🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
May 28, 2025 at 10:46 AM
*Chapter 9 to 11* https://chat.whatsapp.com/BnxvBOe2kDIJTtyXZNHWFD [2/28, 21:46] Rejoice: https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U For previous chapters follow this channel ☝🏾 *Jerusalem🌹* *Written by* *Prince Washe Stories📗* *Chapter 09📕📘* *Bhaureni* Ndakazomuka kunze kwave kuda kuchena, ndakavhunduka kuona door rakavhurwa. Mai Thelma vainge vakatofa nehope. Ndakashamisika nazvo asi ndakazovhunduka ndanzwa kunzi tisvikewo panze. "Ndiani?" Ndakadaro ndiine kakutya." "Ndini ." Raive izwi rasabhuku. Ndakanzwa kudzikama ndakabva ndabuda ndokuvaona variwo. "Ko mamuka sei Mwendamberi?" "Ndauya kuti tizoenda kwaMazhambe kuchiri kwakachena kudai?" "Okay matogona, regai ndipfeke bhutsu nekamu titoenda mai Thelma vasati vamuka." Ndakabva ndadzokera mumba ndikapfeka bhutsu ndokutora kamu kuti ndifambe ndichikama musoro. "Aah mafumorova nhetserwa sabhuku, haa ndakasara ndave pakaipa." Ndakadaro ndave kutokama musoro wangu. "Undipewo kamu yako kana wapedza." "Okay hmm zvakaoma, murume ane hasha uyu manje zvavharana nhasi naMazhambe haa mweya wake unobva watodzikama zvawo. Haa handichauraya futi vanhu sabhuku ndapfidza, tapotsa padiki diki dai zvazikanwa nevanhu vese kutaura kuno, uye zvangu zvekusagadzikana zvekuda kunhanzva mai Jeru zvakandiparira, ndokwakatangira zvese. Oyi kamu iyi sabhuku aah." Ndakabva ndavatambidza kamu. "Apa magona sabhuku mauya kwakati svibei kudai, dai tikasasangana nazvo futi munzira umu. Ndakapotsa ndamhanya bani kaa kkk imii." Ndakange ndave kutaura ndega sabhuku vasiri kupindura, ndakabva ndavatarisa kuda kuona kuti vakuzvifambisa sei? Ipapo ipapo ndakabva ndamira weti ikatanga kuyerera ndaona sabhuku vakabata musoro wavo mumaoko vachikama. Ivo vakabva vamirawo vakabva vataridzisa musoro wavo kwandiri vakabva vati, "Udzai vanhu vose zvamakaita, ndiri kukupai zuva ranhasi chete." Ndakazosara ndichiona kamu yave pasi, munhu pasisina. Semurume unofanira kushinga asi ndakatya kana kutora kamu yangu ndakabva ndati tsoka ndibereke ndakadzokera kumba. Haa zvainge zvandipandukira, ndave kuda kusvika ndakabva ndaona sabhuku zvekare vachitouya. Ndakada kutiza asi vakabva vanditanga variwo, "Bhaureni ko haugare pamba wakaita sei?" Ndopandakamira, vakasvika pandaive ndaita kunonzi kubuda furo. "Chiiko nhai Bhaureni?" "Sabhuku nhasi ndaona zvakaoma, mashura mudunhu. Chipoko sabhuku haa hazvitsanangurike, hanzi tiudze vanhu zvatakaita manje zvamauya zvanaka hande tose kwaMazhambe nekuti kuudza vanhu tinofa nematemo." "Saka hautonzwisise nhai Bhaureni? Ndakuti enda unoudza vanhu uri kuda kudzokera kwaMazhambe wako." Raive voice raMakumbe raibuda pana sabhuku. Ipapo weti yakaramba kubuda tsvina ikabva yati rega ndibude zvangu, ndakadedera uku ndazadza mupant mangu. "Zviri kuitika here izvi kana kuti ndiri kurota?" Ndakadaro ndave kudududza kumashure. Ipapo ipapo chipoko chakabva chanyangarika. Pakange pasina mamwe matiziro kana zvandingaite kunze kwekuenda kumba kwasabhuku ndivaudze nyaya iyi uye taitofanira kuti tizivise vanhu. Ndakabva ndatora nzvimbo yekwasabhuku ndokusvika vachiri vakarara. Vakabuda panze tikamutsana. "Eeh ndisati ndatanga kutaura ndimi sabhuku chaivo chaivo here?" "Ndini, ko chii?" "Okay pakaipa mukuru wangu." Ndakabva ndavatsanangurira zvose. "Shit! Inga pakaipa. Haa ini handinzwarwo Bhaureni. Haa tingatopedzerana nechipoko ichocho pane kuti vanhu vazive secret yedu iyi, never." "Manje ndini ndikupinda pama1 kaa makazorora zvenyu kuno." "Ehe ko handiti ndimi maiuraya here? Ini ndakangoshanyirwa nezuro chete asi ndarara zvakanaka. Pedza nyaya dzako shamwari." "Dzopera nekureurura kuvanhu, kuti ndiende kwaMazhambe ndiri kusangana nechipoko." "Okay, ndichaenda kwaMazhambe inini ndinozvigadzirisa." "Okay sabhuku, regai ndimbosvika kumba." "Mira, ndiwe here une hwema uhwu?" "Sabhuku ndikakuudzai kuti ndiri pakaoma hamubvume, ndakutonanga kurwizi uku ndinogeza." "Hayaa okay, ndokushanyira manheru." Ndakabva ndaenda kurwizi ndikanogeza, ndakadedera nechando ndokuzoenda kumba ndakatota. Haa Makumbe akange andigona, chokwadi munhu haaurayiwe kunge huku. Ndakange ndave nechidzidzo, apa zvese izvi ndaiitiswa nasabhuku. Ndakafamba zvangu kunze kwainge kwati mbuu zvishoma. Chipoko ichi chainge chakashatira pakuuya chiri vamwe vanhu manje, zvaisanzwisisika. Ndakazonzwa muridzo kumashure