🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
May 19, 2025 at 09:04 AM
https://chat.whatsapp.com/KyqpXyRdyrAD6XAL0Xkq5D Chapter 10 to 12 *Vanoda machapters ekumashure follow my channel* https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U *BABYSITTER* 🧑🏾‍🍼💖💖🧑🏾‍🍼 STORY WRITTEN BY PRINCE WASHE CHAPTER 10 📙📘📗 TENDAI Ndakange ndabatwa nekutya, ko mukoma vainge vamhanyei zvekare? Ndakatadza kuzvinzwisisa. Ndakabuda panze ndokuona mabodyguards ake ave kumutevera nemota. Ndakaramba ndakamira, Aah pane zvainge zvaitika chete. "Tendai!" Akadaro Ano. Ndakaenda mumba ndikasvika achichema. "Chii nhai Ano? Waita sei?" Ndakabvunza asi aitotadza kutaura nekuchema. Ndakamurega hangu achichema kusvika anyarara. "Now ndiudze. Waita sei? Handichanzwisisa zviri kuitika pano ini." "Tendai kaa. Unoziva pandaona mukoma vako kupinda ndaziva face yavo asi ndazofunga. Ndiye murume akandibata chibharo, kureva kuti ndivo baba vemwana uyu." Ndakabva ndaita weak mumabhonzo. Chaive chokwadi chakazara, zvose zvainge zvisina kana kupikisa. Mwana ndainge ndakambonzwa kamwe kaconnection asi ndaingoti ndewababa. Uyu Tambai ainge abuda achitiza kureva kuti ainge aona Ano. Ndakamboita kanguva ndakanyarara, ko Tambai ainge aitirei hunhu hwakadaro? Munhu aive nemukadzi wake wosvika pakubata musikana chibharo. Ndakanzwa kunyara zvikuru nekuda kwake. "Ano kaa I'm speechless now. Handitozive ndoti kudii? Tambai ndaisafungira kuti angadaro. Handizvirambe izvi, zvakaoma." "Haa ndabva ndarwadziwa zvakanyanya. Ndakazviona kuti kuuya kwangu pano kwaive nechinangwa chete, haa ndomusungisa. Ndafara ndamuziva, akaunza maronda asingafe apora muupenyu hwangu." "Sorry Ano. Please iva nemwoyo wekuregerera, ndimukoma vangu. Vakatadza handirambe, asi ndichada kuziva kuti vakazviitirei?" "Usanditi sorry Tendai. Imagine kuti I was a virgin by that time. Haana kana kunzwawo tsitsi kusvika andibora. Chandiri kurangarira akaenda nepant rangu uye aive nechimunhenga chaakazora zora ropa rangu akaisa mubepa." Ndakanzwa sendinotsva, mukoma Tambai vainge vaine maths dzavakarova chete. Sehama yangu ndaisada kuti asungwe. "Ndazvinzwa, hakuna chokwadi chisingabude. Now tave kuziva chokwadi uye zvakawanzika zvose zvichabuda asi chikumbro changu kaa ndechekuti put yourself together. I know kuti zvorwadza uye ndainge ndakakuudza kuti pandoziva munhu akakubata chibharo ndomudimbira zvaakarembedza asi handingadaro mukoma vangu. Ndichataura navo." "Zvichishandei? Vachadzorera humhandara hwangu here? Vachandidzorera pamazuva andaive musikana akazvibata aitarisira Kupa murume wake umhandara? Handina kana chekuita kunze kwekuti asungwe." Ndakaona kuti mumwe wangu ainge atsamwa zvakanyanya. Ndakambomira kumupindura, ndaizotaura naye. Ndakazobuda panze, ndakabva ndafonera mukoma. Phone yakadairwa. "Hello phone ino ndainhonga, kana muchiziva muridzi wacho?" "Okay ndomuziva ndimukoma vangu. Inga mune mwoyo wakanaka chose. Ndokwanisa kukuonai kupi mundipe phone yacho?" "Aiwa handina kuti muuye, ndaida kuti kana muchiziva muridzi wacho moti hanzi neni thanks kundibvisawo muItel. Ndainge ndisati ndamboshandisa iPhone upenyu hwangu. Ndave kuonekerawo mumhuri, agona hake kuirasa uye haina kana kulockwa. Mwari amuitire zvidhafu, line anoreplacer iri ndave kutokanda muchimbuzi bye." "Hey..." Akabva akata. Ndakanzwa hasha dzekuti dai ndaive pedyo naye achirutsa mashoko akadai ndaimudimbura zvigunwe. Ndakazongoseka hangu kuti vamwe vangu vaive nepfungwa dzakadhakwa. Ndakange ndave worried namukoma vangu, asi kana kwaive kutiza vaizongoenda havo kure vasabatwe. Wandaifanira kutaura naye ndiAno kuti asasungise mukoma vangu. Ano airatidza kurwadziwa, handina