🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
May 29, 2025 at 05:59 PM
*Chapter 12 to 14*. https://chat.whatsapp.com/BnxvBOe2kDIJTtyXZNHWFD ...[2/28, 21:46] Rejoice: https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U *Jerusalem🌹* *Written by* *Prince Washe Stories📗* *Chapter 12📕📘* *Bhaureni* Zvainge zvakaoma chokwadi kuti sabhuku zvakange zvavawanawo. Nyaya yavo yekusada kuterera ndoyakavaisa pakaoma, ini ndakange ndazvipira kureurura nekuti ndaiziva zvandakasangana nazvo. Kungowana mukana chete ndairiparidza vhangeri remabasa edu akashata atakaita. Sabhuku vakaona chimoto zvekuti vega vakapa kutenda, vakazoenda kumba kwavo manheru iwayo ndakasara ndichienda kunorara. Kudivi kwangu zvakange zvati zii asi ndaisava nepeace ndaingoti anytime chaigona kungochaya. Ndaisafa ndauraya munhu zvekare, ndainge ndapfidza. Ndakazomuka zvangu kwaedza ndokumbogara pamushana ndopandakanzwa mai sabhuku vachidedzera musangano. Ndakashaya kuti sabhuku vainge vatidedzerei, ndakaendako pamwe nemukadzi wangu. Ndakavhunduka kuona sabhuku vachiita kunge pineapple kuzara mapundu muviri wose segaka reminzwa. Ndakamboda kuseka asi ndakazvidzora nekuti ndaivewo munyaya yacho. Ndakatoziva kuti yaive shamu ine munyu yainge yavarova. Handina kuenda kwavari ndakabva ndagarawo muchaunga imomo, ndakazonzwa mai sabhuku vave kuti," Ndinosira nguva ino kuna Sabhuku!" Vachibva vagara pasi. Sabhuku vakabva vakwanisa kusimuka ndokumira pamberi pedu, vanhu vose vaingokwenyana vachitaura zvavaifungira. "Pamusoroi vabereki nevaberekesi. Ndini ndakauraya Makumbe." Vanhu vose vakabva vati, "Hee!", "Yes ndini ndakazviita naBhaureni wamunoona uyo. Vanhu vakabva vanditarisa hana yangu ichiita kunonzi kubika manhanga zvese nemapudzi. "Simuka Makumbe huya kuno!" Vakadaro ndakabva ndaendawo kumberi. "Makumbe taurawo zvimwe shamwari." Vakadaro vachindisira mukana. "Takauraya baba vaJeru tisu!" "Mai Jeru! Mai Jeru! Vafenda vadirei mvura, musavaunganire hey!"" Vanhu vakange vave kudaro, mai Jeru vakange vatofenda nekuda kwemashoko angu. "Tisu zvekare takatsakatisa vana vaya vakashaika." Varidzi vevana vakasimuka vachiuya kwataive, sabhuku vakada kutiza bhurukwa ravakange vakapfeka rakabva rangodonha kusvika kumakumbo vakabva vati puuu mudhaka. Ndakatoona kuti apa handipapone ndakabva ndavhura speed kutiza. Handina kucheuka ndakangomhanya asi ndaizvinyepera, pane mukomana aishamwaridza nemhepo akabva andibata. "Shamwari ndisiye please ndokupa....." "Mira izvozvo mudhara, ndimi vanhu vatiri kuda." Akadaro achindidhonza kudzokera neni kwasabhuku. Ndakasvika sabhuku vasungwa makumbo ndakabva ndasungwawo. "So ndimi mhondi dzemuno nhai? Iwe Bhaureni kuzonyepera Jeru kuti akauraya Makumbe uriwe zvako. Nhasi ndoda kuti mutaure chamaizviitira." Akadaro mumwe murume ainzi Chaka aive nembiri yekurova. "Pamusoroi vabereki, eeh vanhu ava tofanira kudealer navo zvakakodzera. Kuti tivasungise hazviite nekuti havanyatsonzwa kurwadza kwazvo, ndoda kuti vambopika jeri ravo vega kuno then tozovasungisa. Sorry mai sabhuku namai Bhaureni nditenderei kumbovapa mambama two two ndisati ndaita zveshamu." Akadaro akabva atirova takabvugama kudaro, ndaingoti dai ndafa zvangu nyadzi dzinokunda rufu veduwee. Sabhuku vaiita kunonzi kushaya pekutarisa apa vakange vashata kudaro. "Ndakatadzei inini, shuwa kundiurayira varume vangu vese zvavo. Manje ndiri kuvada nhasi." Vakadaro mai Jeru vachiita kunonzi kuvava. "Eeh varume, mai vati vari kuda varume vavo itai plan tione." "Chaka ndini sabhuku wako usadaro." "Ndiri kukupai 10 minutes dzekugadzira vose vamakauraya ndiri kuda kuvaona apa." Akadaro akabva atanga kunyaradza vaichema. Ini nasabhuku tanga tangotarisana zvino. "Sabhuku gadzirai vanhu vakudiwa apa." Ndakadaro. "Bhaureni ita serious, tanga iwe kaa kugadzira baJeru." "We deserve this sabhuku, takatadza regai tirohwe." Takagara zvekanguva Chaka akabva auya. "Varume toita sei navo vanhu ava?" "Haa ndirini hangu kaa ndoti ngavarohwe kunogara