🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
May 18, 2025 at 07:26 AM
Chapter 7 to 9
https://chat.whatsapp.com/KyqpXyRdyrAD6XAL0Xkq5D
*Follow channel uwane machapters ekumashure*
https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U
Pinda mugrup .
https://chat.whatsapp.com/D3wzBLRi3De95sr82vEr81
*BABYSITTER*
🧑🏾🍼💖💖🧑🏾🍼
STORY WRITTEN BY
PRINCE WASHE
CHAPTER 7 📙📘📗
TENDAI
Ndakapera simba rose, ndakaita kunonzi kurukutika nezvandainge ndaona. Kuzongosimba hangu asi dai ndakafenda. Ndakademba kurovesa kwandakaita baba vangu nekuda kwemunhu wenhema. Neniwo ndaitadza kuzvionawo nei kuti munhu uyu ndiye aive muridzi wemwana. Haa ainge andigona, akandisiya ndisina kana neremuromo. Kungoti mwoyo wangu chaunenge wada unenge wada, Anopa ndainge ndamuda asi kuzogamuchira kuti ainge ane mwana zvaindinetsa.
Ndakazomusiya pamba ndakaenda kuchipatara kunoona baba. Ndaingonzwa kurwadziwa, vainge vasina kukuvara zcakanyanyisa havo asi vainge vakakuvara. Ndainzwa hasha ndakavatarisa, ndaingoti dai ndakaziva ndisina kumbopindwa nepfungwa dzakaipa kudaro.
"Wamusiya ari sei Ano?" Vakadaro vakabva vagomera zvikuru. Vakange vachiri kubvunza zvaAnopa vari pabed kudaro.
"Ndamusiya ari bho hangu."
"Okay umuudze kuti ndinopora. Chiri kundinetsa kuti vanhu vaya vaimbodei chaizvo? Zvakaoma."
"Haa mbavha dzawanda, izvozvi so vanenge vati tine mari svinu."
"Taura hako, haa ndinoita zvakanaka. Mutsipa ndouri kurwadza nechepamusana apa."
"Okay munoita zvakanaka nekukasika." Handina kugara, ndakabva ndatodzokera kumba. Ndakasvika door rakavharwa, Hana yangu yakarova ndave kupinda mumba. Ndakatanga nekuenda kuroom kwaAno ndikaona kusina munhu kana mwana aive asiko. Ndakaenda kwangu ndopandakaona katsamba kaivemo, handina kumira kuti ndipedze kuverenga ndakabva ndatobuda ndichimhanya. Ndakananga kumashops ndakabva ndaenda kurank. Ndakamuona nechekure hangu achitaura nemumwe murume. Ndakasvika ave kuda kutambidzwa mari.
"Anopa!" Ndakadaro akabva avhunduka.
"Hauna kwauri kuenda. Ngatidzokere kumba. Eeh mudhara dzoserai mari yenyu muwallet motipa phone iyoyo."
"Ndiwe ani uri kundikanganisira dhiri?"
"Ndini murume wake." Pandakadaro haana kuzoita nharo akabva adzosa phone. Ndakabata bag rake ndokutanga kufamba.
"TENDAI wadii wandisiya ndangoenda, uchademba kuti dai ndakangoenda. Yatove Hondo pakati penyu nababa vako. Imagine kuti vakazviziva kuti wakavarovesa, nyaya yacho inenge yatokora muto. So please let me go."
"Anopa ngatidzokere kumba. Wakauya nekuda kwechinangwa, kumusha kwenyu uchazoenda hako nekufamba kwenguva."
"Aah okay." Takafamba ndokusvika kumba. Ndainge ndave nenzara, akazobika hake asi airatidxa kungonetsekana.
Nguva dzakafamba kusvika kwaedza. Ndainge ndiri musitting kuti asazotiza. Takazogara tose akabva andibvunza.
"Nhai Tendai, uri kumbonyatsorongei nezvangu?"
"Handizive, chandinoziva kuti ndinokuda. Chingonditendera ndimbojaira the new you wandave kuziva, I'm sure kuti soon ndinenge ndajairana nazvo. Kudai wakauya ndichiziva chokwadi raisava dambudziko."
"Okay, kana wadaro hapana chakaipa."
"Yeah, mangwana kana zvichibvira tinoona mainini vako. Havangakudaro pazvinhu zvakadai? Kana vari behind everything vanofanira kusungiswa."
"Aah usazvinetse hako. Handichada kana kuvaona, handichada nemisodzi yangu. Ndave kuda kungoona vanhu vanokwanisa kupukuta misodzi yangu chete."
"Okay Ano. Please usatize futi pano. Gara."
"Okay but haa hamheno zvazviri. Handikwanise kunyatsopinda murudo nemunhu asina kana kumboroora nezvandiri izvi. Zvindiremera ndosaka ndiri kuda kungoti ndikanganwe zvose, mwoyo wangu unokuda hawo asi pfungwa dziri kundituma...." Handina kuzomira kuti arambe achitaura. Ipapo ndakabva ndamuvhara muromo wake newangu. Tose tainge takatuzura maziso kunge matatya adzipwa newire. Akazotsinzinya hake zvishoma nezvishoma, ndakazosiya ndanzwa kunhuwa kwemukaka.
"Sorry Ano. Hausati wave musikana wangu asi ndakukisser."
