🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
May 14, 2025 at 05:11 AM
https://chat.whatsapp.com/KyqpXyRdyrAD6XAL0Xkq5D *Kana wakajambwa nechapter 1 pinda muchannel wobaya follow.* https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U *Pinda mugroup usajambwe* https://chat.whatsapp.com/FrbHOc7VgCLLvsmPeYnsEX *BABYSITTER* 🧑🏾‍🍼💖💖💖🧑🏾‍🍼 STORY WRITTEN BY PRINCE WASHE CHAPTER 2 📙📘📗 *TENDAI* Baba vainge vatsamwa, neni ndainge ndatsamwa. Tainge tapesana mukutaura. Ndakabata mwana ndokumunwisa mukaka mumwe wainge wauya nadaddy. Ndakazomusiya arara ndokuenda kuna Farai. Ndainge ndakangoneta neta. Ndaisaziva kuti zvainyatsofamba sei chaizvo? "Wadii wangu?" "Hapana apa. Zviri kumba hazvisi kundifadza. Dad must tell me the truth." "Tendai why are you worrying so much? Wadii waita zvataurwa navo kuti muende kumapurisa?" "Haa wangu, ndine connection yandakanzwa pamwana iyeye. Ndeweropa mwana wavo.." "Hmm wakazvinzwa how?" "Aah ndonzwa ini." "Okay then, so wakazodii nevasikana vaya pane akazokabira here?" "Handina kuwana nguva yekutaura navo." "Okay, ukasike vasati vakukanganwa." "Okay haa handiregi." Takazogara zvenguva, ndakadzokera kumba ndikasvika baba varipo. "Tendai ngatichirega kunetsana nekuda kwemwana uyu. Zvauri kufunga nezvandiri kufunga zvakasiyana isu ngatimuchengete. What I know is that muridzi wemwana uyu ari kuvimba kuti tomuchengeta ndokusaka ari kukanda tubodhoro twemukaka muno. I don't think it's a good idea kuenda naye kumapurisa. Ngatichigara naye hedu." Ndakabva ndasekerera. Ah baba vainge vave kutaurawo zvobatika nyangwe vainge vasati vabuditsa chokwadi chakazara. Ndakabvumirana nazvo, taizoona kuti taisvika kupi? Mwana akazotanga kuchema, takaedza kumunyaradza asi aisanyarara. Ndakabatikana zvisingaite, pave paya akazonyarara akabva arara. "Nhai dady saka anonzi ani mwana uyu?" "Handizive. Tomuti ani?" "Aah zvemazita hazvisi mandiri, ndogona kumupa risingaite." "Okay tichatsvaka." Hapana kuita nguva takabva tanzwa knock kugate. Ndakabuda ndirini ndokuona musikana ainge aine bag rembatya, akasheneruka kumeso setsvina yedhongi, bvunzi rainge risina nekukamwa kwese. Serious kunge mahobho anaiwa nemvura. "Makadii?" Ndakamutanga ndirini. "Ndinofara hangu." Akadaro nezwi rakashoshomera. Ndakanzwa mwoyo wangu kuenda kure, ndakamutarisa ndikaona nhamo dzake dzose dzakanyorwa kumeso kwake. "Okay tokubatsirai nei?" Ndakabvunza, akayeredza misodzi. "Ndakadzingwa kumba namainini vangu. Handina kana kwekuenda. Handina kana hama iri pedyo. Handina kana mari. Ndokumbirawo kana kune kwamuri kuziva kune basa chero rekucleaner muchimbuzi ndoda hangu." "Aah I can't help you with that. I'm sorry." "Mukoma musadaro. Ndokumbirawo." Akadaro akabva apfugama. Baba vakabva vabudikirawo vachibva mumba vakauya. "Chii nhai Tendai?" "Wangu that's my father taura nawo maybe he can help you." Ndakadaro kumusikana uya. "Makadii zvenyu? Ndokumbirawo kubatsirwa, ndiri kutsvaka basa. Chero zvaro rekuti ndingowana mari ndizoenda kuhama dzangu. Ndakadzingwa kumba kwedu namainini vangu. Please sir help me. Ndiri nherera, mukaramba ndofa please." Akadaro neni ndakabva ndanzwa kurwadziwa. "Daddy please help her?" Ndakadaro. "Do you know her?" "Handimuzive, but it seems like ari serious uye tikada kumubatisa pasi togona kuzoregretter. Maybe she's an angel, help her." "Haa okay. Pinda hako." "Thank you sir! Thank you so much." Akadaro akabva arara pasi akabata tsoka dzababa. Ndakaburitsa misodzi ndokutanga kufamba kuti vasaone kuti ndaichema. Ndakapfurira kuenda kuroom