🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
May 31, 2025 at 04:39 AM
*Chapter 18 to 20*
https://chat.whatsapp.com/BnxvBOe2kDIJTtyXZNHWFD
[2/28, 21:47] Rejoice: https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U
Vanoda from 1 follow my channel ☝🏾
Facebook
https://www.facebook.com/profile.php?id=100089244880030
*Jerusalem🌹*
*Written by*
*Prince Washe Stories📗*
*Chapter 18📕📘*
*Jerusalem*
Takaenda Harare naChipo ndokugadzirisa zvese zvataida. Ndakazobatikana hangu ave kutaura nyaya yekuti ndaisafanira kuvakira mai vangu imba hanzi vaifanira kuchengeta musha and atova serious zvake. Manje neni taisawirirana when it comes to my mother, ndaida kuvafadzawo semunhu akandichengeta. Takazopesana iye ave kuenda kumba kwasisi vake, ndakakasira kudzokera kumba ndokusvikoona Chaka wekutenga mombe. Ndakatengesa diki dzose nema$250 uye dzaive 30 meaning kuti ndakange ndabata mari inotyisa. Dzimwe dzakasara ndaizodzitengesa hangu nekufamba kwenguva plus Chaka akange asisina mari yekutenga.
Ndakafara kuti hupenyu hwangu hwainge hwachinja nezuva rimwe. Mari yekuba iya ndakabva ndaipa mom yese zvayo, ndaida kutanga zvangu nemari isina tsvina. Hatina kutaura zvakawanda hedu namhamha ndakabva ndazorara nekuti mangwana taifanira kuenda kuMasvingo naChipo. Chipo ndiye munhu wandaida kumboona kuti akamira sei nekuti ainge andiratidza mamwe macolours ake. Ndaida kuona kuti anoda mai vangu here, ini here kana kuti mari? Ndakazoenda Harare ndokumufonera kuti tiende. Takatenga zvigrocery zvacho neimwe mari yandainge ndinayo, yemombe yakange yasendwa mubank card so ndakange ndakariisa panodziya.
Tave munzira kuenda ndakabva ndamunyepera kuti mari ndachengetesa mom. Munhu akaita seachajamba nepawindow pemota ashatirwa. Chipo aive munhu bho asi kubva nditange kubata mari akabva aita kamwe kakuchinja so. Manje neni taipedzerana.
Takasvika Masvingo ndokutambirwa zvakanaka natete vake. Takakwazisana. Vakazobuda mumba vakaenda mukitchen, mudumbu mangu maitorwadza saka ndakabva ndabudawo panze ndokuona kwaive netoilet ndikaendako. Ndirimo ndakabva ndanzwa Chipo kutaura kuseri, aitaura nemumwe mukomana uye ndakanzwa zvese kuti akange akabviswa humhandara nemukomana iyeye and akabva amuramba. Handina kuda kuratidza kuti pane zvandanzwa nekuti ndaisada kuita sendopenga kumusha kwavo. Ndakabuda muchimbuzi ndikasangana naye and aitodedera zvake kutya.
Ndakazonopinda mumba ndokugara ndichimirira chikafu chavaibika. Vakapedza vakazouya mumba.
"Aah tazokusiyai mega kaa?" Vakadaro tete.
"Haa hapana chakashata, ndiri kunzwa kunhuwirira ndimi mabika here tete?"
"Ehe ndini, ndoda mumbonzwa ruoko rwangu musazorambe mukadzi wenyu kaa uyu nekuda kwekunakirwa."
"Kkk hazvirambirwe munhu izvo tete, chandisingade kunyeperwa chete haa ipapo hatiwirirane." Ndakadaro ndakatarisa Chipo ndakatoona kuti she wasn't comfortable. Ndainge ndarwadziwa hangu nezvandakanzwa asi semuenzi I had to swallow my anger. Takazodya zvedu tichitaura nyaya.
"Tete ndiri mandiona kaa ndichipedza kudya ndave kutodzokera ndine zvakwanda zvekunoita." Ndakadaro ndomatangiro andakaita nyaya yangu.
"Aah Jeru, nhasi unorarawo pano womukira kuseni. Apa unofamba manheru kaa zvinoita here izvozvo?"
"Ehe handiti kune mabhazi emanheru, saka ndoandokwira. Ndichazonyatsodzoka."
"Shuwa tete, regai tiende ane zvaanoda kunoita." Chipo ndiye akadaro.
"Newewo futi Chipo, asi ndakutsamwisai here?"
"Kwete tete, ndichasiya Chipo ndozodzoka kuzomutora." Ndakadaro.
"Zviri nani izvozvo, okay idyai tione ndinokutsvagirai roadrunner mutakure." Vakabva vabuda ndikasara naChipo.
"Jeru ko chii wazofunga zvekudzokera nhasi?"
"Hapana mudiwa, zvazongondibata zvekuti ndidzokere nhasi."
"Haugadzikane ukaita mari ndazviona, okay enda hako."
"Okay, Chipo pane here zvaunoda kundiudza kuti ndizive."
"Hmm hapana ko chii?"
"Kungobvunzawo hangu, handiti uri kuona kuti face yangu iri kufara here?"
"Ehe."
"Yeah asi mwoyo wangu hausi kufara, who's Derek?"
"De..De.."
"Saka mukauya kumusha kwenyu munobva matanga kukakama nhai?"
"Jeru I can explain please."
"Handina kuti tsanangura ndati who's Derek pane chonetsa here ipapa?"
"Okay rega ndikuudze chokwadi, mukomana wandakatanga kudanana nayee."
"Cool, ndiye akakubvisa humhandara hwake right?"
"Jeru sorry please."
"I hate kunzi sorry, don't sorry me. Wakandinyepera kuti uri mhandara uchiziva kuti zvakaendwa hako, zvanga zvisina basa kuti hausi mhandara ndaikuda zvakadaro asi kundinyepera. Maybe izvozvi so waitodanana nanaboss vako naFinish uchindinyepera. Uuye utore mombe dzako kumba kwedu, it's over. Don't explain and don't stop me I'm going." Ndakadaro ndave kutosimuka.
"Jeru hapana kwauri kuenda please, sorry mira ndikuudze chokwadi."