"Tendai please handichade zvepano."
"Hauna kwauri kuenda." Ndakadaro ndakabva ndabva paakange ari. Ndakasvikogara pasi, pfungwa dziri pakuti ndidanane naye here kana kuti ndimurege angoenda. Aive nemwana wake, ini ndaive ndisati ndatomboziva musikana. Zvaingonditemesa musoro,chaizondipa simba rekuramba ndichida kuti ainge akaitwa zvekubatwa chibharo.
Ndakazvirova tumambama mumusoro ndichifunga, haa ndainge ndamuda hangu. Handizive zvaizoitika hazvo asi ndainge ndamuda. Ndakamuendera ndakasvika akatsamwa, ainge akabata mwana.
"Ano. Ndokuda nemwoyo wangu wose. Ndiri kuedza kuda kuvharira moyo wangu kunze kuti ndishandise pfungwa asi zvikuramba. Ngatifambidzane hako."
"Promise me kuti haufe wandisiya. I know zvandiri asi kana wandida usandisiye. Handidi kuchema zvekare, ndavimba newe Tendai. Sorry hako ndine mwana, asi kana wada nemwoyo wose tofambidzana." Ndakabva nsamumbundira zvine simba. Ndakaramba ndakamubata.
"Usatye mudiwa. Handife ndakusiya, iwe wongoitawo zvekuti tinowirirana."
"Okay Tendai." Kubva ipapo takabva tatanga kudanana. Ndakazonoudza Farai akabva afarawo nazvo. Chainge chasara ndivo baba, ndairwadziwa nekuvarovesa kwandakavaita asi vaisafanira kutora musikana wangu. Vaifanira kungondinzwisisa nekuti kana ndada munhu ndinenge ndada zvechokwadi. Handidi kuona chimwe chinondikanganisa kuti ndifambe nemumwe wangu zvakanaka kusvika tasvika kwatoda kuenda.
Nguva dzakafamba, kunze kwakasviba takabva tadya hedu tichitandara. Ainge akagara pamakumbo angu akabata remote tichiona tv. Ini zverudo ndaizvinzw zvichiita kuyerera mutsinga dzangu. Ndaisarara nevasikana asi zvandaiita izvozvo hakuna aindikanganwa, ndainyatsofocuser nekupa munhu wangu rudo rwake.
"Hmm Tendai ndave kuda kunorara ini."
"Aah iwe wakasvinura sedemba kudai? Okay rega ndikuendese." Ndakabva ndamusimudza ndokuenda naye kuroom kwake. Ndakamusiya pabed pake, ndakabva ndamutvoda padama, ndokutsvoda rimwe ndokuzotsvoda pamhanza ndokupedzisira nepamuromo.
"Goodnight my love. Undirote."
"Thanks my king. Newe urare zvakanaka." Nguva dzainge dzaenda, ndisati ndabuda mwana akabva atanga kuchema. 12 dzainge dzakwana, ndakambomira tichiedza kumunyaradza nyangwe aisanyarara hake. Achingonyarara ndakabva ndaendawo kunorara. Ndakarara kudaro ndakabva ndatanga kurota mwana waAno achichema akarariswa pajira rered. Paakanyarara akabva asimudzwa pasi pake pakabva pasara paine mari yakawanda. Ndakamuka ndichinetsekana nazvo, ndakaudzawo Ano asi zvaitinetsa. Hakuna akakwanisa kududzira, ndakazosiya Ano ndokuenda kuchipatara. Ndakaona baba variko, vari pabed.
"Tendai ko nei Ano asiri kuuya kuzondionawo. Ndogona kufa ndisina kumuona."
"Haa daddy kana kuri kukura kurai zvakanaka manzwa. Ano ane mwana, uye haana ukama nemi. Muchamuona kana imi mave kumba."
"Kungotaurawo. Aiwa kumba ndouya soon."
"Okay."
Ndakavasiya,ndiri muroad ndakabva ndasangana naKaren. Ndakange ndave kutya kutaura naye.
"Tendai waswera sei?" Akadaro achida kundibata. Ndakanzwa muviri wangu kutiza tiza.
"Ndiri bho Karen."
"Kk uchiri kunditya. Haa utende mudzimu wako. Uchiri kudiwa iwe."
"But tell me waida kundidii? Uye uri ani?"
"Hatitenderwi kutaura. Ndave kuenda." Haa musikana uyu ndaisamunzwisisa. Ndaitoona kunge ainge akapedza vakomana vazhinji achiita zvaakange oda kundiita. Ndakazoenda kumba, ndakasvika pamba pasina munhu zvekare. Ndakapinda muroom mangu ndakabva ndaona katsamba, ndakabva ndaita weak. Ndaisatarisira zvakadaro, Ano nemadiro andaimuita nezvaaiita zvaisaenderana. Nei aisaona kuti ndaimuda zvakanyanya. Mwoyo wangu wakachema zvikuru ndakabata tsamba. Simba rekuiverenga ndakange ndisina, ndainge ndofunga kuti ndodii? Ndakazoisa katsamba muhomwe ndomumhaya kurank kunomutsvaka.
Ndakasvika ndichitarisa asi handina kumuona sezvandaitarisira. Ndakapinda mumabhazi ainge asati asimuka asi handina kumuona. Misodzi yakamboda kubuda asi nekuda kwevanhu ndakazvidzora.
