Tanic✨ Novels
June 6, 2025 at 04:02 PM
```Tanic✨ Novels``` *_A thousand secrets_* Story Written By Tanic✨ *0714 557 929* *Chapter 26* *Stranger* Ndakadzokera Ku Rusape General Hospital kuya kunotarisa murume wandainge ndakanhonga. Ndakamutsvaga ende hazvina kunditorera time kumuwana ainge a recover sterek. Zvekuti takatokwanisa kutaura tese. Akanditi ainzi Trevor tikataura zvakawanda, and since ainge avanani ininiwo ndichimhanya kudzokera kubasa kwangu takangomhanya mhanya kuti abude muhospital and we said our goodbyes. *Trevor* Ndakazotanga kunzwa zvakanyatsonaka umwe musi apo ndakapepuka ndiri muchipatara. Ndairangarira zvaive zvakaitika zvese kubva pandakanhongwa. Ndaitonzwa kuti pano ndasimudzwa ndaiswa pakati asi kuti nditaurewo ndainge ndisingakwanisi ndaive ndisisina simba. The doctors did their job kusvika ndatova bhoo bhoo. Maziso ndakanzi ndaifana kumirira optician aizouya maskati but then ndaida kumboenda kumba sezvo murume wekundibatsira aida kudzokera kubasa ndaizodzoka hangu kuzotariswa. Takataura nemurume uya ende zvaive pachena kuti ndiye aive akandinhonga. Muhupenyu mune vamwe vanhu vane moyo yakanaka nyangwe vasina hukama newe. Murume iyeye akandibhadharira bill rese remu hospital tikatobuda tese then we exchanged our business cards...... akandibatsira kufonera va Dube ndobva andisiya pekuti tisangane naVaDube vacho akazomhanyira kubasa kwake hake akandisiya but he promised kuzouya achindiona kumba kwangu chaiko. *Mr Dube* Ndakabva Ku police kuya ndobva ndasvika mumba musina munhu. Ndakati ko Mai Ralph asi vaive vasati vadzoka kubasa kwavainge vasheedzwa. Ndakaedza kuvafonera asi phone yavo yaka ringer kuratidza kuti yaiva mumba imomo but she wasn't in the house. Ndakazongonogarawo pama garden chairs ndichishaiwa kuti vaivepi. Ndakagara ndokugara pasina kana sign yavo. Ndakazofunga kutanga kutenderera imba hangu ndokuzonzwa sound yekutema pasi. Ndakatarisa kwaibva sound and my eyes saw my back. Ndakatadza kana kuzvibata, ndakatanga kuseka yoh! Mai Ralph vaigadzira garden. Ndakaseka ndasekazve asi shasha yakaramba iri busy ne badza. "Mai Ralph.... Vakaramba vakanyarara havo. Ndakaedza kuvadaidzawo, Ku commenta wo basa ravaiita but munhu akaramba akakwindimara. Iyo nhumbu yerwendo urwu aiva mabasa. Ndakatonetawo kuvataudza kwacho ndokunyararawo. Pakazopinda a call from Trevor tese tingori ziii. Inini ndakangodaira phone nekuti 'Trevor,' shasha yakasiya zvayaiita nguva iyoyo ikasvika ichida kubvuta phone. Ndakaibata nesimba phone. Trevor akakwanisa kundiudza kuti aive abuda mu Rusape General Hospital so aida kunotorwa. Hanty mai Ralph vaisada zvekutaura neni here. Ko apa vainge voswederereyi padhuze. Ndakangotora phone yangu nekutovasiya ipapo. Ndichivhara door remu lounge, ndichinzwa richivhurwa kucheuka kudayi hezvo vaitova ivo havo. Speed yaiva yei ipapo. I took my car keys I didn't want to waste time. Shasha yakaenda Ku bedroom ndobva ndatosara ndichi driver kubuda. Kuona Trevor hakuna kumbondinetsa ndakafara kuona friend yangu. Takamhoresana zvakanaka but I noticed that he wasn't very happy. Aifunga zvakawanda sterek. "Handeyi kumba Trevor, pinda mumota." Ndakadaro ndichitopindawo, iye akaramba akamira hake kana action. Hezvo kuita kunge mudzimu kwaiva kutsvene here? "Mukoma help me kupinda mumota macho, I can't see." Ndakaita kuti aaah Trevor, can't see kudii kwacho kutoita bofu here haana kumbobvira akarwara nemaziso kubva zvandaive ndatanga kumuziva saka izvi zvaireveyi ndakaita kuoma mate mukanwa hangu ndokuramba ndakavarairwa ndakamutarisa. "Hey Dube, are you still there? Take my hand tipinde mumota tiende." Ndakazongomubatsira tikapinda muya, I had so many questions but ndaitadza kana kuabvunza. Trevor maziso ake ainge akavhurika but aiti aisaona seyi? Taka driver kusvika kumba pasina kana aitaura neumwe. Ndakasvika mai Ralph vaita kugeza ne make up zvese hameno vaida kuendepi munhu kwaive kwatodoka. Vaitobika bika, pasina time vakauya nechikafu chiya patable. Trevor ndakazomuti chikafu kaichi akati aida kutanga ageza. *Mai Dube* Vakadzoka VaDube ndakamudhura Kohanditi ndaishaya kuti ndobvunzaseyi nyaya yemwana yandaive ndanzwa. Trevor akafona ndobva vatoenda kunomutora. Ndakasara ndichita kumhanya mhanya. Ndakatanga nekugeza of course ndaifana Ku looka bhoo kuna Trevor. Ndakachitanga