🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
May 21, 2025 at 05:29 AM
https://chat.whatsapp.com/KyqpXyRdyrAD6XAL0Xkq5D , CHAPTER 17 AND 18 *Follow channel for previous chapters* https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U *BABYSITTER* 🧑🏾‍🍼💖💖🧑🏾‍🍼 STORY WRITTEN BY PRINCE WASHE CHAPTER 17📙📘📗 *TAMBAI* Ndakarohwa nemudumbu nezvandaiona. Ndaisatarisira zvakadaro, hongu ndaitarisira kuti mukadzi wangu ndaimuona aine mumwe murume kwete n'anga. Ndakapererwa. "Sekuru mune chokwadi here kutora mukadzi wangu?" "Handina kutora mukadzi wako ini. Mukadzi uyu wakamusiya wega, ndakabva ndaitawo maths dzangu ndikasangana naye ndokudanana kwatakaita and we're happily married now." "Haa no! Hazvina kunaka zvamakaita. Please ndave kuda mukadzi wangu." "Eeh imi musade kundiputsira musha manzwa. Chirudzii ichocho chamave kuita, handiti makandirasa apa mave kuuya muchitaura zvamunoda." "Mai Brian usadaro mukadzi wa..." Ndakabva ndarohwa round kick nasekuru ndichidonhera pasi. "Iwee kana ndakupa mukana wekutaura nemukadzi wangu chingobvunza kuti vana vari sei chete. Zvako zvekuda kunyengerera kuti mudzokerane ini ndiripo wakambozviona kupi?" "Sorry sekuru! Sorry!" "Ndinokuremadza wanzwa! Handisi munhu wekutamba naye ini. Babe huya umbondikisa achiona." "Horaiti sekuru." Vakadaro mai Brian vakabva vanokisana ndakatarisa. Handina kana hasha dzandakanzwa nekuti sekuru vainge vandidzikamisa. Ndakange ndotya kuti nemishonga yavo ndaigona kungopenga. "Ombera maoko uchisekerera." Vakadaro sekuru, ndakatanga kuombera nekusekerera vachikisana. "Good, uyu mukadzi wangu uyu. Kana uchida vana vako unotakura, kana uchida kuuya kuzovaona unouya uchivaona. Usatye hako ndovachengeta, ndinobata mari ine mumvuri pazuva rega rega ini." "Ndazvinzwa sekuru." "Good, chihande kubasa kwangu. Ndiri kuziva kuti une nyaya hako." Ndakabva ndasimuka. Ndakatanga kufunga kungovabata huro ndovauraya. "Mira zvauri kufunga Tambai. Mira izvozvo." Vakadaro sekuru, ndakanzwa kunyara. Ndakashingirira kufamba navo tichienda kushrine kwavo. "Haa nezuro ndakanakidzwa wena. Ndakadhakwa zvandisati ndamboita, raive birthday rangu kk." Vakadaro sekuru. "Kk hoo, inga zvakanaka." "Ehe, apa ngandibikirwe huku yakazara zvikanzi ndiipedze. Nhomba yangu yenyama yakapera." "Aah saka makanakidzwa." Ndainge ndongodairawo hangu asi mukati memwoyo mairwadza. Takafamba ndokusvika kushrine kwavo, vakapinda ndakambosara kunze. Ndakazodanwa ndokusvika vatopfeka giya rebasa. Vakange vatove serious vakatanga ku appeaser mweya vachideketera nekuombera. Ndakazovatsanangurira mafambiro ose andakaita nekushaya kwandaiita mwana. "Okay mwana uyu chisiyana naye. Tsvaka zvimwe zvekuita, or kuuraya mumwe weropa." "Sekuru." "Ehe, usatye hako. Kana wakazvitanga zvoramba zviri mauri. Iva nehushingi ndokuti ubudirire." Ndakatanga kufunga kuti weropa wandaiuraya ndiani? Baba vangu vaindida, Tendai ndiye