"Waidii kundiudza chokwadi chacho at first, and une mafunnies saka waiti ndikarara newe ndaitadza kuona here kuti hausi mhandara?"
"Waisazviona Jeru, ndipo mukana wekutaura." Akadaro apfugama akandibata gumbo.
"Ndisiye, sarai mudye roadrunner renyu ndaenda." Ndakabva ndatobuda, kana aizotsanangura zvaaida aizotsanangura mumwe musi. Apa ndakanzwa kurwadziwa hangu, shuwa munhu wandaida wondinyepera. Who knows pamwe akange atove gube panyaya dzebonde ndozongotora. Dai akandibudira pachena pakutanga raisava dambudziko, hazvirambirwe munhu izvozvo asi kuzondinyepera.
Ndakanokwira bhazi zvangu nguva dzatoenda enda. Akatanga kundifonera ndaisadaira, akazosenda message refu and handina kuiverenga ndakabva ndadeleta.
Pazvinhu zvose here kunyeperwa, haa ndozvandaisada izvozvo. Zviri nani kuroora munhu ane mwana wake ndichiziva pane kuti andinyepere. Kunyepa hakuna kushata asi kuzobatwa ndokwakashata.
Kunze kwakasviba tichiri mubhazi uye rakasvika manheru muHarare. Handina kudzika ndakabva ndararamo ndokuzomuka kwaedza. Ndakaenda kunogara kuUnity square ndiri paphone uye ndainge ndatofunga zvimwe zvinhu. Ndaive pawhatsapp looking for house dealers, ndaida kutogara ndatenga imba ndibvise amai vangu kumusha. Luckily ndakawana imba kuGlenorah and yaive two roomed house. Ndoyaive yakacheaper kutenga ndichisarawo neimwe mari yakati wandei. Ndakapihwa madetails emunhu wacho ndikataura naye ndokuzoenda kunoratidzwa imba yacho. Yaive nani hayo ndaizovaka main house nekufamba kwenguva. Ndakabhadhara mari yandaive nayo uye imwe ndaizopedzisa after 6 months. Makange matove ready kugarwa maingoda tumidziyo twekuisa. Ndakatenga zvimwe zvandakakwanisa ndokuisa mumba.
Ndapedza ndakabva ndaenda kumusha. Ndakasvika mhamha vakaisa muromo mumhino.
"Nhaiwe wako imweya here unokupa kurasa chakanaka kudai?"
"Ndarasei mhamha? Asi ndarasa mari?" Ndakadaro ndichibata homwe dzangu.
"Wakaita sei Chipo nezuro?"
"Aah ndozvamuri kutaura, Chipo wenyu haana maqualities ekuti ave mukadzi wangu."
"So unobva wanomurambira kumusha kwavo zvinoita here izvozvo?"
"Imbwa inoroverwa pachinyiro, maida ndimurambire kuno iye akabhaiza tiriko?"
"Hayaa kana imba yacho inomira here kana uchikasika kuita decision usina kutsanangurirwa?"
"Sorry, ndakutengerai imba kuHarare."
"Usade kundinzwa Jeru."
"Chokwadi kaa?" Ndakabva ndavaratidza mapictures acho.
"Has wagona mwanangu, handizive ndokutenda nei? Ndimbogarawo kumagetsi kkk."
"Yeah so mangwana motorongedza zvamunoda zvese, zvamusingade zvosara. Musha ndewedu tinenge tichidzoka."
"Okay Jeru, chiverenga message yemumwe wako iyi." Vakabva vanditambidza phone yavo. Ndakamboda kudeleta message yacho ndisati ndaverenga ndakabva ndangoti rega ndiverenge.
"Mhamha muri sei? Ndokumbirawo mutaure naJeru haasi kudaira macalls angu, imagine kuuya neni kumaintroductions ave kundisiya. Nyaya yakaitika ndeyekuti ndaive nemukomana wangu ndisati ndaenda Harare, ndiye akatanga kundiziva ndakarasikirwa nehumhandara hwangu. Ndave muHarare ndakazonzwawo zvemushonga unodzosa humhandara nasisi vangu ndakabva ndaushandisa nekuti ndaida kuti murume anondiroora azosanganawo neni ndiri mhandara. Handina mumwe wandakarara naye, ndosaka ndakaudza Jeru kuti ndiri mhandara nekuti ndakashandisa mushonga." Ndakaseka hangu. Hoo kwaitove nemushonga wekudzosa humhandara nhai.
"Moms kaa uyu anotopenga. Iye akamuudza kuti munhu asiri virgin haadiwe ndiani? Chodiwa kutaura chokwadi, tose tosangana nazvo muhupenyu kuti unenge wada munhu wako zvakanaka womuti rega ndimupe virginity yangu wozokurasisa. Chakanaka kutaura chokwadi, saka aida kuti ndizoti ndakamuwana ari mhandara iye akadzosa nezvimaherbs?"
"Chisiyana nezvakawanda, kana uchida munhu wako tauriranai. Handidi hangu kukuudzira nekuti kana zvaipa mangwana unozondipa mhosva. Follow your heart."
*Chipo*
Ndainge ndafara kuti Jeru hapana zvaanzwa asi ndaizvinyepera. Akange anzwa zvose zvandainge ndataura naDerek. Ndakashaya pekutarisa andiudza, I tried to apologize but haana kundipa mukana wekutaura nyaya yangu. Neniwo ndainge ndazvinyanya kuda kungonzi ndiri mhandara. Jeru chaaida munhu akavimbika anotaura chokwadi, hamheno kuti aizondiregerera here? Ndakasara ndega mumba munhu aenda, Derek ainge andiparadzira rudo rwangu nemunhu wangu. Ndakanzwa kumuvenga, iye aifunga kuti makore ese andaenda Harare ndaimirira iye here anozora mafuta ekubikisa. Manje ndaishingirira ndaisafanira kurasikirwa naJeru zvaisaita.
Ndakamufonera asi aisadaira, ndokuzomusendera message ndichimuudza zvakaitika. Ndakamirira kuti apindure ndakanzwa kwiyo kwiyo panze ndokuona vari tete vakabata roadrunner.
"Chipo tsvaga tambo ndisunge huku iyi."
