
KING JILE NOVELS 📚📚
June 2, 2025 at 05:47 AM
*🏵️R O S E M A R Y🏵️*
*Follow our Channel👇*
*https://whatsapp.com/channel/0029VaNMLm8ADTOMUF1jJu45*
*For Comment Group join👇*
*https://chat.whatsapp.com/ITz7AvKtj2E242eFNFKmaW*
*A SHORT LOVE STORY CREATED*
*AND*
*WRITTEN By:::::::::::::::::::::;*
*KING🤴JILE*
*+263716562851*
*&*
*FIRE🔥SISTER*
*«All rights reserved and no part of this publication reproduced or stored in a retrieval system or transmitted in any form or by any means include electronic, mechanical, photocopying, recording or without the prior permission of the Author»*
*Chapter 6️⃣*
*Rose🌹*
Ndakatanga kuona nyika ichitenderera. Ndakatsvaka pekubatira asi ndakapashaiwa ndakazongodonha ndaita kunzwa mazwi kuree kuree.
*"Hakusi kuzviitisa here uku mama"* ndakanzwa voice raTsitsi.
*"Kana achiti anodya nekuzvidonhesa ngaakanganwe nhasi anorara nayo"* vakadaro Tete.
*"Fambai tiende mumba achamuka hake"* pakabva paita runyararo.
Ndakabva ndangodzima ndakadaro. Ndakazomuka ndiri munhu makanga makachena.
Mune zvimachine zvimwe zviri pandiri ndakafambisa musoro zvishoma nezvishoma ndichitarisa kwakuona munhu anga akagara akapeta maoko kwakuisa musoro pakati pemakumbo.
*"Hmmm hmmm"* akabva asimudza musoro ndakashamisika kuona ari James.
*"Mukoma James ndakauya kuno sei?"* I asked.
Akamboramba akanditàrisa kwenguva yakareba kwakutarisa kuside ndakaona kuti arikupukuta musodzi asi aisada kuti ndizvione.
*"Mukoma James"* ndakadedza akaita kakuvhunduka.
*"Heeee, aaah Rose wamuka nguvai?"* Akadaro achiuya kwandiri.
*"Ndakasvika kuno rini uye sei? Ko Tete varipi?"* Akaramba akanditarisa ndaiona kuti arikushaiwa pekutangira.
*"Rose ndotangirepi?"* Akadaro.
*"Tangirai chero mukoma"* I said ndichizama kusimudza musoro asi wairema kuita sewakagadzirwa nesimbi.
*"Aushiiiiiii"* ndakadaro akabva andibata.
*"Take it easy hey unotifira"* akadaro achiseka zvakaita neniwo ndiseke.
*"Ok Rose ndakakuwana wakadonha zuro. Pese pawakabuda muchirugu chehuku ndaizviona zvese zvakaitika Tete vako vachiti wazvidonhesa saka pandakaona vapinda mumba vachikusiya panze ndakabva ndakutora kwakuuya newe kuno"* akambonyarara kwakunditarisa kumeso,
*"Rose ndokumbirawo undiudze chokwadi"* akabva andibata ruoko.
*"Vatete vako vari kukubata zvakanaka here?"*,he said. Ndakambonyarara ndichifunga ndakada kumuudza chokwadi but nooo I can't betray my family.
Zvinoshandei chero ndikavaudza anoenda hake kumba onovaudza zvandataura sezvaakaita zuro zvekutiudza zvataura Tete, ndeimwe pfungwa. Imwewo yaiti, taura Rose unogona kubatsirwa a problem shared is a problem solved but ini pachangu ndaiona zvisingaite.
*"Taura neni Rose handimbovaudze"* akadaro James achiswedera padhuze neni kuita sekuti akaona zvaiva mupfingwa mangu.
*"Ehee takagara zvakanaka zvisingaite"* I faked a smile.
*"Rose"* akanditarisa neziso rine musodzi,
*"Ndinoziva kuti hauna kugara zvakanaka, ndakakuona uchibuda muchirugu chehuku ndikanotarisa ndakaona zvinhu zvako zvese zvirimo ndiudze chokwadi Rose"* akadaro musodzi yakuyerera.
*"Ndakagara zvakanaka James asi haunzwe here? wapedza nyaya dzekumba kwenyu here zvowoda dzekumba kwedu? Kana iri nyaya yekuti wakandiunza kuchipatara ndibvise zvimachine izvi ndiende kumba kwedu mxm"* ndakadaro ndichibvisa chiripamuromo.
*"Rose mira kudaro ita semunhu mukuru mani iwe 16 years hausisiri mwana ndosaka Tete vako vachizokushungurudza unomboita seunopenga iwe dzosera chinhu icho pamuromo apa mxm"* akadaro James achiratidza kutsamwa kwakubva atobuda akasiya arovera door.
Pasina nguva doctor vakabva vapinda kwakundutarisa tarisa vakaona ndava nani kwakundipa mapiritsi nekutobva vandidischarger.
Ndakabuda muchipatara uku nzara yanga yondivhunza mutupo.
Ndakatarisa James asi handina kumuona.