uko." "Guys mukuita zvekutamba, vanhu ava vanoda kubviswa hembe vozorwa supu yenyama kuzasi uku tovagarisa pamwena wemasvosve." "Kkk aah wangu, ini ndoti ngavadzipwe vafe izvozvi tovaviga havana kana help ava." Vanhu vaingotaura zvakasiyana siyana. Ndainge ndangovhara maziso angu nekunyara, takazotanga kurohwa neshamu nemaoko. Munhu wese ada aingouya achiita zvaanoda nesu, dai vakatisungisa zvaive nani asi vaida kutanga vambotiranga. Vapedza kutirova vakabva vaenda nesu kusango ndokusungirwa pamuti wake wake. Hapana aifanira kutisunungura saka takabva tasiiwa ikoko uye vanhu vakaenda nesu vaisaudza vanhu vose kwataive. "Bhaureni!" "Sabhuku!" "Zviri sei kwauri uko!" "Haa zvakaoma, handina kana mabudiro andingaite nditize zvangu." "Pakaipa, vanhu vafunga kuitei nesu ava. Dai vatisungisa zvavo." "Taura hako, dai pakaita munana wekuti tibve pano." "Apa ndave kunzwa mudumbu nhai Bhaureni, hmm ndoita sei?" "Chingoitai sabhuku! Itai henyu." "Ndikuzama kuda kusunga asi zvikuramba, maihwee ndazvipanzira ini. Zvinhu zvinganiko pamunhu mumwe. Iwe Bhaureni hauna kana zvaukusangana nazvo hona ini zvandave." "Ah ndimi muridzi wenyaya sabhuku, ini maingondituma saka kanyaya kangu kadiki." "Zvakaoma." Nyaya dzakasvika pakupera, nguva dzakafamba pasina ambouya. Ave manheru ndopatakanzwa kutaura kwevanhu. Vakasvika varume neshamu dzavo, vaive 4 vamwe 2 vakauya kwandaive vamwe kuna sabhuku. "Toda kuti muzoudza vamwe kuti munhu haasi huku." Shamhu dzakatanga kurova pese pese kunyangwe nekumeso, "Veduwee mandiputitsa zisoo!" Ndakadaro ndanzwa shamu kurova paziso rangu. Ndega ndakanzwa kuti ziso rafa pano, vakandivheneka vakabva vati, "Waita lucky wasara neone ziso, mangwana tofanira kukubvisa rimwe." "Haa mave kufarisa manje, ndimi here wandakauraya. Hamuna kana hukama naMakumbe imi saka mukutiroverei?" Ndakadaro dzave hasha kuti ndainge ndaputitswa ziso. Handina kuzonzwa zvavakataura ndave kurwadziwa. Punishment yacho yaive yakanyanya, vakazoenda ndokutisiya takadaro hamheno kuti vaiti torara sei takamira? Ndakachema ndikademba chandakazvarirwa, ndaingoti dai Mwari vanditora zvavo. *Jerusalem* Ndakazongosiyana nemashoko aFinish ekuti aidanana naChipo. Ndaida kuzozvinzwira ndega kubva kune muridzi. "So guys makazodii nemari?" "Haa Samson kaa usiye zvechiringa zvako next time, dai wakasungwa so nekuda kwemusikana apa ndewaFinish." "Varume hamuzive chinonzi love at first sight imi, hazvisati zvamboitika kwandiri zvakaitika izvi." "Hoo horaiti, mari yako iripo shamwari haa takaita mari. Tichanokuratidza kwatave kugara tokupa mari yako iri ikoko?" "Okay Hitman, thanks." Takazotandara hedu vakomana vachinwa mabeers, after that takazoenda kumba kwavakange vave kuroja. Haa vakomana vainge vaupgrader ava, mumba macho makange mazara zvinhu zvinoonekerawo. "Right here is your money?" Ndakabva ndatambira envelope yaive nemari ndokutovhura ipapo. Handina kuzoverenga ndainge ndatoona kuti yakange yakawanda. Takazorara ndakaisa mari yangu panodziya ndokuzomukira kunotenga phone nekuvhurisa sim card. Nguva dzakafamba ndakamirira kuti sim card rangu riite. Ndakazonotsvaka imba yekuroja muMbare imomo ndikatengawo mubhedha nemablankets acho. Zvemapoto ndakambomira nekuti ndaida kungowana pekuti mudiwa wangu akauya tizokwanisa kufarirapo. Ndakaswera mumba mangu ndokuzofonera Chipo nenguva dzemangwanani mangwana acho uye takabva taronga kuti taizoonana zuva raitevera. Finally ndakange ndasunungurwa, mari yangu yaikwana kuti ndiwanewo business rekuita ndisiye zvekuba nekuti zvine jeri mukati uye hazvisi zvangu. Ndaida kuita zvinhu zvangu chinyararire ndaisada kuti zvizikanwe navamwe vangu kuti Chipo ari kuuya kuzondiona nekuti ndaisada kunetsana naFinish. Ndakazoenda kunovaona ndokuti kwavari, "Boys kaa ini ndakaona nhamo, handichada zvangu zvekuba izvi nekuti hazvisi mandiri?" "Unoti haudi zvekuba saka uchararama nei? Hona mari yaunayo iyo ko paunozopedza gore inenge yave marii?" "Hmm hazvifadze guys kuzosungwa ndichisiya