🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
May 21, 2025 at 09:23 AM
https://chat.whatsapp.com/KyqpXyRdyrAD6XAL0Xkq5D *Follow my channel for previous chapters* https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U *BABYSITTER* 🧑🏾‍🍼💖💖🧑🏾‍🍼 STORY WRITTEN BY PRINCE WASHE CHAPTER 19 📙📘📗 *💥Last free chapter* *NARRATOR* "Chirega ndigeze tiende Tambai. Ndarara ndichidikitira zvisingaite." Akadaro Tracey mainini vaAno. "Be serious with your life. Mungada kugezera kun'anga here? Time dziri kufamba idzi." "Haiwa handipedzi nguva, maminutes mashoma ndinenge ndapedza." Vakabva vaenda mubathroom kunogeza. Vachida kutanga kugeza hana yavo yakarova kuona mvura yaita seropa. Vakatsokota maziso avo vakatarisa zvekare asi hapana chainge chachinja. Vakabuda vari bara vasina kusimira vakasvikoti nguri kupinda maive naTambai. "Tarisa kuside mhani!" Vakadaro kuna Tambai vakabva vamonera jira. "Tambai handifungi tobudirira isu. Zvandatanga kuona tichiri pamba ko kuzoti tikatanga kuenda." "Ndakuudza kuti usageze. Iwe chiita tiende wombomira zvekutambisa nguva izvi. Ndozviziva kuti mweya iyi kana yasimuka haitodi kukutendera kuti uizorodze zvekare." "Yeah, pakaipa. Okay." Vakabva vazopfeka vakapinda munzira kuenda. Tambai akange ave kuda kuuraya baba vake chaivo. Akatarisa zita nesurname yavo kuecocash akazviona akabva asekerera. Vakapinda mutown vakabva vaona kamota kemushika shika kaive nadriver chete. Vakakwira vakatanga kuenda. Mota yakafamba kusvika vanhu vaneta nekugara. "Nhaimi driver ko hatisvike here?" "Kusvika kupi?" "Tiri kusara paMazowe please. Tave papi?" Akadaro Tambai. "PaMazowe tasvika, iwe mukomana dzika hako Tracey wosara." "Ndimi ani nhaimi? Mondizivira kupi?" "Hauchandiziva here? Iwe buda ndisare ndichitaura naTracey." Tambai akabva abuda, door remota rakabva ravhara rega mota ikatanga kufamba. Tambai akamboda kuimhanyira asi kwaive kungopupa pasina chaaiita. "Nhaimi ko mave kuita sei?" Vakadaro mainini vaTravey asi havana kupindurwa. Vachipedza kudaro vakabva vabatwa nehope vakarara. Tambai akasara akamira achishamisika. Mushure mekanguva kapfupi akabva atanga kufamba aona kuti zvainge zvadhakwa. Akafamba akasvika kun'anga, asati apinda akanzwa zita rake kutaurwa. "Mwana wacho anonzi Tambai, ini surname yangu Chiringa so ngaafe instead yekuuraya muzukuru wangu." "Ndozvatakawirirana mudhara, ndakakubatsira kuti jambwa raive pauri ribve ukati uchaendesa muzukuru wako." "Zvowanikwa, ndaisaziva kuti ndine chimwana chiri kungodzungaira hacho so ngachife." "Okay nyorai zita rake pashizha apa mukande muhari umu." Sekuru vachingodaro Tambai akabva asvetukira mukati. "Why mudhara iwe? Uri kuda kundiuraya nekuda kwei?" "Eeeeh iweee! Usazvidze dare rangu. Wapinda wakapfeka bhutsu muno, ucharipa." Tambai haana kuda kuzviterera akabva atora kashizha kaive nababa vake akabva akabvarura bvarura. "So kundiziva kwamakandiita nezuro mave kuda kutondiuraya here? Manje ndimi mave kufa, sekuru ndiri kuda kuti munhu uyu afe. Ndipei shizha rangu ndinyore zita ravo." Baba vake vakabva vasimuka