Tanic✨ Novels
June 2, 2025 at 03:57 PM
```Tanic✨ Novels```
*_A thousand secrets_*
Story Written By Tanic✨
*0714 557 929*
*Chapter 23*
*Makanaka*
Ndakaswera hangu pamba sezvo mhamha vainge vati zvekunotengesa zvaiva zvisina kukwana. Ndakatanga kufunga pamusoro pe pic randaive ndaratidzwa ra Nomsa na Tinashe. Zvaindinetsa kuti vangave vava kudanana here, but ndaizoti Nomsa chaiye best friend yangu here aah kana. Asi ndakazoti nyangwe Jesu wani akatengeswa nemudzidzi wake waaidya naye mu same plate. Kuzoti ininiwo zvangu, chii chaitadzisa kuti vadanane.
"M-mm-aaaa-ma
Ndakaita kuvhunduka, hahaha that was Mac. Hezvo ndakaseka ainge avekuda kutaura. Kakabva kanyarara hako. Ndikati aah nyarara nekuti urikutotanga kutaura zvekunyepa. Kutanga nekutotadzira Mwari. Waaiti mhamha wacho ndiani ipapo.
Ndakazongozviti kana Tinashe wacho aiva wangu taizongozviona kumagumo. After all I didn't have to worry, for I had lost nothing ndaitoda kuzvichengetedza hangu ndakamirira kuzongoonawo kwandaiendeswa nehupenyu. Ndakakatora ka MacDonald ndokuchitanga kukadzidzisa ndomene kunyepa.
"Mac"
Zita rake ndiro raaiziva manje aibva aita kusekerera achisimudza simudza tuoko.
"Gara ipapo, ndoda gogo vako vadzoke wakugona kuvadaidza nhasi."
..
"Ita gogo,
Kaitoramba kari zii zvako.
"Hezvo, hanty ndiwe watanga zvekutaura here. Manje inini ndoda utange kuti gogo kwete zvaana mhamha izvo."
"Ita, go-goo
"........
"Gogo
"......
"Mac, ita kani, go go
Kakasvika pakutokotsira, kasisadi zvekutaura zvacho. Ndakanokararisa ndikabva ndangobatwawo nehope dzacho ipapo. Handifungi kuti ndakamboita time yakareba ndakakotsira. Ndakatanga kurota baba vangu _vaiita kunge nhapwa pavaiva pacho vachishanda vachiita kudikitira. Vakaita kunge vandiona vachibva vatanga kuchema misodzi yeropa chaiyo. Inini ndakabva ndatanga kuedza kuenda kwavaiva asi vakaita kundipa sign yekuti usamboswedere kuno._ Ndakabva ndaita kuvhunduka ndichibva ndasvinura ipapo.
Ndipo pandakatanga kufunga baba. Zvakandinetsa kuti saka kwavaiva vaishungurudzika. Ko kuzondirambidza kuenda ikoko. Ndakarwadziwa, nababa taiwirirana chose. Ndakatanga kufunga kundida kwavaiita nezvese zvavakambopindana nazvo vachiitira inini. Kuenda kwandaiita kuchikoro dzaitova shungu dzavo asi kubva zuva ravainge vatiza pamba...... Ndipoo pakaperera dzidzo yangu. Ndakazviudza kuti ndaifana Kunamata zvakasimba ndichinamatira papa. Kuti chero vaiva kupi havo rudo rwaMwari rwuvasunungurewo.
Kunze kwainge kwakutodoka, ndakabva ndatanga zvekubika bika. Pasina chinguva chakati o mai vangu vakabva vasvikawo vakaremerwa havo. Ndakamboda kuseka ndikazvidzora hangu, asi kwaitova kuba kuripachena kwavaiita kaa uku.
"Eeh titambire, vakaremerwa, kwatova kuba kauku?"
Shasha yakavira nehasha, ikaita kundidzvokora. Ndakasekerera hangu ndakaitarisa.
"Ndikasaba munorarama neyi?"
"Sorry mhamha ndanga ndichitamba."
"Utambe nezvimwe. Asweraseyi mwana?"
"Aribhoo, ndanga ndichimudzidzisa kukudaidzai asi azorara."
Havana kudaira ndichibva ndatozvisiyawo. Ndakapedza kubika ndichibva ndatovapa chikafu.
"Mhamha ndarota baba, asi iih vanga vakaita kuonda. Ndinofunga kwavari havana kugara zvakanaka."
Mhamha vakaramba vakanyarara kunge vaive vasina kunzwa.
"Mhamha ndati ndofunga Baba vari kushungurudzika kwavari."
"Saka? Saka urikuda ndiiteseyi? Vakadzingwa here pano? Usandinetse mhani nezvinhu zvisina basa nxaa."
Haya ndakaita kuti kanha nemhinduro yaamai, ndakabva ndangozvinyararira hangu.
