
MAI TJ& CHLOE STORIES 🇿🇼Shona Novels🇿🇼🇿🇼
June 9, 2025 at 08:02 PM
MEBO
WRITTEN BY MASIBANDA MAMA DELPHY ❤️
BOOK 📖 📕 📘 📗 44
NOTE HANDIPE BOOK KUINBOX PINDAI MUCHANNEL LINK BELOW NDIMO MAUNOWANA MAPREVIOUS CHAPTERS KINDLY JOIN OUR CHANNEL LINK
https://whatsapp.com/channel/0029VaLIqqb9Gv7LfU7HwR1j
READ 📚 COMMENT AND SHARE 📚
https://whatsapp.com/channel/0029VbAJH5dGJP8OzgJKrf41
MEBO
CHAPTER 1
MEBO
Ndakasvika pamba pedu pachiita kunge pane noise yevanhu vaipopotedzana ndichibva ndamira pagate ndakuteerera kuti ndivanani ivavo varikupopota , ndipo pandakaona hanzvadzi yangu Sky achibuda achibva andiona akanditarisa kubva kumusoro kusvika kutsoka achizunguza musoro.
" Ko chii nhai Sky zvaunobva wanditarisa kunge urikuona chipoko "
Akaridza tsamwa akati
" Nhaiwe Mebo chii chaunoita shuwa at your age uchiri kuita zvekurwa nevana vevanhu, why usingakure nhaiwe ? "
Ndakamutarisa ndikatanga kuseka ndaive ndatobata nyaya yacho , so vasikana vandaive ndarova kuchibhorani vaive vanotaura kumba kwedu .
" Mebo nyaya dzako dzawandisa pano and zvakubhohwa why usingakure iwewe ? Unozviona kuita zimuviri nekukudza mazigaro wakutozviita munhu akapenga zvino nhasi ukasadzingwa pamba uchanogara musango . Mama nadaddy vakakumirira izvezvi pinda unopedza nyaya dzako . Munhu akapedza chikoro ukaita graduate still unongorwa nevanhu chiiko newe iwewe huh ? Unemangoromera here iwewe Mebo , zvino muzukuru wambuya Dzingai wawabata unovaziva kuti ishasha pakuroya unotonokumbira sorry hako kana uchida kuti zvikuitire "
Akapopota Sky ndichibva ndati
"Sky usati wapopota tanga wabvunza kuti varohwa varohwerei , unofunga kuti pane anongotanga kurohwa asina zvaaita here ? Vandijairira vasikana ivava vangoti vachisvika pachibhorani vakatanga kuti rauya zimusikana remagaro , vafunga kuti handina kuvanzwa ndichibva ndavati hamusi kuchera mvura nhasi kusvika mandiudza kuti wamuri kuti wemagaro ndiani . Ndipo pavatoda kuonererwa vakati mbiri yako takainzwa nhasi tinoda kukurova zvino ndavarikita zvekuti vakandiona muroad vanotiza handidenhe vanhu ini asi ndivo vanonditanga "
" Sei uchingodenhewa iwewe chete Mebo huh ? Urikundiudza kuti muno muvillage ndiwe chete munhu arimo here ? Urikuzvinyanya Mebo pinda unopedza nyaya dzako daddy vakakumirira "
Akataura achitofamba kuenda kuroad ndichibva ndapinda zvangu nebhara rangu raive rakazara zvigubhu zvemvura .
Ndichingoisa bhara padoor rekitchen mama vakabuda vakaita kusunga chiso chavo vachibva vati
" Ndaneta newe Mebo , nhasi urikubva pamba pangu nekuti handingatadze kugarisana nevavakidzani vangu nekuda kwako , it's high time uchibva pano ,"
Ndakaramba ndakanyarara ndakavatarisa ,daddy vakabudawo mukitchen nevakadzi two mbuya Dzingai namai Ronika vachinomira pamberi pangu zvikanzi nadaddy
" Mebo waitasei ana Ronika kuchibhorani ? Handisi kuda kunetsana newe ndiudze kuti chii chawaita ndaneta nenyaya dzako Mebo , everyday unongovhura hombe uri mwana wengozi here iwewe ?"
Ndakazunguza musoro ndikati
" Daddy with due respect stop insulting me , mukati ndiri mwana wengozi munenge mozvituka nekuti ngozi yacho ndimika hanty ndimi makandizvara , vanhu musangoti Mebo ,Mebo ini handinetsane nevanhu asi vanhu ndovanonditanga . "
Pandakadaro mbuya Dzingai vakati vadaira
" Uyu mwana akajaidzwa uyu wamunoti Mebo , anozviona zimuviri iroro otodakuita bhuru muno muvillage zvino wangu muzukuru haabatwe Mebo . Unondiziva zvakanaka here inini , wakaona kuti haasi type dzenyu dzemuno muvillage munhu wekutown wakakundwa kunaka naye ukati godo rakubata kuda kutadzisa muzukuru wangu kugara neni muno muvillage, zvino uchazviona Mebo , ukasauya kuzoti sorry kumuzukuru wangu uchafa wakanyenama sembwa urikuzvinzwa here ?"