kuzoda kumunetsa. Vakomana vaTambai vakazodzoka. "Haa munhu tamushaiwa, tangonhonga bhutsu iyi chete." "Hey manje aendepi?" "Haa wangu chandiri kuona mukoma vako vakaromba. Pane mhiko dzavakanganisa chete ndosaka zvadai. Handifungi kuti achawanikwa." "Haa regai kudaro? Imi makatanga kumuziva rinhi munhu uyu?" "Hatina mazuva isu, uye iye zvemari akatanga manje manje nekuti patakatanga kumushandira ainge asati atenga imba." "Okay vakomana, saka imi muchadii?" "Isu tave kuenda kumba kwake. Kana asiko tave kutongoshandisa mota ino nekuti haana kutibhadhara." "Okay,ndipei number dzenyu ndozofona." Vakandipa number, vakazoenda havo ndakasara ndichingonetsekana. Zvainge zvakaoma, zvandainzwa zvaive zvitsva mumhuri. Madiro ainge aitwa mari namukoma kusvika pakudaro ainge akanyanya. Ndakazopinda mumba, ndainge ndapererwa. "Tendai saka wati kudii? Ndiwe unoziva kunogara mukoma vako, uchaenda neni kumapurisa. Zvekuti ihama Yako hazvisevenze, mhosva imhosva." "Yeah ndozviziva asi ngatimbomira. Now mukoma havasi kutozivikanwa kuti vafamba sei uye kuti vachaoneka here? Phone yavo yatonhongwa nemumwe murume." "Okay, but please usandimise kuvasungisa. Ndokuti mwoyo wangu ufare." "It's okay my love. Unoziva kuti ndokuda wani. Hakusi kuti ndiri kufara nazvo asi ndoda kuziva kuti vakazviitirei? Kana nyaya yavo yaenda mumaoko emapurisa handimire navo." Haa hunhu hwaTambai hwainge hwandigura kunorira. Ndakapera strong, daddy vakazodzoka kubva kubasa vachitarisira kuti vachawana mwana wavo aripo. Nyaya yaivepo apa yaive yekutoudza baba chokwadi kubva kuna Ano kuti ndiye aive muridzi wemwana. Vaifanira kuzviziva. Ndakange ndave confused zvekuti zvekuruka nhema ndaisazvikwanisa panguva yakadaro. "Daddy pane nyaya. Firstly ndoda muzive kuti Anopa ndiye muridzi wemwana uyu." "Mu...why? How?" "Okay, it's a long story. Anopa akabatwa chibharo, paakazopona mwana akabva adzingwa kumba kwavo. Ndopaakauya akasiya mwana pano, ndokuzouya kuzotsvaka basa." "Ko waidii kundiudza pese apa? Wakazviziva rinhi iwe?" "Sandipo pane nyaya hombe, nyaya hombe iri pakuti mwana wenyu Tambai ndiye akamubata chibharo." "What??" "Yes, Tambai paauya pano atotiza pavaonana naAnopa." "Shit! Mukundiudza zvimwe imi. Nhaiwe Ano ichokwadi here? Uye mwana ndewako here uyu?" "Hongu ndewangu, ndokumbirawo ruregerero nekusakuzivisai zvakaitika. Ndaidawo kuwana pekugara, nhasi ndopandaziva kuti ndakabatwa chibharo nemwana wenyu uye ndoda kumusungisa." "Aah haudaro, ungade kusungisa munhu ane mari dzake kudaro here? Iwee chigara pano, ko musi uya wandakauya muroom mako ndichida kukubata ndokuzonzwa kuti unenge murume chii chakaitika?" "Makabata Tendai, ndiye ainge arara muroom mangu." "Ende Tendai haudaro wanzwa! Ndiri baba vako ini. Haa Tambai andigumbura, iwe Ano ndokumbirawo hako usamusungise. Toripa hedu, uye uchagara pano kusvika waneta." "Ndakadzingwa pamba namainini vachiti ndakaita musikanzwa, ndoda kuti vaone kuti ndaireva chokwadi pandaiti ndakabatwa chibharo." "Tovaudza isu kwete zvemapurisa. Zvakazoitika, ngatichitaura nyaya it sevanhu vakuru." "Ndichafunga nezvazvo." Nyaya yacho yainge isina kureruka. Mukoma vainge vakazviparira, vaizozvimirira vega kana zvashata. Nguva dzakafamba ndakabva ndazofonera vakomana vaTambai. "Hello ndiTendai, ko masvika here havako here?" "Hakuna munhu kuno. Maybe vachabatikira havo kwatogara vanokuziva ndozokufonera." "It's okay." Haa saka vainge vaenda kupi? Zvakandinetsa, tose nababa tainge tisisina mufaro. Kumhanya kwavakaita kwaisava kwega, kusvika pakurasa phone nebhutsu. Zvakandipedza mate mukanwa hangu. Takazodya hedu ndokuenda kunorara. Ndakamuka kuma 12 ndichiti mwana achachema asi handina