ZICH Media
May 11, 2025 at 07:16 PM
[5/7, 12:19 PM] Prof Nonsense: *PAMUSOROI DARE* Nda sanganawo ne nyaya iyi, saka ndino kumbirawo mutongo wenyu apa. Mukadzi akapa murume gupuro ari ega ne murume wake chete. Apa murume gupuro, akabva afonera amwene (amai ve murume achi va udza kuti ndapa mwana-komana wenyu gupuro. Aka buda mumba ndeku enda kwa sister vake kundo garako. Sister vave kuti muninyina chi dzokera kumba kwako, nekuti zvinhu hazvizi ku famba zvaka naka pamba pachi raramo. Ndipo pa ava ku udza sisi kuti kumba haku dzokereki nekuti ndaka'pa murume gupuro. Ndi tori ne hanzvadzi ye mukadzi uyu izvezvi, ari kuti "Sahwira ndi batsirewo ku gadzirisa nhau iyi" Ndi peiwo ma onero nema fungiro enyu. #ndatendazvikurusa 👏🏽👏🏽👏🏽👏🏽🙏🏽🙏🏽🙏🏽🙏🏽 ================== *RESPONSES IN THE WHATSAPP GROUP - DARE RENYIKA /IDALE LELIZWE* [5/7, 12:20 PM] +263 71 811.... : Ummmhhh [5/7, 12:22 PM] Prof Nonsense: Musa kurumidze ku pindura henyu. Huyai ne shoko raka kwana mukuru wangu 👀😳🤔🤔🙈 [5/7, 12:25 PM] +263 77 212..... : Ibasa raSamukuru/Munyai iroro.Aifanira kupa samukuru vonosvitsa kune murume wake [5/7, 12:27 PM] Mbire : Hongu zvadudza kut matukano aana kupera zvakanaka kusvika mukadzi azviputsira ega imba nemaoko ake , potoda dare apo nekut ndinovimba kut hombarume aichabatiki [5/7, 12:44 PM] +27 79 607... : Zvazvinoita dai mukadzi uyu amuka akafa munoziwa here wabereki vemukadzi waingoti mwana arikumukwasha wrong iripawatatu murume akapihwa gupuro,mukadzi akapa gupuro nekuna sis kwaakaenda,pachivanhu tingati havana kurambana mukadzi akapagupuro akafonera wamwene ngaanokumbira ruregerero,odzoka kumurume saizvozvo dai waida kurambana chaiko wakaisa munyai pakati munyai aizoisvitsa kuvabereki wemukadzi ndorinonzi gupuro zvino apo panoda rugerero aone madzokero iyo yaakabvisa imari yefodya kumurume wake kuti abheme [5/7, 12:46 PM] Mbire: 😹😹😹😹tinotenda soko asi kudherera kukuru kwakaita mukadzi uyo [5/7, 12:48 PM] +27 79 607.... : Ndicho chokwadi anofanira kupfupira ruregerero asazozviita zvakare [5/7, 12:49 PM] +27 79 607.... : Ruregerero kumurume nekuna vamwene [5/7, 12:50 PM] Mbire Ehunde nekut hombarume yakabaiwa panyama nhete chaipo nechiitiko icho muchembere [5/7, 12:54 PM] +263 71 417.... : Mukadzi akazvisarudzira ega akaudza vamwene saka musha hauchagarika ngaaende hake [5/7, 12:56 PM] +27 79 607..... : Iyo mhinduro inodaro asi ngaibve kumurume wake kuti ndokumbira ruregerero nekusafambisa nyaya negwara asi uyu akandiramba ndiye [5/7, 12:56 PM] +263 71 417.... : Tisanatse zvinozonetsa murume mangwana [5/7, 12:56 PM] +27 79 607..... : Uye hamuoni kuti murume kusasvitsa kumunyai kudawo mudzimai wake [5/7, 12:57 PM] Mbire : Ndizvo pakaita matukano apo [5/7, 12:57 PM] +263 71 417.... : Kwete murume abvuma kurambwa [5/7, 12:57 PM] +263 71 417..... : Awa vaona kuti kwaenda hama yavo hakugarike [5/7, 12:58 PM] +27 79 607..... : Aifanira kusvitsa shoko kumunyai kuti ature mukadzi zvinenzira atorinewo