
Mai TJ Shona Novels🇿🇼
June 6, 2025 at 06:35 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaKIIo1JZg44E9EC810q. *GARA URI MUCHANNEL USASARE PAMUTAKUNANZVA*
https://chat.whatsapp.com/JwQjuPX1PDxGQJ5bK2sWHh main grup redu iri
*CHIROORWA ABHIGERO*
BY MAI TJ & CHLOE
CHAPTER 19
Abhigero
Ndakabva ndadaidzira kuna Mai Moyo nemwana wavo kuti tiende..Ndaive ndisisachade kuramba ndoona Phinasi hasha dzandaive ndonzwa dzaive dzanyanya zvisingaite..Vakasvikopinda mumota vachibva vaimutsa paya tangoti fambei takanzwa kuti pwaa.."mhai kani..m" ndakadaidzira kudaro ndichicheuka wanikee glass ratsemuka vanhu vakatanga kudaidzira kuti .."Phidza dzikama mhani iwe!!" ndakabva ndaziva kuti ndiye ainge akanda dombo..Ndakapererwa zvisingaite amai nemwana havana zvavakataura pastor Jacob vakangobuda vakaenda kwaari vakadzoka vakamutsa mota iye ..Ini ndaive ndisina kugadzikana zvachose ndakasvika pakuti...
"Ndine hurombo nezvaitika izvi..Mogoma kundisiya henyu nekuti maitiro ake haaite aya" ndakadaro ndichikwirirdza madziwa mai Moyo vachibva vati...
"Ayewa mwanangu zvinowanikwa izvi" ndakabva ndanyarara kudaro moyo wangu wakafunga zvose zvainge zvaitika mazuva apfuura kuona kwandakaita Petros kusvika nhasi kwakandipa kutangazve kuchema ndichirova pachipfuva...
"Pe-Petros mhosva yacho ndeyeiko nhai hanzvadzi..Kana shoko rimwe raunoburitsa mumuromo wako..Kana wanga waona kuti wanga usingade kuti tionane ko wakazouyireiko kumakomba evanhu nhai..Woda ndidii inini nhai Petros..haunonewo kuti wandipa mutoro wekutsiga chitsiga chemoto pamusoro chimwe woti ndigarire nhai..Mhai kani Mhai kani mandinyira kunyarara kwacho hihihi hihihi hihihi!!"
"Ayiwaka mwanangu rega kudaro ..Unozvikuvadza kani" vaive mai Moyo vakadaro asi ini ndaive ndisisachade anondinyaradza ini nekuti hapana zvirikuchinja ..
"Mhanyisa mota Jacob hazvichaita kuti arambe ochema kudai"
Jacob uya haana kudaira nenguva isipi taive tasvika kumba..Ndakabatiranwa zvekare kudzokera mumba asi handina kuiswa muroom iya yandaive ndiri ndakanoiswa imwe..Ndakavsikogariswa pabed mai Moyo kwave kubuda ndikasara naPastor Jacob asi havana zvavakataura ..Ini handina kurega kuchema vehamawe zvoita sendoda kuchema chaizvo asi Petros ainge andirwadza kani imi..Munhu wandakapedzisira kuona ndichiri mudiki ndomuona afa here? kana ini ndaiona nhamo ndiri pamba pababa vangu ko kuzoti iye aive musango nhaimi , shuwa dai taiwana handaifunga kuti aifa mafiri akadai ini...
"Kana muriko Mwari sei muchitendera zvakadai kundiwira nhai Mwari..Kana muriko seiko mandirega ndichitambura zvakadai..hihihi..Ndaneta nemi nekuti hapana pamakandiba..." handina kupedza kudaro Pastor Jacob vakadaidzira nehasha vachiti...
"Stop!! Stop Abigirl stop saying that!!!" zvakandipa kuvhuka ndichisimudza musoro kuvatarisa kunzwa vachindidana nezita rangu ivo kumashure kwose vainditi amai..Takaramba takatarisa vachibva vati...
"Kana paine munhu asingafe akakurasa ndiMwari..iwe ndiwe usiri kuona kuti aripedyo newe nekuda kwezvakakukomberedza..Mwari havana munhu wavanosarudza saka stop that!"