kumunzwa. Ndakaenda kuroom kwaAno ndikamuona arimo. Ndakabva ndatomumutsa. "Nhai Ano, ko nhasi mwana haasi kuchema." "Ehe wena, nguva dzake dzakwana. Handizive kuti nei asiri kuchema." "Hmm dai zvikaramba zvakadaro. Zvofadza izvi." "Taura hako, ndanga ndanzwa naye. Rega tizoona kuti mangwana zvinenge zvakamira sei?" "Okay Ano. Chirega ndinorara." "Okay." Ndakadzokera hangu kunorara. Zuva rakatevera ndakamukira busy kufunga nyaya yamukoma. Handina kuzofonerwa nevakomana vaya, ndakambobva pamba ndokutanga kufamba famba ndichiti zvimwe ndosangana navo asi handina kuvaona. Zvainditemesa nemusoro, ndakazodzoka ndichienda nekumba kwaFarai. Ndakasvika ndakamutsanangurira nyaya yose. "Zvinoyera, zvinotyisa. Zvinoda kufumurwa. Mukoma vako vakabata chete." "Ndozvandakaona, but now I'm worried kuti ko varipi? Nekuti kungoona kwavakaita naAno havana kumira. Vakaita semombe yemashanga." "Iwe kana waona kuti hazvisi zvega zviri nani umbofamba unzwe kuti zvakamira sei? Maybe vakatozviuraya iwe wakagara kudai." "Usandityise Farai, okay ndichaona kuti ndodii. Plus mubairo wezvivi rufu, uchaona zvandichavaita patosangana. Ndoda kuvadzidzisa lesson." "Yeah vanofanira kumboratidzwa, ari sei Ano?" "Ano ari bho hake nyaya yamuka iri kumurwadza, iwe vari sei vako vekuchinjanisa?" "Vari bho, haa wangu ndakanyanya. Ndine kuchurch kwandakaenda Sunday, ndakanakirwa namai mufundisi ndakabva ndatosvitsa shoko rerudo. Vakatora number dzangu izvozvi vari kundinetsa." "Farai! Farai! Farai! Ko nei uchinyepa nhaiwe?" "Ichokwadi wangu, ndine nyora dzandakatemerwa dzodaro. Ndakakuudzai wani kuti handirambwe. Ndoda hangu kumbodzikama, ndikabva kunorara namai mufundisi ndobva ndambomira nditsvake wekuroora." "Hayaa zvakaoma..zvako handingazvitevedzere chirega ndiende." "Okay Tendai." Ndakadzokera kumba, nyaya yainge yataurwa naFarai yekumbofamba yaive yakanaka. Ndaitofanira kumira mira kuti ndigadzirise zvainetsa mumusha. Kungoti nyaya idzi ndaida kumbodzisiya dzakadaro, mukoma vaifanira kumboona kuipa kwekubatwa mishonga nekuita utsinye. Vaifara nemari vamwe vachichema. Neni tainge tatorimirana muganhu, pandaiona Ano achichema ndaibva ndawedzera kuvavenga. Zuva rakawira, ndaida kuona kuti mwana aizochema zvekare here nenguva dzake. Handina kana kurara kusvika 12 midnight dzakwana, ndakangonzwa ziii. Zvaitondishamisa, handina kuzoenda hangu muroom maAno. Ndakangofara kuti mwana ainge ave kurarawo zvakanaka. Ndakafungira kuti zvimwe ndozvoita vana vadiki, maybe ndidzaive nguva dzake dzaairwadziwa nemudumbu. End of chapter Stay tuned 💋 [11/7/2024, 21:10] Sir Prince Washe: *Pinda mugroup usajambwe* https://chat.whatsapp.com/BsJt9vo0NMc72PEeXxnFtE *Follow my channel for previous chapters* https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U *BABYSITTER* 🧑🏾‍🍼💖💖🧑🏾‍🍼 STORY WRITTEN BY PRINCE WASHE CHAPTER 11 📙📘📗 NARRATOR Tambai kubva zvaakaona Ano akabva atanga kumhanya searikudzingirirwa. Vanhu vose vaingomutarisa, vamwe vaitovhunduka vachiti kwaita chikara choda kumuparadza. Akasvika nekumisika, vanhu vose vakamhanya zvinhu zvichirasika vachiti ikanzuru yasvika. Kumhanya kwake kwakazoratidza kuti kwaisava kwekutiza, asi pane zvainge zvave kuitika munyika dzomweya. Bhutsu dzose dzainge dzabva, masocks ainge atanga kubvaruka. Vanhu vose vakashamisika nazvo, paakazobvisa hembe yekumusoro ndopavakaona kuti akange ave kurashika njere, asika kurashika njere kwake kwaisava kwekunhonga mumabin asi kumhanya chete. Zuva rakawira achingomhanya, ndopaakazopinda mutara akatanga kumhanya akananga kuHarare. Aibva munzvimbo yeMvurwi achingomhanya. Kunze kwakasviba, pakazobuda mumwe mukadzi akangoyerekana abata kugotsi kwaTamba akabva anyangarika. Iye