mhosva kana kuti aingoti achadzoka hake [5/7, 12:58 PM] +263 71 417.... : Ini ndinoti kumurume ngaaende anoreva pfuma yake nekuti mwana vawo aramba musha [5/7, 12:59 PM] Mbire : Mambo mukadzi akabereka aaitwe sezvamunotaura izvi [5/7, 12:59 PM] +263 71 417.... Ndiye arambwa anosvitsa sei [5/7, 1:00 PM] +263 71 417.... : Mukadzi ngaanotaure ega [5/7, 1:00 PM] Mbire Tinoda kuumbiridza kwete kuparadza [5/7, 1:00 PM] Mbire : Murume aratidza kut munhu akarairwa [5/7, 1:00 PM] +263 71 417.... : Ko amitiswa haana kubereka here [5/7, 1:01 PM] +263 77 212.... : Pfuma ndeyevana [5/7, 1:01 PM] Gono : Mkadzi ngaachitsvaga basa azvionere murume handiti akaramba here saka kuoma kwehupenyu unotsvaga basa woenderera mberi nehupenyu. Ko iye murume achirikuda makadzi wake here? [5/7, 1:01 PM] +263 71 417.... : Akabereka misha mishanu podiwa mari chete rabhizimusi [5/7, 1:01 PM] Mbire : Kutonga dare akusi kutora divi [5/7, 1:01 PM] +27 79 607.... : Mukadzi akarabwa inotoda munyai same nemurume kuitira vabereki vazive kuti haasisiri mumaoko ake panoitwa dare iri mukadzi aizopa pajekerere vese varipo iro ibasa remunyai [5/7, 1:02 PM] +263 71 811.... : Regai ndimbonzwa vamwe. Mukombe uyu unenge wandidarika. Nekuti idi kuti mudzimba murikupisa vanhu [5/7, 1:02 PM] +27 79 607.... : Chokwadi dare sezvariri tichiteedzera tsika dzedu dzechivanhu [5/7, 1:03 PM] Mbire.... : Ndizvo ikatongwa zvakanaka vanogarisana [5/7, 1:04 PM] +263 71 417.... : Akaenda kwasisi vakagara naye sisi vanemhosva haurari nemukadzi vemunhu usina kuenda kumurume vake murume anoti aenda kune mumwe murume [5/7, 1:05 PM] +263 71 417... : Murambwi handiye areva nyaya [5/7, 1:06 PM] +263 71 417.... : Murambi ndiye akuda kuita madiro hazviiti kujaidza munhu [5/7, 1:06 PM] +27 79 607.... : Ndosaka kumusoro uko ndati wese wane mhosva [5/7, 1:07 PM] +263 71 417.... : Murume haana mhosva munoda kumubatirira [5/7, 1:09 PM] +263 71 417.... : Misha irikunetsa munhu otodada [5/7, 1:38 PM] +263 77 542.... : Pane proof here yekuti akarambwa? [5/7, 1:39 PM] +263 77 542.... : Mkadzi ari kutoda murume wake but akungotya kudzokera chete nezvaakaita [5/7, 1:39 PM] +263 71 417.... : Akapihwa gupuro muroora akaudza vamwene [5/7, 1:40 PM] +263 71 417..... : Aiti kunze kunogarika mukadzi iyeye akaita mari anosiya murume [5/7, 1:43 PM] +263 77 542.... : Murume ari kuda mudzimai wake dai aisadamuda akaenda kunoudza munyai kuti ndizvo zvaitika kana kuudza sis vemukadzi zvino akangonyarara hake sepasina zvaitika [5/7, 1:44 PM] +263 77 542.... : Aivapo achipihwa ndiani? Anogona kuzviramba mkadzi wacho. Amwene havapindire pakurambana kwevana [5/7, 1:46 PM] +263 71 417.... : Kunyarara zvoreva kuda here [5/7, 1:47 PM] +263 71 417.... : Reply 1 Apa murikureverera mukadzika apa Reply 2 Zvagara ndozvinoita vanaeva Reply 3 Ngaadzokere tione Reply 4 Nevambire vakaenda avo ngavamboraira mwana vavo [5/7, 2:16 PM] +263 77 537.... : Kkkkkkkkk akamupa mari yedoro. Ngaamuudze