mari yangu, iyoyi yandakamboroverwa ndoyandave kuda kushandisa kuti ibereke imwe." "Okay haa zviri kwauri Samson, isu hatisiye nekuti kutora mari easy easy kaa uku kunyepa here nhai Finish?" "Hausi kunyepa Hitman, ndave kutofanira kutsvaga rimwe basa rehugardener kuti tiwane kuba zvekare." "Taura hako, iwe Samson zviri kwauri. So isu hatichatozivane kana kutamba tese, wochinanga kwawada nekuti unozotitengesa." "Zvakanakai boys, thanks nekundiwanisawo mari. Ndaenda ini." Ndakabva ndatopinda munzira kudzokera kumba kwangu. Ndakatenga chikafu ndokuzonodyira kumba, ndapedza ndakabva ndamboti rarei zvangu. Hapana kwandaisvika ndichiita zvekuba izvi, ndainge ndakazviita nekuda kwekushaya chekuita asi apa ndakange ndave nezvekuita ndakabva ndasiyana nazvo. Ndakazofonera Chipo manheru atopedza basa. "Samson." "Chipo mudiwa waswera sei?" "Ndaswera zvakanaka, ndataura namadam vandibvumidza kuuya saka ndikuuya kuseni ndapedza kuvabikira." "Okay uuye wakagadzirira kaa." "Kkk inzwa manje, okay Samson ndogadzirira." Takazombotaurawo zvimwe ndokuzorara, kunze kwakanonoka kuchena kuti mudiwa wangu auye. Ndaingoti ndikarara zvishoma ndomuka ndotarisa nguva, zvisinei kwakazoedza ndakabva ndanotenga tumasinhi twekuti tizodya hedu tichitandara. Zvekuenda mutown ndaisada nekuti ndaida kuchengeta mari yangu zvakangwara saka taidya zvaivepo. Akazofona ave kuuya, akasvika ndakabva ndaenda kunomutora ndokuenda naye kumba. "Welcome mumba mebhachura." Ndakadaro ndichigara pabed. "Kkk yeah zviri kuoneka, hamuna kana mapoto aah munodya zvekutenga kaa imi?" "Haa kungoti ndakatotanga kuroja nezuro, ndichatenga zvimwe nekufamba kwenguva." "Aah saka wakatanga kutenga mubhedha manje?" "Ehee kaa, humhandara hauzodi kubvisirwa pasi kaa mumwe wangu." "Kkk usandinakidze Samson ndi..." "I'm not Samson izita rekubasa kkk." "Aah hoo manje ndorandoda kaa plus ndarijaira saka rako handina basa naro." "Okay mudiwa, so totanga tadya here kana kuti totanga nekudyanana?" "Hmm handisi kuda zvese ini, ndine zvandoda kukuudza zvinondishurudza." "Babe, siya maproblems aya timboita zverudo." Ndakadaro ndave kutoswedera pedyo naye, takaita zvose zvinoitwa akabva azondimisa. "Chii nhai mudiwa?" "Wangu kaa, tozozviita ndapedza kukuudza nyaya yangu nekuti handidi kuzochema tapedza kufadzana so ndipe nzeve." "Okay then." "Unoona kaa kuti kushanda kwandaiita ndaishandira baba vangu avo vaigara kumusha. Ndivo vainge vasara amai vakandisiya kare, so ndaida kuvaitirawo zvakanaka vachiri vapenyu asi vakabva vaita zvekufa vasina kurwara imagine kuurayiwa zvavo nemunhuwo zvake." "Aah zvakaoma, wabva wandifungidzisawo zvakaitikawo kuna baba vangu. Vakaita zvekuisirwa mushonga mudoro, haa vanhu vashata pasi pano vanotoda kusungwa vomborohwa zvakaipa, saka chii chakaitika kuna baba vako, vakaita zvekupondwa here?." "Kupondwa? Vakaita zvekupisirwa mumba nemumwe mukomana so anonzi Jerusalem aitovanyepera kuti vakauraya baba vake." Achidaro hana yangu yakabva yatanga kurova, Ndakatadza kunzwisisa kuti zvakaitika how kuti ndisangane nemwana waMakumbe. Paitoda plan svinu nekuti aigona kutondisungisa nekuti ndaitsvagwa. "Ko ukuratidza kuvhunduka chii nhai Samson, hoo gara zviya wati harisi Zita rako chindiudza rako?" Ndakafunga rekutaura nekukasika ndakabva ndamuti, "Ndonzi Tawanda." "Hmm ukunyepa harina kana kukufita zita iroro, Samson riri nani." "Okay, so nyaya yako ndainzwa saka Jerusalem wacho akabatwa here?" "Akatiza hake, ndikangomuona chete ndofa naye." "Ukamuona unomuziva here?" "Handimuzive hangu asi kungoziva kuti ndiye,ndingatoita seshumba ipapo." "Hmm ko ukamupa mukana wekutaura side rake, pamwe pane zvakaitika, pamwe haasiriye akauraya akangopomerwa." "Hakuna zvakadaro, handitereri izvozvo ko akambotizirei?" "Hoo, okay. Chipo I can't date you." Ndakadaro nekuti ndakange ndave kutonzwa kurwadziwa. Ndiye mwana wemunhu akauraya dad vangu wandaifambidzana naye. "Watii? Ko ndaita sei?" "Hapana, chienda." "Hapana kwandiri kuenda Samson, asi pane