wandaivenga nekuti ainge akubudirira kupfuura ini. Ndaisatadza kumuuraya nekuti ndakatouraya amai. Zvaive nani kumupfuudza ndopinda muuchi nemukaka. Ndiye akandikanganisira zvinhu zvangu aAnopa wake, so ndakange ndisina imwe option than kuti munin'ina agohwe. "Okay ndafunga sekuru. Ndine wandakasira, ndoda kuti afe hake nekuti ane kamwe kakuvhaira so plus ave kubudirira kundipfuura." "Makorokoto. Ndochivindi ichocho chakasimudza vazhinji." "Okay saka toita zvekudii?" "Nyora zita nesurname pashizha iri wokanda muhari umu." Ndakabva ndaita sekudaro. Vakatanga kuita nyaya dzacho kusvika vamira. "Une chokwadi kuti munin'ina wako here uyu?" "Yes ndiye wandakasira." "Mweya waramba. Hauna ukama nemunhu uyu, ropa renyu rakasiyana. Makafanana ana mai chete." "Aah sekuru, maybe marasika. Buda ndibudewo." "Handina kurasika, makasiyana ana baba." "Hmm sekuru." Zvakandishamisa, ndakatadza kuziva kuti tainge takasiyana pakudii? Baba vataive navo ndovandaiziva, kuti mom vainge vakaita dzimwe maths here? Saka baba vataive navo vaive vani? "Okay ndave kuda kuziva kuti baba vatiri kugara navo ndevangu here kana kuti ndevaTendai?" "Havasi vako." "What? Haa sekuru, Saka vangu ndevapi?" "Ndichakupa mushonga wekuti uvaone. Pauchaenda Harare uchasangana navo and vachatanga kukutaudza, ndevechikuru havo." "Haa zvakaoma." "Baba vako vaishandisa mushonga kuti vadiwe nevasikana nevakadzi. Vane vana vakawanda zvisingaite." "Okay chindipai mushonga wacho kuti ndionane navo." Ndakange ndaudzwa dzimwe nyaya dzandaisaziva. Sekuru vakazondipa kamudzi kandakaisa muhomwe. Ndakazobva hangu ndichiona kuti ndakange ndiri kumhanyisana nemhepo. Zvandainge ndaedza zvichiramba zvainge zvawanda. Ndakange ndave necuriosity yekuti ndizive baba vangu. Uku Anopa ainge aendesawo mwana kure, mukadzi wangu ndokutorwa nen'anga uye kuti baba vangu vaisava biological father vangu. Ndainzwa kunge ndisina zvandiri kuita muupenyu uye ndaimhanya makarimwa. Ndakazonanga Harare, handizive kuti mushonga wacho waizoshanda sei nekuwanda kwakaita vanhu muHarare. Ndakaswera ndichitenderara mutown kana akataurawo neni. Ndakange ndatoona kuti ndainge ndajutwa nasekuru. "Nhaiwe mukomana iwee ndokumbirawo change." Akadaro mumwe mudhara ainge akaondoroka. Pfungwa dzangu dzakabva dzafunga kuti asi ndivo baba vangu vacho here? Ndopandakarangarira mashoko asekuru kuti vaive vechikuru. *ANOPA* Ndakafamba misodzi iri pamatama dzamara ndasvika paplot paTendai. Ndaitotya kana kumutanga, ndaitya kudzingwa. Ndakaona katsi iya ichitomhanya mhanya zvayo payard. Ndakabva ndanzwa kakupera simba, ndakaita zvivindi ndokugogodza padoor. "Ndiri kuuya." Akadaro ndakabva ndamirira kuuya kwake. Ndakapukuta misodzi, ndakaisa smile yefake kumeso kuti zvimwe angandinzwewo. Door rakavhurwa akabva andiona. "Iwe ko chii?" "Tendai ndadzoka, ndakasvika nekudzingwa kumusha." "Wauri kuda kunyepera ndiani Ano?. Handifungi kuti wakaenda