kuti uri benzi murume wangu, gupuro rinopihwa iwe here neni or nemunyayi. Ndaiti pamwe uchatevera asi aaa ndaona haundidi [5/7, 3:49 PM] +263 77 381.... : Hant wakapa murume gupuro saka ngaaone yekutamba dzimba dzevanhu ngaabve yke imba akairamba asanetse vanhu paanodzokera kwaapagupuro anoona maanemumwe anoda zveimba [5/7, 3:53 PM] Gono.... : Murume wacho aibata mukadzi sei nekuti zvimwe zvacho tinogona kusungirira mukadzi asi murume ariye anetsa.....haisi sarudzo irinyore yakaitwa nemukadzi . Mudzimba umu mune varume vanoshungurudza vakadzi too much. Of course nzira yakazoshandiswa nemukadzi yakapesa hayo chete. Saka so far tikuziva zvakaitwa nemukadzi asi hatisi kuziva zvakaitwa kana kuti zvikuitwa nemurume . [5/7, 3:58 PM] +263 77 228.... : Ndobasa raSamukuru,vanatete iroro.Akamhanya uyu,murume haarambwi.Kunyangwe zvikarwadzasei mukadzi mirira kurambwa [5/7, 3:59 PM] Mbire: 👏👏👏👏finally marireva murume aarambwi !!!!! [5/7, 4:14 PM] +263 77 903.... : Hapana gupuro zvee apa.... Gupuro rinova nechirevo bedzi kana richinge raitwa netsika yakakwana... Izvo zvakafanana nekuti mwanasikana anopihwa pfuma yeroora rake ozvidyira hake tingati akaroorwa here? [5/7, 4:24 PM] +44 7399 60.... : Kukurumidza kumedza kumedza, kutsenga kuchada. Mandikurumidze akabara mandinonokera. Hozozviona wawira munataisireva. Miromo yevakuru yakatara tsika ne magariro echivanhu haiwire pasi. [5/7, 6:29 PM] +263 71 811..... : Yaah, tapiwa matuso, ko chaita kuti musoro uteme chiii Hongu patobikwa mbodza, patsika....the message is silent on reaction yemurume kune zvaitwa nemukadzi wake...avowo vaisa fanira kumhanya kugashira mukadzi uuyu zvisinei yadeuka yadeuka, kuto re-tracer poitwa tsika. Asi paida kuti paziikanwe state yevaviri ava, kuti vese are they still interested here nemba iyi, uye kupanana mari uko kunenge gupuro zvazvamboita sei. Munhu akanzwisisa izvi achagona kuva ne a better position ekuti matano acho achamatora achienda kupi [5/8, 2:05 PM] +263 71 937..... : Ndine hurombo nekunonokawo kupindura panhau iyi. Regaiwo ndidzidzise ndichidai. Kazhinji anoramba mudzimai munhurume uye anotarisirwa kutevera gwara raakashandisa pakuroora. Zvino panhau iyi mudzimai ndiye oga akatoti ndanonokerwa. Kazhinji panhau dzatinosangana nadzo padzinounzwa kwatiri mumakereke chinonyanyo konzera kuti munhukadzi anzwe kuti handichatoda obva atoti ndakuenda inhau yekuti mumoyo make munenge munemumwe apinda. Pavanhu kadzi mukusikwa kwavakaita havagone kuti mumoyo mavo mugare vanhurume vanodarika mumwe. Ukaona mukadzi akaroorwa atoti kumumwe murume ndakuda ibva vaziva kuti baba vekumba vatoburitswa mumoyo. Ndosaka zvichinzi zvine njodzi kupfimba mkadzi wemunhu nekuti munogona kuurayisa murume wake. Saka uyo wekupa murume gupuro inhau yekufarisa nerudo rwechikomba icho chakabva chazomurambawo futi nekutya kutambwa imwe chetewo. Ichi ngachivewo chidzidzo kuharanga dziri mudare rino. Chikomba chinonakidzwa chichibira mumwe