zvandatadza here?" "Hauna kutadza, dad vako ndivo vakatadza vakauraya baba vemumwe munhu iwe wave kuda kupa Jerusalem mhosva." "Saka ungandirambire izvozvo here? Ndiwe Jerusalem wacho here zvaunoita kunge unopenga. Imhosva here kuti ndakuudza nyaya yangu." "Imhosva because baba vako vakauraya baba vangu, handidanane nemwana wemhondi ini! Ndini Jerusalem wacho, baba vako vanonzi Makumbe and ha...." *End of chapter* [2/28, 21:46] Rejoice: https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U *Jerusalem🌹* *Written by* *Prince Washe Stories📗* *Chapter 13📕📘* *Chipo* Waive mufaro wangu kuenda kunoona Jeru mudiwa wangu. Ndakafamba zvakanaka ndikasvika then takabva taenda kumba kwake. Pfungwa dzangu dzaingove pakumuudza zvaindinetsa handizive chii chaindisunda kuti ndimuudze. Ndakatoramba kuita rudo naye ndisati ndamuudza. Airatidza kungovhunduka pandakamuudza kusvikira azondibudira pachena kuti ndiye aive Jerusalem. Ndakamubata huro akavarairwa ndokumudzipa, "Ndiwee wakauraya dad vangu nhai? Heee?!" Ndakadaro ndichichema. "Ndiuraye Chipo, go ahead handiti wandidzipa ndisati ndapedza kutaura." "Hauna chaunopedza kutaura wanzwaa! Taura mashoko ako ekupedzisira usati waenda kuvafi." "Okay my last words is that i love you Chipo, handizive kuti ndozvakatisanganisa zvekuti ndifire mumaoko ako. Uudze amai vangu kuti ndovada." Ndakabva ndada kumudzipa asi ndakabva ndangotanga kuchema ndokumusiya. "Nekuda kwekuti ndinokuda Samson handichakuuraye, chisiyana neni ndaenda." Ndakadaro ndichitora handbag rangu, handina kumira ndakabva ndatobuda kuenda. Ndakamusiya akangonyarara zvake. Ndichifamba ndakabva ndangoona mukomana akauya akandinanga, ndichida kutsauka akabva abvuta bag rangu akatanga kutiza. Ndakashaya kana simba rekudaidzira kuti mbavha nekuchema kwandaiita, ndakangomira ndakabva ndanzwa zita rangu kudedzwa, ndakashamisika kuona ari Finish. "Chipo ukuitei kuno? Apa ukuchema ko chii?" Akadaro achindipukuta misodzi. "Mukomana wandaidanana naye Samson ndiye munhu akauraya dad vangu apa ndabva ndabirwa bag futi." "Hee, Samson ndiye akakuchemedxa paya. Hmm sorry, bag rako ndikuziva vanhu varitora hande kuno." Ndakabva ndatanga kutera, ndaingoita zvekuzvuva makumbo ndainge ndatopera simba nenyaya yaSamson. Mwoyo wangu waiti dzokera kumunhu wako mutaurirane asi ndikafunga zvainge zvainge zvakaita dad vangu nekutsva ndainzwa hasha. Takafamba naFinish ndokusvika pane imwe imba. "Pinda." "Aah handisi kupinda Finish." "Usatye hako, Hapana zvandokuita." Ndakabva ndangopinda ndokuona mukomana uya wekubvuta bag arimo achitotarisa mubag mangu. "Bag rangu kaa iri!" Ndakabva ndaribvuta. "Easy Chipo, mumwe wangu uyu. Hitman ndiye Chipo wandaitaura nezvake uyu." "Hoo musikana wako, okay sorry mainini regai ndikusirei mukana." Akadaro akabva abuda. "Fini..." Akabva andikata. "Wait Chipo, unoziva kuti ndokuda uye ndorevesa. Siyana nemhondi iya, chindipawo mukana please." "No handichatoda zvevakomana izvi, ndisiye ndizviraramire hangu." "Unozosiya wambondipawo mukana, Samson wakadanana naye wani ini ndakashatei?" "Hauna kushata asi tsvaga umwe Finish please, nzwisisa ndave kuenda ini." "Hauna kwauri kuenda, ndakupa bag rako ranga rabiwa wongoenda just like that! Please ooh ndapfugama ndidewo wangu." "Finish ndobvisa hembe here kuti unzwe kuti hazviite." "Bvisa." "Aah iwee." "Nditori serious, haungandirambe kaa iwewe uchida Samson, kana zvakadaro uchangorara neni chete woenda." "Hakuna zvakadaro." "Hoo ndoda kukuratidza kuti zviriko." Akadaro achitondimbundira. I screamed akabva andibata muromo wangu, akaswedera neni kwaive neradio akabva abatidza akazadza volume. "Usadaro Finish, horaiti ndakuda kwacho." Ndakadaro asi haana kudaira. Hana yangu yakatanga kurova kuona apfeka face yehumhondi chaiyo. Ndaingoti dai paitika munana wekuti asandibate chibharo zvake, nechandakabvira kwaSamson ndakachishaya. Door rakazovhurwa ndakabva ndati Mwari wangu kuona ari Samson. "Hoo saka chaive chokwadi kuti unodanana naFinish