kumusha ini. Unodzingwa kuti wakatadzei?" "Handitozive hako, zviri kutondinetsa. Please ndauya, hamheno zviri kuitika ngatibatsirane kunamata." "Please Anopa watondikanganisa zvandanga ndichiita. Sei uchidaro? Ndakakupa mari kuti uende kumusha, ko mwana wako aripi?" "Mwana ndine kwandakamusiya kuti achengetwe handizive kuti achachengetwa here kana kuti achafa. Ndagumirwa neupenyu, ndiwe wandaitarisira kuti uchamira neni asi kana zvadai zvandiipira. Usandirwadzise Tendai, nemadiro..." "Anopa handichada nezvako. I think it was a mistake falling in love with you. Handichina kana any feeling kwauri, handidi kuita zvekumanikidza. Sorry hako, woona yekutamba." "Handina kana plan ndosaka ndadzoka kwauri. Kana usisandide hako chingondiita mushandi wako. Ndongogarira kudya chete." "No. Handichakuda pano!" Akadaro akabva apinda mumba. Chii chakange chave pandiri? Why vanhu vose vaingondisema? Munyama wacho wainge wakanyanya, ndakarwadziwa zvikuru. "Tendai handina kwandiri kuenda. Sekuru vakati tigare tose pano!" Ndakadaro ndokuenda kuseri kwemba ndopakazosvika Tambai. Akasiya andiita zvaanoda, kuwedzera munyu pachironda hake. Ndakachema apa Tendai haana kana kundibatsirawo. Ndakaswera ndiri panze kunze kukasviba ndiripo. Tendai haana kuzotaura neni, mudumbu makange mave kuchema nzara. Ndakasimuka pandaive ndaenda kune chimwe chiimba chaigara zvimidziyo zvekumunda. Ndomandakarara imomo, ndakabva ndazviudza kuti Tendai ndaisafa ndamuregerera nezvaaindiita. Kunyangwe akazodzoka hake ndainge ndatosvibawo mwoyo. Ndakarara hope dzairwadza ndokuzomuka kwaedza. Tendai ainge atomuka achiita zvehuku dzake. Handina kutaura naye, ndakanochera mvura ndokunogeza. Ndakadzoka ndokutarisa mari yandainge ndasara nayo, yaive shoma. Ndakatora bag rangu, zvepamba apa ndainge ndazvitadza. Musoro wangu waitema, ndichiita kuonera kure kure. Ndakatarisa Tendai haana kana kunditarisa, haa vanhu vanoshanduka. Ndakatanga kuzvuva makumbo angu ndichifamba. Ndainzwa kuneta, ndakazongoti ndipinda musango ndiwane pekusiya bag rangu ndobva ndaenda ndisina bag. Ndakanotsveta bag rangu pasi ndakabva ndapfugama nemabvi angu. Simba rose rainge rapera, ndakanzwa dzungu ndokudonha ipapo. I tried kurwisa kuti ndikwanise kusimuka asi zvairamba. "Please God let your will be done." Ndozvandakakwanisa kutaura zvoga, ndakawana kasimba zvishoma ndokutanga kukambaira ndakananga kumain road. Ndaifamba nemusango imomo, ndakazonzwa mota kufamba ndakaziva kuti ndainge ndave kusvika. Ndave pedyo ndopandakazongoti dhii ndokurarapo ndakatadza kuziva zvakaitika kwandiri. Ndakapepuka ndiri padrip muchipatara. Mumwe nurse akabva auya pandaive. "Hey thank God wamuka. Right mumwe aita zvakanaka pano. Two ndovafa, hmm accident iyi yaitoda kuuraya vanhu vose." Akadaro ndakabva ndatoshaya kuti vairevei nezveaccident. Ndakamboti ndairota here nekuti ndaisazvinzwisisa kuti ndainge ndauya sei uku. "Hey ukuziva