murume kwete chaicho muridzi wemunhu anotsotsesa chinosviba moyo rudo rwobva rwakuwa semazhanje. Murume uyu ngaasakanganisa kudzokererana nemudzimai akadai asi kana achida hake kuzonyoreswa paper 2 of the same subject. Ngaaenderere hake mberi nehupenyu otsvaka haranga inoda zvemba zvehupenyu hwose. *Chidzidzowo kuvarume* Kazhinji ukaona mudzimai wako aiisikuda nyangwe muzvese zvinonetsa Mumba ukaona atonhora mukutaura nekugarisana hapana chimwe kunze kwekuti mumoyo memumwe wako mapinda gwereweshe. Kana zvichibvira tiza hako nehupenyu hwako usiye mashanga adyiwe havo nemombe dzesedzese muchirimo kusvika aperawo murimi ozouya upindurira pasi zvinenge zvasara. Ndatenda [5/9, 12:12 PM] +263 78 201.... : ndokumbirawo kubvunza kuti ko kana mukadzi wacho asina kubereka? [5/9, 12:20 PM] +263 78 201.... : Huye ndokumbirawo kubvunza kuti zvinofambiswa sei kuti murume akaroora mukadzi vakagara vese makore angaite makumi maviri asi havana kuita mwana, hapanoi vatigaregare, vakatadza kunzwanana mumba mavo, mukadzi kwaakuchiudza Amai vake nyaya yacho, Amai vaye (Ambuyawasha) ndokufonera mukuwasha vachiti "Kubva nhasi mwana wangu iyeye chero chaasangana nacho usasatiudze, ini ndikarwara kana kufa usasauye panhamo pangu nyangwe mukawana chinokuwirai kumba kwenyu ikoko musatiudze" zvinonzi murume akazvitya kwaakuti kumukadzi wake " ini handingagoni kugara newe muno kana rimwe zuva haro nekuda kwemashoko arehwa aya, saka kana kuti urare pano ndaakutotya, ENDA kumba kwenyu. Murume haana kupa mukadzi Gupuro, asi vabereki vakachengeta mwana wavo ndofunga parizvino vaakutosvitsa makore matatu vanaye mwana wavo. Iyezvino manje mukuwasha aakuti YANGU PFUMA MUNODZOSA CHETE, zvinofambiswawo sei apa vadare huye ari right ne ari wrong ndiani apa [5/9, 12:26 PM] +263 71 417.... : Mukadzi akaudza mai vake nyaya dzemumba amai havasi tete [5/9, 12:29 PM] +263 77 340.... : Ambhuyawasha haasi mkadzi wehanzvadzi yemkadzi hr [5/9, 12:30 PM] +263 78 201.... : Pamwe ndaresva, ndi Ambuya, Amai vemukadzi, Nyakubereka [5/9, 12:32 PM] +263 78 201.... : Murume uyu ndi Sahwira wangu, hanzi Amai vainetsera kuti mwana wavo ambouye kumba kwavo vachiti vanemushonga wekuchipatara wavanoda kuzorwa kumusana, saka vaiti pamba pavanogara hapana umwe angakwanise kuvazora mushonga wacho, Murume, anove mukuwasha wavo haana kuzvinzwisisa rwendo rwacho, ndoopaakarambidza mukadzi kuenda kuya, saka Ambuya vaavakuti warambidza mukadzi wako kuuya kuno saka urikundipumha, ndoopatangira zhowezhowe yacho kkkkk [5/9, 12:37 PM] +263 77 340.... : Murume uyu aiva wrong kana mama vachirwara vachikumbira mwana wavo kuzopepa hapana chakaipa ipapo anoda pfuma yei ngaaite move forward asiye uyo waakaramba mafungiro angu [5/9, 12:40 PM] +263 78 201.... : pavaisimbokumbira ndiana Tsano vaikumbira kumukuwasha wavo kuti tirikukumbirawo vadzimai vako, asi this time manje ndiamai vaitaura nemwanasikana wavo, mukuwasha kwaakutozongoudzwawo nemukadzi, ndokubva