Tanic✨ Novels
June 8, 2025 at 05:55 PM
```Tanic✨ Novels```
*_A thousand secrets_*
Story Written By Tanic✨
*0714 557 929*
*Chapter 27*
*Makanaka*
Makuseni takafumobata jongwe muromo. Tikaperekedzana namhamha kuenda kumusika kwedu. Vakatisiya hedu na MacDonald wangu. Ndakaenda kushop yedu iya ndikaita madeals e the first day paya. Ndakasiya Mac ndikatanga kupembera ndichitengesa hangu. Zvaitengwawo asi not sterek. Ndakaramba ndichingoshingirira kuti zvipere zvinhu zvacho and zvaingonhongwa nhongwawo. Ndaiita ndichinotora Mac hangu ende aisanetsa kana aitonzwisisawo situation hake. Kwakazodoka ndikaenda hangu kumba. Ndakaita zvekubika nekugeza ndikapedza mhamha vasati vadzoka.
Vakazosvika havo mhamha vangu tikadya tichifara hedu. Musi iwoyo vainge vakafara chose vaive vakaita kusununguka. Vakatanga kutotaura nyaya zvakanaka naka. Takatandara sterek tichiita nyaya tichiseka hedu.
Vakatanga futi nyaya dzavo mhamha,
"Makanaka mwanangu wakandifadza, Mwari vakukomberera mwanawangu. Ndine hurombo nekukutakudza mutoro kwandakaita. Kukupa mwana kuti uti mwana wako. Kwaive kusiri kuda kwangu asi ndaitotyawo nekunyara kuti nyika yaizoti kudii pamusoro pehunhu hwangu. Ndaifunga kuti uchatiza pano sezvakaita hanzvadzi dzako, nababa vako. Asi wakamira neni kusvika patava nhasi. Mwari vakuropafadze hupenyu hwako hwese hwuzove hwunofadzawo, pawakatambura pazhinji kwazvo. Shuwa wava kutonzi Mai Mac mwanangu, ndinotenda nekundinzwisisawo kwawakaita."
Mai vangu vaive votochema, ndakatanga kuchemawo asi ndakazoona zvisiri proper. Ndakavanyararidza mhamha... mhamha vangu tichibva tatoitana ma good night vachibva vabuda havo muka kitchen mataindarara vachienda Ku bedroom kwavo. Inini ndakasara ndichitsvaira tsvairawo asi handina hangu kumbopedza time sterek. Ndakabva ndabudawo ndika locker door ndichinangawo kunhanga kwangu. Ndakavhunduka ndichisvika padoor rangu ndokubva ndabatwa ruoko ndakadaku screamer asi hana yakangodzikama yega. Munhu wacho akabva angozevezera kuti ndi Tinashe. Moyo wakabva wanyatsozorora ainge auya pa time chaiyo chaiyo. Ndaida tionane titaure. Ndakangopinda naye mu nhanga mangu we had to talk. Tinashe ndaida kumuudza zvese, chokwadi sezvachaiva kana achindiramba aindiramba hake aziva chokwadi. Ndaiti pamwe Nomsa ainge asina kumuudza nekuti tainge tisina kuzoonana futi naNomsa wacho achindiudza kuti akamuudza here. Ndaiziva kuti vanhu vemuraini vainge vakangwarira izvozvo.