Tamba haana zvaakaona, plus akange ave mumwe munhu. Ziya rakati chuu muviri wose, dzimwe mota dzaimutsaukira nekuti aimbosvika pakati peroad chaipo. Haana kumira, kunze kwave kunoedza ndopaakasvika kuMazowe. Akangotsauka neimwe nzira, kusvika azosvika pasango paive neshrine yen'anga. Akasvika achiwira pasi, n'anga yakasimuka yakabva yamumwaya mvura. "Muzukuru takawirirana panapa zvakanaka. Waisafanira kuonana nemunhu wawakabvisa humhandara. Tarira kuti mweya watsamwa." "Ndine urombo sekuru. Ndiregerereiwo, handina kunge ndaziva kuti ndichasangana naye. Mhaka ndoipa kuvanhu vekumba, ndovakamuunza pamba musikana wacho. Handitozive kuti ndasvika sei pano kubva ndaona musikana wacho." "Wakaputsa mhiko. Mhiko yako yanga isina kumbooma, waisafanira kuenda kwawakabatira musikana wacho chibharo ndokuti usasangane naye. Zvino hazvichina reverse, chandakubatsira kuti udzoke panormal. Ushandire mhuri yako sezvawaiita." Tambai akabva aridza mhere, madzihwa nemasiriri zvakabva zvatanga kuyerera. "Sekuru ndibatsirei. Handina kunge ndaenjoyer life yangu zvakanaka, mwana akange achangozvarwa. Ndainge ndangotanga kuita mari." "Ibva pano, kana uchida kuti zvizonaka toda ropa remwana wacho. Fresh blood, unouya naye ari mupenyu." "Okay ndichaona kuti ndodii. Ndibatsirei kuti ndisasungwe." "Hausungwe." Tambai akabva azokumbira hembe nebhutsu akapihwa. Akazopihwa $5 yekuti awane transport. Haana kuzogara, akatanga kutamba achiratidza kunyara zvakanyanya. Chokwadi nyadzi dzinokunda rufu. Akaenda kumba kwake, akasvika paine mumwe murume. Mainini vaAnopa vakabva vabuda mumba vakatsamwa. "Nhai Tambai ndozvatakawirirana here izvi? Ko imba yave kudzoka kuvaridzi nei? Apa ndakatengesa imba." "Musataure zvisina basa. I told you kuti Anopa mumuendese kumusha kana azvara, asi makamudzinga. Now ndakazoonana naye zvandaisafanira kuita." "Eeh Mr man musawanze nyaya, kana tasvika toda kuti tinzwanane. Ndanzwa kuti makatenga imba yangu ndisipo, munhu akakutengeserai munhu aitoroja pano. Mapapers angu ndinawo, so ndokupai zuva ranhasi kuti mubvise zvose...." "What!" Akadaro Tambai achigara pasi. Simba rainge rapera, akaburitsa mweya wakavharira yard yose. Murume uye haana kuzomira, akabva atoenda. Vakasara vakatarisana namainini vaAnopa. Tambai akasimuka akaenda mumba, achingopinda mubedroom akabva avharwa maziso nemunhu waasina kuona. Maziso ake ainge akaitwa zvekudzvanywa, akazoregedzwa mainini Anopa pavakapinda. Akange ave kufemera mudenga, ziya rainge razara kumagadziko kwese uku. Hana yakange ichingoti bamu bamu. "Chiiko nhaiwe?" "Pakaipa, pane munhu andibata maziso angu wandisina kuona." "Hee? Asi zvekuonana naAno zvabva zvakonzera kuti vamuke here? Ngatigare tafamba, tivazorodze." "Haa I regret everything. Handina zvandakaita, ndokunonzi kubata muswe wekatsi." Akadaro Tambai, akasimuka achiyeredza misodzi akabva anopinda muroom yaaipinda ega. Mainge mangozara madota, akazvikandidzira pamadota akabva atanga kuchema.... Akazosimuka achinopfuhama pamberi pamainini vaAnopa. "Tracey please help me. Ndiwe une mari, ngatitsvake kwekunoroja tiwane kugadzirisa nyaya idzi. Ndofanira zvekare kunotora mwana wangu ndiende naye kuna sekuru hupfumi hwedu hudzoke." "Wangu kanganwa. Ndakapandukira mwana wemukoma wangu nezvinhu zvisina maturo. Rega ndipfachure mari yangu ndiri ndega. Isu hushamwari hwedu ngaugumire pano." "No, tine zvatisati tapedza. Hatingagumire munzira, zvatakavimbisana tofanira kuzvizadzikisa. Please Tracey, listen." "Tambai ungori rume risina kana chimiro. Zvandataura ndizvozvo, iwe chiita nyaya dzako wega. Maoko angu akachema aya handina chinonyangadza chandakaita, iwe tarisana nemabasa ako