nhai?" Akadaro achitodzokera. "Samson ndi....." Ndakabva ndabatwa muromo, haa Samson wandainge ndavimba naye wacho akabva aenda. Ndakangoti hamheno, ndakatanga kunamatira mumwoyo kuti Finish asabudirire. Ave kudhonza trouse randainge ndakapfeka door rakabva ravhurwa zvekare and aive mapurisa two naJeru kumashure. Ndakaona Finish achiita kudzikama ndokusimudza maoko ake akabva atosungwa. "Good work young man." Vakadaro mapurisa kuna Jeru. Vaisaziva kuti aitove nemhosva yake. "Haana kukukuvadza here?" "Haana asi ange atove pedyo nekundibata chibharo, maita basa mauya." Vakabva vabuda naFinish ndakabva ndatevera kumashure kwavo nekuti ndaisada kusiyana nezvimwe. Jerusalem akabva angonanga kumba kwake, ndairwadziwa hangu kuparadzana naye asi zvaisaita kuti ndidanane nemunhu akauraya dad vangu. Ndakazokwidzwa kombi nemapurisa ndakadzokera kumba. It was a bad day kwandiri nyangwe ndainge ndaziva munhu akauraya mubereki wangu. Ndakanogara muroom mangu, ndaingoyeredza misodzi. Samson ndaimuda zvangu asi zvekuzondiurayira baba here? Haa zvaindirwadza, but nyangwe zvakadaro airatidza kuti anondida uye akandisaver. Handina kunge ndawana mukana wekumutenda ndaifanira kungomusendera message yekumutenda, uye ndaisamusungisa. Ndakaisa ruoko mubag mangu kuti nditore phone asi handina kuiona. Ndakatsvaga tsvaga ndokuishaya ndakabva ndaziva kuti yainge yatsarwa. Ndanga ndisina kuzvitarisa kaa nekuda kwaFinish. Mazuva akafamba boss vainge vangonyarara nyaya yavo. Sisi vangu vakazouya kuzondiona. Handina kuda kuvaudza kuti ndakaona Jerusalem nekuti ndaisada kuti asungwe. "Ndafonerwa namai Jerusalem kaa vachiti Jerusalem haasi akauraya baba, hanzi zvakaitwa nasabhuku zvese vakabva vanyepera Jeru!" "What?! Jerusalem!" Ndakadaro vachibva vati, "Ko chii?" "Ndokuonai sisi, I have to go somewhere now." "Chipo ndiudze kaa ukuda kuenda kupi? Nhaiwee!" Ndakangotora bag rangu ndokubuda ndaingoti dai ndikawana Jerusalem aripo. Ndaizvifeeler mhani kuti haana mhosva munhu uya. Ndakasvika kuMbare ndokunanga kumba kwaJeru. Ndakasvikoda kuvhura door asi pakange pakakiiwa. "Hey munomhoresawo vamwe, roja reimomo haripo rakabuda." "Okay makadii zvenyu? Mungazive kwaakaenda here?" "Handina ruzivo." "Okay." Ndakabva ndanzwa kurwadziwa, ndaimuona kupi munhu uyu. Ndakadzokera kumba ndichingomufunga, neniwo ndainge ndakaita dzungu kumhanya ndisina kumupawo mukana wekuti ataure nyaya yake. Ndakasvika kumba ndakabva ndadedzwa namadam boss. "Ma'am matii?" "Haa waitaura chokwadi, guard haana kumira bho. Izvozvi so ndiri kudedera nezvandaitirwa, aah ndovanonzi varume vaya kungoshaya mari zvavo." "Okay mom." "Ko wakatsamwei?" "It's nothing mom it's just kuti ndazoudzwa munhu akauraya dad vangu chàiye chàiye." "Okay sorry." Ndakabva ndazoita basa rangu, ndaiziva kuti naJeru taizoonana zvekare hedu. *Bhaureni* Takange tave kugohwa zvatakadyara chokwadi, misodzi taingoyeredza zvedu asi taitofanira kufara kuti tawana mubayiro wedu. Zvainakidza tichiita uye zvakange zvave muropa zvekuuraya vanhu, chandaisagona kuuraya nebanga asi pamushonga nekukupisira mumba ndaive shasha. Pakange pasina chekuraramira apa, ndaitotadza kuzviuraya nekuda kwekusungwa asi ndaitoshuvira kuti dai rufu rwangondimedza. Sabhuku vaingoyuwira vari kumiti wavo, ndakatadza kurara nemarwadzo eziso rainge ratusvurwa neshamu. Kufa kuri nani pane kutambudzika. "Sabhuu! Sabhuu!" Ndakadaro ndichida kuti nditaure nyaya nemumwe wangu. "Ndiripo Bhauu watii?" "Pakaipa wangu, ari sei mapundu?" "Mapuu arikuvava aya apa handina kana makwenyero, ndiri panguva yaChimbetu mumwe wangu." "Hmm zvakaoma, ndasara neziso one mumwe wako. Toita sei tibve pano?" "Haa tiri vamwe ngatinyepere kufa, pachauya vanhu ava vachiona kunge tafa tobva tatiza vachingotisunungura." Ndakaseka ndisati ndapindura. "Sabhuku momhanya here imi? Paye mazodonha wani, ini hangu handidi ndazobatwa nemukomana uye handidi zvangu." "Saka ngatizodai, mangwana manheru pavanouya tonyepera kufa then vakatitakura