"Siyai henyu iende."
"Aah iwe unozoibata here? Jeru ngaauye asunge."
"Tete Jeru aenda."
"Hee? Ko aenda sei ndisati ndadzoka?"
"Hanzi afonerwa namai vake saka huku ndozotevera nayo mangwana." Ndakadaro ndakazorohwa nehana kuti kunyepa ndakange ndave kunyanya.
"Haa vakomana vemazuvano so, izvozvi ari kunoona mumwe musikana."
"Haa kana." Tete vakabva vazopinda mumba ndokugara pasi.
"Ko chiso chako kupusa pusa hanzi chii?"
"Ndatosuwa mumwe wangu."
"Hoo, munhu ari bho hake mukomana wako. Chiri kudiwa kugeza chete, harisi ganda rake riya kusageza. Chimwe chinhu ngaasanonoke kuroora nekuti mukagara nguva yakareba kuroorana kunonetsa."
"Ndazvinzwa tete ndichamuudza kuti ageze."
"Good musha mukadzi." Takazokurukura zvimwe hedu. Vana tete vamwe havasi vekuudza chokwadi chose, ndopakuzoroyewa.
Jeru haana kupindura message yangu. Ndakazosendera amai kuti vagare vaziva zvaiitika vasati vaudzwa nepamwe. Ndakange ndave kuda kutotevera Jeru wangu mangwana acho nditaure naye. Ndaizviziva kuti aindida uye ndikamutarisa mumaziso aindiregerera.
"Wati uri kuenda mangwana here?" Vakadaro tete.
"Hongu tete, tichazouya toronga dzekuroorwa."
"Okay, eeh unoziva kuti varume havana kugadzikana ava. Unogona kutadza kuroorwa nekuti vanenge vaona vamwe, saka ndoda kuti unopihwa munamato kwambuya Rose uko uzoshandisa pamunhu wako."
"Iih tete madarirei kudaro? Mukomana wangu anondida saka there's no need for that plus mbuya Rose vakazotanga rinhi kupa munamato, ndevembashto kaa vaya"
"Kutaura pachikuru zvee, zvandiri kukuudza uchazvifunga izvi. Murume anofanira kuenda pasi pako uchimuudzira zvekuita."
"Okay tete, ndakungozviitawo hangu nekuda kwenyu." Ndakange ndisisina option but kunotora mushonga wacho. Jeru aifanira kutoenda pasi pangu zvechokwadi, ndaimuona kuti aigona kuzoitira mai vake zvihombe kupfuura ini.
Takabuda natete ndokuenda kwambuya Rose.
"So muzukuru uchashandisa mushonga uyu kuti munhu wako akuterere. Hausi kuzoenda nawo asi ndiwe uchaunwa, usakasire kumedza unouchengeta mukanwa for one hour then wozosvipa. Uchingisvioa wotaura zita rake. Chose chawataura kwaari kuti aite anoita."
"Okay mbuya maita basa." Ndakapihwa mushonga wacho ndokuenda nawo kumba. Ndaida kuzoushandisa ndave kumba. Jeru ndozvaaitoda izvozvo nekuti aisada kunditererawo, ndaimuda zvakanyanya saka ndanga ndaitoita zvese zvandogona kuti ave wangu.
Takazodya ndokunorara. Ndakatora mushonga wangu kuti ndiushandise ndisati ndarara.
"I'm sorry Jerusalem, zvawandiita nhasi ndozvandipa kuti ndikudai. Welcome under my control." Ndakadaro ndakabva ndaisa mushonga uya mukanwa, ndakamboda kusvipa ndisati ndaenda kure. Waivava zvekuti pa5 minutes ndakange ndaburitsa misodzi. Ndakazoshinga hangu kusvika awa rimwe rapera.
"Jerusalem." Ndakadaro ndapedza kusvipa mushonga uya. Ndakabva ndanotora sugar ndokumbozadza mukanwa hmm ndainge ndakuvara mukanwa mese umu. Ndakazorara ndokumukira kugadzirira rwendo rwangu. Ndakafonera Jeru kuti ndinzwe kuti zvainge zvaita here asi haana kudaira. Zvaisanetsa ndaizomubata kumusha kwavo ikoko.
Ndakaperekedzwa natete ndokuzokwira bhazi. Takasvika muHarare ndakabva ndatonanga kuDarwin kunoona Jeru. Ndakasvika pamba pavo pasina kana munhu, ndakambomira zvishoma mumwe mukomana akabva auya. Takakwazisana.
"Varidzi veapa vabuda, vatama vaenda kunogara kuHarare saka ndini ndasara nemombe uye kuchengeta musha."
"Hey! Okay okay." Ndakadaro ndave kufonera mhamha vakabva vadaira.
"Hello mhamha, ndasvika kumba kwenyu hamuko wani."
"Hoo sorry muroora handina kukuudza. Tave kuHarare kuimba yakatengwa naJeru." Ndakanzwa hasha kuti Jeru ainge atenga imba asina kundiudza sei? Chokwadi mai vake ndivo vainge vaita vekutanga kuziva imba yedu kunditangira.
"Okay mhamha, ndokumbirawo kutaura naye haasi kundidaira."
"Abuda akadzoka ndomuudza, bye ndimumbopukuta mawindow." Vakabva vakata. Ndakaita sendicharidza mhere, kufamba kwasviba ndakange ndisingade asi hapana zvandaiita. Ndakabva ndatodzokera ndokuenda kumba kwasisi.
*End of chapter*
[2/28, 21:47] Rejoice: https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U
Vanoda from 1 follow channel yedu.
*Facebook page*
https://www.facebook.com/profile.php?id=100089244880030
*Jerusalem🌹*
*Written by*
*Prince Washe Stories📗*
*Chapter 19📕📘*
*Chipo*
"Ko nhaiwe kufamba manheru kwakanaka here?" Vakadaro sisi vangu pandakasvika pamba pavo.
"Kufamba kufamba vakoma, chikuru ndasvika."
"Hoo, okay wotobika wega shamwari isu tadya."