"Kwete pastor musandinyaradze inini..Muaandinyararidze ..Kana aineni ngaamutse hanzvadzi yangu kani!!,kana ini asingade kundibatsira ngaachimutse Petros..Hamungazvinzwisise nekuti hamuna kukurira munhamo imi..Makakura muchiwana zvese amai munavo imi saka musadaro henyu..Hamuzive dzandiri kupindana nadzo Pastor saka mirai kundinyaradza ..Ndine munzwa wakabaira pamoyo wangu hihihi!!"
ndakatanga kuchema chaiko apa ndakanyatsonzwa kubatikana kwandakatadza kucontroller ini..Zvaida ndidii chaizvo inini ndasvika papoint yekuti kana kufa ndokwandaive ndoda ini..Ko Petros hapachinazve , baba vakandiramba ini,wacho murume wandaive ndoti ndogarisana naye imhondi , saka ndofireiko? Kwekugara chaiko handina pandakati mhaa kudai saka kana vakada kundinyaradza hazvina zvazvinondibatsira nekuti arikukangwa muchoto ndini pasina mafuta anobvinina zvachose..Ndakaona sekunge type yemhere yandaive ndochema nayo haina kwairi kuenda ndakaerekana ndoiridza mhere ndichiti..
"Petros ..Nhaiwe Petros ..Nhai Mhai matii inini ndidiii..Ndidii..Imhosva here yandakapara ndeyeiko ndizive ..Mandinyanyira ndiyaniko achanzwa kuchema kwangu pandiri pano ini tsikombi isina anoiti tsviyo ..Saka chii chimwe chandingararamire ini nherera yakaguta musi wafa mai chete...hihihihi hihihihi hihihii"
ndaiita kuiridza mhere ndakazongonzwa kusimudzwa pandaive ndakagara wanikwe
ndipastor Jacob vachibva vandihugger zvakandipa kuvhunduka kwete kwekutamba nako ini ndakada kuzvikakanura asi simba chairo ndaive ndisina ini..Ko kaivezve futi kekutanga kuhuggwa nemunhurume ndaizvizivirepiko ini kana naPhinasi hatina kumbosvika padanho iri ndakanzwa voti...
"zvinobatsira kuti muite cool off so cry as much as you want"
vakadaro nechirungu..ndakazvinzwa zvavaireva semhunuwo akambopfuura nekuchikoro..Handina kuda kuita nharo ndakairidza mhere ndikanzwa kuti hembe yavo pashoulder apa yatota door rakabva ravhurwa vaive mai vacho vakapinda vainge vakabata chigubhu chemvura ndakabva ndazvibvisa pavari ndichigara pabed pastor vaye kwave kugarawo pastool yaivemo mai vacho kwave kuti...
"imbonwa mvura mwanangu."
handina kuita nharo ndakainwa yese chi one litre ichocho ndapedza makanbonyararwa kwave kuti..
"woda kudyeiko ?" ndakambonyarara ndikati..
"handina nzara amai"
"Kwete kubva nezuro hauna kuwana chikafu saka unofanirwa kuti udye uwane simba"
handina kudaira ndakanzwa vodanidzira kuti.."Judith huya nesadza kana muriwo wacho wadziya"
mumba makambonyararwa hapana akataura neumwe chakauya chikafu chiya vakandipa..Ndakanzwa kuti chirukuramba kudzika ichi mhani..Ndakangotora misuva mina ndikanzwa sendafufutira ndikachidzorera vapedza pastor Jacob vaye kwave kuti...
"Murume uya chii chenyu?" ndakambonyarara nekuti munhu airehwa ndaive ndamuziva aive Phinasi ndakambotura befu ndichibva ndati...
"Mu-murume aindichengeta" ndokupindira kwandakaita mai vacho vachibva vati..
"Mwanagu kuti ubatsirikane zama kutiudze zvizere nekuti hapana kana chimwe chatabatanidza pane zvose zvirikutora nzvimbo"
"Yaah coz ndoda kunzwisisa pane zvakawanda zvandisiri kubatanidza apa..Zvoreva kuti hukama hwenyu naye hwakasimba chose", vakadaro pastor ini kwave kuti...
"sorii zvenyu nekuputswa kwaitwa hwindo handina kuziva kuti ndokwazvichasvika" hapana akadaira pastor vaye kwave kuti...
