KING JILE  NOVELS 📚📚 WhatsApp Channel

KING JILE NOVELS 📚📚

18.0K subscribers

About KING JILE NOVELS 📚📚

Welcomes you all to King Jile's Online Novels Channel. Let's enjoy and reading our books ☺️😌. *For Hyps click here* https://wa.me/+27740763374?text=Hello+Admin+I+want *Or* https://wa.me/+263786876758?text=Hello+Admin+I+want *Or* https://wa.me/+263777053487?text=Hello+Admin+I+want *For Business Adverts* Inbox +263777053487 with cheap prices *For comments just click here* https://wa.me/+263786876758?text=Hie+King+🤴+Jile+🩷+I'm+coming+from+your+channel+my+name+is

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

KING JILE  NOVELS 📚📚
KING JILE NOVELS 📚📚
6/6/2025, 4:17:20 PM

*🏵️R O S E M A R Y🏵️* *Follow our Channel👇* *https://whatsapp.com/channel/0029VaNMLm8ADTOMUF1jJu45* *For Comment Group join👇* *https://chat.whatsapp.com/DrD0REHqA6v2wlWj2ribhB* *A SHORT LOVE STORY CREATED* *AND* *WRITTEN By:::::::::::::::::::::;* *KING🤴JILE* *+263716562851* *&* *FIRE🔥SISTER* *«All rights reserved and no part of this publication reproduced or stored in a retrieval system or transmitted in any form or by any means include electronic, mechanical, photocopying, recording or without the prior permission of the Author»* *Chapter 1️⃣0️⃣* *James🪷* *"Usaite gwara iwe chera apa tikande munhu uyu nekuvhara tisati taoonekwa".* Ndakanzwa vachidaro Tete vaRose. Luck enough ndakafamba nephone. Ndakatora maphone angu ese imwe ndairecorder imwe ndichitora video. *"Mama, manzwa zvandanzwa here ungati pane munhu arikufamba"* akadaro Tsitsi. Ndakabva ndafamba zvishoma ndichinohwanda seri kwezvimuti. *"Tsitsi uri gwara iwe ukaramba uchitaurisa ndakuzokurova, hona light iro yuwii Tsitsi"* vakadaro Mai Tsitsi vachimhanya. Ndakasaver zvandarecorder kwakutakura Rose usiku ihwohwo ndakafonera mama ndichivaudza zvaitika. Ndakatanga kuenda naye kupolice kwakuvhurisa document ndapedza ndikadzokera naye kuchipatara. *"Mukoma munongogara makauya nemukadzi wenyu pano chii? Hamupedzi 3 days musina kuuya naye. Dzimwe nguva mouya makamukuvadza pamwe akafenda munombozvifambisa sei huh? ndimi imbwa dzino abuser vakadzi kaa. Ipapa unotora mwana mudiki uyu asina kana zamu uchiroora unoti angaita basa rei munhu achiri kutamba mahumbwe kudai. Pamusoro pacho wotoda kuwachirwa hembe nemunhu achiri kuda kudzidziswa kuwacha masocks ake echikoro. Pane paangagona kuwacha jean here zvanyanya izvi. Ama 2k munenge munokwereteswa pfungwa mofunga nemafeelings chete. Kungoti vanhu vakarumurwa nesavannah munonetsa. Ndiri kufonera police now ukambovharirwa uchaziva zvaunoita".* Akambonyarara achiterera heartbeat yaRose. *"Vanhu vanoona vakadzi sekuti haasi munhu tombovada here? nhasi uri kurara uri usavi hweinda"* akadaro futi. *"Handina kumbo..."* handina kupedza kutaura ndakatwa. *"Hey shut up and save it urikuda kutotaurisa nekuramba mhosva yako ndiri kufonera police now"* akadaro achibva atofona zvake. Pasina nguva vanga vatosvika vakomana dzakatochena sekutamba. Munyama wandakaita ndakatorwa nema ZRP asiri edu atoshandidzana nawo. Ndakabva ndacooler down zvangu handina kuda kuvapa ID yebasa. *"Mafana ndiwe hako unoona mukadzi sepunching bag kudaro. Nhasi ndoda kurara ndichikurova ndapedza ndoda kukukanda mucell rine magay urare uchiitwa mukadzi wanzwa. Ucharara uchiitwa neikoko ndiko kuti uchangamuke iwe"* ndichinzwa izvi hana yangu yakatanga kurova. *"Officer haazi mukadzi wangu uya uye handisini ndamurova ndawana achida kutovigwa ari mupenyu ini ndangobatsira chete".* I said. "(laughing) *Mufana ukutiona setakadzidza usiku here kana takapinda basa nekumhanya? Takapinda basa iri nemabook wanzwa* (achitarira umwe wake) *dziri kutya kunoitwa kumabhekalo"* vakabva vaseka vese asi ini chaisekesa ndaisa chiona. *Ndokumbirawo phone yangu ndoda kuita call 1 zvayo"* ndakabva ndasundidzirwa panze pemota. *"Kasika tone une 2 minutes"* akadaro umwe achindipa phone yangu. Ndakaenda kuma video kwakuvaratidza zvese zvandaiva nazvo. *"Mwana uyu ndeuya wekufirwa nevabereki vese mwedzi dzapfuura idzi. Akasara natete vake vasiri kumubata zvakanaka ini ndiri kungobatsira nepandinogona napo asi ivo havadi kuti ndimubatsire"* I said ndichigara pasi I explained everything kwavari but handina kuvaudza zvebasa rangu. *"Mazvita mukuru. Constable Tino handei, endai munotora statement remwana wacho tione kubata varoyi ava vasati vakanganisa mwana"* said mukuru wemapurisa aya. Takapinda mumota kwakuenda takaita luck rekuwana akamuka akagara akabata shaya achichema. *"Rose"* ndakashedza akatarisa kwandiri kwakupukuta musodzi. *"Ava ndiConstable Tino vauya kuzotora statement. Uchiri kurangarira here zvakaitika pawakazodonha?"* Akanditarisa zvekupererwa. *"Rose sununguka kutaura zvako James atiudza zvese tongoda kunzwa kuti ichokwadi here tikwanise kusunga Tete vako"* said detective Tino. *"Pazvese zvamanzwa hapana chokwadi officer ini naTete vangu tinowirirana vanondibata semwana wavo chaiye",* wakadaro Rose akanditarisa. Iiiiiiiii munoziva ndakazarirwa zvekuda kutochema. *"Rose taura chokwadi unobatsirika sei usingataure chokwadi shamwari yako iyi ine video yezvese zvaitika. Unoziva here kuti vatete vako vanga vachida kukufutsira uri mupenyu munhu akadaro ari dangerous Rose. Tibatsirewo tikwanise kukubatsirawo, tiripo isu tinofanira kubatsirana"* said Tino Rose achibva......🥺 *Mai Tsitsi* Umwe neumwe akasvika achinanga muimba yake hapana akataura neumwe. Ndakazama kurara asi hope kana kuuya. Ndakamuka kwakuenda kuna Tsitsi. *"Ukati munhu uya ationa here"* ndakavhunza ndichigara pabed pake. *"Muri kuvhunza ani? Ini here kana kuti? Inga Tanga tiri tese uko zvese zvaitika tazviona munoti ndine maziso 20 here anoona zvakasiyana nezvenyu. Zvese izvi it's your fault mama. Ndimi maida kucherera munhu ."* Akabva abata muromo, *"Mhamha ko Rose akamuka akaenda kumapurisa?"* wakadaro Tsitsi achimuka ndakabva ndasimuka. *"Tofana kunomutora Tsitsi tomuvharira muchirugu make. Hande!"* I said ndakaona Tsitsi achiramba akagara nehasha dzandaiva nadzo ndakazoona ndamudira mbama. *"Mandirova mhamha"* she said akabata dama rake. *"Handisi Rose ini ndinonzi Tsitsi manzwa. Ndakasiyana naRose nekure. Ndoda mundiudze zvamandirovera"* akadaro achisimuka. *"Unoverengera Tsitsi ndakuudza iwe wakuramba wakagara pasi uno..."* Handina kupedza kutaura dama ravakupisa. *"Tsitsi wandirova here?"* ndakadaro musodzi ichiyerera. *"Mwana wandakapindira mulabour ndikamubudisa neapa pangu* (vachiparova rova) *ndikamupa zvese zvandinazvo nhasi akundirova. Baba vako havana kumbokutengera kana mint chairo asi ini ndaitambura Tsitsi kuti uve zvauri izvi nhasi ndini orohwa ndiko kutenda kwawava kundiita uku? Ayewa zvakanaka mwanangu"* ndakabva ndabuda ndichirovera door. Ndorohwa nemwana wangu nekuda kwaRose inini dai akava afa. Ndakasvika Mumba mangu kwakuzvikandira pabed ndakatanga kufunga zvaitika zvaita sefirimu kana kurota chaiko. Ndaitadza kubvuma kuti zvinhu izvi zvanyatsoitika. Ini Mai Tsitsi nekusagona kumhanya kwangu asi nhasi ndasiya Tsitsi ndamhanya semunhu akaconnectwa pamagetsi. Ndakavhundutswa nezi knock ndakabuda ndichifambisa uku ndichipopota. *"Wamuka kuvafi kaa, vanga varisei baba vako nerwumai rwako. Ikezvino ukandijairira ndokuuraya zvekuti haufe wakamuka iwe mbwaa yemwa..."* ndakadaro ndichivhura door. Pandakavhura ndakapera power ndichiona pakamira mapurisa 5. *"Makadii amai, ndimi munoitwa mai Tsitsi kaa"* akavhunza hake akapora. *"Ho..ho..ho"* ndakatadza kutaura. *"Hey hatina nguva yekutambisa matanga kukakama rini munhu anga achitaura zvakanaka ayizve. Bwo, bwo kudii mava chikotora here?* (mbudzi honho) *hatina nguva yekutambisa. You're under arrest nenyaya yekushungurudza mwana wemushakabvu Rose imi nemwana wenyu Tsitsi,"* vakadaro Mapurisa aye. Panguva diki diki dzaiva dzatochena. Ndaiita sendirikurota mufunge henyu. Ndakatorwa pamwe chete nemwana wangu Tsitsi tikanovharirwà mumota. Ndakasvimha musodzi ndichiona mwana wangu Nyarai achisara oga. *"Mabasa enyu aya honai kwaava kutisvitsa nxaaa"* akadaro Tsitsi akanditarisa. *"Nechamunovengera Rose ndinochishaya ini. Zvinhu zvevabereki vake ndozvamunovhaira nazvo!"* wakadaro achiratidza kuti hasi kana matyira. *"Tsitsi !"* ndakadaro ndichimudana nevoice riripamusoro chaipo. *"Regai ndikuyambirei munonosarako mega uko, pakati paTarel na Smosh one of them anouya achindiburitsa chete"* said Tsitsi asina kana rusvina kumeso. Ndakatoshaya ndiye mwana wangu here uyu. *"Tsitsi mwana wa......"* handina kupedza kutaura atondidimurira panzira. *"Nyararai henyu handina mai vari evil in nxaa. Stop calling me your daughter."* Munoziva ndakapererwa kushaya nechekutaura. Takasvika kucamp kwacho tikabva taburitsiwa mumota tichiiswa mune chimwe chiroom hameno pamwe ndocell racho. Makapinda varume 4 vakabata zvimboma vachizvirovera pamaoko avo. *"Nhasi muno munoibva chete hutsinye ihwohwo hunopera. Newewo chisikana unobatsirana namai vako kuita zvisina kururama kudai?.* said one of those man akatendekera kuna Tsitsi. *"She's not my.......!"* ndakabva ndamugurira panzira sezvo ndakaziva zvaida kutaura. *"Tsitsi wapindwa nemweya upiko mwanangu"* I said ndichimugurira panzira asati arotomoka zvake zvimwe. Ndakanzwa avakuti......😢 *Drop your comments* *Stay tuned💖*

❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 392
KING JILE  NOVELS 📚📚
KING JILE NOVELS 📚📚
6/7/2025, 6:40:37 AM

*🏵️R O S E M A R Y🏵️* *Follow our Channel👇* *https://whatsapp.com/channel/0029VaNMLm8ADTOMUF1jJu45* *For Comment Group join👇* *https://chat.whatsapp.com/DrD0REHqA6v2wlWj2ribhB* *A SHORT LOVE STORY CREATED* *AND* *WRITTEN By:::::::::::::::::::::;* *KING🤴JILE* *+263716562851* *&* *FIRE🔥SISTER* *«All rights reserved and no part of this publication reproduced or stored in a retrieval system or transmitted in any form or by any means include electronic, mechanical, photocopying, recording or without the prior permission of the Author»* *Chapter 1️⃣1️⃣* *Rose🌹* Veduwee hupenyu hwekurarama usina waunopirawo zvinokunetsa hwakaoma. Tete vangu nechevaiva vakandimakira ndaitoshaya kuti chiii ini. Zuva nezuva ndaigaro kurova zvinova zvinhu zvaindirwadza. Ndakambopindwa nepfungwa yekutiza asi ndakaona kwekuinda handina. Hama dzababa vangu kubva zvafa vabereki vangu kana kumbobatikira zvavo. Even vana mainini vangu vakadzi vanabamudiki havana kumbouya kundionawo. Mumwe musi ndakarohwa natete vangu zvakaomarara kubva ndangoti ziii ndakadaro. Ndakatanga kuita as if ndirikufamba munyika iri green ichiyevedza kwazvo. Ndakaona kumberi kwangu kwakamira mama na dady vakabatana maoko. Ndakatanga kumhanya ndichiindako kuti ndivabate asi ñdakavatadza. *"Mama na Dady ndimireiwo kani"* ndakadaro ndavakutochema. *"Rose mwanangu kuno hakuna nzvimbo yako"* vakadaro mhamha. *"Ndoraramirepiko mama na dady uko ndirikushurungwa nevandinoti tete"* ndakadaro ndichiyeredza misodzi. *"Soon zvinopera mwanangu. Hatina kukukanganwa mwanangu shinga. Tarira kwawabva Rose wasiya uyo arikuchema"* said dady vachitendekera. Ndakatarira kumashure ndakarohwa nehana zvese nekunzwa moyo kurwadza ndichiona ari James. Ndakangotendeuka kubva ndatodzoka ndchimhanya. Ndakapepuka ndichiona ndirimuchipatara uku musoro wangu waiita kurema chaiko. Ndakabata bata kwakuona ndakazara mabandage. Ndakatanga kurangarira zvese zvokaitika kubva ndatanga kuchema. Ndakaona James achipinda nemapurisa ndakashaya why auya nemapurisa muno. Vakatanga kundibvunza zvatete vangu kuti why vachindishungurudza ndikaramba. Hongu tete vangu vaindishungurudza asi ndàisada hangu kuti vasungwe sezvo variivo chete hama yandaiva ndasara nayo. Ndakazopera power pakaburitswa mavideos ndiJames. Sure tete vangu yaitova imwe type sure kushinga kuda kutondicherera ndirimupenyu here nhy mwari. Ndakarwadziwa andidi kunyepa henyu. Mapurisa akabuda ndikasara naJames wakabva auya akagara padivi pangu akabva ati, *"Wavakunzwa sei Rose"* said James. *"Musoro ndiwo urikurwadza*" I said. *"Asi why usikade kuudza vanhu chokwadi kuti unoshungurudzwa natete vako"* he said. *"Chokwadi chekutii nhayi James aaaaaaa sorry mukoma James"* ndakadaro ndichibata muromo. *"Kutonzwiwo mukoma handizvide zvinoñdisungirira chingondidana hako uchiti James"* he said. *"Asi kubva kare kese ndaikudanai ndichiti mukoma wani"* I Said. *"Saka chii chazoita nhasi uti James"* he said. *"Sorry mukoma ndadana ndakarivara"* I said. *"Even though but from today onwards call me James not mukoma hanty"* he said. *"Ok but zvinondiremera"* I said. Makabva mapiñda vamwe nurse vakandibvunza ndavakunzwa sei ndakangovaudza ndavakunzwa bho vakabva vandidischarger. James akabhara mapayments acho tikabuda. Takafamba tichiinda kumota yake akanondivhurira kumothers sit ndikagara. Sezvo ndaiziva hangu kuti James haana mukadzi ndakangogarawo hangu. Wakamutsa mota yake kubva airova achipinda mutown. Ndakatadza kuziva anoda kunoiteiko mutown. Ndakaona avakupiñda mubotique ndakatoshaya anodeimo ini ndakasara ndakagara hangu mumota. Wakabuda akabata paper bag raitaridza rinenhumbi mukati. Wakadriver akanoparker pachicken in akanditi ndiburuke. Takapinda mukati tikagara pamatables aivemo. Wakabva aorder food ikauya kubva tatanga kudya hedu tichiita nyaya. *"Rose ndafunga kukutsvagira kwekugara ubve paurikugara"* said James tapedza kudya. Munoziva ndakarohwa nehana. Ndaisada kubva pana tete vangu. Ngavandishungurudze havo ndiripo she is my close relative not James. *"Rose ndirikutaura newe"* he said aona ndaramba ndakanyarara. *"Sorry hako James waiva wagona hako asi zvekuti ndibve pamba pedu haa kwete"* I said ndichitorevesa. *"Saka unofara nekuitwa abuse kwaurikuitwa here?"* he said asunga chiso zvekuti ndakatombovhunduka. *"Akuudza ndiriku abuswa ndiyani. Kana uchirikuda tiwirirane siyana nenyaya dzekumba kwedu"* I said ndatobhowekana ndaisada kuona munhu anopindira pamafamilly issues edu. *"Rose saka mavideos andakutaridza ndeekunyepa here"* he asked. *"James chindiperekedza hako kumba"* I said ndakuda kutosimuka. *"Nxaa Rose ndaisaziva urichituta chemunhu iwewe. Wakadyisa here or hutori hudununu hwako anyway hande ndinokusiya kumba kwenyu hauchambofe wakandiona futi pamba penyu ndakuona haude kubatsírwa iwe."* he said zvehasha zviya but handina kuva nebasa nazvo. Ndakanopinda mumota make kumashure and naiye haana kundibvunza why ndagara kumashúre. Wakamutsa mota yake kubva adriver takananga kumusha. Wakanomira pagate pedu ndikabva ndaburuka zvangu ndichipinda muyard medu. Ndakaona pamba pangori naNyarai oga. *"Koo tete naTsitsi varipi"* I said. *"Vakatorwa nePolíce nezuro manheru koo iwewe urikubvepi"* she said. *"Shit! Police yakauya nani uye vakaindiswa kupi ndoda kunovaburitsa"* ndakadaro. *"Mapurisa emuno. I think vakaindiswa kuTongogara Camp uko"* she said. *"Unondiperekedzawozve mangwana kuseni sezvo nhasi kwavakutovira uku"* I said. *"Ok bhoo iwewe urikumbobvepi hauna kundidavira pandabvunza I hope hausiwe wakasungisa mai vangu Rose"* she said akañditarisa mumaziso chaimo. Handiña kuda kumupindura. Ndakafamba ndikaínda kuchirugwi kwangu ndikarara. Ndakamuka ndichirova bara kwakumhanya ndichienda kupolice. Ndakasvika varimo vachirohwa zvinonzwisa tsitsi. Musodzi yakatanga kubuda hongu tete vanondirova asi zvekuti varohwe zvavaitwa zvakandirwadza. *"Tete"* ndakadaro ndichipukuta musodzi. *"Chii chaitika tete ndiyani akusungisai masungirwei"* ndakavhunza. *"Wava mupurisa here iwe unovhunza muvhunzo fifiti ka1 hanty ndiwe wakatisungisa. Nezera rangu rino ndorohwa nemapurisa nekuda kwako mwana waRhodhini huh?"* vakadaro vachichema. Kuona tete vangu vachichema kwakatsemura moyo wangu. Ndakatorwa neumwe mupurisa akandivhunza zvekushungurudzwa kwangu. *"Handishungurudzwe ini tete vangu vanondibata semwana wavo. Zvevideo yamuri kutaura handiizive nekuti musi iwoyo taitova kumba tichitamba magames muphone naTete naTsitsi hapana munhu akambobuda panze"* I said ndakatarisa mupurisa uyu mumaziso chaimo. *"Ko kudonha nemavanga aunawo zviri kukonzerwa nei"* said vamuPurisa. *"Handizivi izvozvo, chibudisai Tete vangu next time musangosunga vanhu musina kunzwa nyaya yese. What kind of a mickey mouse game yamunoita pano. Munosunga munhu musina kunzwa nyaya yese muri useless sure munga..."* Akabva arova table. *"Watch your mouth young girl ini handisi Tete vako ndokuvharira muno ukasara uchiitwa mukadzi nevamwe muno nxaa karomo"* he said. Ndakabva ndapushirwa panze. Tete vakabva vabudiswa tikaenda. *"Waiti wagona kaa wandisungisa manje wakatobhuka mechi hombe neni. Uchademba chawandibudisira muchitokisi. Ini kurohwa soo zvandisati ndakamboitwa nevabereki vangu nhasi ndokuuraya chete"* said Tete. Takasvika kumba kwakubika ndikadyawo sadza ndapedza Tete vakati ndiende kunozvitsvakira shamhu. Ndakabva ndafunga ku.....🥹 *Tsitsi🌹* *"Mama mukati mwana uya haana kutofenda here kwatopera 2 hours asati adzoka"* I said. *"Hangambofendi uyu handi ndamupa sadza mazisadza chaiwo raakaguma kudya Mai vake vachiri kurarama chero nyama ndamupa hombe ndoda kumurova akaguta handidi azondifira nenzara ndichimurova"* said mom. *"Anoda kurohwa akasungirirwa mudenga movesa moto pakanangana nepaari orohwa achitsva moroso pamwe njere dzake dzakabatwa nechando. Munhu akakwana habudise munhu anomu abuser mujere"* said Nyarai. Takabva taseka tichirovana maoko. Kwakasvika pakusviba Rose asina kana kudzoka. *"Mama mukati haana kuenda kumapurisa futi here"* mama vakabva vanditarisa. *"Tsitsi sei uchingoita seusina pfungwa iwe ndinenge ndakachinjirwa mwana chete handina mwana asingafunge sewe ini"* she said. *"Nhayi mama atadzei Tsitsi kuvhunza imhosva here munenge munopengawo imi"* said Nyarai. Mama vakabva varova Nyarai mbama ndakabva ndamutarisa kwakubva taa.....😁 *Drop your comments* *Stay tuned💖*