vakamuruma. Vakabva vatanga kukikiritsana, hari dzose dzaivemo dzakaputsika. "Musaputse hari iyo please!" Vakadaro sekuru asi hari dzose dzainge dzatoparara. Machira akawa pasi, pakasimuka guruva vachingorwa. Vakazomira vaona sekuru vati ziii. "What?! Maita sei sekuru?" "Ndiwe wauraya, waudzwa kunzi usaputse hari asi waita nha..." Vasati vapedza kutaura pakabva pauya nyuchi. Vakaedza kurara pasi kuti vasarumwe... Tendai akazobva kuplot akamboenda kunoona baba vake. Akasvika vakagarisa Nomsa pamakumbo. "Nhaiwe unongopinda sechura wakakwana here?" Vakadaro baba vake. "I'm sorry dad but we need to talk." "We can talk now, asi uri kuda kunyeya mukadzi wangu?" "No, it's family issues." "Okay." Vakabva vabuda panze vose. "Watii Tendai? Usanditambisire nguva yangu." "Okay, nyaya iripo Kaa munhu wamuri kudanana naye haana kuchena. Ndine hope dzanakakuroterai, plus ndagara ndozviziva nekuti ndakamboda kuita rudo nemwana wavo asi ndakaona zvinoshamisa. Mukaita zvekutamba munofa, munoziva kuti akangosimudza ruoko rwake pakabva padonha jira regold from nowhere." "Kkk Tendai Tendai Tendai! Problem yako ndeyei? Ndosaka ndichifarira Tambai more than iwe. Une kamwe kakusadzikama so, ungandiudze zvimwe asi nyaya dzerudo usandiudzire zvekuita. Nomsa is a good woman for me." "Ndangoti chikuchenjedzei hangu. Otherwise tichazokuchemai." "Haa iwewe so. Hauna nyaya, washaya zvekuita here neupenyu hwako kupedzera nguva kwandiri. Ibva pano." Tendai haana kuzopindura akabva abuda akaenda... "Tracey wati kudii nemwana wangu nemba yake?" Akadaro driver uya. "Ndiwe ani?" "Ndati Anopa aripi? Waifanira kunge uchigara naye, but now ndave kuda kuti unoudza vanhu kuti wakatiuraya." "Hazvigone, ndinofa ndikavaudza. Nditenderei nditsvake Anopa nekuita kuti imba yake idzoke mondiregera." "Okay. Eeh nhai amai ko mukusarira kupi? Ko murume wamanga munaye aripi?" Akadaro driver. "Ndati ndikunotsvaka Anopa. Musandikuvadze please." "Anopa? Uri kuti kudii iwe?" "Okay driver chiendai neni kuMvurwi. Ndokupai mari yenyu." Vakadaro vakazonosiwa kuMvurwi. Anopa akaita usiku hwose achinamata nekuimba. Naiye aitoshamisika kuti simba racho rainge rabva kupi. Akazotsamira dombo ndokumborara. Akazopepuka kunze kwaedza akabva adzika gomo. Aifamba achiimba hake kusvika asangana nemumwe mukadzi. "Eeh my daughter how are you?" "I'm okay and mom makadii?" "I'm good. Eeh ndikutsvakawo musikana webasa, anozoita babysitter wemwana wangu ndichienda kubasa." "Okay ndorida hangu basa racho. Zvino ndodii toenda nhasi here?" "Ehe hande ndonokuratidza wozotanga mangwana." Vakabva vaenda, Ano ainge ave kufara. Akatanga kufunga kuti aive mwana wake waainochengeta. Vakasvika pamba pacho vakapinda, akabva aratidzwa mwana wacho. Mufaro wakadzikira aona kuti haasi mwana wake. "Ndiye mwana wacho here uyu?" "Ehe ko chii?" "Hapana. Ndamufarira." "Okay, I hope uchashanda zvakanaka. Ndangokufarira so, tambira mari umbonwa drink uwane simba rekuuya mangwana." "Maita basa." Ano akazobva akatanga kufamba. Akapfuura nekumba kwaainge akasiya mwana wake. Akasvika pakakiwa