
Mai TJ Shona Novels🇿🇼
June 5, 2025 at 05:34 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaKIIo1JZg44E9EC810q. *GARA URI MUCHANNEL USASARE PAMUTAKUNANZVA*
https://chat.whatsapp.com/JwQjuPX1PDxGQJ5bK2sWHh main grup redu iri
*CHIROORWA ABHIGERO*
BY MAI TJ & CHLOE
CHAPTER 18
Phineas
Ndakarwadziwa handidi kunyepa asi ndakati handingamudzorere chandaida kureasoner naye kuti aone side rangu inini..Handisi mumero wekuti ndingamuverure gotsi aripo ka..Hanzvadzi yake handina kuikitisa ini Chimwali wake waakavimba naye ndiye amunyudza ...Paakatozobatwa nevanhu ndopaakandisiya akutaura zvekuda kuenda kupolice manje ndakamuudza kuti inini police handiende nekuti handina madealz andakatsikisa pakufa kwake ehe ndakamurova asi munhu uyu ndakamusiya achifema zvandakatoona ndega ini...
Paakanofamba achinopinda mumota yevanhu vake vaakauya navo ndakabva ndati...
"Abhigero buruka imomo urikunzwa here?!"
haana kuda kunditereera akataura nevanhu vemota iya ichibva yamuka..Ndakanzwa hasha dzandakatadza kudzikamisa ndikanhonga dombo ndikaripotsera kumota iya ichinopwanyika glass rese rwekumashure vanhu kwave kuti...
"iii Phidza wadii wadzora hasha iwe!! hauone kuti wakuzviwanza here iwe!!dzorekawo manhi iwe uite semunhu ane brain??"
"Maya handidi kuenderwa pamberi maiketa..Abhigero mukadzi wangu inini ndewangu wandakatsvaga ndega saka ndoita zvandoda naye "
"Tapanzwa Phidza asi dzikisa temperature iyo nekuinwira mvura inotonhora hona manje mazhets awazotsikisa haaite"
zvese zvainge zvotaurwa nevanhu kutaura pafare ndaive ndisina kana basa nazvo..Kana vasingandinzwisise pane zvandiri kutaura saka vanoda ndidii..Vanozopota vachindi ndiri munhu we violences asi sandizvo mhani sandizvo..Muface uya aidriver mota akabva abuda achitarisa kupwanyika kwainge kwaita glass rake achifamba akananga kufamba kuuya kwandiri..Paakasvika akabva anditi...
"Zvimwe zvose handineyi nazvo nekuti handizvizive asi pakuputsa mota yangu ndopandotangirawo kutora matanho..." akadaro akanditarira ini kwave kuti...
"Inyaya yekuti murikupindira dzamusingazive chete..Inga ndakuudzai kare kuti siyai Abhigero iwe ukada kuzviita sekunge uneyese ukamutsa mota ukaenda" ndakamupindura ndakamutarirsawo sekuita kwake iye kwave kuti..
"Murikuziva kuti iye munhu wamurikuti aburuke arikuratdiza kurwadziwa zvakanyanya nekuda kwehama yake..Saka sei muri kumanikidza kuti aburuke iye asingade?" akapindura mface uya ini nehasha kwave kuti...
"Munhu iyeye iwifez yangu urikunzwa?!! handingaudzirwe zvekuita pamukadzi wangu urikunzwa?!? kana tiri kuronga, ndoronga naye kwete newe", ndichipedza kutaura Abhigero akabva adanidzira achichema arikwaairi achibva ati...
"indava uine moyo wakasindimara kudaro Phinasi?!!,unonditi nditi mukadzi wako wakaroora here iwe?! unepfuma yawakabvisa here iwe zvaunoti ndiri mukadzi wako..Manje ucharonga wave kujeri!"
mashoko ake akandibanda big time mhani imi..Anoda kuzama kuti kudii kana achiti haasi mukadzi wangu, ndakaerekana ndakwakuka nehasha ndichinanga kwaari ndichisvikomubata huro...
"Haa Phidza kani regedza zvauri kuita izvo!!" vanhu vaidaidzira kudaro asi handina kuda kuzviterera ndichibva ndati...