"Hapana chakashata." Ndakazozvibikira, kudya ndokuzorara. Ndaingofunga kuti dai ndasangana naJeru nekuti ndaida kumugadzirisa. Nhai munhu akandisisa basa wozongomuka ave kunditiza, chii chakadaro chinenge ngozi. Ndiye wandainge ndasira basa saka ndaizogara naye asingade achida, kutadza kwagara kunowanikwa asi ukasada kunzwisisa mumwe wako toita kuti unzwisise neimwe nzira.
Ndakamuka mangwanani ndokufonera mai Jeru.
"Mamuka sei amai?"
"Ndamuka zvakanaka, wati ndamborara here nekuona tv?" Haa mai ava kaa vaitondipa hasha.
"Kk ndozvakanaka amai, ndoda kuti mugare muchifara vamwene vangu. Ndine zvandakutengerai kaa saka ndoda kuuya ikoko ndikupei."
"Ndokuti muroora zvee, ndakagara ndazviona kuti une mwoyo wakati mbuu kuchena semwedzi muchena. Handizive kuti sei Jeru asingazvione."
"Aah anozviona amai, kungoti pakaita kamisunderstanding chete. Don't worry ndikuziva kuti andisuwa ndikataura naye tonzwanana."
"Okay, so unokwira makombi anouya kuGlenorah B unokwirira kuMarket square wodzikira paChitubu. Ukasvika wobva wandifonera ndokutora."
"Heyaa makutoziva Harare kaa."
"Ehe haa ndaitoita kunyora pasi zvese izvi."
"Okays amai, regai ndiuye."
Zvangu zvainge zvaita, handina kubvunza hangu kuti Jeru aive aripo here nekuti obvious akange achiripo and ndaifanira kumusvikira achiri mangwanani. Ndakanogeza ndokuita inonzi dress to impress, haa Jeru aimedzerera mate chete.
"Sisi ndichadzoka, pane zvandoda kunoita mutown."
"Okay Chipo." Ndakabva ndatobuda. Handina kumirira bamukuru, ndaiita kunonokerwa nekuona mudiwa wangu. Ndakapinda nemutown ndokutengera mhamha KFC, ndaiziva kuti vakange vasati vamboidya vainakirwa chete. Ndakasvika ndokufonera mhamha vakabva vakabva vauya kuzonditora.
"Vamwene vamwene!"
"Muroora muroora!"
"Haa ende Harare yakubvumai nezuva rimwe, ndanga ndatokushayai kaa. Ndakunzirai kafood aka mumbokanzwa, icompany yasisi vangu saka ndangoti ndikuunzirei."
"Hoo, waita basa kundifunga."
"Obvious ndimi mai vangu chaivo, aripo here murume wangu?"
"Ehe aripo, hande anogona kubuda ko uye haagare pasi kaa." Takabva tatofamba kuenda kumba kwacho. Takasvika pakange pasina imba hombe zvapo asi the fact yekuti vakaita ndisingazive zvakatondirwadza.
"Muroora ndikutaura newe hausi kunzwa here?"
"Hee matii mhamha." Ndakavhunduka kuti ko vainge vataura, pfungwa dzangu dzakange dzave kure.
"Ndati pinda mumba umutse Jeru, ndakutombiya kazuva ndichizvidyira hangu."
"Okay." Kundiudza zvaJeru ndakabva ndatokasika kupinda mumba. Ndakamuona akatobata phone yake zvake ndakabva ndaramba ndakanyarara.
"Hey mhamha ndochii chamave kuita ichi? Iwee hanzi nani upinde muno?" Hana yangu yakatanga kurova ndaona kutsamwa kwake. Ndakange ndotya kuti ko mushonga uya ukasashanda ndairambwa pachena.
"Jeru ndozviziva unondida. Sorry nezvandakaita, handina kubvira ndakucheater ini zviya zvakaitika pahudiki hwangu uye ndisati ndasangana nemunhu ane rudo sewe. Ndiregererewo hako."
"Chipo mudiwa wangu. Sorry hako nekukutiza kwandakaita, hamheno zvainge zvandipinda ndiwe wandoda. " Akadaro akabva apfugama pamberi pangu.
"But hauna kundipa mukana wekutsanangura, haundide Jeru ndazviona."
"Ndokuda Chipo, please sorry. Mhamhaa!" Akabva adedza mhamha vake vakauya. Ndainge ndakatsamwa asi mukati ndaifara kuti zvainge zvaita.
"Mhamha taurai nemuroora wenyu, andiregerere zvandakaita. Ndomuda."
"Nhai muroora asi wakatsamwira mumwe wako here?"
"Handina asi mhamha munhu uyu akandisiya ndega kuMasvingo isu taenda tose. Ndamuregerera hangu simuka mudiwa." Akabva asimuka ndokundimbundira.
"Mhamha chiendai panze ndoda kutaura naJeru." Ndakadaro.
"Aah hapasisina zuva apa, taurai kaa ndirimo."
"Jeru shaa mhamha ngavambobuda, ndine zvakakosha zvandoda kukuudza tiri two."
"Mhamha chingobudai kaa nhai! Munodzoka imba haitize iyi, dai so tatotanga kutaura asi muchiri makamira."
"Okay haa muri murudo zveshuwa kkk, ndabuda ini." Yeah mushonga uye uri powerful rega uzovava.
"Jeru pamba pano ndepani?"
"Ndepangu newe?"
"Wakandiudza here kuti ukutenga imba, iye akakuudza kuti ndoda kugara kuGlenorah ndiani?"
"Sorry handiti tanga tatsamwidzana here? Plus kugara kuno hakuna kuipa."
"Hoo saka wakatozoshinga kuunza mhamha vako kuno here uchisiya musha uri wega. Ndakasvikako ndikaona pasina kana munhu ko mushandi wako wacho akamuka achiba mombe dzose. Shandisa pfungwa Jeru, machembere aya akafitwa nekumusha kwete kuno."
"Ndazvinzwa, saka vadzokere kumusha kwacho here?"
"Ndozvandiri kuda, musha ngaugare une munhu. Chikafu tovatengera."
"Okay." Akadaro ave kutobuda panze, vamwene vangu vaifanira kuenda kumusha asi nyaya yekuti ndivo vainge vandiudza kwavari kugara ndaimbovasiya vagare zvishoma. Ndakatevera Jeru.
