🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
June 4, 2025 at 02:05 PM
*Kana usati wamboverenga mabooks aJodah gara wamhanya kuchannel unonzwa mutakunzva urikubikwako. Right* *now kune book rine moto rinonzi My Evil Stepmom🔥🔥*
*Follow This Channel For Previous Chapters* https://whatsapp.com/channel/0029Vawx8v090x2r09ObI93J
*Join this group remacomments*
Follow this link to join my WhatsApp group: https://chat.whatsapp.com/C4nMxk02pVx5WmVn9fSjSH
*My Evil Stepmom*
*Written By*
*Rejodah*
*Book 4📚♥️*
*2025 Production🔥*
*0784847367*
*Read, Like and Share*
*Chapter 3*
*Frank*🥵
"I told you already handidi munhu anoita zvinhu zvaasina kuudzwa. Kungoita zvemusoro wako wega. Pano panoti ini zvako zvekuita semunhu atumwa or akaombererwa izvisiye or else basa rako rinopera. Remember vanhu varikuda mabasa vakawanda ende kana ndakutsvaga this time around ndotsvaga ndega kwete zvekutsvagirwa zvakaitika pauri. Leave my office this is your last chance or else you will know the man inside me nxaaaa " akabuda achimhanya ndakatotanga kuseka yes nyaya yacho yaisave serious but handidi vanhu vaite zvavanoda pacompany pangu as if ndakafa kaaa.
Ndakabviswa mundangariro nepicture frame redu naBetty my wife radonha pasi rakaputsika glass rese. Hana yakarova fast. Ndakarinhonga bt in the process ndakachekwa neglass mumaoko. Ndakashinyira in pain. Everything zvaiitika this day was weird because every since ndichitanga kuisa frame iri kuoffice kwangu harina kubvira radonha or something. Ndakatambidzwa phone yangu naP.A achitoti ane time achiinzwa ichirira iye arikuoffice kwake . That was my mom.
"Hello"
"Son why usiri kupicker up your calls haaa" vaitonzwka paphone kuti vakadhinhiwa"
"Am sorry mom l was busy with work, is everything oky mom . How is my wife doing "
"That's the reason l called you"
"Oky mom tell me what happened " kwaingove kuzvishingisa asi ndainzwa kuremerwa zvakanyanya
"Please come to Baines Hospital now"
Kana simba rekupindura ndakarishaya ndakatanga kunzwa kudedera zvese nekupindwa nechando. Apa ndichidedera zviri serious. Ndakangokwanisa kusimudza phone yangu ndokutanga kufamba asi still Simba ndaive ndisina l called my driver ndiye akazondiendesa kuhospital. Ndakasvika kune my family plus my wife' s family. Vese vachindiona vaisekerera zvinova zvakayevenutsa moyo wangu. Doctor vaitonditsvaga sezvo ndirini ndaive ndakamirirwa mukati.
"Congratulations Mr Cobs you are now a father"
"What"
"You wife have a bouncing baby girl"
"Yesss" ndakadaro ndichijamba but chakandinetsa my wife aive asati asvitsa 9 months but chikuru ane mwana . Ndakapinda ward maaive ari. She was sleeping peacefully, l hugged and kissed her paforehead ndokuvhura maziso kwaakaita that time.
She smiled apa she looks disturbed and she was in pain.
"Frank my love"
"Yes baby"
"Am sorry for everything. Handisisin time ndiripano panyika asi ndinoda uzive kuti ndokuda and l will always be there for you no matter what. Take good care of yourself and everyone, especially our daughter Princess Danicah. I love you so much mudiwa be a good son and a good dad too. Byeee ndakascreamer zvakanzwikwa nechipatara chese. Manurse nemadoctors vakauya vachimhanya at the same time my family vakapindawo.
I couldn't explain anything but l was crying ndakatarisa munhu wangu. Madoctors ndovakatozotaura zvekufa kwemukadzi wangu kune vanhu vese vaivepo. Mukadzi wangu akavharwa kumeso nejira chena . Tese takabudiswa panze wangu mwana ndaive ndisati ndamuona. Takabuda panze mainini Bellah vakauya and she hugged me vachichema sis vavo vaive vashaya. Vanhu vese vaive vasuwa pazviso zvavo. Takazonzi tidxokere kumba sezvo body yaive yakumboonekwa nanachiremba.