zvemu kitchen aaah maibhowa koiyo police yaivharira maid wangu kuti zvidii. Ndakazviudza kuti ndaizonovatora mangwana acho Aunty, basa raindikurira. Trevor akauya navaDube kumba, ndakafara ndaitya kuti vaigona kunonoka kuuya vaenda naye kumba kwake nekunotandara ikoko. Ndakafara hangu ndichiona vachidzoka vaina Trevor. Ndakamhanya mhanya kuisa food patable but Trevor wacho ainge akatonhora that day. Apa ndaive nda prepare his favourite meal. Munhu otonetera chikafu hanzi ndoda kugeza. Iye kana kumbonditarisa hake kana ka 1, ndaive ndonzwa hasha dzichiuya zvishoma nezvishoma. Akabatwa naVaDube voenda naye kubathroom. "Hezvo munovabatireyi?" Vakaramba vakanyarara vese. "Nhaimi Trevor haachagoni kufamba here?" "Handichaoni Maiguru." "Heee?" "Trevor haasi kuona uyu ndosaka ndavekumubatsira kunogeza." Hameno kuti ndakaitaseyi, I can't explain zvakaitika up to now. Ndakanzwa simba rangu richipera zvishoma nezvishoma kusvika ndangoti ziii. Simba rese mumabhonzo ndairinzwira kure uko. Vakapedza kugeza vakauya naye Trevor uya. Ini ndainge ndatopera chido, simba, nemoyo zvese. Vakatanga kudyisana ndichibva ndatosimuka kuenda kubedroom hangu. Hameno ma plates aizorara asukwa naani hameno zvese. Ralphoncyn akabva andifonera, akandiudza kuti Ralph ainge aonekwa neumwe senior student wepa chikoro pavo. Asi ainzi aonekwa aine vanhu vaiita zvemadrugs. Ndakafara kuti at least he was alive. Asi Ralphoncyn aitonetsa kuti timutsvage Ralph wacho and ndakamuti tainge takutotanga kuita serious nekumutsvaga. Ndakazoudza baba vake havana kana kuita hanya nazvo. Ndakataura zvese zvekuti aive aonekwa vaka ignore havo. Hameno yaiva revenge or kwaiva kungovenga Ralph kwavaiva voita. Manje mwana wangu ndaizomutsvaga ndega, but mota ndaive ndisisina yaive yakaitwa ma1 nembavha. Kuti nditi Trevor aizondibatsira zvaisa maker sense kana ka 1 nehu bofu hwake huh kana. Ndakaramba ndichivanetsa baba Ralph kusvika vazoti police yaive yoziva kuti he was missing ndipo pandakagadzikana ndikazobatwawo nehope *Laura* Ndatokanganwa kuti ndaive ne composition ya ma'am, vakatuma vanhu kuzondidaidza ndikaenda kuya. Huh vaive vatsamwa manje ndakanyatsoona kuti paive pasisina kana zvema funnies ipapo. Vakaenda neni Ku school garden vakanditi ndaifana kuita land preparation for ma Lower 6 aida kutanga kuita maprojects avo. Apa mu garden macho maiva ne loan huh yainetsa kubvisa iiih, apa ma'am vacho vaive vanditi ndaifana kupedza mangwana acho kana ndikasapedza basa iroro netime ndaizopiwa rimwe. Yaah ndakaona kuti hondo yaive yatanga zvemashuwa shuwa manje. Ndakatora ma tools angu ndika dresser bhoo work suit yangu ndokuenda kunoita punishment yangu. Ndakaita ita but huh zvairema. Ma'am vaive vandigona ivavo. Ndaive ndakutoita mhoni apa kana ma friends angu aisada kuuyawo. Tasha aive achiri akanditsamwira. Kwakazouya guard vaya vekuzhinya. Guard one vacho pa 2 vaya vandainge ndapa mari day randaive ndabatwa ndiina Ralph. Vakatanga kutoita nyaya neni vachindiseka hanzi une misikanzwa watova pa punishment futi isu taka Ku saver pane imwe iya. Takaita nyaya ndofunga 10 minutes. Vakabva vazoswedera manje ndokutanga kunditi, "Saka basa iri unofunga kuti unoripedza here." Ende chaiva chokwadi kuti ndaisamboripedza chop chop. Kusvika vatanga kunditi, "Ndibvume tidanane ndokuitira punishment yako ndoipedza yese." Vaisava munhu mukuru sterek but aiwa vaisaita havo ndidanane nechimunhu munhu chinenge ivo. Ndaiva naRalph wangu and he was enough. Apa ainge achidzoka Monday yacho kuschool ndotangana na guard manje huh maya. Ndakavaramba ini asi vakaramba vachingonyengerera. Ndakavatiza ndikasiya punishment iya. Ndakaita zvese ndokuzoenda ku dom after study yemanheru. Ndakutoda kurara kudayi ndokunoti pa bed rangu mu hostel. Apa paive pakaita kuti chakwata mvura. Ndakashaiwa wekubvunza hameno ndianiwo ainge aita hutsinye. Paisararika kana huh maiva mudam chaimo. Ndakasimuka ndatsamwa ndichida kuno reporter, ndakanyatsovhura ma sheets kutarisa kudayi wanike paive neka note _"Hie Laura, unofunga wakangwara hanty, kana wakangwara lets go. Enda uno reporter mangwana unoona ndaita zviri worse. Hondo yacho yatotanga nhasi, so be ready for anything. If you behave nyaya inopera bhoo manje manje."_ *End of chapter 26* _May The Grace Of God Be With You!!_
❤️ 👍 😂 5

Comments