"Eeh mhamha ndazofunga, mave kudzokere kumusha muchengetedze zvipfuyo zvedu uye kuchengeta musha wababa."
"Nhai Jeru, handiti wakasiya munhu here?"
"Ehe asi handimuvimbe uye anogona kutotirasisa."
"Jeru mudiwa, siya amai vagare nesu. Ndivo vanondipa mufaro ava saka usavadzinge, anochengeta musha mukomana uya."
"Taura hako muroora, ndosaka ndichikuda. Jeru kaa, Jeruu!" Vakadaro vakabva vapinda mumba.
"Ndazofunga, ndimai vedu ava ngatigare navo."
"Okay iwe ndoda kutanga ndakuroora kuti tizogara tose, saka ndikumbobatanidza batanidza kuti zviite. Eeh ndakawana shop mutown nezuro so ndakatobhadhara mari yekurenter and tofanira kutotanga kuishandisa as soon as possible."
"Okay, ngatiite butchery ndozvine mari. Plus hatitenge mombe toshandisa dzedu."
"Yeah wataura apa, tototanga takaderedza mutengo vanhu vauye."
"Yes, babe." Ndakange ndave kufunga kuti ko akandiroora aizodya mari yangu ndiani? Hama dzangu dzaisava nebasa neni, kwaive kutambisa mari saka taingogarisana zvakadaro. Ndaitoda kubata mari svinu uye ndaida kutotanga kuenda kumalessons edriving Jeru achiita zvebusiness.
*Jerusalem*
Takazoenda Harare namhamha uye zvaChipo ndainge ndatosiyana nazvo. Munhu wangu ndaimuda asi akazoratidza kuti haasati akuziva chinonzi kuda munhu. Kuda munhu kuva loyal, kusamunyepera kwete kunzi wapihwa bonde wototi munhu anokuda. Dzimwe pfungwa dzaida kuti ndimufonere asi ndakazvishingisa kuti ndingomukanganwa. Ndakange ndoda kufadza mai vangu, zvavakatadza kuitirwa nababa vachiri vapenyu ndozvandaida kuvaitira. Zvekuita mumwe musikana zvakabva zvaenda kure neni. Zvinhu zvangu zvaiitika so fast zvekuti ndiri pawhatsapp tatove kumba ndakabva ndaona advert remunhu airentesa shop.
I quickly went to her inbox ndokumutanga. Takataura uye kuti taizoonana mutown mangwana ndoona shop yacho. Ndaifunga kuda kuita zvekutengesa hembe mushop macho izvo zvaizoitwa namhamha ini ndichiita mamwe madhiri. Ndakaenda mutown ndokusangana nemusikana wechidiki zera raChipo ndiye aive muridzi weshop yacho. She was very beautiful asi handina kuda kuzviisa mupfungwa ndainge ndafambira business. Takakwazisana ndokufamba zvishoma ndokusvika pashop yacho. Akavhura takapinda mukati uye maisava nechinhu maive nemashelves chete.
"Okay so this is the shop Mr Jerusalem. I hope you like it."
"Of course. So makati munonziani zviya."
"My name is Kundiso."
"Kundiso chete? I thought kuti makaroorwa Kaa. Anyway saka makati ndouya totaurirana saka how far mapayments acho."
"Mondipa $200 per month but muchitanga so it's $100 kuitira kuti muchambohodha uye mumbosimukawo."
"Okay maita basa Miss Kundiso, shop ndaifarira asi ndoda kuziva kuti munhu aitengesera muno akabudirei or aka broker."
"Ndini ndaitengesa muno, I'm not ready to tell you what happened coz ndochema."
"Okay saka muchandiudza rinhi nekuti tinenge tisingaonane kaa?"
"Oh okay. This shop ndakaitengerwa nadad vangu pandakapasa A level yangu. So the thing is that I had a boyfriend of mine wandaivimba naye saka aindibatsira kuhodha and stuff. So three months back ndakamupa mari yakawanda kuti anohodha kuSouth Africa but he didn't show up till now so I'm now broke kuti ndienderere mberi nebusiness."
"Hey I'm sorry for that. Count the garden by the flowers, never by the leaves that fall. Count your life with smiles and not the tears that roll okay. Just be strong, zvakaitika izvi siyana nazvo. It's so hard to forget but vanhu ndozvavari."
"I'm still trying hangu to forgive him, but haa it's okay maybe anga asiri wangu and yeah that's life kurasiswa." Ndakamboda kutaurawo zvaChipo but ndaisada kuti azive zvangu.
"Okay, saka deal done. Shop ndaifarira."
"Cool then, sign here." Ndakasigner iye akasigner zvekare. Ndakazopihwa makeys ndakabva ndadzokera kumba. Ndaingofunga nyaya yemusikana uya, haa vamwe vanhu vari evil chokwadi. Zvangu zvaitove nani zvekunyeperwa kunzi ndiri mhandara naChipo.
Ndakazosvika kumba ndokuudza mhamha zveshop.
"Wagona mwanangu, it's time for you to shine."
"Yes mom, I love you."
"Love you too son." Ndakabva ndazodya ndokuzobuda zvekare ndichimbotenderera mutown kumbotenga twekupfeka twaionekerawo sabusiness man. Ndakazodzokera kumba ndikasvika mom vachiona tv, ndakazorara vachiri patv chete. Kunze kwakaedza ndakabva ndamuka ndokuona message from Kundiso pawhatsapp.
"Hey Mr Jerusalem, i wish you the best in your business. Ndichauya kushop kwenyu Sunday ndave kubva kuchurch."
"Okay Mrs Kundiso. Thank you so much."
"You're welcome, hamudi here kuzouyawo kuchurch kwedu?"
"Haa tichazoenda hedu. Now ndikumhanyidzana nebusiness kk."
"Okay then."
"Yes Mrs Kundiso. Ndakakanganwa kukuudzai something nezuro, you're so beautiful..." Ndisati ndasenda ndakabva ndaona Chipo achipinda. Ndakanzwa hasha asi ndakazodzikama ataura neni, zveshuwa ndainge ndafarisa kumusiya ega kumusha. Ndaifanira kumupa mukana wekutaura nyaya yake, plus aisava a bad girl hake saka ndakamuregerera ndokumukumbira ruregerero. Ndakange ndave kuda kumuitira zvaanoda mudiwa wangu, zvese zvaaitaura ndaiona zvichimaker sense. Akamboda kuti mhamha vaende kumusha and ndakaona zviri bho, akazovasiya hake kuti tigare tose. Akazodzokera kumba kwasisi vake akazodzoka nezvinhu zvake.