❤️ 🙏 😂 👍 😢 😮 360
KING JILE  NOVELS 📚📚
KING JILE NOVELS 📚📚
6/3/2025, 2:05:31 PM

*🏵️R O S E M A R Y🏵️* *Follow our Channel👇* *https://whatsapp.com/channel/0029VaNMLm8ADTOMUF1jJu45* *For Comment Group join👇* *https://chat.whatsapp.com/ITz7AvKtj2E242eFNFKmaW* *A SHORT LOVE STORY CREATED* *AND* *WRITTEN By:::::::::::::::::::::;* *KING🤴JILE* *+263716562851* *&* *FIRE🔥SISTER* *«All rights reserved and no part of this publication reproduced or stored in a retrieval system or transmitted in any form or by any means include electronic, mechanical, photocopying, recording or without the prior permission of the Author»* *Chapter 8️⃣* *Rose🌹* Tete pavakataura zvekuti ndinorara ndisina kudya handina kuita basa nazvo nekuti ndanga ndatojaira nzara. *"Enda unogeza uko kachapa wabva kunobatwa batwa kumvura uko wakuuya uchida kutibikira usina kugeza fende yemunhu"* vakadaro Tete vachindipusher. *"Upinde mubath uzvidire mvura usapukuta ndoda kukurova wakanyorova pamwe unganzwa shamhu. Unotoda kuita kanzenza kaa, makore ako aya wakuita zvemukomana unozivei iwe huh, ndipindure mhani? "* vakadaro vachindirova mbama, munongoziva mbama yekupiwa wakarivara unoita sewabviswa ganda. *"Tete haasi mukomana wangu ndimukoma James avo ndasangana navo ndichibva kumvura vachibva va...."* handina kupedza kutaura ndatambidzwa imwe mbama yakacheka nechepamuromo ndakanzwa kunhuwa ropa mumuromo nemumimhino ndofunga mazino akambozununguka chete. *"Unondiona semwana wazuro here Rozi,* (laughing) *handina kuzvarwa zuro ini ndakazvarwa kare nhema dzako idzi ndakatombodziita kuna baba vangu saka usambondinyepera zvako. Dai wanga wapiwa mari kana kunogariwa newe zvaiva nani kwete kungorarirwa mahara. Ndoda kukutarisa kuti uchakazara here. Famba tione uende mumba umo"* said Tete vachindipusher. Takapinda Mumba ndikanzi ndibvise hembe dzemukati kwakuita zvese zvakati ndiite. *"Wakapusa iwe. Mai vako vanga vakachangamuka changamuka. Ndoshaya kuti iwe wakatodza ani nekuti kudzinza kwedu hakuna chipu-kupuku* (munhu akapusa) *anenge iwe. 15 years, 15 idzi, 1,2,3,4,5,6,7,8,9,12,15 uchiri mhandara. Vana vadiki kwauri vavakuziva kuunza sugar mumba vachishandisa pakati apa.* (vachiparova rova) *manje iwe unoitei huh kungongwarira kukwira mota dzevanhu sekuti bambo vaiva nadzo".* vakadaro kubva ndaramba ndakanyarara. *"James iyeye handidi kukuona uchitaura naye nekuti ndiye achava mukwasha wangu. Ukaona James ndinoda kukuona uchitiza kuita sewaona chikara. Ndikuone uchimusekerera sehure raona parikupegewa bhawa ndomabvisa mazino iwayo"* she said. *"Ehoi Tete"* ndakadaro ndichibva ndafamba kubvapo ndakaenda kunogeza ndichipedza ndakawana mvura yese yandanga ndachera yarasirwa pasi mumba yakaita kuungana. *"Zvakaoma"* I said musodzi yakutobuda. Ndichiti kufunga kunocherwa mvura nemarwadziro anoita musoro wangu kozoti kukorobha mumba ndakanzwa kupera simba. *"Dai muripo henyu mama kana daddy ndoziva zvese izvi dai zvisiri kuitika. Ndava nemazuva ndisingaende kuchikoro apa vamwe vachinyora matest. Makandisiira nhamo vabereki vangu"* ndakadaro ndichitora chikorobho kwakukorobha mvura. Ndichipedza ndakatora 3 buckets kwakuenda kumvura amwe ndozoachera mangwana kuseni ndisati ndaenda kuchikoro. Ndichangobuda ndakabva ndasangana namukoma James mashoko aTete akabva adzoka ndakabata mabucket angu kwakubata zidress rangu ndakamhanya zvandisati ndakamboita. *"Rose urikutizei asi ndinoruma"* akashedzera achiuya aita kumhanya apa ini nekumhanya tiri oil nemvura. Huro yaita kurwadza zvekuomerwa zviya apa kufema ndakuzarirwa. *"Aah.. aiwa ndasiya poto pamoto ndirikuda kuuya ndichibika"*. I said ndichibvunda. *"Rose nditarise"* he said, ndakasimudza musoro kwakumutarisa iye akaramba akanditarisa zvekuti ndakapedzisira ndakunyara aita seane zvaanotsvaka mumaziso angu. *"Ndinokuziva Rose and ndinoziva kuti urikundinyepera why uchindinyepera taura neni maybe I can help you please Rose kunyarara uku unogona kuzvikuvadza tsvaka munhu wekutaura naye ubudise zvese zviri muhana mako ucheme achikupuruzira matama aya mufana wangu"* he said achindirova kambama padama. Ndakabva ndaisa mabucket pasi kwakutanga kumhanyisana tichidirana mavhu nekurovana pamwe tombowisirana pasi. Ndakazopepuka zuva ravira hana yakatanga kutamba mbakumba. *"Nhasi ndonourawa naTete"* I said ndichisimuka pandanga ndawira. *"Sorry Rose I fault yangu ndokuperekedza ndononyepera Tete vako"* he said achifamba kuenda kumvura akabata mabucket 2. *"Hazviiti kuti muende neni mukoma ndonoona kuti ndovati chii plus kurohwa hakucharwadze nda.."* ndakazobata muromo ndaona kuti ndakutaurisa. *"Wati chii Rose, varikukushungurudza kaa vanhu ava"* he said maziso ake atotsvuka. *"Noo aah* (faking a smile) *havandishungurudze kungoti ini naTsitsi togara takarwa saka ndoziva kuti izvezvi tichatonorwa"* ndakanyepa zvangu. *"You don't trust me Rose, ndiudze maybe I can help you nepandinogona napo kwete zvako zvengano izvi. Hapana asiri kuzviziva kuti Tete vako vanokushungurudza Rose but kungoti haudi kutaura. Usazozviuraya hako.vKana woda munhu wekutaura naye ndiripo ini"* akadaro achindidhaira mvura. *"You're soo sweet bhudhi. Wakakomborerwa munin'ina wenyu kuva nabhudhi vakaita semi. Vangu vabereki vakafa vakandisiya munyika inorema ini ndiri ndega kudai zvakaoma"* I said ndichivahugger. *"Problem yaunayo Rose haundiudze maproblems ako, I see you as my young sister but iwewe unondiona seenermy yako"* said James achinditarisa mumaziso chaimo. *"Kwete mukoma James handimbokuonei seernermy but when the right time comes you know everything"* I said ndichiregedza kuvambundira. Kutaura chokwadi ndaiva ndakutonzwa kamwe kajoy kana ndiripana mukoma James. Vakandibatira mubuckets angu maviri ini ndikasenga 1 but my heart yairova hamawee ndaiziva ndinonopinda chimoto chete. Takafamba munzira mese chimweya chaRose chaiva chadzoka manje handina kumboita nyaya naJames ndaitofambisa chaiko. Tichisvika pamba ndakaona ziso randakatarirwa naro naTete ndikatoziva kuti pano pakaipa chakakala chete. Vakamhoresana havo naJames kubva ndapinda mukitchen kuti ndinotsvaga chekudya wanike mapoto akatodirwa mvura kare. Munozivà ndakaperewa nenzara yandaiva nayo here veduweee. Ndakangoerekana misodzi yakutomokoteka neangu matama. Ndakabuda mukitchen ndikanzwa Tete vachitaura naJames asi vaita zvekumanikidzira kuseka kwavo. James akabuda achiinda kumba kwavo ndikanzwa ndakushevedzwa. *"Ndauya tete"* I said ndichipfugama pamberi pavo. *"Ndabva kukuti usatambire pedo naJames. Seems like hautonzwe iwewe mwana waBherinda manje neni ndinozvipedza chete"* vakadaro Tete vangu. *"Now simuka ipapo enda unogeza mandiro uko"* vakadaro. *"Tete ndine nzara ini"* ndakangoona ndadirwa mbama nekumuramba sadza ndikaona nyeredzi masikati machena. *"Mwana wembwa mai vako vakasiya chikafu pano. Uchadzidza kushandisa twuma tin G twako itwotwo kuti uwane chekudya pano hapana chikafu chako"* said Tete. Munoziva ndakapererwa nemashoko ayitaurwa naTete vangu. Kuti nditi mhosva yandaiva ndakapara ndeyei ndakazvishaya ini. Kuchikoro handiindi basa kuswero kushungurudzwa pano. Kana hupenyu hwacho hwakadai hwakaoma chokwadi. Ndakasimuka pandaiva ndakapfugama ndikanosuka maplates ose. Ndichipedza ndikabva ndanzi enda unochera mvura yawashandisa kusukisa. Zvoti nzara yandaiva mayo uku ndaiva ndaneta ndakarwadziwa asi chekuita paiva pasina uku zuva ravakutonovira. Ndakangobata bucket rangu ndichinanga kuchibhorani. Ndichingobuda gate handina kure kwandakainda ndakabva ndango.......🥹 *Drop your comments* *Stay tuned❤️*