ndokucheuka ndakaona kusina munhu, ndichitarisa kumberi ndakabva ndaona kamu yangu pasi. Zvekuti yainge yauya sei handina kuzvitsvaka nekuti ndaigona kungopamha zvekare kuzviitira, ndakainhonga ndokuenda kumba. Ndakasvika mai Thelma vachiri vakarara, ndave kuda kubvisa bhurukwa ndopavakamuka. "Ko muri kubva kupi nhaimi?" "Kutoilet." "Ndazvinzwa mhani pamapinda apa, ko kupukuta mapukuta here?" "Mai Thelma dzikama wanzwa." "Ndotadza kutaura here imi muchinhuhwa." "Hayaa ndageza wani." "Matii?" Ndakabva ndaramba ndakanyarara ndokuchinja ndakazoendesa hembe dziya panze. *Chipo* Ndakashamisika nemashoko aboss vangu kuti vaida kurara neni kuti vabuditse Samson. Munoziva ndakapererwa, hamheno zvazvingori kuudzwa chinhu chawange usingatarisire kuti chingataurwe. Ndakamborova a deep breath ndokubva ndati, "Ndazvinzwa boss lemme think about it." "Hapana chekufunga apa nekuti une sarudzo mbiri, kuita zvandareva ndoregedza mukoma vako kana kusaita ndomuendesa kumapurisa." "Okay handisi kuda kuti asungwe, toita sezvamareva regai ndimbotaura namukoma vangu ndoda kuvatsiura nehunhu hwavo hwekuba." "Okay im giving you 24 hours." Haa boss vainge vandiomesera kutaura chokwadi. Zvinhu zvavaida kaa zvairwadza kuti ndingovapa, wangu waive munyama chete kuda kubviswa humhandara nevanhu vane vakadzi vavo. Ndakangoti hamheno Mwari ndakabva ndanoona mukomana wangu Samson. Handizive kuti chii chaicho chakaita kuti ndimude zvakanyanya kudaro. Tanga tisina mazuva but zvandakange ndave kumuitira zvakange zvakakura segungwa. Takataura kusvika azongoti ndiite and i was the one insisted nekuti iye aisada. It was better kuti ndirare naye first wondibvisa humhandara then ndozorara naboss. Takawirirana kudaro, ndakabva ndazoita basa rangu ndokuzomuendesera chikafu chikafu takamboita kamoment kerudo asi ndaifanira kuenda kunodya nevamwe saka takasiira munzira. Ndakazoenda kunorara zvangu ndave kufunga munhu wangu, haa mukomana uyu hamheno zvaaingondiita so. Akange andipengesa nezuva rimwe ko kuzoti gore, haa ndainge ndagarika zvangu. Ndakazorara ndokumuka mangwanani boss vaenda kubasa and vamwe vakange vachiri vakarara. Ndakabva ndatoona kuti ndiwo waive mukana wakanaka uye ndaifanira kutoushandisa. Ndakanopinda muroom maive naSamson ndokutoenda padenga pake, aida kutaura asi ndakange ndisina time yeizvozvo. Ndakangoisa muromo wangu pane wake and zvaipedzerana ipapo. Ropa raiita kumhanya kani asi rakazomira door ravhurwa and that was Chantel. "Okay munozivana zvenyu, so pese apa ndaipihwa mhosva uriwe Chipo wakaunza mbavha pano." Akadaro achitodzokera, ndakabva ndamumhanyira ndokuenda pamberi pake. "Chantel." ”Ndisiye ndosa kuudza dad vangu about this. Handingarohwe ndoitwa muranda panapa apa dad vangu havasi kana kutaura neni because of you. You're a junior Satan wanzwa." "Chantel it's not what you're thinking, handizivane naye mukomana uyu asi..." "Iwee ungakisane nemunhu wausingazive here?" "Ndokumbirawo timbogara pasi titaure please." "No ndisiye." Akabva andisundira kure akaenda kuroom kwake. Ndakabatikana ndakabva ndadzokera kuroom kwaive nasamson wangu. "Hanzi kudii babe." "Samson pakaipa, haasi kunzwisisa munhu wacho." "Wangu handikwanise kungotiza here zvingopera izvi?" "Pagate pave naguard saka pakaipa. Okay i think what to do? This girl akuda kuita makwikwi neni kaa okay." "Wafungei?" "Okay, ndomuziva kuti anoda zvinhu saka ndichaita kuti auye muno and iwewe wobva waita seukutoda kurara naye motanga kukisana, ndoda kupinda ndotora video and ndozvichaita kuti asataure Kuna boss, brilliant idea isn't it?" "It is. Okay ita sezvawataura." Ndakabva ndatonanga kuroom kwaChantel apa time dzaifamba ndisati ndaita basa. Ndakapinda ndokumutanga nesmile. "Ukusekerera chii?" "Wangu kaa that guy is so romantic and andibata kamwe kamubatiro kandisingakanganwe, dai usina kupinda dai ndatove mudenga rechinomwe kutaura kuno." "Saka ukundiudzirei?" "Chantel ndozviziva kuti you crave for sex zvekutodaro, this is your opportunity nekuti pano handifungi ukabvumidzwa kubuda." "Chipo. Ndozvandaitofungawo pandauya paye but ndazoona kuti mozivana and I want to report it to my dad." "Okay fine, ndangotaurawo zvaari chete. Ndakuenda kubasa." Ndakabva ndatobuda, ndakapinda mukitchen ndokutanga kusuka, ndakazonzwa kuvhurwa kwedoor raChantel. Ndakadongorera ndokumuona achinyahwaira achienda kuroom kwaive naSamson. Ndakabva ndati zvamuwana, ndaida kumubatira