🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
May 26, 2025 at 07:12 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U *Vanoda kubva pa1 follow this channel.☝🏾* *Facebook page* https://www.facebook.com/profile.php?id=100089244880030 *Jerusalem🌹* *Written by* *Prince Washe Stories📗* *Chapter 06📕📘* *Chipo* Ndakazofonera sisi ndikavazivisawo rufu rwababa, zuva rakatevera ndakamukira kugadzirira ndave kuda kuenda. Ndave panze ndakabva ndasangana naFinish. "I'm sorry Chipo for your loss, here is kamari kadiki wobatsirikawo." Akadaro achinditambidza $20. Ndakatoshamisika kuti ko Finish aitove munhu musvinu kudaro nezvaaiita mafirst days zviya. "Okay thanks Finish, may God bless you." Ndakabva ndatofamba kuenda kumain house. Ndakanooneka mhamha kuti ndave kuenda vakabva vandipa $100 yetransport uye kuti nditengewo zvimwewo zvepanhamo. Ndakabva ndatonanga kumba kwasisi, ndakasvika bamukuru vave kutoda kuenda kubasa. Havana kana kunditaudza kusvika vaenda, ndaiziva zvavakange vakatsamwira hangu manje kana shungu. Zvakange zvatovharana ndainge ndatoita mistake kuda kurara navo. Takazoenda zvedu kumusha tikasvikoona imba zveshuwa yakaita kuparara. Takachema tose nasisi ndokuzonyaradzwa nevamwe amai so tikaenda navo kumba kwavo ndokupinda mumba. "Right girls muchindiona kudai ndaive mukadzi wababa venyu vatisiya ava. Ndine urombo nezvakaitwa nemwana wangu akandirwadzisa, ndini mai Jerusalem wacho akauraya baba venyu." "Haa zvakaoma, okay tafara nekukuzivai amai. Imi henyu hamuna dambudziko asi mwana wenyu anofanira kusungwa." "Ndazvinzwa zvakandiomera, saka pano ndopatichaitira rufu rwababa venyu nekuti uko hakuchina imba yatsva so feel free titotanga basa." "Okay." Zvainge zvakaoma asi takangoshingirira hedu, zvose zvakaitwa kusvika kuchengetwa kwababa. Takazivanawo nedzimwe hama ndokuzoparadzana isu takambosara kwemazuva maviri. Sabhuku vakazouya vachitibata maoko. "Haa zvakaoma henyu baba vatirwadzisa ava." "Taurai henyu, apa Jerusalem wacho hatitozive kuti akatizira kupi. Tikangomubata chete upenyu hwake hwose anohupedza ari mutorongo." "Yeah anofanira kupika mhosva yake, mwana mudiki kuita utsinye hwakadaro aah." After our conversation takazokurukura namai Jeru, takavapawo kamari kekusara vachionawo zvekuita semunhu aingochema chema. Vaive munhu akanaka zvavo kunze kwechimwana chavo chaive mhondi. "Maita basa vasikana mandigonera, ndichatosara ndichimbowanawo muriwo. Haa Jeru akandigura kunorira chaiko, apa nekukura kwese kwaakaita ari munhu akanaka wozongondivhurira hombr kudai zvakaoma." "Hmm ndotomboda kumuona mwana wenyu iyeye." "Hoo haumuzive zviye wakabva kuno uchiri mudiki shuwa, haa ukamuona hautomufungire." Ndoraive zuva rekupedzisira, mangwana acho takabva tatodzokera kwedu kuHarare. Sisi vakaendawo kumba kwavo ini ndokutonanga straight kubasa. Ndakasvikoita basa rangu semazuvaose, ndaifanira kutoramba ndichishanda nekuti hakuna mumwe aizomirawo neni. Ndaisava munhu anoda zvemafaro saka mari yangu ndaichengeta uye ndaida kuzoitawo business and pfungwa dzekuroorwa dzaitove kure zvadzo. Mazuva akapetana ndiri pabasa pangu ende bamukuru vainge vangoti zii zvavo. Ndaifunga kuti vachauya kuzodzosera chipfeko changu chemukati asi zvakashaya basa. Mumwe musi ndakarara ndakafonerwa namadam boss kuti ndiuye kumain house. Ndakabuda muroom mangu ndokunzwa kutaura muroom maFinish, obvious aive Chantel ainge apindamo. Ndakangosiya zvakadaro ndokuenda kwandainge ndadedzwa. Ndakasvikopinda mubedroom mavo vakabva vati, "Eeh Chipo ndarohwa nenzara kaa ndigadzirirewo coleslaw salad ndidye, sorry hako kukupa basa manheru ano." "Haa it's okay mom, ndobasa rangu ra....." Ndisati ndapedza kutaura ndakangonzwa door kuvhurwa ndakabva ndaona vakomana vaviri vakapinda nepfuti. "On the ground now, hands where I can see them." I screamed zvikanzi, "Hey I will shoot if you scream