❤️ 😢 👍 🙏 😂 😮 441
KING JILE  NOVELS 📚📚
KING JILE NOVELS 📚📚
6/5/2025, 4:52:50 PM

*👿THE EVIL MOTHER👿* 👹👹👹👹👹👹👹👹 *FOR OUR CHANNEL follow👇* *https://whatsapp.com/channel/0029VaNMLm8ADTOMUF1jJu45* *MAIN GROUP join👇* *https://chat.whatsapp.com/Ek4PxuzHGkK8Hi25ownSlM* *A SHORT LOVE STORY CREATED* *AND* *WRITTEN BY::::::::::::::;* *KING🤴JILE* *+263716562851* *«All rights reserved and no part of this publication reproduced or stored in a retrieval system or transmitted in any form or by any means include electronic, mechanical, photocopying, recording or without the prior permission of the Author.»* *Chapter 4️⃣2️⃣* *Vhenekai* *"Ko nhayi musikana, mukomana uyu ndiwe wasvika naye pano here kubva kumba kwenyu kwarehwa kuti ndiko kwaiva ari?",* wakabvunza kwandiri Tineyi uya. Ndakabva ndamudavirawo ipapo zvisina kukakama. *"Ayewa ini ndamuperekedza ndikamusiya avakuda kusvika kutsime kwaiva naRumbi kubva ndadzoka zvangu kumba",* ndakadaro. *"Ko pano azosvika nani zvino?",* wakabvunza achinge atarira kwaiva namai Taru. *"Ndini ndauya navo kusvika pano pamba. Vabva kutsime vachitofamba zvakanaka asi vasvikira kurara. Tazonzwa vavakuchema muno tichibva tamhanya namhamha kuuya kuzoona ndipo pataona vachitovhara maziso. Vatomboita semunhu afa kwenguva refu tikadana vanhu vese vamunoona ava ndipo pavazotanga kurutsa",* wakadaro Rumbidzai. *"Ko munzira umu hapana chaadya here kana kunwa?",* wakabvunza. *"Hapana",* wakadaro Rumbi. *"Hoo aaa asi maresults andirikuona pano arikundiudza kuti mumwe wangu uyu pane chaanwa chaita kuti arutse zvakadai",* wakadaro mukomana uye atarira kwaiva namainini vaTiri. Ndakaona vanhu vavakungotarirana tarirana ndichibva ndati ayewa regai nditaure zvandaona kuhope. Pandaiva ndavakuvhura muromo kuti nditaure Tirivashe wakabva angotiwo pepu achiti, *"Vhenekaaai!",* wakaita kudanidzira zvineruzha zvekuti munhu wese wakavhunduka waiva mumba umu kusanganisira neni wacho. *"Vhenekai mudiwa wangu uripi",* wakadaro zvakare achiita sekuti wavakuda kuchema zvake. *"Wasangana neiko nhayi Tirivashe mwanangu",* vakadaro mainini vake vachiswedera paiva agere. *"Vhenekai urikupi wandaiva naye izvezvi apa. Ndiye wandinoda kutanga kuona ndisati ndataura nemi mose",* wakadaro Tiri achinge atarira pasi achieredza misodzi. Ndakaona vanhu vese vachitarirana mainini vaTiri vachibva vati , *"Uyo Vhene agere apo uyo. Unomudiiko munhu anoda kukuuraya nhayi?",* vakadaro vachinditendekera nekamunwe kavo uku vakasunga chiso chavo semunhu adya ndimu. *"Ndiripo ini Tirivashe mudiwa",* ndakadaro ndichisimuka muchikona mandaiva ndakagara. Ndakafamba kuenda paiva ari chaipo ndichibva ndagara padivi pake. Wakabva andimbundira achibva atanga kuchema. Taiva takagumbatirana zvekuti ndainzwa hana yake kurova kwayo iye achinzwaowo yangu. Wakachema zvekuchema zviya zvekuti kana neni misodzi yangi yaiva yavakubudawo. Wachema kusvika shungu dzake dzaserera ndokuzoti, *"Ndinotendwa nerudo rwako Vhenekai wakwanisa kundibvisa kunyika yandaiva ndasvitswa nevanogona zvavo ukandidzosa pano panyika. Kudai usiri iwe zvimwe ndisina kudzoka pane rino pasi kutaura kudai. Ndinokuda nemoyo wese Vhenekai chido chemoyo. Pauri ndazvipira kufirapo mudiwa wangu",* wakadaro Tirivashe. Ndakaona vanhu vese vaiva umu varatidza kushamisika nemashoko aiva ataurwa naTirivashe. *"Tirivashe mwanangu ndiudze ini mai vako kuti chii chanyatsa kuitika chaizvo kuti urware kudaro munhu abva achifamba pano",* vakadaro mainini vake. *"Handizive kuti chii chaitika ini mhamha asi chandinorangarira ndechekuti Vhenekai ndiye wakakwanisa kundidzosa kubva kuvafi. Ndiye wandidyiswa mushonga kuhope kuti ndirutse",* wakadaro Tiri. *"Mazvinzwa zvandareva zviya kuti musikana uyu muroi",* vakadaro mainini vake. *"Wakudzosa seiko nekuti hatina kuona kana chaita pauri isu. Kubva asvike waiva agere paangoru ipapo",* vakadaro vamwe vaiva umu. *"Ndati ndirere ndaona Vhenekai achindisvipira mushonga mukanwa mangu kubva ndatanga kurutsa. Ndichipedza kurutsa ndazoda kumutsvaga kuti uripapi Vhenekai wacho asi handina kumuona ndichibva ndatanga kudanidzira kubva ndamuka",* wakadaro Tirivashe. Mai Taru ndakaona vachibata muromo wavo zvekushamisika zviye. Vamwe vese ndakaona vachitiwo kanha nazvo. Ndakabva ndatoona kuti saka pandadonha paye yaitova nzira yekuti ndiwane kurapa mudiwa wangu. Vanhu vakabva vatanga kubuda mumwe mumwe umu vakabata miromo dzavo zvekuti takasvika pakusara tangova ini Tineyi, Tiri, Rumbi naMai Taru chete mumba. Ndakanzwa mai Taru vavakuti, *"Tasara toga Tirivashe mwanangu hapana chauchatya kana wauchatya kuti uchindiudza chokwadi inini mai vako. Ndiudze kuti wadyei kumba kwana Vhenekai?",* vakabvunza vakaita kundicheka neziso. Ndakabva ndagaya kuti ndichakambundirana naTirivashe wangu kubva ndachimuregedza. *"Ndirikuzviziva hangu mhamha kuti murikufungidzira kuti zvimwe Vhenekai ndiye wandirwarisa kwete haasi iye Vhenekai. Naiye Vhenekai wacho utoriwo pakaoma. Pane vanhu vaviri vasiri kufara nekuda kwerudo rwangu naVhenekai ndivo honzeri yezvose asi handichikwanise zvangu kutaura nemazita avo mhamha",* wakadaro Tiri. *"Pandaiva ndirere apa ndaoneswa zvakawanda kwazvo naTezvara vangu asi chimwe chandishamisa ndechekuti..",* hana kuzopedza kutaura anyarara achibva anditarira ndokuti, *"Mudiwa wangu ko wasiya baba variko here?",* wakabvunza Tirivashe akanditrira. *"Kwete, ndavatsvaga asi handina kuvaona mumba mavo",* ndakadaro. *"Zvavandiudza ndirere handina kuzvinzwisisa. Inguvai izvezvi kune vane nguva",* wakabvunza. *"1630",* wakadaro Tineyi. *"Ndinokumbirawo Tineyi utiperekedze kumba kwana Vhenekai ndine zvandinoda kunonzwa kuna baba vaVhenekai",* wakadaro Tiri. *"Zvakanaka ndinokuperekedzai",* wakadaro Tineyi. *"Rumbi ndinokumbirawo mvura yekunwa",* wakadaro Tiri. Rumbi wakanochera mvura iye ndokuuya nayo achibva aipa kuna Tiri. Wakanwa mvura iye achibva azvisuka mumuromo make. Ndakakumbira bucket nechikorobho ndichibva ndatanga kupukuta paiva parutsirwa naTiri wangu. Ndakapukuta zvose ndichibva ndanogeza chikorobho kunze ndichibva ndachidzoka ndichikorobhesa kuti pachiwana kuchena. Ndichipedza kukorobha ndakabva ndanzi naTiri handei. Rumbi naTadaishe vakabva vati vanoda kuendawo. Takanopinda mumota maTineyi tichibva taenda. Munzira mese Tineyi naTirivashe vaiva vachitaura zvavo nyaya dzavo. Tiri ndakazonzwa avakubvunza kuna Tineyi kuti ko kuno wauya kuzoitei achibva apindura achiti, *"Ndauya kuno ndichiperekedza wangu mudiwa. Ndaisatoziva ka ini pese apa kuti pawaiuya kuno paye waiuya kumaraini emoko rangu",* wakadaro Tineyi. *"Musikana wako anogara kuno? Ko wakasanganepiko naye nhaiwe?",* wakadaro Tirivashe akatarira Tineyi. *"Ndakasangana naye muHarare imomu wangu. Asi ava vagara vari kuno ava vanogona kumuziva",* wakadaro achireva ini naRumbi. *"Anonzi ani zita rake musikana wacho tiudze",* wakadaro Tirivashe. *"Anonzi Tambudzai",* wakadaro achiita kunyemwerera zvake mwana wevanhu. Pandakangonzwa zita rekuti Tambudzai takabva tatarirana naRumbi. *"Tambudzai!",* wakadaro Tirivashe zvekushamisika zviye. *"Asi unomuziva here nhayi Tiri? Waratidza kushamisika kwazvo pawanzwa zita iri",* wakabvunza Tineyi. Ndakanzwa Tiri avakuti...🥺 *Drop your comments* *Stay tuned💖*

❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 438
KING JILE  NOVELS 📚📚
KING JILE NOVELS 📚📚
6/3/2025, 2:29:55 PM

https://chat.whatsapp.com/DrD0REHqA6v2wlWj2ribhB *Vanoda kupa macomments kubook ROSEMARY huyai umu*

🙏 ❤️ 😮 10
KING JILE  NOVELS 📚📚
KING JILE NOVELS 📚📚
6/2/2025, 3:52:27 PM

*👿THE EVIL MOTHER👿* 👹👹👹👹👹👹👹👹 *FOR OUR CHANNEL follow👇* *https://whatsapp.com/channel/0029VaNMLm8ADTOMUF1jJu45* *MAIN GROUP join👇* *https://chat.whatsapp.com/Ek4PxuzHGkK8Hi25ownSlM* *A SHORT LOVE STORY CREATED* *AND* *WRITTEN BY::::::::::::::;* *KING🤴JILE* *+263716562851* *«All rights reserved and no part of this publication reproduced or stored in a retrieval system or transmitted in any form or by any means include electronic, mechanical, photocopying, recording or without the prior permission of the Author.»* *Chapter 4️⃣1️⃣* *Chihera* Ndakarwadziwa kwazvo veduwee kuona mwana wangu nyakubereka achindirova mbama zvakadai. Vhenekai chaiye wandakagomera ini kundirova mbama ini mai vake. Chandaiva ndaresva chaicho apa ndaichishaya ini. Kumuisa muhupfumi kwandaiva ndichiita uku ndiko kwaiva achindirovera here? Bhokisi uyu ndiye wakamurera kubva kari kasva nhasi uno ndiye waavakushainira achindirova zvakadai. Heya kubva tichaona zvedu. Ndakasimuka pandaiva ndadonhera ndichibva ndafamba ndichinopinda muimba yokugezera umo maiva naBhokisi achigomera. *"Bhokisi zvambonyanyo kudiiiko chaizvo zvazosvika pakuti iwe urare pasi zvakadai uchigomera",* ndakabvunza. *"Mwana wako imhondi uyu Chihera. Wandirova mabhora angu pano kuda kutomaputitsa chaiko kuti ndichiita ngavi manje ini. Anombozviziva here mwana wako kuti ndini ndakamuchengeta uyu",* wakadaro Bhokisi achiratidza kuti urimo mukati memarwadzo. *"Zvakaoma zvandinoitirwa naVhenekai ini haaa. Ini chaiye mai vake nyakubereka wasiya andirovawo pano, ukati dzichimo here dzaVhenekai uyu. Izvezvi handizive kuti wafamba achienda kupi chaizvo? Newe wakapusa Bhokisi unokundwa kufunga nechana chidiki ichechi here haa nxaa unosvota iwe. Kava kechingani aka uchitadza? Zvino urimurume paiko kana uchidai?",* ndakamudaro ndatogumbukawo nxaa irume rudziiko rinogaro kukurirwa nguva nenguva *"Usandiudze zvekupusa iwe rumwana rwako rwada kundiuraya pano wazvinzwa. Ndinozvikanganwa izvezvi zvekuti ini newe tinopota tichikumurana nhumbi ndikakurikita ndikakutyora tumbabvu utwo twakabuda kunze semunhu avanenguva achirwara nechirwere cheshuramatongo ahiyee usandione serema wanzwa",* wakadaro achiita kupupa nehasha achida kusimuka paive arere ndikaona kugumbuka kukurukwazvo pachiso chake. Ndakabva ndati regai ndimudzikamise zvisati zvaipa. *"Sorry kani mukwasha wangu paresveka. Ambuya vako vapotsa kutaura",* ndakadaro ndichinomubatsira kuti asimuke zvake zvakanaka. *"Waenda kupi Vhenekai wako uyu ndinoda kumbomuona kuti anombotemba neiko chaizvo nxaa?",* wakabvunza achinge asimuka uku ziso rakatsvuka kuti piriviri. *"Unenge uriko kunhanga kwake uko handeiko tinotarira tose ndavakutotya kurohwa zvakare",* ndakadaro. *"Handei nxaa",* wakadaro. Ndakabva ndamubata ruoko rwake kuti asadonhe sezvo waifamba akaita kukotama akavhura makumbo. Takafamba tose tavakusvika kunhanga kwake Vhenekai ndokuona gonhi repo rakaita kuti haradada kushama. Ndakava nechivimbo chekuti urimo mumba make chete. Takafamba kusvika tasvika pagonhi tichibva tapindamo mumba make tose naBhokisi. Ndaiva ndavakuda kuchitomubata ndomene iye Vhenekai wacho iyeyu Bhokisi achiita zvake basa. Nxaa ndoda abate mimba ndione kuti anoita seiko, aaaaa nxaaa mwana rudziiko asingaterere amai vake nhayi. Takati tichipinda mumba umu ndokuona ingori nzvimbo chete......🤥 *Pamusha paVaZvanyadza* VaZvanyadza vanoti varere muimba yavo yokurara vachangobva mukunobatanidza vana Vhenekai vanonzwa kudaniwa munzeve dzavo nechekure kure iro raiva inzwi remadzitatetuguru avo asi ivo vaitadza kuzvinzwisisa. Vanobva vatanga kunzwa kupindwa nechando zvakanyanya vachibva vati regai ndibude panze panezuva apo. Vanobuda muimba yokurara iyi ndokupota kuseri kweimba yavo vachibva vagara zvavo pachigutsa chaivapo ndokuzendama padanda raivapo. Zvino vanoti vavakudziirwa nezuva vanotanga kunzwa kuita sekuti vavakubatwa nehope. Vanobva vangotanga kukotsira vagere kudero dzamara vatobatwa nehope. Kurara kwakaita VaZvanyadza ndiko kwavaka kuparadzana kwenyama nemweya zvavo. Vakaswera muswere wese varipo vachitsva nezuva zvavo. Magariro avaiva vakaita apa uchivaona waigona kufunga kuti vapenyu izvo vatova chando zvavo. Zuva rinosvika pakuvira varipo panze ipapo pasina wavaona sezvo Chihera vaiva mubishi rokutsvaga mwanasikana wavo Vhenekai kuti aripi chaizvo......🥺 *Vhenekai* Zvakandinetsa kuti ko neiko vanhu vese ava vasina kundidavira pandavamhoresa. Ndakava nekuzvitongesa kukuru kwazvo. Ndakapfumbira muromo wangu ndichibva ndanozvipfekera pakona ndokugara zvangu. Zvandaiva ndasanga nazvo kuhope zvakabva zvatanga kudzoka zvakare mupfungwa dzangu. Ndakaona zvaiva zvichirutsa Tirivashe apa zvimwe chete nezvandaiva ndamuona achirutsa kuhope dzangu. Saka zvaireva here kuti ndapa mudiwa wangu maheu akaipa ipo paye? Saka kudai ndadzvuta ipo paye neni ndirikutorwara here? Zvino panomuka waizondiona semunhu akaita sei nhayi Mwari? Ndakabviswa mundangariro dzangu nemukomana uye pakataura achiti, *"Ko ndingabvunzawo here amai",* wakadaro akatarira mainini vaTiri. *"Bvunzai zvenyu mukoma",* vakadaro mai Taru. *"Asangana neiko mukomana uyu. Ini ndirishamwari yake ndinonzi Tineyi ndinoshandidzana naye Tirivashe uyu kuHarere uko. Zvino ndati ndichipfuura panzira apo ndaona mota yake imire muno ndikati regai ndione mumwe wangu ndiko kusaka ndasvika pano. Zvino ndirikuona mukomana arikungorutsa zvinhu zvitema tema izvo ko arwara neiko mumwe wangu uyu?",* wakadaro ndikaona mai Taru vachinditarira neziso reruvengo chairo ndokuti, *"Uyo muroi agere apo uyo ndiye anoziva zvaapa mwana wangu kuti adai kumba kwavo uko. Zvino akangofa unondiona chete Vhenekai. Ndaikuona semuhu akarurama kwazvo izvo uri muroi nhayi. Chaunoda kuuraiwa mwana wasisi vangu uyu chii? Kudai waisamuda wakadii kugara wamuudza pane kuda kumuuraya? Hautonyare ipapa nxaa zimuroindina",* vakadaro vachibva vasvipira mate kwandaiva ndokuti, *"Unosemesa iwe ndinoshaya kuziva kuti wakachiveiko Tirivashe pauri iwe mwana wemuroi. Ndiko kusaka usingaroorwe mhani iwe hapana angada kugara memuroi akaita sewe. Makore makumi maviri nemashangu uchiri pamusha pamai nababa nxaa kudai waiva wakadzidza zvirinani zvino hauna kana nei zvacho nxaa",* vakadaro uku vanhu vese vaiva vachingokanda ziso kwandiri. *"Mhamha handina zvandaita kuna Tirivashe ini. Tirivashe ndinomuda nemoyo wangu wese hapana pandingaita hutsinye hwakadaro hwekumuraya. Handina chandichakwanisa kutsanangura zvangu sezvo matosvibisa zita rangu nechekare. Chandava kungonamata zvangu ndechekuti amuke zvake Tirivashe wacho akwanisewo kuchenesa zita rangu",* ndakadaro misodzi yatozara neangu matama. Mashoko avo aiva andirwadza avaiva vataura apa. Akasvika kugara pahuro pangu apa zvekuti ndainzwa sekuti pane dombo. Nekuda kwemabasa amai vangu ndavakutonziwo muroi, yewa hazvina hazvo mhosva mwari ndivo vanoziva. Ndaingoyeredza misodzi ndigere zvangu muchikona imomo. Vanhu vaingotaura zvavanonzwa kuda asi handina kana mumwe chete wandakapindura zvangu panguva iyi. Mukomana uya wakabva abuda ndokudzoka akabata kamwe kabheke mumaoko ake. Wakavhura chibheke chake ndokukumbira kunamainini vaTirivashe achiti unoda kutester kuona kuti chii chaitika pana Tiri. Wakatenderwa ndokuita matest ake kusvika apedza ndokuti, *"Wadya chikafu chinemushonga mukomana asi tavakutotenda mwari nekuti wakwanisa kurutsa mushonga wese. Ko mune chamamuniswa here kuti arutse kudai?",* wakabvunza. *"Kwete hatina chatamunwisa isu pano",* vakadaro mai Taru. Ndakaona mukomana uye haana kugutsikana nemhinduro yaiva apiwa apa achibva ati........🥺 *Drop your comments* *Stay tuned💖*

❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 517
KING JILE  NOVELS 📚📚
KING JILE NOVELS 📚📚
6/2/2025, 11:28:39 AM

*[💖UNCONTROLLABLE LOVE💖]* https://whatsapp.com/channel/0029VaNMLm8ADTOMUF1jJu45 *IS NOW ON SALE* *SEASON 2️⃣🔥 full pdf riripo zvaro rakapera kare kare kunyorwa mafans chako kubhadhara mari yako wotowana book rako wozviverengera zvako urikumba kwako ikoko. Hazvisi zvekuti munoda kunomirira 2 chapters perday kusub mafans. Huyai mutenge season 2 yenyu mafans hurry up, hurry up💃💃💃🔥🔥* *Vari SA munotenga 30r voucher renyu pane aripo pazasi👇:* 1 Voucher Ott Voucher Blue Voucher Easyload Voucher motora picture motumira apa +263786876758 *Vari kuZim munotenderwa kutumira👇:* $1.50 / 80 ZiG Ecocash. $2/100ZiG airtime pa0785514285. $2 netone scratch motora picture motumira pa 0786876758 *Ecocash number* 0785514285 N. Jonasi. *Proof of Payment* motora picture renyu motumira apa +263786876758 *We love you all🫂💖*

❤️ 👍 👆 😢 😮 🙏 10
KING JILE  NOVELS 📚📚
KING JILE NOVELS 📚📚
6/2/2025, 5:47:10 AM

*🏵️R O S E M A R Y🏵️* *Follow our Channel👇* *https://whatsapp.com/channel/0029VaNMLm8ADTOMUF1jJu45* *For Comment Group join👇* *https://chat.whatsapp.com/ITz7AvKtj2E242eFNFKmaW* *A SHORT LOVE STORY CREATED* *AND* *WRITTEN By:::::::::::::::::::::;* *KING🤴JILE* *+263716562851* *&* *FIRE🔥SISTER* *«All rights reserved and no part of this publication reproduced or stored in a retrieval system or transmitted in any form or by any means include electronic, mechanical, photocopying, recording or without the prior permission of the Author»* *Chapter 6️⃣* *Rose🌹* Ndakatanga kuona nyika ichitenderera. Ndakatsvaka pekubatira asi ndakapashaiwa ndakazongodonha ndaita kunzwa mazwi kuree kuree. *"Hakusi kuzviitisa here uku mama"* ndakanzwa voice raTsitsi. *"Kana achiti anodya nekuzvidonhesa ngaakanganwe nhasi anorara nayo"* vakadaro Tete. *"Fambai tiende mumba achamuka hake"* pakabva paita runyararo. Ndakabva ndangodzima ndakadaro. Ndakazomuka ndiri munhu makanga makachena. Mune zvimachine zvimwe zviri pandiri ndakafambisa musoro zvishoma nezvishoma ndichitarisa kwakuona munhu anga akagara akapeta maoko kwakuisa musoro pakati pemakumbo. *"Hmmm hmmm"* akabva asimudza musoro ndakashamisika kuona ari James. *"Mukoma James ndakauya kuno sei?"* I asked. Akamboramba akanditàrisa kwenguva yakareba kwakutarisa kuside ndakaona kuti arikupukuta musodzi asi aisada kuti ndizvione. *"Mukoma James"* ndakadedza akaita kakuvhunduka. *"Heeee, aaah Rose wamuka nguvai?"* Akadaro achiuya kwandiri. *"Ndakasvika kuno rini uye sei? Ko Tete varipi?"* Akaramba akanditarisa ndaiona kuti arikushaiwa pekutangira. *"Rose ndotangirepi?"* Akadaro. *"Tangirai chero mukoma"* I said ndichizama kusimudza musoro asi wairema kuita sewakagadzirwa nesimbi. *"Aushiiiiiii"* ndakadaro akabva andibata. *"Take it easy hey unotifira"* akadaro achiseka zvakaita neniwo ndiseke. *"Ok Rose ndakakuwana wakadonha zuro. Pese pawakabuda muchirugu chehuku ndaizviona zvese zvakaitika Tete vako vachiti wazvidonhesa saka pandakaona vapinda mumba vachikusiya panze ndakabva ndakutora kwakuuya newe kuno"* akambonyarara kwakunditarisa kumeso, *"Rose ndokumbirawo undiudze chokwadi"* akabva andibata ruoko. *"Vatete vako vari kukubata zvakanaka here?"*,he said. Ndakambonyarara ndichifunga ndakada kumuudza chokwadi but nooo I can't betray my family. Zvinoshandei chero ndikavaudza anoenda hake kumba onovaudza zvandataura sezvaakaita zuro zvekutiudza zvataura Tete, ndeimwe pfungwa. Imwewo yaiti, taura Rose unogona kubatsirwa a problem shared is a problem solved but ini pachangu ndaiona zvisingaite. *"Taura neni Rose handimbovaudze"* akadaro James achiswedera padhuze neni kuita sekuti akaona zvaiva mupfingwa mangu. *"Ehee takagara zvakanaka zvisingaite"* I faked a smile. *"Rose"* akanditarisa neziso rine musodzi, *"Ndinoziva kuti hauna kugara zvakanaka, ndakakuona uchibuda muchirugu chehuku ndikanotarisa ndakaona zvinhu zvako zvese zvirimo ndiudze chokwadi Rose"* akadaro musodzi yakuyerera. *"Ndakagara zvakanaka James asi haunzwe here? wapedza nyaya dzekumba kwenyu here zvowoda dzekumba kwedu? Kana iri nyaya yekuti wakandiunza kuchipatara ndibvise zvimachine izvi ndiende kumba kwedu mxm"* ndakadaro ndichibvisa chiripamuromo. *"Rose mira kudaro ita semunhu mukuru mani iwe 16 years hausisiri mwana ndosaka Tete vako vachizokushungurudza unomboita seunopenga iwe dzosera chinhu icho pamuromo apa mxm"* akadaro James achiratidza kutsamwa kwakubva atobuda akasiya arovera door. Pasina nguva doctor vakabva vapinda kwakundutarisa tarisa vakaona ndava nani kwakundipa mapiritsi nekutobva vandidischarger. Ndakabuda muchipatara uku nzara yanga yondivhunza mutupo. Ndakatarisa James asi handina kumuona. *Meanwhile* James paakabuda muchipatara akabva ananga kumba kwavo kwaakasvika achitora zvinhu zvake kwakuenda kumota. Munhu wepi asingabatsirike ngakamborohwa kachangamuke kane dzungu risingaite, aitaura zvake ega James akananga kumota yake yebasa Handichamubatsire kutsvaka akauraya vabereki vak nxaa ndaitoda kumuitira favor ondiudza rubbish dai ndakakasiya panze zuro kakazomutswa nechando kapenzi. Kanenge kahure futi pamwe Tete vake vaitaura chokwadi paya. James pese apa aisaziva kuti aitaura akatozozununguswa nemunhu aiva pamberi pake sezvo anga apinda mushop achinhonga nhonga zvinhu zvekumba kwake. *"Kwakanaka here mukoma wangu zvamanguru mataura mega"* akadaro murume wacho. James akabva angoseka nhema, *"Haaa zveupenyu mukoma wangu haungazvikwanise unogona kutotanga kunetsana wega uku uchizvituka uku uchizvipindura"* wakadaro James. *"Haa mufana wangu unenge mjolo uyu* (laughing) *usandiudze kuti wakapinda nemoyo mukore uno hakupindwe nemoyo unokuyiwa kuyiwa kamoyo ikako"* vakabva vaseka vese. Murume uya akabva arovesa zvinhu zvake kwakubuda. James akasara achifema zviya zvekuti minus 1 nekuti panguva yaari iyi anongoda iye nepfungwa dzake vanetsane chete kwete umwe munhu apindire. *James🪷* Ndakapinda mumota yekubasa kwakudriver hangu but pfungwa dzaiva marathon ndakatombodarika pamba. Ndakazoona ndatova kucorner yekubuda muarea redu kuti zvandadarika. Ndakadzoka kumashure kwakupinda mugate ndakabva ndatorara chaiko. *Kumba kwaTete* Tete vakamuka zuva rabuda kwakubuda Mumba vakapfeka gown raMai Rose zvese nema morning shoes. Vakashamisika vachiona yard isina kutsvairwa. Vakafamba zvehasha vachienda kuchirugu kwavakawana kusina munhu. Vakabata musoro chero pfungwa panguva iyi dzakamboenda paoff yekufunga. *"Aendepiko, Tsitsi, Tsitsi iwe"* vakadaidzira vachienda Mumba. *"Mhaaa, mama munonetsa imi hamugone kumbomuka zuva 1 zvaro musingaite noise here"* akadaro Tsitsi achimuka paakabva pabed door rakabva ravhurwa naMai vake. Vakabata muromo neshura ravakaona. Vakangobuda kwakuvhura door. Tsitsi akasara otarisana nedhara raiva pabed pake kwakuseka vachirovana maoko. *"Babe mai vako havakurove here"* rakavhunza dhara richipuruzira Tsitsi uyo aita kusvotwa chaiko. Dhara iri aingoridira Mari chete aisemeswa naro. *"Don't worry Daddy hapana zvavanondiita ingondipai Mari yekuti ndinovavhara nayo chete nekuti Mari vanoidisa ungati vakakweshwa nhova nayo"* akadaro Tsitsi achirara pachest yedhara. Dhara rakanzwa kusvotwa zvekusvotwa zviya. Rakabva ratora trouse raro kwakupfeka ndokuenda kutoilet kwarakasvika richiburitsa chikonye charo. *"Sekuru ndavakuita zvamakareva* (achiuchira) *ndakukupai mwanasikana uyu chiitai zvese zvamunoda naye"* rakabva rasekerera zvinemutsindo but hakuna mumwe munhu airinzwa kunwe kwedhara (evil laugh) kwakubuda richidzokera Mumba. *"Ooh babe ndaiva ndavakutotevera ini"* said Tsitsi. *"Ndauya babe, huya tingoita kaquik ndakuda kuinda ndakamirirwa kubasa"* rakadaro dhara riçhimbundikira Tsitsi kwakuisa chikonye chiya muhuro make. Phone yaro yakabva yaringa, rakadavira rikabva ratoudziwa ririkudiwa kubasa zvefast. Rakabva ratopfeka hembe rakuda kutobuda. *"Smosh koo Mari yangu?"* anodaro Tsitsi achirimbundikira. *"Ooh babe ndaiva ndatokanganwa, card iri unotenga zvaunoda ndopaunotora yekupa mom's vako"* rakadaro richitobuda rikasiya Tsitsi achiita kufara chaiko. Wakabva abuda mumba Tsitsi kwakuinda kune vamwe. Wakasvika achiudza Mai vake zvese avo vakabva vasekerera. *"Ndokugona uku mwanangu, kwete kuita saRose anongorarwa mahara pasina chanopiwa nxaa"* vakaseka nevana vavo vachirovana maoko. Vakatanga kutaura vachiwanzira Rose, pavakasimudza musoro vakaona........😳 *Drop your comments* *Stay tuned💖*

❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 👏 💞 238
KING JILE  NOVELS 📚📚
KING JILE NOVELS 📚📚
6/2/2025, 2:19:58 PM

*🏵️R O S E M A R Y🏵️* *Follow our Channel👇* *https://whatsapp.com/channel/0029VaNMLm8ADTOMUF1jJu45* *For Comment Group join👇* *https://chat.whatsapp.com/ITz7AvKtj2E242eFNFKmaW* *A SHORT LOVE STORY CREATED* *AND* *WRITTEN By:::::::::::::::::::::;* *KING🤴JILE* *+263716562851* *&* *FIRE🔥SISTER* *«All rights reserved and no part of this publication reproduced or stored in a retrieval system or transmitted in any form or by any means include electronic, mechanical, photocopying, recording or without the prior permission of the Author»* *Chapter 7️⃣* *James🪷* Ndakamuka mumba kubva ndaenda kubasa zvangu. Ndakasvika Silas akatondimirira achida tiinde kumba kwa Mr Chatiya. *"Pamba pavo handipazive in huya udrive iwewe"* ndakadaro ndichiudza Silas. *"Ok boe wangu rega ndiirove zvangu"* said Silas chitouya hake. Akapinda mumota akatanga kudriver zvake mwana wekwaShumba takananga kumba kwaMr Chatiya. Takasvika vanhu vakatoungana ndomusi wavaifana kuchengetwa. Takabva takumbira kuona mukadzi wacho Mai Chatiya. *"Makadiiko vanangu"* vanodaro Mai Chatiya vachisvika patiri. *"Tinosimba amai makadiiko"* takadavira ka1 tose. *"In ndinoitwa Detective James uyu wandiinaye aonzi Detective Silas, tinemibvunzo yatinoda kunzwawo kubva kwamuri"* ndakadaro. *"Ok vanangu vhunzai henyu."* Vakadaro vachitopeta zvavo maoko *"Koo musi waurawa murume wenyu ndiani akatanga kuona mutumbi wacho."* ndakadaro *"Ipapo handizive vanangu, iniwo ndakaitwa kusheedzwa nePolice ichitondiudza kubva ndazoindako."* vanodaro vakatosurukirwa pachiso chavo. *"Ok mhamha mupurisa akakufonerai anonzi ani"* ndakadaro nichida kutonzwa zita remupurisa iyeye ndine zvandaiva ndafunga. *"Ummmmm pazita handicharemember asi number dzirimo mufoni umu."* said Mai Chatiya. *"Ok tipeiwo"* ndakadaro. *"Koo imimi ndimi murikuona nezve nyaya iyi here."* vakabvunza. *"Ehe tisu"* ndakadaro vachibva vanditarisa kumeso kwenguva refu chaiko zvekuti ndakatombovhiringika mufunge. Vakazoshevedzera number dziya kubva azoti, *"Koo sei ivo vekuona mutumbi vakati ndivo varikuona nezvayo"* vakabvunza vachiratidza kutoda mhinduro in time chaiko. *"Ayoo maZRP hatishandidzane, ivo vanotsvaga nekudivi kwavo isuwo nekudivi kwedu"* ndakapindura ndakatorovawo imwe serious yakaipa. *"Ok vanangu regai ndidzoke kune vamwe"* vakadaro vachitofamba kuinda zvavo. Takapinda mumota tikambogara zvenguva diki kubva tasimuka tichidzoka kubase kwedu. *"But nhayi James tofana kunoona mupurisa arehwa uyo atiudze kuti waibvepi pakaona mutumbi uyu"* anodaro Silas. Ndakaramba ndakanyarara ndichinyatsa kufunga kuti koo seiko that police man ariiye akatanga kuona mutumbu uyu uye aimbobvepi. Ndakatova nefirst suspect paari. Takaedza kufonera 4n yake ikaramba. Ndirimukufunga kudero hameno kamind kaRose kakabvepi ndakangoerekana ndangoti *"Aaaaaah"* ndichabata muromo zvinova zvakatovhundutsawo Silas. *"Koo ukaita sewavhuduka kutsvene here topedzesera totyaka"* akadaro Silas akamira kumberi kwangu. *"Eish ndakasiya mom vasiri kunzwa mushe"* I said ndichitomuvhara vhara kuti asabvunzisise. Ndakatanga kurangarira mabviro andakaita kuChipatara kwaiva naRose nezuro. Ndakamusiya ndisina kumupa even chikafu zvacho eish ndakafeeler guilty guys nezvandakaita. Ndakabva ndatombosiya zvekunoona mupurisa uyu ndafunga kunoona Rose kuti ariseiko. Ndakanyebera Silas kuti ndirikunoona my mom ndakasiya vasiri kunzwa mushe. Haana kuda kunetsawo ndikabva ndarova mota ndakanga kumusha. Ndakabva ndatosanga nayee akabata bucket muruoko achinochera mvura uku zuva raipisa sei guys. Ndakamisa mota pamberi pake. *"Aaaaaa mukoma James"* akadaro Rose achifamba kutouya padoor remota. *"Yeah ndini zvangu"* ndakadaro. *"Eish sorry nebehavior yandakaita nezuro mukoma please ndiregerereíwo, chete ndaiva ndichitemwa nemusoro payaa"* akadaro akuda kutopfugama. Ndakavhura door kubva ndaburuka ndikamubata kuti asapfugama hake. *"Ok Rose ndazvinzwa asi ndinoda undipindurewo zvandichakuvhunza pano pasina kukakama ndizvo here?"* Wakamoramba anyerere akatarisa pasi ndokuzodavira hake. *"Ok mukoma"* akadaro hake but pachiso pake paiva pasisina mufaro. Ndakabva ndatanga kumubvunza maererano nekufa kwevabereki vake uye kuti vakafira kupi and ndiyani akatanga kuona zvese izvi. *"Ndakatoshamisikawo ndichibva kuschool ndichitowana padoor pakazara ropa richibva mumba, panguva yandakavhura door ndopandakasanga nemashura akagochwa, mama nadady vaiva mudziva reropa vachiratidza vakaita zvekubaiwa nebanga pamoyo chaipo ndipo pandakascreamer mai venyu vachibva vauya"* akadaro Rose misodzi yavakutobuda. *"Ok Rose koo maparents ako vaiva nemuvengi here"* ndakabvunza. *"Vaiva vasina, Koo why kundivhunza zvese izvi mava mupurisa here? Please nyaya yevabereki vangu handide kuitaura taura inondirwadza atisiyane nayo please"* wakadaro asuwa pachiso. *"Ok Rose ndazvinzwa chipinda mumota ndikuperekedze kumvura ndinokusiya pagate penyu"* ndakadaro chitomuvhurira door. Haana kuramba hake akapinda agara kumbéri pamothersit kubva ndarova mota ndakanga kuchibhorani kwainoteka mvura. Munzira mese ndaitofunga zvangu kuti ndotangira papiko kutsvaga mhondi dzake idzi. Ndakanyatsokuona kuti zvesure pachakaipa. Handina kana chinhu chinemusoro chandaiva ndabata. Asi zvese ndakangosiira kumusiki ndiye achandipa mazano ekuti ndikwanise kudzibata chete. Ndakasvika pachibhorani kubva ndamubatsira kudhaya. Rakazara bucket rake tikaisa mumota. Munzira mose hapna aitaura neumwe but ndaiona achibira bira kunditarisa zvese izvi ndaizviona zvangu nepaview mirror. Ndakasvika ndikapaka mota pagaté pavo achibva aburuka zvake achipinda mukati muyard mavo. Pasina nguva ndisati ndasimuka ndakanzwaa *"Heheheeeeedeeee huriii",* (kwaaaaaaaa) vakadaro vachirovanisa maoko Mai Tsitsi ndakatoshaya varikusekei ini. *"Mashura apiko aunotiitira nhayi Rose"* vakadaro Mai Tsitsi. *"Ndaitasei nhayi Tete"* ndiRose akabvunzawo uyu. Ndakanzwa kurira kwembama ndikaziva ndiRose arohwa chete. *"Pwaitasei pwete pwaitasei pwete kudiiii, sure ungabva kunokwirwa kuti utakurirwe mvura. Kwako kurikuda mota here? Manje nhasi haudye unoswera nayo chete"* vakadaro Mai Tsitsi vanova Tete vake Ndakatadza kuziva kuti mai ava varikuedza kudiii chaizvo kana vachidai. Vanoreva kuti inini ndinokwirana naRose sure? Ndakabva ndatoona zvese zvavaindiudza about her aitova manyepo vaida ndimuvenge chete. Ndakatoona nehasha dzandaivà nadzo ndikaburuka mumota kuti ndisvikepo ndaizogona kuvarova chaiko. Inini ndaiva munhu asingatane kutsamwa uye kana ndatsamwa zvinotora nguva ndizodzoreka. Ndakangomutsa mota kwakutorova U turn chero pamba pedu handina kuzosvika ndaiva ndatobhowekana chaiko. Ndakarova mota ndakananga kubasa kwangu. Ndakatosvika inspector vadu vatoripo ndakarohwa nehana mufunge henyu. Vakabva varamba vakanditarira ndichiburuka mumota hana yangu ikabva yatanga kurova. *"Nditevere kuOffice kwangu James"* vakadaro inspector tisatai tambomhoresana. Ummmm handide kunyepa ndakanzwa hana yangu yairova zvakasimba. Ndakatevera kuOffice kwavo ndirimmashure mavo. Ndichangopinda mukati ndakanzwa vavakuti, *"Mavapapiko nenyaya yaMr Chatiya. I hope mava neinformation inobatika now"* vakadaro vakatosunga uso zvekuratidza kutononokerwa chaiko. *"Sorry sir as for now hatisati tava neinformation inobatika."* Ndakadaro ndakatarira pasi. Ndakaona kumeso kwavo kwasungwa zvakanyanya vachibva va.............😢 *Drop your comments* *Stay tuned💖*