ipapo. Ndakangombomira hangu kuenda sezvo vaimbotanga vataura vese kaa vasati vatanga. Ndakatombomira kusuka maplates hangu ndokuisa phone yangu kucamera, ndave kuda kuti ndibude madam boss vakabva vabudikira vachiuya. Ndakanzwa sendinotsva ndokubva ndangopora ipapo. "Mamuka sei mom?" "Ndamuka, ko hausati wapedza kusuka nhasi wanonoka kuita basa chii?" "Aah ndararisa mhamha" "Okay, anyway ndauya kuzotaura newe zvishoma. Ndiudze chokwadi hamuzivane here nemukomana uya?" "Ndimukoma vangu nda..." "Izvozvo ndikuzviziva, ndikuti kuuya kwavakaita pano manga musina connection here?" "Haa kana madam, ndakatoshamisika nazvo kuti akange ave mbavha." "Hoo, okay. So mukutibikira chii nhasi?" Haa vakange vave kutaurisa manje, munhu wangu aizosvika pakurara naChantel manje. "Haa munozoona ndabika, regai ndimbosuka mhamha." "Okay ndiperekedze kuna bro vako ndoda kumubvunza something, unodzoka uchisuka." "Ah mhamha, ndamboenda anga achiri akarara." "Iwe pano pamba pangu and haangasvike nguva dzino akarara." Haa pakange paipa, kuti ndirambe futi vaizofunga kuti ndaive mudhiri naChantel saka zvaive nani kuti vamuwane ariko. "Okay handei." Ndakabva ndaisawo kaconfidence paya, takafamba tichiendako and handina kukanganwa kuisa phone yangu kuvideo recorder. Ndakaenda pamberi ndini, prayer yangu yaingove yekuti tivawane vasingaite zvisina basa nekuti ndaisada izvozvo. Ndakazomira padoor ndanzwa Chantel kutaura aine kakudedzera. "Aah ndonzi Chantel Magora, ndoyera Mbizi. Ndine 21 years, haa ndikunzwa kuda kukuudza zvese Sammy please do it fast. Aah, uum." Hana yangu yakarova ndakabva ndavhura door nekukasika. *End of chapter* [2/28, 21:46] Rejoice: https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U Vanoda kubva pa1 pindai umu. If you're a man join this group you'll thank me. Male health care 👇 https://chat.whatsapp.com/LYeFMGmsRRs2xbj13Japz9 Female join this Female health care https://chat.whatsapp.com/K0kR13laHO73hoe572o1FM *Jerusalem🌹* *Written by* *Prince Washe Stories📗* *Chapter 10📕📘* *Jerusalem* Ndakashamisika kuona musikana ainge avhura door tiri pakati perudo rwedu. Akaratidza kutsamwa uye akabva atanga kutotaura zvekuti aida kuudza dad vake what what. Ndakatoona kuti ndakange ndave kupinda pamaone andainge ndave kubuda aya. Zvisinei wangu Chipo akabva auya nezano rakewo and raishanda kuti Chantel asazoudza dad vake zvaainge aona tichiita. Zvakafamba zvakanaka Chantel akabva auya muroom mandaive wearing a nice dress raisiya zvidya zvake kunze zvekuti ndakatombomedzerera mate zvangu nyangwe ndaisamuda. "Hey." Akadaro achivhara door. "Hesi kani Chantel." "Wakaudzwa nani zita rangu?" "Aah ko ndotadza kuriziva nei ini ndichigara pano." "Hayaa, your name must be Samson handiti." "Ndizvo chaizvo, so waiitei naChipo?" "Wangu zvangoitikawo kungoti ndakarohwa nechikara saka ndaida kuti andipedzewo nyota." "Hoo wadii waudza ini kk." "Ndosaka ndataura kaa, so toita sei?" "I'm all yours, show me what you're capable of." Akadaro achizvibata pachest pake achizvipuruzira. Ndakabva ndatoona kuti shasha yaive nenzara iyi manje yainyura nazvo. Semurume hauzotadze kunzwa kuda kaa plus nepandainge ndasirwa naChipo ainge atokonzeresa. We started kissing and touching, ziso rangu raingoita richitarisa kudoor kuti Chipo haasati ave kuuya here? Ndakatozosvika pakukurirwa nemafeelings zvekuti ndakange ndave kutoda kupinda maari. "Chantel please ngatisiyane nazvo izvi ndinourayiwa pano tikawanikwa." "Iwee uri kutononoka dai wapedza first round kutaura kuno." Honestly I failed to control my feelings, mwana akange ave kutoda nezvangu. Hatina kuzomira ndakabva ndatopinda maari and ndakatopinda ndichimhanya. Hana yangu yaingorova asi pfungwa dzakange dzave pakuzvifadza, akazotanga kudetemba musikana kutaura nezvaasina kubvunzwa. Ndakazonzwa door kuvhurwa ndakabva ndati ngavapinde zvavo handina kuburuka. "Samson what!" NdiChipo akadaro Chantel akabva ati, "Ndisiyeee! Mhamhaa help me this guy is raping me!" Akadaro achindisundira kure. "What? Nhaiwe mukomana iwe chii chauri kuita nemwana wangu?" Vakadaro amai vake, ndakangodzosera junior wangu mukati ndave kunyara. "Zvakaoma shuwa, iwe Chantel wanga uchiitei, munozivana nemukomana uyu handiti." "Mhamha please I'm sorry, I don't know him ini he raped me." "Pfutseke, usade kundinzwa unoti handina kukunzwa here uchiukura muno." "Sorry mom, please musaudze dad, handizivane naye ndochokwadi