zvaitika here?" Ndakabvunza ndakabva ndaramba nemusoro. "Okay maive mubhazi raienda kuMuzarabani. Raita accident vanhu vakakuvara, 2 ndovafa. Iwe wazongonhongwa wakangoti rabada ndofunga wakakandwa nepawindow. Hauna hako kukuvara asi unenge wangovhunduka ukafenda." "Ndine nzara." Ndakadaro vakabva vaenda kunonditorera zvekudya. Ndakange ndichiri confused nezvavaitaura, nekuti handina bhazi randainge ndakwira ini. Ndakazongodzikama hangu ndokuzopihwa zvokudya ndikadya. "Unoziva ani uye hama yako yatingafonere ndiani utipe phone number?" "Handina hama inondida. Ndonzi Anopa." "Haa iwe usadzungaire wanzwa. Okay ukaita zvakanaka unongoenda nekuti hatikwanise kukubatsira usina hama." "No problem." Ndakadya, ndakange ndave kunzwa simba. Ndakabva ndatoti vandiburitse. "Mapurisa achauya pane zvavanoda kunyora then wozobuda hako." "Okay." Ndakagaramo kwenguva. Ndakange ndave kufunga kuti ndaienda kupi kana ndabva muchipatara. Nguva dzakafamba mapurisa acho asati auya, akazouya zuva ratofamba. Ndakangonyoresa zvaibvunzwa ndakabva ndapihwa $10. "Ndomari yawabhadhara kubva kuHarare. Wochitsvaka rimwe bhazi ukwanise kuenderera mberi nerwendo rwako. Wanga une zvinhu here zvawaive nazvo?" "Haa ndanga ndisina. Maita basa." Ndakabva ndasimuka ndokubuda. Ndakananga kumashops ndokunotenga sadza. Ndaida kuwedzera simba ndozoona kuti ndodii? End of chapter Stay tuned [11/13/2024, 21:37] Sir Prince Washe: https://chat.whatsapp.com/D3wzBLRi3De95sr82vEr81 *Follow my channel* https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U *BABYSITTER* 🧑🏾‍🍼💖💖🧑🏾‍🍼 STORY WRITTEN BY PRINCE WASHE CHAPTER 18 📙📘📗 _Bhuku redu richange rave kutengeswa kubva pa20._ *NARRATOR* "Haa hama ndini ndakudaidzai. Ini hangu mafiro akaita sisi vangu natsano handina kufara nawo uye aive nechivanhu mukati. Zvino tikabva tanyarara kudai hazvifambi nekuti vanhu ava vakaurayiwa. Tofanira kuita something kuti tizive munhu wacho or vamuke varwe." Vakadaro sekuru vaAno vaakanoona kumusha. Vainge vaungana nehama dzabaAno nedzamai Ano. "Hmm yeah mataura chokwadi. Ini ndakatoudzwa kuti vakaurayiwa, so tofanira kuita plan." "Mazviona kaa. Hamheno maybe ndakuita sendangwarisa asi zvakatinakira nekuti topera kufa tose." "Taurai henyu, ini ndakatorota mai Ano vachichema. Kureva kuti havana kufa kufa kwakanaka." "Pamusoroi, nyaya iyi ndakamboiunza mazuva ekufiwa aya. Hakuna akazoda kuisimudza, asi ini ndinoziva anozvikwanisa. Mai Ano vakavigirwa kuno saka hazvinetse, tikaenda kune murume anozvigona akatibatsira tinenge tagona." "Yeah chokwadi, ngatisimudzei musoro." Vakazowirirana chinhu chimwe vose. Havana kuperera mukuronga vakabva vaenda. Vakapihwa zvekuti vanoisa pamusoro peguva. Vachingoisa chete pakabva pauya mhepo ikavhuvhuta yakabva yangodzikama... Tambai akaramba akanyarara paakaziva kuti sekuru vaFarai vaive baba vake. Akavatarisa kubva kumusoro kusvika kuzasi. Akatadza kuzvitenda, asika ndochaive