"Babe wakutouya kuzogara neni ndisati ndaroora here?"
"Chakaipa chii, plus handisi kuda kuti upe vanhu vasina basa neni mari. So mari yekundiroora unopa ini ndotenga zvandoda."
"Kk babe, hauone kuti hazviite here? Unogona kusangana nedambudziko ndisina kuroora, plus hazvina basa kuroora kuvanhu vasingakude. Kugadzira ukama chete uye kuti zvive pachena kuti uri mukadzi wangu not musikana wangu."
"Okay, ndichakuudza kana ndave ready kuroorwa. Ndokudaa mudiwa." Haa mwana aive nebasa uyu, ndaingoita zvaaida zvacho.
"Babe ndikuda kuenda kumadriving lessons ndave kuda license manje nekuti ndikunzwa kunhuwirira kwemota yangu."
"Okay babe, zvinonzi ladies first saka unoenda babe utange kutora iwe. Mota totenga soon."
"Good, saka imba iri muzita rani?"
"Handisat ndapedza kuitenga, handiti tichachata here saka tichaisa mazita edu tose."
"Okay my love." Musi uyu handina kumboenda kutown ndaida kuzoenda mangwana kunogadzirisa zvese. Mhamha vakatibikira zvemanheru, ndokudya tichiona tv hedu.
"Haa tv ichatofa iyi namhamha ava." Chipo akadaro.
"Taura hako, haa ishungu ichapera."
"Yeah, ini ndakunorara hangu."
"Okay ndiri kuuya."
"Kuuya kupi? Handiti hatisati taroorana here? Unomborara namhamha muno zvawakaita kumusha paya."
"Aah nhai muroora, matove murume nemukadzi imi. Rarai mese uko plus ndikuda muzukuru kkk."
"Haiwa, muzukuru wei? Tozviita kana andiroora, Jeru urare muno." Akadaro akabva aenda.
"Ari kurevesa here musikana wako nhai Jeru?"
"Ehe hamusi kuona kuti ari serious here? Torara hedu."
"Iwee usatongwe nemukadzi wanzwa, akuda kutotonga kunge.."
"Matii kudii nhai mai Jeru?" Akadaro Chipo achidzoka mandaive namhamha.
"Nhai mhamha makuda kutoudzira murume wangu zvekuita. Murume anonditerera nekuti anondida, mave kuenderera manje. Imbobudai panze mumborohwa nechando pamwe mungaite munhu kwaye." Akadaro Chipo.
"Aah nhaiwe une demon here?"
"Eeh mhamha musikana wangu haana demon, ndimi mamutanga apa kumudenha. Budai panze pataurwa munodzoka kana ave kuda."
"Jeru!"
"Ndiri serious budai tione."
"Jeru chivasiya, next time ngavazive zvekutaura. Huya kuno." Akadaro takabva taenda tose mubedroom medu haa akange azofunga zvakanaka manje. Akabvisa hembe dzake akasara asina chinhu and ndakange ndonzwa kuda kupihwa rudo naye.
"Uri kuona zvandiri izvi. Uchazviona nemeso asi hauzvidye. So tanga wandiitira zvandoda, now enda unorara namai vako muno muroom mangu. Handiti wakatenga imba usina kundiudza ukatenga diki zvako, so ndoda kurara ndega."
*End of chapter*
[2/28, 21:47] Rejoice: https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U
*Kana usati waverenga this book hauna kusaririra, follow our channel unoona machapters ose.☝🏾*
*Jerusalem🌹*
*Written by*
*Prince Washe Stories📒*
*Chapter 20📕📘*
*Chipo*
Haa hakuna chinhu chonakidza sekuona murume achiita chidzoyi nekushandiswa. Zvaingondinakidza kutaura zvinhu zvisingaite asi kuna Jeru zvaitoita. Nyaya yaDerek haana kana kutozomboihukura zvake, ainge arohwa neutsi. Jeru aindida ndichimudawo asi nekuda kwezvakaitika kumusha ndaifanira kutomushandisira mushonga, ndaizopedzisira ndonzwa tsitsi asi yakange yave nguva yangu yekutobudirira nekuti akazobepura kubva kumushonga ndaipinda munyatwa.
Ndakazoenda kumba kwasisi kunotora zvinhu zvangu ndigare ndave pamba pangu. Jeru akamboda kuti bufu asi aizodzikama nekutaura kwangu. Ndakazomuudza zvekuti nditotanga zvedriving school kuti nditore license haana kundirambira. Nguva dzekurara dzakazokwana and ndaisatoda kurara naJeru, ndaida kumugadzirisa nenyaya yake yekutenga imba asina kundiudza saka aizorara namai vake. Ndakamuratidza nyika yangu yose asi aisaidya aingoperera mukuona. Akazoenda kunorara namai vake ndakabva ndararawo.
"Zvauri kuita zvakaipa mwanangu." Ndidaddie vangu vaidaro kuhope.
"Ndaita sei futi?"
"Jeru ndiye munhu wako, wakatadza here kutaurirana naye pasina kushandisa mushonga. Gadzirisa nyaya yako nekukasika nekuti zvinozoshata ukachema." Ndakabva ndapepuka ndakaita kudikitira. I realized kuti zvandaiita chokwadi zvainge zvisina kunaka, kuti ndiudze Jeru chokwadi zvaisaita saka ndaizongomubata zvakanaka.
Ndakazomuka ndokunomumutsa.
"Jeru chiuya urare neni."
"Wagona mudiwa." Akadaro ave kusimuka mhamha vakabva vati, "Jeru rara apa, ukuda kuenda kupi? Iwee Chipo wakutoda kutonga pano handiti, rara wega ndozvawaida." Hayaa mai ava vaitonditokonya zvavo.
"Jeru ukunzwa zvikutaura mai vako?"
