🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
May 24, 2025 at 10:56 AM
FREE BOOK
https://chat.whatsapp.com/BnxvBOe2kDIJTtyXZNHWFD
https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U
Kana uchida from 1 Follow my channel ☝🏾
For comments join 👇
https://chat.whatsapp.com/HzMZtkjshTx8RMqk5O8PjU
Facebook page
https://www.facebook.com/profile.php?id=100089244880030
*Jerusalem🌹*
*Written by*
*Prince Washe Stories📗*
*Chapter 05📕📘*
*Mai Jeru*
It was hard for me to believe kuti Makumbe ainge atofa, after all zvaaindiitira. Nhaimi asi Mwari vaisada kuti ndigarewo ndichifara here? Zvakange zvandimomotera zvekuchema munhu mumwe, apa ndainge ndatorasikirwa naJeru uyo aindichengetawo nekuda kwehumhondi hwake. Chokwadi kudeura neropa risina kana mhaka, zvaaifungira sandizvo ipapo ndaizviramba kuti VaMakumbe vangave ivo muurayi wabaJeru haa never. Makumbe tried everything kuti andifadze ende ndakange ndave kugarawo ndichifara, musi wakaitika chiitiko ichi ndainge ndanetsana nemwana wangu uyo akazongobuda kuenda kwandaisaziva. Nenguva dzemanheru ndopandakangonzwa ruzha rwevanhu ndokubuda ndikaona rimi remoto kumba kwaMakumbe. I was shocked and zvaive pachena kuti ndiJeru asi ndaisada kuti vanhu vazvizive kuti ndiye.
Vanhu vose vakanounganako kusanganisira sabhuku vakauyawo.
"Ndianiko ukuita matakanaka akadai mudunhu mangu?" Vakadaro sabhuku vakabata musana wavo.
"Hakuna mumwe ndiJerusalem, ndiye mumwe wandainzwa achiti anoda kuuraya Makumbe nekuti murume uyu ndiye akauraya baba vake." Uyu ndiBhaureni akange ave kutaura zvakadai.Ndakatoshaya kana neremuromo zveshuwa mwana wangu ainge atadza apa. Kwaive kuda kurevenger hake asi zvekuzouraya munhu hmm ainge andirwadzisa. Neniwo ndakange ndave kuda kuziva kuti ko Makumbe aizourayirei shamwari yake. Zvakandinetsa nekuti vaviri ava vaiwirirana, ndega ndakatoona kuti pane munhu ainge akauraya akanyepera Jeru kuti ndiMakumbe. Haa zvainge zvandiomera, ndakange ndasara ndiri chirikadzi isina kana anotarira.
Ndakazotorwa nasabhuku tose nemapurisa avo vakatanga kundibvunza. Ndakamboda kuramba asi Bhaureni akabva ati, "Munoda kundiita murevi wenhema here ini? Ndiri mupurisa wemuno uye ndinoziva zvose zvinoitika muno. Makumbe ndiye akauraya murume wenyu kuti awane kugara nemi nekuti aikudai, Jeru aidawo kurevenger rufu rwababa vake ndosaka auraya Makumbe."
"Musataure zvisina kunangana vaBhaureni, ko kana muchiziva zvese maidii kusunga Makumbe nekuda kwemhosva yake. Wangu mwana ndiye womoda kusunga manje, imiii musade kundinzwa."
"Amai izvi ndakazviudzwa nemwana wenyu uye ndaitoita tsvakurudzo yacho kuti ndizive chokwadi chakazara. ZvaJeru izvi zvitori pachena uye atotiza saka mungazvirambe here?"
"Horaiti zvakaoma, zvino mwana wangu wacho aendepi, kwave kutofira mujeri kaa uku?"
"Musacheme amai, zvino ndimi manga matove mudzimai waMakumbe mungaitawo number dzehama dzake here?" Vakadaro sabhuku.
"Dzirimo umu taishandisa phone one iyoyi, torai dzakanzi Chipo ndodzaiwanzovafonera azivisewo vamwe kwaari mofonawo dzasisi vacho vekwaMutare shoko rotofamba kana madaro."
"Okay." Sabhuku ndivo vakazofambira nyaya dzacho apa zvaindirwadza vakange vave kutoudza munhu wese kuti Jeru ndiye ainge auraya. Haa ndaiita kushaya zvekuita nekupererwa, hamheno pamwe chaive chokwadi kuti Makumbe ainge akauraya murume wangu.
Moto wakazodzimwa munhu akabuditswa atoparara zvekuti dai akakonokerwa manhonzo ose aitsva tikaviga dota. Ndakatadza kuzvidzora pavanhu haa ndakachema, zvekuti vainge vachipomerwa zvekuuraya murume wangu handina kuzvifunga. Ndakarwadziwa zvisingaite zvekuti kurasikirwa nemunhu aive nerudo kwandiri.