asi ndakundika ndarara naye." "Hayaa, okay chibudai muno mese, Chipo dzokera kubasa kwako." Vakadaro mai vacho, Chanty naChipo vakabva vabuda. Ndaitorohwa nehana kuti ndogona kutopinda pane mamwe maone. "Nhaiwe mwana iwe sei une musikanzwa, chii chawaiita nemwana wangu." "Haa mhamha ndokumbirawo ruregerero, mwana wenyu ndiye andiseducer." "Handina kuti ndiri kukupinza busy, ndiri kuda kutotaura newe." "Okay matii?" "Okay, ndoda kuti uzondipawo kaa zvawapa mwana wangu kana usingade ndoudza dad vake." "Hmm mom hazvibude, imhosva here kuti makandibata ndichiba moda kutoita zvamunoda neni? Ndisungisei kana zvakadaro." "Dzikama Samson, unoziva kuti murume wangu haana kana zvaanogona uyu anongoita hwejongwe chete saka pandanzwa mwana wangu achidetemba mwoyo wangu waenda mudenga, chimbondifadzawo." "Okay ndichakuudzai rega ndimbofunga." "Okay boy." Vakabva vabuda, ndakanzwa hasha kuti zvakange zvave kunyanya. Ndaifanira kunge ndichibuda pamba apa ndisati ndabatwa nedzimwe nyaya. Nguva dzakafamba kusvika Chipo auya nechikafu. "But Sam...." "Chipo mira izvozvo, hona wanonoka kuuya waida kuti ndiite sei? Handisi munhu wesimbi kaa ini, sorry hako." "Hayaa okay, saka zvakamira sei? Zvepano handichada, hona ndawanikwa namhamha vaChanty ndine mwana wavo." "Ivo vati kudii?" "Okay handidi kunyepera, madam boss vari kuda kurara neni." "What? Hayaa ko chii?" "Aah hazvina musoro, hanzi murume wavo haasi kuvafadza what what apa vati ndikaramba vanobva vaudza boss nyaya yaChantel." "Hayaa inga zvakaoma, saka wafungei nazvo?" "Haa pakaipa, apa iwe uri kufanira kurara naboss ini namadam boss, wangu ini hangu hapana chandiri kuda apa. It's better ndisungwe nekuti tiri kutoparadza rudo rwedu sekutamba sekuseka. No more kurara naboss, ini zvataurwa namadam ndezvavo." Ndakadaro and for sure ndakange ndisisade zvisina basa. "Okay saka toita sei?" "Plan yawange wafunga kuti tiite pana Chantel ndoyatave kufanira kuita. You have to seduce guard and mopinda muguard room ndobva ndatiza." "Hmm no, ndopakuzorarwa naye handidi nehumhandara hwangu please tsvaga imwe nzira." "Hakuna imwe shamwari, iwe ndipe number dzako ndokubata ndaenda uye ndokuzivisa kuti ndinenge ndiri kupi?" "Samson zvobuda here izvi? Okay kana wadaro hapana chakaipa." "Yeah so kumanheru usakiye door and unouya kuzondiudza kana wave kuenda kwaari but dhiri racho unofanira kuritanga masikati ano." "Don't worry, ndoita zvandogona kuti zviite." Haa zvangu zvakange zvave kutongoda kurisker. Zvaive nani kuti ndiite zvekutiza pane kuti ndirambe ndiri pamba apa, ndaipedzisira ndazochema mangwana. Ndakazodya hangu, hapana akauya kuzondiona kusvika kunze kwasviba. Chipo ndopaakazouya nechikafu akabva atonditi ndidye nekukasika iye akange ave kuenda kugate. "Okay babe, please usape munhu iyeye zvinhu zvangu." "Don't worry, ndosunga makumbo. Iyi mari iyi wozoona zvekuita kusvika taonana. Number dzangu dzephone idzi." "Okay." Akabva aenda ndakasara ndichidya, ndichipedza ndakabva ndatonyahwaira ndichibuda kunze. Ndakabuda pasina kana andiona ndokutarisa kugate ndikaona kusina munhu, ndakafamba zvishoma nezvishoma. Ndichisvika pagate ndakabva ndaenda paguardroom ndokurova rova door ndakabva ndabuda ndichimhanya. Ndakazviitira kuvakanganisa imomo kuti vasazorare vese. Ndopandakakwira kombi ndakapinda mutown ndokuzoenda kuMbare. Ndakananga pamba peboys rangu ndakasvika pasina vanhu uye mukati maisatove nezvinhu ndakabva ndaziva kuti vainge vatama. Kwekuvaona kwaisanetsa sezvo taimborova zvirounds tese, ndakanovatsvaga ndikavaona and vakabva vavhunduka kundiona. "Samson!" "Yes guys, ndadzoka." "Ndiye Samson wacho, zviri sei wangu ndonzi Finish." "Okay zviri sei?" Takangomhoresana imwe iya ndakabva ndavatsanangurira zvose zvainge zvakaitika kusvika ndizodzoke. "Wati wave kudanana naChipo?" "Ehe." "Unoziva kuti musikana wangu here iyeye?" "Aah handizvizive haana kundiudza." "Hoo, asi ndakuudza kaa wobva wasiyana naye nekuti unofira mahara." Ndakabva ndatanga kufunga kuti asi Chipo aive hure here? Ainge akandida sei iye achidanana naFinish. Handina kufara nazvo asi nekuzondibatsira kwaakaita airatidzawo kuva munhu ari bho. *Bhaureni* Better kunze kwakange kwaedza ndakange ndave free zvino. Ndonguva dzisingafambe zvipoko saka ndaitofanira kugadzirisa nyaya dzangu ipapo nekuti usiku ukasvika futi paifiwa. Ndainge ndanzi ndireurure kuvanhu asi ndaireurura sei nhaimi nekurwadzisa