kuenda nesu kudzimba towana matiziro." "Yeah apa mataura, dai vakasatester heartbeat zvedu zvinobva zvaita." "Haa iwe unofanira kuremembera ipapo sewafa zvechokwadi." "Okay sabhuku, tosangana kupi manje." "Unouya kuchikomo chiya chatakabatira vana vaya, then tozoona zvekuita." "Okay." Haa that was a good plan for us, zvaive nani kutotiza kana zvazoshata mberi taizviuraya hedu nekuti vanhu ava vaisatoda kuti kuti tife vaida kutishungurudza chete. Hope dzakazobata ndokurara takamira kudaro, takazomutswa nekachando kakange kofuridza kwave kuchena. "Haa kunze kwakachenama nhasi." "Watii nzeve dzangu dzaoma nechando handisi kukunzwa!" Vakadaro sabhuku. "Aah sabhuku musadaro zvee, ini mudumbu mangu mave kutorohwa mhere hamusisina chinhu." "Aah hamusati matanga zvamo, wati tingapihwe chikafu here isu?" "Zvakaoma, aah inzwaa vanhu kutaura!" "Ndavanzwa, hmm varume dai vakasatirova kani!" "Haa ini ndave kunyepera kufa zvangu, hamheno hako." "Tonyepera here sabhuku." Ndakadaro asi sabhuku havana kudaira. Ndakabva ndatonyeperawo kurembedza chiso sendafa. Vakomana vakasvika, ndakanzwa shamu kundirova kumakumbo ndakabva ndaramba ndiri zii. Dzakatanga kuuya dzakawanda, "Hey mukai mukai!" Vaidaro asi hatina kuzunguzuka. "Aah boys vanhu vafa kaa ava." Ndakabva ndasekerera mumwoyo. "Ndiwe wakamutusvura ziso ndiwe wakauraya!" "Ndisiyei ini." "Pakaipa kana zvakadaro, ko sabhuku how far!" Ndakanzwa mambama kurova sabhuku asi havana kuridza mhere. "Vese vafa, haa they deserve this mhani. Ndofunga vaurawa nevafi. Isu ngatidzokere boys tozouya kwachena toronga kuti tosvika sei kuvanhu." "Yeah hande!" Vakabva vatanga kumhanya. Ndakasara ndichisimudza musoro ndokufema zvonzwika, pasina nguva ndakanzwa munhu kufamba kumashure kwangu. "Bhaureni vaenda chimuka!" Vakadaro sabhuku. Handina kudaira. "Asi wafa zvemashuwa here?" "VaBhaureni! Aah ko maita sei?" Raive voice raJerusalem. Akauya pamberi pangu ndakabva ndaona kuti ndiye. "Jerusalem! Wanga uri kupi asi waigara muno musango kani?" "Ndabva Harare nhasi, ko makaita sei? ndiSabhuku kaa avo." "Hapana zvako, vanhu vakangotibata vakauya nesu kuno. Tisunungurewo please Jeru." "Haa zvakaoma, ndimi makandiponesa paya pandakanyeperwa kuti ndauraya Makumbe. Regai ndikusunungurei mutize, ndichiri kutsvakwa here ini? Ndauya kuzoona amai vangu." Akadaro achitondisunungura. "Hauchatsvakwa Jeru! Ukaenda kuna mai vako unovaona zvakanaka." "Sure here?" Akabva andisunungura ndakabva ndazosunungurawo sabhuku. *End of chapter* [2/28, 21:46] Rejoice: https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U *Jerusalem🌹* *Written by* *Prince Washe Stories📗* *Chapter 14📕📘* *Jerusalem* Ndainge ndabatikana nekuziva kuti Chipo aive mwana waMakumbe. Kungonzwa zvaMakumbe ndainzwa hasha asi apa ndaifanira kupfava nekuti Makumbe ainge akafa asi nyaye yekuti iye Chipo aisatoda kunzwa nezvaJeru ndakabva ndamuitirawo hasha. Ndaitoshaya kuti ndomutsanangurira sei kuti handisi ndainge ndakauraya baba vake nyangwe vainge vakauraya vangu. Ndakamusiya achienda hake asi mwoyo wangu wairwadza, ndaimuda musikana wangu. Ndakasara ndichifunga kuti ndaipafambisa sei asi ndaitoona kuti ndikamunyorera iri message aikwanisa kundinzwisisa saka ndaizomuudza zvese. Ndakazofunga kuenda kumba kwanaFinish ndaida kunotora bag rangu rehembe, ndakasvika ndokumira padoor ndakatarisa nepaburi ndokuona Finish ari busy kushishana naChipo. Ndakarohwa nehana ndakashaya kuti ko Chipo ainge aenda sei, ndakabva ndaona kuti aivewo tsotsi Chipo. Ndakavhura door nekurwadziwa ndakabva ndangotaura mashoko mashoma ndokubuda. Musikana wangu aisafanirwa kubviswa humhandara naFinish zvaisaita. Ndakaona mapurisa ndichangobuda ndokuvaudza kuti pane musikana ari kubatwa chibharo takabva taenda tose. Finish akasungwa uye ndakabva ndaona kuti Chipo aisatoda nezvaFinish nekuti haana kumudairira aitotaura zvekuti aida kubatwa chibharo. Ndakafara hangu asi takange tisingawirirane, ndakangoendawo kwangu iye akaenda kwake. Ndichisvika