Zuva rakatevera vana VaMakumbe vekuHarare vakauya, vakasvika pamba pacho haa vakachema. Ndakarwadziwa kuti Jeru ainge arwadzisa vazhinji. Ndakazoendawo hangu ndokuvanyaradza ndakazoenda navo kumba kwedu ko ndokwakange kwave kutounganidzirwa huni ikoko dzeparufu.
*Jerusalem*
Semunhu wechikomana handina kuzozviratidza kuti handizive dhorobha, ndakatanga kungofambawo zvine confidence mukati. Ndaingofamba ndisina kana kwandiri kuziva, pane mumwe maive nelawn maingogarawo vamwe ndomandakazoenda ndikambogarawo.
"Unoera mutupo upi." Inzara yakange yave kundibvunza mutupo ndaona vamwe vachizvidyira. Haa kunyara ndokwaisabhadhara ndakangopfeka face inosiririsa ndokuenda paive nevamwe vaive murudo.
"Makadii zvenyu."
"Tinofara makadiiwo?"
"Haa ndapera basa nenzara, ndokumbirawo help vanhu vaMwari."
"Ndimi mbavha imi, ibva paa..."
"Hey babe stop that, hausi kuona kuti munhu akatotohwa nenzara here uyu?" Akadaro murume wacho achiburitsa wallet akandipa $5.
"Haa maita basa mukoma, Mwari vakuitirei zvidhafu."
"It's okay, pachedu." Akadaro ndakabva ndatanga kufamba kubva pavaive.
"Ndozvaunogona chete kupa vanhu mari apa ukundinyima mari yekurukwa." Kkk kakadaro kababe kacho aah ndakangosiyawo vachinetsana ikoko. Ndakazonotengawo mahewu nemabhisvo ndokudya ndakanzwawo zviri nani.
Ndagara ndakange ndave kungofunga amai vangu kuti vachadii? Aizovachengeta ndiani kuti ndini ndaitombomira mira kuti zviite. Ndakarwadziwa haa Mwari aizovachengetawo ikoko, ini ndakange ndave munhu wemustreet nekuti chekuita pakange pasina, kuti ndidzokere kunovaona ndaisungwa, kuti nditsvage basa ndakange ndaisiya chitupa kumusha saka zvainge zvaipa.
Ndakatavarairwa ndakabva ndaona maphone akakandwa pamakumbo angu.
"Mupfana wangu chengeta." Akadaro mumwe mukomana akabva atanga kuenda achimhanya. Pasina nguva ndakaona mupurisa aimutevera ini ndakabva ndavhara maphone aye nehembe yangu.
"Right mupfana kanda maphone umu." Hezvoo ndemumwewo mukomana akadaro akavhura bag rake.
"No maphone ndamabatiswa aya kwete nemi, handisi kuita izvozvo."
"No mupfana, uyo munhu wandoshanda naye saka tatorova zheti mupurisa uyo ini naye tave kutonosangana kumba."
"Aah ndoziva sei, ko akadzoka achida ngwanda rake."
"Okay hazvinetse, chiisa maphone aya utakure bag racho tiende."
"Yeah if you say so."
Ndakazoisa maphone aye mubag ndakabva ndariisa kumusana. Takatanga kufamba ndokuzokwira kamota kaienda kuMbare, pasina nguva tainge tasvika ndokufamba zvishoma takapinda pane imwe imba. Haa ndakange ndatove nezvivindi semunhu aive asina zvekuita ndaigona kutowanawo zvekuita. Takapinda mune imwe room ndokuona mukomana uye arimo.
"Hey ko ndiani uyu?" Akadaro mukomana wekunditambidza maphone.
"Aah ndiye kaa wawatambidza maphone uya, aramba kundipa achida kupa iwe."
"Ooh okay, wadii mafana haa wasimbisa. Ndaiti pamwe uchabhaiza kaa."
"Haa kana handimbodaro."
"Okay gara apa." Ndakabva ndagara pabucket raivemo. Vakatanga kubata maphone aye vachifara zvavo.
"Right iwe unoita nezvei?" Ndakabvunzwa.
"Haa hapana, handitorina kana kwekuenda zvakaitika ndeizvi...." Ndakabva ndavatsanangurira nyaya yangu.
"Ooh shame, okay Hitman toshanda naye here uyu hona atibatsira nhasi??"
"Yeah hapana problem handiti tagara taida munhu wechi4 saka zvarongeka." Hezvo ko ndanga ndave kutopihwa basa, manje iri rakange riine jeri manje asi nekuti ndaisava neoption ndakangogamuchira.
