
🇿🇼Shaloe✨️📃Stories💯🇿🇼
June 11, 2025 at 02:12 PM
*tipindei muchannel ino yendangariro*
*nekutsvaga hama🤲🤲🤲*
*ndangariro*
Admin ndaiita zvemigondhi ndichishanda kuno kuSouth. Africa. Saka rimwe gore ndakafungawo kusheedza mukadzi wangu kubva KuZim kuti amboonewo nzvimbo itsva gore iroro tainge tapihwawo kabonus..Ndkabva ndafunga kuti mukadzi wangu auyewo azoona nzvimbo totambawo Christmas tiri muno muSouth Africa. saka nemukadzi wangu taitotaura tose kubva achikwira bhazi paroadpot achitondiudza kuti izvezvi ave pakadai tichitaura. Ini wacho andina kumbobvira ndarega kutaura nemumwe wangu nekuti mukadzi wangu aive nepamuviri. Ndakazoti after 1 hour ndakatanga kuyedza phone wanike phone haingapindi. ndakatanga kuyedza ndigoyedza phone ikatanga kuramba. Saka ndaifunga kuti zvichida phone yemumwe wangu yainge yangodzimawo. Ameno chakazoita nditarire kuwhatsapp ndavhura rimwe group. wanike makasendwa mapicture ebhazi raita accident zvichinz vanhu tarirai hama dzenyu. Mumoyo mangu ndakabva ndatoziva kuti pane zvainge zvaitika nekuti according to the picture vanhu vazhinji vaitaridza kuti vainge vapera kufa. Ndakatanga kudonhedza misodzi ndikatanga kuzvituka ndichiti ko ndainge ndaitei dai ndangosiya mukadzi wangu agara kumusha. Akazobuditswa mazita neZRP kuwana zita remukadzi wangu riripo though ndaitoziva zvangu kuti ndizvo zvainge zvaitika. Kurwadza kwazvo mamwe maparts emutumbi wacho haana kutozowanikwa kana parufu pacho andina kumboda kuenda pabody view. Mwari vainge vaita kutonga kwavo asi nanhasi mukadzi wangu wakasiya ronda muupenyu hwangu handisi kugona kukukanganwa ndikafunga nguva dzose dzataifara tose misodzi inobuda..Ndiri murume sevamwe asi panyaya iyi ndiri kutadza hangu kuzvigamuchira.
https://whatsapp.com/channel/0029Vb5XXTO4Y9lvDXC58p1n

❤️
1