kwandakaita vanhu kwose kuya. Chokwadi mari hachisi chinhu kana usina rugare, haidyike nyama mwoyo usina kugadzikana. Ndakazongogara pamba zvangu ndichidziya mushana, mai Thelma vakabva vazouya vakagarawo pedyo neni. "Ndave kumbobuda ndiri kuenda kuDarwin kumashops ndimbonotenga tenga nemari yamakandipa iyi." "Okay hapana chakaipa, ndokuonai madzoka." "Zvakanakai, regai tinofara zvedu isu tine maoko asina ropa." Vakadaro vachisimuka, ndairwadziwa handidi kunyepa. Kuda mari kwangu kwainge kwakonzeresa zvakawanda, ndaingoti ndikangonyarara ndaingofunga chiitiko chemanheru chiya zvekuti kuti kunze kusvibe zvekare ndaisada. "Tisvikewoo!" Raive izwi rasabhuku vangu, ndaingotya kuti vanogona vasiri sabhuku ndikamboshungurudzwa futi. "Ndazoti rega ndiuye nekuno tiende tese kwaMazhambe, saka gadzirirai tiende." "Hmm madii manogadzirisa nyaya dzacho mandisiya zvangu." "Haa kwachena uku, hande tigadzirise tese nekuti zvogona kuramba zvakakusona." "Okay hapana chakaipa handei." Ndakabva ndasimuka, kamu yangu handina kutora nekuti yaitotyisa kubata. Takafamba zvedu nemumisha kusvika tapindawo musango. Takafamba zvenguva refu uye hapana chatakaona. Takasvika pashrine paMazhambe ndokuona paine munhu akange achitobatsirwawo. "Iwee munhu akubatsirwa umu wambomucherechedza here?" Vakadaro sabhuku. "Handina ko chii?" "Gotsi rake kuita saMakumbe chaiye." "Ooh ndambozvitaura kuti huyai mega, ndave kudzokera zvangu." "Haudzoke shamwari isu tatosvika, iye Makumbe wacho akada kuenderera tave kumuuraya kechitwo manje." "Haa sabhuku munodarireiko?" "Kkk kuseka hangu, aah!" Vakadaro vachiratidza kuvhunduka. "Ko chii?" "Ndiwe Makumbe, haa ukudei?" Vakadaro vachisimuka ndokutanga kutiza. Zvakandishamisa kuti ko ndave Makumbe pakuita sei, ndakatoona kuti handingamirirewo izvozvo ndakabva ndatanga kuvatera. "Sabhuku mirai kani?" Vakacheuka vachiridza mhere vachingomhanya, vakazotarisa mberi vatosvika paive neçhimuti vakabva varovera ndokubva vangodonha. Ndakasvika ndokuona vangoti zii, "Sabhuku! Sabhuku!" Ndakange ndotaura ndega vakange vanyarara. "Endaa navo kumusha kwamabva, vanhu vave kufanira kuziva zvamakaita." Ndakanzwa voice raMakumbe kumashure kwangu, handina kucheuka ndaigóna kuzozvikuvadzawo nekumhanya. Ndakasimudza sabhuku vangu ndokuvaisa pabendekete ndakaenda navo. Ndakasvika kwedu ndaita kudikitira uye vanhu vachitiona vakashamisika vakatimhanyira. "Ko vaita sei sabhuku?" Ndini ndaifanira kupindura mubvunzo uyu asi ndakatadza. "VaBhaureni mauraya sabhuku kaa imi! Hee!" "Handina kuvauraya ini." "Saka chii chaitika?" Ndakangoti dai vamuka vataure vega. "Vanhu vose ngavaungane panzvimbo imwe chete." Ndakadaro nekuti ndainge ndazvipira kuti vanhu vangoziva chokwadi, zvaive nani ndipike mhosva dzangu zvingopera. Vanhu vakaungana vakuru nevadiki, ipapo sabhuku vakabva vamuka. "Nhai Bhaureni chii chaitika?" "Aah mazongorovera pamuti mukadonha saka ndanzi ndiuye nemi kuno naMakumbe tiudze vanhu zvakaitika." "Unopenga here iwe? Unoda kuti ndisungwe manje, hapana zvatiri kuudza vanhu." "Aah sabhuku ini ndave kutaura zvangu." "Okay mira." Sabhuku vakabva vasimuka ndokubva vadedzera kuti,"Murume uyu aida kundiuraya, ndazonyepera kufa ndosaka tasvika patiri pano! Mubatei!" Vakadaro vanhu vose vakabva varamba vari ziii. "Hamusi kunzwa here zvandataura!" Hapana akapindura kusvika mumwe murume ati,"Ko havasi kutaura vanhu vari kungoshama shama chete." "Sabhuku reurai please." "Bhaureni ngatibve pano!" Vakadaro vachindidhonza. Ndakabva ndangotevera vanhu vose vakasara vachisara vachipopota uye kutaura zvakawanda wanda. "Sabhuku ndochii chamaita ichi? Honai nguva yatiri kuti yakaoma imi moita mafunnies kudaro." "Haa ini handibvume defeat shamwari, kunyanya munhu akafa haa anondidii? Musiye achaneta chete." "Iih Makumbe wazvinzwawo kaa kuti ndaida kureurura sabhuku varamba, chipedzerana navo." "Yeah ngaauye hake, paye ndazongovhunduka chete asi dai auya feya feya ndaisatiza ini." "Horaiti bho." Ndakabva ndaendawo kumba kwangu, ndakasvika mai Jeru vachitosvikawo. "Nhaimi aBhaureni ndochii chamatiitira nhasi?" "Aah sabhuku venyu ndovakuunganidzai, vachakuudzai zvizere havo kana vave bho." "Hoo, aah zvakanaka. Hakuna kwatoenda tiripo, makazotiza kumba nezuro ko chii?" "Aah kwaive kudhakwa mufunge, ndokuonai ndoda kumborara." Ndakabva ndapinda mumba ndokurara sezvo ndainge ndisina kunyatsorara usiku. Nguva dzakafamba kusvika mai Thelma