I laughed ndikati
" Mbuya Dzingai manga makura zvakanaka wani , kunzi mbuya Dzingai kukura musade kufira mumaoko angu aya manzwa ? Mbiri yenyu yekuroya ndakainzwa and ndinotoda imimi mundiroye manzwa , musade kundimisira mutsipa wakareba kunge wegiraffe manzwa type dzenyu idzi handirove nemaoko ndinongotora shamu ndokupurai nekuti ndikaisa ruoko rwangu pamuri munofa straight kumakuva manzwa ? Muzukuru wenyu chero ari wekuHarare anoshamisireiko ,chii chinoshamisa pakugara kuHarare huh ? Is she a graduate seni here ? Ane masters degree here ? Musandifananidze nezvisinabasa kana musina nyaya ibvai pano mese nemi mai Ronika tinokuzivai kuti muri tag team yekuroyaka zvino ini handiroyeke ibvai pano and handina wandinokumbira sorry otherwise vana venyu vadzidzisei hunhu . "
Mbuya Dzingai vakazunguza musoro vakati
" Wandipumha huroyi Mebo nyaya iyi haisi kuperera pano , ndakutonomhangara ndaisaziva kuti pano pamba penyu ndozvamunotiita zvino yangu haipere uchandigwadama "
" Eeh imi mbuya imi meso aneshena semascones munoda kuti ndikurovei hanty , ndiani asingazive huroyi hwenyu muno muvillage huh ? Endai munomhangara kwamunoda ndiripano tinopedzerana "
Ndakatora zvigubhu zvangu zvaive mubhara ndikatanga kuisa mumba ndakavanzwa vave kutaura nadaddy vakati
" VaGwenzi mazvinzwaka mashoko emwana wenyu ndimi witness nemukadzi wenyu handei mai Ronika "
Vakabhidhaira vachienda ,daddy vakapinda mukitchen mandaive vakati
" Gara pasi Mebo titaure "
Vaive vakaita kuzara nehasha , ndakagara zvangu parukukwe ndakavatarisa vakadeedza mama vaive vangogumbata varipanze vachibva vauya ndokugara pabhenji .
" Mebo wane makore mangani?"
Vakadaro daddy vakarova serious ndikati
" Zvaitasei nhai daddy l am 25yrs "
Vakati
" Mazera ako ave kuvarume atove nevana iwewe ungori muno muvillage buzz kurwa nevanhu unoti 25yrs uchiri mwanana here ? Chinoita kuti usaroorwe chii huh ? Nhasi ndinoda titaure nekuti kukurova ungafe chaiko , ndiudze kuti uchiri kubateyi pano pamusha ?"
Mama vakazunguza musoro vakati
" Anoroorwa nani iyeyu nehubhinya hwake vakomana vese vemuno muvillage hapana anoswebera padhuze naye . Chakaita kuti asaroorwe naTinashe chii ? Hunhu hwake hwekurwa ndizvo zvaakarambirwa chokwadi kutinyadzisa kuvingwa nevabereki vaTinashe pano kuti Mebo hatimude muudzei kuti haaite muroora wedu . Ndashaya zvekuita naye mwana uyu baba Mebo . "
Ndakazunguza musoro ndikati
" Mama nadaddy mukadaro munenge makundirwadzisa , musandifananidze nemarombe emuno muvillage asina kupedza chikoro akamhanya kuvarume inini ndakadzidza ndine degree rangu munofunga kuti ndingafanane nanambwa ivava . Kana zviri zvaTinashe kana shungu aneyi chinoshamisira , ndinoda kukuudzai kuti soon ndirikuwana basa ndakakanda macv angu ndichashanda mugoona kuti handisi benzi . Ini chandisingade kudenhwa nekuti vanhu vanondivengera muviri wangu kuti wakaumbika pandinofamba pese vanonongedzera ndini ndakazviumba here kuti ndive nemagaro huh ?"
Daddy vakazunguza musoro vakati
" Zvino inzwaka Mebo ava wavadenha tinokuviga pano sezvavataura kuti unofa wakanyenama sembwa . Mbuya Dzingai havanongedze anoswera hauzvizive here iwewe ? Apa wanga wakurotomoka kutaura kwausina kuswera uchivaudza zvehuroyi hwavo unoda kufa here iwewe ?"
" Daddy please ini handidi zvekutyiswa kana vachiroya ngavandiuraye ini ndinonamata asi handidi kudenhwa chete . Muzukuru wavo anoshamisirei anongoti mazinzwara akareba kunge echi vampire kuda kuita chisalad chisina basa . "
Mama vakatura mafemo vakati
" Mebo unoziva here kuti munhu wawarova baba vake vanoita nezveyi ? Mwana wambuya Dzingai ndakanzwa kuti anoshanda kuoffice yekwapresident and vanemari dzavo ndiye munhu wawave kunorova watiparira Mebo , unoda titame muno muvillage here nekuda kwako . "
Ndakaramba ndakanyarara , zvine basa reyi zvekuti baba vake vane mari ndishefu ndezvavo izvo iye munhu angafambe achidenha kutemba baba vake ,zvino ini ndinorovera kure haiwawo kujaidzwa uku .