Ndakadzika mubhazi ndakabva ndavhura katsamba kaya ndokutanga kuverenga.
"Tendai sorry hako. Mwoyo wangu uchiri kundirambira kuti ndidanane newe. Handidi kuva munhu akaipa mumhuri, usati wandiroora obvious pachave nemafights iwe nababa vako. Zvapera izvozvo uchange wave kushoorwa kuti sei wakaroora munhu ane mwana wake. Plus haa, you deserve better than me please. I know kuti ndinogona ndakurwadzisa hako, asi uchapora. Handina kuenda kure, ndangotengesa phone ndikatanga grocery rekunopa mainini kuti vandigamuchire pamba. Handingasiye imba yababa vangu, nerimwe ramazuva ndichakushanyira."
Haa uyu munhu ndainge ndamutadza. Pfungwa dzake hamheno kuti dzainge dzakaita sei? Haana kana chine musoro chaainge ataura, ndakanzwa hasha. Zvimwe zvinhu zvorwadza, ndakadzokera kumba zvishoma nezvishoma hangu. Handina kwandakazoenda, ndakadzidza kuti ndaisafa ndaita zvinhu zvokuvadza nekuda kwemusikana. Sacrifice yandakaita kuti baba varohwe vaende kuchipatara, ndainge ndada munhu wangu.
Zuva rakatevera ndakafonerwa kunzi baba vakange vave kutenderwa kunogara kumba. Ndakaenda ndikanovatora, vaifambisa. Ndaitoona kuti vainonokerwa nekuona Ano wavo. Ndainge ndisati ndavaudza hangu kuti ainge aenda. Takasvika mumba vakabva vapfuurira kuenda kuroom kwairara Ano. Pasina nguva vakadzoka.
"Nhaiwe ko Ano aripi?" Ndakashaya kuti ndaivati kudii? Zvaive pachena kuti chokwadi chaibva chatobuda kuti ndiye aive muridzi wenyaya. Ndaisada zvidaro asi iye ndiye ainge aporonga.
"Ano haapo daddy."
"Haapo, aenda kupi?"
"Aah..." Ndisati ndapindura ndakabva ndaona Ano achisvika. Matama ake akazara misodzi. Tose nadaddy takada kumumhanyira takabva tadhumana vakabva vadonhera pasi. Vaizosimuka vega, ndakanomumbundira.
"Thank God wadzoka. Ano wanga uchaendepi futi? Izvozvi wave kuchema?"
"Sorry Tendai. Handifungi, ndiregererewo." Daddy vakabva vasvika vakandisunda. Vakabva vambundira Ano. Ndakanzwa kurwadziwa.
"Ndanga ndakusuwa Ano. Ndafara ndakuona."
"Okay."
"Chisekerera kaa nhaiwe. Ungabva waita semunhu amedza nduru kudaro?"
"Handina chiri kundipa mufaro ini zvekuti ndingatosekerera."
"Ndosaka ndauya ini your smilekeeper. Usatye kana kuvhunduka. Ndichaita kuti ugare uchifara mudiwa." Ndakanzwa dzimwe hasha kuti Ano airamba akangobatana navo kuti zvidii? Ndakasvika ndokubvuta Ano wangu, ndakabva ndamumbundira.
"Ano please I love you. Handidi kuti mumwe munhu akubate."
End of chapter
Stay tuned 💋
[11/6/2024, 08:08] Sir Prince Washe: https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U
*Wese ari kuverenga this book ngatipindei muchannel medu.*
*Pinda mugroup usajambwe*
https://chat.whatsapp.com/D3wzBLRi3De95sr82vEr81
*BABYSITTER*
🧑🏾🍼💖💖🧑🏾🍼
STORY WRITTEN BY
PRINCE WASHE
CHAPTER 8 📙📘📗
ANOPA
Zvekuenda kumusha zvainge zvaramba, Tendai ainge anditevera akandimisa. Ndakabvuma kudzoka, sezvo zvaaitaura zvainge zvine musoro. Ndomusi watakatanga kufambidzana, ndakatadza hangu kugadzikana mumwoyo mangu ndichifunga zvizhinji. Hongu tainge tave kudanana asi ndakange ndichiri nedoubt kuti ndichafambidzana naye zvakanaka here nekuti baba vake vaisazvitendera. Ini munhu wandakange ndichida kuti andiroore munhu ane mwana wake.
Kunze kwakaedza, Tendai achibuda kuenda kuchipatara ndakabva ndatofunga zvekuenda kumba kwamainini. Kuti ndiende kumusha ndaiona ndichizviendesa kure nekubudirira kwangu. Ndakabuda ndokuona kuti zvaive nani kuti ndiyanane namainini. Vaifanira kundinzwisisa, ndakanotengesa phone yangu nemari yakanaka. Ndapedza ndakabva ndatenga grocery, ndokudzokera kumba kwamainini. Ndakasvika vakafara pamumvuri zvavo, vakashamisika kundiona.
"Mainini." Ndakadaro ndatosvika.
"Aah ndiwe, titambire kaa." Vakasimuka vakatambira grocery randaive naro.
"Inga watogarika, nemazuva mashoma iwaya wave kundiunzirai grocery."
"Hapana kugarika apa mainini. Ndauya zvimwe kuda mungandinzwisisewo, ndingaite muranda here imi muripo? Ndimi maifanira kundibatsira kuchengeta mwana uyu honai handisati ndakura."