❤️ 👍 😢 🙏 😂 😮 🤪 312
KING JILE  NOVELS 📚📚
KING JILE NOVELS 📚📚
6/5/2025, 9:54:49 AM

*🏵️R O S E M A R Y🏵️* *Follow our Channel👇* *https://whatsapp.com/channel/0029VaNMLm8ADTOMUF1jJu45* *For Comment Group join👇* *https://chat.whatsapp.com/DrD0REHqA6v2wlWj2ribhB* *A SHORT LOVE STORY CREATED* *AND* *WRITTEN By:::::::::::::::::::::;* *KING🤴JILE* *+263716562851* *&* *FIRE🔥SISTER* *«All rights reserved and no part of this publication reproduced or stored in a retrieval system or transmitted in any form or by any means include electronic, mechanical, photocopying, recording or without the prior permission of the Author»* *Chapter 9️⃣* *Mai Tsitsi* Pamwe pacho ndaitoshaiwa kuti zvimwe zvandinoitira Rose ndinozviwanepiko ini. Mwana uyu ndaiva ndakamuvenga pasi nekudendga ndisada kumuona achifara. Misodzi yake yaitondifadza kwazvo. Mumwe musi ndamuka ndichiona Tsitsi aine rino dhara mubedroom make handide kunyepa ndakarwadziwa nekuita kwemwana wanku. Hongu mukukura kwangu kwese ndaiva pfambi inotozivikanwa but ndaisadawo vana vangu vafambe mandakabva namo. Ndakazofara pakauya akabata card achiti tishandise mari yose irimo. Asi pakungoti nezera raTsitsi kuti adanane nedhara irori zvaisaita. *"Mukomana wako uyu zvaatori kumazera ababa vako nhayi Tsitsi mwanangu"* ndakadaro. *"Zvezera azvina basa mama as long tichiwana mari yekutenga nyama nezvatinoda pano"* said Tsitsi. Nyarai aingova zii achismiler aripa phone pake ndakatoshaiwa arikutaura nani. *"Mari tinoida mwanangu asi munhu uyu akura uyu"* I said. *"Aaaaah mama munoziva ndiye akandibvisa humhandara here uyu. Ndikaita pamuviri pake ndikapabvisa ndomadays ayee andaiswera ndakarara"* wakadaro Tsitsi. Munoziva ndakapererwa mwana wangu aiva atopanduka munguva shomanana iyoyi. Ko why ndaiva ndisina kuzviona zvese izvi. Ndakarwadziwa mufunge henyu 15 yrs yavakutoziva kubvisa nhumbu sure, haa zvakaoma zvatooneswa nevana ava. Rimwe zuva Rose akainda kumvura kwakutouya akagara zvake mumota yaJames uku ndaida James aroore mwanawangu Tsitsi asiye zvedhara rake iri. Ndakanzwa ruvengo rwuchiwedzera kuna Rose. Ndakamuti adzoke kumvura ndikaona vakuuya again naJames haa ndakatoona kumuudza nemuromo haatonzwe uyu. Ndakanomutarisa kunodai wanikwe imhandara. Ndakabhowekana zvisingaite ndaida kutomutsvagira someone anorara naye omubvisa umhandara ihwohwo. Ndakamuti asuke maplates ose aiva asina kudyira iwawo. Koo aida kudya chikafu chinotengwa nani. Achingopedza kusuka ndakamuti anoteka mvura yaashandisa iyoyo. Ndakakaona kachiita kubvunda nenzara kwakutoseka zvangu ndichipnda mumba. Ndakagara kwenguvarefu Rose asati adzoka uku vanaTsitsi vaiva vavapedyo kubva kuchikoro. Haaa ndakabhowekana zvsingaite ndakabva ndatsvaga shamhu dzangu 4. Panouya ipapo aindiona chete. Anoda kuti ani abike pano. Pakaenda kuchipatara uko akaita 2 days asipo ndakamuregerera apa anonyepa haapone chete. *"Maswera sei mama"* ndakatoshamisika ndichiona ariNyarai uyu aiva form 2 Tsitsi form 4. *"Hevoi vaManyoni matouya*" I said ndichigara zvangu pacouch. *"Ndaswera mama nzara chete"* she said. *"Yaruma here vaManyoni. Zvino mupengo uyu ndamuti ainde kumvura nanhasi haasati adzoka anondiona nhasi. Koo Tsitsi wamusiyepiko."* ndakabvunza. *"Haaaa mama saka hapana chekudya imimi matadza kubika here. Tsitsi ndamusiya uko aina Tarel mukomana wake umwe."* wakadaro. Munoziva ndaitoshaya hunhu hwaTsitsi hwakamboita seiko chaizvo in handina kubvira ndambodanana nezera rababa vangu. Ndakanovesa moto kuti ndibikire zvangu mwana wangu adye imbwa yaBelinda yaiva isati yadzoka iyi. Sure munhu anganoita 10 hrs kumvura here. Ndakabika sadza ndikapedza Tsitsi asatiwo asvika uyu Rose achingori kumvura. Tsitsi akazosvika tapedza zvose nekudya wakasvikira kunogeza zvake mwana waHillery. Since haasati ambozviita izvi kuti achibva kuchikoro osvika achigeza ndakatoziva wabva kunokwirwa chete. Ndakapedza mazuva maviri ndisina kubvira ndaona Rose. Moyo wangu wakatanga kurwadza kuti angava akaindepiko mwana uyu. Kwete kuti moyo wangu wairwadza kumuda ayewa kutoshaya munhu wekurova munhu anoita basa pano. Rimwe zuva papera 3 days ndakaona Rose achibudikira pamba aina James. Ndakasvotwa zvekusvotwa zviya. Ndakazongonyara kuti vaigara panext pedu ndaida kuvashura vese. Ndakavarega vachisvika zvavo nechemoyo ndakangoti ndichakubata James achinge aenda. *"Aaaa vaMamoyo madzoka tikutambirei"* ndakadaro achibva anyemwerera hake achitarisa James. Vakasvika vakagara pasi. James achibva ataura kuti wakanhonga Rose kuroad akafenda akamhanya naye kuchipatara. Ndakatinyepa kushamisika zvangu sendaisaziva zvakaitika. James haana kugarisa wakabva ainda zvake. Ndakasara ndakatarirana naRose ndikanzwa hasha dzangu dzichikwira chaiko. Ndakasimuka ndikamubata ruoko ndichimuzvuva kupinda naye mumba zvekuti akatoshamisikawo kuti mood yachinja nguvai. *"Ndiudze waivepi kubva zvandakakutuma kumvura"* ndakadaro ndchitotora shamhu dzangu pamusoro room divider. *"Tete hapana chandinoziva in ndakamukawo nezuro ndirimuchipatara"* she said ava kutoyeredza musodzi. Handina kumbomunzirwa tsitsi kana kuda kuzviterera zvaitaura. Ndakamurova senyoka yapinda mumba. Wakatanga achikumbira sorry kusvika anyarara avakuita zvekugomera kusvika ati rabada. *"Unofira mumaoko mangu mangu iwe mwana wembwa"* ndakadaro ndichikumukavira uko. *"Kurumidza kumuka ipapo unosuka uko nxaa"* ndakadaro ndikaona asina kupindura. Ndakanomubata nevhudzi rake ndichida kusimudza musoro wanike........ in hezvoo.......🫣 *James🪷* Ndakasiya Rose pamba pavo kwakuenda kumba kwedu. *"James chii chirikuitika pauri hauchaswera pamba"* vakadaro mama ndichangosvika. *"Haa mama ndava munhu mukuru ini ndikumbobatanidza maths dzangu"* ndakadaro ndichidarikira kuenda kumba yangu yekurara. *"James dzoka pano"* said mom ndakabva ndadzokera ndaivaziva Chihera kuti ukaona vokudai zvatoipa. *"Handisi mwana wako, handina kuenzana newe wanzwa kana uri pano unoshanda nemutemo wangu pamba pangu ini pano. Zvakatanga rini zvekundipindura uchienda ini ndichitaura newe? Kana usisade kugara pano ibva handidi kuzviona futi chienda hako"* vakadaro vachipupuma nehasha. *"Sorry kani Chihera wangu"* ndakabva ndatobva pavari kwakuenda mumba mangu. *"sure munhu anoti kana ane choya netundebvu avakutozviona sababa pano. Izvo zvindebvu 2 izvozvo ndizvo zvinomufurira"* ndakanzwa vachitaura vega. *Ndini Mai vepano. Tsveee kutsvaka mukadzi aroore nxaaa anoda ndichembere ndisina kuona muroora wangu, nxaa vamwe vana soo."* Ndaivanzwa vachipopota vaChihera vari panze. Vaitaura chokwadi but ini mukadzi ndanga ndisati ndomuda. Ndoda kutanga ndazadzisa zvishuviro zvemoyo wangu kwete kuzvipa stress. Plus ndoda kudya mari yangu Satan asati auya kuzozvara zvimwe zvisatan. Infact ndoda kunyan'anya ndimbokwidza Mai vangu ndege nekuti ndikazoroora havafe vakainhuwa. *"Jemusi iwe idouya kuno"* ndakasimuka ndichimhanya zvekutukwa handizvidi. Mashoko anorwadza kupfuura shamhu saka ndaisada kutukwa futi. *"Tora mari mumba unotenga madomasi, unoona dai une mwana akutoenda iwe wasara vezera rako vatotarisira kudya roora dzevana iwe uchingodzungaire kunge mudzimu urikushaya pekuenda kasika mhanya ndiri kukupa 10 minutes"* she said. Ndakamhanya kunotora mar kwakubuda ndaitomhanya netsoka ndaisada kuenda nemota nekuti ndaipedzisira ndaroyerwa mota isiri yangu. Varoyi vanongoroya vachiti munhu anezvinhu izvo zvisiri zvake dai vaitivhunza kuti ndezvako here taivaudza chokwadi. Ndototyira vanoshandisa iyo Photolab yadai kunetsa umwe achafira mahara vachifunga kuti wabudirira. Zvisinei sezvo nguva dzanga dzaenda kwatisvibei ndakamhanya ndakudzoka ndakanzwa mavoice aizevezera. *"Mama kuti afa here"* ndakazama kufananidza voice but ndakatadza asi ndairiziva. *"Usaite gwara iwe chera ...... tiii..."* ndakarinzwa zvakare. Ndakabva ndaendako kwakuona.....😳 *Drop your comments* *Stay tuned💖*

❤️ 😢 👍 🙏 😮 😂 284
Link copied to clipboard!