"saka poitwa seiko kuti muve nechokwadi chekufa kwehanzvadzi yenyu"
"Ayewa Jacob usati waenda kure kose toda kuziva kuti zvakamira sei "
"Mhamha it seems as if varikutiza mibvunzo yose yatavabvunza..Saka its a process there is a lot which is going on her life..Pakutotaura chaipo pane akabata muromo wavo uyo saka for now varegei vakadaro"
"kwete Jacob "
ndakambonyarara ndikatoona kuti ndingape vanhu mutoro nekuda kwehupenyu hwangu ndichibva ndati...
"Ndibatsireiwo kureporter nyaya yangu kumapurisa..Ndakaona Phinasi achirova hanzvadzi yangu inini..paakamutakura ndakaona asisachafema ndiye akauraya hanzvadzi yangu ..Ndakadaro ndichichema zvekare...Pastor Jacob vakabva vati kuna mai vacho..
"Mhamha imbobudai muno" tone yavakatura nayo ipapo yaive nehudzamu zvekuti mai vacho havana kuita nharo vakabva vabuda kwave kuti...
"Ndati munhu uya chii chenyu ?" vakabvunza zvekare mubvunzo uya waive wasiyana nemaitiro avakaita pekutanga ndakatoona kuti pano vave serious ndakambonyarara kwekanguva vachibva vati...
"Amai ndirikutaura nemi!!" handina kufunga kaviri katatu ndichibva ndati...
"Taichaya mapoto" ndokupindura kwandaita
"mane nguva yakareba sei magara mose"
"Mwedzi nehalf" vakabva vambonyarara vachibva vati...
"Saka mafunga kudii?"
"Phinasi andirwadzisa ini..Moyo wangu urikubanda zvakanyanya.." ndakadaro ndichipukuta misodzi yainge yobuda pastor vaye kwave kusimuka vachibva vati...
"Ndoda kukubatsirai kwazvo asi ndaona kuti kutaura kunokunetsai...Regai ndikupei nguva asi kumapurisa ndokuperekedzai kana mazama kutaura zvizere..Parizvino ndakuenda kumapurisa ndonotaura yangu nyaya imi mosara muchifunga kuitira kana tofambira nyaya dzacho tinenge tine zvinobatika ..."
vakabva vasimuka vachibuda ndakasara ndakati tuzu ndapererwa chaiko..Nyaya yangu yaindiremera kuudza munhu hwese ndaiona sekunge ndave kuzviyanika pachena ndikashoropodzwa zvangu..Zvino ndodiiko inini ndodiiko chaizvo Phinasi anofanirwa kusungwa uyu mhani ,anditadzira zvandisingafe ndakakanganwa ..Ndakaerekana ndasimuka pandaive ndikanzwa gumbo risiri kuita zvakanaka ,ndakatanga kuita zvekukambaira ndakananga kudoor ndaive ndoda kuvaudza zviripo nekuti ndosvikepiko ndakanyarara kana vakafunga zvavanofunga pamusoro pangu ndizvozvo..Ndakavhura door ndichibuda ndiye dhuma dhuma napastor vakaisa maoko muhomwe vakatarira madziro asi vasina wavakamira naye ..Vakati vachindiona takabva tatarisana asi hapana akataura neumwe.......
NB: KUTANGA PACHAPTER 21 BOOK REDU RAVA ONSALE UYE MUTENGO USHOMA CHAIZVO.IRI IBOOK RAKAPERA KARE UKAITA PAYMENT YAKO WOBVA WATOWANA BOOK RAKO RESE!!.
Zim side
1.5us ecocash
1.5us inbucks
100Zig
Panumber +2637️⃣7️⃣74️⃣5️⃣ 8️⃣ 1️⃣ 63️⃣
Zita Lindiwe Kachure
Airtime toda yenetone ye$2 scratch card
SA side
30r voucher not airtime
Ott voucher
Blu voucher
1 voucher
Number dzirikushanda dzamunoisa maproof ndeidzi
07138️⃣0️⃣9️⃣1️⃣7️⃣1️⃣
Botswana 🇧🇼 side
30r orange 🍊 money 💰 not airtime
Ndichakupai pekuisa mari
Mozambique 🇲🇿 150mt
Ndichakupai pekuisa mari
Vari kunedzimwe nyika moshandisa mukuru munouya inbox 📥 thank you
Maproof ese ngaaende kunumber dzemunyori dze NETONE dzinoti 0️⃣7️⃣1️⃣3️⃣809171
End of Chapter
❤️
👍
🙏
😢
❤
😂
😭
😮
❤🔥
🌶
274