erima. Usanditsvake." "Haa zvave nani Tendai. Ndave nekusununguka nekuda kwemwana wangu, kwete paya paaichema paya ndaingonzwa kubatikana." Akadaro Ano kuna Tendai pavainge vamuka. "Taura hako, zviri pachena kuti mukoma vainge vachishandisa mwana uyu. Hope dzandakarota dziya, asi zvinenge zvadhakwa zvino." "Yeah, hakuna chakawanzika chisingabude pachena uye zvatoshaiwa simba." "Ichokwadi, zveupenyu zvakaoma. Ndoda kungoti ugare uchiziva, ndinokuda mudiwa wangu. I know wakasangana nezvinorwadza asi handidi kuti urwadziwe zvekare. Ndoda kuti ugare uchisekerera Ano ndokuti mufaro wangu uve wakasimba." Akadaro Tendai Anopa akabva atanga kusekerera. Achiri kusekerera misodzi yakabva yati mwokoto kuyerera. "Chii nhai mudiwa? Handinzwisise kuti misodzi yemufaro here?" "Hakuna mufaro wakadai. Ndiri kuzama kuseka ndikanganwe zvakaitika kwandiri asi zviri kuramba zvichidzoka mumwoyo mangu. Zvainge zvave nani asi kuona munhu wacho akandikanganisa ndobva ndanzwa kuti handisi ini. Ndiri mumarwadzo, kudai waikwanisa kuvhurwa mwoyo wangu waiona kuti muzere kuungudza." "Haa Ano handizive kuti ndodii kuti ufare? Handizive kuti ndoutenga kupi mufaro ndikupe? Chandoda kuti ufare, please nditarise uzive kuti ndokuda. Just let go zvakaitika mudiwa, hatingatadze kuenda mberi nekuda kwezvakapfuura." "Mwoyo wangu hauzorore kusvika ndawana justice, mhandu yangu yofanira kusungwa." "It's okay, mutadzi anofanira kutongwa. Rega nguva iburitse zvose pachena, tarira hatina kutsvaka akakubata chibharo asi akauya ega. Zviri pachena kuti achasungwawo ega, isu let's focus nelife yedu. Tine zvakawanda zvekuvaka tichiri vadiki kudai, ngatisatendere matambudziko atitsimbirire pasi kuti tirege kuona kujeka kweramangwana redu." "Ndazvinzwa mumwe wangu. Rega ndimboshinga, kungoti mukoma vako munhu aitsvakawo mari akauyawo kwandiri. Rega ndizvisiye, asi Mwari vachaita kuda kwavo." "Good girl. Ndosaka ndichikuda. Une kamwe kakunzwisisa kandoda so." "Kkk ibvapa." Vakabva vambundirana zvavo... Baba vacho vakaenda kubasa, vakazofonerwa vave kupedza naTambai. "Ndati ndikuzivisei kuti ndiri bho. Musanetsekane." "Okay ko..." Akabva atokata. At least vakange vagadzikana mundangariro dzavo. Panguva dzekuenda kumba vakabva vanotora Nomsa wavo. Aidiwa zvake mukadzi uyu, vakasvika kumba vakapinda mubedroom. "Please daddy ndoda kudya nekukasika nhasi. Babysitter wedu ngaabike nekukasika." Akadaro Nomsa. Vainge vasina kumuudza kuti ndiye aive muridzi wemwana uye kuti mwana aive waTambai. "Okay anokasika. Nomsa ndoda kukuroora kwete kuti uve wangu chete asi wevana vangu. Mwana wangu Tendai ndoda umubate semwana wako. Handidi kuti azorwadziwa nekuroorwa kwangu." "Aah musatye, ndiri munhu akanaka ini. Mwari vakandisikira kuti ndibate vamwe zvakanaka.." "Kana zvakadaro zvakanaka." Nomsa akazobuda akaenda kwaive naAno. Akazunza maoko ake paakamuona ndokufinyamisa kumeso. "Haa iwewe mwana iwewe. Unotonhuwa nhamo. Handizvide zvevashandi, mira ndiroorwe haupagare pano. Tongodyiswa tsvina, wakakurira kupi ko Iwe?" "Mauya murugare here kana kuti mukunditsvaka?" "Utori nezvivindi zvekutaura kunge wakaruma piece yedhodh* kudaro. Unondiziva zvakanaka here iwe?" "Kkk nhaimi asi chii? Matadza kungoita zvemurume wenyu morega kunetsana neni. Kana mati ndokudyisai tsvina regai kudya zvandobika." "Amaiii! Hubby!" Akadaro Nomsa baTendi vakabva vauya vachimhanya. "Ko chii?" "Musikana uyu kumutsiura kwandamuita kuti abate muromo kana ave kukosora kwave kundijunga musoro wangu. Ndauya kuzonetsana nevanhu here ini?" "Kwete. Ndizvo here nhai Ano?" "Handina chekutsanangura, kana makaronga kundidzinga pano ndiudzei zvakanaka. Imi mai imi ndambokujungai here?" "Ehe wandijunga." "Eeh