ZICH Media
May 13, 2025 at 08:44 AM
*WEEKLY POETHERAPY: POETRY OUR INTANGIBLE CULTURAL HERITAGE*
*RUNYARARO*
*BY -*
*Mimie Gold*
Ehunde magarikwa
Ehunde runyararo
Mufaro bedzi pasina
Mhesaniswa kana bopoto
Rugare rusina mugumo
Runyararo kugarisana navamwe zvakanaka
Zvisina kupokana kugwa kana kukakavadzana
Runyararo kuwadzana navavakidzani, vapfuvuri navatogwa
Runyararo hudzamu nohuchenjeri hwokuzvininipisa nokuzvidzora
Runyararo ruzivo rwekuchengeta nhaka tsika namagariro
Runyararo kutevedza gwara nouchenjeri pasina mhesanwa
Zvino kwedu hakuna
Yangova mazvake mazvake kufamba kwebenzi
Aita chake tosvora
Ada rubatsiro, tosema
Hatichina mwoyo worudo hwokuhwisisana nokurayana
Kupomerana nekunenerana kwawanda
Kunyombana pachedu, kupinza muvengi mumusha
Deno runyararo ari munhu taimudana,
Zvino zvarangova besanwa risina mudzori
Rupatsu rwava pakati pedu
Hatichawadzani paukama kuri kufungirana
Runyararo wakaindepiko?
Pakaresvwa ndepi?
Deno tadzokera kumavambo kwaiva norunyararo noruwadzano pakati pedu
Tiri hama!
#noculturenofutur

🔥
🙏
❤️
5