"Uri kuti kudii? Handiti wave kumurume wako here?"
"Handisi kumurume. Ndine kwandainge ndatsvaka basa asi nemwana handisi kukwanisa kushanda. Mainini munoziva kuti ndakabatwa chibharo, dai mamira newe please. Life yangu yave kusemesa nekuti zvandiomera."
"Urimbwa isina muswe wanzwa. Ndakakuona kare kuti chaunoda imba yangu manje wakaruza. Pano panoti ini, waita hako wauya negrocery asi pano haudiwe."
"Haa mainini mave kutondiomesera henyu. Ino imba yababa vangu, makapihwa imi kuti mugare muchichengeta ini. Handina kwandiri kuenda."
"Wakajaidzwa namai vako vaikurova netsambo yebhutsu. Ndokurova ganda rikakwatuka iro, kushata. Ibva pano nemwana wako wekuhura...." Vachiri kutaura pakabva pasvika imwe mota. Vakabva vanyarara semunhu kwaye. Ndakaramba ndakanyararawo.
"Right tadzoka, topinda hedu?"
"Ehe pindai makasununguka mutarise."
"Okay." Ndaitoshaya kuti chii chaida kutariswa. Vanhu vacho vakabva vapinda mukati memba.
"Nhai mainini vanhu ndevei ava?"
"Vauya kuzotenga imba. Ndave kuitengesa ko handiti wave kuzvifurira wega, wakura iwe. Ndoda kuenda kunze kwenyika, ndimbohodha hodha."
"Mainini Mwari ave nemi. Mandirwadzisa."
"Aah sorry hako. Takura hako grocery rako nekuti mari yandave kuita yakakura." Vakadaro asi handina kuvapindura. Ndakada kuburitsa misodzi asi ndakazvishingisa kuti ndaisachemedzwa nemumwe mukadzi akaita seni. Ndakaramba ndiripo, Havana kuzoda kunetsana neni.
"Uchangorara pano nhasi mangwana woenda." Vakadaro vachirevesa, vakazoita madhiri avo nevanhu vaida imba. Mwoyo wairwadza asi ndaizvishingisa kuti ndisacheme.
Nguva dzakafamba tikaenda kunorara, ndakatanga kufunga Tendai. Tendai ainge azvipira kumira neni, uye kumba kwavo ndaigara zvakanaka. Ndakachema usiku hwacho. Ndaitoona ndega kuti pane aindishandisa chete, zvandaiita zvacho zvaitondirwadza. Nechandainge ndakadzokera kumba kwamainini ndakachishaiwa, mwana akazochema hake nguva dzake dzamazuva ose. Mainini vakauya vachipopota.
"Iwee nyaradza mwana wako uyo. Patabvira here achingochema kudaro."
"Achanyarara hake, ndozvaari anotonetsa pakati pehusiku hwega hwega."
"Okay." Vakaenda, kunze kwakaedza ndakabva ndangomuka kugeza. Mainini vakange vave kutorongedza zvinhu zvavo, ndakangoon kuti painge pasina zvekuita. Chikuru kwaive kufema, ndakazodzokera kumba kwana Tendai ndichichema. Baba vake vainge vadzoka, ndaisada kuti vazive zvekudanana kwangu naTendai asi Tendai ndiye akazongonditora akandimbundira.
"Tendai ndochii chauri kundiita?" Vakadaro baba vake vachiratidza hasha.
"Makadya manonoko daddy. ANOPA ave musikana wangu. Chitondibatsirai kuti ndizomuroora zvakanaka."
"Hauna kukwana Tendai. Chokwadi musikana wandiri kuda kuroora ini woita zvakadai here?"
"Muri kuda kumuroora asi iye anoda ini."
"Nhai Ano unoda ani?" Vakadaro baba vacho vachinzwisa tsitsi. Ndaive ndisina option than kungotaura chokwadi. Taizotangira ipapo vaziva chokwadi chacho.
"Okay I'm sorry henyu asi ndiri murudo naTendai."
"What?! But why Ano? Ndakakuitira zvingani ini? Ndomuripo wacho here uyu mumwe wangu?"
"Tsvakai mumwe wezera renyu. Ndiri mudiki zvakanyanya, munotofa muchindisiya ndichizoroorwa nemumwe. Ndozvandisingade kuti vana vangu vazogara nevarume vakasiyana siyana. So ndave kudanana naTendai." Ndakadaro vakabva vapererwa, vakabva pataive vakaenda kubedroom vachiratidza kurwadziwa.
"Ano watanga zvekare? Chii chaunenge uchiita ichi?"
"Sorry hako, ndinenge ndangoti ndiite zvimwe zvakakosha ndisati ndakangasina kuwirirana kwenyu. Apa hatizive kuti baba vako vari kufungei nezvedu."
"Obvious varwadziwa, asi vachazvifarira havo kumberi uko."
"Okay rega timboona." Ndakabva ndamutasangurira mafambiro andakaita.
Nguva dzakafamba kusvika tanorara. Ndakavhunduka kunzwa ndave kubatwa magadziko angu ndakarara. Ndakasvinura ndikaona vari baTendai.
"Nhaimi mukuitei? Ndiri muroora wenyu kaa ini?"