mainini!" Akadaro Tendai achibva kuseri kwedoor. "Musade kuita kunge matumwa nasatan pano. Ndine video renyu muchitaura naAno izvozvo ndovaratidza daddy mukanyara." "Hii sorry hako Tendai. Sorry ndiri kutoseka naye ini, kkk Anopa so. Unoziva unondinakidza, chibika tidye hedu." Akadaro achibata vaTendai ruoko vakabva vabuda vose. Vakazodzoka Tendai abuda. "Ndokumbirawo sadza remurume wangu." Akadaro akabva apihwa. Akaenda naro ega, Ano akazosara achitakura rake naTendai. Vakadya vakanorara, Anopa akange achingodikitira akarara. Akazomuka muromo wake uchingotamba tamba kusvika ave kuburitsa mazwi. "Mwari makanaka. Ndinokunamatai, ndimi moga mutsvene. Batai muupenyu hwangu..." Akaenderera mberi nekunamata. Achipedza akabva aenda kunomutsa Tendai. "Wangu ndarota ndichinamata ndakakubata ruoko uye tichinamata tose. Ngatimbonamata, ndagarisa hangu kubva ndiitwe zvandakaitwa ndainge ndave kusanamata." "Okay Ano. Ngatinamate." Vakazotanga kunamata havo. Ano akazodzokera vapedza kunamata akanorara. Zuva rakatevera Nomsa akamutsa baTendai. "Nhaimi mukai. Musikana uyo handidi agare pano." "Anopa here? Okay ndazvinzwa. Ndichadealer naye." "Good" Vakabva varohwa kambama pamhanza. "Chii chimwe chaunoda ndiite zvekare?" "Vose naTendai ngavabve. Akura Tendai ngaatsvake kwake kwekugara." "Wow une pfungwa dzinokakata mudiwa. Ndichagara naye pasi hangu." End of chapter Stay tuned 💋 [11/8/2024, 09:22] Sir Prince Washe: *Follow channel yedu ndokunotanga kuuya book.* https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U *Join our main group* https://chat.whatsapp.com/BsJt9vo0NMc72PEeXxnFtE *BABYSITTER* 🧑🏾‍🍼💖💖🧑🏾‍🍼 STORY WRITTEN BY PRINCE WASHE CHAPTER 12 📙📘📗 NARRATOR "Okay Tracey ndazvinzwa. Handichakunetsa, chandave kukumbira i$10 chete. Ndiwane kuenda kumba ndinotora mwana." "$10 ndokupa Tambai, asi ziva kuti zvemishonga yako handichada." "Okay." Tambai akabva apihwa $10. Mabodyguards ake akazosvika nemota. "Aah boss mauya, tanga tave worried nekuda kwenyu." "Ndadzoka, ndichakutsvakai. Torai henyu mota handina chekukubhadharai nacho." "Taida kuziva kuti mhiko yamakaputsa ndeipi? Makazobuda muchimhanya kaa kunge marumwa rurimi nenyuchi." "Haa varume. Regai ndigadzirise nyaya dzangu. Ndichakubatai." Team rake rakazoenda. Mainini vaAno vakabva vatoendawo. Vakatsvaka pekugara, vakazotakura midziyo yavo vakaendesa. Ndopavakabva vapesana naTambai. Tambai akazosara aripo pamba, aida kurara dzeumambo kekupedzisira. Kunze kwakasviba, haana kana chaakaisa mudumbu. Akazorara hake pasofa, hapana kuita nguva malights akabva atanga kudzima achibaka. Akarohwa nehana, akambozvishingisa asi paakazonzwa kufamba kwesofa raainge akagara ndopaakajamba achiwira pasi. Akazvivhara kumeso. "Imari yangu yese iyi! Ndoda uburitse zvese zvawakatenga namari yangu uzvipise now!" Rakadaro izwi rechikadzi. "I'm sorry, don't kill me please. Ndiri kudawo kurarama." "Now ita zvandakuudza kana uchida kurarama." Tamba akagomera achisimuka, akapinda busy kuburitsa zvinhu zvose zvaive mumba zvaainge akatenga ega. Akasvika pakubvisa hembe achiburitsa, zvinhu zvacho zvaisapera. Akaita usiku hwose, akazopedza kunze kwave kuedza. Moto wakazobaka wega ukapisa zvinhu zvaive panze,, imba ndoisina kutsva. Tambai ainge achingochema. Akange ave nehasha kunze pakwakaedza. Ne$10 yake akabva atanga aenda kuMazowe kun'anga yake. "Why sekuru? Why? Zvinhu zvangu zvose zvatsva?" "Kkkk wave kutotangidza. This time ita nemazvo, kana wapihwa mhiko usafe wakanganisa." "Okay, but are you sure kuti ndikasaputsa mhiko ndoramba ndine mari here kana kuti mhiko dzacho dzongoputsika dzega." "Unoramba uine mari muzukuru." "But sekuru, sei imi musina kana mota. Hamuna