murume aitawo gahadzo rekuti mai vaiti mukadzi uyu ngaakurumidze kuuya vasati vadzokera kumusha uyu ndokuti " asizve kumusha ndookutori nevanhu vakawanda vasingakwiri bhazi kuzobatsira saka chimbichimbi yavo ndeyei [5/9, 12:41 PM] +263 77 340.... : Asi zviri paviri zvinogona ambhuya vari pfambi mkwambo achitoziva kt nekuda kwembereko yanetsa mkadzi wangu akaendako vachamutsvagira chikomba mkwambo worambidza mkadzi wake kkkk [5/9, 12:43 PM] +263 78 201.... : kwete zvehupfambi kwete, asi murume anoti kubva paakazoziva kuti Ambuya vake vakamboenda nemwana wavo kun'anga iye asingazivi, kubva ipapo haana kuzovimba navo, zvaanoti iye ndoochimwe chikonzero chakaita arambe kuti mukadzi aende plus anga anzwa inzwi rekuti mushonga, hana ndokubva yarova kkkkkk [5/9, 12:48 PM] +263 78 153.... : But the husband was wrong.... 😂😂😂😂ini hangu ndinotokuudza ndamu road murume ndowana Umwe but mhai maone [5/9, 12:48 PM] +263 78 153.... : On the other hand mhai vaisafanirwa kutaura nemukwasha vashoko akadaro vaifanirwa kuudza mwana wavo [5/9, 1:04 PM] +263 78 201.... : but mukuwasha paasimbokumbirwa naana tsano hapana kumboita dambudziko, zvaive nevarume mukati, but apa manje ndimai nemwana wavo musikana varikuronga, hazvina anatezvara mukati, huye zvirikowo here kukwira bhazi from Domboshawa to Glen view kungonokwiza munhu kumusana chete?? munharaunda kwaakutoshaya kana mumwewo munhukadzi angavazore mushonga wacho? [5/9, 2:02 PM] +263 78 153.... : Ibasa remwanasikana kupepa mhai [5/9, 2:42 PM] +263 78 201.... : ipapo ichokwadim, asi ko kana wanzi mwana iyeye haasisiri wangu, akarwara chero chaanenge aaona usatiudze.......... zvinehuchenjeri here kugara nemukadzi akadaro kana kuti unofanira kuita sei [5/9, 2:45 PM] +263 78 153.... : Hmmmm zvinenge zvakutyisa shuwa ipapo ...mhai havana kutaura mashoko semunhu mkuru [5/9, 3 PM] +263 77 236.... : Ndoitawo mubvunzo hangu ipapo? Pamwe vakaziva kuti dambudziko rine mwana wavo vakada kugadzirisa havo chinyararire mukwasha asingazive, ringaita dambudziko here kana mhosva kuti vakafamba nemwana wavo mushure mekunge vaziva dambudziko, chavarikuda kuumba imba yevaviri. Unless ane dzimwewo pfungwa [5/9, 3:00 PM] +263 78 201.... : An Atezvara ndobva vagamuchira mwana wavo ndokugara naye [5/9, 3:01 PM] +263 78 201.... : uuum asi kana riri dambudziko rakadaro ringagadzirwe here chihwande hwande mumwe asingazivi [5/9, 3:03 PM] +263 77 236.... : Kana mhuri yemukwasha kana kwaakaroora vachigadzirisa dambudziko remumusha mavo vanoudzana here? [5/9, 3:04 PM] +263 78 201.... : mondiregererawo nekuramba ndichingoidzosa, asi uyu ndi Sahwira wangu, anovimbawo neni, anouyawo achibvunza mazano kwandri, saka ndrikuda kuedza kumubatsira nenzira dzechishona chaizdo ndoosaka ndrikunyanya kubvunzisisa [5/9, 3:06 PM] +263 78 201.... : dambudziko iri toti ririmumba maani, harisi ririmumba memukuwasha here, umo musina mbereko, ko Ambuya vanogonawo here kufamba nemwana wavopasina