Tanic✨ Novels
June 4, 2025 at 07:55 AM
```Tanic✨ Novels``` *_A thousand secrets_* Story Written By Tanic✨ *0714 557 929* *Chapter 25* *Nomsa* Ndakabuda ndiri bara ndakatungamidzana na Tinaye. Takazonzwa Daddy vangu vave kundidaidza asi I ignored him ndikaramba ndichienda. Tinaye akatonditiwo urikudaidzwa asi ndakamuti, "Don't mind him. Ndinovanzwa ndadzokera kumba." Sezvo taive tatofamba chinhambwe. Kurohwa kwandaive ndaitwa ndainge ndisina basa nako chainge chakakosha pa time iyi kugadzira relationship yangu namhamha vaTinashe. Takasvika kuya vakandibvunza zvinhu zvavo zvavaiva vashaya ndakavabatsira kutsvaga tikazviwana pasina time, ndakatoshaya kuti asi vaida kundiita mbavha here. Ndakaoneka vakanditi, "Ko shamwari yako Makanaka ndinokumbirawo umuudze auyewo kuno mangwana kamwechete zvako." "Ehoyi, ndinonomuudza." Ndakabva paya ndichimhanya ndakananga kumba kwedu. Ndaive ndabhoikana kusvika pabhonzo shuwa chembere iyi saka yaisaona effort yandaiisa here kufunga zva Makanaka inini ndiripo. Nxaa manje ndaisatombonomuudza Makanaka wacho, vaitozoenda vega. Iko kumba kwaana Makanaka wacho ndaimbokusvikirwa nani hangu naamai vake vaiita kunge mhuka nekuvenga kwavaive vakaita vanhu. Ndakasvika kumba ndichiita kufemereka hangu. Ndakangonopinda mumba, ndichisvika ndichigarawo paiva namhamha na Daddy pacho. Vakangotarisana hapana akanditaudza ndikati aaah bhoo zvee, vanhu vaisafanira kundijairira. "Vatete murikubvepiko?" Ndakavhunduka ndaifunga kuti painge pasina nyaya zvee. "Ndanga ndichimbomhanya, ndinoda ku loser weight." "Hoo." Yakabva yatoperawo yakadaro musi wacho. Ndakanorarawo hangu ndikazomuka mangwana, ndikaenda kuchikoro semazuva ese. Ndakanyatsoswera ndichi updater zvese ndaitya kuti Dad vaigona kuzongouya kuzobvunza performance yangu. Ndakaita make sure kuti zvaedza kurongekawo. Ndaisava dofo, ndaiita ma books angu bhoo asi ndaimboa ignore manje ndichitsoma vana Tinashe. After ma lessons ndakamhanya kumba ndikanoita basa rangu, Dad vainge vatoripo. Ndakavabikira vakadya. Then mhamha vakazodzokawo and Daddy vainge vavekuda kudzokera kubasa. Ndakafara kuti vaikurumidza kudzokera kubasa kwavo this time. Vakaperekedzwa namhamha ndichibva ndasara ndega pamba. Ndakachiona uriiwo mukana wekunosweresa mai Tinashe, vamwene to be hahaha kokutyeyi? Ndakageza chop chop ndokutoendako. Takakwazisana zvakanaka naka ndichitovabvunzawo kuswera. Ndakagara ndofunga 15 minutes navo vachibva vatanga kubvunza kuti Makanaka ndaive ndamuudza here. Huh ndakaona kuti ndikavasekerera vaitotadza kundiona ini ndiripo. Ndakati rega ndichishandise hunyanzvi hwangu hwemanyepo kuedza kudzima Makanaka mumoyo mavamwene vangu. Ndakavaudza kuti Makanaka ndainge ndamuudza kuti vaimuda ndichitovati ainge asina kuuya here kunge ndainge ndamuudza ko ndaimbonzi ani ini? Vakashamisika vachiti ainge asina kumbotsikapo ndakangoti ndezvenyu nxaa. Ndakatanga kuvaudza kuti Makanaka aive nemwana, vakandipindura kuti vainge vakambozvinzwa vakazvi ignore vachifunga kuti kunyepa. Manje inini ndakabva ndanyatsovaudza kuti chaive chokwadi. Vakaratidza kushamisika kukuru ndikati makaura nechemumoyo. Ndakabva ndatovaoneka hangu ndichiziva kuti masports ndainge ndapedza. Ndisati ndasimuka Tinashe akabva atosvikawo time idzodzo. Akatambirwa hake nehanzvadzi yake. Mai vake vaiita kushaya zvekuita vachimuona ndikada kuseka. Ndaitoona avekuzoita wangu manje, ndikati ndichafara soon. Vakabvunzana hupenyu namhamha vake ini ndikati handimboendi kumba kwedu ndaitoda kunzwa nyaya dzavo ini. Ndakazoona kuti kwaive kwadoka ndaigona kuzosvika kumba ndichiiswa pama 1 namhamha. Ndakaoneka hangu and he said, "Thanks Nomsa, you're such a darling." Kuzodaro manje kungoti darling ndakaona ndakutogara naye tichidanana hedu. "Its okay, shaa ndimhamha vedu tese ava." "Aah wakaita hako chokwadi kupota uchivatarisa, Tinaye haaimbozvigona ega. Wakaita hako, uri shamwari yakanaka." Hezvo ainge avekunditi friend futi inini manje, huh kana ndaiita friend yake