vadzoka, kunze kwakasviba tikadya kudya kwemanheru ndokupinda mumachira. Ndakarara zvakanaka uye mazuva akafamba pasina kana chazoitika zvekare kana sabhuku vakange vangotiwo zii vasingauye kumba. Mumwe musi ndakatorara ndakanzwa kudedzwa panze nezwi rasabhuku, ndakabuda ndokusvika pavakange vari ndakabva ndatambirwa nehwema hwetsvina. "Sabhuku ndimi muri kunhuwa here?" "Handisi itsvina yangu iri kunhuwa." "Ko chii chaitika?" *End of chapter* [2/28, 21:46] Rejoice: https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U *Prince Washe Stories* Machapters ekumashure ariko kuchannel, just click and follow. *Jerusalem🌹* *Written by* *Prince Washe Stories📗* *Chapter 11📕📘* *Chipo* Ndakanzwa chibundu kugara pamwoyo pangu ndapinda muroom maive naSamson naChantel. Ndakamboti kurota asi ndainge ndichiona chaizvo chaizvo. Ndakarwadziwa handidi kunyepa, ndakazvishingisa kusachema zvangu. Takazobuda naChantel madam boss vakasara naSamson. "Chantel kaa!" "Chii handiti ndiwe wandiudza kuti ndiende here? Hmm waitaura chokwadi mukomana uyo anenge akatsenga midzi chete, kana Finish ndatomukanganwa hmmm." "Chinyarara please." Ndakabva ndaenda kunoita basa rangu. Chantel ainge andirwadzisa kurara nemunhu wangu, kungoti yaive plan yangu asi yakatadziswa kushanda namom nekusagadzikana kwavo. Ndakazobika ndokuendesera mumwe wangu chikafu. I was surprised achindiudza kuti ma'am vakange vachida kurara naye. Haa pamba apa pakange paine vanhu vane mhepo chokwadi. Ndakabatikana and chaive chirungu kuti Samson angotiza hake ndaizomuona asisipo pamba apa nekuti zvaizokonzeresa zvakawanda. Takaita plan yedu ndakabva ndaenda kugate ndakapfeka kadress kangu kaionekerawo kudhinda kusikwa kwangu kwose. "Guard ndokumbirawo rubatsiro" "Chii nhaiwe?" "Tingataurire panze here? Ngatipinde muroom mako umu." Ndakadaro ndichitopinda, ndakaonawo shasha ichitevera kumashure. "Okay nyaya yangu yakamira yakadai, nekunaka kwangu kwese uku handina munhu anondida. Zvondirwadza izvezvi ndave kungotsvaka chero akaita sei handisarudze andifadzewo hangu nekuti chekuti ndiri musikana handichioni ini." "Okay haa you came to to the right person, inini ndonzi hamburamakaka asi handinawo mukadzi anoda kugara neni, ndakaroora katatu kese ndichingorambwa." "Ko mairambirwei?" "Ndakapihwa mugondorosi nevamwe mbuya so kuti ndikudze nhengo yangu asi yakazokurisa zvekuti mudzimai wandosangana naye mangwana anofumotiza." "Shit! Manje ndorarama here ini?" "Unorarama zvoda kushinga chete, kana uchiti ndikunyepa mira ndikuratidze." Akadaro ave kuda kundiratidza door rakabva rarohwa rohwa. Tose takavhunduka ndakabva ndasara ndakahwanda mukati iye akabuda. Akazodzoka achiti,"Aah hapana munhu apa saka wati todii?" Ndakabva ndaziva kuti ndiSamson ainge adaro. "Aah Mr Mugondorosi ndave kuenda ndokuonai mumwe Musi." "Ko hausati waona kaa." Ndakange ndatobuda, ndakabva ndatomhanya kuroom kwangu. Ndakasvikorara at least zvakange zvave nani kuti Samson ainge aenda. Kwakange kwasara kuti taizoonana sei manje uye kuti zvaizofamba sei kana vaziva kuti atiza. Ndakabatwa nehope ndokuzomuka ndichitanga kuita basa rangu. Handina kuratidza kuti pane zvandiri kuziva uye vanhu vose vainge vakarara. Ndakagadzirira boss chikafu chavo kuti vaende kubasa, ndivo munhu akatanga kumuka vakabva vauya kwandaive. "Chipo ndauya, hanzvadzi yako ndave kufanira kumusunungura kuti ashande pano zvake. Chindipawo zviro zvangu." "Nhai boss vanhu vanomuka kaa tikaonekwa, madii mambomira." "Don't worry, handinonoke ini. 3 minutes dzakawandisa zvisingaite, saka tea ichifanoita tichitambawo mutambo wedu." "Ko kana muchindinyepera, tangai masunungura hanzvadzi yangu then tozviita mangwana ndagadzirira." "Haa, okay huya kuno." Takabva taenda kuroom kwaSamson kuya, boss ndivo vaive pamberi vakabva vamira vachingovhura door. "Ko aendepi?" "Ani?" "Samson, asi apinda mutoilet?" "Handina ruzivo." Takanotarisa kutoilet ndokunobvunza guard akati ahana munhu waaona. "Boss ndikuda hanzvadzi yangu please, mamuisepi?" "Handisi kuziva ini." Takabva tadzokera mumba, takatarisa marooms ose uye vamwe vakabva vamuka vakatiwo havana kumuona. "Nhai mwana anoshura here uyu? Asi atiza kani?" Vakadaro madam boss. "Achitiza sei isu tina guard." "Maybe abuda kaa vakataurirana batai guard iyeye." "Aah okay, hazvichachina basa hazvo ndagara ndaida kuti aende." "Hayaa okay." Ndakabva ndadzokera kubasa kwangu. Boss vakazouya, "Atiza