vanababa vemwana vanove vanatezvara? toti i dambudziko rekumusha kwemukadzi roogadziriswa namai here kana kuti naana baba vemusha? [5/9, 3:09 PM] +263 77 236.... Kuda kumusha kwemukadzi kunenge kune zvavakafamba vakanzwa vakanzi mhuri iuye pamwe chete, zvino rinoita kuturira mukwasha here? [5/9, 3:11 PM] +263 78 201..... : ipapo zvinogona hazvo kudaro, zvoozonetsa kuudza mukuwasha. [5/9, 3:13 PM] +263 78 201.... : Hino murume arikuda mukadzi wake, mukadzi aakuti handichadzoki, nekuti handizvari saka ndouyako kuzoitei kkkk, murume aakunzi Tsvaga hako mumwe uenderere mberi, iyewo murume ochiti mungandiudza izvozvo after more than 20 years??? hanzi nditsvage futi mumwe mukadzi here iye aane makore 40 kkkk, [5/9, 3:56 PM] +263 78 153.... : 😂😂😂murume anoshandeph mumuphe henyu number asiyane nepapenzi aya [5/9, 3:57 PM] Gonsen: kkkkk Nono hiwe [5/9, 3:58 PM] +263 78 201.... : kkkkkk haaa Muchembere mandisekesa [5/9, 3:59 PM] +263 77 236.... : Iye akafambawo here hombarume iyi, akanziwo kudiii? Pamwe pane rakabatwa rekwavo risina kugona kutsanangurika raita haranga issue dumba. Kufungawo kwangu, amheno [5/9, 4:01 PM] +263 78 201.... : kunana chiremba vemuzvipatara zvainzi ma tube aamai akavhara, pakatomboitwa ma operation akati ooo asi hazvina kubatsira [5/10, 9:00 AM] +263 77 472.... : Kwedu murume ndiye anopa mukadzi gupuro kwete mukadzi kupa murume gupuro😂 [5/10, 9:03 AM] +263 77 472..... : Murume ndiye anopfimba uye ndiye anozoramba,kwete madzimai amazuvano anopfimba varume 🙌🏿🙌🏿 ================ *RESPONSES FROM ANOTHER WHATSAPP GROUP* [5/7, 12:26 PM] +263 71 387.... : ...ndaadzokere kumurume anoti sorry ndenge ndakadhakwaa.. [5/7, 1:36 PM] +263 77 978.... : Eee hongo gupuro akatambira asi 1 mhepo dzojwavo dzinozviita izvizvo . 2 vamunoseka navo vanokuturikai mhepo kuti vatore murume kana mukadzi . 3 Ngafa ne gupuro asvike kunevanovona pano buda dubziro.4 muvonowa Sisi vomukadzi wakajeka ,dzokera kumba, asi Mai vakafonewra kuti mwana wenyu ndamupa gipuro hava mhosva chavo inzeve chete voudzawo vokwavo ndichochimiro che imbaiyi panodiwa kunga apa kwete kutora zvisinga kodzeri moisaapa ,kanakutowanikwa muchitongesana kwete dzimba dzose dzinokamhina asi dzinofamba dzimire, chafukidza matenga batsirikanai zvichida iwe neni takatopiwa gupuro kare asi hatizvive nokuti hatisati tagashidzwa kkkk akaipa thanks [5/7, 7:58 PM] +263 77 899.... : Akambozviitirei ari ega aizviti akangwara ngaite zvinhu zvake ari ega achahongwara aizviti akangwara hazvo zvamumomotera ================ *RESPONSES FROM ANOTHER WHATSAPP GROUP - DARE/HUNHU* [5/7, 12:23 PM] +263 77 491..... : Akudzokwi akaramba murume ndiye akatoudza mbereko yemurume kuti amupa ngainde kumusha kwake uko akatopedza adzoki [5/7, 12:38 PM] DJaHute: Ini kuona kwandirikuita hapana chinotadzisa kudzokerana nekusumana kana neveNYiKaDZiMu zvakare.. kunyanya nokuti akaita zvegupuro zvacho ariega/pasina umwe wekudzi hama.. nokuti pakuroora hapana chakaitwa vangori voga vaviri., sare pamwe kana vakapanana nhumbi/chibatiso 💗🙏🏿🙇🏿‍♂️ [5/7, 12:49 PM] +263 77 491.... : Ah ko mai vakaphonera [5/7, 1:15 PM] DJaHute: 👏🏿👏🏿👏🏿 maoko apo muRozvi! Ndovimba muriwadi uko! Ah! “phone” futi uko!? 