kwangu ndokugarako. Ndainge ndanzwa mwoyo wangu kurwadza. Pasina kuita nguva baba vakabva vauya. "Tendai toita sei naye? Tomubatsira nei? Tomupa basa rei?" "Dad kaa, I think kuti God is doing something behind the scenes. Honai kuti nezuro pakauya mwana pano, nhasi musikana. Let's welcome them with good hospitality maybe they are heavenly sent." "Okay I understand that but tomupa basa rei? Rehuku dzako here?" "Yeah ndafunga. Ngaaite babysitter wemwana uyo pamunenge muri kubasa neni ndichiita basa rangu." Baba vakabva vasekerera. "Right une plan. That's the only way we can help her out. Tichabatsirana kumubhadhara." "It's okay?" Takabva tazobuda tose. Kana rita rake ndaisaziva. Takasvika akagara akabva atitarisa zviye zvekuti how far. "Okay musikana, wawana basa. Tine mwana wauchange uchirera kana tiri kumabasa. Please umurere semwana wako, umubate zvakanaka." "Maita basa henyu. Ndonzi Anopaishe Chiremba." "Okay. I'm Mr Dziva. Uyu mwana wangu anonzi Tendai. I'm sure uchashanda zvakanaka hako nesu pano." "I promise ndichashanda zvakanaka." "Okay." Zvake zvainge zvaita. Taizochengeta mwana iyeye Anopa ari a stay_in babysitter. Ndaisada kutsvaka zvakawanda nezvemwana, ndainge ndazvitambira kuti auye mumhuri medu. Ano akazotanga basa rake rekurera mwana. Mwana haana kuzonyanyonetsa hake nekuti aive nemureri wake. Ini ndakange ndave busy nezvehuku dzangu. Ave manheru semunhu aida kuroora handina kumira kuti ndiwane wekufambidzana naye. Ndakatarira maphone numbers andainge ndapihwa, ndisati ndavatanga kupfungwa mangu makabva mangopinda Anopa. I found myself smiling for no reason. "Hey chii chiri kuitika pandiri?" Ndakadaro ndega. I tried to control myself but ndakaramba ndichingonzwa kamwe kahappiness mukati mangu. Ndakazobva muroom mangu ndokuenda kwaAnopa nemwana. Ndakasvika akagara akatsigira musoro wake nemaoko ose akabata shaya. Ndakatarisa mumatama ndikaona misodzi ichiyerera. Zvakawanda zvaiitika kumusikana uyu. "Anopa! Ano!" Ndakabva ndaita wekubata bendekete akabva avhunduka. "Hii sorry nhaiwe. Ko wapinda muno nguvai?" "Ndane time hangu. Seems like you're not okay what is it?" "Haa I'm not ready to share. Ndichakuudza hangu." "Ndonyaya yamainini vako vakakudzinga here?" "Haa a lot. Handisi kuona kuri kuenda upenyu hwangu ini. Ndoita sendakageza negokamunyama nekuti zviri kuitika zvacho. Chinhu chimwe chandifambira kuti ndawanawo basa. Ndaisatarisira kuti ndingariwane nekuti kwandakabva ndichitsvaka ndichishaiwa kure." "Okay I'm sorry for that. Chinyarara, now I want you to believe in yourself kuti unozvigona. Don't worry nezvevakakusiya, ndiwe muridzi wehupenyu hwako. If you want to see the person who's keeping you poor, look at the mirror. You're the master of your destiny. Now pukuta misodzi, yeah chisekerera." Ndakadaro akabva apukuta misodzi. "Take a deep breath, now chingofunga wazadzisa zvose zvaunoshuwa. Chisekerera." Akabva aita akasekerera. She was so beautiful kana achinyemwerera. Ndakanzwa mwoyo wangu kufara. "Thanks Tindo." "You're welcome. Rega ndinorara." Ndakabva ndazoenda kunorara hangu. Kunze kwakaedza baba vakaenda kubasa kwavo, ndakasara ndichitarisa tarisa huku ndakabva ndazobuda kuenda kunoona Farai. Ndakamutsanangurira zvose zvaiitika kumba. "Haa I think Mwari vazonzwa munamato wako. Musikana iyeye ndiye wako manje. Haa wangu onera iwe." "You think so?" "Yes, chitoita kuti mufambidzane." "Haa rega ndimboona. Ndomuda hangu asi ndoda kutanga ndambomuziva. Unogona kudanana nembavha kkk." "Hmm kwave kutya uku. Ukaita zvekutamba tomutora