Takaenda kumba semunhu and they suggested kuti mukadzi wangu achemerwe kumba kwedu sezvo ndiko kwaaive aroorwa. Vanhu vakaungana kuchema mukadzi wangu inini ndaitove stressed ndaisaziva zvekuita. Body yakauya vanhu vakachema zvekuchema zviye. Mwana wangu ndakaenda kunomuona aive kuglass sezvo mamonths aive asati akwana. Akaizobuda after 2months. Zvese zvaidiwa ndakasiya ndatenga kuenda kumba . Mukadzi wangu akachemwa pabody view vamwe ndivaifenda vamwe vachiridza zimhere. Ndakaitawo body view mukadzi wangu atoita seakarara asi munongozivawo rufu ma1. Akaendeswa kumba kwake kwekuzorora zvese zvakafamba zvakanaka. Vanhu vakaparadzana kwakangosara vehukama chete.
Zvinhu zvakagovewa zvese . Ndakangosirwa wardrobe chete asi zvimwe zvese they claim kuti ndezvemukadzi handina kuita nharo navo semunhu akabva kuvanhu. Hembe dzakagovewa. Munin'ina wake ndiye aingotora zvese nezvimwe zvaifanira kusiya aitora. Aitoda kutora nemba wacho sezvo ariye musarapavana. Vanhu vaingomutarisa asi nyaya yekuti aite musara pavana uye kuita chimutsamapfihwa zvaisaita paitongoda tiri tega sehama toonesana.
Zvekugova nhubhi dzakapera yaive yasaririra kugara dare remusha asi inini moyo wangu waisada zvese izvozvo. Vakuru vakatishevedza Mumba inini nesister yangu nevakufamily tana Betty vese vakauya.
"Muchiona ndakushevedzai muno ndati tigare pasi semhuri imwe tionesane maringe echiitiko chaitika ichi. Mwana wedu aive apedxa kuroora saka ndangoti ndinzwe kubva kwamuri ana tezvara."
"Taurai pane nyaya yenyu amukurungai"
"Ok maitazvenyu. Saka mwana wangu wofawo here asina mudzimai chandoziva ronda rake haripore zvaizvezvi adii uye uyu murume zvinomukurirawo"
"Nyaya yenyu ndainzwa sezvesure mukwasha aive akapedza kuroora uye taisave nechitema naye. Chikumbiro chaingove chekuti kana zvichiita paanonzwa kuti apedza kuchema mumwe wake akasununguka kuroora mumwe mukadzi zvake"
"Kuroora mumwe mukadzi kuchidiwa futi mari nepfuma iiii ipapo zvinotiremei, ndikazvitarisa mwana wedu mari yake yaakabvisa muchirikudya kaaa zvino oshanda imwe futi here rekuzoroora mumwe mukadzi"
"Amukurungai murikurova imbwa makavinga kupini taurai zvamafunga tibatsirane pachine time pane kutambisirana nguva zvisina basa "
"Sorry papotseka . Ndandafunga kuti mukwasha wenyu atore zvake munin'ina wemukadzi wake agare nhaka uye vachengete mwana akasiwa uyu varipamwe hameno vamwe munozviona sei"
"Nyaya yenyu haina kuipa zvayo asi tinoda kutanga tanzwa kuti Benno wacho anobvuma here"
"Ayewa kaaa baba hamutaure sendisipo kaa ini ndiripo. Ndinoda kugara nhaka kwete kuti ndaichiva murume wasis kwete asi ndinoda kuchengeta mwana wangu ndiripedyo. Ehe ndewangu nekuti sis vakatoenda vakamusiya"
Ndakaona baba vangu vachiratidza kuyevenuka pachiso chavo pakabvuma Benno kuita mukadzi wenhaka. Handina kuda kuita dzungu ndakacooler down ndakamirira kuti vataure neni muridzi wemukadzi afa Wacho.
"Pamusoro mese mukwasha mambonzwawo here divi rake" Mai vemukadzi wangu ndivo vaidaro
"Shit" vanhu vese vaive mumba vakatoshamisika zvese nekuvhunduka nekuti pazvese zvavakataura ndakaramba ndinyerere.
"Sorry mukwasha hatina kuzonzwa divi rako" ndakacooler down ndaisada vandione semunhu asina kukwana .
"Pamusoro mese murimuno. Patanga dare ndaivemo asi mataura nyaya yenyu musina kutanga mandibvunza izvozvo hazvina hazvo kuipa asi ndinoda kukuudzai mese zvenyu kuti handina chinonzi mukadzi wenhaka uye chimutsamapfihwa pano. Yes vazhinji murimuno murivanyarikana vangu asi iyi inyaya yehupenyu hwese nemunhu. Mainini ava handitombode kuvaona maside pangu or pamba pangu. Yes pamwana wasis vavo vane right paari asi kwandri no. Handina mukadzi wandirikuzotora kumba kwenyu wangu ndakaviga Nezuro uye kana ndakuda mumwe mukadzi ndichatsvaga ndega kwete kuita wekupihwa kana kutsvagirwa handisi chirema kana chimumu chisingagone kutaura kaaa. Kana pane wandatadzira pakutaura am sorry asi zvandareva ndatoreva nemoyo wese. Excuse me "
Ndakatodaro ndakutobuda mumba. Asi vanhu vakasara vachiita noise vamwe ndovaipopota asi ndaive ndataura zvaive pamoyo pangu .Ndakatora macar keys angu ndakumbofurwa nemhepo. Ndakanogara padombo raive muside meroad hangu ndokumboona nzvimbo asi mumoyo mangu maive muzere shungu dzakanyanya. Ndakazobvapo zuva ravira. Sister yangu Fadzie akatombondiphonera achiseka . Aitoti kumba kwatozomboita bongozozo asi razopedzwa nemasahwira. Family yana Betty yaive yaenda asi mainini vamboda kuomesa kusoro asi vazoenda nevamwe. Ndakatoseka zvangu ndazoenda kuhospital l was glad kuudzwa nadoctor kuti mwana wangu arikukura zvakanaka.