chokwadi chakazara. "Nhaiwe muzukuru ndati ndokumbirawo change mari yangu yakabatana." Vakadaro baba vake. "Handina. Nhaimi munoziva mukadzi anonzi Evernice Mujoro here?" "Ehe ndomuziva, ndiwe ani ko iwewe?" "Ndini mwana wacho, meaning kuti muri baba vangu." "Hee. Ko wandiziva sei? Akakuudza kuti uri mwana wangu ndiani?" "Ndakafamba ndakaudzwa. Ndipei phone number dzenyu tozotaura.” "Iyaa inga Zimbabwe idiki. Ndozvandaisada kuzivikanwa nevana vangu vemusango, but haisi nyaya watogona." Tambai akabva apihwa phone number dzavo akabva aenda. Aifamba achitooneka kuti ane zvizhinji zvaimunetsa. Airwisana nezvinhu zvaaisakunda zvekudaro. Akazofonera mainini vaAnopa vakanosangana kwavakange vave kugara. "Haa Tracey kaa zvinhu hazvina kundimirira zvakanaka. Ndiri kupererwa nenguva, musoro wangu hauna zororo. Zvandiri kuda zviri kuramba." "Tambai munonyanya kuda zvemahara sehonye imi. Ko ukazvishandira nemaoko ako unofa here?" "Haa life yemari inonakidza. Ndakamboiravira ini, ndichiri kuida. Kuti nditange kushanda ndega handife ndakasvika pandakange ndave." "So what's the next plan. Uchiri kungoungudza, wafunga kudii?" "Pakati pangu nababa vangu pane one wandichaendesa. I was thinking zvekutengesa soul yangu zvekuti ndofawo after 20 years ndambodya mari yangu." "Hezvo! Mwana iwewe ndakutadza. Mweya uri mauri hausi wekutamba nawo, chero ini unogona kundiuraya handikuchenese." "Haa usatye. Rega ndione kuti ndodii. Chingondipawo pekuisa musoro nhasi ndozoona ndodii mangwana." "It's okay." Tambai akazoita zvekuti arare pamba paTracey. Kunze kwakasviba, vakatandara havo vachitaura nyaya yaAno. "Anopa ndakamusiya achichema, mwana ari munhamo uya. Ari kungoda anokwanisa kumupedzisa wongofa hake." "Kkk aah kaya kanozvinetsa." "Haa hamheno, ngaaone moto ikoko." Vakaseka zvavo. Vakazorara zvavo, Tambai akarara pasi Tracey akarara pamubhedha. Mumba makatanga kungovhuvhuta imwe mhepo isina kunzwisisika kuti yaipinda nepai. Vose vakavhunduka, light rakabva radzima. "Tracey mwana wangu ari kupi? Ko wave kugara kuno imba yawakatiurayira iri kupi?" Voice raibva mukati memhepo yaivhuvhuya. Tambai haana chaakanzwa. "Sisi please ndiregereiwo. Mwana ndakadzinga, imba ndakatengesa. Ndaive neruchiva, ndainzwa godo kuti mune mufaro mumba menyu." "Zvekusvika pakutiuraya here?" "Ehe." "Okay. Ndoda kuti utsvake mwana wangu, umupe imba yawakapihwa uchinyepera vanhu kuti uchachengeta mwana wangu. Ndakupa 24 hours, kureva kuti mangwana nenguva dzino ndinodzoka ndakatsamwa." Mumba makabva mangoti ziii ipapo. Tracey akange ave kudedera. "Tracey what is it?" Akadaro Tambai aine kutya. "Handisi kuziva kuti zviri kufamba sei? Vanhu ava ndakavatsipika, ko nei vave kundimukira?" "Wakauraya ani?" "Baba vaAno namai vake." "Yeah inga wakashinga. Ko zvandaikuona seusina kubvira wabata ropa hezvo takatofanana." "Ndiri kutya. Ndanzi nditsvake Ano nekumupa imba, ndomuona kupi Ano