🤔🤔 hamenowo maonero tozonzwawo vamwe kkkkkk 💗🙇🏿‍♂️ [5/7, 1:23 PM] +263 77 491.... : Ndiri Mutano ini asi murimi Dziva munotenda kuti adzoke ah mune Moyo [5/7, 8:49 PM] +263 77 126.... : Pamusoroi Vadare👏🏽 Ndaona nyaya iyi yauya muchidimbu🤏🏼 Sisi vatsanangura here kuti munin'ina akapirei murume gupuro? [5/7, 8:49 PM] +263 77 126.... : 😶‍🌫😶‍🌫kumira kwemba iyi kana mukadzi uyu achinge adzoka makwikwi...nekuti kudzoka kwake hakuzi kwerudo asi kushaya kwekutizira...zvekuti mangwana Akaona mukana musvinu murume anosiiwa🫴🏼 ================ *RESPONSES FROM ANOTHER WHATSAPP GROUP - NHANDARE* [5/7, 12:21 PM] Shumba Mutasa: Pakanaka Mahumbwe avaiita murume haaatambire gupuro kuMudzimai vari voga kwete [5/7, 12:22 PM] Shumba Mutasa: Avo Sisi vane mhaka yekugashira mukadzi wemunhu akaroora vasina kubvunza modzokera rinhi kumba 2 [5/7, 12:24 PM] Mbire : Zvakanaka changamire, mukadzi ndiye anokodzera here kupa murume gupuro poshi, mukadzi uyo aratidza kut kubva kwaakaita kumurume wake ane kutaura kwaakaita zvekuti murume uyo akarunduka zvekuti kunzwisisa kuno netsa , ndinoona kutanga mukadzi uyu amborairwa zvinhu zvakanaka chose nekut akaratidza kut aasi mukadzi akakwana , munhu anoda kuwana kwemurume kwete kuda imba yake , ashunya arwa mambo [5/7, 12:24 PM] Shumba Mutasa: 3 Itsika yakare hakusi kudzinga kana kudzingwa asi kuitira kuti ugare waziva kuti kwabviwa zvakanaka here kana kwete, Mkadzi ngaadzokere kumba kwake vataure nhau yavo vese uye vabereki ndiko kuti itamabanuke panzwikwe kuti chii chaizvo chakakonzera mwanasikana kuramba murume pada anenhau yaimbotaura vakuru nehanzvadzi vachiIgnowa pamwe sandiye waaida akapiwa 👏🏿 [5/7, 12:25 PM] Mbire : Hongu inhau yakutoda kugarwa dare remusha chairo kubva kumativi maviri nekut iyo yazvikanga nemafuta ayo [5/7, 12:26 PM] Shumba Mutasa : Ndiro Dziva uye haina kuzvikanga avo Tezvara ngavataure kuti Mwanasikana haana here kumboita chinyunyuto newanano iyoyi? [5/7, 12:28 PM] Mbire : Apana nyunyuto yekut yakaitwa asi kudherera ndokwakaita mukadzi uyo [5/7, 12:29 PM] Mbire : Kushaikwa kwechauviri mudumba munobatana ka motsvaga vanobatsira voona kut chii chaita zvodaro zvino kumhanyira kupa gupuro ndiko kudii uyo siyai ajoine pfambi aasi mukadzi uyo ndine urombo nemashoko akadai zvinogumbura [5/7, 12:35 PM] Shumba Mutasa: Hongu ini handina kutora kuti kumba ndiko kwashaika chekubata ndafunga kuti kwaSisi chikafu change chavechishoma uye hama tose tiripano chero hama kana mwana akawanikwa neanowana kana anozoshaya vati fambe chedu huumbiridza imba iyoyo kwete kuita rushoro rekuti hameno zvako sarudzo ndeyako wakamuda wega 👏🏿👏🏿👏🏿ndinotenda chedu kutopawo chiripo kuti vanodya mangwana midzimu inoona kuti maedza kuumbiridza