
KING JILE NOVELS 📚📚
June 2, 2025 at 02:19 PM
*🏵️R O S E M A R Y🏵️*
*Follow our Channel👇*
*https://whatsapp.com/channel/0029VaNMLm8ADTOMUF1jJu45*
*For Comment Group join👇*
*https://chat.whatsapp.com/ITz7AvKtj2E242eFNFKmaW*
*A SHORT LOVE STORY CREATED*
*AND*
*WRITTEN By:::::::::::::::::::::;*
*KING🤴JILE*
*+263716562851*
*&*
*FIRE🔥SISTER*
*«All rights reserved and no part of this publication reproduced or stored in a retrieval system or transmitted in any form or by any means include electronic, mechanical, photocopying, recording or without the prior permission of the Author»*
*Chapter 7️⃣*
*James🪷*
Ndakamuka mumba kubva ndaenda kubasa zvangu. Ndakasvika Silas akatondimirira achida tiinde kumba kwa Mr Chatiya.
*"Pamba pavo handipazive in huya udrive iwewe"* ndakadaro ndichiudza Silas.
*"Ok boe wangu rega ndiirove zvangu"* said Silas chitouya hake.
Akapinda mumota akatanga kudriver zvake mwana wekwaShumba takananga kumba kwaMr Chatiya. Takasvika vanhu vakatoungana ndomusi wavaifana kuchengetwa. Takabva takumbira kuona mukadzi wacho Mai Chatiya.
*"Makadiiko vanangu"* vanodaro Mai Chatiya vachisvika patiri.
*"Tinosimba amai makadiiko"* takadavira ka1 tose.
*"In ndinoitwa Detective James uyu wandiinaye aonzi Detective Silas, tinemibvunzo yatinoda kunzwawo kubva kwamuri"* ndakadaro.
*"Ok vanangu vhunzai henyu."* Vakadaro vachitopeta zvavo maoko
*"Koo musi waurawa murume wenyu ndiani akatanga kuona mutumbi wacho."* ndakadaro
*"Ipapo handizive vanangu, iniwo ndakaitwa kusheedzwa nePolice ichitondiudza kubva ndazoindako."* vanodaro vakatosurukirwa pachiso chavo.
*"Ok mhamha mupurisa akakufonerai anonzi ani"* ndakadaro nichida kutonzwa zita remupurisa iyeye ndine zvandaiva ndafunga.
*"Ummmmm pazita handicharemember asi number dzirimo mufoni umu."* said Mai Chatiya.
*"Ok tipeiwo"* ndakadaro.
*"Koo imimi ndimi murikuona nezve nyaya iyi here."* vakabvunza.
*"Ehe tisu"* ndakadaro vachibva vanditarisa kumeso kwenguva refu chaiko zvekuti ndakatombovhiringika mufunge. Vakazoshevedzera number dziya kubva azoti,
*"Koo sei ivo vekuona mutumbi vakati ndivo varikuona nezvayo"* vakabvunza vachiratidza kutoda mhinduro in time chaiko.
*"Ayoo maZRP hatishandidzane, ivo vanotsvaga nekudivi kwavo isuwo nekudivi kwedu"* ndakapindura ndakatorovawo imwe serious yakaipa.
*"Ok vanangu regai ndidzoke kune vamwe"* vakadaro vachitofamba kuinda zvavo. Takapinda mumota tikambogara zvenguva diki kubva tasimuka tichidzoka kubase kwedu.
*"But nhayi James tofana kunoona mupurisa arehwa uyo atiudze kuti waibvepi pakaona mutumbi uyu"* anodaro Silas.
Ndakaramba ndakanyarara ndichinyatsa kufunga kuti koo seiko that police man ariiye akatanga kuona mutumbu uyu uye aimbobvepi. Ndakatova nefirst suspect paari.
Takaedza kufonera 4n yake ikaramba. Ndirimukufunga kudero hameno kamind kaRose kakabvepi ndakangoerekana ndangoti
*"Aaaaaah"* ndichabata muromo zvinova zvakatovhundutsawo Silas.
*"Koo ukaita sewavhuduka kutsvene here topedzesera totyaka"* akadaro Silas akamira kumberi kwangu.
*"Eish ndakasiya mom vasiri kunzwa mushe"* I said ndichitomuvhara vhara kuti asabvunzisise.
Ndakatanga kurangarira mabviro andakaita kuChipatara kwaiva naRose nezuro. Ndakamusiya ndisina kumupa even chikafu zvacho eish ndakafeeler guilty guys nezvandakaita.
Ndakabva ndatombosiya zvekunoona mupurisa uyu ndafunga kunoona Rose kuti ariseiko. Ndakanyebera Silas kuti ndirikunoona my mom ndakasiya vasiri kunzwa mushe. Haana kuda kunetsawo ndikabva ndarova mota ndakanga kumusha. Ndakabva ndatosanga nayee akabata bucket muruoko achinochera mvura uku zuva raipisa sei guys. Ndakamisa mota pamberi pake.
*"Aaaaaa mukoma James"* akadaro Rose achifamba kutouya padoor remota.