"Haa iwe nyarara. Okay kana usingade kuroorwa neni chingondiwanisawo mabenefits emurume wako. Ziva kuti uri mushandi wangu iwewe. Tongoita zvisingazivikanwe ndinenge ndichikupa mari."
"Hazviite izvozvo. Ndichizviitirei?" Vasati vapindura mwana akabva atanga kuchema. Nguva dzake dzainge dzakwana. Havana kumira vakabva vaenda nekuti vaiziva kuti Tendai aitouya chete.
TENDAI
Ndakafara kuti ndakange ndave murudo naAno zvaizivikanwa nadaddy. Havana kuita nharo nazvo asi handizive kuti zvaizopera zvakanaka here? Ndakanopinda muroom mangu, ndichiri ndakagara mukoma vakabva vafona.
"Eeh mupfana ndave nemota. Ndiri kusvikako any day."
"Hii chokwadi here blaz."
"Chokwadi wangu, haa zvave kuendeka manje."
"Hmm makorokoto. Muri kuita nezveiko ikoko zviri kubhadhara kudaro? I hope hazvina mapurisa mukati."
"Haa hazvina. Yakachena mari yangu."
"Okay mukoma." Ndakabva ndanzwa kuremerwa nazvo, ndakamhanya kubedroom kwadaddy.
"Uri kudei muno Tendai? You betrayed me."
"Haa daddy nyaya yaAno ngaipere. Mukoma Tambai vave nemota. Hanzi vari kuuya kuno soon."
"Mota? How?"
"Ndatobvunzawo ivo vakati mari yavo yakachena. Tichazonzwa zvizere kana vauya."
"Okay asi nyaya yedu haisati yapera. Ungandirwadzisa kana ndikasaroora Ano."
"Bvumai kukura daddy. Ndotodawo stepmom vakurawo vanogona kukuchengetai. Pakuroora musangofunge kurova bota chete asi tarisai mativi ose. Anozogona kukugezai kana marwara here?"
"Haa okay, chibuda muno." Ndakabuda ndokuenda kuhuku dzangu. Ave manheru ndakabva ndafonerwa naFarai. Ndaive nehope, ndaitonzwa usimbe hwekudaira. Ndakasiya yakadaro, ndaizomufonera kana kwaedza.
Ndakabatwa nehope ndokuzomuka pakatanga kuchema Tafara. Ndakambonzwa usimbe hwekuenda asi ndakazongoti rega ndingoenda. Ndakapinda murooma maAno, ainge atobata mwana wake kare. Machemero ake anyanya, ainge ave kuita kakugwina gwina.
"Nhai Ano tichatarisa mwana uyu kusvika rinhi? I think it's high time we must do something. Anotifira uyu."
"Zvakaoma, ndozvoitwa kubatwa chibharo. Maybe mhepo dzekunababa vacho dziri kudai manje ndingazvidii? Ndave kungotarisawo ini."
"Zvakaoma. Maybe zvichapera hazvo."
"Yeah. Ko baba vako vanga vauya. Ndatopona nekuchema kwemwana, vaitoda zvekurara neni."
"What?! Haa usadaro. Ko...ende baba futi. Sei vasingabvume defeat so."
"Pakaipa. Ndave kutotya ini. Vanogona kutondibata chibharo."
"Usatye. Mwana akanyarara ndoda uende kunorara naye kuroom kwangu. Ndoda kuvaona kuti vane mabhora esimbi here? Munhu asingadzikame akaita sei?" Ndakadaro ndainge ndatsamwa.
"Hmm zvobuda here? Musarovane please."
"Usatye, ndoda kuvaona." Takazotandara mwana achichema, Ivo baba havana kana kuuya. Mwana achingonyarara ndakabva ndaperekedza Ano kuroom kwangu ndikamusiya arara. Ndakadzokera kuroom kwake ndakabva ndadzima light ndokurara. Ndakapedza nguva ndisati ndarara, hope dzakazongondirova ndakabva ndarara. Ndakapepuka ndanzwa door kuvhurwa, kunze kwainge kwave kutoedza.
Ndakavarega hangu vachipinda, vakasvikopinda mublanket zvishoma nezvishoma. Ndainge ndavhura ziso kuri kuterera kuti vachadii? Vakatanga kubata magadziko vakabva vafambisa ruoko rwavo kuuya pamberi pangu. Vakabva vati dzvii nhengo yangu, ndakanzwa ruoko rwamira kufamba. Vakavhunduka vakabva vadonha kubva pabed. Ndakazonzwa kuvhurwa kwedoor ndokunzwa kumhanya. Ndakabva ndatomuka ndikanomutsa Anopa kuti achienda kuroom kwake.
"Vauya here?"
"Ehe vauya. Vazobata muchinda wangu vakarova bara. Maybe vari kutoti ndiwe so."
"Kkk usandinakidze. Hoo, saka rega ndiende vasazondiona ndiri muno."
"Okay mudiwa." Akasimudza mwana wake vakabva vaenda. Ndakasara ndichingoseka, handina kuzorara daddy vakabva vauya muroom mangu.
"Mamuka sei?" Ndakadaro sepasina kana chandaiziva.
"Ndamuka. Ndauya kuzokuudza kuti chitora hako Anopa. Haticharwa hedu, asi uchazvionera. Munhu uye kaa hmm!"
"Chiiko nhasi daddy? Ko adii?"