hanzvadzi yako uyu, saka ndokuona mangwana handiti ndichakasira kumuka." "Kumukirei?" "Haa Chipo." "Ndovaudza madam izvozvi, hamunyare here imi? Siyanai neni uko aah murume mukuru asingagone kucontroller chinhu chaanogeza neruoko rwekuleft." "Nhaiwe mwana iwe, unondiziva zvakanaka naka here? Ndogona kukusungisa ukada kufarisa, ihanzvadzi Yako kaa mbavha." "Zvine basa rei? Mauraya hanzvadzi yangu ndiri kuzviziva, ari kupi?" Ndakabva ndatotanga kuchema, "Okay tozotaura, chinyarara." Vakabva vabuda. Aah munhu mukuru aisanyara here, apa kutadza kufadza mukadzi kubedroom wozoda kuti take take neni. Ndakazoita basa rangu ndiine phone muhomwe, ndainge ndakatarisira call kubva kuna Samson. Kunze kwakasvika pakusviba asati afona, ndakazoenda kuroom kwangu tapedza kudya. Ndakangobata phone yangu ndisina zvekuita, ndakabva ndafunga kuti ndaive nenumber dzaFinish saka ndaida kumubvunza kuti Samson vainge vamuona here nekuti vaizivana kaa. Ndakatora number dzake ndakabva ndamufonera iye akadaira. "Hello ndiani?" "Ndini Chipo ko Sa..." "Aah Chipo mudiwa wangu, haa wagona wandifonera. Ndakusuwa zvisingaite ndovimba kuti ndichakuona soon." "Kkk iwewe kaa, saka waive mbavha zvako nhaiwe?" "NdoZimbabwe yanhasi, haidi hope." "Kk okay, ndaida kubvunzawo kaa kuti Samson asvika here?" "Samson upi?" "Uyu mukomana akabatwa kuno achiba Musi uya." "Hoo unoreva baba Stella, haa handina kuvaona maybe vasvikira kumba kwavo. Ungati Samson kumurume wemunhu nhai?" "Hoo ah ndaisazviziva kuti murume wemunhu ini." "Now waziva, saka wakazoti kudii nenyaya yangu shamwari ndiri kutoda kukuroora." "Haa kusvika wave pastor pamwe ndopaungandiroore." "Chipo ndakashata here ini, ndine madimples mumatama Wani?" "Aah iwen makomba enzara ayo, ndisiye uko." Ndakabva ndakata, ndainge ndatsamwira nyaya ya Samson kuti zveshuwa ainge andinyepera kuti aive mukomana iye achiziva kuti ane mhuri yake. Ndakabatikana zvekuti ndakaona kuti pamwe ndaive nemunyama, munhu wandainge ndada nemwoyo wose wondinyepera. Ndakazongorara hangu ndokuzomuka kwaedza ndichiona mamissed calls kubva kunew number. Ndakabva ndafona number dziya, "Hello ndiChipo here?" "Samson haudaro wanzwa..." "Sorry line randakatenga rakange risati ravhurwa, rakazoita usiku. Sorry mudiwa, ndakasvika zvakanaka hangu. "Hoo ari sei Stella namai vake?" "Vapi ivavo?" "Mukadzi wako kaa." "Wazviwanepi izvozvo?" "Ndaudzwa naFinish." "Hoo, inga anondishura zvake. Iye akatondiudza kuti munodanana." "Hatidanane isu, ndiye anongondida handimude ini. Saka ishanje kaa kuda kuti tisiyane manje tichasiyana tafa." "Taura hako, so what's the next plan Chipo." "I don't know, ita kaa kuti tisangane mangwana masikati." "Okay unondiudza kuti tosangana kupi?" "Horaiti mudiwa." Ndakafara kutaura nemumwe wangu, ndakazonokumbira ma'am kuti ndaida kuzobuda zuva raitevera vakanditendera zvavo. "Asi uzondipawo number dzehanzvadzi vako." "Mom tambai naguard zvakanaka, shungu inopera." "Uri kuti kudii?" "Ndangotaurawo hangu." Ndakaita basa rangu ndikapedza, ndaitononokerwa nekunosangana nemumwe wangu ndimbomuudza nhamo dzangu dzaindinetsa uye kupihwa rudo. Ndaida kumuudzawo nezvekufa kwababa vangu kuti ndainge ndakarwadziswa nekamukomana kanonzi Jerusalem. *Sabhuku* Yangu yekusazeza kuuraya yainge yandipandukira zvino. Makumbe aizana nepaanogona kuti ndidonhe pasi asi ndaisanzwarwo ini. Zvose zvakaitika kusvika tazoenda kwaMazhambe naBhaureni asi kwainge kwakaipa, hatina kuwana mukana wekugadzirisa nyaya dzedu. Ndakazosangana nemaone ekuti ndakarovera pamuti ndikaita mad ndokutomboti zii. Bhaureni akaunganidza vanhu achida tireurure asi ndaisada izvozvo, ndakamurambidza ndokuzoparadzana ndichienda kumba kwangu. Ndakange ndazvipira kuti Makumbe ngaandishungurudze hake asi ndaisafa ndaudza vanhu zvakaitika. Ndakasvika kumba ndokumbotura mafemo, zuva rakazonyura ndakabva ndakasika kuenda kunorara. Mazuva akafamba Makumbe asina kundishanyira. Mumwe musi ndatorara zvangu kuma six mukadzi wangu akapinda mumba achibva kukitchen. "Nhai sabhuku ko kukasika kurara nhasi kwakanaka here?" Akadaro mukadzi wangu. "Yeah kuri bho, kunzwa kuneta chete." "Okay ini ndikumbobika chimodho mukitchen ndouya ndapedza." "Horaiti." Ndakasara ndega, hope dzave kuda kubata ndopakabva pauya mukadzi wangu mai Nelson. Vakasvika vachipinda mumachira vakabva vatanga kundibata. "Mai Nero ndati ndakaneta wani?" "Zvekuzotadza kundipa zvandakafambira here?" Haa