*Meanwhile*
James paakabuda muchipatara akabva ananga kumba kwavo kwaakasvika achitora zvinhu zvake kwakuenda kumota.
Munhu wepi asingabatsirike ngakamborohwa kachangamuke kane dzungu risingaite, aitaura zvake ega James akananga kumota yake yebasa
Handichamubatsire kutsvaka akauraya vabereki vak nxaa ndaitoda kumuitira favor ondiudza rubbish dai ndakakasiya panze zuro kakazomutswa nechando kapenzi.
Kanenge kahure futi pamwe Tete vake vaitaura chokwadi paya.
James pese apa aisaziva kuti aitaura akatozozununguswa nemunhu aiva pamberi pake sezvo anga apinda mushop achinhonga nhonga zvinhu zvekumba kwake.
*"Kwakanaka here mukoma wangu zvamanguru mataura mega"* akadaro murume wacho. James akabva angoseka nhema,
*"Haaa zveupenyu mukoma wangu haungazvikwanise unogona kutotanga kunetsana wega uku uchizvituka uku uchizvipindura"* wakadaro James.
*"Haa mufana wangu unenge mjolo uyu* (laughing) *usandiudze kuti wakapinda nemoyo mukore uno hakupindwe nemoyo unokuyiwa kuyiwa kamoyo ikako"* vakabva vaseka vese.
Murume uya akabva arovesa zvinhu zvake kwakubuda. James akasara achifema zviya zvekuti minus 1 nekuti panguva yaari iyi anongoda iye nepfungwa dzake vanetsane chete kwete umwe munhu apindire.
*James🪷*
Ndakapinda mumota yekubasa kwakudriver hangu but pfungwa dzaiva marathon ndakatombodarika pamba. Ndakazoona ndatova kucorner yekubuda muarea redu kuti zvandadarika. Ndakadzoka kumashure kwakupinda mugate ndakabva ndatorara chaiko.
*Kumba kwaTete*
Tete vakamuka zuva rabuda kwakubuda Mumba vakapfeka gown raMai Rose zvese nema morning shoes.
Vakashamisika vachiona yard isina kutsvairwa. Vakafamba zvehasha vachienda kuchirugu kwavakawana kusina munhu. Vakabata musoro chero pfungwa panguva iyi dzakamboenda paoff yekufunga.
*"Aendepiko, Tsitsi, Tsitsi iwe"* vakadaidzira vachienda Mumba.
*"Mhaaa, mama munonetsa imi hamugone kumbomuka zuva 1 zvaro musingaite noise here"* akadaro Tsitsi achimuka paakabva pabed door rakabva ravhurwa naMai vake. Vakabata muromo neshura ravakaona.
Vakangobuda kwakuvhura door. Tsitsi akasara otarisana nedhara raiva pabed pake kwakuseka vachirovana maoko.
*"Babe mai vako havakurove here"* rakavhunza dhara richipuruzira Tsitsi uyo aita kusvotwa chaiko. Dhara iri aingoridira Mari chete aisemeswa naro.
*"Don't worry Daddy hapana zvavanondiita ingondipai Mari yekuti ndinovavhara nayo chete nekuti Mari vanoidisa ungati vakakweshwa nhova nayo"* akadaro Tsitsi achirara pachest yedhara.
Dhara rakanzwa kusvotwa zvekusvotwa zviya. Rakabva ratora trouse raro kwakupfeka ndokuenda kutoilet kwarakasvika richiburitsa chikonye charo.
*"Sekuru ndavakuita zvamakareva* (achiuchira) *ndakukupai mwanasikana uyu chiitai zvese zvamunoda naye"* rakabva rasekerera zvinemutsindo but hakuna mumwe munhu airinzwa kunwe kwedhara (evil laugh) kwakubuda richidzokera Mumba.
*"Ooh babe ndaiva ndavakutotevera ini"* said Tsitsi.
*"Ndauya babe, huya tingoita kaquik ndakuda kuinda ndakamirirwa kubasa"* rakadaro dhara riçhimbundikira Tsitsi kwakuisa chikonye chiya muhuro make.
Phone yaro yakabva yaringa, rakadavira rikabva ratoudziwa ririkudiwa kubasa zvefast. Rakabva ratopfeka hembe rakuda kutobuda.
*"Smosh koo Mari yangu?"* anodaro Tsitsi achirimbundikira.
*"Ooh babe ndaiva ndatokanganwa, card iri unotenga zvaunoda ndopaunotora yekupa mom's vako"* rakadaro richitobuda rikasiya Tsitsi achiita kufara chaiko. Wakabva abuda mumba Tsitsi kwakuinda kune vamwe. Wakasvika achiudza Mai vake zvese avo vakabva vasekerera.
*"Ndokugona uku mwanangu, kwete kuita saRose anongorarwa mahara pasina chanopiwa nxaa"* vakaseka nevana vavo vachirovana maoko.
Vakatanga kutaura vachiwanzira Rose, pavakasimudza musoro vakaona........😳
*Drop your comments*
*Stay tuned💖*
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
❤
👏
💞
238