"Dzokorora zvawataura watii Abhegero?!! zvawakauya muno munhu wawakatanga kuona ndiyani?..Saka mazuva ose andaigara newe waiti tirikuitei hee?.! hauna kupumhwa huroyi apa ndikakubatsira inini?..Hauna kuuya gongo rako rakatakura kurema pakavharika ndikakubatsira wani!..zvawaisvetwa panonaka husiku nenadzangaridzimu akakubatsira ndiyani?!! saka chii chaunoda kundiudza iwe nhasi heee?! chii manje unonyepa iwee? ndiwe munhu wandiri kuzogara naye and hauna kwaunomhan'ara kana ka1 ndonzi Phidza ini!!. .ndaive ndokakatiranwa nevanhu kuti vandibvise ndava ndaive ndamudzisa zvisina kana nharo..Ada kushamisira pavanhu mhani munhu uyu..
"Phidza iwe indava unemangoromera enharo kudaro"
"Ayewa ndisiye mhani ndoda ataure mushe mhani munhu uyu..Kubva ndagara naye nekwaakabva chaiko handikuzive pane paaakambondinzwa ndichi complainer here ini saka maskits api aari kuda kuplayer patv yeblack and white..haa maya kana azviramba zvekuti handina kuuraya hanzvadzi yake ngaagare akadaro..Plus iyo hanzvadzi yake ndiyo yainge yatodenha mangwiro ndiye ainge anditsvaga!!" ndakadaro vanhu vachindibvisa paari vachinondiisa muchinyeda chedu..Vaizama kundidzikamisa paya asi ini ndaitonzwa kuda ave maoko chaiwo kana zvema talks zvaramba better tiite zvefight..Takazonzwa mota kumutswa tikaziva kuti aenda pasina nguva Gidza akabva apinda ndakati ndichimuona kwave kuti...
"Ndiweka waka zadza ziana rese rekufa kwaPetros ka ?!" ndakadaro ndichinyatsonzwa kuti ndakamutarisa neziso risina kugara fine iye kwave kuti...
"Phidza saka wanga uchida kuzvinyarara kusvika kupi?"
"Ibva wazorora wakadaro Gidza urikunzwa?!! wanga wakutaura nepangu sei sekunonzi handipo?! saka wanga uchifunga kuti Abhigero wacho handimuudze here?!..Wanga uchimuudza wakamira saani iwewe hee?!! asi unopinda naye mumagumbeze here zvekuti wakanakirwa nesinhi zvakukupa kuvomiter mashoko pose pose!!"
"Phidza zvapera kani..Tarira zvawakonzeresa iwewe..Pamwe pacho panoda brain waiketa kwete kungo louder sezvauri kuita izvi!"
"ehe nhai atoramba kudzora mabreak wena!"
"Haa manje mface webango iro kakulaz zvake asi pamota pake aratidza bundu rabuda pahuro rehasha..Haisi kuzopera mushe iyi!!"
"Woti yekuuraya haa Phidza takambokuudza kuti madress kana akuramba ingoita mahit and run life ichienda"
vanhu vainge votaura zvakasiya asi ini zvese izvozvo ndaive ndisiri kuda kana kuzvinzwa..Abhigero ainge andirwadza kuita kwake kuda kutamba nemoyo wangu achidaro...
"Saka uchaita sei Phidza? kamubviro kavaita aka musina kutaurirana navo ndaona jeri ini?" ndibambo Cleto vakabvunza kudaro ndakamboramba ndakanyarara paya kwave kuti...
"Totangira ipapo"
havana kana kuda kuzoramba vachibvunza nekuti kamuitoro kacho kandaive ndoita ipapo kaive kasina kuchajeka zvachose..Vanhu vakazongotanga kungospacer vachindisiya muchinyeda changu..Ndakazvomora chipacket chefodya ndikatanga kuchirova ndakarara pamattress pangu..ndaizama kubatanidza mazhets acho asi ndainzwa achindikurira zvisingaite zvachose..Hope dzakatondibata ndakatozoita kuvhunduka ndanzwa kambudzi kangu karinger handina kutarisa kuti ainge afona ndakangokaisa panzveve straight kwakuti..