wacho?" "Aah tonomutsvaka." "Ko imba?" "Ipapo manje." Tracey akatanga kuchema, Tambai akabva aenda pabed akatanga kumunyaradza. Vakazorara havo pave paya. Kunze kwakaedza mainini vaAno vakange vakasuwa suwa. "Tracey nyaya idzi dzakapera kare. Hande kun'anga ubatsirwe pane kuitiswa stress navanhu vatove mapfupa. Ini amai vangu vanozviziva kuti handivape nguva yekubatanidza." "Ndainge ndakapedza navo vanhu ava. Handizive kuti vazomutswa nani?" "Okay ziva kuti nguva dziri kufamba. Chisarudza kumirira kuuya kwavo here kana kusenda kuna Ano kana kun'anga." "Haa zven'anga handichada ini." "Don't say that. Hande Tracey." Tambai akaramba achipa Tracey pressure kusvika azobvuma kuti vaende. "Good, Rega nditange ndafonera baba vangu kekupedzisira ndine zvandafunga." Akabva afonera baba vake sekuru vaFarai. "Hello." "Eeh ndini Tambai. Mwana wenyu." "Okay uri sei mwana wangu?" "I'm okay. Muzorore murugare." "Ndokuti kudii ikoko?" "Kkk ndaida kuti muswere zvakanaka." "Okay....ndanga ndatya..." Farai paakasvika kwaaigara ainge anzwa nekuudzwa rough nevanhu muroad. Aitozvishaya kuti zvaimbobva nepi chaiko. Akazofonera musikana wake akauya, achingosvika mumba achimuona akabva asviba mwoyo. "Farai handichakuda. Ndangouya kuti ndikuudze kuti hazvichaita." "Ko nei nhai mudiwa?" "Zvandataura wazvinzwa." Akadaro akabva abuda. "Hmm something wrong pandiri ini. Kuti nyora dzangu hadzichashande here?" Akazvibvunza ega. Akazobuda akanoedza kutaura nevasikana vatatu asi zvainge zvakangofanana. Ndopaakabva aenda kunobatsirwa. Akanamatirwa akabva aita zvakanaka. "Right waita zvakanaka, chimweya chainge chaiswa pauri chabva asi kwasara mweya wekuti udiwe diwe nevasikana. Zvakanaka hazvo kwauri asi zvichashanduka kumberi uko zvekuti zvinenge zvave kunetsa kubvisa." "Hmm chimbondisiyai ndakadaro. Ndozvinondipa mufaro." "Zvakanakai, zvaunoda ndozvatoita." Akadzokera kumba, musikana wake wekumuramba ainge adzoka. "Farai I'm sorry hako. Handizive kuti chii chainge chaitika. Ndokuda mudiwa." "Shit urimbwa isina muswe wanzwa. Kana uchindida ndinanzve tsoka dzangu." "Okay." Musikana uya akabva akotama akananzwa tsoka dzaFarai iye achisekerera hake. "Good, huya kuno. Chishama muromo wako." Akashama akabva asvipirwa mate akabva anzi amedze. "Wandiregerera here?" "Yes mudiwa. Ndanga ndatove nengura, chindipa zvinofanira kupihwa daddy." "Kkk okay." Vakabva vaita rudo rwavo. Zuva rakatevera akabva aenda kuplot kwaTendai. Akasvika aripo vakakwazisana. "Ko musikana wako aripi wemwana uya?" "Hmm haasi musikana wangu. Ndakazosiyana naye ini." "Kkk ko nei?" "Handizive. Ndaimuda mwana uya, handitozive kuti zvakauya sei zvekumuvenga." "Inga zvakaoma." "Yeah, apa handichina basa nevasikana. Ndoda kumbomhanyidzana nebasa rangu iri ndione kuti handibudirire here?" "Okay wangu. Ndangoti ndimbokuona." "Waita basa." Farai akadzokera akaenderera mberi nekupfimba vasikana. ..Anopa ainge apera, muviri