"Mhamha chiiko nemiwo?"
"Haa iwe wakadyiswa chete, hakuna Jeru akadai wandoziva. Svinura mwanangu mangwana chaiye ndiri kuenda newe kumaporofita ubatsirwe."
"Jeru, mhamha vakundinyepera kuti ndakakudyisa ukuzvinzwa. Ini hangu handichada zvemba zvacho, kana uchindida mhamha ngavaende kumusha."
"Ani kuenda kumusha? Handiendi kumusha ini pano ndopanoti ini!" Vakadaro mhamha.
"Nyararai mese mukunetsanei, Chipo watii?"
"Ndave kuenda kumba kwasisi vangu, zvepano ndazvitadza."
"No mudiwa, hauna kwauri kuenda handiti."
"Sarudza kuti ini namhamha vako ndiani ari kubva pano?"
"Okay, tozotaura kwaedza hande tinorara." Akadaro takabva taenda kuroom kwedu.
"Chipo usatsamwe, ndozvoita vabereki izvi. Kuti mhamha vaende kumusha ndaida asi ndarota baba vachinditi ndisavarase ndigare navo saka ndokumbirawo kuti vagare nesu."
"Ndikuzvinzwa, asi vakundipumha uroyi kaa kuti ndakakudyisa ini. Ndakakudyisa here ini?"
"Hauna mudiwa, ndozvoita vanamai, vanenge vachityira vana vavo asi usatye ndinewe mumwe wangu."
"Okay izvozvi so uende kumaporofita kwavataura."
"Kunotsvakei hangu, ndokuda Chipo zvandoziva saka handibvunzire kumaporofita zvakadaro."
"Okay chiuya tirare."
Takazorara hedu hapana akabata mumwe. Kunze kwakaedza takatanga kutaura zvedu.
"So wakazoti kudii nenyaya yangu?"
"Hoo yelicense, okay ndave kufanira kuenda kumusha ndiite kuti mombe dzedu dziuye dzebusiness uye ndotengesa dzimwe tiwane kutenga zvekushandisa mubutchery. Butchery redu munenge mungori mebeef chete, uye yakaderera mutengo. Haa ndaona ndaita mari."
"Ita kuti taita mari."
"Yes babe, ko tiri nyama imwe kaa isu. So sara namhamha zvakanaka pano, ndinogadzirisa zvinhu zvebusiness."
"Okay mudiwa."
Akabva azogadzirira zvake akaenda, ndakasara ndichiita basa uye namhamha tainge tatsamwidzana. Havana kana kutaura neni, neniwo handina kuvatanga. Mai Jeru vaindida asi ndini ndakazviporongera kuda kuti vadzingwe.
Ndakaita zvose ndokubika ndakavapa chikafu. Ndakazoona munhu ave kusimuka asina kudya akanotenga chikafu kumashops akadzoka achidyira pamba. Ndakabatikana kuti shuwa munhu wandaitirawo chido chekumubikira woramba chikafu, chii chakadaro nhaimi?
"Nhai mhamha ko maregerei kudya chikafu chandakupai?"
"Irudo here kundipa chikafu? Dai rwuri rudo kudai wanditaudza kubva mangwanani, ndaikuona semuroora musvinu asi uri tsvina yemuroora. Zvawakaita nezuro manheru handizvikanganwe, uye Jeru mwana wangu haasi kuzokuroora."
"Mhamha zviri kubvepi zvamuri kutaura izvozvo? Nezuro ndakange ndakadhakwa handisi kutoziva kuti chii chakaitika, ndakaitei nhai mhamha i hope handina kukutukai?"
"Idya chikafu chako, handidi kudyiswa sezvawakaita mwana wangu." Ndakarwadziwa nemashoko avo, ndainge ndada kuchinja asi ndivo vaindituma manje vaizozviona kuti ndiani mukuru.
*Jerusalem*
Haa Chipo akange ave kuzvitonga hake, nyaya yekuti ndaimuda ndaimuterera. Akandidzinga mubedroom mangu ndikanorara namhamha.
"One day ucharutsa zvawakadyiswa iwe, muridzi wemba kubatwa neseri kweruoko kudai?"
"Mhamha handina kudyiswa, ndomuda Chipo saka ndikumbomupa mukana wekuita zvaanoda. Remember ndanga ndakamusiya ega kumusha saka akanditsamwira."
"Haiwaa, hausi Jeru wandoziva iwe. Munhu akakunyepera kuti imhandara uye waisada kunzwa nezvake nhasi wave kuterera chose chaanotaura, apa wanga wakuda kundiburitsa panze."
"Ndaitotamba mhamha, ndoda imi first handiti saka musatye, ndiri kuziva zvandiri kuita."
"Okay but please don't waste your money on her." Haa zvamhamha futi, ndakangodaira ndokubva ndarara.
Ndakarota baba vangu vakagara neni kurwisi.
"Mwanangu ungaite zvese asi usakanganwe mai vako. Chenjera kuzowira mugomba mangwana."
"Baba makanonoka kudzoka kwandiri, mave kudzoka nhasi."
"This is the right time yekuti ndidzoke kuzotaura newe kekupedzisira, ukushandisirwa mushonga nemusikana wako saka tsvaga anokubatsi..." Vasati vapedza kutaura ndakabva ndapepuka Chipo achindimutsa. Ndaiziva kuti anondida mumwe wangu hamheno zvainge zvamubata chete. Hope dzandainge pamwe kwaive kufunga zvainge zvataurwa namhamha kunzi ndakadyiswa, haa no munhu wangu ndaimuda uye ndaida kumuitira zvaanoda.
Takazonorara tose naChipo, zuva rakatevera ndakabva ndaenda kumusha ndikamusiya ega namhamha. Ndakasvika ndokutengesa mombe dzangu uye nedzake, dzangu ndakatengesa 12 nedzake 10. Dzainge dzasara ndodzandaizotangisa business. Handina kuzogara ndakabva ndadzokera Harare, ndakapinda nemutown ndokutsvaga munhu aiziva nezvebutchery. Ndiye akazondibatsira kundiudza zvekutenga ndikatenga, akandiudza zvee kuti ndaifanira kutengesa nyama dzose kwete beef chete. Ndakazochinja painge pakanyorwa pashop ndikanyoresa kuti, "Jerusalem Butchery."