pachii chacho? Ndaida kuita his Lady, kuvhara kubhoikana ndakangosekerera ndichienda hangu. Mhamha vake ndivo vakabva vati, "God bless you mwanangu." Ndikangoti thanks...ndichibva ndatanga kufamba ndakuenda kwedu kumba. Iiih ndaifara hangu kuti at least Tinashe aive afarira kuenda kunoona mhamha vake kwandaiita. I only wanted to grab him from Makanaka so I was ready for anything. Tinashe haana kana kundibuditsawo ndakangozviita brush through ndikati maybe ainge achiri kuda kuona mhamha vake. *Tinashe* Ndakafunga zvekunoona mhamha mangwana acho. Ndakaenda kubasa zvakanaka ndikanyatsofunga kuti shuwa ndaive nenyaya 2 dzakakosha..... inini na Makanaka then mhamha nehurwere. Ndakangonokumbira 1 day off kubasa ndikavaudza pamusoro paamai vangu ndakaipiwa hangu ende hazvina kumbonetsa. So ndaitorara ndakwira kuendako since ndaida kuzoita make sure kuti ndaona Makanaka. Kana bhutsu dzaipera musi iwoyo dzaizopera hadzo, ndaida kuswera ndichimutayimira chaiko titaurirane. Ndaimuda hangu Maka wangu. Ndakasvika kumba kumazuva rovira, ndakashamika kuona Nomsa aripowo ipapo. Inini ainge atondibhowa big time. Take take yacho ndainge ndisingaidi ini. Chii chaaimboda pamba pedu. Ndakaona mhamha varinani havo. Ndakamutenda hanguwo zvekungoti aiona Mhamha pavairwara. Asi zvekuramba ndichimuona muyard medu ndaive ndisisadi. "Saka makadii henyu mhamha?" "Ndinofara hangu mwanangu, uriseyiwo iwewe?" "Huh ndinofara kukuonai muri vatano kudai." "Zvakanaka mwanangu asi ndine nyaya newe yandinoda titaure." "Zvakanakai mhamha, ngatibve tangozvipedza." "Aiwa tanga wadya kaa, hatitangi nekutaura usati wadya." Ndaisada hangu zvenharo namhamha saka ndakangoti ehoyi ndikatanga kudya kwacho. Koyaimbova nyaya yei ipapo ndakangoti rega tigonzwa. Hana yangu yaive yorova kuti asi Nomsa chaive chasara chikataura kuti chaive chandipindira mu bedroom. Sadza racho harina kumbonyatsodzika, kounovhunduka kaa kana uine tuturike, ndaizongozvishingisawo semurume. "Ndapedza kudya mhamha." "Inga unoda nyaya semunhukadzi nhayi mwanangu." Vaitononoka nenyaya yavo, ndakaramba ndakanyarara hangu ndikazonzwa vogadzorisa pahuro. "Ariseyi Makanaka nhaiwe Tinashe?" Ndakatoshaya kuti vaibvunza Makanaka kwaiva kutsvene here? "Ndinovimba kuti anofara hake." "Hoo, haana kumbotsikawo pano, kuuya kuzondionawo wani?" Pamwe haana kuzvizivawo hake nhayi mhamha." "Asi handiti Nomsa ishamwari yake here, anofanirwa akamuudza." Zvamhamha so vaida kuuya kuzoonekwa na Maka kuti zviiteseyi manje. Inini ndaiziva kuti Makanaka kumba kwavo kwaive kusina kuchipa zvekuti aingoita mombe yemashanga. So ndaisatombonetseka nazvo. Ndaiziva kuti aiva munhu aiva netsika dzake uya airemekedza vabereki vake kwete zvaNomsa zvekuti aiita kunge aibva kusina vanhu. Kupedza time arikumaraini nehusiku hwese asi mhamha vainge vakuita kunge vavekufarira Nomsa wacho asi ini kana huh ndaisazovarega vachiwedzera kumufarira, ndaitoda kunomuudza kuti asatsike futi pamba pedu. "Mhamha, Makanaka munhu anobva kumba kune mutemo saka pamwe anenge akabatikanawo." "Zvakanakai Mhofu, kondirikunzwa kuti Makanaka wacho ane mwana ichokwadi here? Nomsa shamwari yake ndiye atondiudza" Ndakaramba ndakanyarara hangu ko ndaigoti kudiiwo ipapo. Apa ndiyo nyaya yandaitonetsekawo nayo. Ndakaziva kuti Nomsa aive nezvaaitsvaga chete ainge avaudza nyaya idzodzo bvaa ndaida kunopedzerana naye. "Manyarara Mhofu, kokana mwana wacho ariwako wadii kumutora hako auya matogara henyu." Ndakabva ndatoona kuti ndaifana kukurumidza kuziva nyaya dzangu. "Mhamha ndinokuudzai nyaya yacho yese mangwana apa ndaneta nerwendo plus ndaswera kubasa." Vakangoti utambe wakachenjera mwanangu. Ndakabva ndatooneka kuti ndaive ndonorara ivo vakabva vatoendawo. Ndaida vachingovhara avo ma door, ndobva ndatonanga kwana Makanaka husiku ihwohwo, ndaida kurara ndabata nyaya dzangu dzese. So vanamhamha pavakangoti ziii, ndakabva ndatonanga kwana Makanaka....... *End of chapter 25* _May The Grace Of God Be With You!!_
❤️ 5

Comments