wake wakaramba uchidzikira uye kunaka kwainge kwamedzwa kwose. Kwainge kwangove kurarama hake asi ari mumwe dai akazvisungirira. Zvaaisangana nazvo zvaive zvakakura. Paakange abva paplot paTendai nguva dzaange afenda nenzara. Kune bhazi rakasvikoitira tsaona ipapo ndokuzoonekwa kwaakaitwa pakauya mapurisa. Ndopaakatobatsirwa otherwise dai akaomerapo nenzara. Akazoenda kunotenga sadza rake akadya. Achipedza akabva aenda kumaraini kwaakange akasiya Tafara mwana wake. Akangotarisa akaona pakakiwa. Akaramba akamirapo, misodzi yakadzika yoga. Ainge ave kufunga mwana wake, aitombonzwa zviri nani kana aine mwana wake. Akapfuurira, ndokunogara padombo akatsamira muti. Kwakange kwave kufunga kuti ainge ave kudii? Akavhunduka anzwa kurohwa pabendekete. Ndemumwe murume ainge angosvikawo ipapo. "Mandivhundutsa. Makadii?" "Nditevere." Akadaro murume uye, iye haana kuita nharo semunhu aive pakati pekutsvaka rubatsiro. Vakatanga kufamba achitevera kwaienda murume uye. Vakabva mudzimba vakatanga kufamba neroad yainanga kumakomo. "Nhaimi tiri kuenda kupi.?" "I said follow me. Don't ask anything." "Why? Ndobvunza kaa nekuti ndi...." Akabva atariswa murume uye akabva angocheuka. Haana kuzopedzisa kutaura. Anopa akange ave kuchema, izwi rake rakange rave kusabuda mumukanwa. Aiedza kuda kutaura asi zvairamba. Akatanga kubvunda achitevera murume uye, haana kana kuda kutiza nekuti ainge aona kuti hapana kusiri kufa. Vakafamba zvechinhambwe chakakura. Vakasvika paive negomo vakatanga kukwidza. Murume uye aikwidza achifambisa, Anopa ndiye ainge achingotatarika uku achiyerera misodzi neziya. Murume uye akasvika pamusoro akabva amira kusvika Anopa asvikawo. Ano akabva aramba akamutarisa, murume uye akapfugama ndokutanga kunamata. Anopa akabva apfugamawo asi voice rainge raenda, akange ave chimumumu. Akavhara maziso ake ndokutanga kunamatira mumwoyo. Murume uye akabva angonyarara, Anopa akasvinura asi haana kumuona. Akatarisa tarisa masides ose asi pakange pasisina munhu. "What?!" Ipapo voice rake rakabva radzoka, haana kuzoda kutsvaka zvakawanda akabva apinda muprayer. End of chapter Stay tuned 💋 *Guys you're not supporting. Book rikaenda kusale hamusi kutenga so tichangotengesa kusvika mave nesupport. The more you buy the more yamunowana mafree books.* Anyway, tichatanga nepromotion hedu semazuvaose. Vanotanga kutenga makeke kwamuri. Promotion yedu ichangoitwa kubva now namangwana. Book rakapera kunyorwa kare anenge atenga anopiwa rose ka1. Vanoda kugara vatenga madetails ayo. Mafanzi angu ose hande kuSub. *Vasati vambotenga Hautenge nezvose zvakanyorwa apo.👇. Sarudza chaunoda kutenga nacho. Kana iri US ecocash senda iyoyo chete.* *ZIM🇿🇼 SIDE* *$1.00 uS Ecocash* *$40 zig Ecocash* On0785346952 Zita Prince Katurura *$1 Netone or econet scratchcards* Munosenda pa0785346952 SA SIDE R20 voucher Ott or blue or 1 voucher Mosenda pa263785346952
❤️ 😢 🙏 11

Comments