kana ganda royevedza kutarisa, man'a dzenyu ndodzotovaraidza nekuti dzinenge munda wabva kunorimwa." "Usade kuzvidza dare rangu. Ita zvandakuudza, ini siyana neni!" "Ndangoti ndibvunze kuti muri kupfumisa va..." "Nyarara! Dai watonotora mwana wadzoka naye upenyu hwako hwashanduka nekuti ukasadaro uchafa uchinhuwa green bar." "Okay sekuru regai ndiende. Ndine urombo nekubvunzisisa hangu. Ruregerero." Sekuru vakabva vatanga kuimba zvavo. Tambai akasimuka akapfeka shangu dzake akaenda. Chaaida kuzoenda ave manheru, aida kusvika zvakanaka wozoona kutora mwana.... Pamba pana Tendai painge pasimuka mweya wekudzingwa pamba. BaTendai vachingomuka vakabva vaenda kunotaura naAnopa. Vakamusvikira atotanga basa hake. "Mamuka sei baba?" "Ndamuka zvakanaka. Eeh inzwa kaa, iwe hauchasi mushandi pano nekuti mwana ndewako. Ndafunga kuti ubve pamba pano umboenda kuhama dzako." "Hoo mave kundidzinga nhasi. Zvandakaitwa nemwana wenyu zvakatorova zvakadaro nhai izvi zvichinzi mhosva hairovi." "Unonoreporter wave kumba kwenyu, haungasungise mwana wangu ndichikupa chikafu chauri kuumbisa tsvina. So chibva pano unoita zveupenyu hwako." "Aah it's okay hapana chakaipa." Akabva atosiya zvaakange achiita. Akabuda mukitchen akaenda panze paive naTendai. "Tendai daddy vako vandidzinga pano. I think ndofanira kuenda kumusha hangu." "Aah ko nekuda kwei? Hauna kwauri kuenda rega nditaure nawo." Akadaro Tendai achitofamba kuenda kuna baba vake. Vakabva vasangana padoor. "Aah Tendai ndanga ndichitokutsvak hako." "Neni ndiri kukutsvakai." "Eeh hona kaa kuti wakura. Mumwe wako akazvirumura kare ave kuzvionera. So pfungwa dzangu dziri kuda kuti uchibva pano utsvakewo kwekugara." "Aah daddy! Ko zviri kubva kupi zvese izvi? Wani taigara zvakanaka tose pano mazuva ose aya." "Zvochinja, ndave kuda kutanga imwe mhuri. Handidi chokanganisa. Mashoko angu wamanzwa!" Vakabva vafuratira kuenda kwaive naNomsa. Vakasvika vachisekerera. "Zvaita here?" "Ehe ndataura navo." "Good, chindisimudzaiwo ndoda kuenda kutoilet." "Okay." Vakasimudzana vakaendesana muchimbuzi. Zvese zvaive mumaziso aTendai. Tendai ainge abatikana, Nomsa ainge auya kuipa. Tendai akabva afonerwa naFarai. "Svika kumba izvozvi." "Okay." Akabva pamba akaenda kumba kwaFarai. "Eeh wadii, ndiwe kaa unoita zvehuku. Sekuru vangu vari kuda munhu anogara paplot pavo vanoda kumboenda kunze kwenyika. Kana uchikwanisa hako." "Aah ndokwanisa. Nhai Mwari mandibvira nepi? Ndatodzingwa pamba saka ndave kutoendako." "Okay bho, rega nditaure navo uende unokuona. Uri free kuita zvose zvaunoda, chero kuvakisa matanga ehuku dzako." "Okay haa uri shamwari yakanaka. Ndaisatarisira kuti ungandiyeuka nenyaya dzakadai idzi." "Pachedu wangu." Vakazofambira nyaya yacho akaenda kunoona kuplot kwacho. Tendai akatotakura zvimwe zvinhu zvake musi iwowo akaendesa, akazovakisa matanga ndokuzoendesa huku dzake. "Anopa, ndozvandaitirwa naMwari. I don't know kuti unoda kunogara neni here?" "Handidi kuenda kure newe ini Tendai. Ndoda kukubatsira sezvo ndiri mubatsiri wako." "It's okay so toenda mangwana." Nguva dzakafamba, Karen akabva asvika pamba pana Tendai. Zvakavhundutsa Tendai. "Nhaiwe uri kudei pano?" "Tendai ndauya kuzoona amai vangu vave kugara pano. Chiiko newe?" "Mai vako? Nomsa?" "Yes she's my mom." "Jesus Christ!" "Aiwa usandipise. Usadaro kani!" Akadaro Karen achijamba Jamba pasi. Tendai akavhunduka nazvo. Akangofunga kuti pamwe kuita majokes kwaaiita asi akazobva pamba pana Tendai achimhanya. Ave manheru baTendai vakazotaura naTendai. "Eeh wagona wawana kwekuenda. Mangwana hamusi kutenderwa kunge zuva rinyure muri pano. Are we together?" "Ndazvinzwa baba, asi mungwarire. Mukadzi