Tanic✨ Novels
June 1, 2025 at 01:11 PM
```Tanic✨ Novels``` *_A thousand secrets_* Story Written By Tanic✨ *0714 557 929* *Chapter 22* *Laura* Head vakaenda neni, "Laura." Ndakaramba ndakatonyarara hangu. "I'm talking to you please." Ndakatowedzera kuita zungurwa chairo. "Are you deaf or are you dumb?" Ndakazviudza kuti musi uyu ndaisazopindura chero ani hake. Vakabuda mu office mavo Head, ndokubva vadzoka nekamwe ka ma'am ka ma'am kaindibhohwawo seyi. "Aizve Sir, ndiye mwana wamurikuti haasi kutaura uyu. Hundururani uhwo baa, ane misikanzwa isingaite mwana uyu kana kwaanogara handifungi kuti kune vanhu." Huh apa ndakaita hasha zvee hapana pavai disser kumba kwedu ndakatuzura, "Excuse me, ma'am." _Laughing_ .... minana yoh! Now chimumumu chava kutotaura" Handizivi kuti ndakatanga kufamba seyi ndichibuda mu office. "Hey, where do you think you're going?" Ndakaramba ndakanyarara hangu, vakabva vateverawo vese na ma'am, inini ndakabva ndadzokera mu office. Vakadzoka Head mukati and ipapo I was ready for anything, ndainge ndisisatyi kana ivo Head. Takatarisana straight into each other's eyes. Vakatanga kuseka Head vaya and ndakatoshamisika nazvo what was funny ipapo? "Are you alright, I mean dzirimo here?" "I don't know, it's just that what she had said had gotten onto my nerves. Then I couldn't control myself." "Okay, I see." "Yes, havangamboti kwandinobva hakuna vanhu. Ko kuzoti kwavo, kune twuvanhu twekuti mogara makatenga ma coffin." "It's okay but next time please don't be like that okay." "Yes sir "You may leave now." Ndakatoshamisika vaive vakutoti ndiende ko vaiva vatopedza kundi punicha kwacho here, hayaaa kana idzo hanganwa, zvababa ava zvaitova serious zve. Handina kutambisa time, ndakangoti _thank you sir_ ndichitoti chikumbo nditakure. Iwo makumbo acho hameno mweya wekusada kubudirira here, aitova nechiveve zvawo. Ndakachiramba ndakaa sticker zvino uku ndakavhura ziso kunge demba. Head vaive vatopfeka ma specs vatsikitsira pasi hameno zvainyorwa. Pandakachiti ndibude kudayi, Dom master vainge vachiziva kuti ndakarwa na Daisy takabva taita mahwekwe pa door. "Handina kana kuvamhoresa ini ndakatokwidza madzihwa hangu. Takapesana ndichibva ndamira nemadziro ndaida kunzwa zvavaiva vavinga kuna Head. Ndaisanyatsonzwa so ndakatodzokera mu office macho imomo. Vakabva vati; "Uyu Sir, ndiye airikuonesa vanhu moto Ku hostel. Can you believe that she was involved in a fight with an O level student, prefect futi. She's not respectful kana." "So what do you want me to do? By now you should have punished her already." That was Mr headmaster's response. Ndakada kuseka asi ayaas ndakazonyara hangu. Vakasara mu office muya Dom master vaya. Vakazondidarika mu corridor vachiita kufambisa. "Morning ma'am, "Ndakuoneka manje?" Nxaa kana vaisada zve kumhoreswa ndezvavo izvo. Ndakatarisa kudivi ndikavasiya vachienda. Ndakanyatsodzokera Ku class zvemadara chaizvo. Ma'am ve English vaive vachirimo mulesson. Havana havo kuda kutaura zvakawanda vakangonditi maskati uuye ne composition yangu. *_Stranger_* Ndaitobva hangu Harare ndichienda kwa Mutare ndava pakati pe Marondera ne Macheke, ndipo pandakati rega ndimboita recess, So I parked my car, ndakaburuka hangu ndikapinda nechemusango. Ndakafunga ku advanca ndichipinda musango ndainge ndaona umwe muti wandaiziva wainzi wairapa. Ndakafamba kuenda kwawaiva. Ndichisvika pamuti uya hameno semunhu aingo peka peka maziso zvaanoita so, ndakatarisa pasi nechekumberi. Hezvo paiva nemunhu, ndakada kutiza asi moyo waiti ukabatsira umwe wako unobveyi? Ndakaenda pamunhu uya, ainge achitofema hake, ndakamutaudza asi ainge asingapindure. Ndakatoona kuti ainge oswedera kuvashakabvu. Handina kuda kutambisa nguva ndakaedza kunomusimudza kudayi asi paiva nerume ndati. Ainge