"Okay mupfana, so unonzani ini ndinonzi Hitman uyu anonzi Kedha."
"Okay ndonzi Jerusalem."
"Okay wakufanira kushandisa zita rebasa, tave kukupa ramukoma vedu vakasungwa Samson riri sei?"
"Kkk varume, mazita emubhaibheri ndine malucky navo okay riri bho ko mumwe wacho aripi?"
"Good, so basa redu ndirori tiri mbavha shamwari. Mukoma vedu vasati vasungwa taitonoita armed robbery tichishandisa hedu pfuti dzefake idzi tichitopinda mumashops zvese nemudzimba dzevanhu. Tine mukomana mumwe anonzi Finish uyu anoita zvehugarden boy zvedisguise hake achimboona kuti topinda sei kuti tibe uye anotiudza nguva dzekuti tizouyaa."
"Hoo okay hatibatwe here bo..."
"Stop that! Kana uri gwara gara wabuda mugame umu. Chauya chauya asi hatitarisire kubatwa ndosaka tichiita zvinhu zvedu nehungwaru."
"Okay I'm not a coward boys, okay I'm in."
Haa rufu rwababa vangu rwainge rwandikonzeresa zvinhu zvakawanda. Ndakange ndave kuita zvine jeri mukati nekuda kwekushaya zvekuita. Haa hamheno, zviuya zviri mberi ndaizongoshingawo kuita zvehumbavha zvacho kusvika ndazowanawo zvimwe zvekuita. Ndaitozoitawo plan kuti ndikwanise kuchengeta amai vangu saka ndaitozovasendera mari muphone nekuti number dzavo ndaidziziva. Gare gare takazobuda zvedu ndakatanga kumboratidzwa nzvimbo. Vakazotenga chikafu nedoro atove manheru ndokuenda kunodya kumba zvese nekunwa.
Mazuva akafamba tichimbofamba tose zvedu ende ndakange ndave kuzivawo town zviri nani. Zvekuba ndivo vaiba ndichiona vachitobira vanhu mari nemaphone, ndaitodzidzirawo maskills acho.
"Right Samson mangwana unofanira kuuya nemaphone 3 pano, handiti waona mabiro ataiita saka wave kutozvitangawo mangwana." Akadaro Hitman haa handina kuratidza hugwara hwangu nyangwe ndaitotya mapurisa.
"Okay haa masmall small aya, ndogona kutouya ne5."
"Kkk inzwa manje Samson, haa rega timboona." Seriously I was afraid hangu but I had to be strong kuti zvitoita. Zuva rakatevera takazopinda mutown ndokuenda kuGulf ende maface ekumusha ndakange ndave kutomaziva uye ndivo vaitorereka zviri nyore. Musi uyu ndaifamba naHitman tiri two.
"Right mupfana tora phone zvese nemari." Akadaro Hitman achibva atsika munhu gumbo akamubata ruoko rwake akarisimudza achimuti, "Haa sorry wangu, sorry." So pavaive busy kuitana masorry ini ndainge ndatoisa maoko ose muhomwe. Ndakaburitsa phone chete ndokutosiya. Muswere wezuva ndakange ndarova 6 maphone ne3 mawallets. Mazuva achifamba ndakange ndave shasha chaiyo and ndakange ndave kutumira mari kuna moms asi vaisaziva kuti ndini ndaivatumira. At least ndakange ndave kufarawo.
"Right guys Finish afona hanzi boss vake vari kubuda mangwana saka pachasara iye nevakadzi chete so tave kutonobhagura masinhi."
"Ko mota yekuisira." Ndakabvunza.
"No need of a car, tinotora zvatokwanisa kutakura uye nemari."
"Okay."
*Finish*
As a thief ndaifanira kutoita semunhu akaita kakudzungaira kuti ndikwanise kustuder nzvimbo. Izvo ndozvandaigona manje uye hakuna waifungira kuti ndaive mudhiri kana pamba pakabiwa nekuti ndaitove kabenzi chaiko. Kubva ndigare pana Chantel ndaitoona kuti iye ainge anakirwa neni asi ndaisada kupinda murudo naye nekuti ndaisada zvondikanganisa nekuti pakuba ndaisada kunzwa tsitsi kana ave kurohwa. Aishingirira asi ndaisada kudanana naye, wandakange ndave kuda ndiChipo nekuti taigara kucottage tose saka ndaidawo mhedzanyota chete. Ndakatozosvitsa nyaya yangu kuna madam boss ko ndaida kungoenda pedyo navo chete.
"Saka ndozvaunochena here nhai Finish?"
"Aah mhamha ndiri murudo mhani, akundiramba uyu."