"Haa hapana. Uri mwana wangu dai wasiyana naye. Hamheno unozoti kukuvharidzira hako asi uchazvionera pamhino sefodya."
"Okay haa ndozvionera. Plus ndakazvipira kare kuti ndomuda sezvaari."
"Hoo, zvakanaka. Rega ndigadzirire kuenda kubasa hangu."
"Okay." Vakabva vabuda, Ndakasara ndichinakirwa hangu. Haa ndainge ndavagona, ndaisazonetsana navo zvekare. Ndakazomuka vatoenda kubasa.
"Haa ndazonakirwa nhasi, daddy vazoti havachakunetsi. Ndofunga nyaya yemuchinda iya yavabata, vaiita kufemera mudenga vachitaura."
"Kkk okay. So tave bho. Inga Mwari vakanaka. Ndochinhu chaigara chichindinetsa kuti zvaizofamba sei nekuti daddy vako vaindida, asi kana zvadaro zvanaka."
"Okay mudiwa. Usafe wandisiya, hamheno zvandongonzwa kana ndinewe. Chokwadi wakasikirwa ini, Iye akakubata chibharo ndikamubata ndomusiya asina chekurembedza."
End of chapter
Stay tuned
[11/6/2024, 20:08] Sir Prince Washe: *Machapters ekumashure anowanikwa muchannel. Follow my channel.*
https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U
*Join my group*
https://chat.whatsapp.com/JhnFZPQyzxo5O7bpBU3LFN
*BABYSITTER*
🧑🏾🍼💖💖🧑🏾🍼
STORY WRITTEN BY
PRINCE WASHE
CHAPTER 9 📙📘📗
TENDAI
Huku dzangu dzainge dzakura, ndakafonera munhu wandaitengesera akazouya kuzotora. Akabva andibhadhara mari yedzimwe dzaizotevera. Ndakange ndave nekamari kainakidza, asi ndakange ndine kapressure kekuti mukoma Tambai vakange vave nemari kundipfuura. Ndaitodawo kuita zvekuti nditengewo mota yangu asi ndaida kutanga ndaroora.
Ndakazonopinda muroom mangu ndokutanga kuverenga mari yangu. Yainge yawanda, ndopakapinda Ano.
"Imarii here iyi?" Akadaro achiibata.
"Haa hapana mari apa. Zvandiri kuda zvacho zvakawanda."
"Yakawanda iyi, ko nhai Tindo ko ukakudza project Yako woita futi zvehuku dzemazai nemaroadrunner unozviona sei?"
"Hmm yeah zvinobuda. Une plan iwe."
"Yeah because mari haisi chinhu kana wakangoichengeta kudai. Ngaishande ibereke imwe. Ndokubatsira hangu."
"Okay, ndine company yandoziva inonzi Ebenezer distributors inokwanisa kundibatsira pane zvandoda kuita. So mangwana ndichaenda Harare ndonoona kuti zvoda marii. Kana zvichitotengeka ndouya nazvo."
"That's my man." Takazotaura hedu tichingosimbisana, baba vakadzoka manheru. Vakapfuurira havana kana kumhoresa Ano sezvavaimboita. Ndakasekerera kuti shasha ndainge ndaipedzera.
Ndakazonovaudza kuti ndaizobuda zuva raitevera, ndapedza kutaura navo ndakabva ndafonera mukoma.
"Mukoma ndiri kuuyako mangwana, pane zvandoda kumboita."
"Okay huya mupfanami, unondibata kana wasvika."
"It's okay." Nguva hadzina kumira, takaenda kunorara hedu tichiziva kuti na12 taizomuka. Ndakazomukira kugadzirira kuenda, baba ndivo vakatanga kuenda kubasa ini ndisati ndabuda.
"Right Ano, ndokuona ndadzoka. Chengeta Tafara zvakanaka uyo."
"Ndomuchengeta, ndichakusuwa."
"Haa kana, ndokasika kudzoka hangu."
"Okay my love." Ndakabva ndamutsvoda pamhanza zvichingoreva kuti I trust you. Ndakaenda Harare ndokutanga ndafonera mukoma ndisati ndamboita zvandainge ndafambira. Vakauya tikasangana mutown, ndakatadza kutenda zvandaiona. Vaifamba nemabodyguards maviri nemota svinu chaiyo. Haa mwoyo wangu wakatadza kuzvigamuchira, mukoma vainge vasina kumbodzidza zvekuti vangabva vatobudirira zvakadaro. Ndakaona kuti upenyu unoshanduka, vaive vave nezvinhu zvavo.
"Makadii mukoma?"
"Ndinofara, pinda mumota tione kuti tinganodyei." Iko kupinda mumota macho ndainge ndave kutotya kuti ndaigona kuitwa sacrifice. Kupfuma kwemazuvano hakusi kwekungoyemura.
Ndakagara navo hangu kumaseats ekumashure driver akabva atanga kudriver hake.
"Haa mukoma, ndine mubvunzo yakawanda. Zvinhu zvakazodaiso rinhi?"
"ZvaMwari hazvinzwisisike, ndine madhiri egold andakapinda maari kusvika ndasanganawo naMwari. Ndakasimuka nekukasira izvozvi ndine mine yangu."