"Ndiyani ?" akambonyarara paya zvakandipa kuda ku kata fone ndakuda kuibvisa panzeve zvikanzi..
"Urikumhanya Phinasi urikumhanya..Ndakakuyambira paya iwe ukada kuratidza masimba iwe usina zvachose.." voice iri ndakariziva raive raChimwali zvakandipa kumuka pandaive ndakarara paya kwave kuti...
"Dhala!!.."
"Waitaka mutete Phidza ..Unezera rekumisidzana neni here iwe pakazara vanhu..Ndini ndakakurapira Abhigero ndokuudza kuti rega ndiseve kamwe iwe woita nharo..Kuda kuzadza chaunga pamba paChimwali iwewe manje !!waita mutete Phinasi manje uchakaura iwe kukaura chaiko...!!"
"Dhala urikupi!!!"
"Kwandiri haunei nako asi ndoda kukunyudza mangwana hauzvipamhe futi..Zvandaive ndatorera munhu iyeye waizviziva here zvawakasvikomunyamura mumba mangu..Manje wafongorera museve Phinasi ndonzi Chimwali inini!"
yakabva yacuter fone yacho kutarisa kudai yaive unknown number..Ndakatura befu paya kwete rekutamba naro zvekuti kana simba ndakarinzwa richi outer zvishoma nezvishoma mumuviri mangu..Pasina nguva ndakanzwa munhu airatidza kumhanya achiuya kwanditi achiti...
"Phidza..iwe Phidza iwe mupanda wabvira shabhani yarasa mwendo hazvina kusitter fine urimo here umo!!" handina kudaira akabva avhura door zvikanzi..
"Pane team rwema ngongongo ririkuuya Phidza saka Abhigero aitorevesa kuti arikukusungisa" ndichinzwa kudaro ndakakwakuka ndichisimuka kwakuti..
"Va-varikupi"
"pagogo vaZvida apo ndopavari kutaura nevanhu vari ipapo"
ndichinzwa kudaro ndisina kana kufunga ndakangonanga pachitrouser changu chandaive ndakasunga chipfundo ndichibva ndasudzunura raive gold rangu randaive ndakasunga ipapo ndichibva ndaritora nefodya yangu kwave kubuda imomo neseri kwechinyeda..Kwaive kwaita kakusviba ndichibva ndatanga kumhanya ndichitora nzira yaienda kwabhemba kumakorokoza eikoko...Maya handingasungirweka mhosva yandaive ndisina kupara..Abhigero haana moyo nezvose zvandakamuitaira nhasi ndiye onditamba ten note isina kana value kudaiso..Manje aisinke zvachose jeri ndorandisingafe ndagara zvachose...
Ndakamhanya zvandaive ndisati ndamboita kana kuzvipa kuzorora handina zvachose.....
Phidza zvaatiza uyo vana Abhigero vachadiiko..Pane nyaya apa
Inspired to change peoples lives
NB: KUTANGA PACHAPTER 21 BOOK REDU RAVA ONSALE UYE MUTENGO USHOMA CHAIZVO.IRI IBOOK RAKAPERA KARE UKAITA PAYMENT YAKO WOBVA WATOWANA BOOK RAKO RESE!!.
Zim side
1.5us ecocash
1.5us inbucks
100Zig
Panumber +2637️⃣7️⃣74️⃣5️⃣ 8️⃣ 1️⃣ 63️⃣
Zita Lindiwe Kachure
Airtime toda yenetone ye$2 scratch card
SA side
30r voucher not airtime
Ott voucher
Blu voucher
1 voucher
Number dzirikushanda dzamunoisa maproof ndeidzi
07138️⃣0️⃣9️⃣1️⃣7️⃣1️⃣
Botswana 🇧🇼 side
30r orange 🍊 money 💰 not airtime
Ndichakupai pekuisa mari
Mozambique 🇲🇿 150mt
Ndichakupai pekuisa mari
Vari kunedzimwe nyika moshandisa mukuru munouya inbox 📥 thank you
Maproof ese ngaaende kunumber dzemunyori dze NETONE dzinoti 0️⃣7️⃣1️⃣3️⃣809171
End of Chapter
❤️
👍
🙏
😂
😢
❤
😮
😭
✂️
👀
265