ZICH Media
June 3, 2025 at 04:12 PM
*WEEKLY POETHERAPY:POETRY OUR INTANGIBLE CULTURAL HERITAGE* Join our community for more updates https://whatsapp.com/channel/0029Vai0FQJ11ulJHRRO3r0l *NANGANIDZA* *By - Chikonazi* Sezuva rinovhenekera. Newewo iva unojekera. Semwedzi, iva njenaguru pakati zviii nerima. Uyite senyenyedzi kupenya! Shongedzo yedenga murima usiku. Semushana usina muripo, kudziyisa vanhu, mhuka, shiri, huswa, miti nezvirimwa. Seizvozvo ivawo. Semweya watinongofema, wanikwa pachena. Iwe chivawo muchena. Cherechedza! Nerwuoko ngarutambanukire kupa kwete kukwatura kukwapaidza matama. Ziva iwe ndiwe Jekesa! Nyika yose yakamirira iwe. Musimboti musoro wemba ndiwe. Madhambitanana siya mukuru. Cherechedza! Mukanwa mako ngamumirire kutsenga, kupa muviri simba. Kunwa kupedza nyota nekuzorodza pfungwa chete. Kurutsa mabara nemiseve inonyonganiso inokuparadzanisa. Usave tsvuuramuromo asi Mafirakureva Anoreva zvemeso kwete zveguhwa. Vaka! Rurimi inyoka wangu. Cherechedza! Harineyi haro zera rako. Maitiro ako! Mabasa anobatwa ave humbowo. Rakidziro ye mutungamiri, mutongi mukuru! Zvamutungadzose , anobaya chero zvigondora nemhuru mudanga. Muparadzi anotongera pfini neshaisano, bodo! Usakange mbewu, vakare vakati regai dzive shiri mazai haana muto. Kutema midzi kupadzara sango! Hazvibude. Cherechedza! Uri chiswa chichapfirira, kufukidza nhungo nembariro. Mumvuri, pekupotera mvura nepekutseyama. Vakati chakafukidza dzimba matenga. Usazofukura hapwa pese pese, ziva hapana musha usina bopoto. Kufukura maparara. Dzemudanga hadzitungane kumafuro. Cherechedza! Wakasimudza mwenje ita murambamhuru unangise nechadzera chechiedza! Wakabata mwenje ndiwe uneziso rinoona zviri mberi. Mhanya uchirakidza vanhu pekutsika, munzira munemhinga. Kudenha mangwiro kutokunya woye. Kukweva sanzu hukweva nemashizha aro. Buritsa vanhu murima! Cherechedza iwe! Mbiri yakanaka asi isaparadze mwongo wehuchenjeri. Zano ndenga hanzi akasiya jira mumasese wani. Chako wega mukonde wesadza nyaya ndeye dare. Mazano marairanwa. Usafambe sehwata nekuti wave mwene wetsvimbo. Zvakanzi gudo guru peta muswe vadiki vagokuremekedza. Cherechedza iwe mhani! Zvakagara zviriko! Nyoka huru haizvirume. Kakara kunununa hudya kamwe, tsveta! Chaibva! Kwira pachuru ushevedzere mukomberanwa! Kanyama kanyama batai mose. Chawawana idya nehama, muhondo unozoridza tsuri. Cherechedzesa!!! #artsandculture *NB: CHIKONAZI IS ZICH POET* Follow us on:- *FACEBOOK* *@Zimbabwe Intangible Cultural Heritage* https://www.facebook.com/share/17zXZ2WNmG/?mibextid=wwXIfr *INSTAGRAM* @ *ZICH TV MEDIA* https://www.instagram.com/zichtvmedia/profilecard/?igsh=d3N3ZmlkbTZ4a3E= *TIKTOK* *@ zichtvmedia* https://www.tiktok.com/@zichtvmedia?_t=ZG-8srTiO9lFYH&_r=1 *YOUTUBE* *@ ZICH TV* https://youtube.com/@zichtvmedia?feature=shared 🔄🔄🔄Share our Articles and documentaries with Family and friends
Image from ZICH Media: *WEEKLY POETHERAPY:POETRY OUR INTANGIBLE CULTURAL HERITAGE*   Join our...

Comments