tazombotamba tuma games hedu. "Time dzafamba Ralph ndavekufanira kuenda ini." "Not before my baby takes the juice, I mean kupedza rese." Ndipe ndinwe, ndakamupa akatanga kunwa aive oda kuenda chokwadi. Haana kupedza futi ndobva adonhesa. "Laura unenge une nhetemwa iwe." "Handina ini rangodonhawo, Aitodaro achinoisa the empty in a litter bin. Huh ndakangoti hameno zvikashanda. Akazoenda Ku hostel kwavo akarongedza zvinhu zvake ndobva ndatonomubatsira kusvika Ku admin akazobuda ega. Inini ndakatoita kubatwa nevamwe vainzi ma'am Chengeto, ndikavati ndoda kumusiya akwira zvikanzi dzokera hako ndinonomukwidza inini. Huh vaitorevesa ende it was painful, paakati byee apa achito smiler. Ndakanzwa imwe pain yandisina kunzwisisa. Kunyatsorwadziwa, apa I couldn't help myself from crying ndaisaziva kuti zvaireveyi. Pamwe pese pataita ma goodbyes ndaisasara ndichirwadziwa kudaro. Ndakati asi it was because of the pill randaive ndamuisira mmmmm. Ndakanetseka kusvika ndazongozvishingisa semurume. *Laura* Ndakava successful kuenda kunoona Ralph ndega not naDad kaa. Huh takaswera tichifara hedu tiri 2. Ndobva ndazotora zvinhu zvangu ndikanokwidzwa Na ma'am Chenge, I knew vaingoda ku dismisser Ralph. Ndakamuti byee ndobva ndatoenda. Ndakasvika kumba zvakanaka time chaidzo chaidzo. Ndikatodya supper nevamwe zvakanaka naka. Tikanorara ndakatorara ndaudza Ralph kuti ndaive ndasvika. Ndikamuti, "We shall chat sweetie." Ndichibva ndatorara. Ndakazomuka mudumbu muchirwadza kwete zvishoma and kutarisa kudai, ndokuona hezvo ndaito spoiler masheets nhayi. Ndakadaidza Mom ndobva vauya and she took me straight to the hospital. Dad vakafonerwawo ndobva vatoti vainge vouya. Ndairwadziwa hangu asi tave kuhospital ndaiswa drip remishonga ndakatanga ku feeler zvirinani. Then I went into a deep sleep. _Ndakatorota Guard vaya vachipopota vachiti "hakuna werudzi rwedu anotambiswa." Vainamata manje vachiita kunge vaiva mufundisi vachiti futi, "Ishe wehondo, zviratidzeyi. Hakuna gano richatumwa nemuvengi kuzorwa nesu richabudirira." Asi inini ndaive ndisiri muchurch yacho ndaitopfuura hangu._ Ndakaita kuvhunduka ndikamuka ndichiita kurwadziwa, I was still bleeding ma nurse achimhanya mhanya. *End of chapter 50* *This is our last free chapter, I'm very grateful for the support you provided along the way!!* _Vanoda kupedzisa 51 chapters dzasara panodiwa $1 chete💃🏾_ Payment Details $1 Innbucks kana, $1 Ecocash kana, Scratchcard re $1 kana, $1 Voice kana, 40ZiG kana, R30 Zim Econet Airtime Number Dzekuisa mari :0785505702 panobuda kuti Mubvaruri N, Number Dzekuisa confirmation: 0714557929 kuWhatsapp. _May The Grace Of God Be With You!!_
❤️ 🙏 😂 😢 😮 15

Comments