pamba ndakabva ndaona kuti Finish akadzoka nezvandainge ndamuita ndaiurayiwa chete, ndakakasika kufunga ndokuona kuti zvaive nani kuti ndiende kumusha ndinoona amai vangu nekuvasirawo mari yandaive nayo. Nyaya yaityisa ndiyo yekuti ndaitsvagwa iye yaisarambika nekuda kwekuti ndakambotiza saka ndakafunga zvekuti ndizoendako manheru chaiwo. Ndakabva ndanyorera Chipo message yekuti, "Chipo I'm sorry nezvose zvakaitika, handizive kuti uchandinzwisisa here asi chokwadi handisi ndakauraya baba vako. Ndakaita zvekupomerwa nekuti ndainge ndakambotaura zvekuti ndoda kuuraya munhu akauraya baba vangu. Ndovimba uchazvinzwisisa nekufamba kwenguva, ndokumbirawo kuti udzoke undione mudiwa titaure. Ndokuda mumwe wangu." Ndakazombogara mazuva ndisati ndabuda neplan svinu uye Chipo haana kana kupindura kana kuuya. Rimwe zuva ndakazomuka ndakatofunga zvekuenda mumwe musi. Ndakasimuka atove manheru ndokusvika kumusha kunze kuma 4 dzemakuseni. Ndaifamba ndiine kutya asi haa hapana wandakasangana naye kusvika ndazonzwa vanhu kutaura. Ndakahwanda ndakabva ndavatevera ndokuona vachirova vamwe varume vainge vakasungirirwa pamiti, ndakazonzwa vachiti vafa vakabva vaenda vose. Ndakasara ndichisvika ndokuona Bhaureni nasabhuku, ndakanzwa tsitsi ndakavasunungura. "Haa waita basa Jeru, iwe chienda hako usingatye. Munhu akapisira Makumbe mumba akazowanikwa." "Sure here sabhuku?" "Sure ndingakunyepere here ini? Isu tave kutotiza tozoenda kumapurisa tosungisa vanhu vakutitambudza ava." "Okay regai ndimhanye." Ndakanzwa kufara asi hana yangu yaingorova, ndakashaya kuti vainge vaparei vanhu ivava zvekusvika pakusungirirwa kusango. Ndakazoenda kumba ndokusvikogogodza zvishoma nezvishoma. "Ndiani?" Raive voice ramai vangu, ndainge ndavasuwa zvisingaite. "Amai ndini Jerusalem." Ndakanzwa karuzha kekusimuka mumba vakabva vavhura door vachindimbundira. "Aah mhamha, honai hamuna kupfeka." "Kkk sorry mwanangu, ndafara kunzwa voice rako." Vakabva vadzokera mumba vakazobuda vapfeka. "Mwanangu uri sei hako, hmm vanhu kukupomera mhosva apa vanhu vakauraya baba vako naMakumbe vakazoreurura vega." "Pakaipa ndaizviziva kuti zvichaitika, ndivanani ivavo ndimbonovapedzera?" "Aah hautovafungire zvako, ndisabhuku naBhaureni apa hamheno kwavakaendeswa nevarume vemuno." "Shit! Ndaitei?" "Chii?" "Ndavaona vakasungirirwa kusango uko, ndatovasungunura vachiti vari kungovengwa nevanhu." "Aah watosunungura mhandu mwanangu, asi iwe nyarara chingoita seusiri kuzviziva." "Okay mom. Ndanga ndakusuwai, I hope mari yandaikusenderai yaisvika." "Hii ndiwe waindisendera mari mwanangu?" "Kkk ehe ko maiti ndiani?" "Ndaiti pamwe imiracle money zvee, wakagona zvako mwanangu. Ndoda kukumbira ruregerero nezvandakakuita." "It's okay mom, saka Makumbe haasi akauraya baba nhai?" "Ehe haasi, ndofunga pane zvakaitika pahuviri hwavo nababa vako asi zvichabuda chete kuti vakaurayirwei?" "Okay amai, saka ndave kutotenderwa kuonekwa nemunhu wese kaa ?" "Usatye mwanangu." Ndakafara kuti zvangu zvainge zvaita asi chaindirwadza kuti ndainge ndasunungura vaurayi. "Amai ndikudzoka." "Wakuenda kupi futi?" "Mhondi dziya dzave kutotiza so, ndoda kunovabata." "Siya zvakadaro mwanangu unourayirwa mahara, vanodzoka vega handiti vakareurura vega. Iwe dzikama umboyamwa nhasi." "Kkk okay, ko mwana waMakumbe ndakasangana naye kaa anonzi Chipo." "Hoo uyo, akauya panhamo yababa vake. Akakuziva here?" "Aah ehe akazondiziva hake and ndiye muroora wenyu ndoda kumuroora." "Heede! Manje mwana wangu kaa uya." "Haiwaa ndini ndakatanga kumupihwa naMakumbe saka muroora wenyu, asi akanditsamwira nekuda kwekuti akaudzwa kuti ndini ndakauraya baba vake." "Hoo ndaiedza number dzake hadzisi kuita ndakazofonera sisi vake ndichivazivisa kuti hausi wakauraya." "Hoo dai vakangomuudza." "Haa vanomuudza. So wakafamba sei, wakazosvika Harare sei? Ndaiti zvimwe wakafa?" Ndakabva ndavatsanangurira zvose zvandakaita kusvika ndizosangana naChipo uye nemawaniro andakaita mari. "Hmm Jeru, chibva wasiyana nazvo