Tanic✨ Novels
May 31, 2025 at 06:00 AM
```Tanic✨ Novels``` *_A thousand secrets_* Story Written By Tanic✨ *0714 557 929* *Chapter 21* *Tinashe* Ndakamuka makuseni and it was high time ndadzokera kubasa. Ndakange ndatodarika madays andainge ndakapiwa. Zvisineyi zvakakonzwerwa nehurwere hwaamai vangu. Vainge vamuka havo vari right. Saka ndakarongedza ndikaoneka, ndaive ndomhanyira kubasa. Ndakachiti dhuu kufunga, and remembered what had happened the previous night. Ndakazvituka kuti chii chandaive ndaita, kurara naNomsa chokwadi here, my babe's best friend. Nomsa ndiye aingozviwisira pandiri, hunhu hwekupi ihwohwo munhu wemusikana kuti unongonorara nemunhu huh ndakamutya Nomsa. What had happened had happened hanty ndaive ndamupa mari yema _morning after_. Ndakazviudza kuti ndaisazombomusekerera futi nekuti zvaigona kuzoita zvimwe. Nomsa ndaisamuda ende zvaisazombochinja, I loved Makanaka and only Makanaka. Ndakatanga kuzvi bvunza mibvunzo yakawandisa asi ndakaona kuti Nomsa ndiye aiva problem. Ndakafunga futi ko zvaaive andiudza kuti Makanaka aiva nemwana chaiva chokwadi here ichocho. Chete Makanaka ndaiva ndazvionera kuti aiva aine mwana, ndakazviudza kuti ndaifana kuita zvekuti ndione Makanaka titaure. Ndaida kuudzwa naMakanaka wacho kuti ehe ndine mwana omene. Ndakazviudza kuti ndaizodzokera kunoona mhamha that very week and was going to make sure kuti ndaona Makanaka wangu. Nomsa akandityisa zveshuwa, a school girl nehunhu hwaakandiitira that night. She wasn't even a virgin, ndakatoona kuti ndizvo zvaaiita izvozvo. Ndaisazopusa kusvika paku trappwa ne trap ya Nomsa futi. I had to wake up and do something for my relationship na Maka. *Nomsa* Ndakaenda kuschool mangwana acho. Ndaiita kunge ndichatsvaga nyoka yainge yaruma mhamha va Tinashe. Ndaida kuitenda nyoka iyoyo. Yainge yaita kuti ndikwanise kuonekerawo kumba kwaana Tinashe. Ndaitoda kuenda ndichinovaona mhamha vake kana ndabva kuchikoro. Ndakaita kukurumidza kubva kuschool asi kambwa kandaidanana nako ndakabva ndasangana nako. Kakatanga kuti kaida kundiona chii chii. Ndakabva ndatofunga kumushandisa pama deals angu ekwana Tinashe. "Shaa, urikuti kudii?" "Time newe Nomsa ndiyo yandirikuda." "Ndinenge ndiri busy nemabook hako." "Wobva washayawo kana kana pekunditsvagawo here?" Nxaa aida ndimutsvagire chii, aive ave kutondibhowa ini. Ndiri busy kugadzirisa nyaya dzangu na Tinashe munhu oti pwetere pwetere. "Ndati mabook wani." "Nomsa usaite kunge ndiwe wega unoenda kuchikoro wanzwa, neniwo ndinoenda kuchikoro ingawani." "Saka urikuda ndiiteseyi?" "Huh bhoo Nomsa, see you rega ndiende. Ndanga ndangokuona uchibuda gate kuchikoro ndikakutevera hangu." Akatanga kufamba achitoenda James, ndakafunga kuti ndaigona kungomushandisa zve day iroro chete. So ndakamudaidza, "James, James!" Akaramba achienda, ndakanoita wekubata chaiko. "Sorry, okay ngationaneyi nhasi." "Nhasi? Kupi babe?" Ndinogona kunoti ndirikuenda kuhuni saka unogona kunonditsvagirawo huni dzacho tinosangana kuya kuya kwawakambonditsvagira dzimwe." Akaita kuzhinya James. Ndaitoda aunganidze huni dzekuti ndiendese kumba kwana Tinashe ini. "Thanks Babe, unogona kuronga iwewe ndokuziva. Bhoo tinonowonana ikoko. Ndakutoita plan ndiende." "It's okay ndakumhanya kumba." Ndakasvika pamba pasina kana munhu ndikafara sterek. Ndakabuda chop chop kuenda Ku dating site kwedu hehede. Ndakasvika shasha yaita kuunganidza huni dzakanaka dzakawanda ndikati wagona. Takagara hedu as usual and aive anditenga twekutsengerera. Takadya and pasina nguva munhu anga akutowaridza ka zambiya kangu. Ndaimuziva ndizvo zvaaiita everytime tikaenda ikoko. Akatanga nyaya dzake asi ainge asina protection ndikamuti iwee hazviite kaa. Akanyengerera ini ndichiramba, ndakazobvuma since ndaitoda zvenhumbu kuitira Tinashe asi, you never know pamwe