zvekare, akapfuurira nekufamba ndopaakasangana naFarai. "Anopa Anopa." "Hesi." "Hmm ungabva wataura wakaneta neta asi ndiri kunhuwa Kani." "Kkk handina kumbodaro ini. Uri sei hako?" Akadaro achisekerera. "Ndanga ndisiri bho, asi pandakuona apa ndabva ndawana mufaro wakawanda. Ndiani angatadze kuita bho kana achitaura netsvarakadenga yakaita sewe?" "Kkk Farai." Akadaro Ano achinyaririra. "So uri kuitei hako timboenda kumba?" "Hapana hangu, handei?" Farai akabva atomubata ruoko vakabva vatanga kufamba vose. Vakasvika kumba kwaFarai vakapinda mubedroom. "Anopa uri musikana akanaka. Handizive kuti why Tendai akakusiya?" "Zvowanikwa." "Hazviwanikwe nekuti anokuda aripo. Unoziva handikwanise nditaure ndichiti kudii? I love you Ano." "Hmm okay. Who am I to say no to a handsome guy like you?" "Is it a yes?" "Yes." Vakabva vambundirana ndokutsvoda. "Thanks Ano. Ndafara chose, chienda unogeza timbofara..." Ano akasimuka akaenda kunogeza.... "Anopa!" Akadaro Tendai achipepuka kubva kuhope. "Anopa my love." Akadaro zvekare. "What have I done? Why Tendai why?" Aingozvirova rova, uku achichema. Hope dzakaramba kubata, usiku hwose. Kunze kusati kwaedza akabva amuka akamboenda panze. Aingotenderera tenderera kusvika kunze kuedze. Akazoona katsi iya yekutevera Anopa yakafa. Akairasira kure, akabva abuda pamba asina kana kuisira huku dzake chikafu. Akafamba kusvika asvika kumba kwababa vake achitsvaka Ano. Akasvika achipinda mubedroom mababa vake akabva aona muna mainini Nomsa vasina kunyatsopfeka vakabata jira regold rainge rakafukidza baba vake. "What?! What are you doing with my father?" Akadaro nezwi raive pamusoro. Nomsa akangoseka achidhonza jira riya asi pakabva pasara pasina munhu. "Maisa kupi baba vangu?" "Tendai dzikama. Huya undipe rudo kani mwana wangu. Huya." Vakadaro vachizvibata bata. Iye haana kuda kunyengedzwa akabva abuda achimhanya. Akaenda kumapurisa akataura zvaainge aona, mapurisa akabva apihwa address kuti aende kumba kwabaTendai. Tendai haana kuenda navo, akange ave kufunga zvaAnopa. Akapererwa kuti aimuwana kupi uye sei? Akatanga kuchema kusvika azofunga zvekuenda kumba kwaFarai. Akaenda akaneta neta, akasvika akamira padoor akagogodza. "Ndiani?" Akadaro Farai. Tendai haana kupindura akabva angopinda. Akavhunduka kuona Farai ari pamusoro pemusikana waasina kuziva kuti ndiAnopa. Akabva angobuda akamirira kuti vapedze. End of chapter Stay tuned 💋 *Now on sale* Handei kuSub mafanzi manyama. BHUKU Redu rakapera kunyorwa kare ukatenga unowana rose woverenga hako. *Vasiri kunzwisisa. Hautenge nezvose zvakanyorwa apo.👇. Sarudza chaunoda kutenga nacho. Kana iri US ecocash senda iyoyo chete wowana book kusvika rapera* _Tiri kutanga nepromotion yanhasi chete. Kutanga mangwana book robva raenda paprize yaro._ *ZIM🇿🇼 SIDE* *$1 us Ecocash* 35 zig eco cash On0785346952 Zita Prince Katurura *$1 Netone or econet scratchcards* Munosenda pa0785346952 *SA🇿🇦 side* *20r vouchers* Types *.Ott voucher* *.Blue voucher* *.1 for you voucher* For proof inbox me on +2️⃣6️⃣3️⃣7️⃣85346952
❤️ 2

Comments