zvekuba handiti." "Yeah ndakatozvisiya ini." Takazotandara kusvika kunze kuedze, ndakange ndave kungofunga Chipo kuti aifanira kuziva chokwadi ichi. *Bhaureni* Ndakanzwa kufara ndichiona Jeru achiti pfacha kusvika uye kutibatsira kuti titize. Ndakatoona kuti aive murima zvake kusunungura vanhu vakauraya baba vake. Paaizviziva tinenge tatoenda, ndaingonamata kuti dai Makumbe akasativhiringa futi. Jeru achienda takabva tatanga kumhanya nasabhuku ndokuzomira tave kure nezvimbo yataive. "Bhauu ndaneta sahwira." "Zororai sabhuu, haa mupfana atibatsira uyu, saka tave kudii nhai sabhuku zvatatiza kudai?" "Haa ini chero zvazvaita bhurukwa rebenzi, kana ndikafa hazvina basa pane kuti nditambudzwe nevanun'una vaya." "Haa ndikutofunga zvekutizira kuHarare, ndichangoswera muno musango nhasi ndichidya mazhanje aya ndozoenda kumba manheru ndonotora mari yangu." "Hoo, une zano rakanaka asi ndiri seni handisi kutoda kutsika pamba pangu, saka tichashandisa mari yako." "Hapana chakashata." Takazofamba nesango ndokuzogara pasi paive nemuti wemazhanje ayo akazova chikafu chedu. Nguva dzakafamba tiri musango uye hapana kana munhu watakanzwa saka hapana aikwanisa kutiona. "Bhaureni rega ndimbonogeza parukova apo.” "Hoo gara zviya manga mazadza, haa endai munogeza baba ndiripo." Sabhuku vakaenda kunogeza ndokuzodzoka, takatomborara nekuda kwekushaya zvekuita. Nguva dzkafamba kunze pakwakasviba ndakabva ndatogadzirira kuzoenda kumba kunotora mari. Ndakazoenda nguva dzekuti munhu wese ainge arara, ndakasvika zvakanaka ndokapinda mumba ndokuona madam vakatorara. "Ndovaudza here kana kuti ndosiyana nazvo?" Ndakadaro mumwoyo mangu ndokuona kuti kuvamutsa ndaigona kukonzeresa zvimwe. I took my wallet ndakabva ndatora hembe shoma ndokuisa mubag. Ndave kuda kubuda door rakabva raramba kuvhurika. Ndakaedza kuvhura asi rakaramba kusvika mai Thelma vamuka. "Ndiani uyo?" "Mai Thelma ndini, don't shout please." "Ko..." "Ndikuziva zvauri kuda kutaura, handina nguva yenyaya ndofanira kubva muno ndisati ndabatwa. Chikunetsa door rikuramba kuvhurika." "Muchienda kupi? Ndini ndofanira kutoenda nekuti ndingasare ndichinyara pano." "Mai Thelma, mumozobuda kana ini ndaenda. Izvozvi so ndakamirirwa nasabhuku, tapukunyuka kubva murufu saka ndomukana wekuti titize uyu." "Ndazvinzwa asi mukuti door harisi kuvhurika muchaenda sei manje?" "Haa ipapo manje." Ndakaedza kuvhura zvekare rakaramba, ndakanzwa kurwadziwa uye kudemba chandainge ndafambira kumba. Ndakagara pabed mudumbu muchiita kupisa, pfungwa dzichipishana kuti ndaizvifambisa sei? Ndakazongorara nekuti pakange pasina zvekuita, kunze kwakaedza ndakabva ndaramba ndiri mumba. Mai Thelma ndopavakavhura door vachienda kutoilet uye vainge vasina kuona ziso rangu zvarainge raita, zvaisaita kuti ndirambe ndiri pamba. Vanhu vakange vasati vatanga kufamba famba saka ndakatora hembe dzamai Thelma ndokupfeka zvese nekusunga dhuku ndakabva ndàpfeka mask. Ndakabuda nebag rangu ndokufambisa, hapana wandakasangana naye kusvika ndapinda musango. Ndakasekerera kuti zvangu zvainge zvafamba zvakanaka, ndofunga sabhuku vainge varohwa nechando kusango. Ndakatenda midzimu yangu nekuramba kundivhurira door nekuti yaida ndirare panodziya. Ndakasvika kunzvimbo kwedu ndokuona sabhuku vasipo. Ndakatsvaga tsvaga ndokuvashaya, haa vaifambisa kana kuti vainge vatotiza zvavo vachiti ndakabatwa. Pakange pasina chekumirira ndakabva ndatanga kuchinja hembe dzangu ndichibvisa dzamai Thelma. Obvious ndaifanira kuzoenda manheru saka ndaitozogara zuva rose musango. Ndakazoti ndimbozvambarara hangu nemusana ndopakarova hana yangu kuona sabhuku vakarembera vari mumuti. Muhuro mavo makange muine gavi rakasunga pamuti kureva kuti vainge vazvisungirira, ndakakwira mumuti nekukasika asi ndakasvika vangove chando. "Nhai sabhuku mazviitirei? Manyanyotambudzika sei kusvika pakuzviuraya, mukai tiende Harare." Ndaingotaurawo ndega sendopenga asi munhu pakange pasisina. *End of chapter*
❤️ 😂 👍 🙏 😢 😮 💜 🔥 🥰 39

Comments