Tinashe wacho aifaya ma empty bullets. Apa inini ndichida nhumbu without fail. So ndakangorara naye James wacho. After that akatakura huni dzake kunondisiya kudhuze kudzimba akabva ayenda hake. Ndakaviga huni dziya ndikaenda kumba kwedu. Ndaida kuenda kumba kwaana Tinashe ndichionekerawo sezvo ndaiva _makhoti to be_. Ndakanogeza chop chop nekuchinja ende kumba kwaive kusina munhu still. Ndakamhanya ndikatakura huni dzangu ndokuenda kwana Tinashe kuya. Ndakatosvika mhamha vake vakarara panze. "Tisvikewo, Vakadairira pasi pasi "Masweraseyi mhamha?" "Aaah, Ndiwe hako mwanangu. Inga une rudo chokwadi komborerwa mwanangu. Ndaswera hangu wasweraseyiwo?" Ndakafara zvangu zvainge zvichifamba bhoo. "Wandiigira huni?" "Ehe Mhamha." "Iiih waita hako mwanangu, "Aah regayi, ndauya kuti ndikuoneyi kuti masweraseyi. Ndanga ndichida kuuya makuseni asi ndanga ndichienda kuchikoro." "Waita hako mwanangu, ndingori ndega pano..Tinashe adzokera kubasa, uyuwo Tinaye aenda kuchikoro." Hokay Tinashe aive adzokera apa asina kana kundiudzawo. "Zvino madya here mhamha?" "Handina mwanawangu." "So mapiritsi manwa here?" "Handina ini, "Ehoyi regayi ndibike." "Komborerwa mwanangu, une moyo wakanaka." Ndakamhanya mhanya kubatidza moto, Kusuka maplates kubika. Nguva diki diki ndainge ndatopedza ndakavapa chikafu vakadya mhamha va Tinashe. Ndakavapa mapiritsi vakanwa. Ndapedza ndakavaisira mvura yekugeza vakageza. Tinaye akazosvika ndichitsvaira tsvaira ende paiva pasara chimwe chikafu akadyawo. Ndakaoneka ende ndaiona ndega kuti mhamha va Tinashe vainge vondifarira. Ndakamhanya kumba kwedu. Mai vangu vainge vave kutobika. "Ehe, mavakusvika ka time dzamunoda pano." "Masweraseyi mhamha?" "Usandimhorese, urikubvepi?" "Kwana Tinashe mhamha." "Nyarara. Haunyarewo here iwee, hauna kana nyadzi. Unondinyadzisa iwewe kwana Tinashe kwaunoti pwana pwinashe pwinashe une zera naye here Tinashe iyeye?" "Handina mhamha, "Saka wanga uchitsvageyi ikoko? Musikana here Tinashe iyeye?" "Mhamha vake varikurwara mhamha." "Saka wava doctor here iwewe?" "Aiwa, "Zera rako chokwadi, Zera rako iwewe ndiwe wava kuswera uchipesuka ikoko. Chii asi Nomsa, chii newe iwewe?" "Hapana." "Hauti hapana, saka urikuti vamwe vakadzi vakuru havasi kuzviziva here. Imimi kaa ndimi vane moyo wakanaka vana mai mariya." "Sorry mhamha." "Zvipere nhasi Nomsa handidi kuzvinzwa futi wanzwa." "Ehoyi mhamha." "Hauna zera na Tinashe iwewe. Handidi kunzwa futi kuti waonekwa uina Tinashe. Ndakazvinzwa hangu kuti hameno kwamakaonekwa uko. Zvipere Nomsa handidi hangu kunzwa nyaya dzisina basa pano." "Ehoyi mhamha." "Plus futi, nhaiwe iwewe wavakuonekwa uina Tinashe iwewe. Tinashe haasi mukomana waMakanaka here?" Ndakaita kuvhunduka "E e ehe." "Saka urikukakama chii ipapa nhaiwe?" ...... "Zvipere, ndatopedzaso mangwana ukadayi futi hameno unorarepi. Plus wabva kuchikoro nguvayi?" "Maskati.... "Pano hapana kana chawaita, asi wawana simba rekuenda kwaurikubva. Baba vako varikuuya ndoda kuvaudza" .....ndakavhunduka vainge votaura zva Dad. Mdhara wangu ndaimuziva airikita, vaikurova kunge nyoka yapinda mumba. "Ndofunga wadya kwawanga uri, ndabika pasina share yako." Vaitorevesa nhayi, handina kana kudya ndakazongosuka maplates. Huh mhamha vakandityisa apa nezvandaironga kaa unofunga kahobho hobho. Asi Tinashe ndaimuda zvee..., ndaitofana kushinga kuita bear marwadzo ESE andainge ndichasangana nawo kusvika zvangu na Tina zvaiita. Kana ivo vanhu vaizonyarara ndave kufamba naye ndichisunda dumbu rangu. Hehede ndiani asingadi kuita mai officer. Kumusha ikoko ndaitoziva vazhinji vaitozvishuwirawo asi vachishaya mukana. Kwana Tinashe ndiko kwandaisazomira kuenda manje, ndaida kuona kuti ivo mhamha vaizoiramba here mari Tinashe auya kuzoroora. *End of chapter 21* _May The Grace Of God Be With You!!_
😢 ❤️ 😮 🙏 7

Comments