again." Ndakatarisa madam ndokuona vachiita kudedera vari pabed pavo. "Right, buritsai mari izvozvi kana muchida upenyu hwenyu." "Hatina mari." Vakadaro madam. "Imi amai imi hatisi kuita zvekutamba panapa manzwa, hatina kutengera pfuti idzi pasina. We're not going to harm you if you cooperate with us. Ndati buritsai mari." "Shoot me if you want, handisi kukupai mari." "Okay you're playing with us right, I'm going to shoot this girl kuti muone kuti ndiri serious." Akadaro mumwe wavo akandinongedzera pfuti. "Go ahead, shoot her! Mukumirirei mupfurei tione." Vakadaro amai uye vaitove nezvivindi chaizvo. "Please mom chingovapai mari yacho, I don't want to die please." "Shit! Muchabatwa mirai muone, regai ndikupei mari yacho musamukuvadze." Vakadaro vachisimuka vakavhura bag raive pamusoro pewardrobe vakaburitsa envelope. "Oyi mari iyi ndoyese iripo yataida kupa vashandi vedu, chibvai muno." "Good dzokerai pabed penyu now." Akadaro mumwe madam vakabva vadzokera pabed pavo. "Hey guys we have to go, pane mota yasvika panze." Akadaro mumwe mukomana akapinda asina kupfeka mask, ndakangoti ndichimutarisa hana yangu yakabva yatanga kurova. The guy was so handsome zvekuti mate akawanda mukanwa mangu ndikamamedza, iye akaramba akanditarisawo and vamwe vake vainge vatobuda. "Hey ukuitei mumba mangu." This was my boss vakange vapinda, vakabva vamira padoor. Madam vakabva vatora chair yaive mubedroom mavo vakabva vamurova musoro akawira pasi. Ndakanzwa mwoyo wangu kuenda mudenga nekurwadziwa, ndakazongozvishingisa kuti hamheno ikoko ko yaive mbavha saka aifanira kurohwa. "Hamuna kusangana nevamwe here baChanty, mari yese yaenda." "What!" Vakadaro vachibuda hamheno kuti vainge vajutwa sei kusasangana navo. Vakazodzoka vachiti, "Hakuna vanhu uku and where's my daughter?" "Chantel!" Vakadaro amai vake vachibuda kunotarisa muroom make. Boss vakasara vachitora mahand cuffs vakabva vasunga mukomana ainge akangoti rabada basi. Vakabva vamuzvuva kuenda naye mune imwe room vakabva vamuvharira imomo. "BaChantel mwana handisi kumuo..." Vasati vapedza kutaura iye akabva apinda. Ndakaona munhu kupusa kuona tese nadad vake tirimo. "Chantel uri kubva kupi?" Vakadaro dad vake. "Eeeh uum dad, matodzoka?" "I said uri kubva kupi?" "Dad ndikubva kuroom kwaChipo." "Chipo ari muno uyu anga asiri kutoziva kuti uri kupi, chii chaitika muno?" "Hapana ndangobuda kuti ndinotandara naye ndasvikira asiko." Achipedza kutaura akabva angonzi mbamaa. Akadzedzeraka a achinodonhera pasi. "Mirai dad ndikuudzei! Ndanga ndiri kuroom kwaFinish." "Chipo enda unodana Finish auye kuno." Ndakabva ndamhanya, ndakasvika musina kana munhu uye pabed pakange pasisina kana blanket zvaro. Ndakarohwa nehana ndichidzoka kuzovaudza. "Hakuna munhu uku boss, uye mumba masara musina kana mablankets." "Right Chantel, ndiwe waunza mbavha pano iwe naFinish wako. Ndoda kuti undiudze kuti wazvifambisa sei uye mbavha idzi dziri kupi, chienda muroom mako." "Dad please I...." "Don't say any word or else you'll regret why you were born." Akabva aenda achingochema kuroom kwake. "Right iwe Chipo waidei mubedroom." "Ndini ndamudedza kuti andigadzirire chikafu, ko madii mafonera mapurisa." "No, yangu ndoipedza ndega." *Jerusalem* Ndakange ndave kunonokerwa nekuita mari, pane mapurisa ndipo pane mari vamwe vanodaro. Ndakange ndazvipira kuti nditoita gororo hombe nekuti hakuna zvimwe zvandaikwanisa kuita semunhu akange asina pekugara. Zvose izvi ndaiitira kuchengeta amai vangu nyangwe kuvaona kwaizonetsa asi ndaivimba kuti nekufamba kwenguva taizoonana chete. "So guys garai mandipa pfuti yangu." Ndakadaro vakabva vaseka zvavo, Hitman akabva ati, "Samson dzikama, iwe hausati wakubata pfuti handiti. Plus ndedzefake and itwo chete saka ini naKedha tisu tobata pfuti." "Okay amana, kungoti pfuti haina basa ini ndotoda banga chairo. "Kkk iwee wakafitira kuuraya