"Kana vanyatsoshungurudzika vachadzoka havo. Urikuda ndinovatsvaga here?" Ndinotangirepi kana ndiwewo havana wavakaoneka saka unoda ndiitewoseyi?"
"Hapana mhamha, ndofunga tinofana kuvanamatirawo chete."
"Unonamata hako. Ehe unonamata, inini nditori ne hobho zvandinonamatira handidi hangu kuramba ndichirebesa munamato wangu."
Mhamha so kaa, ndakatozoona kuchinja nyaya iriiyo way forward.
"Saka mangwana tinonotengesa here?"
"Ehe, huh munoenda mangwana zviripo hobho."
Takazorara towirirana vachingotaura zvekufarira mari yaibva kumusika. Vakati vaida kumboichengeta chete.
*Nomsa*
Ndakaenda kuschool ndikadzokera kumba maskati. Ndakazviudza kuti kwaana Tinashe ndaisazoenda musi uyu. Daddy vangu vaiuya kumba saka ndaitya kuti nyaya dzangu ndikangotsamwisa mhamha musi uyu, nyaya dzacho dzikabvondorwa namhamha paisabuda chitsvene. Ndakaenda kumba maskati ndikasvika ndikaita mabasa ese. Pakazosvika mhamha ndaive ndatopedza zvese. Vakashamisika vakafara.
"Ehe ndizvo zvinoitawo munhu izvi kwete kuita kunge uchanorara kumaraini, huh nhasi wagonawo. Kwete kundishungurudza kwaunomboita pano, shuwa kuenda kunoitira vamwe mai basa vako vachisara vachiita vega. Nomsa kaa ndinovimba, zvakapera nezuro, Uka.....
Dad vakabva vapinda
"Makadii Daddy?"
"Zvii zvakapera nezuro?"
Daddy vangu here, apa kana kudaira kuvamhoresa kwandainge ndaita. Ndakaramba ndiri zii ini.
"Iwe Nomsa watova chimumu here pano? Zvii zvanga zvichinzi zvakapera nezuro?"
Mhamha vakabva vabuda havo imomo. Kuita kundisiya mumoto ende ndivo vakaita kuubatidza.
"Nhaiwe Nomsa ndiri kutaura newe...
"Hapana Daddy."
"Hauti Daddy zvisina basa ndanga ndiri pa door apa mhamha vako vachitaura. Urikuvashungurudza neyi pano?"
Handina kudaira ini. Vakabva vatobvisa bhandi ravaiva vakasunga. Ndokunditi 1 chete kumusana. Aaah ndakaridza mhere.
"Kurumidza, kunyarara izvozvi undipindurewo wanzwa. Ukasadaira nhasi rinoperera pauri bhandi iri. Ndakachirudunura zvese kuti pana amai vakarumwa nenyoka..... nekutaura kuenda kwangu ikoko kunovabatsira.
"Hoo, wakaita hako mwanawangu, Inga une moyo we white chaiwo."
"Ehe Daddy, nekuti ivo Vaiswera vega vega apa ne....
Ndakaona ndagarwa nerimwe bhandi.
"Nyarara haunyare ipapa, Basa repano waiva wapedza here? Ndinoda munhu akakwana pano. Iwo ma book urikumboita zvisvinu here? Mangwana chaiye ndinoda kuenda newe kuchikoro kwako."
Mhamha vakabva vapinda havo.
"Nhaimi kozvamunosvika muchirova mwana kunge nyoka yapinda mumba kwakanaka here?"
"Aizve handiti ndasvika muchinetsana here nenyaya yacho."
"Mukabva manzi mupindire nani?"
"Mai Nomsa musada kujaidza rwumwana rwenyu urwu."
"Aitaseyi, haasi kungokurawo sevamwe here kuchikoro arikungozvigonera wani."
"It's okay ndanyarara, handidi muzouye kwandiri muchiti Nomsa adayi uyu achembera kudayi muchimuitira zvese. Haaimborega kuenda kunoita basa kumba kwevamwe nekuti pano munenge mamuitira rese. Ndinotonzwa kunyara kuti kwaanoti ainovabatsira basa, kwaiitwa zvisvinu here nekuti kana kubika chaiko hapana ane rurimi anodya zvabikwa naNomsa wenyu uyu."
Mhamha vakachiramba vakanyarara zvino. Ndakatanga kunyara ndikabuda hangu panze. Ndichingobuda panze kudaro ndakati dhuma dhuma naTinaye hanzvadzi yaTinashe achiita kufemereka hanzi,
"Nomsa hanzi namhamha huya kuno."
Handina kana kumbofunga, ndakabuda ndiri bara manheru iwayo ndichienda kwamai Tinashe kwacho kwandainge ndabva kupirwa mabhandi maviri.......
*End of chapter 23*
_May The Grace Of God Be With You!!_
❤️
😮
4