akakuzvuka kuzvuka asi aita kunge asingaoni maziso ake iva white white chaiyo. Zvisineyi ndakashingirira ndikanomuisa mumota. Ndakatsika mafuta ndakananga ma Rusape, nenguva isipi ndainge ndatosvika pa Rusape General Hospital chaipoa. Ndakangonomusiya ndikati ndaizodzokera kunomuona. *Mr Dube* Ndakanyatsomuka kuma 4, ndaida kumbo exerciser. Mai Ralph vainge vakatosvinurawo. "Morning love." "Morning." Hameno tunenge twaiva twuri padhuze musi uyu. "Would you like to join me, I'm going for jogging? "Ohh, so you mean to say I am fat?" "No. Jogging is good for your health." "Oh ... that means I am sick." "No No. If you don't want to get up, then it's okay" "So now you think I am lazy, right?" "NO. You're misunderstanding me. I didn't mean all that you're saying." "Yoh! So I don't understand you because I'm illiterate, right?" "Now look I didn't say that." "So am I lying?" "I beg you please don't stretch it this early morning." "Oh, now so I am quarrelsome, am I?" "Okay.... You go off to sleep. I am going jogging alone.... Happy Now??" "You always go alone everywhere and enjoy yourself." "Eyy please, I am feeling giddy now." "See? You are so selfish. Always thinking of yourself. You never think of my health." Zvamai Ralph nekanhumbu kavo, sure ndaisatoona pandainge ndapotsa ini. Ndakatoedza Ku actor sweet but yoh! Zvese zvandaitaura zvaionekwa zvisiri izvo. Iyaaa, iyi nhumbu ndakangoti tichahwa. Hameno rega tingotarire. Huh ndakabvuma kuti _the brain of a woman shrinks when she's pregnant_, asi zvamai Ralph zvaitova serious. *Mai Ralph* Vakaita kumukira kunditsvaga baba Ralph. Hameno vaida ndifarire kupi chaizvo kuda kundishungurudza kudaro. I received a call kubva kubasa ndaidiwako na 8 makuseni iwayo. Ndakaudza baba Ralph kuti vandi drive, so he drove me there. Ndakaita kunzi ndaida kunzi ndionekwe na boss. Ndakapinzwa busy kani kunzi kana musisadi basa siyayi. Ndakatanga kuchema ini. Ndakazoita kupiwa ari ma pepa hanzi ndinyore nyaya yangu. Varume hama chaive chazotsvuka manje. Ma days andainzi ndakange ndatanga kushaikwa kubasa ndipo paiva nemamwe andaive kumba kwa Trevor. Saka Trevor ainge asina kupawo reason kubasa. Ko baba Ralph vakazvinzwa vaizodii? Inini ndaiisa zvekuti ndakabirwa kumba zvikanzi when apa date rataiva tabirwa raive kumberi kwepandakatanga kushaika. Zvikanzi asi maitofembera kuti maigona kuzobirwa? Imi unopererwa. Zvekwa Trevor zvainge zvondidzokera manje zvese ka1 apa iye ndipo paaishaika hake. Ndaizosara ndiine chii? Ndaigona kurasikirwa ne marriage and my occupation too. Yaah ndaizosara ndiri rombe chairo apa nenhumbu. Ndakazonzi ndidzokere hangu hanzi ndaizofonerwa kuti ndiuye here or kuti basa rainge razopera. Ndakafunga zvekudarika nekumba kwamai mufundisi vambondibatsirewo ma prayers. Ndichiendako ndakabva ndamirirwa neimwe mota. Vaiva mai vakamboita neighbour yangu. Saka vakanditi ndipinde. "Mai Ralph muriseiko? Kokurova?" "Ndiripo ini, imi ndimi musingawanikwe." "Ah munombotsvaga vamwe here imi? Baba Ralph ndivo vandakatomboona. Ko makorokoto zvee nhayi askana, mava nevana vanganiko?" Ndakatovhunduka, asi vaive vatoona nhumbu yangu ine ma hours iyi. Hezvo kune varoyi kaa, ndakabva ndabata dumbu rangu ndichitoita ka prayer. "Makorokoto eyi nhayi veduwee, ndichiri na Ralph na Ralphoncyn chete ini." "Huh imi musade kunyepa, iye mucheche uya mava kutomusiya ega shuwa?" "Handina mucheche ini, murikuti kudii?" "Imi ndakaona Baba Rah, vachitenga hembe dza baby boy, ende vaitova naye akanaka mwana iyeye kuita sa Ralphoncyn chaiye last week iyoyi yatabva." Imi ndakati asi ndaitorota hangu. Ndakavhura door remota yavo ichifamba kudaro. Pane mota yaiva overtaker, vakabva vaita kuscreamer.... *End of chapter 22* _May The Grace Of God Be With You!!_
❤️ 😮 4

Comments