handikuone mushe." "Hmm kana handidaro, imagine kuuraya mubereki weumwe munhu hazviite." "Yeah ndosaka tichishandisa zvombo zvisingakuvadze." Takazogadzirira zvedu mafambiro ataizoita, zuva rakatevera ndakabva ndatora mari yese yandaiva nayo ndokusendera amai vangu. Ndakadaro nekuti ndaisaziva zviri mberi, chero Mai vangu vambodyawo mari yangu kusungwa kwaisatyisa. So nguva dzakafamba, kwasviba takabva tatorongeza zvombo nemaface mask mubag. "Right guys ngatibatanei maoko ndinamate kuti zvifambe zvakanaka." "Aah wangu unoda kunamatira kuba here? Hazviko izvo." "Wangu Mwari vakuziva kuti mhamo ndoinotituma kudai, saka tikanamata tokwanisawo kuba mari yakawanda then tozosiya zvekuba tave kuita zvimwe." "Hayaa okay namatai aSamusomi." "Okay, Baba vedu ndinonamata. Zvatave kubuda kunotsvaga mari titungamirirei. Ngapasawane chinotivhiringidza uye achabatwa, ngatibe mari ine mumvuri chai..." "Haa amen guys, mave kutodenha Mwari manje neminamato yakadai iyi. Let's get going now." Akadaro Hitman takabva tananga hedu kuVainona ndokwatainorevera madhiri acho. Hitman aitaura naFinish paphone uye taisanetseka nekuti mumba mainge mangosara madam boss vake chete uye akabva atiudza bedroom yacho. Takasvikovhura gate raive risina kukiwa ndokupinda mukati. Ndini ndaifambira kumashure kaa semunhu mutsva. Ndakabva ndakandirwa mask yangu tose takabva tapfeka. Vakomana vakabva vapakata pfuti dzavo ndokubva tapinda mumba. "Right iwe Samson, ooh bag iri woisa Tv nezvese zvimwe zviripo zvaungatora." Ndakabva ndakandirwa bag hombe ndokusara ivo vakaenda kubedroom. Ndakazongonzwa ruzha ikoko ini ndokutombobvisa mask zvangu ndichirongedza zvinhu. Ndakabva ndatomboenda kufridge ndakatora mukaka waiwemo ndikatanga kunwa zvangu, haa zvaive pachena kuti tainge tabudirira. Haa dai taive nemota kana masofa taitakura, ndainge ndatomachiva zvangu. Ndakatogara ndakanzwa sound yemota kupinda pagate and ndakabva ndatarisa ndikaona yatomira. Ndakangokanda chibag changu kuseri kwesofa ndokumhanya kubedroom ndikaudza vamwe. Ndichipedza kuvaudza ndakabva ndasanganidzana maziso neumo musikana munaku uyo akaita kuti hana yangu imboti bamu bamu. Ndakaramba ndakamutarisa mumaziso naiyewo ainge akanditarisa zvekuti ndakatozovhunduka ndanzwa munhu kutaura kumashure kwangu. Ndakapatika vamwe vangu musisina, ndakashaya kana kwekutiza nako ndokuzonzwa kunzi bhoo mumusoro ndakabva ndangoti zii ndokudonha pasi. Zvimwe zvakaitika handina kuzozviziva, ndazosvinura maziso angu zvishoma nezvishoma ndakaona ndiri mune imwe room mangu ndega. Ndakada kusimuka ndokunzwa maoko angu akabatana, ndakatarisa ndikaona ndatoiswa ngetani. "What?! Ndatosungwa kaa ini. Ooh my God ndatove kumapurisa. Shit! Ko ndakazovaraiwa seiko futi." Ndakadaro ndichitaurira pasi, chando chakandirova apa ndakange ndisina kana chekufuka. Handina kana kuzorara kusvika ndanzwa kuvhurwa kwedoor ndakabva ndanyepera kurara. Ndakazonzwa mvura kunzi mwaa kwandiri, ndopandakamuka ndichivhunduka. Ndakabva ndaona murume ainge akauya nezuro ndiri mubedroom. "Right shamwari, ndikuda kuti undiudze zvese zvandoda kuudzwa." "Okay mukuru, ndine nzara ndokumbirawo chekudya ndikwanise kutaura." "Chipooo!" "Yes boss." Ndakabva ndaona musikana uye achiuya akabva apinda. Haa zvimwe ndezvimwe ndaisada zvevasikana asi pandakaona uyu ndakabva ndakanzura kusada vasikana ndakange ndatonzwa ropa kumhanya mhanya manje. "Bring something to eat upe this guy." "Okay boss." Akabva abuda pasina nguva akadzoka nechikafu akadzokera. "Mwana wenyu here uyu?" Ndakabvunza ndave kutodya. "Iwee ndati ndini ndichakubvunza kwete kuti iwee." "Okay." Ndakabva ndatanga kufunga kuti ndaivanyepera sei nekuti kuzofumura vamwe vangu zvaisaita. Zvaive nani ndisungwe ivo vosara vachidya mari vaizondirangarirawo kuti ndaive gamba. *End of chapter*
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 29

Comments