imba asi Baba vanobudirwa nezuva vavete! Chikaranga choti anobudirwa nezuva avete haana nhaka unowana nhaka yaenda👏🏿👏🏿 [5/7, 12:38 PM] Mbire : Inyaya iri apa inhamo yapinda mumba kwete kuti hombarume iri kuita usimbe [5/7, 12:40 PM] Shumba Mutasa: Hakuna nhamo Dziva ikezvino vanhu vakarima unonoita maricho kufurura chibage kutema saka pane nyaya inoda mwene wayo vari vaviri vopa matama avo👏🏿 Avo saTezvara vopawo dama ravo nemazivire emba yeMkwasha wavo 👏🏿 [5/7, 12:43 PM] Mbire : Mukadzi anodherera ndochokwadi akacharika hombarume yake [5/7, 1:59 PM] Dika Hre: Maswera mudare👏👏👏 Mukadzi kana oda kudzoka ndiye anounganidza Hama dzake votsikira chivara chewetsvimbo Hurukuro dzoitwa Mazvita [5/7, 2:01 PM] Shumba Mutasa: Mozotambira manje pamboita mwaka yakawanda here Musharukwa? Ini ndinogara ndati handidi marara mumusha nekuti handina kuuya nemarara mumusha kungoita 2days chaidzo asiri mudare raMutasa zvisina tenderano zvavharana [5/7, 2:24 PM] Gono: Murume wacho aibata mukadzi sei nekuti zvimwe zvacho tinogona kusungirira mukadzi asi murume ariye anetsa.....haisi sarudzo irinyore yakaitwa nemukadzi . Mudzimba umu mune varume vanoshungurudza vakadzi too much. Of course nzira yakazoshandiswa nemukadzi yakapesa hayo chete. Saka so far tikuziva zvakaitwa nemukadzi asi hatisi kuziva zvakaitwa kana kuti zvikuitwa nemurume . [5/7, 2:44 PM] Shumba Mutasa: Ndotenda Gono hatikwanisi kutsimirira mwanasikana nekuti divi rake hatina rizere. ================= *SUMMARY OF THE DISCUSSION TOPIC - MWANA-SIKANA AKAPA MURUME WAKE GUPURO* Ndino tenda zvikurusa kune vose vaka kwanisa kupa mu ono wavo pa Dare ra ndaka sumwa na Sahwira wangu. Ndanga ndaka batikana zvikusa, ndiko ku saka ndi sina ku kwanisa ku dzeya ne vamwe vose nhau iyi. 1) Sahwira wangu apa rutendo kune ma shoko ose amakapa pa nhau iyi yanga yava temesa musoro. Ati iye anga asinga fungidzire kuti pa social media panga bude ma shoko aka nakisa kudai ano vaka neku umbiridza zvino nwisa mvura kudai. 2) Adzidza zvaka nyanya kubva muma shoko aka taurwa ose kubva kwamuri mose. Hanzi rambai maka daro mu itiro wenyu uyu nekuti ndizvo zvino svika paku vaka Nyika. 3) Kubva pama contributions ose (txts and audios) pa buda the following things - munhu-kadzi haa kwanise kupa murume wake gupuro asi kuti a nongo kwanisa kungo ramba chete murume (she can't issue a token of divorce). It's taboo which is being brought through foreign influence. Anopa gupuro ndiye munhu aka bvisa roora. - gupuro harimbo pananwe pa sina manyayi, otherwise ma-dzana-mbwanana. - ano fanirwa kutanga ku shambadza Dare re gupuro mu mhuri dzeva viri avo va nenge vachi panana gupuro - munyayi chete - munhu asina ku bvisa roora haa kwanise ku bvisa gupuro - in our culture - proposal is done by the 2 lovebirds only BUT engagement, lobola, and or divorce are marriage rites which actually involve the appropriate family members. #ndatendazvikurusa 👏🏽👏🏽👏🏽👏🏽🙏🏽🙏🏽🙏🏽🙏🏽🐘
👍 🙏 🥰 3

Comments