Zvekuona mwana wangu ane hutano zvakaita mood yangu ichinje . Ndakazodriver kuenda kumba ndakutofeeler better. Vanhu vekumba vakafara vachindiona kusiya kwamudhara vakangoti kundiona nekutondishevedza kuoffice kwavo. Handina kuda kuvaratidza kuti haisikunakirwa asi ndakangoenda ndaida kunzwa pane point yavo chete.
"Son wandinyadzisa nhasi. I didn't expect that from you. Watadza kungotaura in a nice way here pane zvawasiya waita zviye. Izvozvi ndirikutoshaya pekupinda nekunyara chete. Asi chimbondiudza washorei pana Benno inga ndilook alike wemukadzi wako wani"
"Dad not again please munoda ndife nebp here ndisiye mwana wangu achiri rusvava. Zvandataura ndizvozvo handimudi Benno plus handimufarire kana ka1. Zvekumuita mukadzi ndaramba zvanani ndife ndisina mukadzi panekuita uye mukadzi. Zvekundirongerera ndozvandisingade kana muchimuda imi torai . Musauye kwandiri futi muchitaura chinyaya chenyu ichocho or else ndobuda pamba penyu mufare"
Ndaitotaura ndakutobuda muoffice mavo. Murume mukuru kushaya matyira. Yes naBetty taive taingoita almost 1 year tiri tese asati aenda kunaShe asi izvozvo hazvindipe shungu dzekutora mainini kuita mukadzi. Kana ndakuda mukadzi ndinotsvaga mumwe kwete kuita wekupihwa sendakaremara kaaa. Kana dinner handina kudya ndaive ndatoguta ini.
Ndakaenda kuroom kwangu ndakumbotarisa zvekubasa semunhu ane mazuva asingabatike. Ndakazotaura namanager ndichimuudza zvandaida kuti zviitwe asi handina kumuudza zuva randodzoka kubasa vangafarisa vanhu vacho vakaziva kuti haupo. Ndakazorara late ndichimbochecker mae-mails . Ndakarara dzekufa chaidzo asi ndakazoita zvekumutswa nemunhu aive nemaoko aitonhora kuita chando chaicho. Ndakavhura maziso l was scared kusangana naBetty in my room aive akagara pabed andipira gotsi aive akapfeka zvinopenya.
"My Love" ndakadaro ndakutoda kuenda kwaaive akangoti stop ka1 ndakakambaira kudzokera kubed ndaive ndakutya manje.
*"Frank handina kuuya kuita zvelove newe. Ini newe hatichazivane uye ndoda uzive kuti mwana wangu ndomuda ndichakuchengetedza kubva kunevavengi. Wagona waramba Benno ahasi munhu waunofunga kuti ndiye. Mungwarire especially kuna Princess Danicah she can do anything stupid l don't trust her. Kufa inzira yedu tese ndoda uite move on nelife usatsvaga zvakawanda nekufa kwangu . I will revenge ndega usapindire mazviri please. Munhu wandoda kurore uchamuona zvako as time goes on. Ukangomuona unobva wamuziva chete. Take good care of our lil Princess l will protect you both. You are a good man Frank you deserve the best. I love you and l will always be there for you it's goodbye for now. Don't be afraid Hanty"*
Kupererwa ndokuziva ndokwandaita asi ndakazvigamuchira hangu. Kuchema haisi solution saka l need to be more careful pazvese zvandoita nekuti muvengi wangu handisati ndamuziva. Ndakazorara late ndokumukira kuenda kuhospital asi ndiri muroad ndakareceiver call from a new number.
"Hello bamukuru ndini Benno am in trouble please help me " ndakanzwa bvudzi rangu kumirira Mira ndakabvunza location vakandiudza handina kunonoka kusvikapo. I was shocked kuona. Ndakaita sendakuda kupenga nehasha.
*End of Chapter*
❤️
😂
😢
🙏
❤
👍
14