*"Yeah ndini zvangu"* ndakadaro.
*"Eish sorry nebehavior yandakaita nezuro mukoma please ndiregerereíwo, chete ndaiva ndichitemwa nemusoro payaa"* akadaro akuda kutopfugama.
Ndakavhura door kubva ndaburuka ndikamubata kuti asapfugama hake.
*"Ok Rose ndazvinzwa asi ndinoda undipindurewo zvandichakuvhunza pano pasina kukakama ndizvo here?"* Wakamoramba anyerere akatarisa pasi ndokuzodavira hake.
*"Ok mukoma"* akadaro hake but pachiso pake paiva pasisina mufaro.
Ndakabva ndatanga kumubvunza maererano nekufa kwevabereki vake uye kuti vakafira kupi and ndiyani akatanga kuona zvese izvi.
*"Ndakatoshamisikawo ndichibva kuschool ndichitowana padoor pakazara ropa richibva mumba, panguva yandakavhura door ndopandakasanga nemashura akagochwa, mama nadady vaiva mudziva reropa vachiratidza vakaita zvekubaiwa nebanga pamoyo chaipo ndipo pandakascreamer mai venyu vachibva vauya"* akadaro Rose misodzi yavakutobuda.
*"Ok Rose koo maparents ako vaiva nemuvengi here"* ndakabvunza.
*"Vaiva vasina, Koo why kundivhunza zvese izvi mava mupurisa here? Please nyaya yevabereki vangu handide kuitaura taura inondirwadza atisiyane nayo please"* wakadaro asuwa pachiso.
*"Ok Rose ndazvinzwa chipinda mumota ndikuperekedze kumvura ndinokusiya pagate penyu"* ndakadaro chitomuvhurira door.
Haana kuramba hake akapinda agara kumbéri pamothersit kubva ndarova mota ndakanga kuchibhorani kwainoteka mvura.
Munzira mese ndaitofunga zvangu kuti ndotangira papiko kutsvaga mhondi dzake idzi. Ndakanyatsokuona kuti zvesure pachakaipa. Handina kana chinhu chinemusoro chandaiva ndabata.
Asi zvese ndakangosiira kumusiki ndiye achandipa mazano ekuti ndikwanise kudzibata chete.
Ndakasvika pachibhorani kubva ndamubatsira kudhaya. Rakazara bucket rake tikaisa mumota. Munzira mose hapna aitaura neumwe but ndaiona achibira bira kunditarisa zvese izvi ndaizviona zvangu nepaview mirror. Ndakasvika ndikapaka mota pagaté pavo achibva aburuka zvake achipinda mukati muyard mavo. Pasina nguva ndisati ndasimuka ndakanzwaa
*"Heheheeeeedeeee huriii",* (kwaaaaaaaa) vakadaro vachirovanisa maoko Mai Tsitsi ndakatoshaya varikusekei ini.
*"Mashura apiko aunotiitira nhayi Rose"* vakadaro Mai Tsitsi.
*"Ndaitasei nhayi Tete"* ndiRose akabvunzawo uyu. Ndakanzwa kurira kwembama ndikaziva ndiRose arohwa chete.
*"Pwaitasei pwete pwaitasei pwete kudiiii, sure ungabva kunokwirwa kuti utakurirwe mvura. Kwako kurikuda mota here? Manje nhasi haudye unoswera nayo chete"* vakadaro Mai Tsitsi vanova Tete vake
Ndakatadza kuziva kuti mai ava varikuedza kudiii chaizvo kana vachidai.
Vanoreva kuti inini ndinokwirana naRose sure? Ndakabva ndatoona zvese zvavaindiudza about her aitova manyepo vaida ndimuvenge chete.
Ndakatoona nehasha dzandaivà nadzo ndikaburuka mumota kuti ndisvikepo ndaizogona kuvarova chaiko.
Inini ndaiva munhu asingatane kutsamwa uye kana ndatsamwa zvinotora nguva ndizodzoreka. Ndakangomutsa mota kwakutorova U turn chero pamba pedu handina kuzosvika ndaiva ndatobhowekana chaiko. Ndakarova mota ndakananga kubasa kwangu.
Ndakatosvika inspector vadu vatoripo ndakarohwa nehana mufunge henyu. Vakabva varamba vakanditarira ndichiburuka mumota hana yangu ikabva yatanga kurova.
*"Nditevere kuOffice kwangu James"* vakadaro inspector tisatai tambomhoresana. Ummmm handide kunyepa ndakanzwa hana yangu yairova zvakasimba. Ndakatevera kuOffice kwavo ndirimmashure mavo.
Ndichangopinda mukati ndakanzwa vavakuti,
*"Mavapapiko nenyaya yaMr Chatiya. I hope mava neinformation inobatika now"* vakadaro vakatosunga uso zvekuratidza kutononokerwa chaiko.
*"Sorry sir as for now hatisati tava neinformation inobatika."* Ndakadaro ndakatarira pasi. Ndakaona kumeso kwavo kwasungwa zvakanyanya vachibva va.............😢
*Drop your comments*
*Stay tuned💖*
❤️
👍
😢
🙏
😂
😮
🤪
312