wenyu handimuchenese, nemwana wacho zvese." "Jealous ndorinei, ndakakusiya wani uchitorana naAnopa. Chindisiyawo ndimbofara, wave kundituma kuita zvandisingade. Izvozvi so chibvai pano mese." "What? This time here?" "Ehe now. Budai zvenyu, iwe Ano chibvai pamba pangu." Vakadaro vari serious. Tendai hazvina kumunetsa, akangonzwira baba vake tsitsi. Vakadzoka kwaari vachida kumusunda chaiko kuti abude. "Hezvo, nhai Jesu!" Akadaro Tendai baba vake vakabva vamira. "No, Tendai hauna kwauri kuenda. Chii chiri kumboitika, ndiri kuuya." Vakadaro vakabva vaenda kubedroom kwaive namamoyo wavo. "Nhai Nomsa, handione riri zano rakanaka kudzinga vana ava pano. Mwana wangu ndomuda, haana kwaanoenda. Ndozvandakakuudza kuti mwana wangu ndoda umupe rudo semwana wako. Ndakabhaiza, Tendai anogara pano." Vakadaro Nomsa akabva asimuka achisekerera. "Ichokwadi daddy. Aah mafunga.." akabva asvika akavarova kambama pamhanza. "Ndati Tendai naAno ngavabve pano." "Yes babe, ndozvandiri kutofambira!" BaTendai vakabva vabuda vaine rimwe simba. Vakasvika vachitopopota. "Tendai uchiri kuitei pano! Iwe Ano, nemwana wako ibvai now!" Havana kuita nharo, vakabva vabuda. "Ano kaa daddy vangu vari kushandiswa ava. Zviri pachena, ngatitsvake anovabatsira." "No mudiwa, siya zvakadaro. Maybe Mwari vane chinangwa, zvimwe hazvisi zvekurwisana nazvo. Kungosiya zvakadaro." "Aah but I'm worried hako. Unoziva mwana wamai ava Karen haana kujeka. Muroyi chete." "Isu ngatiende. Zvekutsvaka kunetsana navo ngatisiye. Ndizvo here mudiwa?" "Okay babe." Vakatsvaka mota yaivaendesa kuplot kwacho. Dzimba dzekugara dzaivepo nekare. Mota yaive naTendai naAno yakazomiswa nevamwe varume pavakange vave kusango. Vakange vaine mapanga. "Hey, tipei zvose zvamunazvo now tisati takuurayai!" Vakavhunduka vose, driver aitodedera. "Hatina chatinacho isu." Akadaro driver akabva anongedzwa banga. "Iwee tauya zvakanaka. Buritsa mari now!" Akaburitsa mari yose akavapa, Tendai naAno vakabva vatorerwa maphone. Mbavha hadzina kuzomira dzakabva dzatotiza. Pavakange vachingobva pamba vabva mukudzingwa Tambai akabva asvika. He knoked padoor daddy vacho vakamuvhurira. "Tambai?!" "Yes daddy! Ndadzoka, mwana wamaitaura aripo here pano?" "Mwana upi? Hoo waAno. Ndavadzinga pano, hamheno kwavaenda kunogara." "Why daddy! Why nda...haa." "Iwee hanzi kudii? Ko ichokwadi here kuti wakabata Ano chibharo?" "Kunyepa, taidanana isu." "Tambai saka wakatizirei paya? Ndiudze chokwadi, haufanire kusungwa iwewe." "Handina kutiza. Pane zvakaitika chete. Mati Ano aendepi nemwana?" "Handisi kuziva. Dai watofonera Tendai wamubvunza. Handichavada pano." "Hayii okay. Ndofanira kutoona mwana iyeye nhasi." "Okay fona." Akabva aedza kufona. Phone yaTendai yakabva yaramba. "Ikuramba iyi daddy. Mavadzingirei?" "Taurira pasi, ndine mukadzi wandoda kuroora, so haasi kuda kuti ndigare navo pano." "Matanga kutongwa nemukadzi here?" "Rudo urwu Tamba." Hapana kuita nguva Tambai akabva akwetsurwa mbama kugotsi. Akacheuka asi kwainge kusina munhu. "Chii nhai Tamba kuvhunduka kudaro?" Baba vake vachibvunza akabva arohwa imwe. "Tambai you killed me!" "Ndaida mari. Please I'm sorry. Musandirove kani!" Akadaro akabva amhanyira mumba. Akambundira baba vake achibvunda. "Nhaiwe chii?" "Hapana daddy. Maendesa kupi babysitter wenyu nemwana wake. Mave kundikuvadzisa manje." "Dzikama, chimbozorora. Uchamuona mwana wako usatye." Nomsa akabva abudikira akapfeka night dress. "Chiiko chiri kuitika muno?" "Aah madam, ndiye Tambai uyu first born yangu." "Okay auya kuzogara pano here?" "Haa kana, kungoshanya anodzokera hake." End of chapter Stay tuned 💋
❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 32

Comments