*Tinashe*
Ndakasvika kwana Makanaka ndaida kusvika ndichotoitawo hunhu neku knocka zvakanaka asi ndakasvika vanhu vachiri mu kitchen vachitandara. Vaitaura vachifara havo hameno chii chakangoita kuti ndide kumbonyarara ndaizeza kuzivikanwa kuti ndainge ndasvika mumusha wavatezvara. Zvisineyi ndakaduka muberere me kitchen iya dziya dzekumusha munodziziva. Ndakagara gara ndokuzonzwa Mai vaMaka vachitaura ndakanyatsotereresa ende ndakashamisika sterek nezvavaitaura. Ndakada kudairira shungu dzandibata, asi ndakazozvidzikamisa. Saka mwana ainzi waMaka ainge asiri wake ndakavhunduka nazvo ini. Izvi zvakaita kuti ndiwedzere kumuda. Ndakamunzwira tsitsi musikana wangu Ko vabereki vake vaidireyi kumudaro. Ndakangoti ndaida kunyatsonzwa kwaari iye Maka wacho. Vakazoonekana, mhamha vake vachibva vabuda kuenda kunorara. Ndakanyatsoti kwati kwati nemadziro ndaiziva kuti ndikaonekwa chete ndaizorohwa senyoka yapinda mumba. Havanawo kundiona havo vakabva vatonorara. Pasina time akazobudawo Makanaka wacho, ndakazvishingisa kumutevera. Ndakanoita wekubata chaiko akavhunduka asi better haana kuita ruzha hake, takapinda mu room make. Takakwazisana zvakanaka iye Makanaka akatanga kutaura nyaya yake akaitaura yese apa ndainge ndainzwa hangu kare ichitaurwa paya namhamha vake ndakahwanda ndaiita kumunzwira tsitsi ini. Yaivawo secret yangu kuti ndainge ndazvinzwira chokwadi. Akazondibvunza hake kuti ko Nomsa ainge akandiudza here ndakangoti ehe ndaisada hangu kuti vavengane sema friends. It was going to be my secret. Asi ndainge ndoziva kuti ndaizobata Nomsa seyi. She was a bad friend chokwadi saka aiziva hake chokwadi asi aive anyepera inini worse kuzoudza mhamha vangu nhema huh ndaizopedzerana naye hangu. Nomsa yaive nyoka chaiyo.
Apedza kutaura Makanaka akazoita kunditsunya ndaive ndaramba ndakanyarara. Kwaive kunyarara nekuti ndaifunga zvakawanda kwete kuti ndaive ndatsamwa.
"Yes Maka
"Ko wangonyarara seyi, wassup? You can move on hako Tinashe if you're not comfortable with that."
Paakadaro Maka ndakarwadziwa nekuti ndaive ndisina kana plan yakuita move on ndaida Makanaka akadaro.
"Hausi kudaira Tinashe, urikufungeyi KO?"
Ndakavhunduka futi ndaive ndakungovarairwa pese pese ndisingadaire musikana wangu.
"Sorry Maka.
"Sorry for what Hugh?"
"Kuti ndanga ndisingakudaire"
"Kana kuti wakutofunga Nomsa hako?"
Ndakavhunduka koaigoti ndavakufunga Nomsa pakuti kudii? Asi Nomsa aive akataura kuti ndakarara naye. Yoh zvaizopera mushe here. Asi ndainge ndisina kumutsvaga kaini hanty aive akauya ega here. Maiwee hangu ini, Mwari vaitofan.....
"Tinashe! Wavingeyi right? Urikundi ignore so urikudeyi pano? Buda uende now ndazviona kuti hauchadi nezvangu, even day rawakandiona kuma shops ukatiza, tell me wakazviitireyi? Kana zvisisaite you're free to move on wanzwa. I have many things to worry about iwewe futi wouya kuzodayi ...
"Eyy Makanaka please stop that. Zvaurikutaura zvirikubva kupi nhai sweetie?"
"Zvino iwewe urikumboona zvaurikuita here?"
"Ndirikuitaseyi?"
"Uri Ku ignore hausi kutaura chinhu. Tell me kana ukapedza kuudza someone nyaya oramba akanyarara, ndiudze how do you feel? Anenge achireveyi munhu achikunyararira? Zvirikundibhowa wanzwa."
"I'm sorry hunnie, okay."
......say something Tinashe."
"I love you."
"Chete?"
"Yes, I love you."
"Nhaiwe Tinashe kozvandabva kukuudza."
"Zvipi babe?"
"Zvemwana."
"I love you mese nemwana. Arikupi ndoda kumuona, plus anonzani?"
"Tinashe kaa, Anorara namhamha anonzi MacDonald."