"Okay ndonotaura naye sara wakagara." Vakaenda ndakasara ndichiona ona zvangu haa zvinhu zvekuba zvaivemo. Chantel akabva azouya kwandaive ndokuti, "Finish ukaramba kudanana neni ndoda kukudzingisa basa, izvozvi ndinyepe here kuti ukuda kundibata chibharo?"
"Hey stop it mhani, okay unouya kuroom manheru tozotaura.
"Now you're talking, see you then." Akadaro achisekerera akabva aenda. Haa ndaifanira kungoita zvaaida plus ndaitozomushandisa padhiri rangu kuti zvifambe. Mom vakazouya vakati Chipo ainge aramba, handina kuzogara ndakabva ndaenda kubasa kwangu.
Nguva dzakafamba kusvika kwasviba, ndainge ndakatogara muroom mangu pandakanzwa munhu kuchema. Ndakabuda ndokuona ari Chipo, Chantel namhamha vake vakabva vabudawo.
"Ko chiiko nhai Chipo?" Vakadaro mhamha.
"Daddy vangu kani! Daddy vangu vashaya."
"Ooh sorry, inga zvakaoma." Hmm ndakarwadziwa nemachemero aaiita, ndakanomumbundira ndichimunyaradza and ndakabva ndanzwa ropa rangu kumhanya mhanya ndakatoona kuti munhu ndaimuda zvechokwadi uyu.
"Mhamha ndakunorara naChipo ndichimunyaradza." Akadaro Chantel.
"It's okay mwanangu, chinyarara Chipo." Chantel akabva auya kundibvisa pana Chipo akamumbundira iye ndokuzoenda kucottage kwedu tose. Vakapinda muroom maChipo ini ndokuenda kwangu. Ndave kuda kudzima light ndirare door rakabva ravhurwa and that was Chantel.
"Nhaiwe ko watonyaradza mumwe wako here?"
"Ehe plus ndichadzokera kaa handiti ndokwandiri kurara here?"
"Okay chipinda." Takabva taenda kunogara pabed.
"So wanga uchiti kudii nhai Chantel?"
"Hapana ndakatomirira kunzwa kutaura kwako kaa."
"Okay bho but ngazvisazivikanwe izvi nevabereki vako unondidzingisa basa."
"Okay mudiwa usatye."
"Okay so what made you love me nezvandiri izvi iwe uri mwana weshoroma kudai?" Ndakabvunza ndichida kumunzwa.
"Aah wangu handina choice nekuti handitenderwe kufamba saka kukuona kwandakakuita ndakatofara kuti tidanane. Unoziva handitozive chinhu chonzi sex ndongonzwa zvichitaurwa asi mukana wekuti ndizviitewo ndanga ndisina."
"Aah handiti sex inoitwa nevakaroorana here?".
"Mazuvano munhu wese ave kungozviita izvi, so tichaita here mudiwa?"
"Your wish is my command girl."
"Okay thanks, ndave kutorara muno nhasi."
"What about Chipo?"
"Ndomuona kwachena."
"No enda kune mumwe wako, anogona kuzviuraya mwana wevanhu."
"And why do you care about her siya akadaro."
"Because i love her. Chipo ndomuda Chantel."
"What? Ko ini haundide here?"
"Wangu pano tikudanana nekuti handidi kuti basa rangu ripere so otherwise I don't feel for you plus iwe ndiwe unondida but anyway ndichadzidzira kukuda."
"Finish rega kudaro so, hatisati tave neday tadanana wakuda kundirwadzisa here?" Akadaro ave kuda kuchema. Ndakazongomumbundira kuti angonyarara.
"Chienda kuna Chipo and don't tell her kuti tave kudanana."
"Okay bye." Akabva azoenda. Haa mwana raive basa zvaro. Ndakasara ndochirara zvangu, Chipo akazoenda kumusha kwavo kwachena, naChantel takange tave kusaonana nekuti mukana wacho pakange pasisina. Chipo akazodzoka, ndopatakange tave kuonana naChantel apo neapo. Mazuva akafamba mumwe musi Chantel akauya achitoda nezvangu. Handina kumurambira ndakangoravirawo mwana waboss and akabva atanga kundiudza masecrets emumba mavo, vaive nemari vanhu ava. Ndopaakandiudza kuti daddy vake vakange vachibuda kwemazuva saka waive mukana wekuti boys dzangu dziuye. Ndakavaudza kuti vatouya zuva raitevera racho, mangwana acho Chantel akauya zvekare kuroom kwangu.
"Nhaiwe ko wasiya amai vako vega?"
"Ehe aah ndomukana wekukuona uyu, ndatosiya ndisina kukiya door zvangu."
Ndaitove busy nephone kuudza vakomana kuti vauye vatopinde mumba.
End of chapter
❤️
😂
🙏
😮
👍
😢
😊
38