"Wow, God of Tambai visit me ooh. Hoo, haa kubata kwaMwari kunoshamisa chokwadi. Munhu aive chiseko chenyika ndiye ave kuomberwa nenyika. Ko nagulez makazvifambisa sei?"
"Haa vaya vakatadza kuwirirana neni. Vakangomuka vakarongedza vakaenda."
"Okay haa hapana chakaipa. So ndingafe nekuchengeta huku here imi mune mine?"
"Haa pakaipa mafana, iwe zvishandire. Zvine mapurisa mukati izvi. Handidi kukupinza makaipa."
"Okay." Takazopinda muMekeils hotel. Haa chikafu chakadyiwa, ndainge ndatokanganwa nezvaAno. Mukoma ndakazovaudza kuti ndakange ndave nemusikana asi handina kuvaudza kuti aive nemwana wake. Zvese zvekuti aishanda pamba pedu ndakavaudza.
"Okay ndochinhu chakanaka. Ita uroore, uye ramba uchiita zvehuku dzako. Zvingarwadze hazvo asi one day uchange wave mumwe munhu."
"Taurai henyu."
"Yeah, so iwe uchatoenda mangwana. Ungaende usina kuona kunogara mukoma here?"
"Aah mukoma, ndine zvandoda kuita."
"Unozviita mangwana." Ndakatoona kuti nharo dzacho ndaisadzikunda. Takazoenda kumba kwavo kuMt Pleasant Heights. Zvemanakiro emba handichataure, mukoma vakange vagere. Ndakazvitora mapictures kasingaperi.
Nguva dzakafamba ndakazofonera daddy ndokuvaudza kuti ndaisadzoka ndairara kwamukoma. Takabikirwa hedu namaid, ndakazonogara panze ndichifunga zvakawanda. Kubva pakafa mom mukoma Tambai ndopavakatanga kuita tumari. Ndaitoona kuti vaigona vaine chekuita nerufu rwamom. Haa hazvina kundibudira zvakanaka, nekuti negore rimwe vakange vatove mumwe munhu anoonekera. I remember pavakauya kuNyaradzo yamom kuti vaitonhuwa nhamo. Ndaida kuziva hangu kuti zvaive zvemine zvoga here kana kuti paive pakadeurwa ropa. Ini zvekuchenesa munhu wese ndaisazvikwanisa, ndaida kutanga ndamboferefeta ndoziva kuti zvakamira sei?
Ndakaenda kwaive namaid achibika.
"Makadii?"
"Bho muri sei nhai boss vadiki?"
"Haa bho. Nhai tete ndokumbira kubvunza."
"Yes bvunzai."
"Makatanga kushanda pano rinhi,uye imba ino yakapera kuvakwa rinhi?"
"Aah pano ndakatanga kushanda kare, kungoti imba ino yakazotengeserwa mukoma vako last week iyo saka handina kuzosiya basa rangu."
"Last week? Okay."
"Ko nei mabvunza?"
"Haa hapana." Yainge isina mazuva yatengwa, zvaireva kuti ndainge ndichifungira mukoma zvisirizvo nekuti dai vakauraya mom vangadai vakaitenga kare, so zvaive pachena kuti vaigona kunge vaitaura chokwadi nezvegoridhe. Handina kuzoda kutsvaka zvakawanda, ndaizongosiyawo zvakadaro.
Takazonodya hedu ndakabva ndapihwa room yangu yekurara. Ndakanoratidzwa mubedroom maTambai, ndokuzobva hangu ndakanorara. Ndakamuka pakati pehusiku, ndakatanga kufunga kuti Ano ainge amukawo nekuda kwemwana. Ndooandakanzwa door reroom yaive paside peyandaive kuvhurwa. Ndakashaya kuti ko ndiani nenguva idzodzo. Ndakangosiyana nazvo, system yangu yainge yatojaira kusarara kubva kuma 12 kusvika kuma1. 1 padzakachaya, hapana kuita nguva room iya yakabva yavhurwa ndokuzonzwa mafootsteps. Sepamba paisava pangu ndakaramba ndakarara, kunze kwakaedza ndokuzoenda mutown namukoma.
Vakandibatsira kutenga zvandaida, uye vakatenga grocery rekuti ndiende naro kumba vakazonditsvakira lorry yakatakura zvinhu zvangu. Ndainge ndatenga zvandaida zvose, macage ehuku dzemazai ndainge ndatenga zvese nehuku dzacho nechikafu. Ndakange ndave ready kunogadzira mari.
"Yeah so womhoresa mudhara, ini ndichauya hangu asi handizive kuti ndoita free rinhi uchangoona ndasvika."
"Okay mukoma, maita basa. Regai ndichienda. Murambe mune mwoyo wakadaro wekusimudzira vamwe."
"Pachedu." Mukoma vakazoenda, ndakasara ndichitenga phone yandaida kuzopa Ano. Takazosvika hedu zvakanaka, Ano akandimhanyira paakandiona.
"Tendai ndanga ndatokusuwa hako."
"Neni, ari sei mwana?"
"Mwana anofara hake, chiri kundinetsa kuti haasi kuratidza kukura kana kusimba. Maybe inyaya yekuchema kwaanoita manheru."
"Yeah, haa soon tofamba naye. Rega ambokuririra."