"Oh what a nice name. Makanaka I love you and I mean it wanzwa. I will always be by your side wanzwa. Nyaya yawataura ndainzwa yese ende hazvinditadzise kukuda izvozvo wanzwa. I love you Makanaka with everything that belongs to me."
Akaramba akanyararawo zvino Makanaka wacho, ko hanty ndiye aimbonditi pindura pindura. Zvanga zvave kwakewo manje.
"Maka, say something my love....
Akatotanga kuchema hake, ndakabva ndaenda paaiva and I hugged her for some minutes then I wiped off her tears. Akandipa ka baby kiss achibva azvibvisa paneni. Ndakafunga va Nomsa vakachangamuka hahaha Nomsa aive mabasa the way she kissed me and ndiye akakonzeresa till we slept with each other. Ndakazviudza kuti Nomsa yaive mhepo and Makanaka was the best, ndaimuda hangu musikana wangu. Ende ndaisada kumutsamwisa. She broke the silence,
"I love you more Tina.....
Hahaha apa kaiita kunyara KaMaka kangu ndakangosekerera ndichifunga kuti ndaizomuroora when.
"Tinashe saka chienda kumba kwenyu."
"Ndakutoenda babe, asi ko phone yako urikuitaseyi?"
"Handina phone yakatorwa namhamha,
Ko vaimutorera phone kuti zvidii futi mhamha vake. Huh ambuya vangu vainge vakaoma havo mmm hameno. So zvaireva kuti Makanaka communication naye yaitoramba zvee .
"Horaiti babe so tinotaura seyi?"
"Handitorinawo plan ini babe."
"Okay tichaona, I will miss you apa ndirikudzokera kubasa mangwana."
"Hoo yaah ndichakusuwawo. Ko Tinashe hauna kupindura nyaya dzako naNomsa."
"Dzipi babe, ndakaona pic rako uina Nomsa hameno maiva kupi. I don't know why am so jealous this time around. Pamwe pese ndaisava nebasa nazvo kukuona uina Nomsa since she's my best friend, but apa hako kaa ndikafunga pic iroro am being insecure, tell me what's going on?"
"Babe, urikutaura pic ripi iwewe? Handina kubvira ndatora pic naNomsa ini."
"Hoo....
"Hoo yako so, asi Nomsa ndakamboenda naye kurwizi hangu kunowacha."
"Inga henyu....
"Babe, mhamha vangu vakarumwa nenyoka so vanga vasiri bhoo apa. Nomsa aiuya kuzovaona."
"Hoo....
"Babe, are you okay?"
"How can I be? Murikuonana naNomsa ndirikuzviziva, there's something going on between you guys. Anyways vavaseyi mhamha vako?"
"Baby please,
"Please what, chienda hako kumba kwenyu."
"Handiendi wakatsamwa Maka, hazviite."
"So urikuda ndifarire chii ipapa?"
"Maka kani, Nomsa kurwizi andiudza nyaya yako yemwana."
"Hoo....
Makanaka aive atsamwa ndakazviona hangu but aiva asiri munhu anoda noise hake. Apa Nomsa ndainge ndaenda naye kurwizi achida kundiudza nyaya yemwana nyangwe hazvo akanyepa ndaisazoudza Makanaka hangu."
"Maka, Nomsa ndakangoenda naye kurwizi achinondiudza nyaya yako yemwana nekuti anongouya kuzoona mhamha kumba."
"Iwee shaa, Nomsa Nomsa kudii, chisiya kutaura nezvake."
"Sorry sweetie, ndanga ndisina kumbouya kuzokutsamwisa ini."
"It's okay."
"Ndava kuenda hangu, usare bhoo hanty, ndichakuona hangu."
"Fine, Buda zvakanaka usaite noise ipapo."
"Bye babe I love you right."
Byee
Ndakabuda zvakanaka hepano pakuvhara door ndakaita kuri banger ndaive ndavarairwa hameno neyiwo zvinhu zvacho so.......mhamha vaMaka vakabva vavhura door ravo vachitobuda vakaveneka pandaiva.......
*End Of Chapter 27*
_May The Grace Of God Be With You!!_