Zvese zvakange zvave ready, kwainge kwasara kuisa nyama kuti vanhu vachitenga. Ndakafunga zvekuti ndigare ndabhadhara Mrs Kundiso imwe mari yemwedzi unotevera. Ndakavatanga pawhatsapp.
"Maswera sei Mrs Kundiso?"
"Ndaswera zvakanaka, muri sei nhasi?"
"Ndinofara, eeh ndafunga kukupai mari yenext month kana zvichiita."
"Okay haa zvinoita, muri kushop here?"
"Ehe."
"Okay ndosvikako." Ndakabva ndambogara zvangu mukati, haa ndainge ndaitawo kaachievement kekutanga manje. Pasina nguva Kundiso akabva asvika.
"Jerusalem Butchery, mungaitewo misoro yehuku here?"
"Kkk ehe iripo."
"Wow, haa waita chinhu chakanaka. Ndaifunga kuti muchatononoka kaa kutanga, haa makarongeka."
"Ndakadzidziswa kurongeka namai vangu, ko kukasika kuuya asi manga magara muri mutown?"
"Ehe ko nemari iya ndaimbotenga tenga zvandoda."
"Hmm zviripi zvamatenga zvacho?"
"Zvasara kumota."
"Okay." Handina kuzobvunza kuti mota yani, obvious yakange iri yake. Ndakabva ndamutambidza mari.
"Haa it's really nice to work with you." Akadaro achitambira mari. Phone yangu yakabva yaringer and that was Chipo.
"Hey my love."
"Jeru ita udzoke kumba, unondiona ndafa kuno."
"Kufa neiko?"
"Aah mai vako ivava vanoita sevakasvinwa pamota."
"Ndiri kuuya, okay."
"Okay." Ndakabva ndakata.
"Wow zvenyu muri murudo, isu takasiyana nazvo. Hatitende kuti kune true love."
"Kk true love iriko, ndoyandiri nemudiwa wangu. Akasanganawo neni ndisiri tsotsi uye iye munhu musvinu."
"Hoo, ko mataura zvekufa chii?"
"Haa hanzi ave kufa nekundisuwa kkk, zvoita rudo so." Ndakadaro ndave kumunyepera, ndaisada azive kuti ainetsana namhamha vangu.
"Inga modanana, ndoda kumbomuona musikana wenyu if you don't mind."
"It's okay, ndichauya naye mumwe musi ndokufonerai."
"Okay, i will always pray for you kuti pasawane anorwadziswa nekuti chinhu chonzi heartbreak ndochiziva, ndochakaita kuti nditange kuenda kukereke sendopenga. Ndaisamboda zvekunamata izvi."
"Okay, sorry for that. Dai ndamuona munhu akakurwadzisai ndaimudambura musoro, a beautiful queen like you don't deserve that."
"Am i beautiful?"
"Yes you're."
"But why akandirwadzisa kudai? Hee?" Akadaro ave kuda kutochema. As a gentleman ndakamumbundira ndokutanga kumunyaradza
"Don't cry, ngirozi hadzichemi. Zvese zvoitika zvinoitikira chinangwa, uchafara mangwana."
"Ndaidi kufara nezuro wacho, pane kutanga ndachema ndozofara. Life is not fair. Ndave kuenda."
"Hauendi kaa wakatsamwa kudai. Please smile first usati waenda."
"How can i smile ini....."
"You can smile cutie, chingotarisa nzeve dzangu dzakatiza musoro idzi, hee dziri funny kaa smilee please." Ndakadaro akabva atanga kusekerera. Haa vakomana havasi bho, nemanakiro ainge akaita munhu uyu kuzorwadziswa kudai zvakaoma. Ndaida hangu kuti Kundiso ave shamwari yangu ndichimufadza asarangaririre zvaakaitwa, uye ndaifanira kuregedza kutaura nyaya dzangu dzerudo rwangu rwaipisa naChipo.
"Thanks for smiling, i call you my friend."
"No, uri roja rangu kk, plus handitambe nemunhu ane mukadzi. Hmm rega ndiende kunze kwakusviba."
"Okay good bye."
Ndakazovharawo shop yangu ndokuenda kumba. Ndakasvika kumba ndokupinda mumba ndikaona mhamha vasipo muna Chipo uye kwanga kwatosviba.
"Hie Kundiso ko mhamha varipi?"
"Wati hie ani?"
"Kundiso?"
"Kundiso inini here?"
" Kk sorry ndaida kuti mai Kundiso, ndabva ndichifunga zita irori kuti ndozita remwana wedu wekutanga " ndakadaro hmm ko ndainge ndadhakwa nei futi kuzodaro.
"Okay rakanaka, mhamha vako vaenda kunodya kucanteen uko handiti vakuramba kudya zvandobika."
"Ko nei futi?"
"Vari kuti ndovadyisa mushonga, please tsiura mai vako or else ndoenda kumba kwedu. Vambonyanyokosha zvakadiiko kuda kuparadza rudo rwedu."
"Haa vave kufarisa manje, ndodii navo babe."
"Nhasi ngavarare kwavari kudya, ndoda kuti vadzidze kugarisana nemuroora wavo zvakanaka. Ndaswera ndichichema nhasi nezvavandiita. Havasi kana kunditaudza."
"Okay vachadzidza nhasi, sorry mudiwa "
"Okay chikiya door vasapinde " ndakabva ndakiya door. Nguva dzakafamba vasipo vakabva vazouya vachinocker.
"Usavhure door, vaudze kuti varare kwavadya." Akadaro Chipo.
"Mhamha rarai kwamuri kudya, muri kuramba kudya chikafu chandakatenga ini?"
"Jeru ndaitomirira kuti uuye mwanangu, vhura door titaure."
"Kutaurei imi mai imi? Nhasi inguva yangu yekupa rudo murume wangu, musatikanganise please." Akadaro Chipo ave kuuya kuzogara pamakumbo angu akanditarisa, she started kissing me zvekuti hapana akazotaura namhamha kusvika vanyarara.
*End of chapter*
❤️
😢
👍
😂
🙏
😮
🔥
🛝
40