"Okay." Ndakazogadzirisa zvinhu zvangu zvose, ndakapedza ndokuzopa Ano phone. Ndainge ndave nenguva ndisingatarise mwana aingobatwa naAno chete. Ndakamutora ndokuona ganda rake rakaita kuunyana serechembere, ainge asina kana uremu. Ndakadonhedza musodzi, vanhu vaidarirei.
"Ano tabva tasangana tose tisinganamate, dai wainamata pamwe zvaiita nani."
"Ndaimbonamata asi situation yakandipandutsa. Ndakatadza kuramba ndakamira pana Mwari nekuda kweupenyu hwangu hunorwadza uyu. Ndaizomurumbidza sei ndine misodzi pamatama, uku mainini vachindibata nekuseri kweruoko."
"Taura hako, haa tikawana nguva tozotsvakawo church yekupinda."
"Okay Tendai."
Baba vakazouya ndikavatsanangurira zvandainge ndaona kumba kwaTambai.
"Haa Mwari vanoshamisa, ndaizviona kuti Ane rombo nemari uya."
"Hmm asi hmm pakaipa, kana asina kuromba hake."
"Ndozvamofunga vanhu vatema, munhu akangoita mari ave kunzi akabata bata. Handione sekudaro ini."
"It's okay, rega tizoona."
Nguva dzakamhanya, manheru ndakaenda kuroom kwaAno. Ndokwandaida kutorara musi wacho.
"Babe, ndoda kuti tizonoona hama dzako."
"Ehe wagona, ndoda hangu nekuti ndave nenguva ndisingashanye."
"Okay, hama dzakakosha. Kana unadzo unofanira kusangana nadzo muchiri vapenyu kudai."
"Taura hako, unoziva ndatogarira iwe pano. Dai pasina iwe ndanga ndichifunga zvekumusha asi ndotya kuti unozotorwa."
"Ha handitorwe mudiwa, ndiwe wega wandoda. Please usazondirwadzisa, ndakuda nemwoyo wangu wose and handizvirambe kuti ndakaita kunyura nemusoro pauri. Ukandirwadzisa handifungi kuti ndozorarama zvakanaka here?"
"Usatye, wakandiratidza kuti unondida. Handife ndacheukira mumwe asiri iwe, ndokuda mudiwa. Wakandida ndiri panguva yakaoma, nazvino uchiri neni."
"Thanks my love."
Hapana kuita nguva ndokunzwa knock padoor. Ndakabuda ndokusangana nadaddy vachitonangako. Ndakamira vakabva vavhura door, pakapinda mumwe mukadzi akabva ambundirana nababa. Ndakabva ndatoziva kuti vainge vazviita.
"Right, Tendai. This is Nomsa your mom. Ndovandiri kuda kuroora."
"Okay ndafara nekukuzivai amai."
"Neni son." Hatina kuzotaura zvekuenda mberi vakabva vaenda kubedroom nadaddy. Ndakadzokera kuna Ano, takatandara kusvika mwana azochema. Takange tazvijaira hedu, ndakazodzokera kuroom kwangu. Ndakamukira kutarisa huku dzangu Ano achiri akarara. Ndakazonzwa ave kumutswa namom Nomsa.
"Nhaiwe babysitter, chimuka zvee umboita basa. Ungangomirira kurera mwana here iye akarara kudai?"
"Ndomuka, ndagara ndoita basa wani."
"Pindura uchiziva kuti ndini ani? Basa mangwanani, ndakavenga munhu ane usimbe."
"Okay ndave kumuka."
Ano akazomuka, mukoma vakabva vafona kuti vakange vave munzira kuuya. Ndakanzwa kufara, ndaida kuti vanhu vamboona kuti tainge tabudirira. Ndakaudza daddy vave kuda kutoenda kubasa, vakangoti vaizomuona vadzoka. Vakabuda vose nemudiwa wavo. Ano akabva andidana.
"Haa wangu handina mufaro. Mom vako vakauya avo, imagine kundiudza zvekuti ndibve pano vanochengeta mwana."
"Àah hakuna zvakadaro. Ngavazive zvavakafambira, kana vachida kumuchengeta vanochengeta iwe uchigara pano nekuti ndoda kukuroora."
"Hmm okay, asi pane basa paya. Mukoma vangu Tambai vari kuuya. Nhasi tofa nemadrinks."
"Iih ngavauye bamukuru vangu, ndoda kuti vanditengere machips."
"Vanotenga, imbinga." Takazogara kwenguva, ndakazonzwa mota kusvika pamba. Ndakabuda ndokuona mukoma vachitovhurirwa nemaguards avo, ndakavambundira nemufaro.
"Hmm pamba pano hapachaite, rega ndiite plan ndikuvakirei imwe."
"Munenge magona kwazvo. Ngatipindei mumba, mainini venyu varimo."
Vakabva vasekerera, takafamba ndiri pamberi ndokupinda mumba. Ano aive akabata mwana, tichingopinda mukoma vachitarisana naAno havana kumira. Hana yangu yakarova nekuti vakangobuda vari bara kumhanya. Ndakatarisa Ano aitoratidza kushamisika.
"Ko vakutizei?"
"Handisi kuziva." Ndichidaro mabodyguards ake akabva apinda.
"Hey ko boss vari kumhanyei?"
"Hatisi kuziva, vangopinda muno ndokubva vachimhanya. Dai matovatevera muvabate munzwe kuti chii?"
End of chapter
Stay tuned 💋
❤️
👍
🙏
😢
31