" I think Mebo ngaaende zvake kunogara nemunin'ina wako mainini mai Samatha kuHarare nekuti akaramba arimuno muvillage achatikonzeresa "
Vakadaro daddy ,mama vakazunguza musoro vakati
" Aah kwemunin'ina wangu ndiko kwamaona kunoita kuti anoshuta madrama ake ikoko . Madii kuti aende kuhanzvadzi yenyu kwatete mai Puro kuHarare ikoko "
Daddy vakazunguza musoro vakati
" Mai Puro haataure saka kugarisana naMebo kunonetsa . Mainini mai Samatha ndivo vangatomugona uyu . Uone munhu wacho kunyarara kwake nezvaanoita unoshaya kuti zvinobvepi . Mebo andinetsa apa magonero aanoita ndaifunga kuti ndiye achandidadisa muno muvillage zvino yowee haa ndapererwa . Hanzvadzi yake Sky munhu munyoro haaite noise nevanhu anoyemurwa fani muno muvillage. Uyu ndamutadza uyu "
Mama vachibva vati
" Ndaive ndaramba kuti apihwe zita ramai venyu paye mukati ndinoda kurangarira mai vangu pamwana wangu . Ikozvino chionai zvaave kuita mamwe mazita kuremedza vana chaiko "
" Mai Mebo ukataura uchidaro unonditsamwisa unoti zita ramai vangu ndiro ringaite kuti aite mangoromera ekurwa here ? Mai vangu vaive muparidzi muchurch hapana aisavaziva kuAnglican kwavainamata . Zvemazita hazvina basa Mebo akafana kumusha kwako ndiwe waiti mbuya vako vairwa and vaisadenhewa chiona manje zvavafanisa mwana wangu "
Hezvo ko zvavave kutokandidzana mashoko ini muridzi wenyaya ndakanyarara .
" Baba Mebo musade kundidenha manzwa ? Mebo angafanane nambuya vangu kuti anerudzi navo here iye ari mwana wemukuwasha ? Mbuya vangu hongu vairwa asi zvekumusha kwedu zvinobata vana vehanzvadzi dzangu kwete mwana wemukuwasha hazviko "
Ndakatoona kuti ndikaramba ndakanyarara vabereki vangu vangatorwa nenyaya isinabasa ndakakosora ndikati
" Musanetsane zvenyu pavese vamataura handina wandakafanana naye nekuti vese ivava pane graduate here ? Vane masters degree here ?musandifananidze nevashakabvu please inini handidenhe vanhu saka handidi kudenhewa regai ndinozorora zvangu kuroom kwangu "
Ndakasimuka ndichibva ndabuda kuenda muimba yangu yandairara , lmba yedu yaive ne5rooms saka ndaive neroom yangu Sky aine yake . Sky aive achiri kuchikoro apa aiita attachment yake pahospital akaita zvephamasist . Taigara muno muMadziva muvillage yekwaChizanga .
Ndakazvambarara pabed ndikatora fon yangu ndaive ndasiya iripacharger taive nesolar system saka magetsi aivepo esolar. Ndakavhura fon yangu ndichibva ndaona paine email yaive yaiswa ndikavhura . Yaive yapindurwa kucompany yandaive ndakanda macv angu . Ndisati ndaverenga kuti yaiti chii ndakanzwa mota yaive yasvika pamba . Nguva iyoyo pakaburuka vanhu ndikanzwa vakumhoresana nana mama , ndakaramba ndakateerera ndikanzwa ndave kudeedzwa ndichibva ndaisa fon yangu pabed kwakubuda . Paive netwo varume ndakavamhoresa vachibva vati
" Ndiye Mebo wacho here ?"
Mama vakadaira nemusoro ,one murume wacho achibva ati
" Tauya tatumwa namambo hanty munoziva kuti tirimapurisa ekwamambo . Tanzi tiuye naye Mebo namambo kune nyaya yake yamhan'arwa saka tanzi auye ataure nyaya yake . Uye nyaya iyi yakaoma nekuti mambo vafonerwa nemunhu mukuru kwavari arikuHarare kuti vagadzirise nyaya yacho nekukasira . Ko Mebo wacho zvaari chigagairwa wani ndiye angaite nyaya dzatanzwa iyeyu ?"
Mama vaive vakutochema , ndakatura mafemo ndikati
" Regai ndipfeke bhutsu ndirikuuya "
Ndakadzokera muroom mangu ndikapfeka bhutsu handina kutora fon yangu ndakangosiya iripo pabed ndichibva ndabuda kwakunopinda mumota tese nadaddy ,mama vakasara vabata gotsi vakuchema .
END OF CHAPTER 1
BHOO HERE MEBO WANGU
Macomments ndiwo anondipa simba .
❤️
👍
😂
🙏
❤
😮
😢
❤🔥
👆
👏
91