mukadzi aitonetsa uyu, ndakazongotendeukawo ndokutanga kudavirana nezvaaida zvacho. Akazondimbundira zvine simba ndokuramba akandibata. "Mai Nero kamubatiro aka ndekekuwirirana here?" "Hakasi kekuwirirana ndikuda ureurure zvawakaita." Raive voice raMakumbe, ndakatarisisa ndokuona ariiye. "Haaa! Ndisiye Makumbeee!" Ndakadaro akabva aramba andikabata. "Handichada zvekutaura newe sabhuku, ndakakunyararira nguva yakaremba." "Chindisiya kaa, maihwee?" Ndakazhamba asi akaramba akandibata. Ndakaita nharo kuti andisiye apa hana yaiita kurova, ndakazonzwa kumashure kwangu kuregedzerwa ndokubva ndaburitsa. After ipapo akabva angonyangarika, handina kumira ndakabva ndananga kumba kwaBhaureni. Ndakasvika ndokumudana akauya and iye akabva atonzwa kuti pane chainhuwa. "Zvokwadi mukuita mafunnies Sabhuku, paye handiti ndakazviitirawo ndikafunga kureurura asi imi muri kuomesa moyo, pamwe so dai zvapera vanhu vose vave kutoziva nyaya yedu." "Ndiri munhu anoremekedzwa mudunhu muno, izvi hazvichaita kufa kuri nani pane kuti ndinofira mujeri. Zvandakaita pakahwanda zvakawanda kuti ndizvibuditse pachena kana nyika yose ingandirambe." "Sabhuku muri kuita zvekutamba imi, ndave kunorara kana mave serious mozondiona." Akadaro Bhaureni ave kuda kutoenda. "Aah shamwari ndiwe wandaituma, haundisiye kaa isu takaita nyaya idzi tose." "Sabhuku ndakambofamba nechipoko ndichiti ndimi manga muripo here? Endai ukoo!, kana dzave nharo todedzera musangano izvozvi tiudze vanhu zvakaitika." "Bhaureni usaone zviri pedyo mumwe wangu, ndoda munhu anoona zviri kure segondo. Unoziva kuti togona kutotanga kurohwa nevanhu here tikafira mumaoko avo, tosungwa here tichisiya mari dzedu. Handiti vana vaya havasati vapedza kubhadharwa tosungwa here tisati tadya Mari yedu?" "Sabhuku hapana zvazvichashanda, vana vaya vakatofa and hatitozive kuti zvikazivikanwa tichasvika papi?" "Hazvizivikanwe, ndipo mvura ndizvigeze nebhurukwa rako ndipfeke tozotaura kwaedza nyaya iyi." "Hayaa okay." Ndakabva ndapihwa bucket ndokuenda kunogeza. Ndichipedza kubvisa bhurukwa ndakabva ndanzi dzvii nhengo yangu. "Sabhuku mune nharo here? Ndoidambura iyi!" "Makumbeee, handisi ndakakuuraya please ndiBhaureni. Siya kani! Siyaa mhani." Ndakadaro ndichidzonzwa ndokubudwa neni panze. "Ndiri kukupai mazuva maviri ekuti mugadzirire mashoko ekutaura pamberi pevanhu." Achipedza kutaura ndakabva ndafunga kutiza asi ndakange ndisina kupfeka. Ndakashinga ndokunogeza, ndapedza ndakabva ndadedza Bhaureni ndikamuudza zvandainge ndaudzwa. "Hoo saka todii sabhuku?" "Tatopihwa mukana wekugadzirisa nyaya iyi, apa tofanira kuenda kuna Mazhambe nguva ichiripo." "No Sabhuku!" "I'm telling you, this is our chance of making things right for us." "Makumbe hausi kumuziva zvakanaka iwe, hoo tiri kuona zvedu." Takazoramba tichitaura Bhaureni akange ave kuda kufumura nyaya dzedu dzose. Ndakazodzokera kumba ndokusvika mukadzi wangu mai Nelson varipo. "Ko muri kubva kupi?" "Ndanga ndaenda kwaBhaureni." "Hoo rega ndinyarare zvangu." Vakange vave kutondifungira zvavo, ndakazorara zvishoma ndokuzomuka ndave kuda kugadzirira kuenda kwaMazhambe. Ndakagadzirira ndave kuda kuenda ndakabva ndangonzwa kupera simba, ngakambogara pasi kuti zviite nani asi zvakaramba. Ndakazotanga kubvunda muviri wose, ndakazoona mapundu ave kubuda mumaoko angu. Ndakabata kumeso kwangu ndokunzwa kwazara mapundu. Ndakarohwa nehana kuti ko chii chakange chave kuitika. "Nhaimi baNero ko chii chaitika?" Vakadaro mai Nelson. "Handisi kuziva kuti chii?" "BaNero ndiudzei, makaita sei? Marara kupi nhasi?" "Mukadzi wangu, pamwe ndichafa. Sara uchichengeta vana vangu. Ndakauraya vanhu vakawanda kusanganisira Makumbe nabaJeru." "Jesus Christ! Nhaimi ko maizviitirei? Haa zvakaoma, saka modii zvino?" "Ndiri kufanira kureurura kuvanhu vose ndokuti ndipore asi handisi kuda, zviri nani ndife." "Munopenga nhai? Makajaidzwa, ndiri kuzodedzera musangano izvozvi mureurure zvamakabata. Vanhu voseee muri kudiwaa kwasabhuku!" Vakadaro vave kutobva pamba, ndakanzwa hasha asi pakange pasina zvekukwanisa kuita. Kufa kwaive nani asi ndaisakwanisa kusimuka saka ndaisakwanisa kuzviuraya. Hapana kutora nguva vanhu vakange vave kutozarana pamba. Ndaingovatarisa vachingokwenyana, vose vakazozarana vakanyarara mukadzi wangu ndiye akabva ati, "Ndinosira nguva ino kuna Sabhuku." *End of chapter* Comment grup mukugona rambai makadaro
❤️ 😂 👍 🙏 😮 😢 🫂 37

Comments