isu ana Farai. Unondiziva wani kuti handitambise." "Kk iwe handizive chii chiri pauri. Every month unenge une musikana mutsva. Wakatemerwa nyora here iwe?" "Haa kana, rurimi rwangu rwotapira chete." "Okay. Rega ndinotandara naye timbojairana. Ndokuona mangwana." "It's okay bro." Ndakabva kwana Fatso ndokudzokera kumba. Ndakasvika pagate pane kamwe kabottle kemukaka. Ndakarohwa nehana, ndakambocheuka cheuka asi handina wandakaona. Munhu uyu ndaida kumubata, hunhu hwake hwainge hwakashata. Aitoziva hake kuti anoda kuti mwana wake ararame asi ainge akamurasa kudaro. Ndakatora mukaka uya ndikapinda nawo mumba maive naAno. "Ano ndanhonga mukaka uyu pagate. I think mom vacho vanogara pedyo nesu." "Hmm ko vanodarirei? Kungoti ndovakaita kuti ndiwanewo basa, asi hazvina kunaka hazvo. Wadii wambovataimira pamwe unovaona wonzwa kuti nei vari kudaro." "Ndichaita sekudaro. Kungoti handizive kuti vanouya nguvai hangu asi mumwe musi ndovanhonga." "Taura hako. Haasi kunetsa hake kana mukaka uripo kudai? Ndichatombomira kumupa formula milk kana vachiramba vachikanda kudai." "Okay, haa rega tivachengetere hedu. Tozobatana kana vave kumuda, tosvitsana kumacourt chaiko." Nguva dzakafamba kusvika baba vadzoka. Vakauya nechicken inn vakabva vapa Ano. Ndakatoshamisika kuti ko nei? Kungoti aive mushandi wedu saka vaimuitira zvavanoda. Ano akazobika takadya, hatina kutandara takabva tanorara. Takazomutswa nenguva dzaichema mwana. 12 dzainge dzakwana, takamupa mukaka asi aisauda. Akachema zvekuti takasvika pakubatidza radio kuti vanhu vasanzwe. Akazonyarara kwave kuma 1. "Nhai chii chomboitika pamwana uyu. Ndonguva dzaanongochema kana nezuro?" Akadaro Ano. "Hatisi kutoziva. Mazuvano hatisi kutorara zvakanaka nekuda kwake. Maybe zvichapfuura." "Yeah maybe." "Wotoshinga Ano. Mutoro watinawo uyu, hatizive kuti zviri kufamba sei kwaari mwana uyu. Ndovimba kuti tichaziva kuti tozviita sei nekufamba kwenguva." Vakadaro baba. "Okay ndoshinga hangu. Zvichapfuura." Takadzokera kunorara, daddy vakaenda kubasa semazuvaose. Ndakange ndave ready kuti Ano ave wangu, ndaitya kusvitsa shoko. Ndaitotsvaka nzira yekumuudza nayo, ndaisada kuita sendamubatirira nekuda kwekuti aive pamba pedu. Ndichiri mukuronga phone yangu yakaringer. Vaive mukoma Tambai, ndakadaira. "Mupfana wangu zviri sei?" "Ndinofara mukoma. Marova kuri sei kuHarare?" "Harare yanga yakaipa. Now zvave kuita zvichiita nani hazvo. Ndichakutumira mari paecocash umboonawo kuti wodii nadaddy. Ndichauya hangu ikoko pamberi apo." "Okay mukoma. Munenge magona. Hamusati mave nemumwe mukadzi here?" "Haa handisati. Zvevakadzi takasira imi." "Haa ini soon ndinenge ndaroora. Ndine wandiri kuda." "Okay Tindo. Bye." Akabva akata phone. Hapana kuita nguva message yemari yakabva yapinda. Ndakavhunduka nekuwanda kwemari yacho. Ndaisatarisira kuti vangasende $500. Zvaireva kuti vakange vagere, ndakavatenda nerudo rwavo. Mufaro wacho handina kana kuzokwanisa kutaura naAno. Baba vakadzoka, vaive nenew boxed phone. Vakasvika vachitambidza Ano. "Shandisa phone iyi. Ndangokutengera sechipo hangu." Vakadaro vachisekerera. "Iih maita basa henyu. Mwari vakuititei zvidhafu dhafu." "Ha don't mention, it's nothing." Ano akange ave kufara, ndakatevera baba kubedroom kwavo. Ndakasvika vakazvitarisa pamirror. "Daddy is everything okay?" "Yes Tindo. I think zvangu zvogona kuita, usatambire pedyo naAnopa. Zvandiri kuda zvikabuda anogona kuita stepmom vako." "What?" "Yes. Hausi kuona zvandiri kumuitira here?" End of chapter Stay tuned 💋
❤️ 😂 🙏 👍 😢 😮 26

Comments